Back to LanguagesPrevious ChapterNext Chapter
Shona - Chapter 22 - Al-Hajj
Translation by Abdullah J. M. Adini And Students — Permalink
Verse 1 — Surah Al-Hajj 22:1
Imi vanhu! Ityai Tenzi venyu! (Nokuti) zvirokwazvo, kundengendeka kwenyika pazuva rekupedzisira chinhu chinotyisa zvikuru
Verse 2 — Surah Al-Hajj 22:2
Zuva iro muchazviona, amai vose vanoyamwisa vachakanganwa rusvava rwavo, uye (amai) avo vakazvitakura (vane mimba) vachadonhedza icho chavakasenga (mwana ari mudumbu), uye muchaona vanhu vachinge sevakadhakwa, asi vanenge vasina kudhakwa, asi kuti marwadzo aAllah achange ari makuru
Verse 3 — Surah Al-Hajj 22:3
(Uye) pakati pavanhu pane uyo anopikisa maererano nezvaAllah asina ruzivo, uye anotevera shaitwaan (dhiyabhorosi) wese akapanduka (asingateereri Allah)
Verse 4 — Surah Al-Hajj 22:4
Zvakava zvinokomekedzwa paari (Shaitwaan) kuti uyo achamutevera, achamurasisa, uye achamuendesa kumarwadzo emoto
Verse 5 — Surah Al-Hajj 22:5
Imi vanhu! Kana musingabvumi zvokuti muchamutswa (Pazuva rekutongwa), zvirokwazvo, takakusikai kubva kuivhu (Adam), uye kubva kuNutfah (mbeu yemunhurume nemukadzi), uye kubva kuchigodo cheropa, uye kubva kuchidimbu chenyama, chimwe chakaumbika uye chimwe chisina kuumbika, kuti tizvijekese kwamuri (Kukuratidzai masimba nekugona kwedu kuita zvatinoda). Uye tinoita uyo watinoda kuti arambe ari mudumbu (maamai vake) kwenguva yakatarwa (mwedzi mipfumbamwe), uye tinokuburitsai (munhumbu) sevana (vacheche), uye tokukudzai kuti muve majaya. Uye pakati penyu pane uyo anofa achiri mwana, uye pakati penyu pane uyo anodzoserwa kuzera rakashata (anochembera kudzokera muhucheche zvakare), kusvikira pakuti anokanganwa zvose zvaaiziva. Uye unoona nyika (ivhu) yakaoma, asi tikaita kuti mvura inaye pairi (nyika/ivhu) inodzoswa kuhupenyu, uye yokura uye yobuditsa mbeu yese yakanaka
Verse 6 — Surah Al-Hajj 22:6
Nokuti Allah, ndivo vechokwadi, uye ndivo vanopa hupenyu nerufu, uye ndivo vanokwanisa kuita zvinhu zvose
Verse 7 — Surah Al-Hajj 22:7
Uye zvirokwazvo, nguva (zuva rekutongwa) iri kuuya (ichasvika), uye hapana kusagutsikana (kupokana) mairi; uye zvirokwazvo, Allah vachamutsa vose vari mumakuva
Verse 8 — Surah Al-Hajj 22:8
Uye pakati pavanhu kune uyo anopikisa maererano nezvaAllah, asina ruzivo kana nhungamiro, kana Gwaro rinopa chiedza
Verse 9 — Surah Al-Hajj 22:9
Anokotamisa huro yake nokuzvitutumadza, uye achirasisa (vamwe) kubva munzira yaAllah. (Munhu iyeye) achava anonyadziswa paupenyu hwepanyika, uye pazuva rekutongwa tichaita kuti ave anoravidza marwadzo emoto
Verse 10 — Surah Al-Hajj 22:10
(Izvi zvichaitika) nokuda kwemaoko ako zvaakatumira mberi (zvakaipa), uye zvirokwazvo, Allah havadzvanyiriri varanda vavo
