Back to LanguagesPrevious ChapterNext Chapter
Shona - Chapter 21 - Al-Anbiya
Translation by Abdullah J. M. Adini And Students — Permalink
Verse 1 — Surah Al-Anbiya 21:1
Mutongo wavanhu waswedera padyo apo ivo vanoramba nokushaya hanya
Verse 2 — Surah Al-Anbiya 21:2
Hapana yeuchidzo itsva (chitsauko chemuQur’aan) inouya kwavari kubva kuna Tenzi vavo, asi vanoiteerera vachiita zvekutamba (vachiita zvedambe)
Verse 3 — Surah Al-Anbiya 21:3
Moyo yavo yakaputirwa (nezvivi). Avo vanoita mabasa akashata, vanoviga izvo zvavanotaura muchivande (vachiti): “Uyu mutumwa (Muhammad (SAW)) haasi here munhu wenyama semi? Zvirokwazvo, mungatevere here mapipi aya makatarisa?”
Verse 4 — Surah Al-Anbiya 21:4
Muhammad (SAW)) akati: “Tenzi vangu vanoziva shoko rese rinotaurwa mumatenga nepanyika. Uye vanonzwa (zvese zvinotaurwa, kuimbwa), uye vanoziva zvese
Verse 5 — Surah Al-Anbiya 21:5
Asi avo (vasingatendi vanoramba shoko raAllah) vanotaura kuti: “Izvi zvaanotaura (Muhammad (SAW) kuti iQur’aan raAllah) maroto akasangana nemanyepo! Azvifunga ega izvi! Uye ndinyanduri wenhetembo (mudetembi)! (Kana achida kuti timutende mune zvaari kutaura) ngaauye nehumboo sewakatumirwa nawo maporofita akauya asati auya!”
Verse 6 — Surah Al-Anbiya 21:6
Maguta (madzinza) ose atakaparadza hapana rimwe chete rakanga ratenda (mushoko raAllah) mushure mavo. Saka ava vangatende here
Verse 7 — Surah Al-Anbiya 21:7
Hapana chatakatumira usati wavapo (Muhammad (SAW)), kunze kwevarume vatakapa mashoko (kana magwaro). Saka vhunza vanhu vakapihwa yeuchidzo (Magwaro – Torah, Vhangeri) kana usingazivi
Verse 8 — Surah Al-Anbiya 21:8
Hatina kusika vatumwa vaine miviri isingadyi chikafu, kana vari avo vanhu vasingafi
Verse 9 — Surah Al-Anbiya 21:9
Uye takazadzisa chivimbiso chedu kwavari, tikavanunura neavo vataida, uye tikava tinoparadza avo vanotadza (nokusatenda nokuita mabasa akaipa)
Verse 10 — Surah Al-Anbiya 21:10
Zvirokwazvo, takudzikisirai Bhuku (Qur’aan) rine yeuchidzo dzenyu mariri. Saka sei musinganzwisisi
Verse 11 — Surah Al-Anbiya 21:11
Maguta (madzinza) mangani aiita mabasa akaipa atakaparadza, uye tikava tinosika vamwe vanhu mushure mavo
Verse 12 — Surah Al-Anbiya 21:12
Uye pavakaona mutongo (marwadzo) edu (uchiuya kwavari), vakaedza kutiza kubva kwauri
Verse 13 — Surah Al-Anbiya 21:13
Musatize, asi dzokerai uko kwamaigara muri pamutambarakede, uye kudzimba dzenyu, kuti muve munobvunzwa
Verse 14 — Surah Al-Anbiya 21:14
Vakachema (vachitaura kuti): “Nhasi zvedu (Marwadzo kwatiri)! Zvirokwazvo, taive vatadzi vakuru (vaisanganisa Allah nezvimwe zvinhu).”
