Back to LanguagesPrevious ChapterNext Chapter
Shona - Chapter 14 - Ibrahim
Translation by Abdullah J. M. Adini And Students — Permalink
Verse 1 — Surah Ibrahim 14:1
Alif – Laam – Raa. (Aya mashoko ndemamwe ezvishamiso zviri muQur’aan, uye hapana anoziva zvaanoreva kunze kwaAllah). (Iri i) Bhuku ratadzikisa kwauri (iwe Muhammad (SAW)) kuti uve unobuditsa vanhu kubva murima (Kusatenda) uchivaisa muchiedza (Islaam) nekuda kwaTenzi vavo, munzira yemukuru wezvose, muridzi werumbidzo
Verse 2 — Surah Ibrahim 14:2
Allah ndivo muridzi wezvose zviri mumatenga nepano pasi! Uye matambudziko kune avo vasingatendi kubva kumutongo wakaomarara
Verse 3 — Surah Ibrahim 14:3
Avo vanosarudza hupenyu hwepano pasi pane hwemangwana, uye vanodzivirira (vanhu) nzira yaAllah (Islaam), uye vanoda kuti ive yakaipa (yakatsweyama). Vakadaro vakarasika zvikuru
Verse 4 — Surah Ibrahim 14:4
Uye hatina kutumira mutumwa kunze nemutauro wevanhu vake, kuti avajekesere (mashoko). Uye Allah vanorasisa ani nani wavanoda uye vanoratidza gwara ani nani wavanoda. Uye ndivo samasimba ose, vane huchenjeri hwese
Verse 5 — Surah Ibrahim 14:5
Uye zvirokwazvo, takatumira Musa nezviratidzo zvedu (tichiti): “Buritsa vanhu vako murima uchivapinza muchiedza, uye varangaridze makomborero aAllah. Zvirokwazvo, maari mune zviratidzo kune wese ane moyo murefu nekutenda.”
Verse 6 — Surah Ibrahim 14:6
Uye (rangarira) Musa paakati kuvanhu vake: “Rangarirai makomborero aAllah kwamuri, apo vakakubuditsai kubva kuvanhu vaFarawo avo vaikutambudzai nemarwadzo akaomarara, vachiuraya vanakomana venyu vachisiya vanasikana venyu; uye mazviri maive nemuedzo mukuru kubva kuna Tenzi venyu.”
Verse 7 — Surah Ibrahim 14:7
Uye (rangarira) apo Tenzi venyu vakati: “Kana mukatenda (nekunamata Allah chete), zvirokwazvo, ndichakuwedzerai (makomborero angu); asi kana mukasatenda, zvirokwazvo mutongo wangu wakaomarara.”
Verse 8 — Surah Ibrahim 14:8
Uye Musa akati: “Kana mukasatenda imi nevanhu vese vari munyika, zvirokwazvo, Allah havana chavanoda, muridzi werumbidzo dzose.”
Verse 9 — Surah Ibrahim 14:9
Nhau dzeavo vaivepo musati mavapo hadzina kukusvikirai here? Vanhu vaNowa, uye maAad uye maThamood? Uye neavo vakavatevera? Hapana anovaziva kunze kwaAllah. Vatumwa vavo vakauya kwavari nemirairo iri pachena, asi vakapinza maoko avo mumiromo (nokuda kwekutsamwa) uye vakati: “Zvirokwazvo, hatitendi kune izvo zvamatumwa nazvo, uye hatigutsikani zvikuru neizvo zvamunotikokera kwazviri (Islaam).”
Verse 10 — Surah Ibrahim 14:10
Vatumwa vavo vakati: “Pangava sei nekusagutsikana naAllah, Musiki wematenga nenyika? Vanokudanai (kuIslaam) kuti vave vanokuregererai zvitadzo zvenyu uye kukupai nguva yekurarama kwenguva yakatarwa.” Vakati: “Hausi umwe munhu mukuru wakangofanana nesu! Uri kushuvira kutitendeudza kubva kune izvo zvainamatwa nemadzibaba edu. Nokudaro tipei humboo huri pachena.”
