Back to Languages

Shona - Chapter 28 - Al-Qasas

Translation by Abdullah J. M. Adini And Students — Permalink

Verse 1 — Surah Al-Qasas 28:1

Twaa – Seen – Meem. (Aya ndemamwe emavara ezvishamiso zveQur’aan, uye hapana umwe anoziva zvaanoreva kunze kwaAllah)

Verse 2 — Surah Al-Qasas 28:2

Idzi ndidzo ndima dzemuGwaro rakajeka (rinojekesa chokwadi kubva kumanyepo)

Verse 3 — Surah Al-Qasas 28:3

Tinokuverengera dzimwe dzenhaurwa dzaMusa naFarawo muchokwadi, kune vanhu vanotenda (muQur’aan iri uye nemuhumwechete hwaAllah)

Verse 4 — Surah Al-Qasas 28:4

Zvirokwazvo, Farawo akazvitutumadza munyika uye akaita vanhu vemo zvikwata, achidzvinyirira rimwe bato (vana vaIzirairi) pakati pavo, achiuraya vanakomana vavo, uye achisiya vakadzi vavo vararame. Zvirokwazvo, aive umwe wevatadzi vakuru

Verse 5 — Surah Al-Qasas 28:5

Uye takada kuvapa makomborero avo vaidzvinyirirwa munyika, uye kuti tivaite vatongi uye vagari venhaka

Verse 6 — Surah Al-Qasas 28:6

Uye kuvagadza munyika, uye kuratidza Farawo naHaamaan nemauto avo kubva kwavari izvo zvavaitya

Verse 7 — Surah Al-Qasas 28:7

Takave tinoudza amai vaMusa tichiti: “Muyamwisei (Musa), asi kana muchimutyira, saka mukandei murwizi uye musatya, kana kusuruvara. Zvirokwazvo, tichamuunza zvakare kwamuri, uye tichamuita mumwe wevatumwa (vedu).”

Verse 8 — Surah Al-Qasas 28:8

Naizvozvo vanhu vemhuri yaFarawo vakamunhonga, kuti azove kwavari muvengi uye honzeri yekusuruvara. Zvirokwazvo, Farawo, Haamaan uye nemauto avo vaive vatadzi

Verse 9 — Surah Al-Qasas 28:9

Uye mukadzi waFarawo akati: “Nyaradzo yemeso angu newe. Musamuuraya, dzimwe dzenguva achave anove chibatsiro kwatiri, kana kumuita mwanakomana wedu.” Asi havana kufunga (magumo azvo)

Verse 10 — Surah Al-Qasas 28:10

Uye moyo wamai vaMusa wakave nekusurukirwa. Vaiva pedyo nekuburitsa nyaya (yokuti ndimwana wavo), dai tisina kusimbisa moyo wavo (nekutenda), kuti vave vanoramba vari vevamwe vanotenda

Verse 11 — Surah Al-Qasas 28:11

Uye vakati kuhanzvadzi yake (yaMusa): “Mutevere!” Saka akamutarisa kunzvimbo iri kure muchihwande, asi ivo vasingambofungire

Verse 12 — Surah Al-Qasas 28:12

Uye taive tatorambidza (vamwe) vakadzi vanoyamwisa kwaari, (kusvikira apo yakauya (hanzvadzi yake) ikati: “Ndingakuratidzei kuimba iyo achachengeterwa imi, uye kumutarisa munzira yakanaka?”

Verse 13 — Surah Al-Qasas 28:13

Saka takamudzorera kuna amai vake, kuti maziso avo ave nerugare (nemufaro), uye kuti vasatsutsumwe, uye kuti vazive (amai vake) kuti vimbiso yaAllah ndeyechokwadi. Asi vakawanda vavo havazive

Verse 14 — Surah Al-Qasas 28:14

Uye apo aiva agwinya, uye abve zera (ava murume akakwana), takave tinomupa Hukm (huporofita, uye nekutonga kuzere) uye ruzivo rwechitendero (Islaam). Uye saizvozvo tinova tinopa mubairo kune vaiti vezvakanaka

Verse 15 — Surah Al-Qasas 28:15

Uye akapinda muguta munguva iyo vanhu vemo vaisambozvifungira (vakarivara), akawana imomo varume vaviri vachirwa – umwe wedivi rake (wechitendero chake – kubva kuvana veIzrairi) uye umwe wevavengi vake. Murume wedivi rake akamukumbira rubatsiro kubva kune muvengi, saka Musa akamurova chibhakera ndokumuuraya. Akati: “Izvi kuiita kwaSatani, zvirokwazvo, muvengi ari murasi ari pachena.”

