Back to LanguagesPrevious ChapterNext Chapter
Shona - Chapter 39 - Az-Zumar
Translation by Abdullah J. M. Adini And Students — Permalink
Verse 1 — Surah Az-Zumar 39:1
Zvakadzikiswa zveBhuku iri (Qur’aan) kubva kuna Allah, Samasimba, Vane huchenjeri hwese
Verse 2 — Surah Az-Zumar 39:2
Zvirokwazvo, takadzikisa Bhuku kwauri (Muhammad (SAW)) muchokwadi. Naizvozvo namata Allah (Vega) nekuita mabasa echitendero nemoyo wose uchifadza Allah
Verse 3 — Surah Az-Zumar 39:3
Zvirokwazvo, chitendero ndecha Allah Voga. Uye avo vanotora vabatsiri kunze kwaAllah (vanoti): “Tinovanamata kuti vatiswededze pedyo naAllah.” Zvirokwazvo, Allah vachatonga pakati pavo maererana izvo zvavanopesana. Zvirokwazvo, Allah havatungamiriri uyo anonyepa, uye asingatendi
Verse 4 — Surah Az-Zumar 39:4
Dai Allah vaida kuita mwana, vangadai vakasarudza wavaida pakati pevavakasika. Kurumbidzwa ngakuve kwavari! NdiAllah, Mumwechete, Samasimba
Verse 5 — Surah Az-Zumar 39:5
Vakasika matenga nepasi muchokwadi. Vanoita kuti husiku hupinde muzuva uye vanoita kuti zuva ripinde muhusiku. Uye vakapa mutemo kuzuva nemwedzi. Chimwe nechimwe chinofamba (munzira ne) munguva yakatarwa. Zvirokwazvo, ndivo Samasimba, Vanoregerera zvikuru
Verse 6 — Surah Az-Zumar 39:6
Vakakusikai kubva kumunhu mumwechete (Adam); uyezve vakasika mukadzi wake (Hawwa (Evha)) kubva kwaari (Adam). Uye vakava vanokutumirai zvipfuyo zvisere dziri zviviri zviviri (hwai yechirume neyechikadzi; mbudzi yechirume neyechikadzi; mombe yechirume neyechikadzi; ngamera yechirume neyechikadzi). Vanokusikai muzvibereko zvanaamai venyu, chisikwa mushure mechisikwa mumarima matatu. Ava ndiAllah, Tenzi venyu. Kwavari ndiko kune humambo. Laa ilaaha illaa Huwa (Hakuna chimwe chinhu chine kodzero yekunamatwa kunze kwavo). Naizvozvo, sei muchiitwa kuti mufuratire
Verse 7 — Surah Az-Zumar 39:7
Mukasatenda, zvirokwazvo, Allah ndivo mupfumi pamusoro penyu. Havafadzwi nekusatenda kwevaranda vavo. Uye mukatenda, vanofadzwa nemi. Hakuna munhu achatakura mutoro wemumwe. Uye kuna Tenzi venyu ndiko kwamuchadzokera, uye vachava vanokuudzai zvamaiita. Zvirokwazvo, vanoziva zvikuru zviri mumoyo
Verse 8 — Surah Az-Zumar 39:8
Uye marwadzo akabata munhu, anochema kuna Tenzi vake, achikumbira ruregerero kwavari. Asi vakamupa makomborero kubva kwavari, anokanganwa zvaakanga achichemera kumashure, ogadzira vamwe vanamwari vanopokana naAllah, kuti ave anorasisa vamwe kubva munzira yavo. Iti: “Wana mufaro nekusatenda kwako kwekanguva kadiki. Zvirokwazvo, uri mumwe vevagari vemumoto!”
