Back to LanguagesPrevious ChapterNext Chapter
Shona - Chapter 26 - Ash-Shuara
Translation by Abdullah J. M. Adini And Students — Permalink
Verse 1 — Surah Ash-Shuara 26:1
Twaa – Seen – Meem. (Mavara aya ndemamwe ezvishamiso zviri muQur’aan, uye hapana anoziva zvaanoreva kunze kwaAllah)
Verse 2 — Surah Ash-Shuara 26:2
Idzi ndidzo ndima dzeGwaro riri pachena (Qur’aan iri, iro rakavimbiswa naAllah muTorah neVhangeri)
Verse 3 — Surah Ash-Shuara 26:3
Zvimwe (Muhammad (SAW)) ungazviuraye nokuchema nokuti havazi vatendi (muIslaam)
Verse 4 — Surah Ash-Shuara 26:4
Kana tichida, tinovatumira kubva kudenga chiratidzo icho chokuti huro dzavo dzinoramba dzakakotama (vachizvininipisa)
Verse 5 — Surah Ash-Shuara 26:5
Uye yambiro haiuyi kwavari semashoko matsva kubva kumupi wenyasha, kusara kwekuti vanowafuratira
Verse 6 — Surah Ash-Shuara 26:6
Asi zvirokwazvo vanoramba (chokwadi chemuGwaro reQur’aan), uye mashoko eizvo zvavaidzikisira (zvavaiseka) achauya kwavari
Verse 7 — Surah Ash-Shuara 26:7
Havatarisi kune nyika here – zvingani zvatinoburitsa kubva mairi kubva kuchinhu chose chakanaka (chakakomborerwa)
Verse 8 — Surah Ash-Shuara 26:8
Zvirokwazvo, mazviri mune chiratidzo, asi vazhinji vavo havatendi (muna Allah)
Verse 9 — Surah Ash-Shuara 26:9
Uye zvirokwazvo, Tenzi vako, chokwadi ndivo vari pamusoro-soro, uye vane tsitsi zhinji (kupinda zvose)
Verse 10 — Surah Ash-Shuara 26:10
Uye (rangarira) apo Tenzi vako vakadana Musa (vachiti): “Enda kune vanhu vanoita mabasa akashata.”
Verse 11 — Surah Ash-Shuara 26:11
“Vanhu vaFarawo. Havatyi (Allah) here uye vova vanhu vakanaka?”
Verse 12 — Surah Ash-Shuara 26:12
(Musa) akati: “Tenzi vangu! Zvirokwazvo, ndinotya kuti vangandiramba.”
Verse 13 — Surah Ash-Shuara 26:13
“Uye hana yangu inhete (haina kusimba), uye rurimi rwangu runokakama. Saka tumirai kuna Haaroon (Aroni, kuti ave anoenda neni).”
Verse 14 — Surah Ash-Shuara 26:14
“Uye vane mutongo wemhosva yangu, saka ndinotya kuti vangandiuraye.”
Verse 15 — Surah Ash-Shuara 26:15
(Allah) vakati: “Kwete! Endai muri vaviri nezviratidzo zvedu. Zvirokwazvo, tichave tinemi tichiteerera.”
Verse 16 — Surah Ash-Shuara 26:16
“Uye endai mose muri vaviri kuna Farawo monoti (kwaari): ‘Tiri vatumwa vaTenzi vepasi rose.’”
Verse 17 — Surah Ash-Shuara 26:17
(Tatumwa kuti tikuudze kuti): “Titumire vana vaIzirairi tiende navo.”
Verse 18 — Surah Ash-Shuara 26:18
(Farawo) akati: “Hatina kukuchengeta here pakati pedu uri kamwana? Ukagara nesu kwemakore mazhinji ehupenyu hwako.”
Verse 19 — Surah Ash-Shuara 26:19
“Uye wakaita zvawakaita (zvekuuraya munhu), uye uri veavo vasingatendi.”
Verse 20 — Surah Ash-Shuara 26:20
(Musa) akati: “Ndakazviita izvi ndichiri weavo vanhu vakarasika.”
Verse 21 — Surah Ash-Shuara 26:21
“Saka ndakatiza kubva kwamuri nekuda kwekukutyai. Asi Tenzi vangu vakandipa mutongo (ungwaru uye nehuporofita), uye vakandiita umwe wevatumwa.”
Verse 22 — Surah Ash-Shuara 26:22
“Urwu ndirwo rubatsiro rwavakandiitira kare rwaunondirangaridza, asi iwe uchiita varanda (nekudzvanyirira) vana vaIzirairi.”
Verse 23 — Surah Ash-Shuara 26:23
Farawo akati: “Uye chii Tenzi vepasi rose (vanhu, nemaJinn nezvose zviripo)?”
