Back to Languages

Shona - Chapter 29 - Al-Ankabut

Translation by Abdullah J. M. Adini And Students — Permalink

Verse 1 — Surah Al-Ankabut 29:1

Alif – Laam – Meem. (Mavara aya ndemamwe ezviratidzo zvaAllah, uye hapana kana ani anoziva zvaanoreva kusara kwavo)

Verse 2 — Surah Al-Ankabut 29:2

Asi vanhu vanofunga kuti vachangosiiwa vakadaro nekuti vataura kuti “Tinotenda” uye vasina kumboedzwa

Verse 3 — Surah Al-Ankabut 29:3

Uye zvirokwazvo takave tinoedza avo vaive mumashure mavo. Uye Allah vachaita kuti chokwadi cheavo vari muchokwadi chizivikanwe. Uye vachaita kuti manyepo evanyepi ave anozivikanzwa. (Kunyangwe Allah vachiziva zvese vasati vavaedza)

Verse 4 — Surah Al-Ankabut 29:4

Kana kuti vanoita zvakaipa vanofunga kuti vachatinzvenga? Hapana kana nechisvinu pane izvo zvavanofunga

Verse 5 — Surah Al-Ankabut 29:5

Uyo anotarisira kusangana naAllah, zvirokwazvo, nguva yaAllah inotosvika, uye ndivo vanonzwa zvese, vanoziva zvese

Verse 6 — Surah Al-Ankabut 29:6

Uye uyo anoshanda nesimba (achirwisa), zvirokwazvo, anenge achizvishandira pachake. Zvirokwazvo, Allah havana kana nechavanoda kubva kuzvisikwa zvose (vanhu, maJinn nezvose zviripo)

Verse 7 — Surah Al-Ankabut 29:7

Uye avo vanotenda (muIslaam) uye voita mabasa akanaka, zvirokwazvo, tichave tinoregerera zvitadzo zvavo, uye tovapa mubairo unoenderana nezvakanaka zvavaiita

Verse 8 — Surah Al-Ankabut 29:8

Uye takave tinokomekedza munhu kuti ave anoita mabasa akanaka uye nekuteerera vabereki vake; asi kana vakakumanikidza kusanganisa ini nezvimwe pakunamata, pamusoro peizvo hauna ruzivo nazvo, aiwa usavatevedzere. Kwandiri muchadzoka, uye ndichave ndinokuudzai izvo zvamaiita

Verse 9 — Surah Al-Ankabut 29:9

Uye avo vanotenda (muIslaam) uye vachiita mabasa akanaka, zvirokwazvo, tichaita kuti vave vanopinda (muParadhiso) pamwechete nevanoita mabasa akanaka

Verse 10 — Surah Al-Ankabut 29:10

Muvanhu mune vamwe vanoti: “Tinotenda muna Allah.” Asi akawana dambudziko munzira yaAllah, anobva aona kunge muedzo wevanhu semarwadzo aAllah; uye kana kukunda kukauya kubva kuna Tenzi vako, (vanyengedzi) vanobva vati: “Zvirokwazvo, taive pamwechete (tichikubatsirai).” Asi Allah havazive here zviri mumoyo yevanhu nemaJinn

Verse 11 — Surah Al-Ankabut 29:11

Zvirokwazvo, Allah vanoziva avo vanotenda, uye zvirokwazvo, vanoziva avo vanonyengedza

Verse 12 — Surah Al-Ankabut 29:12

Avo vasingatendi vanoti kune avo vanotenda: “Teverai nzira yedu tichave tinotakura zvitadzo zvenyu.” Havasi kuzombotakura zvitadzo zvavo. Zvirokwazvo, ava vanyepi

Verse 13 — Surah Al-Ankabut 29:13

Zvirokwazvo, vachatakura mabasa avo akaipa, uye vachatakura mamwe asiri avo, uye zvirokwazvo, pazuva rekutongwa vachave vanobvunzwa maererano nezvavaiwedzeredza

Verse 14 — Surah Al-Ankabut 29:14

Zvirokwazvo, takatumira Nowa kuvanhu vake, uye akagara navo kwemakore mazana mapfumbamwe nemakumi mashanu (950) (achivashevedza kuti vatende kuhumwechete hwaAllah). Nokudaro vakaparadzwa nemapopoma emvura apo vainge vasingatendi

Verse 15 — Surah Al-Ankabut 29:15

Naizvozvo takamununura (Nowa) uye nevaiva naye mungarava, uye takaita kuti (ngarava) ive chiratidzo kuvanhu nemaJinn (zvisikwa zvakasikwa nemoto)

Verse 16 — Surah Al-Ankabut 29:16

(Rangarirai) apo Abrahamu akaudza vanhu vake kuti: “Namatai Allah (Voga), uye movatya. Izvi ndizvo zvakakunakirai kana muchiziva.”

