Back to LanguagesPrevious ChapterNext Chapter
Shona - Chapter 3 - Al-Imran
Translation by Abdullah J. M. Adini And Students — Permalink
Verse 1 — Surah Al-Imran 3:1
Alif – Laam – Meem. (Mavara aya ndemamwe ezvishamiso zvemuQur’aan, uye hapana anoziva zvaanoreva kunze kwaAllah)
Verse 2 — Surah Al-Imran 3:2
Allah! Laa ilaaha illaa Huwa (Hakuna ane kodzero yokunamatwa kunze kwavo), vanorarama nekusingaperi, muchengetedzi wezvese
Verse 3 — Surah Al-Imran 3:3
Ndivo (Allah) vakadzikisa Gwaro (Qur’aan) kwauri (Muhammad (SAW)) muchokwadi, richitsigira izvo zvakange zviripo mushure maro. Uye vakatumira Torah neInjeel (Vhangeri)
Verse 4 — Surah Al-Imran 3:4
Kare, kare, segwara rekutevedzera kuvanhu. Uye vadzikisa Al-Furqaan (Qur’aan senzira yekupatsanura zvakanaka nezvakaipa). Zvirokwazvo, avo vasingatendi muzviratidzo zvaAllah, vachange vane marwadzo akaoma; uye Allah vane simba, vanopa mutongo (vanotsiva)
Verse 5 — Surah Al-Imran 3:5
Zvirokwazvo, hapana chakavandika kubva kuna Allah, pasi nekudenga
Verse 6 — Surah Al-Imran 3:6
Ndivo vanokuumbai muzvibereko sekuda kwavo. Laa ilaaha illaa Huwa (Hakuna anekodzero yokunamatwa kunze kwavo (Allah)), samasimba, vane huchenjeri hwese
Verse 7 — Surah Al-Imran 3:7
Ndivo vatumira Gwaro kwauri (Muhammad (SAW)). Mariri mune ndima dziri pachena, ndidzo midzi dzeGwaro (Ndima dzemitemo), uye nedzimwe dzisina kutsanangurwa (dzisiri pachena). Asi avo vane kurasika mumoyo yavo vanotevera idzo ndima dzisiri pachena mariri, vachitsvaga Fitnah (Miedzo), uye vachitsvaga zvadzinoreva zvakavanzika, asi hapana anoziva zvakavanzika zvadzinoreva kunze kwaAllah. Uye avo vakapihwa ruzivo rwakadzama, vanoti: “Tinotenda madziri (dziri pachena nedzakavanzika), dzese dzinobva kuna Tenzi vedu.” Uye hapana vanotambira mashoko eyambiro kunze kweavo vanonzwisisa
Verse 8 — Surah Al-Imran 3:8
(Vanoti): “Tenzi vedu! Musaite moyo yedu itsauke (kubva pachokwadi) mushure mekunge matitungamirira, uye mova munotipawo tsitsi kubva kwamuri. Zvirokwazvo, ndimi munopa zvikuru.”
Verse 9 — Surah Al-Imran 3:9
“Tenzi vedu! Zvirokwazvo, ndimi muchaunganidza vanhu pamwechete pazuva iro risina rupokano mariri. Zvirokwazvo, Allah havaputsi chirangano.”
Verse 10 — Surah Al-Imran 3:10
Zvirokwazvo, avo vasingatendi, hupfumi hwavo nevana vavo hazvimbofi zvakavabetsera chinhu pamberi paAllah; uye ava ndivo vachave bvavi remoto (huni dzekuGehena)
Verse 11 — Surah Al-Imran 3:11
Sehunhu hwevanhu vaFarawo neavo vanga vari mumashure mavo, vakaramba ndima dzedu. Saka Allah vakave vanovaparadza nokuda kwezvitadzo zvavo. Uye Allah vanoranga zvakaomarara
Verse 12 — Surah Al-Imran 3:12
Iti (Muhammad (SAW)) kune avo vasingatendi: “Muchava munokurirwa, uye mounganidzwa kuGehena, uye ndiyo nzvimbo yakaipa kugara.”
Verse 13 — Surah Al-Imran 3:13
Zvirokwazvo, pakanga pane chiratidzo kwamuri (maJudha) kune mauto maviri akasangana (hondo yeBadr). Rimwe rairwa munzira yaAllah, asi rimwe raive risingatendi. Vachivaona (vatendi avo vasingatendi) nemaziso avo vakaenzana navo zvakapetwa kaviri (asi avo vasingatendi vange vakapetwa katatu). Uye Allah vanotsigira nekukunda uyo wavada. Zvirokwazvo, mune izvi mune chidzidzo kune vanonzwisisa
Verse 14 — Surah Al-Imran 3:14
Kuda zvido zvemoyo kwakashongedzerwa vanhu, kuda vakadzi, vana, goridhe zhinji uye sirivha, mabhiza akanaka anemuchiso, nezvipfuyo uye neminda yakarimwa mune zvakanaka. Aya ndiwo mafaro ehupenyu hwepasi rino; asi Allah kwavari kune kudzokera kwakanaka (Paradhiso ine nzizi dzinoerera)
Verse 15 — Surah Al-Imran 3:15
Iti: “Ndokuudzai here zvinhu zvakanaka zvinodarika izvi? Kune Al-Muttaqoon (vanoita mabasa akanaka) kune Minda (Paradhiso) kuna Tenzi vavo, pasi payo pane nzizi dzichierera. Vachave vanogaramo zvachose uye Az-waajun mutahharatun (varume kana vakadzi vakachenurwa). Uye nemufaro kubva kuna Allah. Uye Allah vanoona varanda (vavo).”
Verse 16 — Surah Al-Imran 3:16
Avo vanoti: “Tenzi vedu! Zvirokwazvo, tava tinotenda, saka tiregerereiwo zvitadzo zvedu uye tidzivirireiwo kubva kumarwadzo ekumoto.”
Verse 17 — Surah Al-Imran 3:17
(Ndeavo) avo vanotsungirira, avo vari pachokwadi, uye vanotevedzera nemoyo wese mukunamata Allah. Avo vanopa (Zakaat (Zvipo) munzira yaAllah) uye vanokumbira ruregerero rwaAllah munguva dzekupedzisira dzeusiku
Verse 18 — Surah Al-Imran 3:18
Allah vanopa huchapupu kuti Laa ilaaha illaa Huwa (Hakuna anekodzero yekunamatwa kunze kwavo), uye nengirozi, uye neavo vane ruzivo (vanopawo huchapupu). Vanochengetedza zvisikwa zvavo mune zvakanaka. Laa ilaaha illaa Huwa (Hakuna anekodzero yekunamatwa kunze kwavo), samasimba, muchenjeri mukuru
Verse 19 — Surah Al-Imran 3:19
Zvirokwazvo, chitendero (chechokwadi) kuna Allah iIslaam. Uye avo vakapihwa Gwaro (maJudha nemaKristu) havana kupokana kunze kwegodo pachavo, mushure mekunge ruzivo rwauya kwavari. Uye wese asingatendi muzviratidzo zvaAllah, zvirokwazvo, Allah vanokurumidza mukutonga
Verse 20 — Surah Al-Imran 3:20
Asi vakapokana newe (Muhammad (SAW)) iti: “Ndave ndinozvipira pachezvangu kunaAllah (muIslaam), uye neuyo anonditevera.” Uye iti kune avo vakapihwa Gwaro (maJudha nemaKristu), uye kune avo vasingazivi (vasingagoni kuverenga nekunyora, maArabhu): “Munozvipira here pachenyu (kuna Allah muIslaam)?” Kana vakazvipira, zvirokwazvo varimugwara rakanaka; asi kana vakafuratira, zvirokwazvo, basa rako kupa shoko chete; uye Allah vanoona varanda (vavo)
Verse 21 — Surah Al-Imran 3:21
Zvirokwazvo, avo vasingatendi muzviratidzo zvaAllah uye vachiuraya vatumwa pasina kodzero, uye vachiuraya avo vanhu vanokuridzira zvakanaka (ruenzaniso), saka vazivise kuti vachawana mutongo unorwadza zvikuru
Verse 22 — Surah Al-Imran 3:22
Ndeavo mabasa avo achashaya basa pano pasi uye nemuhupenyu unotevera, uye vachange vasina vabetseri
Verse 23 — Surah Al-Imran 3:23
Hauna kuona here avo vakapihwa chidimbu cheGwaro? Varikukokwa kuGwaro raAllah kuti rigadzirise kupokana kwavo, uye chimwe chikwata chavo chinofuratira, vasingaratidzi hanya
Verse 24 — Surah Al-Imran 3:24
Izvi nokuda kwekuti vanoti: “Moto hautibati asi kwemazuva anoverengeka.” Uye zvavaivamba vachiwedzera muchitendero chavo zvakavanyengedza
Verse 25 — Surah Al-Imran 3:25
Zvichava sei apo patichavaunganidza pamwechete pazuva iro risina kupokana mariri (Zuva rekutongwa). Uye munhu wega wega achave anopihwa mubairo wakazara mune zvaakaita? Uye havambodzvanyirirwi
Verse 26 — Surah Al-Imran 3:26
Iti (Muhammad (S.A.W)): “Imi Allah! Muridzi wehumambo, munopa humambo kune uyo wamada, uye munotorera humambo kubva kune uyo wamada, uye munosimudzira uyo wamunoda, uye munodzikisira uyo wamunoda. Muruoko rwenyu mune zvakanaka. Zvirokwazvo, munokwanisa kuita zvose.”