Verse 15 — Surah Al-Anbiya 21:15
Uye kuchema kwavo hakuna kupera, kusvika tavaita semapindu akakohwewa zvinhu, vakafa
Verse 16 — Surah Al-Anbiya 21:16
Hatina kusika denga nenyika neizvo zviri pakati pazvo (denga nenyika zvakaita semakore, nezvimwe) tichiita zvekutamba (zvedambe)
Verse 17 — Surah Al-Anbiya 21:17
Dai takada (Allah) kutora zvinhu zvinotivaraidza (mukadzi kana mwana), zvirokwazvo taingozvitora kubva kwatiri, dai taida kuzviita
Verse 18 — Surah Al-Anbiya 21:18
Asi, tinotumira chokwadi (Qur’aan) chichipikisa manyepo, chowaparada (manyepo), uye nenguva shoma manyepo opera. Uye kwamuri kuchave nemarwadzo pamusoro peizvo zvamunotaura (zvekunyepa kuti Allah vane mukadzi nemwana)
Verse 19 — Surah Al-Anbiya 21:19
Uye ndivo Ishe (Muridzi) wevose vari mudenga nepasi. Uye avo vari padyo navo (ngirozi) havazvitutumadzi pakuvanamata, uye havaneti (kuvanamata)
Verse 20 — Surah Al-Anbiya 21:20
Vanovarumbidza (Allah) siku nesikati, uye havasiyi (havaneti) kuzviita
Verse 21 — Surah Al-Anbiya 21:21
Pamwe vakatora here vamwe vanamwari (kuti vanamate) panyika avo vanomutsa vakafa
Verse 22 — Surah Al-Anbiya 21:22
Dai makanga muna vamwe vanamwari (mumatenga nepasi) kusara kwaAllah, zvirokwazvo, zvose zviri zviviri (Matenga nenyika) dai zvakaparara. Kurumbidzwa ngakuve kuna Allah, Tenzi vechigaro cheumambo (Arsh), vari pamusoro peizvo zvavanovatsanangudza nazvo (zvidhori, moto, vanhu, mhuka)
Verse 23 — Surah Al-Anbiya 21:23
Havabvunzwi izvo zvavanoita, asi ivo (vanhu) vachabvunzwa
Verse 24 — Surah Al-Anbiya 21:24
Pamwe vakatora vamwe vanamwari (vekunamata) vachisiya ivo? Taura kuti: “Huyai nehumboo hwenyu.” Iri (Qur’aan) iyeuchidzo kune avo vandinavo uye iyeuchidzo yeavo vari mushure mangu. Asi vazhinji vavo havazivi chokwadi, saka vanhu vanofuratira
Verse 25 — Surah Al-Anbiya 21:25
Hapana mutumwa atakatumira usati wavapo (Muhammad (SAW)) kusara kwekuti takamuudza kuti: Laa ilaaha illaa Ana (Hapana ane kodzero yekunamatwa kusara kwangu (Allah)), saka ndinamatei (ndoga)
Verse 26 — Surah Al-Anbiya 21:26
Uye vanotaura kuti: “Muridzi wetsitsi dzose (Allah) vakaita mwanakomana (kana vana).” Rumbidzo ngadzive kwavari! Asi avo (vavanoti vana vavo, ngirozi, Jesu, Ezira) varanda vakaremekedzwa (vavo)
Verse 27 — Surah Al-Anbiya 21:27
Havatauri kusvika ivo (Allah) vataura, uye vanoita mabasa semaudzirwo avanenge vaitwa navo (Allah)
Verse 28 — Surah Al-Anbiya 21:28
Vanoziva zviri mberi kwavo, uye zviri kumashure kwavo, uye havamiririri (munhu) kunze kweuyo wavafadzwa (Allah) naye. Uye vanozvininipisa nekuvatya (Allah)
Verse 29 — Surah Al-Anbiya 21:29
Uyo anotaura pakati pavo (kuti): “Zvirokwazvo, ndiri mwari kwete ivo (Allah),” akadaro tinomupa (Allah vari kutaura) mutongo weJahannam (Gehena). Aya ndiwo matongero atinoita vatadzi
Verse 30 — Surah Al-Anbiya 21:30
Avo vasingatendi havaoni here kuti denga nepasi zvakange zvakabatana kuva chinhu chimwechete, uye tikazvipatsanura? Uye takagadzira kubva kumvura chinhu chese chinorarama. Havangatendi zvino here
Verse 31 — Surah Al-Anbiya 21:31
Uye takava tinoisa panyika makomo akasimba kuti isave inozunguzika nawo, uye takagadzira mairi (nyika) nzira dzakafaranuka kuti vadarike, pamwe vangaratidzwa gwara rakatwasuka