Verse 17 — Surah Al-Ankabut 29:17

“Zvirokwazvo, murikunamata zvidhori kunze kwaAllah, uye murikuwedzeredza manyepo. Zvirokwazvo, izvo zvamunonamata kunze kwaAllah hazvina kana nemasimba ekukupai raramo yenyu. Naizvozvo tsvakayi raramo yenyu kubva kuna Allah chete, uye vanamatei vari voga, uye mova munovatenda. Kwavari ndiko kwamuchadzorerwa.”

Verse 18 — Surah Al-Ankabut 29:18

“Uye kana mukaramba, zvirokwazvo, madzinza aive mumashure menyu akaramba (vatumwa vavo). Uye basa remuporofita ndere kusvitsa shoko zvakakwana zviripachena.”

Verse 19 — Surah Al-Ankabut 29:19

Havaoni here matangiro akaita Allah chisikwa, nekuchidzokorora (kuchisika). Zvirokwazvo, kuna Allah zvinhu zvidukusa

Verse 20 — Surah Al-Ankabut 29:20

Taura (Muhammad (SAW) kuti): “Fambai munyika moona sikiro yakaita Allah zvisikwa zvekare. Uye Allah vachaunza zvisikwa zvose zvehupenyu hwemangwana (vachazvimutsa mushure merufu). Zvirokwazvo, Allah vane masimba pamusoro pezvinhu zvose.”

Verse 21 — Surah Al-Ankabut 29:21

Vanorwadzisa wavanoda, uye vanoratidza tsitsi wavanoda. Zvekare kwavari ndiko kwamuchadzorerwa

Verse 22 — Surah Al-Ankabut 29:22

Uye hamukwanisi kutiza Allah pano pasi zvimwechetezvo nekudenga. Zvekare hamumbowani mubatsiri kana muchengeti kusara kwaAllah

Verse 23 — Surah Al-Ankabut 29:23

Uye avo vanoramba kutenda mundima dzaAllah zvekare nekusangana navo, ndeavo vasisina tarisiro yekuwana tsitsi dzangu, uye ndivo vachazowana mutongo wakaomarara unorwadza

Verse 24 — Surah Al-Ankabut 29:24

Nokudaro hapana mhinduro yakabva kuvanhu vaIbrahim (Abrahamu) kusara kwekuti: “Muurayei kana kumupisa.” Naizvozvo Allah vakamununura kubva kumoto. Zvirokwazvo, mazviri mune zviratidzo kuvanhu vanotenda

Verse 25 — Surah Al-Ankabut 29:25

Uye Ibrahim (Abrahamu) akati: “Murikutora zviumbwa (mukunamata) kunze kwaAllah. Rudo rwenyu nderwe pano pasi chete. Asi pazuva rekumutswa muchavengana (mucharambana) mega mega, uye muchatsvinyirana pachenyu. Naizvozvo nzvimbo yenyu ichange iri kumoto, zvekare muchange musina kana vabatsiri.”

Verse 26 — Surah Al-Ankabut 29:26

Nekudaro Loti akatenda maari (Ibrahim (Abrahamu)). Iye Ibrahim (Abrahamu) akati: “Ndichatama kuzviitira Tenzi vangu. Zvirokwazvo, ndivo vane masimba ese, uye nehuchenjeri hwese.”

Verse 27 — Surah Al-Ankabut 29:27

Uye takave tinomupa (Ibrahim (Abrahamu)), Ishaaq (Isaka) naYa’qoob (Jakobho), uye takave tinokomekedza zvekare kuvana vake huporofita pamwe neMagwaro (Torah, Vhangeri neQur’aan), vose kubva kuvana vaIbrahim (Abrahamu), uye takave tinomupa mubairo wake pasi pano. Uye muzvirokwazvo, muupenyu hunotevera achange ari pamwe neavo vanoita mabasa akanaka

Verse 28 — Surah Al-Ankabut 29:28

Uye (rangarirai) apo Loti akaudza vanhu vake achiti: “Zvirokwazvo, murikuita chingochani (chitadzo chikurusa) chisina kana naani zvake mushure menyu (pakati pevanhu nemaJinn) akambochiita pasi pano.”