Verse 24 — Surah Ash-Shuara 26:24
(Musa) akati: “Tenzi vepasi nekudenga, nezvose zviri pakati pazvo, kana uchida kunyatsotenda.”
Verse 25 — Surah Ash-Shuara 26:25
(Farawo) akati kune avo vakamutenderedza (makurukota ake anenge akagara navo samambo): “Muri kunzwa here zvaari kutaura?”
Verse 26 — Surah Ash-Shuara 26:26
(Musa akataura) akati: “Tenzi venyu uye Tenzi vemadzitateguru enyu!”
Verse 27 — Surah Ash-Shuara 26:27
(Farawo) akati: “Zvirokwazvo, mutumwa wenyu uyo atumirwa kwamuri anopenga (anorwara nepfungwa)!”
Verse 28 — Surah Ash-Shuara 26:28
(Musa) akati: “Tenzi vekumabvazuva uye kumavirira (Madokero), uye zvose zviri pakati pavo, ndokunge kana muchinzwisisa!”
Verse 29 — Surah Ash-Shuara 26:29
(Farawo) akati: “Kana mukatora umwe mwari muchisiya ini, zvirokwazvo, ndinokuita umwe wevasungwa.”
Verse 30 — Surah Ash-Shuara 26:30
(Musa) akati: “Nyangwe ndakuvigira chinhu chiri pachena?”
Verse 31 — Surah Ash-Shuara 26:31
(Farawo) akati: “Uya nacho, kana uri umwe weavo vanotaura chokwadi!”
Verse 32 — Surah Ash-Shuara 26:32
Saka (Musa) akakanda tsvimbo yake pasi, uye nechinguva chisipi yakava nyoka mhenyu iri pachena
Verse 33 — Surah Ash-Shuara 26:33
Uye akaburitsa ruoko rwake (kubva muhapwa), uye rwaivaima kune avo vose vaiona
Verse 34 — Surah Ash-Shuara 26:34
(Farawo) akati kune makurukota akanga aripo akamutenderedza: “Zvirokwazvo, uyu munhu anoziva mapipi zvikuru.”
Verse 35 — Surah Ash-Shuara 26:35
“Ari kuda kukubvisai munyika menyu nekuda kwemapipi ake, saka munoraira chii?”
Verse 36 — Surah Ash-Shuara 26:36
Vakati: “Chimbomudzorera zvishoma nemukoma wake, uye wotumira vadaidzi kumaguta ese vachidaidza.”
Verse 37 — Surah Ash-Shuara 26:37
“Kuti vakuvigire muzivi zvakanyanya wese wemapipi.”
Verse 38 — Surah Ash-Shuara 26:38
Nokudaro vazivi vemapipi vakaunganidzwa nenguva yakatarwa pazuva rakatarwa
Verse 39 — Surah Ash-Shuara 26:39
Uye zvakanzi kuvanhu: “Muchava munounganawo here?”
Verse 40 — Surah Ash-Shuara 26:40
“Kuti tive tinotevera n’anga (vaiti vemapipi) kana vave vanokunda.”
Verse 41 — Surah Ash-Shuara 26:41
Saka n’anga padzakasvika dzakataura kuna Farawo kuti: “Zvirokwazvo, tichave nomubairo here kana tave tinokunda?”
Verse 42 — Surah Ash-Shuara 26:42
(Farawo) akati: “Hongu, uye muchave zvirokwazvo avo vanogara pedyo neni.”
Verse 43 — Surah Ash-Shuara 26:43
Musa akati kwavari: “Kandai (tione) izvo zvamurikuda kukanda!”
Verse 44 — Surah Ash-Shuara 26:44
Nokudaro vakakanda tambo dzavo uye zvitanda (tsvimbo) dazvo, uye vakati: “Nesimba raFarawo, zvirokwazvo tisu tichave tinokunda!”
Verse 45 — Surah Ash-Shuara 26:45
Uye Musa akakanda tsvimbo yake (pasi), uye yakamedza zvose zvamanyepo zvavairatidza
Verse 46 — Surah Ash-Shuara 26:46
Uye vaiti vemapipi vose vakabva vapfugama pasi
Verse 47 — Surah Ash-Shuara 26:47
Vachiti: “Tinotenda muna Tenzi vepasi rose (vanhu, maJinn nezvose zviripo).”
Verse 48 — Surah Ash-Shuara 26:48
“Tenzi vaMusa naHaaroon (Aroni).”
Verse 49 — Surah Ash-Shuara 26:49
Farawo akati: “Munotenda maari ndisati ndakupai mvumo. Zvirokwazvo, uyu ndiye mukuru wenyu akakudzidzisai mapipi? Nekudaro zvirokwazvo, muchazvia zvenyu. Zvirokwazvo, ndichadambura maoko enyu uye makumbo enyu kumativi akapesana (ruoko rwerudyi negumbo rekuruboshwe kana kupindura), uye ndichakurovererai mose pamuchinjikwa.”
