Back to LanguagesPrevious ChapterNext Chapter
Shona - Chapter 35 - Fatir
Translation by Abdullah J. M. Adini And Students — Permalink
Verse 1 — Surah Fatir 35:1
Kurumbidzwa nekutenda kwose ndekwaAllah, Musiki wematenga nenyika, vakaita ngirozi vatumwa vane mapapiro maviri, matatu kana mana. Vanowedzera mukusika zvavanoda. Zvirokwazvo, Allah vanokwanisa kuita zvose
Verse 2 — Surah Fatir 35:2
Kubva mutsitsi Allah dzavanopa kuvanhu, hapana angazvidzivirira; uye dzavanodzivirira hapana angape mushure mezvo. Uye ndivo samasimba, vane hungwaru hwose
Verse 3 — Surah Fatir 35:3
Imi vanhu! Rangarirai makomborero aAllah kwamuri! Pane here mumwe musiki kunze kwaAllah avo vanokupai kubva kudenga (mvura) uye nepasi? Laa ilaaha illaa Huwa (Hakuna umwe ane kodzero yekunamatwa kunze kwavo). Saka munotendeukirei (kubva kwavari)
Verse 4 — Surah Fatir 35:4
Uye vakakuramba (Muhammad (SAW)), zvirokwazvo vamwe vatume vakarambwa mushure mako. Uye kuna Allah ndiko kunodzoserwa nyaya dzose
Verse 5 — Surah Fatir 35:5
Imi vanhu! Zvirokwazvo, vimbiso yaAllah ndeyechokwadi. Saka musarega hupenyu huno huchikunyengedzai, uye mambo wevanyengedzi (satani) asakunyengedzei nezvaAllah
Verse 6 — Surah Fatir 35:6
Zvirokwazvo, Satani imhandu kwamuri, saka mutorei semuvengi. Anoshevedza vateveri vake kuti vave vagari vemumariri emoto
Verse 7 — Surah Fatir 35:7
Avo vasingatendi, chavo uchange uri mutongo wakaomarara; uye avo vanotenda (muhumwechete hwaAllah) zvekare voita mabasa akanaka, vachawana ruregerero uye nemubairo mukuru (Paradhiso)
Verse 8 — Surah Fatir 35:8
Uyo mabasa ake akaipa anoshongedzwa aonekere kwaari seakanaka (akafanana here neuyo ari panzira yakatwasuka)? Zvirokwazvo, Allah vanosiya uyo wavanoda kuti apengereke, zvekare votungamira wavanoda. Usazviparadze (Muhammad (SAW)) kana kuzvigumbura nekuda kwavo. Zvirokwazvo, Allah vanoziva zvose zvavanoita
Verse 9 — Surah Fatir 35:9
Uye ndiAllah vanotumira mhepo kuti isimudze makore.Tomaendesa kunzvimbo yakafa (yakaoma), nekuda kwavo tinobva tamutsa nzvimbo iyi mushure mekufa kwayo. Nekudaro kuchava kumutswa kwevafi (pazuva rekutongwa)
Verse 10 — Surah Fatir 35:10
Kana mumwe munhu achida mukurumbira, ngaazive kuti mukurumbira wese ndewaAllah chete (Uye munhu anokwanisa kuwana mukurumbira chete kuburikidza nekuteerera Allah nekuvanamata). Mashoko akanaka anoenda kwavari, uye basa rakanaka zvakare anowasimudza (Mashoko akanaka haatambirwi naAllah kunze kwekuti achiteverwa nemabasa akanaka). Asi avo vanoronga kuita mabasa akaipa, vachange vaine mutongo wakaomarara. Uye urongwa wavo unopera (unoparara)
Verse 11 — Surah Fatir 35:11