Verse 16 — Surah Al-Qasas 28:16

Akati: “Tenzi vangu! Zvirokwazvo, ndazvitadzira, saka ndiregererei.” Naizvozvo vakamuregerera. Zvirokwazvo, ndivo muregereri mukuru, ane nyasha zhinji

Verse 17 — Surah Al-Qasas 28:17

Akati: “Tenzi vangu! Neizvo makandikomborera nazvo, handife ndakave mubatsiri wehoromori!”

Verse 18 — Surah Al-Qasas 28:18

Saka akabva atanga kutya, achitarisa tarisa muguta (achimirira magumo emhosva yake), saka murume aive amukumbira rubetsero zuro, akamushevedza achikumbira rubatsiro (zvakare). Musa akati kwaari: “Zvirokwazvo, uri nhungamiri inorasa iri pachena!”

Verse 19 — Surah Al-Qasas 28:19

Apo akafunga kuti abate murume aive muvengi wavo vose, murume akati: “Iwe Musa! Une chivimbo chokuda kundiuraya semaurairo awakaita murume nezuro? Chinangwa chako hapana kunze kwekuita muipi panyika, kwete kuve mumwe weavo vanoita zvakanaka.”

Verse 20 — Surah Al-Qasas 28:20

Uye pakauya murume achimhanya, kubva kumapeto eguta. Akati: “Iwe Musa! Zvirokwazvo, madzimambo vagara dare vose maererano newe kuti vakuuraye, saka tiza. Zvirokwazvo, ndiri wevamwe vakanaka vanokuyambira.”

Verse 21 — Surah Al-Qasas 28:21

Saka akatiza ikoko, achicheuka-cheuka nekutya. Akati: “Tenzi vangu! Ndinunurei kubva kune vanhu vakaipa!”

Verse 22 — Surah Al-Qasas 28:22

Uye paainge achienda kudivi reMadyan (Midian), akati: “Dzimwe nguva Tenzi vangu vanove vanonditungamira kugwara rakanaka.”

Verse 23 — Surah Al-Qasas 28:23

Uye paakasvika pabvuva (tsime) reMadyan (Midian), akawana varume vaicherera zvipfuwo zvavo mvura, uye padivi pavo akaona vakadzi vaviri vakarindira zvipfuwo zvavo. Akati: “Chii chiri kukunetsai?” Vakati: “Hatisi kukwanisa kupa mvura zvipfuwo zvedu kusvikira vafudzi vabvisa zvavo. Uye baba vedu vakwegura.”

Verse 24 — Surah Al-Qasas 28:24

Saka akapa zvipfuwo zvavo mvura, ndokubva adzokera pamumvuri, uye akati: “Tenzi vangu! Chokwadi! Ini ndinoda chero zvacho chakanaka chamunondipa!”

Verse 25 — Surah Al-Qasas 28:25

Saka kwakauya kwaari mumwe wevakadzi achifamba achinyara akati: “Zvirokwazvo, baba vangu vari kukushevedza kuti vagokupa mubairo wako nokutipa kwawaita mvura (zvipfuwo zvedu). Saka paakaenda kwavari uye atsanangudza rungano, vakati: “Usatya. Wapunyuka kubva kuvanhu vakaipa.”

Verse 26 — Surah Al-Qasas 28:26

Mumwe wavo (wevakadzi vaviri) akati: “Imi baba! Munyorei basa! Zvirokwazvo, munhu wechirume akanaka kwamuri wekunyora basa ndeuyo akasimba anovimbika.”