Verse 50 — Surah Ash-Shuara 26:50
Vakati: “Hapana chakaipa! Zvirokwazvo, kuna Tenzi vedu tichava tinodzokera.”
Verse 51 — Surah Ash-Shuara 26:51
“Zvirokwazvo, tinovimba kuti Tenzi vedu vachatiregerera zvitadzo zvedu sezvo tiri vekutanga kutenda (muIslaam uye muna Musa naHaaroon (Aroni)).”
Verse 52 — Surah Ash-Shuara 26:52
Uye takave tinodzikisa kuna Musa kuti: “Famba husiku nevaranda vangu (kubva kuna Farawo), asi zvirokwazvo muchateverwa.”
Verse 53 — Surah Ash-Shuara 26:53
Farawo akatumira vadani mumaguta ose
Verse 54 — Surah Ash-Shuara 26:54
(Achiti): “Zvirokwazvo, vanhu ava kaboka kadiki.”
Verse 55 — Surah Ash-Shuara 26:55
“Uye zvirokwazvo, vaita zvinhu zvatigumbura.”
Verse 56 — Surah Ash-Shuara 26:56
“Asi zvirokwazvo, tisu tose takaungana nekuyambirwa.”
Verse 57 — Surah Ash-Shuara 26:57
Saka takavadzinga kubva mumapindu uye zvitubu
Verse 58 — Surah Ash-Shuara 26:58
Hupfumi, uye nzvimbo dzose dzakarurama
Verse 59 — Surah Ash-Shuara 26:59
Nokudaro takaita kuti vana vaIzirairi vave vanogara nhaka yavo
Verse 60 — Surah Ash-Shuara 26:60
Saka vakavatevera panguva yekubuda kwezuva
Verse 61 — Surah Ash-Shuara 26:61
Mapoka maviri aya paakaonana, vanhu vaMusa vakati: “Zvirokwazvo, tava kuzobatwa zvino.”
Verse 62 — Surah Ash-Shuara 26:62
(Musa) akati: “Hazviiti. Zvirokwazvo, Tenzi vangu vaneni. Vachava vanonditungamira.”
Verse 63 — Surah Ash-Shuara 26:63
Takava tinodzikisa kuna Musa (kuti): “Rova nyanza netsvimbo yako.” Uye yakapatsanuka, uye mafasho (emvura) akasiyana-siyana akaita kunge mazikomo mahombe
Verse 64 — Surah Ash-Shuara 26:64
Takave tinounza vamwe (vanhu vaFarawo) padyo nenzvimbo iyoyo
Verse 65 — Surah Ash-Shuara 26:65
Uye takanunura Musa neavo vaiva naye
Verse 66 — Surah Ash-Shuara 26:66
Uye takave tinonyudza vamwe (Farawo nevanhu vake)
Verse 67 — Surah Ash-Shuara 26:67
Zvirokwazvo, umu (munyaya yaFarawo naMusa) mune chiratidzo, asi vazhinji vavo havatendi
Verse 68 — Surah Ash-Shuara 26:68
Uye chokwadi, Tenzi vako (Muhammad (SAW)), zvirokwazvo ndivo vakurusa, uye vane tsitsi zhinji
Verse 69 — Surah Ash-Shuara 26:69
Uye vaverengere nyaya yaIbrahim (Abrahamu)
Verse 70 — Surah Ash-Shuara 26:70
Apo paakati kuna baba vake uye vanhu vake: “Munonamatei?”
Verse 71 — Surah Ash-Shuara 26:71
Vakati: “Tinonamata zvidhori, uye takazvipira kwazviri.”
Verse 72 — Surah Ash-Shuara 26:72
Ibrahim (Abrahamu)) akati: “Zvinokunzwai here kana manamata kwazviri?”
Verse 73 — Surah Ash-Shuara 26:73
“Kana (kuti) zvinokubatsirai here kana kukukuvadzai?”
Verse 74 — Surah Ash-Shuara 26:74
Vakati: “Asi takawana madzibaba edu achiita zvakadai.”
Verse 75 — Surah Ash-Shuara 26:75
Ibrahim (Abrahamu)) akati: “Munoona here izvo zvamunonamata.”
Verse 76 — Surah Ash-Shuara 26:76
“Imi nemadzibaba enyu?”
Verse 77 — Surah Ash-Shuara 26:77
“Zvirokwazvo vavengi vangu kusara kwaTenzi vepasi rose (vanhu, maJinn nezvese zviripo).”
Verse 78 — Surah Ash-Shuara 26:78
“Vanova vakandisika, uye ndivo vanonditungamira.”