Verse 29 — Surah Al-Ankabut 29:29

“Zvirokwazvo, munoita chingochani pachenyu, uye kubvutira vanhu vari parwendo zvinhu zvavo! Uye munoita Al-Munkar (kusatenda nehunyengedzi nezvimwe zvitadzo) mumisangano yenyu.” Asi vanhu vake havana zvavakapindura kusara kwekuti: “Ita kuti mutongo waAllah unorwadza uuye kwatiri kana uri mumwe weavo vanotaura chokwadi.”

Verse 30 — Surah Al-Ankabut 29:30

Akati: “Tenzi vangu! Ndipeiwo rubatsiro pamusoro pevanhu vanoita mabasa akaipa.”

Verse 31 — Surah Al-Ankabut 29:31

Uye apo vatumwa vedu vakauya kuna Ibrahim (Abrahamu) nenhaurwa tsvene vakati: “Zvirokwazvo, tichaparadza vanhu (vaLoti) veguta iri (Sodom kuPalestine); chokwadi, vanhu varo vatadzi.”

Verse 32 — Surah Al-Ankabut 29:32

Ibrahim (Abrahamu) akati: “Asika pakati pavo pana Loti.” (Ivo vatumwa) vakati: “Tinoziva ari mukati maro. Tichave, zvirokwazvo, tinomununura (Loti) uye nemhuri yake kusara kwemudzimai wake, uyo achave anosara mumashure (nevatadzi uye oparadzwa navo).”

Verse 33 — Surah Al-Ankabut 29:33

Uye pakaenda vatumwa vedu kuna Loti, ainge ava kutya nekuda kwavo uye nekusagadzikana. Ivo vakabva vati: “Usatye kana kushushikana! Zvirokwazvo, tichanunura iwe nemhuri yako kusara kwemudzimai wako, uyo achasara neavo vachasara (uye achaparadzwa navo).”

Verse 34 — Surah Al-Ankabut 29:34

“Zvirokwazvo, tatova pedyo nekuburutsa marwadzo makurusa kuvanhu vedhorobha iri kubva kudenga, nekuda kwekuti vaityora mitemo yaAllah.”

Verse 35 — Surah Al-Ankabut 29:35

Uye naizvozvo takave tinosiya kubva kwariri chiratidzo (Gungwa reDead Sea kuPalestine) kuvanhu vanonzwisisa

Verse 36 — Surah Al-Ankabut 29:36

Uye kuMadyan (Midian), takave tinovatumira mukoma wavo Shuaib. Akavaudza kuti: “Imi vanhu vangu! Namatai Allah chete uye motarisira makomborero emabasa akanaka pazuva rekumutswa. Uye musave vanhu vanokanganisa seavo vanokanganisa.”

Verse 37 — Surah Al-Ankabut 29:37

Naizvozvo vakamuramba (Shuaib), nokudaro vakabva vavhiringidzwa nekundengendeka kwenyika. Vakabva vafa vakapfugama vari mudzimba dzavo

Verse 38 — Surah Al-Ankabut 29:38

Uye maAad pamwechete nemaThamood! Uye chokwadi (kuparadzwa kwavo) kwakaburitswa pachena kwamuri kubva munzvimbo dzavo dzavaigara. Chamangwiza (Satani) akanatsurudza mabasa avo (kuburikidza nehunyengedzi hwake), uye akavabvisa munzira yakatwasuka, kunyangwe zvazvo vakanga vakapiwa huchenjeri

Verse 39 — Surah Al-Ankabut 29:39

Uye takaparadza Qaaroon (Korah), Farawo, uye naHaamaan. Uye zvirokwazvo, Musa akauya kwavari nendima dziri pachena, asi vaizvitutumadza panyika, ivo vasingakwanisi kutiza (mutongo wedu wakaomarara)

Verse 40 — Surah Al-Ankabut 29:40

Nekudaro takashungurudza umwe neumwe wavo maerano nezvitadzo zvake; pakati pavo pane avo vatakatumira mutongo (mhepo yeruzha nematombo ainaya sezvatakaita kuvanhu vaLoti), uye mavari mune vamwe vatakashungurudza neruzha rwakaomarara (sezvatakaita kumaThamood kana kuvanhu vaShuaib). Uye mavari mune vamwe vatakaita kuti vamedzwe nenyika (sezvakaitwa Qaaroon (Korah)), uye kubva mavari mune vamwe vatakanyudza mugungwa (sevanhu vaNowa kana vanhu vaFarawo). Naizvozvo vakanga vasiri Allah vaivakanganisira, ivo ndivo vaizvikanganisira pachavo