Verse 32 — Surah Al-Anbiya 21:32
Uye takava (Allah) tinoita denga sehwikwiyo iro rakanyatsochengetedzwa. Asi vanoramba humboo hwaro (zuva, nyenyedzi, mwedzi, mhepo, makore, nezvimwe zvinhu)
Verse 33 — Surah Al-Anbiya 21:33
Uye ndivo (Allah) vakasika usiku nemasikati, uye zuva nemwedzi, chese chichifamba munzira yacho
Verse 34 — Surah Al-Anbiya 21:34
Uye hapana munhu (wenyama) watakaita kuti ararame nokusingaperi (haafi) iwe (Muhammad (SAW)) usati wavapo. Asi kana ukafa, vachagara zvachose here
Verse 35 — Surah Al-Anbiya 21:35
Chinhu chese (chinorarama) chicharavira rufu, uye tichava (Allah) tinokuedzai nezvakaipa pamwe nezvakanaka. Uye muchava munodzoswa kwatiri
Verse 36 — Surah Al-Anbiya 21:36
Uye avo vasingatendi (muIslaam) vakakuona (Muhammad (SAW)), vanokuita zvedambe (vanokunyomba) vachitaura vachiti: “Ndiye here uyu anotaura zvakaipa pamusoro panamwari venyu (zvidhori, midzimu)?” Havatendi mune yeuchidzo yemupi wengoni dzake (Allah)
Verse 37 — Surah Al-Anbiya 21:37
Munhu akava anosikwa aine hana nhete (asingazvibate). Ndichava (Allah) ndinokuratidzai maAayah angu (umboo, mutongo, marwadzo). Saka ndikumbirei kuti ndisava ndinomatumira nekuchimbidza
Verse 38 — Surah Al-Anbiya 21:38
Vanotaura (vasingatendi) kuti: “Vimbiso yacho ichauya rinhiko kana uchitaura chokwadi?”
Verse 39 — Surah Al-Anbiya 21:39
Dai avo vasingatendi vaiziva (mamiriro enguva) apo vachange vasingagoni kupumha (kudzima, kubvisa) moto kubva kuzviso zvavo, kana kubva kumashure kwavo, uye havambova vakabatsirwa
Verse 40 — Surah Al-Anbiya 21:40
Asi moto (wezuva rekutongwa) uchangouya kwavari vasingafungiri (vakavarairwa), uye uchavavhiringidza, uye havazowani simba rekuudzivirira, uye havambozorodzwi
Verse 41 — Surah Al-Anbiya 21:41
Zvirokwazvo, vatumwa vakauya usati wauya (Muhammad (SAW)) vakatukwa (nekusekwa), asi avo vaivatuka (vaiseka) vakakomberedzwa nazvo, izvo zvavaituka (nekuseka)
Verse 42 — Surah Al-Anbiya 21:42
Taura kuti: “Ndiani angakudzivirirei usiku nesikati kubva kumupi ane nyasha (Allah)?” Asi vanopira makotsi kune rangaridzo (yeuchidzo) yaTenzi vavo
Verse 43 — Surah Al-Anbiya 21:43
Kana kuti vane vamwe vanamwari (vekunyepera) vanovadzivirira kubva kwatiri? Havana simba rekuzvibatsira, kana kuti vave vanodzivirirwa kubva kwatiri (kubva kumurango wedu)
Verse 44 — Surah Al-Anbiya 21:44
Asi takavapa ava nemadzibaba avo kugarika kweupenyu uhwu kusvika pakuti nguva (yekurarama) yakavarebera. Havaoni here kuti nyika iri kutapudzwa (hutongi hwavo huri kutapudzwa) kubva kumiganhu yavo? Nokudaro ndivo here vachakunda (muhondo)
Verse 45 — Surah Al-Anbiya 21:45
Taura (Muhammad (SAW)) kuti: “Zvirokwazvo, ini ndinokuyambirai neizvo zvandakatumirwa (Qur’aan).” Asi avo vasinganzwi (vane nharo vanongotevera zvitendero vasingazivi zvirimo) havanzwi sheedzo apo vanenge vachiyambirwa (kuti munhu anofanira kutevedzera Qur’aan ne Sunnah (Nzira) yaMuhammad (SAW)
Verse 46 — Surah Al-Anbiya 21:46
Uye kana kachidimbu kemarwadzo aTenzi vako kavawira, zvirokwazvo, vanotaura kuti: “Maiwe (Marwadzo kwatiri)! Zvirokwazo, taiva vatadzi vakuru.”