Verse 79 — Surah Ash-Shuara 26:79
“Uye ndivo vanondipa kudya, uye vanondipa zvekunwa.”
Verse 80 — Surah Ash-Shuara 26:80
“Uye kana ndichirwara, ndivo vanondiporesa.”
Verse 81 — Surah Ash-Shuara 26:81
“Uye vachandiita kuti ndife, uye vachandiita kuti ndive mupenyu zvakare.”
Verse 82 — Surah Ash-Shuara 26:82
“Uye avo vandovimba kuti vachandiregerera zvivi zvangu pazuva rekutongwa.”
Verse 83 — Surah Ash-Shuara 26:83
“Tenzi vangu! Ndipeiwo ungwaru, uye ndiisei pavaranda avo vakanaka.”
Verse 84 — Surah Ash-Shuara 26:84
“Uye ndiitei nditaurwe zvakanaka pamusoro pangu pamapoka evanhu achatevera.”
Verse 85 — Surah Ash-Shuara 26:85
“Uye ndiitei umwe wevagari venhaka yeParadhiso yemufaro.”
Verse 86 — Surah Ash-Shuara 26:86
“Uye regererai baba vangu, zvirokwazvo, vanova vakarasika.”
Verse 87 — Surah Ash-Shuara 26:87
“Uye musava munondinyadzisa pazuva iro (zvipuka zvose) zvichamutswa.”
Verse 88 — Surah Ash-Shuara 26:88
“Zuva iro rokuti upfumi kana vana havabatsiri (hazvishandi kuti wakapfuma here kana kuti une vana vakawanda).”
Verse 89 — Surah Ash-Shuara 26:89
“Kusara kweuyo achauya kuna Allah nemoyo wakachena (kubva mukusatenda nehunyengedzi).”
Verse 90 — Surah Ash-Shuara 26:90
Uye paradhiso ichaiswa pedyo peavo vanotya (Allah) vachiita mabasa akanaka (Tarisai Qur’aan)
Verse 91 — Surah Ash-Shuara 26:91
Uye Gehena richaburitswa pachena pamberi pevanhu vaiita mabasa akashata
Verse 92 — Surah Ash-Shuara 26:92
Uye zvichanzi kwavari: “Varipiko avo (vanamwari venhema vamaifananidza naAllah) vamainamata.”
Verse 93 — Surah Ash-Shuara 26:93
“Kunze kwaAllah? Vanokwanisa here kukubatsirai kana kuzvibatsira pachavo?”
Verse 94 — Surah Ash-Shuara 26:94
Vachakandwa mumoto vachitanga nezviso zvavo, ivo nemaGhaawoon (vanaSatani, uye vanhu vakarasika)
Verse 95 — Surah Ash-Shuara 26:95
Vachange vari vose nemauto aIblees (Satani)
Verse 96 — Surah Ash-Shuara 26:96
Vachati vavemo vachipokana
Verse 97 — Surah Ash-Shuara 26:97
“Tinopika naAllah, chokwadi taive takarasika zviri pachena.”
Verse 98 — Surah Ash-Shuara 26:98
“Apo pataikufananidzai (pakunamata) naTenzi vepasi rose.”
Verse 99 — Surah Ash-Shuara 26:99
“Uye hapana munhu akatirasisa kunze kwemaMujrimoon (vanaSatani uye vanhu vaitadza).”
Verse 100 — Surah Ash-Shuara 26:100
“Iye zvino hatina vamiriri.”
Verse 101 — Surah Ash-Shuara 26:101
“Kana shamwari yepedyo.”
Verse 102 — Surah Ash-Shuara 26:102
“Kana tikawana mukana wekudzokera (Panyika), tichava zvirokwazvo pakati peavo vanotenda!”
Verse 103 — Surah Ash-Shuara 26:103
Zvirokwazvo, mune zvose izvi mune chiratidzo, asi vazhinji vavo havatendi
Verse 104 — Surah Ash-Shuara 26:104
Uye zvirokwazvo, Tenzi vako ndivo vane simba rakawanda, vane tsitsi zhinji
Verse 105 — Surah Ash-Shuara 26:105
Vanhu vaNowa vakaramba vatumwa (Kuramba mutumwa mumwechete kuramba vese)
Verse 106 — Surah Ash-Shuara 26:106
Apo mukoma wavo Nowa paakati kwavari: “Hamutye Allah nekuvateerera?”
Verse 107 — Surah Ash-Shuara 26:107
“Ndiri mutumwa wechokwadi anovimbika kwamuri.”
Verse 108 — Surah Ash-Shuara 26:108
“Saka ityai Allah, mova munochengetedza mirairo, uye mova munoteerera ini.”