Verse 41 — Surah Al-Ankabut 29:41

Muenzaniso weavo vanotora vabatsiri kunze kwaAllah wakafanana newe dandemutande iro rinozvivakira imba, asi zvirokwazvo, imba yedandemutande haina kana nekusimba kwose, dai vaiziva

Verse 42 — Surah Al-Ankabut 29:42

Zvirokwazvo, Allah vanoziva izvo zvavanodavidza kunze kwavo. Ndivo vane simba rese, uye neungwaru hwose

Verse 43 — Surah Al-Ankabut 29:43

Uye mienzaniso iyi tinoiburitsa pachena kuvanhu, asi hapana achainzwisisa kusara kweavo vane ruzivo (rwaAllah nemicherechedzo yavo)

Verse 44 — Surah Al-Ankabut 29:44

Allah vakati kuna mutumwa Muhammad (SAW)): “Allah (voga) ndivo vakasika matenga nepasi rino muchokwadi (uye hapana kana ani akabatsirana navo pakuzvisika).” Zvirokwazvo, mazviri mune micherechedzo kuvanhu vanotenda

Verse 45 — Surah Al-Ankabut 29:45

Verenga (Muhammad (SAW)) zvakadzikiswa muGwaro (Qur’aan), uye ita minamato. Zvirokwazvo, munamato unodzivirira kubva kuzvitadzo zvikuru uye nemabasa akaipa. Uye zvirokwazvo, Allah kukurangarirai (pamberi pengirozi) chinhu chikurusa (kudarika kuvarangarira kwenyu muminamato). Uye Allah vanoziva zvose zvamunoita

Verse 46 — Surah Al-Ankabut 29:46

Uye musapokane nevanhu vegwaro (maJudha nemaKristu), kusara kwekuti zviri munzira iri nani (mashoko nenzira yakanaka kuvashevedzera kuIslaam), kusara kweavo vanoita zvakaipa kubva mavari. Uye taurai kuti (kwavari): “Tinotenda mune zvatakatumirwa nezvamakatumirwa, uye Mwari wedu naMwari wenyu mumwechete (Allah), uye kwavari tinozvipira (semaMuslim).”

Verse 47 — Surah Al-Ankabut 29:47

Naizvozvo takatumira Gwaro (Qur’aan) kwauri (Muhammad (SAW)), uye avo vatakatumira magwaro (Torah neVhangeri) vanotenda mariri seavo avo vanemi (saAbdullah ibn Salaam). Uye hapana kana ani anoramba ndima dzedu kusara kweavo vasingatendi (muIslaam)

Verse 48 — Surah Al-Ankabut 29:48

Uye hapana (Muhammad (SAW)) Gwaro rawakamboverenga mushure (me iri Qur’aan), kana kuti rawakambonyora neruoko rwako rwerudyi. Zvirokwazvo, dai wakambodaro, vatevedzeri vemanyepo vaisagutsikana (newe)

Verse 49 — Surah Al-Ankabut 29:49

Asi ndima dzedu dziri pachena (dzinopa chimiro chamutumwa Muhammad (SAW) muTorah neVhangeri) dzakaiswa mumatundundu evanhu vakapiwa ruzivo (pakati pemaJudha nemaKristu). Uye hapana ani anoramba ndima dzedu kusara kwevaiti vemabasa akaipa

Verse 50 — Surah Al-Ankabut 29:50

Uye vanoti: “Ko sei zviratidzo zvisina kudzikiswa kwaari kubva kuna Tenzi vake?” Taura: “Zviratidzo zvinongove naAllah chete, uye ini ndinongova muyambiri chete ari pachena.”

Verse 51 — Surah Al-Ankabut 29:51

Havagutsikani here kuti takatumira Gwaro (Qur’aan) iro rinoverengwa kwavari? Zvirokwazvo, mazviri mune tsitsi neyambiro kune avo vanotenda

Verse 52 — Surah Al-Ankabut 29:52

Taura (kwavari Muhammad (SAW)) kuti: “Allah ndivo vanogona kuve mupupuri pakati pangu nemi. Vanoziva zvose zviri muchadenga nepasi.” Uye avo vanotenda mumanyepo vasingatendi muhumwechete hwaAllah, ndivo vanhu vakarasikirwa

Verse 53 — Surah Al-Ankabut 29:53

Uye vanokukumbira kuti ukurumidzise mutongo (kwavari), uye ingadai pasina nguva yakatarwa, zvirokwazvo, mutongo ungadai wakatosvika kwavari nechakare. Uye zvirokwazvo, uri kuzouya kwavari nenguva isipi ivo vakarivara

Verse 54 — Surah Al-Ankabut 29:54

Vanokukumbira kuti ukurumidzise mutongo (kwavari), asi zvirokwazvo, moto weGehena uchavakomberedza ivo vasingatendi

Verse 55 — Surah Al-Ankabut 29:55

Pazuva rokuti marwadzo achavambundira kubva kumusoro uye kusvikira pasi petsoka dzavo, uye zvichataurwa kwavari kuti: “Ravirai izvo zvamaiita.”