Verse 9 — Surah Az-Zumar 39:9
Angave here uyo anoteerera Allah, achipfugama kana kumira (pamunamato) munguva dzeusiku, achitya hupenyu hunotevera, uye ane chivimbo chetsitsi dzaTenzi vake (akaenzana here neuyo asingatendi)? Iti: “Vakaenzana here avo vanoziva neavo vasingazivi?” Zvirokwazvo, vanoyeuka ndeavo vanhu vanonzwisisa
Verse 10 — Surah Az-Zumar 39:10
Iti (Muhammad (SAW)): “Imi varanda vangu vanotenda (muhumwechete hwaAllah), ivai munotya Tenzi venyu. Runako (Mubairo) nderwe avo vanoita mabasa akanaka panyika pano, uye nyika yaAllah yakakura (kuti kana musingakwanisi kuvanamata pane imwe nzvimbo munovanamata kumwe). Zvirokwazvo, avo vanotsungirira vachawana mubairo wavo wakazara pasina kutongwa (kuverengerwa).”
Verse 11 — Surah Az-Zumar 39:11
Iti (Muhammad SAW)): “Zvirokwazvo, ndakave ndinokomekedzwa kunamata Allah (Voga) nekuvateerera nokuita mabasa echitendero ndichiitira ivo chete.”
Verse 12 — Surah Az-Zumar 39:12
“Uye ndakave ndinokomekedzwa (izvi) kuti ndive mumwe weavo vekutanga kuzvipira kuna Allah (muIslaam) (maMuslim).”
Verse 13 — Surah Az-Zumar 39:13
Iti (Muhammad (SAW)): “Zvirokwazvo, ndikasateerera Tenzi vangu, ndinotya mutongo wezuva guru.”
Verse 14 — Surah Az-Zumar 39:14
Iti (Muhammad (SAW)): “Ndinonamata Allah Voga ndichiita mabasa echitendero ndichiitira ivo chete (pasina kuda kuonererwa kana kuvasanganisa nezvimwe zvinhu pakuvanamata).”
Verse 15 — Surah Az-Zumar 39:15
“Naizvozvo namatai zvamunoda kunze kwavo (Allah).” Iti (Muhammad (SAW)): “Vakarasikirwa ndeavo vacharasikirwa pachezvavo nemhuri dzavo pazuva rekutongwa. Zvirokwazvo, kuchave kurasikirwa kuri pachena!”
Verse 16 — Surah Az-Zumar 39:16
Vachava nekuvharirwa nemoto, pamusoro pavo uye kuvharirwa pasi pavo. Allah vanovhundutsa varanda vavo neizvi: “Imi varanda vangu! Naizvozvo ivai munonditya!”
Verse 17 — Surah Az-Zumar 39:17
Avo vanodzivirira At-Taghoot (vanamwari venhema) nokusavanamata, uye votendeukira kuna Allah (vachikumbira ruregerero), kwavari kune shoko rakanaka; naizvozvo svitsa mashoko akanaka kuvaranda vangu
Verse 18 — Surah Az-Zumar 39:18
Avo vanoteerera shoko (rokuti hakuna mumwe mwari ane kodzero yekunamatwa kunze kwaAllah), uye votevera zvakanaka zvacho (vonamata Allah chete, vokumbira ruregerero kwavari uye wosiya vanamwari venhema), ava ndivo vakatungamirirwa naAllah uye ndivo vanhu vanonzwisisa
Verse 19 — Surah Az-Zumar 39:19
Uye uyo shoko remutongo rakatarwa paari (akafanana here neuyo asingaiti zvivi)? Unganunure here (Muhammad (SAW)) uyo ari mumoto
Verse 20 — Surah Az-Zumar 39:20
Asi avo vanotya Tenzi vavo (Allah), vachave nedzimba, imwe iri pamusoro peimwe dzakavakwa (dzakaturikidzana) pasi padzo nzizi dzichiyerera. (Iyi) ivimbiso yaAllah. Uye Allah havakundikani pavimbiso yavo
Verse 21 — Surah Az-Zumar 39:21
Hauoni here kuti zvirokwazvo Allah vanodzikisa mvura kubva kudenga, uye vokonzera kuti mvura ipinde pasi, (uye voita kuti ibude kubva pasi) sezvitubu zvemvura, pedzezvo vokudza nayo zvirimwa zvine mavara akasiyana-siyana, pedzezvo zvoibva uye ozviona zvichiita ruvara rwezerere, uye vozviita zviome zvova zvidimbu zvidimbu. Zvirokwazvo, mazviri mune ndangariro kuvanhu vanonzwisisa
Verse 22 — Surah Az-Zumar 39:22
Uyo moyo wake Allah wavakazarurira Islaam kuti ave muchiedza kubva kuna Tenzi vake (akafanana here neuyo asiri mutendi)? Naizvozvo matambudziko kune avo moyo yavo yakaoma kurangarira Allah! Ndeavo vakarasika zviripachena