Verse 27 — Surah Al-Qasas 28:27

Vakati: “Ndinoda kukuroodza mumwe wevanasikana vangu ava, mushure mekunge wandishandira kwemakore masere, asi ukazadzisa makore gumi, zvinenge zviri kwauri. Asi handidi kukuisa panguva yakaoma. Kana Allah vachida, uchandiwana ndiri mumwe weavo vakanaka.”

Verse 28 — Surah Al-Qasas 28:28

Iye (Musa) akati: “Ichi (chiwirirano) chiri pakati pangu nemi, nguva yandichapedza pakati pedziviri pasave nekundidzvinyirira. Uye Allah ndivo mumiriri pamusoro pezvatinotaura.”

Verse 29 — Surah Al-Qasas 28:29

Apo Musa paakazadzikisa nguva yacho, uye achifamba nemhuri yake, akaona moto kudivi reToor (Gomo). Akati kumhuri yake: “Mirai! Ndaona moto; zvingadaro kuti ndingakuvigirai nhau kubva ikoko, kana chitsiga chemoto kuti mugozvidziisa.”

Verse 30 — Surah Al-Qasas 28:30

Saka paakasvika pauri (moto) akashevedzwa kubva kurutivi rwerudyi rwemupata, munzvimbo yakaropafadzwa, kubva mumuti: “Iwe Musa! Zvirokwazvo, ndini Allah, Tenzi vezvinhu zvose (vanhu, maJinn nezvose zviripo)!”

Verse 31 — Surah Al-Qasas 28:31

“Uye kanda tsvimbo yako!” Apo akaiona ichifamba senyoka, akatendeuka achitiza nekutya, uye haana kutarisa mushure zvekare. (Zvikanzi): “Iwe Musa! Swedera pedyo, usatye. Zvirokwazvo, uri pane avo vakachengetedzwa.”

Verse 32 — Surah Al-Qasas 28:32

“Isa ruoko rwako muhapwa mako, richabuda kubvamo riri chena risina chirwere, uye endesa ruoko rwako kune rimwe divi kuti uve unosununguka kubva mukutya. Iyi ndiyo micherechedzo miviri kubva kuna Tenzi vako kuna Farawo uye nemadzimambo ake. Zvirokwazvo, ndivo vanhu vasingateereri.”

Verse 33 — Surah Al-Qasas 28:33

Akati: “Tenzi vangu! Ndakauraya mumwe wevarume vavo, ndinotya kuti vangandiuraye.”

Verse 34 — Surah Al-Qasas 28:34

“Uye mukoma wangu Haaroon (Aroni) ndiye anonyatsogona kutaura kudarika ini. Saka nditumeyi naiye kuti ave mubatsiri achinditsigira. Zvirokwazvo, ndinotya kuti vangandirambe.”

Verse 35 — Surah Al-Qasas 28:35

Allah vakati: “Tichave tinokusimbisa kuburikidza nemukoma wako, uye tichakupai simba mose, kuti vasave vanokukuvadzai; nemicherechedzo yedu, mose muri maviri neavo vachakuteverai muchave vakundi.”

Verse 36 — Surah Al-Qasas 28:36

Saka apo Musa akauya kwavari nemicherechedzo yedu iri pachena, vakati: “Hapana nezviripo kunze kwekuti masaramusi. Hatina kubvira tanzwa nezvazvo kubva kumadzitateguru edu.”

Verse 37 — Surah Al-Qasas 28:37

Musa akati: “Tenzi vangu vanoziva uyo anouya negwara kubva kwavari, uye neuyo achave nekufara munguva yekupedzisira muhupenyu hwemangwana. Zvirokwazvo, vasingatendi (muIslaam) havabudirire.”

Verse 38 — Surah Al-Qasas 28:38

Uye Farawo akati: “Imi madzimambo! Handizivi kuti mune mumwe mwari kunze kwangu. Saka ndivesere moto, iwe Haamaan, mokanya zvidhina nekuzvipisa, uye mondivakira manera kuti ndive ndinoona Mwari waMusa; uye zvirokwazvo, ndinofunga kuti Musa ndeuyo wevanyepi.”