Verse 109 — Surah Ash-Shuara 26:109
“Handina mubairo wandinoda kubva kwamuri weizvi (Islaam); mubairo wangu haubvi kuna ani kunze kwaTenzi vepasi rose.”
Verse 110 — Surah Ash-Shuara 26:110
“Saka chengetedzai mirairo yaAllah, movatya, uye mova munonditeerera.”
Verse 111 — Surah Ash-Shuara 26:111
Vakati: “Tingatenda mauri ivo varombo (vanhu vari pasi pasi) vachikutevera?”
Verse 112 — Surah Ash-Shuara 26:112
Akati: “Uye ndorwupi ruzivo rwandinarwo rezvavaiita?”
Verse 113 — Surah Ash-Shuara 26:113
“Kutongwa kwavo kuna Tenzi vangu, kana muchiziva.”
Verse 114 — Surah Ash-Shuara 26:114
“Uye handingadzingi vatendi.”
Verse 115 — Surah Ash-Shuara 26:115
“Ini ndiri muyambiri chete ari pachena.”
Verse 116 — Surah Ash-Shuara 26:116
Vakati (kuna Nowa): “Iwe Nowa! Ukaramba uchiita izvozvo, zvirokwazvo, uchava veavo vachatemwa nemabwe (kusvikira rufu).”
Verse 117 — Surah Ash-Shuara 26:117
(Nowa) akati: “Tenzi vangu! Zvirokwazvo, vanhu vangu vave vanondiramba.”
Verse 118 — Surah Ash-Shuara 26:118
“Nekudaro ivai mutongi pakati pangu navo, uye ivai munondinunura uye nevatendi vaneni.”
Verse 119 — Surah Ash-Shuara 26:119
Uye takave tinomununura nevose vaakanga ainavo mungarava yakatakura
Verse 120 — Surah Ash-Shuara 26:120
Takabva tanyudza vose vakanga vasara (vasina kupinda mungarava)
Verse 121 — Surah Ash-Shuara 26:121
Zvirokwazvo! Umu mune chiratidzo, asi vazhinji vavo havatendi
Verse 122 — Surah Ash-Shuara 26:122
Uye zvirokwazvo, Tenzi vako ndivo chokwadi vakurusa, uye vane tsitsi zhinji
Verse 123 — Surah Ash-Shuara 26:123
MaAad (vanhu vaHud) vakaramba vatumwa (Kuramba mutumwa mumwechete kuramba vese)
Verse 124 — Surah Ash-Shuara 26:124
Apo mukoma wavo Hud akataura kwavari kuti: “Hamutyewo Allah here?”
Verse 125 — Surah Ash-Shuara 26:125
“Zvirokwazvo ndini mutumwa akavimbika kwamuri.”
Verse 126 — Surah Ash-Shuara 26:126
“Saka ityai Allah uye moteerera ini.”
Verse 127 — Surah Ash-Shuara 26:127
“Handina mubairo wandinobvunza kubva kwamuri weizvi. Mubairo wangu haubvi kuna ani kunze kwaTenzi vepasi rose.”
Verse 128 — Surah Ash-Shuara 26:128
“Munovaka dzimba panzvimbo yese yakakwirira asi musingadzigari?”
Verse 129 — Surah Ash-Shuara 26:129
“Uyezve mungatore (mungavake) dzimba (dzikuru dzakanaka) sezvinonzi muchagaramo zvachose?”
Verse 130 — Surah Ash-Shuara 26:130
“Uye kana muchibata (mumwe munhu), munobata zveutsinye?”
Verse 131 — Surah Ash-Shuara 26:131
“Saka ityai Allah, uye mova munonditeerera.”
Verse 132 — Surah Ash-Shuara 26:132
“Uye ityai avo vakakupai zvose izvo zvamunoziva.”
Verse 133 — Surah Ash-Shuara 26:133
“Vakakupai zvipfuwo nevana.”
Verse 134 — Surah Ash-Shuara 26:134
“Uye mapindu nezvitubu.”
Verse 135 — Surah Ash-Shuara 26:135
“Zvirokwazvo, ndinokutyirai marwadzo ezuva guru (zuva rekutongwa).”
Verse 136 — Surah Ash-Shuara 26:136
Vakati: “Zvakafanana kwatiri kutiudza kana kusatiudza.”
Verse 137 — Surah Ash-Shuara 26:137
“Idzi ndidzo nyaya dzevanhu vekutanga (vekare).”
Verse 138 — Surah Ash-Shuara 26:138
“Uye isu hatisi kuzombotongwa (kuzomborangwa).”