Verse 23 — Surah Az-Zumar 39:23
Allah vakadzikisa shoko rakanakisisa, Gwaro (Qur’aan), zvidimbu zvaro zvakafanana nezvimwe (mune zvakanaka uye muhuchokwadi) uye zvichidzokorodzwa-dzokorodzwa. Makanda eavo vanotya Tenzi vavo anobvunda kubva mariri (pavanoriverenga kana pavanorinzwa). Pedzezvo ganda ravo nemoyo yavo yozvininipisa mukurangarira Allah. Iri ndiro gwara raAllah. Vanotungamirira wavanoda naro. Uye uyo munhu Allah wavanoita kuti arasike, kwaari haana mutungamiri
Verse 24 — Surah Az-Zumar 39:24
Haasi here, uyo achazotarisana nemutongo wakaipisisa zuva rekutongwa (akafanana here neuyo achapinda Paradhiso murunyararo)? Uye zvichanzi kuvaiti vemabasa akaipa: “Ravirai izvo zvamaiwana!”
Verse 25 — Surah Az-Zumar 39:25
Avo vaivepo mushure mavo vakaramba, uye marwadzo akauya kwavari kubva kumativi avaisatarisira
Verse 26 — Surah Az-Zumar 39:26
Naizvozvo Allah vakaita kuti vave vanoravira kudzikisirwa muhupenyu hwepasi, asi marwadzo ehupenyu hwuchatevera akakura, dai vaiziva
Verse 27 — Surah Az-Zumar 39:27
Uye zvirokwazvo takava tinoisira vanhu mhando yose yeenzaniso muQur’aan iri kuti vave vanorangarira
Verse 28 — Surah Az-Zumar 39:28
Qur’aan rerurimi rwechiArab risina kutsveyama (mariri) kuti vave vanodzivirira zvose zvakaipa zvavakakomekedzwa naAllah kuti vave vanodzivirira kuti vave vanotya
Verse 29 — Surah Az-Zumar 39:29
Allah vanopa muenzaniso wemurume (muranda) ane madzimambo akawanda anopikisana (sekunge avo vanonamata vamwe pamwechete naAllah), nemurume anongova namambo mumwe chete (sekunge avo vanonamata Allah chete). Vakafanana here vaviri ava mumuenzaniso wavo? Kurumbidzwa kwose ndekwaAllah! Asi vazhinji vavo havazivi
Verse 30 — Surah Az-Zumar 39:30
Zvirokwazvo, iwe (Muhammad (SAW)) uchafa, uye zvirokwazvo ivo vachafa
Verse 31 — Surah Az-Zumar 39:31
Uye zvirokwazvo pazuva rekutongwa muchava munopikisana (munopokana) pamberi paTenzi venyu
Verse 32 — Surah Az-Zumar 39:32
Naizvozvo, ndiani anokanganisa zvakanyanya kudarika uyo anotaura manyepo pamusoro paAllah, uye oramba chokwadi (Islaam) mushure mekunge chauya kwaari! Hamuna here nzvimbo muGehena (moto) yeavo vasingatendi
Verse 33 — Surah Az-Zumar 39:33
Uye uyo (Muhammad (SAW)) akauya nechokwadi (Islaam) uye akatenda machiri, ivavo ndivo vanotya Allah
Verse 34 — Surah Az-Zumar 39:34
Kwavari vachave neizvo zvavanoshuvira kubva kuna Tenzi vavo. Uyo ndiwo mugove wevatsvene (vanotya Allah)
Verse 35 — Surah Az-Zumar 39:35
Kuti Allah vave vanovabvisira zvakaipa zvavakaita, vovapa mugove unoenderana nezvakanaka zvavaiita
Verse 36 — Surah Az-Zumar 39:36
Allah havakwaniri muranda wavo here? Uye vanokushungurudza neizvo (zvavanonamata) kunze kwavo. Uye uyo Allah wavanoita kuti arasike, kwaari hapana mutungamiriri
Verse 37 — Surah Az-Zumar 39:37
Uye uyo Allah wavanotungamiririra, kwaari hapana anomuita kuti arasike. Havasi here Allah samasimba, muridzi wemurango
Verse 38 — Surah Az-Zumar 39:38
Uye kana ukavabvunza: “Ndiani akasika matenga nenyika?” Zvirokwazvo vanoti: “Allah.” Iti: “Saka ndiudzei izvo zvamunonamata kusara kwaAllah, kana Allah vachinge vandishuvira chakaipa, vanokwanisa kuchibvisa here? Kana kuti (Allah) vakandishuvira tsitsi (nyasha), vanokwanisa kudzibvisa (kudzora) tsitsi dzavo here?” Iti: “Allah vanondikwanira; mavari (vanotenda) vanovimba (ndiko kwavanoisa kuvimba kwavo.”)