Verse 56 — Surah Al-Ankabut 29:56

“Imi varanda vangu vanotenda! Zvirokwazvo, nyika yakakurisa. Naizvozvo namatai ini ndoga.”

Verse 57 — Surah Al-Ankabut 29:57

Chinhu chose chicharavira rufu. Uye kwatiri muchadzoserwa

Verse 58 — Surah Al-Ankabut 29:58

Uye avo vanotenda muhumwe hwaAllah, uye voita mabasa akanaka, zvirokwazvo, tichave tinovapa dzimba dzepamusoro kuParadhiso, kumucheto kwadzo pane nzizi dzinenge dzichierera, kuti vagaremo zvachose. Mubario mutsvene ndewe vasevenzi

Verse 59 — Surah Al-Ankabut 29:59

Avo vanotsungirira, uye vovimba naTenzi vavo chete (Allah)

Verse 60 — Surah Al-Ankabut 29:60

Uye zvisikwa zvizhinji hazvitakuri kudya kwazvo, asi Allah ndivo vanozvipa kudya pamwechete nemi. Uye ndivo vanonyatsonzwa, vanonyatso ziva

Verse 61 — Surah Al-Ankabut 29:61

Uye kana ukavabvunza kuti: “Ndiyani akasika matenga nenyika pamwe nekusika zuva nemwedzi?” Chokwadi, vanopindura vachiti: “Allah.” Saka seiko vachirasika

Verse 62 — Surah Al-Ankabut 29:62

Allah vanowedzera kudya nekuderedza kune uyo wavanoda kubva kuvaranda vavo. Zvirokwazvo, Allah ndivo muzivi wezvose

Verse 63 — Surah Al-Ankabut 29:63

Uye kana ukavabvunza kuti: “Ndiyani anonaisa mvura kubva kumatenga, uye okonzera kuti nyika irarame mushure mekufa kwayo?” Naizvozvo vanopindura vachiti: “Allah.” Taura kuti: “Kurumbidzwa kwese nekutendwa kwese ndekwa Allah!” Asi vazhinji vavo havafunge

Verse 64 — Surah Al-Ankabut 29:64

Uye hupenyu hwepasi pano ndewe kutamba uye nekunakidzwa! Zvirokwazvo, hupenyu huchatevera mushure mekutongwa ndiwo hupenyu (husina kana magumo), asi dai vaiziva

Verse 65 — Surah Al-Ankabut 29:65

Uye kana vachipinda mungarava vanokumbira chengetedzo kubva kuna Allah, uye vachichenesa kutenda kwavo kuzviitira ivo chete. Asi kana vakaunzwa panyika mune zvakanaka, vanotanga kusanganisa Allah nezvimwewo pakunamata

Verse 66 — Surah Al-Ankabut 29:66

Naizvozvo havatendi izvo zvatakavapa uye vanotonakidzwa, asi nenguva isipi vachazviziva

Verse 67 — Surah Al-Ankabut 29:67

Uye havaoni here kuti takaita (Makkah) nzvimbo yakachengetedzeka, asi vanhu vazhinji vachibatwa (kana kuraiwa) munzvimbo dzakavakomberedza? Saka vanotenda here mumanyepo (zvimwe zvinamatwa kunze kwaAllah), uye vachiramba (kutenda) zvipo zvaAllah

Verse 68 — Surah Al-Ankabut 29:68

Uye ndiani ane udzvanyiriri kupfuura uyo anotaura manyepo pamusoro paAllah kana kuramba chokwadi (Islaam) kana chichinge chauya kwaari? Nokudaro hapana here nzvimbo yekugara kumoto wekuGehena yeavo vasingatendi (muIslaam)

Verse 69 — Surah Al-Ankabut 29:69

Uye avo vanoshanda (vanorwa) nesimba munzira yedu, zvirokwazvo, tichavatungamirira munzira dzedu (Islaam). Uye zvirokwazvo, Allah vane avo vanoita mabasa akanaka