Verse 11 — Surah Al-Hajj 22:11
Uye pakati pavanhu pane uyo anonamata Allah nekusagutsikana (asingazvitendi kuti kuna Allah); asi chinhu chakanaka chikamuwira (chikaitika kwaari) anogutsikana nacho; asi chinhu chakaipa chikamuwira anofuratira nechiso chake (anodzokera mukusatenda sekuenda kun’anga). Munhu uyu anorasikirwa nezvose panyika nekudenga. Uku ndiko kurasikirwa kuri pachena
Verse 12 — Surah Al-Hajj 22:12
Anonamata achisiya Allah izvo zvisingamukuvadzi kana kumubatsira. Uku ndiko kurasika kuri kure
Verse 13 — Surah Al-Hajj 22:13
Anonamata (achisiya Allah) uyo wokuti marwadzo ake ari padyo kudarika rubatsiro rwake. Zvirokwazvo, uyu (munamatwa) mubatsiri akashata, uye zvirokwazvo ishamwari yakaipa
Verse 14 — Surah Al-Hajj 22:14
Zvirokwazvo, Allah vachapinza avo vanotenda (muhumwechete hwaAllah) nekuita mabasa akanaka muParadhiso iro rine nzizi dzinoerera pasi paro. Zvirokwazvo, Allah vanoita zvavanoda
Verse 15 — Surah Al-Hajj 22:15
Uyo zvake anofunga kuti Allah havambomubatsiri (Muhammad (SAW)), ngaazvisungirire netambo padenga azviuraye. Uye oona kuti hurongwa wake uchaita kuti izvo zvaasingadi zvibve
Verse 16 — Surah Al-Hajj 22:16
Naizvozvo takaridzikisa (Qur’aan iri kuna Muhammad (SAW)) sezviratidzo zviripachena, uye zvirokwazvo, Allah vanotungamira uyo wavanoda
Verse 17 — Surah Al-Hajj 22:17
Zvirokwazvo, avo vanotenda (kuna Allah nemutumwa wavo (SAW)), neavo vanova maJudha, uye maSwaabi’uoon, uye maKristu, uye maMajoos, uye avo vanonamata zvimwe zvinhu vachisiya Allah, zvirokwazvo, Allah vachatonga (vachajekesa) pakati pavo pazuva rekutongwa. Zvirokwazvo, Allah vanoona zvose (zvinoitika panyika)
Verse 18 — Surah Al-Hajj 22:18
Hauoni here kuti uyo wese ari mumatenga neuyo ari pasi, uye zuva, nemwedzi nenyenyedzi, uye makomo, nemiti, nezvipuka zvose zvinofamba, uye vazhinji vevanhu vanopfugamira Allah. Asi vazhinji vevanhu marwadzo (aAllah) akatokomekedzwa pavari. Uye uyo munhu anodzikisirwa naAllah, hapana anogona kumukwidziridza. Zvirokwazvo, Allah vanoita izvo zvavanoda
Verse 19 — Surah Al-Hajj 22:19
Ava vavengi vaviri (vatendi neavo vasingatendi) vanopikisana maererano naTenzi vavo, asi avo vasingatendi vachagadzirirwa nguwo dzemoto, uye mvura iri kufashaira (inopisa) ichadirwa mumisoro yavo
Verse 20 — Surah Al-Hajj 22:20
Zvose zviri mumatumbu mavo zvichaitwa kuti zvinyungudike nemvura iyi, uye makanda avo (aperewo zvakare)
Verse 21 — Surah Al-Hajj 22:21
Uye vachawana haka dzesimbi dzakasungirirwa (kuti vave vanorwadziwa semutongo wavo)
Verse 22 — Surah Al-Hajj 22:22
Pose pavachada kubuda imomo (kubva kumoto) nekuda kwemarwadzo, vachadzorerwa zvakare mauri, uye (vachataurirwa kuti): “Ravirai marwadzo ekutsva!”