Verse 39 — Surah Al-Qasas 28:39

Uye iye nemauto ake vaizvitutumadza munyika zvisina mvumo, uye vaifunga kuti havaizofa vakadzoka kwatiri

Verse 40 — Surah Al-Qasas 28:40

Saka takamubata (takamutora) iye nemauto ake, uye tikavakanda mugungwa (uye tikavanyudza). Saka hona magumo (iwe Muhammad (SAW)) evatadzi

Verse 41 — Surah Al-Qasas 28:41

Uye takavaita vatungamiri vaidaidzira kumoto, uye pazuva rekumutswa havazobatsirwi

Verse 42 — Surah Al-Qasas 28:42

Uye takaita kuti kurengerwa (kutukwa) kuve kunovatevera pano pasi, uye nezuva rekumutswa, vachange vari pane avo vanhu vasingagamuchiri tsitsi dzaAllah

Verse 43 — Surah Al-Qasas 28:43

Zvirokwazvo, takapa Musa mushure mokunge taparadza mapoka ekare Gwaro (Torah) sechiedza kuvanhu, uye nenhungamiro uye nyasha, kuti vave vanorangarira

Verse 44 — Surah Al-Qasas 28:44

Uye iwe (Muhammad (SAW)) wainge usiri kudivi remabvazuva, apo takaburitsa pachena kuna Musa mirairo, uye wainge usiri pane vapupuri

Verse 45 — Surah Al-Qasas 28:45

Asi takave tinosika mapoka (vanhu vakawanda mushure maMusa(AS)), uye kureba kwenguva kwakavadarika pavari. Uye iwe (Muhammad (SAW)) wakanga usiri mugari pakati pevanhu veMadyan (Midian) uchivaverengera ndima dzedu. Asi ndisu tairamba tichitumira (vatumwa)

Verse 46 — Surah Al-Qasas 28:46

Uye wainge (Muhammad (SAW)) usiri kudivi reToor (Gomo) apo takadaidzira (Zvinonzi Allah vakashevedza vatevedzeri vaMuhammad (SAW) uye vakadavira, kana kuti Allah vakashevedza Musa (AS)). Asi (wakatumwa) senyasha kubva kuna Tenzi vako, kunopa yambiro kune vanhu uko kusina kumbosvika muyambiri mushure mako, kuti vave vanorangarira

Verse 47 — Surah Al-Qasas 28:47

Uye dai (tainge) tisina (kukutuma kuvanhu vekuMakkah), dai dambudziko rakavawira iro rakatungamidzwa nemaoko avo, vaizova vanoti: “Tenzi vedu! Sei musina kutitumirawo mutumwa? Taizova tinotevera ndima dzenyu uye taizova pakati pevatendi.”

Verse 48 — Surah Al-Qasas 28:48

Asi apo chokwadi chakauya kubva kwatiri, vakati: “Sei asina kupihwa zvakafanana nezvakapihwa Musa?” Havana kusatenda mune izvo zvakapuhwa Musa zvekare? Uye vanoti: “Mhando mbiri dzemasaramusi (Torah neQur’aan) dzinobatsirana!” Uye vanoti: “Zvirokwazvo, muzvose hatitendi.”

Verse 49 — Surah Al-Qasas 28:49

Taura (Muhammad (SAW)) kuti: “Hunzai gwaro kubva kuna Allah iro riri nani mugwara kudarika aya maviri (Torah neQur’aan), kuti ndiritevere, kana muri vechokwadi.”

Verse 50 — Surah Al-Qasas 28:50

Asi vakasakudavira, ziva kuti vari kutevera zvido zvavo. Uye ndiani akarasika zvakanyanya kudarika uyo anotevera zvido zvake asina gwara kubva kuna Allah? Zvirokwazvo, Allah havatungamiriri vanhu vakaipa

Verse 51 — Surah Al-Qasas 28:51

Uye muzvirokwazvo takave tinosvitsa shoko (Qur’aan) kwavari, kuti vave vanorangarira

Verse 52 — Surah Al-Qasas 28:52

Avo vatakapa gwaro mushure mavo (Torah neVhangeri), vanotenda (vakadzidza pakati pavo) mariri (Qur’aan)

Verse 53 — Surah Al-Qasas 28:53

Uye kana rikaverengwa kwavari vanoti: “Tinotenda mariri. Zvirokwazvo, ichokwadi kubva kuna Tenzi vedu. Zvirokwazvo, mushure maro taive maMuslim (vanozvipira kuna Allah saAbdullah Ibn Salaam naSalmaan Al-Faarisi).”