Verse 47 — Surah Al-Anbiya 21:47
Tichava tinogadzika zvikero zvinoenzanisa (zvisingabiridziri) pazuva rekutongwa, zvokuti hapana munhu achadzvanyirirwa kunyange nepadiki pose (pakaita sei). Uye kana pane chicharema zvishoma kurema kwekamhodzi kadiki, tichachiburitsa pachena. Tisu tinokwanisa kutonga
Verse 48 — Surah Al-Anbiya 21:48
Uye takava tinopa Musa naHaaroon (Aroni) chipatsanuro (chezvakanaka nezvakaipa), uye chiedza chinopenya (Torah), uye neyeuchidzo kune avo vanotya Allah
Verse 49 — Surah Al-Anbiya 21:49
Avo vanotya Tenzi vavo kunyange vasingavaoni, uye vanotya Nguva (zuva rekutongwa)
Verse 50 — Surah Al-Anbiya 21:50
Uye iyi iyeuchidzo yakakomborerwa yatakadzikisa. Saka munoiramba here
Verse 51 — Surah Al-Anbiya 21:51
Zvirokwazvo, makare-kare takava tinopa Ibrahim (Abrahamu) nhungamiro yake (kunzira yakatwasuka), uye taiziva nezvake (kutenda kwake)
Verse 52 — Surah Al-Anbiya 21:52
Apo paakataura kuna baba vake nevanhu vake kuti: “Zviumbwa izvi, zviyi izvo munoperera pakuzvinamata?”
Verse 53 — Surah Al-Anbiya 21:53
(Vanhu vake) vakataura kuti: “(Izvi) takawana zvichinamatwa namadzitateguru edu.”
Verse 54 — Surah Al-Anbiya 21:54
(Abrahamu) akataura kuti: “Zvirokwazvo, imi nemadzibaba enyu makarasika zviri pachena.”
Verse 55 — Surah Al-Anbiya 21:55
(Vanhu) vakapindura vachiti: “Wauya nechokwadi here kwatiri kana kuti uri kuita zvekutamba?”
Verse 56 — Surah Al-Anbiya 21:56
(Abrahamu) akataura kuti: “(Zivai kuti) Tenzi venyu ndiTenzi (mumwechete Allah) vedenga nenyika, avo vakazvisika, uye ini kwazviri (pakusikwa kwazvo naAllah) ndinopa uchapupu.”
Verse 57 — Surah Al-Anbiya 21:57
“Uye ndinopika naAllah, zvirokwazvo ndichatsvaga zano rekuputsa zvidhori zvenyu mushure mekunge imi mambofamba-famba.”
Verse 58 — Surah Al-Anbiya 21:58
Nokudaro, akazviputsa kuita zvidimbu-zvidimbu, zvese kusara kwechihombe pakati pazvo, kuitira kuti vachibvunze (aputsa zvidhori)
Verse 59 — Surah Al-Anbiya 21:59
(Vanhu vadzoka) vakataura kuti: “Ndiani aita izvi kunanamwari vedu? Zvirokwazvo, mutadzi mukuru.”
Verse 60 — Surah Al-Anbiya 21:60
(Vamwe) vanhu vakati: “Takanzwa kamwe kamukomana kanonzi Abrahamu kachingotaura nezvazvo (zvidhori kuti kachazviputsa).”
Verse 61 — Surah Al-Anbiya 21:61
(Vamwe) vakati: “Huyai naye pamberi pevanhu kuti vave vanomuona (vave neuchapupu nezvake (Abrahamu)).”
Verse 62 — Surah Al-Anbiya 21:62
(Vanhu) vakati: “Ndiwe here waita izvi kuvanamwari vedu, iwe Abrahamu?”
Verse 63 — Surah Al-Anbiya 21:63
(Abrahamu) akati: “Asi ichi chihombe chazvo (zvidhori) ndicho chaita izvi. Zvibvunzei kana zvichigona kutaura!”