Verse 23 — Surah Al-Hajj 22:23
Zvirokwazvo, Allah vachapinza avo vanotenda (muhumwechete hwaAllah) nekuita mabasa akanaka mumapindu ane nzizi dzinoerera pasi pawo, umo vachashongedzwa nefumba dzegoridhe (mabhenguru) nemapera, uye nguwo dzavo dzichave dziri dzesiriki
Verse 24 — Surah Al-Hajj 22:24
Uye (pano panyika) vakatungamirirwa mukutaura mashoko akanaka (Laa ilaaha illaallaahu – Hakuna chimwe chinhu chine kodzero yekunamatwa kusara kwaAllah, nekuverenga Qur’aan), uye vakatungamirirwa kunzira yeavo vanorumbidzwa (Allah)
Verse 25 — Surah Al-Hajj 22:25
Zvirokwazvo, avo vasingatendi (muna Allah) uye vanodzivirira vamwe kubva kunzira yaAllah, uye kuenda kuAl-Masjid Al-Haraam (kuMakkah) iyo yatakaita kuti isununguke kune munhu wese, anogaramo uye vashanyi kubva kune dzimwe nyika vanova vakaenzana (vakafanana) maererano nemutemo yemo. Uye uyo anoita mabasa akaipa arimo (muAl-Masjid Al-Haraam), tichaita kuti aravire marwadzo akaomarara
Verse 26 — Surah Al-Hajj 22:26
Uye (rangarirai) patakaratidza Ibrahim (Abrahamu) nzvimbo yekuvaka imba (Ka’bah kuMakkah) yekunamatira tichiti (Allah vari kutaura): “Musasanganise zvimwe zvinhu neni mukunamata, uye chenurai imba yangu (Ka’bah) kune avo vanoitenderera (Tawaaf), uye kune avo vanonamatiramo (Swalaah), uye avo vanokotama (Ruku), uye avo vanopfugama (Sajdah) (kunamata nekurumbidza Allah).”
Verse 27 — Surah Al-Hajj 22:27
“Uye taurira vanhu maererano nezveHajj (Kushanyira Ka’bah kuMakkah kunonamata). Vachauya kwauri vachifamba netsoka uye nengamera yese isina kusimba, vachibva nenzira dzese dzemumakomo dziri kure (kuti vaite Hajj).”
Verse 28 — Surah Al-Hajj 22:28
(Vanouya) kuti vaone zvinhu izvo zvinovabatsira (makomborero eHajj neUmrah, uye nemakomborero epanyika kuburikidza nekutengeserana), uye kuti varangarire Zita raAllah mumazuva akatarwa (10, 11, 12 na 13 Dhul-Hijjah) vachitenda mhuka dzavakavapa (kuti vauraye seQurbaan (Mupiro) vachiti: Bismillaahi Wallaahu Akbar, Allaahumma minka wa ilaika (Muzita raAllah, uye Allah ndivo Mukuru! Imi Allah! Izvi zvabva kwamuri uye zvirikudzokera kwamuri)). Idyai (nyama) kubva kwadziri uye mopa avo vanotambura vari munguva yakaoma
Verse 29 — Surah Al-Hajj 22:29
Saka ngavapedzise izvo zvavakatarirwa (muHajj) uye vopedzisa ivo zvavakapikira, uye votenderera imba yakavakwa kare (Ka’bah kuMakkah)
Verse 30 — Surah Al-Hajj 22:30
Naizvozvo, uyo anoremekedza izvo zvakakosha zvaAllah, zvakamunakira kuna Tenzi vake. Mombe dzakabvumidzwa kwamuri, kunze kweidzo dzamunoudzwa (kuti dzakarambidzwa). Saka, siyai chitadzo chekunamata zvidhori uye mashoko emanyepo
Verse 31 — Surah Al-Hajj 22:31
Hunafaa’ Lillaah (Vanonamata Allah chete), vasingavasanganise nezvimwe zvinhu; uye uyo anosanganisa Allah nezvimwe zvinhu, anoita kunge uyo adonha kubva kudenga, uye shiri dzomujombora (dzomubata) kana kuti mhepo yamukanda nzvimbo iri kure
Verse 32 — Surah Al-Hajj 22:32