Verse 11 — Surah Ibrahim 14:11
Vatumwa vavo vakati: “Zvirokwazvo, tiri vanhu vakafanana nemi, asi Allah vanopa nyasha dzavo kuna ani-nani wavanoda kuvaranda vavo. Hazvisi kwatiri kuti tikuunzirei humboo kunze nekuda kwaAllah. Uye regai vatendi vavimbe naAllah.”
Verse 12 — Surah Ibrahim 14:12
“Uye torega sei kuisa chivimbo chedu muna Allah mushure mekunge zvirokwazvo vatitungamirira munzira yedu? Uye zvirokwazvo ticharamba takatsungrira marwadzo ese amungaite kwatiri. Uye muna Allah regai vanovimba vavimbe.”
Verse 13 — Surah Ibrahim 14:13
Uye avo vasingatendi vakati kuvatumwa vavo: “Zvirokwazvo, tichakubuditsai munyika medu, kana kuti zvirokwazvo muchadzoka kuchitendero chedu.” Nokudaro Tenzi vavo vakavazarurira (vakavaudza kuti): “Zvirokwazvo, tichaparadza vaiti vezvakaipa.”
Verse 14 — Surah Ibrahim 14:14
“Uye zvirokwazvo, tichakuitai vagari vemo mushure mavo. Izvi ndezvekune uyo anotya kumira pamberi pangu (pazuva rekutongwa) uye kutya kutyityidzira kwangu.”
Verse 15 — Surah Ibrahim 14:15
Uye (vatumwa) vakatsvaga rubatsiro (kubva kuna Tenzi vavo (Allah)); uye mudzvinyiriri wese anozvitutumadza nekusateerera akaparadzwa
Verse 16 — Surah Ibrahim 14:16
Kumberi kwake (mudzvinyiriri) kune Gehena, uye achaitwa kuti anwe mvura inofashaira (inopisa)
Verse 17 — Surah Ibrahim 14:17
Achaidzvuta asingadi, uye zvichamuomera zvikuru kuti aimedze pahuro pake, uye rufu ruchauya kwaari nemativi ose, asi hazombofi uye pamberi pake pachange paine murango wakaomarara
Verse 18 — Surah Ibrahim 14:18
Muenzaniso (Parabhuro) yeavo vasingatendi muna Tenzi vavo, mabasa avo akafanana nemadota, zvokuti apo panovhuvhuta mhepo zvakasimba pazuva rokuvhuvhuta havazokwanisi kuwana chero chii zvacho pane zvavakaita. Uku ndiko kurasika kuri kure kure (nenzira yakatwasuka)
Verse 19 — Surah Ibrahim 14:19
Hauoni here kuti zvirokwazvo Allah ndivo vakasika matenga nenyika zvechokwadi? Kana vakada vanokwanisa kukubvisai uye (pachinzvimbo chenyu) vounza chisikwa chitsva
Verse 20 — Surah Ibrahim 14:20
Uye kuna Allah izvi hazvivavomeri
Verse 21 — Surah Ibrahim 14:21
Uye vose vachamira pamberi paAllah (pazuva rokutongwa), nokudaro avo vasina simba vachati kune avo vaizvitutumadza (madzimambo): “Zvirokwazvo, taitevera imi, saka munokwanisa here kutidzivirirawo chero nechii zvacho kubva kumarwadzo aAllah?” Vachati: “Dai Allah vakatipa gwara, dai takakutungamirirai. Zvakangofanana nesu (iyezvino) kushaya tarisiro, kana kutsungirira, hatina nzvimbo yokutizira.”
Verse 22 — Surah Ibrahim 14:22
Uye Satani achati kana nyaya yatongwa: “Zvirokwazvo, Allah vakakuvimbisai vimbiso yechokwadi. Uye neniwo ndikakuvimbisai, asi ndakakurasisai. Ndakanga ndisina simba pamusoro penyu kunze kwekuti ndakakudanai mukandidavira. Nokudaro musandinenedzere, asi zvinenedzerei pachenyu. Handikwanisi kukubatsirai, kana imi kundibatsirawo. Ndinoramba muitiro wenyu wakare wokundisanganisa naAllah (nekunditeerera muhupenyu hwepasi). Zvirokwazvo, kune mutongo wakaomarara kuvaiti vezvakaipa.”