Uye Allah vakakusikai (Adam) kubva muvhu, uye kubva muNutfah (vana vaAdam kubva mumvura yababa naamai yakasangana), uye vakakuisai muhuviri (murume nemukadzi). Hapana mukadzi anozvitakura kana kuzvara mwana kusiya kwekuti ivo vanenge vachizviziva. Hapana kana munhu anowedzerwa kana kudimburirwa hupenyu kusara kwekuti zvinenge zvakanyorwa mugwaro. Zvirokwazvo, pamberi pavo Allah zvinhu zvidukusa (zvirinyore)
Verse 12 — Surah Fatir 35:12
Uye makungwa maviri (mhando dzemvura dzirimo) hadzina kufanana. Imwe inonaka uye ichitapira pakunwa, uye imwe ichivava zvekare ichisvota kunwa. Uye kubva maari (Makungwa) munodya nyama yehove nyoro, uye munowana kubvamo zvipfekwa. Uyezve zvekare unoona ngarava dzichifamba imo mumvura, muchitsvaga zvimwe zvezvipo zvavo (Allah), uye kuti muve munotenda
Verse 13 — Surah Fatir 35:13
Vanoita kuti usiku upinde muzuva (nguva inoshomeka usiku inowedzerwa kunguva yemasikati), uye voita kuti masikati apinde muhusiku (nguva inoshomeka yemasikati inowedzerwa kunguva yeusika). Ndivo zvekare vane masimba pamusoro pezuva nemwedzi, chimwe nechimwe chinofamba panguva yakatarwa. Ava ndiAllah, Tenzi venyu. Ndivo vane humambo. Uye avo vanomudavidzira vasiri ivo (Allah), havasi varidzi kana veganda remodzi yemadheti
Verse 14 — Surah Fatir 35:14
Kunyange mukavashevedzera, havanzwi kana kudana kwenyu. Uye kunyangwe vakakunzwai havatombokwanisi kana kukupindurai (kukupai zvamurikuda). Uye pazuva rekumutswa vacharamba kuvanamata kwamaiita. Zvekare hapana achakuudza (Muhammad (SAW)) seavo anoziva zvose (Allah)
Verse 15 — Surah Fatir 35:15
Imi vanhu! Imi ndimi munomirira rubatsiro rwaAllah. Asi Allah ndivo vane upfumi hwose, vanofanirwa kurumbidzwa
Verse 16 — Surah Fatir 35:16
Ingadai vaida, vaikuparadzai mose uye vounza zvisikwa zvitsva
Verse 17 — Surah Fatir 35:17
Izvi hazvina kana kumbooma kuna Allah
Verse 18 — Surah Fatir 35:18
Uye hapana kana munhu achatakura mikwende yemumwe. Uye kana ane mikwende akasheedzera kuti itakurwe, hapana chichatakurwa kubva kwairi, kunyangwe ari munhu wepedyo. Zvirokwazvo, unokwanisa (Muhammad (SAW)) kuyambira avo vanotya Tenzi vavo vasingaoneki uye voita Swalaah. Uye uyo anozvichenura (kubva kuzvitadzo), anenge achizvichenura nekuzvibatsira pachake. Uye zvirokwazvo kuna Allah ndiko kwatichadzokera
Verse 19 — Surah Fatir 35:19
Havana kuenzana, asingaoni (asingatendi) neanoona (mutendi)
Verse 20 — Surah Fatir 35:20
Uye (hazvina kuenzana) rima (kusatenda) nechaedza (kutenda)
Verse 21 — Surah Fatir 35:21
Uye (hazvina kuenzana) mumvuri nekupisa kwezuva
Verse 22 — Surah Fatir 35:22
Uye havana kuenzana vapenyu (vatendi) nevafi (vasingatendi). Zvirokwazvo, Allah vanoita kuti wavanoda anzwe, asi iwe haukwanise kuita kuti vari mumakuva vanzwe
Verse 23 — Surah Fatir 35:23