Verse 27 — Surah Al-Imran 3:27
“Munoita kuti husiku hupinde mumasikati, uye munoita kuti masikati apinde muhusiku (kuwedzera kana kushomeka kwenguva yeusiku nemasikati munguva yechando neyekupisa), uye munoburitsa vapenyu kubva kune vakafa, uye munoburitsa vakafa kubva kune vapenyu. Uye munopa hupfumi neraramo kune wamunoda zvisina magumo (zvisingaverengeki).”
Verse 28 — Surah Al-Imran 3:28
Vanotenda ngavasatora vasingatendi sevabatsiri kusara kweavo vanotenda, uye anenge aita izvozvo haabatsirwi naAllah nenzira ipi zvayo, kunze muchitya kukuvadzwa navo. Uye Allah vanokuyambirai pachavo (mutongo wavo), uye kuna Allah tichadzokera
Verse 29 — Surah Al-Imran 3:29
Iti (Muhammad SAW)): “Kunyangwe mukavanza izvo zviri mumoyo menyu kana kuzviburitsa, Allah vanozviziva, uye vanoziva izvo zviri mumatenga uye nezviri pasi. Uye Allah vanokwanisa kuita zvese.”
Verse 30 — Surah Al-Imran 3:30
Pazuva iro munhu wese achawana zvese zvakanaka zvaakaita zviripo neizvo zvakaipa zvaakaita, achave nechishuwo chekuti dai paine chinhambwe chirefu pakati pake nemabasa ake akaipa. Uye Allah vanokuyambirai pachavo (mutongo wavo) uye Allah vazere netsitsi kuvaranda (vavo)
Verse 31 — Surah Al-Imran 3:31
Iti (Muhammad (SAW)) kuvanhu: “Kana muchinyatsodisisa Allah nditeverei, Allah vachakudai pamwe nekukuregererai zvitadzo zvenyu. Uye Allah vanoregerera zvikuru, vane tsitsi zhinji.”
Verse 32 — Surah Al-Imran 3:32
Iti (Muhammad (SAW)): “Teererai Allah nemutumwa (Muhammad (SAW)).” Asi kana vakafuratira, zvirokwazvo Allah havadi avo vasingatendi
Verse 33 — Surah Al-Imran 3:33
Zvirokwazvo, Allah vakasarudza Adam, Nowa, mhuri yaAbrahamu, uye nemhuri yaImraan pamusoro pezvisikwa zvese (vanhu nemaJinn venguva dzavo)
Verse 34 — Surah Al-Imran 3:34
Vana, vamwe vavo kubva kune vamwe, uye Allah vanonzwa zvakanyanya, vanoziva zvikuru
Verse 35 — Surah Al-Imran 3:35
(Rangarirai) apo mukadzi waImraan akati: “Tenzi vangu! Ndave ndinotora mhiko kwamuri pane (mwana) ari muchibereko changu kuti ndinomupira kubasa renyu, saka ivai munotambira izvi kubva kwandiri. Zvirokwazvo, munonzwa zvakanyanya, munoziva zvikuru.”
Verse 36 — Surah Al-Imran 3:36
Paakabereka mwanasikana wake (Mariya) akati: “Tenzi vangu! Ndabereka mwanasikana,” uye Allah vaiziva zvikuru mwana waakanga abereka, “Uye murume haana kufanana nemukadzi, uye zvirokwazvo ndamutumidza zita rekuti Maryam (Mariya), uye zvirokwazvo, ndinotsvaga ruponeso mamuri (Allah) kwaari uye nevana vake kubva kuna Shaitwaan (Satani), akarambwa (akarengerwa).”
Verse 37 — Surah Al-Imran 3:37
Saka Tenzi vake vakamutambira mune zvakanaka. Vakamukudza mune zvakanaka uye Zakariya (Zakero) ndiye aimuchengeta. Pose paaipinda Zakariya kwaari Al-Mihraab (mukamuri yake) aimuwana aine chikafu. Akati: “Iwe Maryam (Mariya)! Zvabva kupi zvinhu izvi?” Akati: “Izvi zvabva kuna Allah.” Zvirokwazvo, Allah vanopa Rizq (Chikafu) kune uyo wavada, zvisina muero
Verse 38 — Surah Al-Imran 3:38
Panguva iyoyo Zakariya akadaidza Tenzi vake, achiti: “Tenzi vangu! Ndipeiwo kubva kwamuri mwana akanaka. Zvirokwazvo, munonzwa zvikuru minamato (maDua).”
Verse 39 — Surah Al-Imran 3:39
Nekudaro ngirozi dzakamudaidza apo akanga akamira pamunamato ari mukamuri yekunamatira, (dzichiti): “Allah vanokupa mashoko akanaka aYahya (Johwani – uchava nemwana Johwani), achange achitenda mushoko kubva kuna Allah (rekusikwa kwaJesu neshoko raAllah kuti: “Ivapo!” Uye obva avapo), anoremekedzwa, ari kure kubva kune bonde nevakadzi, uye muporofita kubva kune vanoita mabasa akanaka.”
Verse 40 — Surah Al-Imran 3:40
Akati: “Tenzi vangu! Ndinove ndinowana sei mwanakomana ini ndachembera kudai, uye mukadzi wangu aringomwa?” (Allah) Vakati: “Naizvozvo nekudaro Allah vanoita zvavanoda.”
Verse 41 — Surah Al-Imran 3:41
Akati: “Tenzi vangu! Ndipei chiratidzo.” (Allah) vakati: “Chiratidzo chako ndechokuti uchava unorega kutaura nevanhu kwemazuva matatu kunze nezviratidzo (kuchonya nekuninira). Uye rangarira Tenzi vako zvakanyanya, uye murumbidze munguva dzemasikati nemangwanani.”
Verse 42 — Surah Al-Imran 3:42
Uye rangarirai apo ngirozi dzakati: “Iwe Maryam (Mariya)! Zvirokwazvo, Allah vakusarudza vakakuchenura, uye vakakusarudza pamusoro pemadzimai ose epanyika (panguva yake).”
Verse 43 — Surah Al-Imran 3:43
“Iwe Maryam (Mariya)! Iva unozvipira kuna Tenzi vako nekuteerera (Allah, nekuvanamata vari voga) uye ova unoisa chiso chako pasi, uye ova unopfugama pamwe neavo vanopfugama.”
Verse 44 — Surah Al-Imran 3:44
Ichi ndicho chidimbu chenhau kubva mune izvo zvisingaoneki chatiri kudzikisa kwauri (iwe Muhammad (SAW)). Uye wanga usiri pamwechete navo, apo pavaikanda zvinyoreswa zvavo kuti ndeupi pakati pavo achachengeta Maryam (Mariya), uye waisava navo pavaipokana
Verse 45 — Surah Al-Imran 3:45
(Rangarirai) apo ngirozi dzakati: “Iwe Maryam (Mariya)! Zvirokwazvo, Allah vari kukupa mashoko akanaka eshoko kubva kwavari, zita rake anenge achinzi Mesiya Isa (Jesu), mwanakomana waMariya, acharemekedzwa pasi rose uye nekudenga, uye achange ari umwe weavo vari pedyo naAllah.”
Verse 46 — Surah Al-Imran 3:46
“Achataura kuvanhu ari kacheche uye akura, uye achange ari umwe weavo vanoita mabasa akanaka.”
Verse 47 — Surah Al-Imran 3:47
Akati: “Tenzi vangu! Ndingave sei nemwanakomana pasina murume akandibata?” Akati: “Naizvozvo Allah vanosika zvavanoda. Kana vachida kuita chinhu, zvirokwazvo vanoti kwachiri: “Ivapo!” uye chinobva chavapo
Verse 48 — Surah Al-Imran 3:48
Uye ivo (Allah) vachamudzidzisa Gwaro nehungwaru, uye neTorah uye neInjeel (Vhangeri)
Verse 49 — Surah Al-Imran 3:49
Uye vachamuita kuti ave mutumwa kuvana vaIzirairi (achiti): “Zvirokwazvo, ndakuvigirai chiratidzo kubva kuna Tenzi venyu, zvekuti ndinokuumbirai kubva kuvhu, chiumbwa chinenge shiri, uye ndochifemera machiri, chinobva chaita shiri nekuda kwaAllah; uye ndinoporesa uyo akaberekwa ari bofu uye neuyo ane maperembudzi, uye ndinomutsa vakafa nesimba raAllah. Uye ndinokuudzai izvo zvamunodya pamwe neizvo zvamunochengeta mudzimba dzenyu. Zvirokwazvo, mukati meizvi mune chiratidzo kwamuri, kana muri vatendi
Verse 50 — Surah Al-Imran 3:50
Uye ndauya kuzotsigira izvo zvakanga zviripo ndisati ndavapo kubva muTorah, uye kuzokubvumidzai zvimwe zvezvinhu zvakanga zvakarambidzwa kwamuri, uye ndauya kwamuri nehumboo kubva kuna Tenzi venyu. Naizvozvo, ityai Allah mova munonditeerera
Verse 51 — Surah Al-Imran 3:51
Zvirokwazvo! Allah ndiTenzi vangu uye Tenzi venyu, naizvozvo vanamatei (Allah vari voga). Iyi ndiyo nzira yakatwasuka.”