Saizvozvo (zvataurwa mundima 27, 28, 29, 30 ne 31 ndivo mabasa vanhu vanofanira kuitira Allah), uye uyo anoremekedza zviratidzwa zvaAllah, zvirokwazvo, ane moyo wakachenurwa zvakanaka (unotya Allah)
Verse 33 — Surah Al-Hajj 22:33
Mune zvinokubatsirai madziri (mombe/mhuka) kwemazuva akatarwa, uye mushure maizvozvo dzinounzwa kuimba yekare yakakomborerwa (Ka’bah kuMakkah) kuti dziuraiwe semupiro
Verse 34 — Surah Al-Hajj 22:34
Uye kune vanhu vose vakauya (Panyika), takavapa nzira dzavo dzekunamata kuti vave vanorangarira zita raAllah maererano nemhuka idzo dzavakavapa kuti vadziite chikafu. Saka Mwari venyu Mwari mumwe chete. Zvipirei kwavari mukunamata. Ova (Muhammad (SAW)) unoudza avo vanoteerera Allah mashoko akanaka (kuti vachapinda Jannah)
Verse 35 — Surah Al-Hajj 22:35
(Vanhu vacho) avo vanoti Allah vakarangarirwa, moyo yavo inozadzwa nekutya, uye avo vanotsungirira pane izvo zvose zvinovawira, uye avo vanoita Swalaah (Munamato), uye avo vanoshandisa (munzira yaAllah) kubva kuizvo zvatakavapa
Verse 36 — Surah Al-Hajj 22:36
Uye mhuka (mombe, ngamera, mbudzi, hwai) takadziita kuti dzive zviratidzwa zvaAllah kwamuri, umo munowana zvakanaka zvakawanda. Saka ivai munorangarira (munotaura) zita raAllah pamusoro padzo kana dzaiswa mumitsetse (kuti dziurawe). Kana dzichinge dzarara nemativi adzo dzafa, idyai kubva kwadziri (nyama yadzo), mova munopa uyo anotambura (nyama) uyo asingakumbiri vanhu uye uyo anokumbira. Saizvozvo takadziisa (mhuka) pasi penyu kuti muve munotenda (Allah)
Verse 37 — Surah Al-Hajj 22:37
Nyama yadzo kana ropa radzo harisvika kuna Allah, asi kuti kutya kwenyu ndiko kunosvika kuna Allah. Nokudaro takadziisa (mhuka) pasi penyu kuti muve munorumbidza Allah nekukutungamirai kwavanoita. Uye Ipa (Muhammad (SAW)) mashoko akanaka kune avo vanoita mabasa akanaka
Verse 38 — Surah Al-Hajj 22:38
Zvirokwazvo, Allah vanodzivirira avo vanotenda. Zvirokwazvo, Allah havadi avo vasingatendi vasingavimbiki (avo vasingateereri Allah vachiteerera satani)
Verse 39 — Surah Al-Hajj 22:39
Kurwisa (vasingatendi) kwabvumidzwa kune avo (vatendi) varikuriswa, nokuti ndivo vatadzirwa; uye zvirokwazvo, Allah vanokwanisa kuti vatendi vakunde (mukurwisa vasingatendi)
Verse 40 — Surah Al-Hajj 22:40
Avo vakadzingwa mudzimba dzavo pasina chinangwa (chikonzero) nekuti vanotaura kuti: “Tenzi vedu ndiAllah.” Dai kusiri kuti Allah vanodzivirira vanhu kuburikidza nevamwe (vanhu), nzvimbo dzavo dzekunamatira (MaKristu, maJudha, maMuslim), umo mavanorangarira zita raAllah kazhinji, dai dzakadonhedzwa pasi (dzakaparadzwa). Zvirokwazvo, Allah vanobatsira avo vanobatsira nzira yavo. Zvirokwazvo, Allah ndivo samasimba, mukuru-kuru
Verse 41 — Surah Al-Hajj 22:41
Avo (vatungamiriri vemaMuslim) vanoti kana tikavapa simba (rekutonga) panyika, vanokurudzira kuitwa kweSwalaah (Minamato mishanu pazuva), uye kupa Zakaah (Zvipo kuvarombo), uye vokurudzira kuitwa kwezvinhu zvakanaka uye vorambidza kuitwa kwezvinhu zvakaipa. Uye kuna Allah ndiko kunoperera nyaya dzese (dzezvisikwa zvavo)