Unongove (iwe Muhammad (SAW)) muyambiri (Basa rako kungosvitsa shoko chete, asi kutambirwa kwaro kuri mumaoko aAllah)
Verse 24 — Surah Fatir 35:24
Zvirokwazvo, takava tinokutumidzira nechokwadi, mupi wenhaurwa tsvene uye uri muyambiri. Zvekare hapana kana chikwata (chevanhu) asi kusara kwekuti muyambiri akapfuura nemavaiva vari
Verse 25 — Surah Fatir 35:25
Uye vakaramba (kukuteerera) iwe, vainge varipo mushure mavo vakarambawo zvekare. Vatumwa vavo vakauya kwavari nezviratidzo zviri pachena, uye nemagwaro, pamwe negwaro rinopa chiedza
Verse 26 — Surah Fatir 35:26
Uye ndakave ndinotora (ndinoranga) avo vasingatendi. Uye mutongo wangu wange wakaoma sei
Verse 27 — Surah Fatir 35:27
Ko hauoni here kuti Allah vanotumira mvura kubva kumatenga. Uye toburitsa nayo michero yemhando dzakasiyana-siyana, uye kubva mumakomo mune mhando chena netsvuku dzemivara yakasiyana-siyana uye (dzimwe) dzakanyanyo svibira
Verse 28 — Surah Fatir 35:28
Uye kubva muvanhu nemhuka nemombe mune mavara akasiyana-siyana zvekare. Zvirokwazvo, ndeavo chete vane ruzivo kubva pavaranda vavo vanotya Allah. Zvirokwazvo, Allah vane masimba, uye vanoregerera zvikuru
Verse 29 — Surah Fatir 35:29
Zvirokwazvo, avo vanoverenga Gwaro raAllah (Qur’aan), uye voita Swalaah (vonamata), vopa (zvipo) kubva kune zvatakavapa muchivande kana pachena, vanotarisira mubairo uyo usingambopera
Verse 30 — Surah Fatir 35:30
Kuti vachavaripa mibairo yavo zvizere, uye vovawedzera kubva munyasha dzavo. Zvirokwazvo, ndivo vanoregerera, vanoyemura (mabasa akanaka)
Verse 31 — Surah Fatir 35:31
Uye zvatadzikisa kwauri (Muhammad (SAW)) muGwaro (Qur’aan) ndezvechokwadi (kuti uzvitevedzere iwe nevatevedzeri vako), uye zvichitsigira izvo (zvakadzikiswa) zviri mumashure maro. Zvirokwazvo, Allah vanoziva uye vanoona zvose zviri muvaranda vavo
Verse 32 — Surah Fatir 35:32
Uye takave tinopa Gwaro (Qur’aan) senhaka kuvaranda vedu kubva kune avo vatakasarudza (vatevedzeri vaMuhammad (SAW)). Uye kubva mavari mune vanozvikanganisira, zvekare kubva mavari mune vanotevedzera nzira iri pakati nepakati, uye kubva pavari pane vamwe vari pakuita kunyanya mabasa akanaka nekuda kwaAllah. Iyi (nhaka yeQur’aan) inhaka svinu chaiyo (inyasha huru)
Verse 33 — Surah Fatir 35:33
Paradhiso vacharipindamo, uye vachapfekedzwa fumba dzegoridhe (mabhenguru) nemapera, uye mbatya dzavo dzichange dziri dzesiriki
Verse 34 — Surah Fatir 35:34
Uye vachataura kuti: “Kurumbidzwa nekutendwa kose ngakuve kuna Allah vatibvisira matambudziko ose. Zvirokwazvo, Tenzi vedu vanoregerera, vanoyemura (mabasa akanaka uye kupa mubairo).”
Verse 35 — Surah Fatir 35:35
“Avo, kubva paNyasha dzavo, vatigarisa isu munzvimbo yatichagara zvachose, umo musina kana dambudziko rinotiwana, kana kuneta.”