Verse 39 — Surah Az-Zumar 39:39
Iti (Muhammad (SAW)): “Imi vanhu vangu! Shandai zvinoenderana nezvamuri. Zvirokwazvo ini ndiri kushanda (zvinoenderana neni). Naizvozvo muchava munoziva.”
Verse 40 — Surah Az-Zumar 39:40
“Kuna ani kuchaenda mutongo unodzikisira, uye kuna ani kuchava nemutongo usingaperi.”
Verse 41 — Surah Az-Zumar 39:41
Zvirokwazvo, takava tinodzikisa kwauri (Muhammad (SAW)) Gwaro (Qur’an) revanhu muzvokwadi. Saka ani nani achatambira gwara, azviitira pachake; uye uyo acharasika, anorasika pachake. Uye hausi Wakeel (mumiririri, muchengetedzi) wavo
Verse 42 — Surah Az-Zumar 39:42
NdiAllah vanotora mweya yevanhu panguva dzerufu rwavo, uye avo vasingafi panguva dzekurara (vakarara) kwavo. (Allah) vanochengeta avo vavakarongera (vavakatarira) rufu, uye vosiya vamwe vose kusvikira nguva yakatarwa. Zvirokwazvo, mune izvi mune zviratidzo kuvanhu vanofunga zvakanyanya
Verse 43 — Surah Az-Zumar 39:43
Vanotora here (vamwe) sevamiriri kunze kwaAllah? Iti: “Kunyange vasina simba pamusoro pechimwe chinhu uye vasina uchenjeri?”
Verse 44 — Surah Az-Zumar 39:44
Iti: “Kumiririra kwose ndekwaAllah. Kwavari ndiko kune umambo hwematenga nepasi. Zvakare kwavari muchava munodzorerwa.”
Verse 45 — Surah Az-Zumar 39:45
Uye kana Allah chete vachinge vataurwa nezvavo, moyo yeavo vasingatendi mune ramangwana inozadzwa nekushushikana. Asi kana izvo (zvinonamatwa kunze kwaAllah) zvichinge zvataurwa nezvazvo, ngwarirai, vanofara (vanonzwa kusununguka)
Verse 46 — Surah Az-Zumar 39:46
Iti (Muhammad (SAW)): “Imi Allah! Musiki wedenga nenyika, muzivi wezvose zvisingaonekwi nezvinoonekwa! Muchatonga pakati pevaranda venyu pamusoro peizvo zvavaipikisana.”