Verse 52 — Surah Al-Imran 3:52
Apo Isa (Jesu) paakazoona kusatenda kwavo akati: “Ndivanani vachava vabatsiri vangu munzira yaAllah?” Vadzidzi vakati: “Tiri vabatsiri vaAllah, tinotenda muna Allah, uye tinopupura kuti zvirokwazvo tiri vatendi (maMuslim).”
Verse 53 — Surah Al-Imran 3:53
“Tenzi vedu! Tinotenda pane izvo zvamatumira pasi, uye tinotevedzera mutumwa (Jesu), saka tinyorei pasi pakati pevapupuri.”
Verse 54 — Surah Al-Imran 3:54
Uye vakaronga (vasingatendi kuti vauraye Jesu), uye Allah vakarongawo. Asi Allah ndivo murongi anogonesesa pakati pevarongi vese
Verse 55 — Surah Al-Imran 3:55
(Rangarirai) apo Allah vakati: “Iwe Isa (Jesu)! Zvirokwazvo, ndichaita kuti urare uye ndova ndokutakura wouya kwandiri, uye ndova ndinokuchenura kubva kune avo vasingatendi (manyepo avo ekuti Jesu ndimwanakomana waAllah), uye ndichaita kuti avo vanokutevera (vanotenda muhumwechete hwaAllah) vave pamusoro peavo vasingatendi kusvika zuva rekumutswa. Uye muchava munodzoka kwandiri uye ndichatonga pakati penyu pane izvo maipokana.”
Verse 56 — Surah Al-Imran 3:56
“Kune avo vasingatendi, ndichavarwadzisa nemarwadzo akanyanya pano pasi uye nekudenga, uye vachashaya vabatsiri.”
Verse 57 — Surah Al-Imran 3:57
Uye kune avo vanotenda (muhumwechete hwaAllah) nekuita mabasa akanaka, (Allah) vachavapa muripo wavo zvizere. Uye Allah havadi avo vanoita mabasa akaipa
Verse 58 — Surah Al-Imran 3:58
Izvi ndizvo zvatiri kuverenga kwauri (Muhammad (SAW)) kubva muzviratidzo uye neyeuchidzo ine hungwaru (Qur’aan)
Verse 59 — Surah Al-Imran 3:59
Zvirokwazvo, mufananidzo waIsa (Jesu) kuna Allah wakafanana nemufananidzo waAdam. Vakamusika kubva kuvhu (Adam) vakati kwaari: “Ivapo!” uye akabva avapo
Verse 60 — Surah Al-Imran 3:60
Ichi ndicho chokwadi kubva kuna Tenzi vako, nokudaro usava pakati peavo vanopokana nacho
Verse 61 — Surah Al-Imran 3:61
Avo vanopokana newe maererano naye (Jesu) mushure mekunge ruzivo rwauya kwauri (kuti Jesu muranda waAllah), vaudze kuti: “Ngatidanei vanakomana vedu nevanakomana venyu, madzimai edu nemadzimai enyu, isusu nemi, tonamata uye tokumbira kuti kurengera kwaAllah kuve kune avo vanonyepa.”
Verse 62 — Surah Al-Imran 3:62
Zvirokwazvo, iyi inyaya yechokwadi (yaJesu), uye Laa ilaaha illallaah (Hakuna umwe mwari anofanirwa kunamatwa kunze kwaAllah). Uye zvirokwazvo, Allah ndivo samasimba, vane hungwaru hwakanyanya
Verse 63 — Surah Al-Imran 3:63
Uye kana vakafuratira (uye voramba zviratidzo izvi zvechokwadi), zvirokwazvo, Allah vane ruzivo maererano neAl-Mufsidoon (avo vanoita mabasa asina kururama)
Verse 64 — Surah Al-Imran 3:64
Iti (Muhammad (SAW)): “Imi makapihwa Gwaro (maJudha nemaKristu)! Huyai kushoko rine ruenzaniso pakati pedu nemi, kuti tisave tinonamata zvimwe zvinhu kunze kwaAllah (vamwe chete), uye hatifaniri kuvasanganisa (Allah) nezvimwe zvinhu (pakunamata), uye pakati pedu hapana achatora vamwe vanhu saanamwari kunze kwaAllah.” Kana vakafuratira, vaudzei kuti: “Ivai zvapupu kuti zvirokwazvo tiri maMuslim (vanhu vakazvipira kuna Tenzi vavo).”
Verse 65 — Surah Al-Imran 3:65
Imi makapihwa Gwaro (maJudha nemaKristu)! Sei muchipokana maererano naAbrahamu, nokuti Torah neVhangeri (Injeel) hazvina kudzikiswa asi mushure make? Hamufungi here
Verse 66 — Surah Al-Imran 3:66
Ndimi mange muchipokana maererano neizvo zvamune ruzivo nazvo. Ko sei iyezvino muchipokana neizvo zvamusina ruzivo nazvo? Uye Allah ndivo vanoziva, uye imi hamuzivi
Verse 67 — Surah Al-Imran 3:67
Abrahamu (Ibrahim) akanga asiri muJudha kana muKristu, asi akanga ari muMuslim wechokwadi (aitenda muhumwechete hwaAllah), uye akanga asiri umwe weal-Mushrikoon (avo vanonamata Allah nezvimwe zvinhu)
Verse 68 — Surah Al-Imran 3:68
Zvirokwazvo, vanekodzero pakati pevanhu kuna Abrahamu ndeavo vakamutevera uye pamwe nemuporofita uyu (Muhammad (SAW)) neavo vanotenda (maMuslim). Uye Allah ndivo muchengeti wevatendi
Verse 69 — Surah Al-Imran 3:69
Boka kubva kune vanhu vakapihwa Gwaro (maJudha nemaKristu) vane chishuwo kuti dai vakutsaudzai. Asi havafi vakatsaudza ani zvake kunze kwekuzvitsaudza pachavo, asi havazvizivi
Verse 70 — Surah Al-Imran 3:70
“Imi vanhu vakapihwa Gwaro (maJudha nemaKristu)! Sei musingatendi muzviratidzo zvaAllah (pamusoro paMuhammad (SAW) zviri muTorah neVhangeri), asi muchipa uchapupu kuti (maGwaro) nde echokwadi?”
Verse 71 — Surah Al-Imran 3:71
“Imi vanhu vakapihwa Gwaro (maJudha nemaKristu)! Sei muchisanganisa chokwadi nemanyepo uye muchiviga chokwadi muchiziva?”
Verse 72 — Surah Al-Imran 3:72
Uye rimwe boka revanhu vakapihwa Gwaro rinoti: “Tendai mune izvo zvakadzikiswa kuvatendi (maMuslim) mangwanani uye moramba kupera kwezuva kuti vafuratire.”
Verse 73 — Surah Al-Imran 3:73
“Uye musava munotenda upi zvake kusara kweuyo anotevera chitendero chenyu.” Iti (Muhammad (SAW)): “Zvirokwazvo, gwara rechokwadi igwara raAllah” uye musava munotenda kuti wese anogona kuwana zvakafanana nezvamakawana, pamwewo vangapokane nemi pamberi paTenzi venyu. Iti (Muhammad (SAW)): “Makomborero ese ari mumaoko aAllah, vanopa kune wavanoda. Uye Allah vanogutsa (vakazvikwanira) zvisikwa zvavo, vanoziva zvakanyanya.”