Verse 64 — Surah Al-Anbiya 21:64
Saka vakataura pachavo kuti: “Zvirokwazvo, muri vatadzi vakuru.”
Verse 65 — Surah Al-Anbiya 21:65
Uye vakazova vanopindura (pfungwa yavo) vakati: “Zvirokwazvo, iwe (Abrahamu) unoziva kuti (zvidhori) hazvitauri!”
Verse 66 — Surah Al-Anbiya 21:66
(Abrahamu) akati: “Saka munonamatirei izvo zvisingakubatsirei, kana kukukuvadzai muchisiya Allah?”
Verse 67 — Surah Al-Anbiya 21:67
“Mashoko akaipa kwamuri, imi neizvo zvamunonamata muchisiya Allah! Hamupfungi here?”
Verse 68 — Surah Al-Anbiya 21:68
(Vanhu) vakati: “Mupisei (Abrahamu) mubatsire vanamwari venyu, hunge muchizviita (muchizvikwanisa).”
Verse 69 — Surah Al-Anbiya 21:69
Takataura (Allah) kuti: “Iwe Moto! Iva unotonhora wopa ruchengetedzo kuna Abrahamu!”
Verse 70 — Surah Al-Anbiya 21:70
Uye vaida kumukuvadza, asi takavaita vanhu vakarasikirwa zvikuru
Verse 71 — Surah Al-Anbiya 21:71
Uye takamuponesa iye naLoti (Lut) kunyika yakakomborerwa kuvanhu nezvinhu zvose
Verse 72 — Surah Al-Anbiya 21:72
Uye takamupa (vana) Ishaaq (Isaka) uye (muzukuru) Ya’qoob (Jakobho). Vose takavaita vana vakatwasuka
Verse 73 — Surah Al-Anbiya 21:73
Uye takavaita vatungamiriri vaitungamira vanhu nokuda kwedu, uye tikavakomekedza kuita mabasa akanaka, kuita Swalaah (Minamato), uye kupa Zakaah (kupa Swadaqah kwevapfumi kuvarombo mushure kwegore), uye vainamata Isu (Allah) chete
Verse 74 — Surah Al-Anbiya 21:74
Uye Loti takamupa ungwaru neruzivo, uye tikamuponesa kubva muguta iro raiitwa zvakashata. Zvirokwazvo, vaiva vanhu vakashata vaiita zvivi
Verse 75 — Surah Al-Anbiya 21:75
Uye takamupinza mutsitsi dzedu. Zvirokwazvo, aiita mabasa akanaka
Verse 76 — Surah Al-Anbiya 21:76
Uye (rangarirai) apo Nowa akachema kwatiri makare. Takamupindura uye tikamuponesa iye nemhuri yake kubva kumarwadzo makuru
Verse 77 — Surah Al-Anbiya 21:77
Takamubatsira kubva kune vanhu avo vairamba mashoko edu. Zvirokwazvo, vaiva vanhu vaiita mabasa akashata. Saka vese takavanyudza
Verse 78 — Surah Al-Anbiya 21:78
Uye (rangarirai) Dawood (Dhavhidha) naSulaimaan (Soromoni) pavaitonga maererano nebindu iro rakanga radyiwa namakwai avanhu usiku, uye takanzwa kutonga kwavo
Verse 79 — Surah Al-Anbiya 21:79
Uye takaita kuti Sulaimaan (Soromoni) anzwisise (nyaya yacho), uye vose takavapa hungwaru neruzivo. Uye takaita kuti makomo neshiri zvitirumbidze pamwechete naDhavhidha. Uye ndisu takazviita (zvese)
Verse 80 — Surah Al-Anbiya 21:80
Uye takamudzidzisa kugadzira nguwo dzehondo dzesimbi, kuti dzikudzivirirei mukurwa kwenyu. Muchava munotenda here
Verse 81 — Surah Al-Anbiya 21:81
Uye Soromoni takaita kuti mhepo ive inovhuvhuta zvakasimba nekuda kwake ichienda kunzvimbo iyo yatakakomborera. Uye tinoziva zvese
Verse 82 — Surah Al-Anbiya 21:82
Uyezve kune mamwe maJinn (zvisikwa zvakasikwa nemoto) ayo haimunyurira (Soromoni mumvura achitsvaga matombo akakosha nezvimwe zvinhu), uye zvakare achiita rimwe basa rakasiyana neirori, uye takanga tirisu taivachengetedza
Verse 83 — Surah Al-Anbiya 21:83
Uye (rangarirai) Ayyoob (Jobho) apo paakachema kuna Tenzi vake (achiti): “Zvirokwazvo, marwadzo ava pandiri, uye imi ndimi mune tsitsi kudarika vose vanopa tsitsi.”