Verse 47 — Surah Az-Zumar 39:47
Uye avo vaikanganisa, dai vaine zvese zviri panyika nezvimwe zvakadaro, zvirokwazvo vaizozvipa kuzvidzivirira nazvo kubva mumarwadzo ezuva rekutongwa. Uye zvichava pachena kwavari kubva kuna Allah izvo zvavainge vasina hanya nazvo
Verse 48 — Surah Az-Zumar 39:48
Uye huipi hweizvo zvavaiwana hwuchabuda pachena kwavari, uye izvo zvavaiseka zvichavakomberedza
Verse 49 — Surah Az-Zumar 39:49
Kana marwadzo akabata munhu anoshevedzera (anodana) kwatiri (achida rubatsiro), asi kana tikaasandura (marwadzo) kuaita makomborero kubva kwatiri, anoti: “Zvirokwazvo, ndazviwana nokuda kweruzivo (rwangu).” Asi ungori muedzo, asi vazhinji vavo havazvizivi
Verse 50 — Surah Az-Zumar 39:50
Zvirokwazvo, avo vaiva kumashure kwavo vakazvitaura, asi zvose zvavakawana hazvina kuvabatsira
Verse 51 — Surah Az-Zumar 39:51
Naizvozvo, huipi hweizvo zvavakawana hwakavakurira. Uye avo vanokanganisa pakati peava (vanhu wakatumirwa kwavari Muhammad (SAW)), vachava vanokurirwa nehuipi hweizvo zvavanowana, uye havasi kuzokwanisa kutiza
Verse 52 — Surah Az-Zumar 39:52
Havazivi here kuti Allah vanopa raramo kune uyo wavanoda, kana kuomesa (kune wavanoda). Zvirokwazvo, mune izvi mune zviratidzo kune vanhu vanotenda
Verse 53 — Surah Az-Zumar 39:53
Iti: “Imi varanda vangu avo vanozvikanganisira pachezvavo! Musave munoshaya tarisiro kubva mutsitsi dzaAllah. Zvirokwazvo Allah vanoregerera zvitadzo zvose. Zvirokwazvo, ndiwo muregereri, ane tsitsi dzose.”
Verse 54 — Surah Az-Zumar 39:54
“Uye tarirai mukukumbira rugerero uye nerukudzo nekuzvipira kwechokwadi kuna Tenzi venyu, mutongo usati wauya kwamuri, uye naizozvo hamuzombobatsirwi.”
Verse 55 — Surah Az-Zumar 39:55
“Uye teverai zvakanaka zveizvo zvatumirwa kwamuri kubva kuna Tenzi venyu, mutongo usati wauya kwamuri musina kutarisira!”
Verse 56 — Surah Az-Zumar 39:56
Apo munhu achati: “Kushushikana kwangu, ndange ndisingateereri Allah (handina kuita izvo zvakanzi naAllah ndiite), uye zvirokwazvo ndaive umwe weavo vaishora (chokwadi, Islaam)!”
Verse 57 — Surah Az-Zumar 39:57
Kana kuti anozoti: “Dai Allah vakanditungamirira, ndingadai ndiri umwe weavo vaitya (Allah).”
Verse 58 — Surah Az-Zumar 39:58
Kana kuti anozoti aona mutongo: “Dai ndakawana mukana (wekudzokera panyika), ndaizova umwe weavo vaiita mabasa akanaka.”
Verse 59 — Surah Az-Zumar 39:59
Hongu! Zvirokwazvo, zviratidzo zvangu zvakauya kwauri uye ukazviramba, uye ukazvitutumadza ukava umwe weavo vasingatendi
Verse 60 — Surah Az-Zumar 39:60
Uye zuva rekutongwa uchaona avo vainyepera Allah zviso zvavo zvichange zvakasviba. Hamuna here nzvimbo muGehena yeavo vaizvitutumadza
Verse 61 — Surah Az-Zumar 39:61
Uye Allah vachanunura vatsvene vovapinza nzvimbo dzavo dzebudiriro (Paradhiso). Zvakaipa hazvizombovabati kana kusuruvara
Verse 62 — Surah Az-Zumar 39:62
Allah ndivo musiki wezvose, uye ndivo mumiririri (muchengetedzi) wezvinhu zvose
Verse 63 — Surah Az-Zumar 39:63
Kwavari ndiko kune svumbunuro dzematenga nepasi. Uye avo vasingatendi muzviratidzo zvaAllah, ivavo ndivo vachange vakarasikirwa
Verse 64 — Surah Az-Zumar 39:64
Iti (Muhammad (SAW)): “Muri kundikomekedza kunamata zvimwe (zvisikwa) here kunze kwaAllah, imi vasina kukwana
Verse 65 — Surah Az-Zumar 39:65
Uye zvirokwazvo zvinodzikiswa kwauri (Muhammad (SAW)) sekunge kune avo vakanga variko usati wavapo: “Kana ukava unosanganisa Allah nezvimwe mukunamata, zvirokwazvo mabasa ako achange asina maturo, uye zvirokwazvo uchange uri pakati peavo vakarasikirwa.”