Verse 74 — Surah Al-Imran 3:74
Vanosarudza kupa tsitsi dzavo (Islaam neQur’aan nehuporofita) uyo wavanoda, uye Allah ndivo muridzi wemakomborero akawanda
Verse 75 — Surah Al-Imran 3:75
Pakati pevanhu veGwaro (maJudha nemaKristu) pane uyo, ukamuchengetesa Qintaar (hupfumi hwakawandisa), anohudzosera kwauri; uye pakati pavo pane uyo, ukamuchengetesa Diinaar (Ndarama 4.25g) haaidzoseri kwauri kunze kwekuti wamira-mira uchisheedzera, nekuti vanoti: “Hapana chakaipa patiri nekutora midziyo yevasina ruzivo (maArabhu).” Asi vanotaura manyepo pamusoro paAllah vachiziva
Verse 76 — Surah Al-Imran 3:76
Chokwadi, wese anozadzikisa chibvumirano chake uye anotya Allah zvakanyanya, zvirokwazvo, Allah vanoda Al-Muttaqoon (vanoita mabasa akanaka, vatsvene)
Verse 77 — Surah Al-Imran 3:77
Zvirokwazvo, avo vanotenga nechitsidzo chaAllah nemhiko dzavo hupfumi hushoma, vachave vanoshaiwa chidimbu (chikamu chakanaka) mune ramangwana (Paradhiso). Allah havazombotauri navo kana kuvatarisa pazuva rekumutswa, kana kuvachenura, uye vachave vanowana mutongo unorwadza zvikuru
Verse 78 — Surah Al-Imran 3:78
Uye zvirokwazvo, pakati pavo pane boka rinotsaudzira Gwaro nerurimi rwavo (pavanoverenga), kuti muve munofunga kuti ndezve muGwaro, asi zvisiri zvemuGwaro, uye vanoti: “Izvi ndezvaAllah,” asi zvisiri zvaAllah; uye vanotaura manyepo pamusoro paAllah vachiziva
Verse 79 — Surah Al-Imran 3:79
Hazvigoni kuti munhu Allah vanomupa Gwaro, mitemo uye huporofita mushure mezvo oti kuvanhu: “Ivai vanamati vangu kunze kwaAllah.” Asi (anoti): “Ivai Rabbaaniyyoon (vanhu vakadzidza vanoita zvavanoziva uye nekuzviparidza) nekuti muri kudzidzisa Gwaro, uye muri kuriverenga.”
Verse 80 — Surah Al-Imran 3:80
Uye haakwanisi kukukomekedzai kutora ngirozi nemaporofita sevanatenzi. Anokukomekedzai here kusatenda mushure mekunge mazvipira kuna Allah (semaMuslim)
Verse 81 — Surah Al-Imran 3:81
Uye (rangarirai) apo Allah pavakatora chibvumirano nemaporofita (vachiti): “Kana ndakupai Gwaro nehungwaru (mitemo), uye mumashure mezvo mutumwa (Muhammad (SAW)) ouya kwamuri achipupura izvo zvamunazvo, naizvozvo munofanirwa kutenda kwaari pamwe nekumubatsira.” Allah vakati: “Munobvuma here uye munotora chibvumirano changu pamusoro pazvo here?” Vakati (maporofita): “Tinobvumirana nazvo.” Akati (Allah): “Naizvozvo ipai uchapupu, uye ini ndinemi pakati pezvapupu.”
Verse 82 — Surah Al-Imran 3:82
Naizvozvo uyo munhu achafuratira mushure meizvi, ndivo vapanduki (avo vanotyora mitemo yaAllah)
Verse 83 — Surah Al-Imran 3:83
Vanotsvaga chimwe chitendero chisiri chaAllah, asi zvisikiwa zvese zviri pasi nekudenga zvinozvininipisa kwavari (Allah), zvichida kunyangwe zvisingadi. Uye kwavari (Allah) vese vachadzorerwa
Verse 84 — Surah Al-Imran 3:84
Iti (Muhammad (SAW)): “Tinotenda muna Allah neizvo zvakadzikiswa kwatiri (Qur’aan), uye neizvo zvakadzikiswa kuna Abrahamu, Ishumaeri, Isaka, Jakobho pamwe nemaAl-Asbaat (vana vevana vaJakobho gumi nevaviri), neizvo zvakapihwa Musa, uye naIsa (Jesu) pamwe nemaporofita ese kubva kuna Tenzi vavo. Hatipatsanuri pakati pavo (maporofita), uye kwavari (Allah) takazvipira (semaMuslim).”
Verse 85 — Surah Al-Imran 3:85
Uye uyo munhu achava anotsvaga chimwe chitendero kunze kweIslaam, hachifi chakatambirwa kubva kwaari, uye muhupenyu hwemangwana achave pakati peavo vakarasikirwa
Verse 86 — Surah Al-Imran 3:86
Allah vangatungamirire sei vanhu vakarega kutenda mushure mekunge vaimbotenda, uye mushure mekunge vapa huchapupu kuti mutumwa Muhammad (SAW) ndewechokwadi, uye zviratidzo zviri pachena zvauya kwavari? Uye Allah havatungamiri avo vanoita mabasa akaipa
Verse 87 — Surah Al-Imran 3:87
Ndeavo mubairo wavo uchange uri kurengera kwaAllah, nengirozi, uye pamwe nevanhu vese
Verse 88 — Surah Al-Imran 3:88
Vachava vanogara ikoko (kuGehena). Marwadzo avo haafi akadzikiswa kana kunonotswa
Verse 89 — Surah Al-Imran 3:89
Kunze kweavo vanokumbira ruregerero mushure maizvozvo uye voita mabasa akanaka. Zvirokwazvo, Allah vazere neruregerero, vane tsitsi zhinji
Verse 90 — Surah Al-Imran 3:90
Zvirokwazvo, avo vakarega kutenda mushure mekunge vambotenda uye vakaenderera mberi nekusatenda kwavo (muQur’aan naMuporofita Muhammad (SAW)), (kukumbira) ruregerero kwavo hakuzombotambirwi (nekuti kukumbira kwavo kunenge kusingabvi mumoyo). Uye ndivo avo vakarasika
Verse 91 — Surah Al-Imran 3:91
Zvirokwazvo, avo vakarega kutenda uye vakafa vasingatendi, nyika yakazara negoridhe haizombotambirwi kubva kuna ani nani pakati pavo kunyangwe vaipa senzira yekuzvinunura nayo. Avo vachawana chirango chinorwadza zvikuru uye vachange vasina vabatsiri
Verse 92 — Surah Al-Imran 3:92
Hamufi mawana hutsvene kusvikira mapa (munzira yaAllah) izvo zvamunodisisa, uye chinhu chese chamunopa, zvirokwazvo Allah vanochiziva
Verse 93 — Surah Al-Imran 3:93
Chikafu chese chakanga chiri Halaal (chinobvumirwa) kuvana vaIzirairi, kunze kweizvo zvinhu Izirairi akazviita Haraam (akazvirambidza) kwaari pachake Torah risati radzikiswa. Iti (Muhammad (SAW)): “Huyai neTorah uye moriverenga kana muri pachokwadi.”
Verse 94 — Surah Al-Imran 3:94
Mushure maizvozvo, ani nani zvake achapomera manyepo kuna Allah, avo ndivo vanoita mabasa akaipa
Verse 95 — Surah Al-Imran 3:95
Iti (Muhammad (SAW)): “Allah vakataura chokwadi; teverai chitendero chaAbrahamu Haneef (ainamata Allah chete), uye akanga asiri pakati peAl-Mushrikoon (avo vanonamata Allah nevamwe vanamwari).”
Verse 96 — Surah Al-Imran 3:96
Zvirokwazvo, imba yokutanga (yekunamatira) yakapihwa vanhu zvirokwazvo ndeiyo iri kuBakkah (Makkah), izere nemakomborero, uye negwara kuvanhu vese pamwe nemaJinn
Verse 97 — Surah Al-Imran 3:97
Mairi mune zviratidzo zviri pachena, nzvimbo yaAbrahamu; uye ani nani zvake achapinda mairi, anenge akachengetedzwa. Uye Hajj (kushanya) kuimba yaAllah (Ka’bah) ibasa vanhu ravanofanirwa kuitira Allah, kune ani nani anokwanisa kuenda kwairi (ane mari inomukwanira kuenda ikoko nekusiya mhuri igere zvakanaka); uye ani nani zvake acharamba kutenda (muHajj anenge aramba Allah), zvirokwazvo Allah havadi rubatsiro kubva kuzvisikwa zvavo (vanhu, maJinn nezvimwe zvese)
Verse 98 — Surah Al-Imran 3:98
Iti: “Imi vanhu vakapihwa Gwaro (maJudha nemaKristu)! Sei muchiramba zviratidzo zvaAllah, asi Allah vachiona zese zvamunoita?”
Verse 99 — Surah Al-Imran 3:99
Iti: “Imi vanhu vakapihwa Gwaro (maJudha nemaKristu)! Sei muchidzivirira uyo anotenda kubva munzira yaAllah, muchida kuti ive yakatsveyama, asi muri vapupuri (kuti Islaam chitendero chaAllah uye Muhammad (SAW) mutumwa wavo)? Uye Allah vanoziva zvamunoita.”