Verse 54 — Surah Al-Qasas 28:54

Ava vachave vanopuhwa mubairo wavo kaviri nekuti vaive vanotsungirira, nekupfuudza zvivi nezvakanaka, uye kupa zvipo kubva kune izvo zvatakavapa

Verse 55 — Surah Al-Qasas 28:55

Uye vakanzwa zvakaipa vanozvisudurudza kubva pazviri uye vanoti: “Kwatiri mabasa edu, uye kwamuri mabasa enyu. Rugare ngaruve kwamuri. Hatidi nzira yevasingazivi.”

Verse 56 — Surah Al-Qasas 28:56

Zvirokwazvo, hautungamiri (Muhammad (SAW)) uyo waunoda, asi Allah ndivo vanotungamira uyo wavanoda. Uye vanoziva zvakanaka avo vakatungamirirwa

Verse 57 — Surah Al-Qasas 28:57

Uye vanoti: “Kana tikave tinotevera gwara newe, tichava tinobviswa kubva munyika yedu.” Hatina here kuvadzikunurira (kuvagadzika) nzvimbo inoera (Makkah), umo munounzwa michero yendudzi dzose, sekudya kunobva kwatiri, asi vakawanda vavo havazivi

Verse 58 — Surah Al-Qasas 28:58

Uye maguta mangani atakaparadza, ayo aiva asingatendi raramo yavo (vasingateereri Allah uye vachitadza)! Uye idzo inzvimbo dzavo dzisina kumbogarwa mushure mavo kunze kwenguva shoma. Uye zvirokwazvo, takave vagari venhaka

Verse 59 — Surah Al-Qasas 28:59

Uye Tenzi vako havamboparadzi maguta kusvikira vatumira muguta ravo hombe mutumwa achivaverengera ndima dzedu. Uye hatiparadzi maguta kunze kwekuti vagari vavo vari vatadzi

Verse 60 — Surah Al-Qasas 28:60

Uye chero chii chamakapuhwa rufaro rwehupenyu hwepano pasi uye chishongedzo chawo, uye izvo zvina Allah (hupenyu hwemangwana) zviri nani uye hazviperi. Asi hamufungewo here

Verse 61 — Surah Al-Qasas 28:61

Asi uyu watakavimbisa vimbiso tsvene (Paradhiso), iyo yaachawana iri yechokwadi, akafanana here neuyo watakaita kuti ave anofarira hupenyu hwepano pasi, uye nemusi wekumutswa achava pakati peavo vanounzwa (kunorangwa muGehena)

Verse 62 — Surah Al-Qasas 28:62

Uye (rangarirai) zuva apo vachave (Allah) vanovadaidza vachiti: “Varipi avo (vamaiti) vabetseri vangu vamaitungamidza?”

Verse 63 — Surah Al-Qasas 28:63

Kune avo shoko richaita chokwadi kwavari (kuti varangwe) vachati: “Tenzi vedu! Ava ndivo vatakarasisa. Takavarasisa, semarasikiro ataivewo takaita. Tinoramba mhosva (kubva kwavari) pamberi penyu. Handisu vavainamata.”

Verse 64 — Surah Al-Qasas 28:64

Uye zvichanzi (kwavari): “Daidzai avo vabatsiri venyu”, uye vachavadaidza, asi havavape mhinduro, uye vachaona marwadzo. (Vachave vanoshuvira kuti) dai vaive vakatungamirwa

Verse 65 — Surah Al-Qasas 28:65

Uye (rangarirai) zuva iro (Allah) ravachadaidza vachiti: “Ndeipi mhinduro yamakapa vatumwa?”