Verse 139 — Surah Ash-Shuara 26:139
Saka vakamuramba, uye tikavaparadza. Zvirokwazvo, mune izvi mune chidzidzo, asi vazhinji vavo havatendi
Verse 140 — Surah Ash-Shuara 26:140
Uye zvirokwazvo, Tenzi vako ndivo chokwadi vakuru, uye vane tsitsi zhinji
Verse 141 — Surah Ash-Shuara 26:141
Uye maThamood vakaramba vatumwa (Kuramba mutumwa mumwechete kuramba vese)
Verse 142 — Surah Ash-Shuara 26:142
Rangarirai mukoma wavo Swaalih paakati kwavari: “Hamutyi Allah here?”
Verse 143 — Surah Ash-Shuara 26:143
“Ndini mutumwa anovimbika kwamuri.”
Verse 144 — Surah Ash-Shuara 26:144
“Saka ityai Allah, uye monditeerera.”
Verse 145 — Surah Ash-Shuara 26:145
“Uye handidi mubairo kwamuri weizvi; mubairo wangu hausi kuna ani kunze kwaTenzi venyika yose.”
Verse 146 — Surah Ash-Shuara 26:146
“Muchasiiwa here makasununguka (makachengetedzeka) nezvamuinazvo pano?”
Verse 147 — Surah Ash-Shuara 26:147
“Mumapindu nezvitubu.”
Verse 148 — Surah Ash-Shuara 26:148
“Uye zvirimwa zvakasvika uye madheti akapfava.”
Verse 149 — Surah Ash-Shuara 26:149
“Uye munoveza mumakomo dzimba nehunyanzvi hukuru.”
Verse 150 — Surah Ash-Shuara 26:150
“Saka ityai Allah, chengetedzai basa renyu kwavari, uye monditeerera.”
Verse 151 — Surah Ash-Shuara 26:151
“Uye musava munoteerera mirairo yemaMusrifoon (vatadzi, mhondi, vatungamiriri vezvose zvakaipa).”
Verse 152 — Surah Ash-Shuara 26:152
“Avo vanoita huori munyika, uye havaiiti zvakanaka.”
Verse 153 — Surah Ash-Shuara 26:153
Vakati: “Iwe uri weavo vakaroiwa!”
Verse 154 — Surah Ash-Shuara 26:154
“Iwe uri munhu akafanana nesu. Tipe chiratidzo kana uri munhu anotaura chokwadi.”
Verse 155 — Surah Ash-Shuara 26:155
Akabva ati: “Heyo ngamera hadzi iyo. Ine kodzero yekunwa mvura, uye imi mune kodzero yekunwa mvura pazuva rinozivikanwa (zvijana zvekunwa mvura).”
Verse 156 — Surah Ash-Shuara 26:156
“Uye musava munoibata (ngamera hadzi) zvakaipa muchiikuvadza, nekuti marwadzo ezuva guru achava anokubatai (anokuwirai).”
Verse 157 — Surah Ash-Shuara 26:157
Asi vakaiuraya, asi vakazova vadembi
Verse 158 — Surah Ash-Shuara 26:158
Saka vakava vanosangana nemarwadzo. Zvirokwazvo, uyu ndiwo muenzaniso, asi vazhinji vavo havatendi
Verse 159 — Surah Ash-Shuara 26:159
Uye zvirokwazvo, Tenzi vako, ndivo chokwadi vane masimba ose, netsitsi dzose
Verse 160 — Surah Ash-Shuara 26:160
Vanhu vaLoti vakaramba vatumwa (Kuramba mutumwa mumwechete kuramba vese)
Verse 161 — Surah Ash-Shuara 26:161
Apo mukoma wavo Loti akati: “Hamutyi Allah nekuvateerera here?”
Verse 162 — Surah Ash-Shuara 26:162
“Zvirokwazvo, ndiri mutumwa akavimbika kwamuri.”
Verse 163 — Surah Ash-Shuara 26:163
“Saka ityai Allah, chengetedzai mirairo yavo, uye nditeererei.”
Verse 164 — Surah Ash-Shuara 26:164
“Handina mubairo wandinobvunza kwamuri weizvi, asi mubairo wangu hausi kuna ani kunze kwaTenzi vepasi rose.”
Verse 165 — Surah Ash-Shuara 26:165
“Munoenda kuvarume vose.”
Verse 166 — Surah Ash-Shuara 26:166
“Uye muchisiya avo vamakasikirwa naAllah sevakadzi venyu? Zvirokwazvo, muri vanhu vanopfurikidza mirairo!”
Verse 167 — Surah Ash-Shuara 26:167
Vakabva vati (kuna Loti): “Iwe Loti! Chokwadi, ukaramba uchidaro, zvirokwazvo, uchava umwe wevanhu vatichadzinga (mudunhu redu)!”
Verse 168 — Surah Ash-Shuara 26:168
Akabva ati: “Ndiri mumwe wevanhu avo vanopokana nemi nekugumbuka zvakanyanya nezvamunoita zvakashata (Chingochani).”