Verse 84 — Surah Al-Anbiya 21:84
Takava tinopindura kuchema kwake, tikabvisa marwadzo aiva paari. Uye tikamudzorera mhuri yake pamwechete nevamwe vakafanana navo setsitsi kubva kwatiri, uye seyeuchidzo kune avo vanotinamata
Verse 85 — Surah Al-Anbiya 21:85
Uye Ismail (Ishumaeri) naIdrees (Inoki) naDhul-Kifl (Isaiah), vose vaiva vakatsungirira
Verse 86 — Surah Al-Anbiya 21:86
Uye takavapinza mutsitsi dzedu. Zvirokwazvo, vaiva varanda vakatwasuka
Verse 87 — Surah Al-Anbiya 21:87
Uye (rangarirai) Dhun-Noon (Yunus (Jonah)) apo paakabva achienda akatsamwa (munzvimbo iyo yaaiva atumirwa), uye akafunga kuti hatimubati! Akava anochema ari murima hombe (achiti): “Laa ilaaha illaa Anta (Hakuna umwe mwari anokodzera kunamatwa kunze kwenyu (Allah))! Kukudzwa ngakuve kwamuri! Zvirokwazvo ndini mutadzi.”
Verse 88 — Surah Al-Anbiya 21:88
Takava tinopindura kuchema kwake, tikamuponesa kubva kumarwadzo. Uye saizvozvo ndiwo maponesero atinoita vatendi (muIslaam)
Verse 89 — Surah Al-Anbiya 21:89
Uye (rangarirai) Zakariyya apo paakachema kuna Tenzi vake achiti: “Tenzi vangu! Musandiite ndingova ndega (ndisina mwana). Kunyangwe ndimi vanonyatsogona kugara nhaka.”
Verse 90 — Surah Al-Anbiya 21:90
Takamupindura munamato wake, uye tikamupa Yahya (Johwani), uye tikamurapira mukadzi wake (ange achembera kuti aite mwana). Zvirokwazvo, vaimhanyidzana mukuita mabasa akanaka, uye vaitisheedza vaine zvishuwo (zvekupindurwa) uye nokutya, uye vaizvininipisa kwatiri
Verse 91 — Surah Al-Anbiya 21:91
Uye uyo akazvichengetedza humhandara hwake (Mariam (Mariya)), takava tinofuridza mweya wedu kwaari (munguwo dzake kuburikidza neNgirozi, Gabriel, kuti ave nemwana), uye takaita kuti iye (Mariam) nemwana wake (Jesu) vave chiratidzo kumunhu wose (nemaJinn)
Verse 92 — Surah Al-Anbiya 21:92
Zvirokwazvo, vanhu vako ava vamwe chete (chitendero chavo chimwe chete, Islaam), saka ndini Tenzi venyu, saka ndinamatei (ndega)
Verse 93 — Surah Al-Anbiya 21:93
Asi vakava vanopatsanurana pakati pavo maererano nechitendero chavo. Asi vese vachadzoka kwatiri
Verse 94 — Surah Al-Anbiya 21:94
Asi uyo anoita mabasa akanaka ari mutendi (muhumwechete hwaAllah), mabasa ake haamborambwi. Zvirokwazvo, takamanyora pasi (mubhuku rake remabasa)
Verse 95 — Surah Al-Anbiya 21:95
Takarambidza guta rese (vanhu varo) ratakaparadza kuti havambodzoki (panyika ino kuti vanamate)
Verse 96 — Surah Al-Anbiya 21:96
Kusvikira Ya’jooj naMa’jooj (rudzi rweGogu naMagogu) vavhurirwa umo mavakavharirwa, uye vodzika vakawanda kubva kunzvimbo dzese dzakakwirira
Verse 97 — Surah Al-Anbiya 21:97
Uye vimbiso yechokwadi (zuva rekutongwa) ichava padyo. Uye (kana vanhu vamutswa kubva mumakuva), muchaona maziso eavo vasingatendi atuzura panzvimbo imwechete nokutya. Vachataura kuti: “Nhasi zvedu (Maiwee)! Taiva tisina hanya neizvi (tisingazviisi mupfungwa), asi taiva vatadzi vakuru.”