Verse 100 — Surah Al-Imran 3:100
Imi vanotenda! Kana mukateerera boka reavo vakapihwa Gwaro (maJudha nemaKristu), vanokudzoserai mukusatenda mushure mekutenda kwenyu
Verse 101 — Surah Al-Imran 3:101
Uye munotadza kutenda sei, asi ndima dzaAllah muchidziverengerwa, uye pakati penyu pane mutumwa wavo (Muhammad (SAW))? Uye wese anobatisisa kuna Allah, zvirokwazvo akatungamirirwa mugwara rakatwasuka
Verse 102 — Surah Al-Imran 3:102
Imi vanotenda! Ityai Allah (nekuita zvese zvavakakomekedza uye kusiya zvese zvavakarambidza) kutyiwa kwavanofanirwa kuitwa. Uye zvirokwazvo musafe kusara kwekuti muri maMuslim (vatendi vanozvipira kunaAllah)
Verse 103 — Surah Al-Imran 3:103
Uye batisisai mese pamwechete, patambo yaAllah (Qur’aan), uye musava munoparadzana pakati penyu, uye rangarirai makomborero aAllah kwamuri, apo pamakange makavengana asi vakakubatanidzai (Allah) moyo yenyu pamwechete, mukava madzikoma nemakomborero avo (muchitendero); uye maive pamusuwo pegomba remoto, vakave vanokununurai kubva kwauri. Ndiwo maratidziro anoita Allah zviratidzo zvavo kwamuri, kuti mungave mugwara
Verse 104 — Surah Al-Imran 3:104
Uye pakati penyu panofanirwa kuva neboka revanhu rinosheedzera kune zvese zvakanaka, uye rinokurudzira Al-Ma’roof (zvakanaka) uye richirambidza Al-Munkar (zvakaipa). Uye avo ndivo vakabudirira
Verse 105 — Surah Al-Imran 3:105
Uye musave seavo vakapatsanurana uye vakapikisana pakati pavo mushure mekunge zviratidzo zviri pachena zvauya kwavari. Uye avo vachawana chirango chikuru
Verse 106 — Surah Al-Imran 3:106
Zuva iro (zuva rekumutswa) zvimwe zviso zvichange zvakachena uye zvimwe zviso zvichange zviri zvitema; kune avo zviso zvavo zvichange zviri zvitema (vachabvunzwa): “Makaramba kutenda mushure mekutenda kwenyu here? Saka ravirai mutongo (muGehena) pane zvamairamba kutenda.”
Verse 107 — Surah Al-Imran 3:107
Uye kune avo zviso zvavo zvichange zvakachena, vachange vari mutsitsi dzaAllah (kuParadhiso), umo vachagara nekusingaperi
Verse 108 — Surah Al-Imran 3:108
Izvi ndizvo ndima dzaAllah dzatinokuverengera (Muhammad (SAW)) muchokwadi, uye Allah havadi kudzvanyirira zvisikwa zvavo
Verse 109 — Surah Al-Imran 3:109
Allah ndivo muridzi wezvisikwa zvose zviri kumatenga nezviri pasi. Uye nyaya dzese dzinodzokera kuna Allah (kuti vatonge)
Verse 110 — Surah Al-Imran 3:110
Ndimi (maMuslim) boka revanhu rakanaka rakapuhwa vanhu, munokomekedza kuita mabasa akanaka uye nekurambidza kuita mabasa akaipa, uye munotenda muna Allah. Uye dai vanhu vakapihwa Gwaro (maJudha nemaKristu) vakatenda, zvirokwazvo zvingadai zvakavanakira; pakati pavo pane vamwe vanotenda, asi vazhinji vavo vanoita mabasa akaipa
Verse 111 — Surah Al-Imran 3:111
Havafi vakakukuvadzai, kunze kwekukusvotai; uye kana vakarwa nemi vanokuratidzai misana yavo (vachitiza), uye havafi vakabatsirwa
Verse 112 — Surah Al-Imran 3:112
Kudzikisirwa kwakaiswa mavari pese pavanenge vari, kunze kwekuti vane chibvumirano (chechengetedzo) kubva kuna Allah, uye kubva kuvanhu; uye vave vanozvikwezvera pachavo kutsamwa kwaAllah, uye hurombo unoiswa mavari. Izvi nekuti vaisatenda muzviratidzo zvaAllah uye vachiuraya maporofita vasina kodzero. Izvi nekuda kwekuti vaisateerera (Allah) uye vaipfurikidza mwero
Verse 113 — Surah Al-Imran 3:113
Havana kufanana vese; pakati peavo vakapihwa Gwaro pane boka riri pachokwadi, vanoverenga ndima dzaAllah munguva dzeusiku, vachiisa zviso zvavo pasi (Sujood) vachinamata
Verse 114 — Surah Al-Imran 3:114
Vanotenda muna Allah uye nezuva rekupedzisira, vanokurudzira Al-Ma’roof (zvakanaka) uye vachirambidza Al-Munkar (zvakaipa); uye vanomhanyidzana mukuita mabasa akanaka; uye ava ndivo vamwe veavo vanoita mabasa akanaka
Verse 115 — Surah Al-Imran 3:115
Uye zvakanaka zvese zvavanoita, hapana chicharambwa kubva kwavari, uye Allah vanoziva zvakanyanya avo vanoita mabasa akanaka (vatsvene)
Verse 116 — Surah Al-Imran 3:116
Chokwadi, avo vanoramba kutenda, hupfumi hwavo kana vana vavo hazvimbovabetseri chinhu kubva kuna Allah. Ava ndivo vagari vekumoto, umo vachave vanogara nekusingaperi
Verse 117 — Surah Al-Imran 3:117
Muenzaniso weizvo zvavanoshandisa muhupenyu hwepano pasi wakafanana nemuenzaniso wemhepo ine chando, inopinda muzvirimwa zvevanhu vanozvitadzira pachavo uye yozviparadza. Uye Allah havana kuvatadzira, asi vakazvitadzira pachavo
Verse 118 — Surah Al-Imran 3:118
Imi vanotenda! Musava munotora Bitaanah (vabatsiri, madzisahwira) avo vari kunze kwechitendero chenyu (vanonamata zvidhori, maJudha, maKristu, uye vanyengedzi) sezvo vasingazoneti kuita zvavanokwanisa kuti vakuvhiringidzei. Vane chishuwo chekukukuvadzai zvakanyanya. Ruvengo (rwavo) rwakatobuda kare kubva pamiromo yavo, asi zvavakaviga muhana dzavo zvihombe zvikuru. Zvirokwazvo, tave tinotsanangura kwamuri zviratidzo kana muchinzwisisa
Verse 119 — Surah Al-Imran 3:119
Tarisai! Imi ndimi munovada, asi ivo havakudei, uye munotenda mumaGwaro ese (Torah, uye Injeel (Vhangeri), asi ivo vanoramba Gwaro renyu). Uye kana vakasangana nemi vanoti: “Tinotenda.” Asi kana vari vega, vanoruma kumucheto kweminwe yavo nekutsamwa. Iti: “Ifai nekutsamwa neruvengo rwenyu. Zvirokwazvo, Allah vanoziva zvikuru zviri muhana.”
Verse 120 — Surah Al-Imran 3:120
Kana zvakanaka zvikakuwanai, zvinovarwadza; asi kana zvakaipa zvikakuwirai, vanofara nazvo. Asi mukaramba makatsungirira uye muchitya Allah, zvavanoronga hazvifi zvakakukanganisai chinhu. Zvirokwazvo, Allah vanoziva zvikuru zvese zvavanoita
Verse 121 — Surah Al-Imran 3:121
Uye rangarira (Muhammad (SAW)) pawakasiya mhuri yako mangwanani uchinoronga vatendi panzvimbo dzavo kugadzirira hondo (yeUhud). Uye Allah vanonzwa zvese, vanoziva zvikuru
Verse 122 — Surah Al-Imran 3:122
Apo mapoka maviri kubva pakati penyu vakanga vava pedyo nekurasa moyo, asi Allah vakanga varipo semubatsiri wavo. Uye vatendi vanofanirwa kupa chivimbo chavo kuna Allah
Verse 123 — Surah Al-Imran 3:123
Uye zvirokwazvo Allah vakakuitai kuti muve vakundi kuBadr, pamakanga muri vashoma musina simba. Naizvozvo ityai Allah zvakanyanya zvimwe mungava munotenda
Verse 124 — Surah Al-Imran 3:124
Rangarira (Muhammad (SAW)) apo pawakati kuvatendi: “Hazvikukwanirei here kuti Tenzi venyu vakubatsirei nezviuru zvitatu zvengirozi dzatumwa kubva kudenga?”
Verse 125 — Surah Al-Imran 3:125
“Hongu, kana mukatsungirira pamwe nekutya Allah, uye muvengi akauya kwamuri achimhanya, Tenzi venyu vachakubatsirai nezviuru zvishanu zvengirozi dzine rupau.”