Verse 42 — Surah Al-Hajj 22:42
Uye kana vakakuramba (Muhammad (SAW)), zvirokwazvo, vanhu vaNowa, maAad nemaThamud vakarambawo (vatumwa vavo) ivo (maArabhu ekuSaudi Arabia) vasati vavapo
Verse 43 — Surah Al-Hajj 22:43
Uye vanhu vaIbrahim (Abrahamu) uye vanhu vaLut (Loti)
Verse 44 — Surah Al-Hajj 22:44
Uye vagari vemuMadyan (Midian); uye Musa akarambwa. Asi avo vasingatendi ndakambovarega kwekanguva kadiki, asi ndakazovatumira marwadzo, uye marwadzo angu aiva akaoma (kune avo vanotadza)
Verse 45 — Surah Al-Hajj 22:45
Maguta mazhinji takamaparadza aiita mabasa akashata, tikamaita kuti ave marara (kusvika nhasi), uye matsime (akawanda) haasi kushandiswa uye dzimba (dzavo) guru
Verse 46 — Surah Al-Hajj 22:46
Havana kumbofamba here panyika, kana kuti havana moyo here yavanonzwisisa nayo kana kuti nzeve dzekunzwa nadzo? Zvirokwazvo, haasi maziso anopofumara, asi kuti moyo iri mukati mezvipfuva ndiyo inopofumara
Verse 47 — Surah Al-Hajj 22:47
Uye vanokumanikidza kuti uite marwadzo auye nekuchimbidza! Asi Allah havakundikani muvimbiso yavo. Uye zvirokwazvo zuva rimwe chete kuna Tenzi vako chiuru chemakore (1000) kana imi mava kuverenga
Verse 48 — Surah Al-Hajj 22:48
Uye maguta mazhinji ndakambowarega zvishoma asi achiita mabasa akaipa. Uye (pakupedzisira) ndakamatumira marwadzo. Uye kwandiri muchava munodzoka (mafa uye mushure merufu)
Verse 49 — Surah Al-Hajj 22:49
Taura kuti (Muhammad (SAW)): “Imi vanhu! Zvirokwazvo, ndiri muyambiri ari pachena kwamuri.”
Verse 50 — Surah Al-Hajj 22:50
Avo vanotenda (muIslaam) nekuita mabasa akanaka, vachawana ruregerero uye vachawana raramo yakanaka (Paradhiso)
Verse 51 — Surah Al-Hajj 22:51
Asi avo vanoshingirira mukurwisa zviratidzo zvedu (Aayaat) kuti vazvikanganise, zvirokwazvo, vachava vagari vemumoto
Verse 52 — Surah Al-Hajj 22:52
Hatina kumbotumira mutumwa kana muporofita iwe usati wavapo (Muhammad (SAW)), asi paakaverenga zvatumirwa (bhuku) kana kutsanangura kana kutaura (nezvebhuku), Satani akakanda manyepo mariri. Asi Allah vanobvisa (vanodzivirira) izvo zvinouya naSatani, uye Allah vanogadza (nekusimbisa) ndima dzavo. Uye Allah ndivo vane ruzivo rwese, uye vane hungwaru hwese
Verse 53 — Surah Al-Hajj 22:53
Izvi kuitira kuti (zviri paAayah 52) Allah vaite izvo zvinokandwa naSatani miedzo kune avo vane moyo ine chirwere (cheunyengedzi), uye vane moyo yakaomarara. Uye zvirokwazvo, avo vanotadza vanopikisa zvikuru (Chokwadi)
Verse 54 — Surah Al-Hajj 22:54
Uyezve kuitira kuti avo vakapihwa ruzivo vazive kuti (iri Qur’aan) ichokwadi kubva kuna Tenzi vako, kuti vatende mariri, uye kuti moyo yavo izvipire kwavari (Allah) ichizvininipisa. Uye zvirokwazvo, Allah ndivo vanotungamira avo vanotenda kunzira yakatwasuka
Verse 55 — Surah Al-Hajj 22:55