Verse 36 — Surah Fatir 35:36
Asi avo vasingatendi (muhumwechete hwaAllah), vachawana moto weGehena, uko havasi kuzombourayiwa kana mutongo wavo kumbodzorwa. Kudaro tinopa mubairo kune wese asingatendi
Verse 37 — Surah Fatir 35:37
Umo vachachema: “Tenzi wedu! Tiburitseiwo, tichaita mabasa akanaka kwete ayo ataiita.” (Allah vachapindura vachiti): “Hatina here kukupai hupenyu hwakakwana, kuitira kuti uyo anenge atambira chenjedzo obva aitambira? Uye muyambiri akauya kwamuri. Saka ravirai (huipi hwemabasa enyu). Kune vaiti vezvakashata hapana mubatsiri.”
Verse 38 — Surah Fatir 35:38
Zvirokwazvo, Allah vanoziva zvakavandika mumatenga nepanyika. Chokwadi, vanoziva zvose zviri mumoyo
Verse 39 — Surah Fatir 35:39
Ndivo vakakuitai vamiririri muri zvikwata mushure mezvikwata panyika, kuitira kuti uyo asingatendi (muIslaam) kunenge kuri kusatenda kwake. Uye kusatenda kwevasingatendi hakuna chakunowedzera kusara kweruvengo rwaTenzi vavo. Uye kusatenda kwevasingatendi hakuna kana zvakunowedzera kusara kwekurasikirwa
Verse 40 — Surah Fatir 35:40
Taura (iwe Muhammad (SAW)): “Ndiudzei zvamunofunga maererano nezvamunodaidza kuti vanamwari kunze kwaAllah? Ndiratidzei kunyangwe chavakasika pano panyika. Kana kuti vane here kunyangwe chidimbu kumatenga? Kana kuti takavapa Gwaro kuti vakwanise kuzotevedzera hwapupu huri mariri? Vaiti vezvakaipa havavimbisani kusara kwenyengedzo.”
Verse 41 — Surah Fatir 35:41
Zvirokwazvo, Allah vakapfumbata matenga nenyika kuitira kuti zvisafambe-fambe kubva panzvimbo yazvo, uye kana akafamba kubva panzvimbo yavo, hapana anokwanisa kumapfumbata mushure mavo. Muchokwadi, Allah vane moyo murefu, uye vanoregerera zvikuru
Verse 42 — Surah Fatir 35:42
Uye vakapika naAllah mundudziro dzavo kuti kana muyambiri akauya kwavari, vachange vari vakatungamirirwa zvakanyanya kupinda avo vaivapo. Apo muyambiri (Muhammad (SAW)) paakauya kwavari, hapana kana chakawedzera pavari kusara kwekumhanyidzana (kubva pachokwadi)
Verse 43 — Surah Fatir 35:43
(Vakamhanyidzana mukutiza nekuda kwe) Kusanzwisisa kwavo panyika uye kuipa kwehurongwa hwavo. Asi huipi hwehurongwa ndewe uyo anenge ahuronga. Uye vanotarisira here (chimwe) chinhu kusara kweSunnah (nzira) yevanhu vekare? Saka hapana kana shanduko paSunnah (Nzira) yaAllah yauchawana. Uye hapana kana kudzokera shure kuchaitika paSunnah (Nzira) yaAllah
Verse 44 — Surah Fatir 35:44
Havana here kufamba panyika vakaona magumo eavo vaive mumashure mavo kunyangwe zvavo vaiva nemasimba akawanda kupinda avo? Allah havasi vekuti chii zvacho chiri mumatenga nenyika chingakwanisa kuvatiza. Chokwadi, Allah vanoziva zvese, uye vane masimba pamusoro pezvinhu zvose
Verse 45 — Surah Fatir 35:45
Uye ingadai Allah vakada kurwadzisa (kuranga) vanhu zvichienderana nemabasa avo, vaisambosiya kana chii zvacho chinorarama pano panyika. Asi vanovaregerera (vanovasiya) kusvikira nguva yakatarwa yasvika. Uye kana nguva yavo ichinge yasvika, zvirokwazvo Allah vanoona zvizere varanda vavo