Verse 126 — Surah Al-Imran 3:126
Uye Allah havana kunge vazviita asi seshoko rakanaka kwamuri uye senzira yekudzikamisa hana dzenyu nayo. Uye hakuna kukunda asi kubva kuna Allah, samasimba, vazere nehungwaru
Verse 127 — Surah Al-Imran 3:127
Kuti vabvise boka reavo vasina kutenda, kana kuvabuditsa pachena nekuvadzikisira, nekudaro vova vakundikani
Verse 128 — Surah Al-Imran 3:128
Kwauri (Muhammad (SAW)) hakuna mhereredzo; kana kuti Allah vakada vachavaregerera kana kuvaranga. Zvirokwazvo, ndivo vatadzi
Verse 129 — Surah Al-Imran 3:129
Uye Allah ndivo muridzi wezvese zviri kumatenga uye zvese zviri pasi. Vanoregerera uyo wavada, uye vanoranga uyo wavada. Uye Allah vanoregerera zvikuru, vane tsitsi dzakanyanya
Verse 130 — Surah Al-Imran 3:130
Imi vanotenda! Musava munodya chimbadzo chakapetwa kaviri kana kakawanda, asi ityai Allah kuti muve munobudirira
Verse 131 — Surah Al-Imran 3:131
Uye ityai moto, wakagadzirirwa avo vasingatendi
Verse 132 — Surah Al-Imran 3:132
Uye teererai Allah nemutumwa (Muhammad (SAW)) kuti muve munowana tsitsi
Verse 133 — Surah Al-Imran 3:133
Uye mhanyirai munzira yeruregerero kubva kuna Tenzi venyu, uye kuParadhiso iro rakakura sematenga nepasi, rakagadzirirwa Al-Muttaqoon (vanotya Allah)
Verse 134 — Surah Al-Imran 3:134
Avo vanopa hupfumi hwavo (munzira yaAllah) mukufara nemumatambudziko, avo vanodzora hasha, uye vanoregerera vanhu; uye Allah vanoda Al-Muhsinoon (vanoita mabasa akanaka)
Verse 135 — Surah Al-Imran 3:135
Uye avo, kana vaita zvitadzo (hupombwe) kana kuzvitadzira pachavo nezvakaipa, vanorangarira Allah uye vokumbira ruregerero pane zvitadzo zvavo; uye hapana anoregerera zvitadzo kunze kwaAllah, uye havaendereri mberi vachiita zvitadzo zvavakaiita, asi vachizviziva
Verse 136 — Surah Al-Imran 3:136
Uye avo, mubairo wavo ruregerero kubva kuna Tenzi vavo, uye mapindu ane nzizi dzinoyerera pasi pawo (Paradhiso), umo vachave vanogara zvachose. Uye mubairo wevanoita zvakanaka wakanaka zvikuru
Verse 137 — Surah Al-Imran 3:137
Nzira dzakawanda dzakasiyana-siyana dzakaonekwa nemapoka evanhu (vanotenda nevasingatendi) dzakadarika mushure menyu, saka fambai nenyika uye moona magumo eavo vakaramba kutenda (muhumwechete hwaAllah)
Verse 138 — Surah Al-Imran 3:138
Iri (Qur’aan) itsanangudzo kuvanhu, uye inhungamiri nerairo kune Al-Muttaqoon (vanotya Allah)
Verse 139 — Surah Al-Imran 3:139
Saka musava munoneta (kubva kune muvengi wenyu) kana kutsamwa (kusuruvara), uye muchabudirira (muhondo) kana muri vatendi (vechokwadi)
Verse 140 — Surah Al-Imran 3:140
Kana mukakuvadzwa (kana kuuraiwa), ivai nechokwadi kuti kukuvara kwakaenzana kwavabatawo vamwe (vavengi venyu). Uye mazuva (akanaka ne asina kunaka), tinowapa kuvanhu nemajana, kuti Allah vave vanoedza avo vanotenda, uye kuti vave vanotora maShuhadaa (varwi vanofa vachisimudzira shoko raAllah) kubva pakati penyu. Uye Allah havadi avo vanoita mabasa akaipa
Verse 141 — Surah Al-Imran 3:141
Uye kuti Allah vave vanoedza (kana kuchenura) vanotenda uye kuparadza vasingatendi
Verse 142 — Surah Al-Imran 3:142
Kana munofunga here kuti muchapinda Paradhiso, Allah vasati vaziva vamwe venyu vanorwa (munzira yavo) uye vaziva avo vanotsungirira
Verse 143 — Surah Al-Imran 3:143
Uye zvirokwazvo maishuvira rufu musati masangana narwo. Zvirokwazvo, zvino makaruona makatarisa nemaziso enyu
Verse 144 — Surah Al-Imran 3:144
Uye Muhammad (SAW) haasi asi mutumwa, uye zvirokwazvo vatumwa (vakawanda) vakapfuura mushure make. Kana akafa kana kuuraiwa, muchafuratira here nezvitsitsinho zvenyu (muchiramba kutenda)? Uye uyo anofuratira nezvitsitsinho zvake, hapana kana chinokuvadza chaangaite kuna Allah; uye Allah vachapa mubairo kuAsh-Shaakiroon (avo vanotenda)
Verse 145 — Surah Al-Imran 3:145
Uye hakuna munhu anofa kunze nemvumo yaAllah uye panguva yakatarwa. Uye wese anoshuvira mubairo pano panyika, tichava tinomupa zvimwe zveizvo zvaanoshuvira kubva kwairi; uye wese anoshuvira mubairo mune ramangwana, tichava tinomupa zvaanoshuvira kubva kwariri. Uye tichava tinopa mubairo vatendi Ash-Shaakiroon (avo vanotenda)
Verse 146 — Surah Al-Imran 3:146
Uye maporofita vakawanda vakarwa (munzira yaAllah) uye pamwechete nevarume vazhinji vakadzidza. Asi havana kurasa moyo nekuda kweizvo zvakavawira vari munzira yaAllah, kana kuneta uye kana kuzvidzikisira. Uye Allah vanoda As-Swaabiroon (vanotsungirira)
Verse 147 — Surah Al-Imran 3:147
Uye mashoko avo avaitaura ndeekuti: “Tenzi wedu! Tiregererei zvitadzo zvedu nekupfurikidza kwedu mwero mumabasa edu, ivai munosimbisa tsoka dzedu, uye ivai munoita kuti tikunde vanhu vasingatendi.”
Verse 148 — Surah Al-Imran 3:148
Nekudaro Allah vakavapa mubairo wepano pasi, uye nemubairo wakanakisisa wehupenyu hunotevera. Uye Allah vanoda avo vanoita mabasa akanaka
Verse 149 — Surah Al-Imran 3:149
Imi vanotenda! Kana mukateerera avo vasingatendi, vachaita kuti mufuratire nezvitsitsinho zvenyu, uye mopedzisira mave vakarasikirwa
Verse 150 — Surah Al-Imran 3:150
Asi Allah ndivo mubatsiri wenyu, uye ndivo mubatsiri akanaka pavabatsiri vose
Verse 151 — Surah Al-Imran 3:151
Tichava tinoisa kutya muhana dzeavo vasingatendi, nekuda kwekuti vakasanganisa Allah nevamwe vanamwari pakuvanamata, izvo zvavasina kutumira mvumo yacho; uye nzvimbo yavo yokugara ichave kumoto; uye inzvimbo yakashata sei iyo ichange ichigara avo vanoita mabasa akaipa
Verse 152 — Surah Al-Imran 3:152
Uye zvirokwazvo Allah vakazadzisa chitsidzo chavo kwamuri pamaivauraya (vavengi venyu) nekuda kwavo (Allah); kusvikira pamakarasa moyo mukasvika pakupokana nekuda kwezvanga zvarongwa, uye mukaramba kuteerera mushure mekunge maratidzwa zvamaida (mhimbiri, hupfumi hwamunotora mushure mekunge mapedza kurwa hondo pamwe nekukurira vavengi). Pakati penyu pane avo vanodisisa nyika uye nevamwe vanodisisa hupenyu hwemangwana. Nekudaro (Allah) vakaita kuti muvatize (vavengi venyu), kuti vave vanokuedzai. Asi chokwadi, vakave vanokuregererai, uye Allah vazere nemakomborero kuvatendi
Verse 153 — Surah Al-Imran 3:153
(Uye rangarirai) apo pamakatiza musina kucheuka kumashure kuna ani nani zvake, uye mutumwa (Muhammad (SAW)) achikusheedzai mumashure menyu. Ipapo Allah vakakupai chitambudzo chimwe chete mushure mechimwe senzira yekukudzidzisai kuti musava munosuruwara pane izvo zvakakunzvengai, kana pane izvo zvakakuwanai. Uye Allah vanoziva zvese zvamunoita
Verse 154 — Surah Al-Imran 3:154
Mushure mekutambudzika, (Allah) vakadzikisa chipiko kwamuri. Kutsumwaira kwakava kunotora boka renyu, rimwe boka richifunga nezvavo (kuti vangazvinunure sei) uye vachifunga zvisiri chokwadi pamusoro paAllah, kufunga kwekushaya ruzivo (sekwenguva yeJaahiliyyah). Vakati: “Pane here chedu pamhaka iyi?” Iti (Muhammad (SAW)): “Zvirokwazvo, mhaka yese ndeyaAllah.” Vanovanza mumoyo yavo izvo zvavasingabuditsi kwauri, vachiti: “Dai tanga tine chipi zvacho chekuita nemhaka, dai tisina kuuraiwa pano.” Iti: “Kunyangwe dai makasara mudzimba dzenyu, zvirokwazvo, avo vakanyorerwa rufu rwaivasvikira panzvimbo dzavo dzerufu,” asi kuti Allah vave vanoedza izvo zviri mumoyo yenyu; uye kuchenura izvo zviri muhana dzenyu (zvivi), uye Allah vanoziva zvikuru izvo zviri muhana (dzenyu)