Verse 66 — Surah Az-Zumar 39:66
Nokudaro! Namata Allah (Voga), uye wova pakati peavo vanotenda
Verse 67 — Surah Az-Zumar 39:67
Uye havana kupa Allah kodzero yavo yakakwana. Uye pazuva rekutongwa pasi rose richabatwa muruoko rwavo uye matenga akaputirwa ari muruoko rwavo rwerudyi. Kurumbidzwa ngakuve kwavari, uye vari pamusoro pezvavanovasanganisa nazvo
Verse 68 — Surah Az-Zumar 39:68
Uye hwamanda icharidzwa, uye zvose zviri mumatenga uye zvose zviri pasi zvichakomoka (zvichafa) kusara kweanodiwa naAllah. Uye icharidzwa kechipiri, uye zvirokwazvo vachava vanomira vakatarisa
Verse 69 — Surah Az-Zumar 39:69
Uye pasi pachapenya nechiedza chaTenzi waro (apo vachauya kunotonga vanhu), uye bhuku richava rinoiswa, uye maporofita nevapupuri vachava vanounzwa pamberi; uye vachava vanotongwa pakati pavo nechokwadi, uye havazodzvinyirirwa
Verse 70 — Surah Az-Zumar 39:70
Uye umwe neumwe achave anopihwa mubairo wakazara wezvaaiita, uye (Allah) vanoziva zvikuru zvavanoita
Verse 71 — Surah Az-Zumar 39:71
Uye avo vaisatenda vachava vanotinhirwa kuGehena vari muzvikwata, kusvika vasvika pariri, magedhe aro achava anovhurwa. Uye zvichanzi nevachengetedzi varo: “Vatumwa havana kuuya kwamuri here kubva mamuri vachikuverengerai ndima dzaTenzi venyu, uye vachikuyambirai nezvekusangana kwezuva renyu rino?” Vachati: “Hongu,” asi shoko remarwadzo rava rinokodzera vasingatendi
Verse 72 — Surah Az-Zumar 39:72
Zvichava zvinonzi (kwavari): “Pindai magedhe eGehena kuti mugare imomo. Uye (zvirokwazvo) inzvimbo yakaipisisa yevanozvitutumadza!”
Verse 73 — Surah Az-Zumar 39:73
Uye avo vaitya Tenzi vavo, vachava vanotungamirirwa kuParadhiso vari muzvikwata, kusvika vasvika pariri, uye magedhe aro achava anovhurwa, uye vachengetedzi varo vachati kwavari: “Rugare ngaruve kwamuri! Makaita zvakanaka, naizvozvo pindai mugare mariri (Paradhiso).”
Verse 74 — Surah Az-Zumar 39:74
Uye vachati: “Kurumbidzwa nekutendwa ngakuve kuna Allah, avo vatizadzikisira vimbiso yavo kwatiri, uye vatiita kuti tive tinogara munzvimbo iyi. Tinogara muParadhiso patinoda. Mubairo wakanaka zvakadii kune avo vaishanda!”
Verse 75 — Surah Az-Zumar 39:75
Uye uchava unoona ngirozi dzakatenderedza Chigaro (chaAllah) kubva kumativi ose, dzichirumbidza rumidzo yaTenzi wadzo. Uye vachatongwa pakati pavo nechokwadi (zvisikwa zvose). Uye zvichanzi: “Kurumbidzwa kose ngakuve kuna Allah, Tenzi wezvisikwa zvose (vanhu, maJinn nezvose zviripo).”