Uye avo vasingatendi vacharamba vaine kusagutsikana maererano naro (Qur’aan iri) kusvikira Nguva yasvika kwavari (Zuva reQiyaamah) vasingafungiri, kana kuti zuva remarwadzo ravasvikira iro mushure maro kuchange kusina husiku
Verse 56 — Surah Al-Hajj 22:56
Zuva iro utongi huchava huri hwaAllah. Vachatonga pakati pavo. Saka avo vakatenda (muIslaam) nekuita mabasa akanaka, vachapinda mumapindu emufaro (Paradhiso)
Verse 57 — Surah Al-Hajj 22:57
Asi avo vakaramba kutenda, uye vakaramba ndima dzedu (dziri muQur’aan), ndivo vachave nemarwadzo anodzikisira (muGehena)
Verse 58 — Surah Al-Hajj 22:58
Uye avo vakatama munzira yaAllah ndokubva vaurawa kana kufa (vega), zvirokwazvo, Allah vachavapa raramo yakanaka (Paradhiso). Uye zvirokwazvo, Allah ndivo vanopa raramo yakanaka kukunda vapi vese
Verse 59 — Surah Al-Hajj 22:59
Zvirokwazvo, vachaita kuti vapinde nenzira inovafadza, uye zvirokwazvo, Allah vane ruzivo rwese, vane tsitsi zhinji
Verse 60 — Surah Al-Hajj 22:60
Saizvozvo zvinoitwa. Uye uyo anodzorera (marwadzo) zvinoenderana nemarwadzisirwo aaitwa, uye otadzirwa zvekare, zvirokwazvo Allah vachamubatsira. Zvirokwazvo, Allah vanoregerera zvikuru
Verse 61 — Surah Al-Hajj 22:61
Nokuti Allah vanopinza usiku mumasikati, uye vanopinza masikati muhusiku. Uye zvirokwazo, Allah ndivo vanonzwa zvese, vanoona zvose
Verse 62 — Surah Al-Hajj 22:62
Nokuti Allah ndivo Chokwadi (Mwari mumwechete vane kodzero yokunamatwa), uye izvo zvinonamatwa (zvidhori, moto, nezvimwe zvakadaro) kunze kwavo, ndezvenhema. Uye zvirokwazvo, Allah ndivo vari pamusoro pezvese, uye ndivo mukuru wezvose
Verse 63 — Surah Al-Hajj 22:63
Hauoni here kuti Allah vanotumira mvura kubva kudenga (inonaya), nyika yobva yaevedza (zvirimwa zvopukira)? Zvirokwazvo, Allah ndivo vane tsitsi dzose, uye vane ruzivo rwezvose
Verse 64 — Surah Al-Hajj 22:64
Ndivo muridzi hwezvese zviri mumatenga uye zvose zviri panyika. Uye zvirokwazvo, vane upfumi (havana chavanoda kubva kuvanhu), vanofanirwa kurumbidzwa
Verse 65 — Surah Al-Hajj 22:65
Hauoni here kuti Allah vakakupai zvose zviri panyika, uye ngarava dzinofamba mumakungwa nokuda kwavo? Ndivo vakabata denga kuti risadonhere pasi kusara nekuda kwavo. Zvirokwazvo, Allah vane tsitsi kuvanhu, nenyasha zhinji
Verse 66 — Surah Al-Hajj 22:66
Ndivo (Allah) vanokupai upenyu, uye vanoita kuti mufe, uye vachakupaizve upenyu (pazuva rokutongwa). Asi zvirokwazvo, munhu haatendi (zvose zvaanoitirwa naAllah)
Verse 67 — Surah Al-Hajj 22:67
Kune vanhu vose (vari panyika neavo vakadarika) takavapawo nzira dzekunamata idzo dzavanofanira kutevera. Saka, ngavasapokane newe (vasingatendi) mune nyaya dzacho (kudya nyama dzakachekwa uye kusiya idzo dzafa dzega). Asi daidzira kuna Tenzi vako. Zvirokwazvo, (Muhammad (SAW)) uri panhungamiro yakatwasuka (Islaam)
Verse 68 — Surah Al-Hajj 22:68
Uye kana vakakupikisa (maererano nekucheka mhuka), vaudze kuti: “Allah vanoziva zvakanaka izvo zvamunoita.”