Verse 155 — Surah Al-Imran 3:155
Zvirokwazvo, avo vakafuratira pakati penyu pazuva iro mapoka maviri akasangana (pahondo yeUhud), zvirokwazvo Satani akaita kuti vatize nekuda kwezvimwe (zvitadzo) zvavakange vaita. Asi Allah, zvirokwazvo, vakavaregerera. Chokwadi, Allah vanoregerera zvikuru, vane tsitsi zvakanyanya
Verse 156 — Surah Al-Imran 3:156
Imi vanotenda! Musaite seavo vasingatendi (vanyengedzi) uye vanoti kune madzikoma avo kana vafamba nenyika kana kuti vaenda kunorwa: “Dai vakagara nesu, vangadai vasina kufa kana kuuraiwa,” kuti Allah vave vanoita izvozvo senzira yekudemba muhana dzavo. Uye ndiAllah vanopa upenyu uye vanokonzera rufu. Uye Allah vanoona izvo zvamunoita
Verse 157 — Surah Al-Imran 3:157
Uye zvirokwazvo mukauraiwa kana kufa munzira yaAllah, ruregerero netsitsi kubva kuna Allah zviri nani kupfuura izvo zvavanounganidza
Verse 158 — Surah Al-Imran 3:158
Uye zvirokwazvo kunyangwe mukafa kana kuuraiwa, zvirokwazvo, kuna Allah muchava munounganidzwa
Verse 159 — Surah Al-Imran 3:159
Uye nekuda kwetsitsi dzaAllah, wakashanda navo mune zvakanaka. Uye dai (Muhammad (SAW)) wakakasharara nekuoma moyo, vangadai vakasiyana newe; saka varegerere, uye vakumbirire ruregerero (kuna Allah); uye pangana navo pamhaka dzese. Uye kana uchinge watora mhereredzo, isa ruvimbo rwako muna Allah, zvirokwazvo, Allah vanoda avo vanoisa ruvimbo rwavo (mavari)
Verse 160 — Surah Al-Imran 3:160
Kana Allah vakakubetserai, hapana angakukurirai; uye kana vakakusiyai, ndiani aripo mushure mavo angakubetserai? Uye muna Allah regai vatendi vaise ruvimbo rwavo
Verse 161 — Surah Al-Imran 3:161
Uye hazviiti kuti muporofita atore mhimbiri zvisiri pamutemo. Uye uyo anotora zvisiri pamutemo kune vamwe vake kubva mumhimbiri, achauya neizvo zvaakatora zvisiri pamutemo pazuva rekumutswa. Uye munhu wese achava anopihwa muripo wake zvizere kuburikidza nezvaakaita, uye havafi vakadzvanyirirwa
Verse 162 — Surah Al-Imran 3:162
Vakafanana here uyo munhu anotevera zvido zvakanaka zvaAllah (nokusaba mhimbiri) neuyo anozvidhonzera kutsamwa kwaAllah (nekuba mhimbiri)? Uye nzvimbo yake yokugara iGehena, uye zvirokwazvo inzvimbo yakaipisisa
Verse 163 — Surah Al-Imran 3:163
Vane zvinzvimbo zvakasiyana-siyana pamberi paAllah, uye Allah vanoona zvese zvavanoita
Verse 164 — Surah Al-Imran 3:164
Zvirokwazvo, Allah vakapa makomborero mazhinji kune avo vanotenda apo vakatumira mutumwa (Muhammad (SAW)) kubva pakati pavo, achivaverengera ndima dzavo (Allah), pamwe nekuvachenura (kubva muzvitadzo zvavo), uye nekuvadzidzisa Gwaro (Qur’aan) nehungwaru (Sunnah), kunyangwe kumashure vakanga vakarasika zviri pachena
Verse 165 — Surah Al-Imran 3:165
(Chiiko chinokunetsai?) Kana dambudziko rimwechete rakuwanai, asi imi munovapa matambudziko maviri (vavengi venyu), munoti: “Ko izvi zvatiwira zvabva kupi?” Iti (kwavari): “Zvinobva kwamuri (nekuda kwemabasa enyu akaipa).” Zvirokwazvo, Allah vane simba pane zvinhu zvese
Verse 166 — Surah Al-Imran 3:166
Uye zvakakutambudzai pazuva rakasangana mapoka maviri (hondo yeUhud), zvakaitika nekuda kwaAllah, senzira yekuziva nayo vatendi
Verse 167 — Surah Al-Imran 3:167
Uye kuti vazive avo vanonyengedza, uye zvakanzi kwavari: “Huyai, murwe munzira yaAllah kana kuzvidzivirira pachenyu.” Vakati: “Dai taiziva kurwa, zvirokwazvo dai takuteverai.” Zuva iroro vakanga vari pedyo nekusatenda vari kure nekutenda, vachiti nemiromo yavo izvo zvakanga zvisiri muhana dzavo. Uye Allah vane ruzivo rwakanyanya pane zvavanoviga
Verse 168 — Surah Al-Imran 3:168
(Ndivo) Avo vakataura pamusoro pemadzikoma avo vakauraiwa ivo vagere kumba: “Dai vakatiteerera, vangadai vasina kuuraiwa.” Iti: “Zvidzivirirei pachezvenyu kubva kurufu, kana muchitaura chokwadi.”
Verse 169 — Surah Al-Imran 3:169
Uye zvirokwazvo musafunge kuti avo vanouraiwa munzira yaAllah sevakafa. Kwete! Asi vapenyu, vana Tenzi vavo, vachiwana raramo
Verse 170 — Surah Al-Imran 3:170
Vanofara neizvo zvavakapihwa naAllah kubva mumakomborero avo, uye vanofarira vamwe vavo avo vasati vabatana navo, asi vakasara kumashure (vasati vauraiwa munzira yaAllah), kwavari kuchange kusina kutya kana kubatikana
Verse 171 — Surah Al-Imran 3:171
Vanofarira tsitsi nemakomborero kubva kuna Allah, uye zvirokwazvo kuti Allah havaiti kuti mubairo wevatendi ushaye basa
Verse 172 — Surah Al-Imran 3:172
Kune avo vakatambira shoko raAllah neramutumwa (Muhammad (SAW)) mushure mekunge vawirwa nematambudziko; kune avo vakaita mabasa akanaka pakati pavo uye vaitya Allah, vachawana mubairo mukuru
Verse 173 — Surah Al-Imran 3:173
Avo (vanotenda) vakataurirwa nevanhu (hwenyakwese) kuti: “Zvirokwazvo, avo (vasingatendi) vave vanokuunganirai kuti vakurwisei, saka ivai munovatya.” Asi zvakavawedzera mukutenda, vakave vanotaura kuti: “Allah vakatikwanira, uye Allah vega ndivo mufambisi wezvinhu zvose.”
Verse 174 — Surah Al-Imran 3:174
Saka vakadzokera nenyasha uye makomborero aAllah. Hapana chakaipa (chinokuvadza) chakave chinovawana, uye vakave vanotevedzera zvakanaka zvinofadza Allah. Allah ndivo vane makomborero makuru
Verse 175 — Surah Al-Imran 3:175
Zvirokwazvo, ndiSatani anenge achityidzira vabatsiri vake (vatsigiri vake); saka musave munovatya, asi ivai munotya ini (Allah), kana muri vatendi (vechokwadi)
Verse 176 — Surah Al-Imran 3:176
Uye usave unoshungurudzika (Muhammad (SAW)) neavo vanomhanyira kusatenda; zvirokwazvo, havambofi vakakuvadza Allah nepadiki pose. Allah havamboshuviri kuvapa chidimbu chehupenyu (hwakanaka) hwamangwana. Asi vachawana marwadzo makuru
Verse 177 — Surah Al-Imran 3:177
Zvirokwazvo, vanopindura kutenda vachitora kusatenda, hapana chidiki chakaipa (chinorwadza) chavangaite kuna Allah. Asi vachawana chirango chikuru
Verse 178 — Surah Al-Imran 3:178
Uye zvirokwazvo vasingatendi vasafunge kuti kunonotsa kwatinoita marwadzo kwavari zvakavanakira. Zvirokwazvo, tinonotsa marwadzo kwavari kuti vave vanowedzera kutadza kwavo. Uye vachawana chirango chinonyadzisa
Verse 179 — Surah Al-Imran 3:179
Allah havave vanosiya vatendi muchidanho chamuri, kusvikira vabvisa (vapatsanura) vanhu vanoita zvinhu zvakaipa kubva muvakanaka. Uye Allah havambo kuratidzai zvakavanzika, asi Allah vanosarudza wavanoda kubva kuvatumwa vavo. Asi ivai munotenda munaAllah nevatumwa vavo. Uye mukava munotenda nekutya Allah, muchawana mubairo mukuru
Verse 180 — Surah Al-Imran 3:180
Uye zvirokwazvo avo vanonyima izvo zvavapihwa naAllah, kubva mumakomborero avo (hupfumi), vasafunge kuti zvakanaka kwavari (vonyima kupa Zakaah kuvarombo). Asi zvichava zvakavaomera; izvo zvavanonyima zvichave zvakasungwa sechipika muhuro dzavo pazuva rekumutswa. Uye nhaka yekumatenga nepasi ndeya Allah. Uye Allah vanoziva zvese zvamunoita
Verse 181 — Surah Al-Imran 3:181
Zvirokwazvo, Allah vakave vanonzwa mashoko eavo (maJudha) vanotaura kuti: “Zvirokwazvo, Allah vanotambura (murombo) asi isu tiri vapfumi!” Tichave tinonyora izvo zvavanotaura, uye nekuuraya kwavo vatumwa zvisiri pamutemo, uye tichava tinotaura kwavari (kuti): “Ravirai marwadzo emoto.”