Verse 169 — Surah Ash-Shuara 26:169
“Tenzi vangu! Ndichengetedzei ini nemhuri yangu kubva kune zvavanoita.”
Verse 170 — Surah Ash-Shuara 26:170
Saka takamununura nemhuri yake yese
Verse 171 — Surah Ash-Shuara 26:171
Kusara kwechembere (mukadzi wake) akava weavo vakasara (muguta)
Verse 172 — Surah Ash-Shuara 26:172
Mushure mezvo takaparadza vamwe vose
Verse 173 — Surah Ash-Shuara 26:173
Uye takava tinovatumira marwadzo ainaya. Uye kunaya kwacho kwaiva kwakashata kune avo vakayambirwa
Verse 174 — Surah Ash-Shuara 26:174
Zvirokwazvo, umu mune chiratidzo, asi vazhinji vavo havatendi
Verse 175 — Surah Ash-Shuara 26:175
Uye zvirokwazvo, Tenzi vako, vane chokwadi masimba ose, uye vane tsitsi dzose
Verse 176 — Surah Ash-Shuara 26:176
Vagari veAl-Aikah (Nzvimbo iri pedyo neMadyan) vakaramba vatumwa (Kuramba mutumwa mumwechete kuramba vese)
Verse 177 — Surah Ash-Shuara 26:177
Apo Shuaib akati kwavari: “Hamutyi Allah here?”
Verse 178 — Surah Ash-Shuara 26:178
“Ndiri mutumwa akavimbika kwamuri.”
Verse 179 — Surah Ash-Shuara 26:179
“Saka ityai Allah, chengetedzai basa renyu kwavari, uye nditeererei.”
Verse 180 — Surah Ash-Shuara 26:180
“Handina mubairo wandinobvunza kwamuri weizvi, asi mubairo wangu hausi kuna ani kunze kwaTenzi vepasi rose.”
Verse 181 — Surah Ash-Shuara 26:181
“Ipai (vanhu) zvierwa zvakazara, uye musava munoderedza.”
Verse 182 — Surah Ash-Shuara 26:182
“Uye ivai munopima zviri pachokwadi uye zvakaenzana.”
Verse 183 — Surah Ash-Shuara 26:183
“Uye musava munobira vanhu nekudzikisa zvinhu zvavo, kana kuita zvakashata, kuita huori nehuumambara munyika.”
Verse 184 — Surah Ash-Shuara 26:184
“Uye ivai munotya avo vakakusikai (Allah) nemadzitateguru.”
Verse 185 — Surah Ash-Shuara 26:185
Vakabva vati: “Uri mumwe weavo vakaroiwa!”
Verse 186 — Surah Ash-Shuara 26:186
“Uye uri munhu akafanana nesu, uye zvirokwazvo, tinofunga kuti uri mumwe wevanyepi!”
Verse 187 — Surah Ash-Shuara 26:187
“Saka ita kuti zvidimbu zvidimbu zvedenga zvitidonhere, kana uri mumwe weavo vanotaura chokwadi!”
Verse 188 — Surah Ash-Shuara 26:188
Akabva ati: “Tenzi vangu ndivo muzivi mukuru wezvamunoita.”
Verse 189 — Surah Ash-Shuara 26:189
Asi vakaramba kutenda maari, saka marwadzo ezuva remvuri (gore rakasviba) akavabata. Zvirokwazvo, aiva marwadzo ezuva guru
Verse 190 — Surah Ash-Shuara 26:190
Zvirokwazvo, mune zvose izvi mune chiratidzo, asi vazhinji vavo havatendi
Verse 191 — Surah Ash-Shuara 26:191
Uye zvirokwazvo Tenzi vako, ndivo chokwadi vane masimba ose, netsitsi dzose
Verse 192 — Surah Ash-Shuara 26:192
Uye zvirokwazvo, aya mashoko (Qur’aan) akadzikiswa naTenzi vepasi rose
Verse 193 — Surah Ash-Shuara 26:193
Ayo akauya nemweya (Rooh) unovimbika (Jibreel – Gabriel (AS)
Verse 194 — Surah Ash-Shuara 26:194
Mumoyo mako (Muhammad (SAW)) kuti ugova muyambiri
Verse 195 — Surah Ash-Shuara 26:195
Mururimi rwechiArabhu rwuri pachena
Verse 196 — Surah Ash-Shuara 26:196
Uye zvirokwazvo, rakataurwa (Qur’aan) muMagwaro (Torah neVhangeri) evanhu vekutanga
Verse 197 — Surah Ash-Shuara 26:197
Hachisi chiratidzo kwavari here kuti vakadzidza vevana vaIzirairi (saAbdullah Ibn Salaam) vanoriziva (kuti ichokwadi)
Verse 198 — Surah Ash-Shuara 26:198
Uye dai takaridzikisa (Qur’aan) kune asiri wechiArabhu
Verse 199 — Surah Ash-Shuara 26:199
Uye ori verenga kwavari, vaisatenda mariri
Verse 200 — Surah Ash-Shuara 26:200
Saka takaita kuti zvipinde (zvigare) mumoyo yevatadzi (kuramba Qur’aan)
Verse 201 — Surah Ash-Shuara 26:201
Havatendi mariri kusvikira vaona marwadzo
Verse 202 — Surah Ash-Shuara 26:202
Achauya kwavari nekuchimbidza, vasingatarisiri
Verse 203 — Surah Ash-Shuara 26:203
Apo vachataura kuti: “Hatingambomisirwi here (kuparadzwa)?”
