Back to LanguagesNext Chapter
Shona - Chapter 1 - Al-Fatiha
Translation by Abdullah J. M. Adini And Students — Permalink
Verse 1 — Surah Al-Fatiha 1:1
Muzita raAllah, Vane Tsitsi, Vane Ngoni
Verse 2 — Surah Al-Fatiha 1:2
Kurumbidzwa nekutendwa kwese ngakuve kuna Allah, Tenzi venyika dzese (zvisikwa zvese: vanhu, maJinn nezvese zviripo)
Verse 3 — Surah Al-Fatiha 1:3
Vane Tsitsi zhinji, neNgoni zhinji
Verse 4 — Surah Al-Fatiha 1:4
Muridzi (Mutongi) wezuva rekutongwa (zuva rekumutswa kwevakafa)
Verse 5 — Surah Al-Fatiha 1:5
Imi moga ndimi vatinonamata, uye imi mega ndimi vatinokumbira rubatsiro (rwazvose)
Verse 6 — Surah Al-Fatiha 1:6
Titungamirirei munzira yakatwasuka
Verse 7 — Surah Al-Fatiha 1:7
Nzira yeavo vamakapa makomborero (vatumwa, maporofita, nevaiti vezvakanaka), kwete nzira yeavo vamakatsamwira, kana yeavo vakarasika