Verse 182 — Surah Al-Imran 3:182
Izvi ndizvo zvave zvinokonzerwa nehuipi wamakatungamidza nemaoko enyu. Uye zvirokwazvo, Allah havadzvanyiriri varanda vavo
Verse 183 — Surah Al-Imran 3:183
Avo (maJudha) vanotaura kuti: “Zvirokwazvo, Allah vakatikomekedza kuti tisave tinotenda kuna mutumwa upi zvake kusvikira auya nemupiro uyo uchave unoparadzwa nemoto.” Taura kuti: “Zvirokwazvo, kune vatumwa vakauya kwamuri ini ndisati ndauya nezviratidzo zviri pachena, uye neizvo zvamunotaura, seiko maivauraya kana imi muri pachokwadi?”
Verse 184 — Surah Al-Imran 3:184
Kana vakakuramba (Muhammad (SAW)), (ziva kuti) vamwe vatumwa vakauya iwe usati wavapo vakarambwawo (semarambiro avari kuita iwewe), vauya nezviratidzo zviri pachena uye neMagwaro uye neBhuku rine chiedza
Verse 185 — Surah Al-Imran 3:185
Chinhu chose chinofema chicharavira rufu (chichafa). Uye zvirokwazvo muchava munopihwa mibairo yenyu yakazara muzuva rekumutswa. Uye uyo achave anodzivirirwa kubva kumoto, ova anopinzwa kuParadhiso, zvirokwazvo ndiye munhu akabudirira. Uye hupenyu hwepasi rino hauzi chimwe chinhu kunze kwemafaro ehunyengedzi
Verse 186 — Surah Al-Imran 3:186
Zvirokwazvo, muchava munoedzwa muhupfumi hwenyu nehupenyu hwenyu, uye zvirokwazvo muchave munowana (nekunzwa) marwadzo akawanda kubva kune avo vakapihwa Magwaro (maJudha nemaKristu) imi musati mavapo, uye kubva kune avo vanosanganisa Allah nevamwe vanamwari (zviumbwa). Asi mukave munotsungirira nekutya Allah, zvirokwazvo, uku ndiko kuratidza ushingi mumabasa (akanaka)
Verse 187 — Surah Al-Imran 3:187
Uye (ivai munorangarira) apo Allah pavakatora chitsidzo kubva kune avo vakapihwa Gwaro (maJudha nemaKristu) kuti zvirokwazvo mucharijekesera vanhu, uye hamumbofi mariviga (Gwaro racho), asi vakave vanorifuratira (kukanganwa nezvaro), vakave vanoritengesa nemutengo wakaderera. Uye zvakaipa ndizvo zvavakatengesa nazvo
Verse 188 — Surah Al-Imran 3:188
Zvirokwazvo, musave munofunga kuti avo vanofara nezvavanoita, uye vanofarira kurumbidzwa neizvo zvavasina kuita, musave munofunga kuti vachazvinunurwa kubva kumarwadzo. Asi vachawana marwadzo makuru
Verse 189 — Surah Al-Imran 3:189
Uye Allah ndivo vane humambo wekumatenga nepasi rino. Allah vane masimba pamusoro pezvinhu zvose
Verse 190 — Surah Al-Imran 3:190
Zvirokwazvo, mukusikwa kwematenga nepasi rino, uye kupesana kweusiku nesikati, mune zviratidzo kune avo vanonzwisisa
Verse 191 — Surah Al-Imran 3:191
Avo vanorangarira Allah (nguva dzose) vakamira, kana vangave vakagara, uye vakarara nemativi avo, uye vachifunga zvakadzamisa nezve masikirwo ematenga nepasi rino (vachitaura kuti): “Tenzi vedu! Hamuna kusika zvinhu izvi (pasi nedenga) pasina chinangwa, asi kurumbidzwa kose ngakuve kwamuri! Uye ivai munotidzivirira kubva kumarwadzo ekumoto.”
Verse 192 — Surah Al-Imran 3:192
“Tenzi vedu! Zvirokwazvo, uyo wamunoendesa kumoto (weGehena), zvirokwazvo, munenge mamudzikisira pamwe nekumurwadzisa. Uye avo vanoita mabasa akaipa havambowani vabatsiri.”
Verse 193 — Surah Al-Imran 3:193
“Tenzi vedu! Zvirokwazvo, takave tinonzwa mushevedzeri (Muhammad (SAW)) achitidanira kuImaan (kutenda) achiti: ‘Tendai muna Tenzi venyu,’ tikava tinotenda. Tenzi vedu! Tiregererei zvitadzo zvedu, uye mova munotibvisira zvakaipa zvedu kubva kwatiri, uye mova munotitora (mova munoita kuti tife) tiri pakati peavo vanhu vanoita mabasa akanaka.”
Verse 194 — Surah Al-Imran 3:194
“Tenzi wedu! Ivai munotipa izvo zvamakativimbisa kuburikidza nevatumwa venyu, uye musava munotinyadzisa kana kutidzikisira pazuva rekumutswa, zvirokwazvo, hamutyori chivimbiso chenyu.”
Verse 195 — Surah Al-Imran 3:195
Saka Tenzi vavo vakava vanotambira zvikumbiro zvavo (vakavapindura vachiti): “Zvirokwazvo, handiiti kuti mabasa aani nani pakati penyu ave anorasika (anotambiswa), angave murume kana mukadzi. Muri vanhu vamwechete, saka avo vakave vanotama uye vakave vanoburitswa mudzimba dzavo, uye vakave vanowana marwadzo munzira yangu, uye vakave vanorwa, uye vakave vanourawa munzira yangu, zvirokwazvo, ndichava ndinobvisa zvitadzo zvavo kubva mavari, uye tichava tinovapinza Paradhiso iro rine nzizi dzinoerera pasi paro; unova mubairo kubva kuna Allah. Uye Allah ndivo vane makomborero akanaka.”
Verse 196 — Surah Al-Imran 3:196
Zvirokwazvo, usave unoita kuti rusununguko (pazviito) rweavo vasingatendi pano pasi rova runokunyengedza
Verse 197 — Surah Al-Imran 3:197
Mafaro enguva diki; uye nzvimbo yavo yekugara ichave Gehena; uye inzvimbo yakaipa kugara
Verse 198 — Surah Al-Imran 3:198
Asi kune avo vanotya Tenzi vavo, vachapinda Paradhiso rine nzizi dzinoerera pasi paro; umo vachagara nekusingaperi, anova mafaro kubva kuna Allah; uye izvo zvina Allah zvanakira zvikuru avo vanoita mabasa akanaka
Verse 199 — Surah Al-Imran 3:199
Uye zvirokwazvo, varipo pakati peavo vakapihwa Magwaro (maJudha nemaKristu) vanotenda muna Allah uye mune izvo zvakadzikiswa kwauri (Qur’aan), uye mune izvo zvakatumirwa kwavari, vachizvininipisa pamberi paAllah. Havatengesi mashoko aAllah kunyangwe nemutengo mudiki, vachawana mubairo kubva kuna Tenzi vavo. Zvirokwazvo, Allah vanopa mutongo nekukurumidza
Verse 200 — Surah Al-Imran 3:200
Imi vanhu vanotenda! Ivai munotsungirira uye munowedzera kutsungirira (kudarika vavengi venyu), uye mova munochengetedza nzvimbo yenyu nekuisa mauto panzvimbo idzo vavengi venyu vanokwanisa kukusvikirai nadzo, uye mova munotya Allah kuti muve vanhu vakabudirira