Verse 204 — Surah Ash-Shuara 26:204
Vanoda here kuti marwadzo edu akurumbidze
Verse 205 — Surah Ash-Shuara 26:205
Funga! Nyangwe tikaita kuti vafare kwemakore
Verse 206 — Surah Ash-Shuara 26:206
Uye mushure mezvo kouya kwavari izvo zvavakavimbiswa
Verse 207 — Surah Ash-Shuara 26:207
Zvose izvo zvaivafadza hazvizovadziviriri
Verse 208 — Surah Ash-Shuara 26:208
Uye hatina kuparadza dunhu kusara kwekuti range rine vayambiri
Verse 209 — Surah Ash-Shuara 26:209
Sekurangaridza, uye hatina kumbova vadzvanyiriri
Verse 210 — Surah Ash-Shuara 26:210
Uye haasi maShayaatween (vanasatani) akaridzikisa (Qur’aan) pasi
Verse 211 — Surah Ash-Shuara 26:211
Uye hazvienderani navo uye havazvikwanisi
Verse 212 — Surah Ash-Shuara 26:212
Zvirokwazvo, vakaendeswa kure kuti vasarinzwe
Verse 213 — Surah Ash-Shuara 26:213
Saka musava munodaidza vanamwari vamwe naAllah, nokuti mungava veavo vanowana marwadzo
Verse 214 — Surah Ash-Shuara 26:214
Uye yambira rudzi rwako (Muhammad (SAW)) kubva kuhama dzepadyo
Verse 215 — Surah Ash-Shuara 26:215
Uye iva netsitsi uye kuzvininipisa kune vatendi vanokutevera
Verse 216 — Surah Ash-Shuara 26:216
Uye kana vakasakuteerera, taura kuti: “Ndakachena kubva kune izvo zvamunoita.”
Verse 217 — Surah Ash-Shuara 26:217
Uye isa chivimbo kuna samasimba, vane tsitsi dzose
Verse 218 — Surah Ash-Shuara 26:218
Avo vanokuona (Muhammad (SAW)) paunosimuka (kuti unamate usiku Tahajjud)
Verse 219 — Surah Ash-Shuara 26:219
Uye zvaunoita uri pakati peavo vanopfugama (kunaAllah muminamato mishanu yepazuva)
Verse 220 — Surah Ash-Shuara 26:220
Zvirokwazvo, ivo ndivo vanonzwa zvikuru, vanoziva zvese
Verse 221 — Surah Ash-Shuara 26:221
Ndingakuudzei here (imi vanhu) maererano neavo maShayaatween (anasatani) anoenda kwavari
Verse 222 — Surah Ash-Shuara 26:222
Vanoenda (maShayaatween) kune wese munyepi anotadza
Verse 223 — Surah Ash-Shuara 26:223
Vanoteerera (maShayaatween, uye vanovapa zvavanenge vanzwa zvakavanzika kubva kungirozi), uye vazhinji vavo vanyepi
Verse 224 — Surah Ash-Shuara 26:224
Uye vadetembi, vanhu vakarasika vanovatevera
Verse 225 — Surah Ash-Shuara 26:225
Hauoni here kuti vanotaura pamusoro penyaya dzese (vachirumbidza vanhu, vakanaka here kana kuti vakaipa) munhetembo dzavo
Verse 226 — Surah Ash-Shuara 26:226
Uye vanotaura izvo zvavasingaiti
Verse 227 — Surah Ash-Shuara 26:227
Kusara kweavo vanotenda (muIslaam) nokuita mabasa akanaka, uye vanorangarira Allah zvakanyanya, uye nekuzvidzivirira mushure mekunge vatadzirwa (vachipindura nenhetembo avo vadetembi vanotaura zvakaipa pamusoro peIslaam). Uye avo vanoita mabasa akashata vachaziva kuti vachapindurwa sei pavachapindurwa (magumo avo achange akaita sei)