Verse 69 — Surah Al-Hajj 22:69
“Allah vachatonga pakati penyu pazuva rekumutswa maererano neizvo zvamaisiyana (pakunamata).”
Verse 70 — Surah Al-Hajj 22:70
Hauzivi here kuti Allah vanoziva zviri mumatenga uye zviri panyika? Zvirokwazvo, zvese zviri muGwaro (rina Allah, Al-Lauh Al-Mahfoodh). Zvirokwazvo, zviri nyore kuna Allah (kuita zvose)
Verse 71 — Surah Al-Hajj 22:71
Uye vanonamata zvimwe zvinhu vachisiya ivo (Allah) izvo zvavasina kudzikisa mvumo yacho kuti vaite, uye zvavasina ruzivo nazvo. Uye avo vanoita zvitadzo havawani mubatsiri
Verse 72 — Surah Al-Hajj 22:72
Uye kana ndima dzedu dziri pachena vakadziverengerwa, unoona zviratidzo zvekuramba pameso peavo vasingatendi! Vakatogadzirira kurwisa nehondo avo vanoverenga ndima dzedu kwavari. Iti (Muhammad (SAW)): “Ndingakuudzai here izvo zvakashata kudarika izvozvo? Moto weGehena uyo wakavimbiswa naAllah avo vasingatendi, uye (Gehena) inova iri nzvimbo yakashata kusvika!”
Verse 73 — Surah Al-Hajj 22:73
Imi vanhu! Enzaniso yakava inopuhwa, saka iteererei (zvakadzama). Zvirokwazvo, avo vamunonamata muchisiya Allah, havakwanisi kana kusika nhunzi, kunyangwe vakaungana kuti vazviite. Uye kana nhunzi ikatora chimwe chinhu kubva kwavari, havana simba rekuchibvisa (rekuchitora) kubva kwairi (nhunzi). Vanotsvaga uye vanotsvagwa vese havana simba
Verse 74 — Surah Al-Hajj 22:74
Havana kumbofungidzira Allah semafungidzirwo avanofanirwa kuitwa. Zvirokwazvo, Allah vane masimba ese, nehukuru
Verse 75 — Surah Al-Hajj 22:75
Allah vanosarudza vatumwa kubva kungirozi uye kubva kuvanhu. Zvirokwazvo, Allah vanonzwa zvese, uye vanoona zvese
Verse 76 — Surah Al-Hajj 22:76
Vanoziva (Allah) zviri mberi kwavo uye mumashure mavo. Saka kuna Allah ivai munopira nyaya dzose
Verse 77 — Surah Al-Hajj 22:77
Imi vanotenda! Kotamai, uye pfugamai, uye namatai Tenzi venyu, uye itai mabasa akanaka kuti muve munobudirira
Verse 78 — Surah Al-Hajj 22:78
Uye shingirirai munzira yaAllah kushingirira kwechokwadi (nemoyo yose). Vakakusarudzai (kuti muparidze shoko ravo reIslaam), uye havana kumbokuomeserai muchitendero. Chitendero chababa venyu Ibrahim (Abrahamu). Ndivo (Allah) vakakupai zita rekuti maMuslim mose musati mavapo uye mariri (Qur’aan), kuti mutumwa (Muhammad (SAW)) vape humboo pamusoro penyu uye imi muve vanopa humboo pamusoro pevanhu! Saka itai Swalaah (Minamato), mopa Zakaah (Zvipo kuvarombo), uye mobatisisa kuna Allah (movimba navo munyaya dzenyu dzese). Ndivo mutungamiriri (muchengeti) wenyu. Muchengeti akanaka zvikuru (anokwanisa kudzivirira zvose) uye mubatsiri akanaka zvikuru (anokwanisa kukubatsirai muzvose zvinoitika)