Verse 66 — Surah Al-Qasas 28:66

Saka nhau (dzemhinduro yakanaka) dzichavanzika kwavari pazuva iroro, uye havazokwanisa kubvunzana

Verse 67 — Surah Al-Qasas 28:67

Asi kune uyo akareurura, akatenda (muIslaam), uye akaita mabasa akanaka, achave pakati pevanhu vakabudirira

Verse 68 — Surah Al-Qasas 28:68

Uye Tenzi vako vanosika icho chinhu chavanoda nekusarudza, uye (vanhu) havana sarudzo yavanayo (pachinhu chipi zvacho). Allah ndivo muyemurwi, uye ndivo vari pamusoro pane izvo zvavanosanganisa (sevabatsiri vavo)

Verse 69 — Surah Al-Qasas 28:69

Uye Allah vanoziva izvo zvavanoviga mumoyo yavo, uye zvavanoburitsa

Verse 70 — Surah Al-Qasas 28:70

Uye ndiAllah: Laa ilaaha illaa Huwa (Hakuna chimwe chinhu chine kodzero yekunamatwa kunze kwavo). Kwavari ndiko kune rumbidzo dzese nekutendwa kwose mukutanga (pasi pano) uye mukupedzisira (muhupenyu hwemangwana). Uye ndivo vanotonga, uye kwavari ndiko kwamuchadzorerwa

Verse 71 — Surah Al-Qasas 28:71

Taura (Muhammad (SAW)): “Ndiudzei! Dai Allah vakave vanoita kuti kurambe kuri husiku kusvika zuva rekumutswa, ndeupi mwari kusiya kwaAllah angakuunzirai chiedza? Asi hamunzwi here?”

Verse 72 — Surah Al-Qasas 28:72

Taura (Muhammad (SAW)): “Ndiudzei! Dai Allah vakave vanoita kuti kurambe kune chaedza kusvika zuva rekumutswa, ndeupi mwari kusiya kwaAllah angakuunzirei husiku kuti muve munozorora? Asi hamuoni here?”

Verse 73 — Surah Al-Qasas 28:73

Kubudirikidza netsitsi dzavo vakave vanokugadzirirai husiku nechaedza kuti muve munozorora mauri (husiku), uye kuti mutsvage makomborero avo (muchaedza), uyezve kuti muve vanhu vanotenda

Verse 74 — Surah Al-Qasas 28:74

Uye zuva iro ravachashevedza (vasingatendi), uye vachati: “Varipi (avo vamaiti) vabatsiri vangu, avo vamaitaura?”

Verse 75 — Surah Al-Qasas 28:75

Uye tichave tinotora kubva murwudzi rwega-rwega mupupuri, uye tichati: “Hunzai humboo hwenyu.” Saka vachave vanoziva kuti chokwadi china Allah (voga), uye manyepo avo avaiunza achava anonyangarika kubva kwavari

Verse 76 — Surah Al-Qasas 28:76

Zvirokwazvo, Qaaroon (Korah) aiva mumwe wevanhu vaMusa, asi aiva achizvitutumadza kwavari. Uye takamupa hupfumi, svumbunuro dzacho dzaitoremera varume vakagwinya. Rangarira apo vanhu vake vakati kwaari: “Usafare (nehupfumi usingatendi Allah). Zvirokwazvo, Allah havadi avo vanofara (nehupfumi vasingatendi Allah).”

Verse 77 — Surah Al-Qasas 28:77

“Asi tsvaga neizvo Allah vakakukomborera nazvo, imba yemangwana, uye usakanganwe chidimbu chako chezvakatenderwa muhufaro hwepano pasi; uye ita zvakanaka sezvakaita Allah kwauri, uye usava unokonzeresa zvakaipa munyika. Zvirokwazvo, Allah havadi honzeri.”