Verse 23 — Surah Ibrahim 14:23
Uye kune avo vaitenda (muIslaam) nokuita mabasa akanaka, vachapinzwa muParadhiso iro rinoyerera mvura pasi paro, umo vachagara zvachose kuburikidza nekuda kwaTenzi vavo. Kumhoresana kwavo imomo kuchange kuri: “Salaam (Runyararo)!”
Verse 24 — Surah Ibrahim 14:24
Hauoni here kuti Allah vanopa sei muenzaniso? Shoko rakanaka rakafanana nemuti wakanaka, midzi yawo yakabatirira zvakanyanya, uye mapazi awo anobata denga
Verse 25 — Surah Ibrahim 14:25
Uchipa michero yawo nguva dzose nokuda kwaTenzi wawo, uye Allah vanopa mienzaniso kuvanhu kuti vave vanorangarira
Verse 26 — Surah Ibrahim 14:26
Uye muenzaniso weshoko rakashata wakafanana nemuti wakaipa wakadzurika kubva muivhu renyika, usina kutsigira
Verse 27 — Surah Ibrahim 14:27
Allah vanotsigira (vanosimbisa) avo vanotenda neshoko rine simba muhupenyu hwepasi pano, uye muhupenyu hwemangwana. Uye Allah vanoita kuti vasingatendi (vaiti vezvakaipa) varasike. Uye Allah vanoita zvavanoda
Verse 28 — Surah Ibrahim 14:28
Hauna kuona here avo vakashandura makomborero aAllah kuva kusatenda (nekuramba Muporofita Muhammd (SAW)), uye vakaita kuti vanhu vavo vapinde muimba yokuparadzwa
Verse 29 — Surah Ibrahim 14:29
Gehena, kwavachatsvira, uye inzvimbo yakaipa yokugara
Verse 30 — Surah Ibrahim 14:30
Uye vakarongera Allah vapikisi kuti vave vanobuditsa (vanhu) munzira yavo (Allah)! Iti: “Farai (nekahupenyu kenyu kapfupi)! Asi zvirokwazvo, magumo enyu imoto (Gehena)!”
Verse 31 — Surah Ibrahim 14:31
Iti (Muhammad (SAW)) kuvaranda vangu avo vakatenda, kuti vave vanoita munamato (Swalaah), uye kupa kubva kune izvo zvatakavapa muchihwande uye pachena, risati rasvika zuva iro risina kutengeserana kana ushamwari
Verse 32 — Surah Ibrahim 14:32
Allah ndivo vakasika matenga nenyika uye vanotumira mvura kubva kudenga, uye kubva mairi munobuda michero sechikafu chenyu; uye vakakugadzirirai ngarava idzo dzinofamba pamusoro pemvura nemurairo wavo; uye vakakugadzirirai nzizi
Verse 33 — Surah Ibrahim 14:33
Uye vakakugadzirirai zuva uye mwedzi, izvo zvinotevedza nzira yazvo, uye vakava vanokugadzirirai husiku nemasikati
Verse 34 — Surah Ibrahim 14:34
Uye vakava vanokupai zvese zvamunovakumbira, uye kana mukati muverenge makomborero aAllah, hamufi makakwanisa kumaverenga. Zvirokwazvo, munhu mukuru wekuita zvakaipa, nekusatenda
Verse 35 — Surah Ibrahim 14:35
Uye (rangarira) apo Ibrahim (Abrahamu) akati: “Imi Tenzi vangu! Itai kuti Guta iri (Makkah) rive rine runyararo uye kugadzikana, uye ndichengetedzei uye nevanakomana vangu mukunamata zvidhori.”
Verse 36 — Surah Ibrahim 14:36
“Imi Tenzi vangu! Zvirokwazvo, zvarasisa vanhu vakawanda munyika. Asi ani nani achanditevera, zvirokwazvo ndewangu. Uye ani nani asinganditeereri, magara muzvirokwazvo mune ruregerero rwese, netsitsi dzose.”