Verse 98 — Surah Al-Anbiya 21:98
Zvirokwazvo, imi vasingatendi neizvo zvamunonamata muchisiya Allah, muchava huni dzekuGehena! Zvirokwazvo, mucharipinda
Verse 99 — Surah Al-Anbiya 21:99
Dai zvidhori izvi zvaiva vanamwari, vaisaripinda (Gehena), asi zvose navose vachagaramo chete
Verse 100 — Surah Al-Anbiya 21:100
Varimo vachange vachifemera padenga nekudzvova kukuru, uye imomo vachange vasinganzwi
Verse 101 — Surah Al-Anbiya 21:101
Zvirokwazvo, avo zvakanaka zvakatungamirirwa kwavari kubva kwatiri, vachaiswa kure naro (Gehena)
Verse 102 — Surah Al-Anbiya 21:102
Havambonzwi kutinhira kwaro (kungave kushoma), vachigara umo maidiwa nemoyo yavo (Paradhiso)
Verse 103 — Surah Al-Anbiya 21:103
Kushungurudzika kukuru (kwezuva rekutongwa) hakumbovabati, uye ngirozi dzichasangana navo (dzichitaura kuti): “Iri ndiro zuva renyu iro maigarovimbiswa.”
Verse 104 — Surah Al-Anbiya 21:104
Uye (rangarirai) zuva iro tichapeta denga semapetero anoitwa mabhuku. Sematangiro atakaita chisikwa chekutanga, tichazvidzokorodza (Allah vari kutaura). Ichi chivimbiso chechokwadi kwatiri. Zvirokwazvo, tichazviita
Verse 105 — Surah Al-Anbiya 21:105
Uye zvirokwazvo takanyora muZaboor (Mabhuku ese akadzikiswa, Torah, Vhangeri, Mapisarema, Qur’aan) mushure mekunge tanyora muyeuchidzo (Al-Lauh Al-Mahfoodh, Bhuku rina Allah kumatenga), kuti varanda vangu vakanaka vachagara nyika iyi nhaka (Paradhiso)
Verse 106 — Surah Al-Anbiya 21:106
Zvirokwazvo, umu (muQur’aan) mune mashoko ari pachena eavo vanonamata Allah (maMuslim)
Verse 107 — Surah Al-Anbiya 21:107
Uye takava tinokutumira (Muhammad (SAW)) uri nyasha kune vanhu vose (nemaJinn nezvose zviripo pasi)
Verse 108 — Surah Al-Anbiya 21:108
Taura kuti (Muhammad (SAW)): “Zvirokwazvo, zvakatumirwa kwandiri kuti Mwari wenyu mumwe chete. Saka muchazvipira here muzvido zvavo (mova maMuslim)?”
Verse 109 — Surah Al-Anbiya 21:109
Asi vakaramba (Islaam) taura (kwavari) kuti: “Ndinokuyambirai (hondo) iyo yakafanana neiyo yatinoziva. Asi handizivi kuti zvamakavimbiswa (Zuva reQiyaamah) zviri padyo here kana kuti zviri kure.”
Verse 110 — Surah Al-Anbiya 21:110
“Zvirokwazvo, vanoziva (Allah) izvo zvamunotaura zviri pachena (neizwi riri pamusoro), uye vanoziva izvo zvamunotaura muchiwande.”
Verse 111 — Surah Al-Anbiya 21:111
“Uye handizivi kuti pamwe muedzo kwamuri, kana kuti kamufaro kekanguva kadiki.”
Verse 112 — Surah Al-Anbiya 21:112
Akataura (Muhammad (SAW)) kuti: “Tenzi vangu! Tongai nechokwadi! Tenzi vedu ndevengoni, vanokumbirwa pakurwisa izvo zvamunotaura (pamusoro paAllah kuti vane mwanakomana kana kuti vana, kana kuti Muhammad (SAW) ndewemapipi, kana kuti Qur’aan inhetembo)!”