Verse 78 — Surah Al-Qasas 28:78

Akataura kuti: “Izvi zvakave zvinopihwa kwandiri nekuda kweruzivo rwandinarwo.” Akanga asingazive here kuti Allah vakaparadza madzinza mushure make, varume vakanga vakasimba kupfuura iye vaine upfumi hwakawanda hwavakaunganidza? Asi vaiti vemabasa akaipa havasi kuzobvunzwa maererano nezviito zvavo (nekuti Allah vanoziva nokudaro vachapihwa marwadzo vasina kana nekumbotongwa)

Verse 79 — Surah Al-Qasas 28:79

Nokudaro akabva aenda kuvanhu vake akazvishongedza, avo vainyanyoda hupenyu hwepasi pano, vakati: “Aaa, tingadai taive neizvo zvakapihwa kuna Qaaroon! Zvirokwazvo, ndiye muridzi weupfumi huzhinji.”

Verse 80 — Surah Al-Qasas 28:80

Asi avo vakapihwa ruzivo (rwechitendero) vakati: “Matambudziko kwamuri! Makomborero aAllah (muupenyu hwemangwana) akanakira vatendi, uye nevanoita mabasa akanaka, uye hapana achakwanisa kuwana izvi kusara kweavo vanotsungirira.”

Verse 81 — Surah Al-Qasas 28:81

Nekudaro takamuita kuti ave anomedzwa nepasi uye nenzvimbo yake yokugara. Uye ange asina chikwata kana bato rinomubatsira kunze kwaAllah, uye aisave mumwe weavo vaikwanisa kuzvibatsira

Verse 82 — Surah Al-Qasas 28:82

Uye avo vainyanyoda (chinzvimbo) sechake mumashure vakatanga kuti: “Chizivai kuti Allah vanopa hupfumi huzhinji kana kuderedza kune uyo wavanoda pavaranda vavo. Ingadai dzakanga dzisiri nyasha dzaAllah kwatiri, vangadai vakaita kuti tive tinomedzwa nevhu! Uye avo vasingatendi havasi kuzobudirira.”

Verse 83 — Surah Al-Qasas 28:83

Uyo musha wamangwana (Paradhiso), tichaugadziriria avo vasingatyore mitemo vachiramba chokwadi nepamusana pekuzvikudza uye udzvanyiriri nekukonzeresa panyika. Uye mhedzisiro tsvene ndeye avo vanoita mabasa akanaka (Tarisai Qur’aan)

Verse 84 — Surah Al-Qasas 28:84

Uyo anounza zvitsvene, achawanawo zvitsvene; uye uyo anoita zvakashata, ivo vanoita mabasa akashata vachawaniswawo mukoho wezvavaiita

Verse 85 — Surah Al-Qasas 28:85

Zvirokwazvo, avo vakakupa (Muhammad (SAW)) Qur’aan, vachakudzosa kuMa’aad (nzvimbo yekudzokera, kuda kuMakkah kana kuParadhiso). Taura (Muhammad (SAW)): “Tenzi vangu vanoziva maererano neuyo anounza gwara rakajeka, uye neuyo akarasika zvikurusa.”

Verse 86 — Surah Al-Qasas 28:86

Uye wakanga usingambotarisira kuti Gwaro iri (Qur’aan) richadzikisirwa kwauri, asi itsitsi kubva kuna Tenzi vako. Naizvozvo usava mubatsiri wevasingatendi

Verse 87 — Surah Al-Qasas 28:87

Iwe Muhammad (SAW)) usavaite kuti vakusiyise kuparidza ndima dzaAllah Tenzi kuvanhu mushure mekunge dzadzikiswa kwauri; uye shevedzera vanhu kuti vatende muhumwechete hwaTenzi vako. Zvekare usave mumwe wemaMushrikoon (vanosanganisa zvimwe zvinhu naAllah pakunamata)

Verse 88 — Surah Al-Qasas 28:88

Uye usava unodavidza pamwe naAllah zvimwe zvinamatwa. Laa ilaaha illaa Huwa (Hapana kana ane kodzero yokunamatwa kusara kwavo (Allah)). Zvinhu zvose zvichaparara kusara kwechiso chavo. Uye ndivo vane hutongi hwese, uye kwavari ndiko kwamuchadzorerwa (mese)