Verse 37 — Surah Ibrahim 14:37
“Imi Tenzi vedu! Ndaita kuti vamwe vevana vangu vagare mubani risingarimike padyo nemba yenyu tsvene (Ka’abah iri kuMakkah). Imi Tenzi vedu! Kuti vave vanoita munamato (Swalaah). Nokudaro zadzai moyo yevamwe vanhu nerudo kwavari, uye vapei michero kuti vave vanotenda.”
Verse 38 — Surah Ibrahim 14:38
“Imi Tenzi vedu! Zvirokwazvo, munoziva zvatinovanza nezvatinobuditsa. Hapana chiri munyika kana kumatenga chakavigika kubva kuna Allah.”
Verse 39 — Surah Ibrahim 14:39
“Rumbidzo dzose uye nekutenda ndezva Allah, avo vandipa ndachembera Ishumaeri naIsaka. Zvirokwazvo, Tenzi vangu ndivo zvirokwazvo munzwi mukuru wezvikumbiro.”
Verse 40 — Surah Ibrahim 14:40
“Imi Tenzi vangu! Ndiitei umwe weavo vanomira vachiita munamato (Swalaah), uye nekuvana vangu, Imi Tenzi vedu! Uye gamuchirai chikumbiro changu.”
Verse 41 — Surah Ibrahim 14:41
“Imi Tenzi vedu! Ndiregererei nevabereki vangu, uye nevatendi vose pazuva iro kubvunzurudzwa (kutongwa) kuchaitika.”
Verse 42 — Surah Ibrahim 14:42
Musafunga kuti Allah havazivi zvinoitwa nevaiti vezvakaipa, asi vanovapa nguva kusvika zuva iro maziso avo achange akadzvokora akatarisa zvinotyisa
Verse 43 — Surah Ibrahim 14:43
(Vachange) vachimhanya vakarebesa huro dzavo, misoro yavo yakasimudzwa, maziso avo asingadzoke kwavari uye moyo yavo isina chinhu (nekutya zvikuru)
Verse 44 — Surah Ibrahim 14:44
Uye (Muhammad (SAW)) yambira vanhu nezve zuva richauya marwadzo kwavari; uye vaiti vezvakaipa vachati: “Tenzi vedu! Tipeiwo kanguva kadiki, tichadavira kudana kwenyu uye kutevera vatumwa!” (Zvichanzi): “Hamuna here mushure kupika kuti hamusi kuzobva (munyika muchienda kuhupenyu hwamangwana)?”
Verse 45 — Surah Ibrahim 14:45
“Uye maigara mudzimba dzeavo vakazvitadzira pachavo, uye zvakanga zviri pachena kwamuri kuti takaita navo sei. Uye tikava tinokupai mienzaniso.”
Verse 46 — Surah Ibrahim 14:46
Zvirokwazvo, vakaronga hurongwa hwavo, uye hurongwa hwavo hwanga huna Allah, kunyange hurongwa hwavo hwanga usingakwanisi kubvisa makomo kubva panzvimbo yawo (makomo chaiwo kana mitemo yeIslaam)
Verse 47 — Surah Ibrahim 14:47
Musafunge kuti Allah havakwanisi kuchengetedza vimbiso yavo kuvatumwa vavo. Zvirokwazvo, Allah ndivo samasimba ose, vanokwanisa kutsiva
Verse 48 — Surah Ibrahim 14:48
Pazuva richachinjwa nyika kuita imwe nyika kunyange matenga, uye (zvisikwa zvese) zvichamira pamberi paAllah, vamwechete, vasingakundike
Verse 49 — Surah Ibrahim 14:49
Uye uchaona vatadzi pazuva iri vakasungwa pamwechete nengetani
Verse 50 — Surah Ibrahim 14:50
Zvipfeko zvavo zviri zverudzi rwebhitumini, uye moto wakavhara zviso zvavo
Verse 51 — Surah Ibrahim 14:51
Allah vachapa mubairo munhu wega wega maererano nezvaakaita. Zvirokwazvo, Allah vanokurumidza mumatongero avo
Verse 52 — Surah Ibrahim 14:52
Iri (Qur’aan) ishoko revanhu vose kuti vave vanoyambirwa naro, uye kuti vave vanoziva kuti ndivo Mwari voga (hapana ane kodzero yekunamatwa kunze kwaAllah), uye kuti vanhu vanonzwisisa vave vanorangarira