Back to Languages

Shona - Chapter 4 - An-Nisa

Translation by Abdullah J. M. Adini And Students — Permalink

Verse 1 — Surah An-Nisa 4:1

Imi vanhu! Ivai munotya Tenzi venyu (Allah), avo vakakusikai kubva kune munhu mumwe chete (Adam), uye vakava vanosika kubva kwaari (Adam) mukadzi wake (Hawwa – Evha), uye vakave vanosika varume nevakadzi vazhinji kubva kwavari (Adam na Evha). Uye ivai munotya Allah avo vamunokumbira navo (kodzero dzenyu dzakafanira), uye musava munocheka hukama wemimba (weropa). Zvirokwazvo, Allah ndivo vanokuonai nguva dzese

Verse 2 — Surah An-Nisa 4:2

Uye ivai munopa nherera hupfumi hwadzo, uye musave munochinjanisa zvakaipa (zvenyu) pane zvakanaka (zvavo); uye musave munoparadza zvinhu zvavo (nekuwedzera) pane zvinhu zvenyu. Zvirokwazvo, chivi chikuru

Verse 3 — Surah An-Nisa 4:3

Kana muchitya kuti hamukwanise kuita ruenzaniso pakati penherera-sikana, roorai vakadzi vamunoda, vaviri, kana vatatu, kana vana; asi kana muchitya kuti hamukwanise ruenzaniso pakati pavo, roorai mumwechete kana (varandakadzi) avo vamunochengetedza. Izvi zvinokwanisa kukuchengetedzai kubva muudzvanyiriri

Verse 4 — Surah An-Nisa 4:4

Uye ivai munopa vanhukadzi mari yavo yeroora (Mahr – mari inokomekedzwa munhurume kuti ape mukadzi wake panguva yekuroorana) nemoyo wakanaka; asi vakava (vakadzi venyu) vanokupai chimwe chidimbu (chemari) nokuda kwavo, itorei uye moishandisa pasina kutya chakaipa (sezvo Allah vaita kuti ive yakachena)

Verse 5 — Surah An-Nisa 4:5

Uye musave munopa avo vasina pfungwa dzakajeka hupfumi wenyu uhwo Allah vakaita kuti uve rubatsiro kwamuri, asi vapei zvekudya nezvipfeko kubva kwauri, uye motaura navo mashoko akanaka

Verse 6 — Surah An-Nisa 4:6

Uye ivai munoedza nherera (pfungwa dzavo) (Ivai munoramba muchiedza nherera pfungwa dzavo) kusvika vasvika pazera rekuroora. Kana muchinge magutsikana (nepfungwa dzavo), vapei mari dzavo (hupfumi hwavo). Asi musava munoudya muchitambisa uye nekuchimbidza, muchitya kuti vangakura. Uye uyo anenge akapfuma (vareri venherera), ngaave anorega kutora hupfumi (mari yenherera), asi kana ari murombo (mureri wenherera), musiyei atore zvakafanira uye zvine hungwaru (zvinoenderana nezvaari). Uye kana muchivapa hupfumi hwavo (nherera), tsvagai zvapupu idzo dziripo (nherera) (izvo zvichatsinhira kuti makavapa mari yavo), uye Allah ndivo vega vanotonga zvose

Verse 7 — Surah An-Nisa 4:7

Varume vane chidimbu (cheupfumi) hwakasiiwa nevabereki kana nehama dzepedyo, uye vakadzi vane chidimbu (cheupfumi) hwakasiiwa nevabereki kana nehama dzepedyo, ungave (upfumi) hwakawanda kana ushoma, chidimbu chakatarwa (naAllah)

Verse 8 — Surah An-Nisa 4:8

Uye kana hama nenherera uye avo vanotambura varipo panguva dzekugova (nhaka), ivai munovapa chokudya (kana zvinhu) kubva paupfumi (ihwohwo hwenhaka), uye mova munotaura navo mashoko akanaka uye ane muenzaniso (ruremekedzo)

Verse 9 — Surah An-Nisa 4:9

Uye avo (vanogova nhaka uye vanorera nherera) ngavave vanotya udzvanyiriri hwenherera kutya kwavanoita (kudzvanyirirwa kwevana vavo) kana vachinge vafa vosiya vavo vana vadiki. Saka ngavatye Allah uye vave vanotaura mashoko akanaka

Verse 10 — Surah An-Nisa 4:10

Zvirokwazvo, avo vanodya upfumi hwenherera neudzvanyiriri, zvirokwazvo, vari kudya moto vachiisa mumatumbu avo. Uye vachave vanopiswa mumoto (weGehena)

Verse 11 — Surah An-Nisa 4:11

Allah vanova vanokukomekedzai maererano nevana venyu (upfumi hwenhaka yavo), murume (mwanakomana) anowana mugove wakafanana newevanasikana vaviri; kana paine vanasikana chete, vaviri kana vakawanda, vanowana zvidimbu zviri kubva muzvitatu (2/3) zveupfumi hwenhaka. Asi kana (musikana) ari mumwe chete, mugove wake chidimbu chepakati (1/2) (chenhaka). Vabereki (vemufi) vanowana chidimbu kubva kuzvitanhatu (1/6) cheupfumi hwenhaka umwe neumwe wavo kana mufi achinge asiya vana; asi kana asina kusiya vana, uye vabereki ndivo vega vagari venhaka (vakakodzera nemutemo), amai vanowana chidimbu kubva kuzvitatu (1/3) (cheupfumi wenhaka). Asi kana mufi aine vakoma kana hanzvadzi, amai vanowana chidimbu kubva kuzvitanhatu (1/6). Nhaka yese inopihwa mushure mekubhadhara Wiri yaanenge aiita (mufi) nezvikwereti. Hamuzivi (imi vanhu) ndiani ane rubatsiro (rukuru) pakati pavabereki venyu kana vana; (zvidimbu zvenhaka izvi) zvakava zvinokomekedzwa naAllah. Zvirokwazvo, Allah ndivo vane ruzivo rwese, uye ndivo vane hungwaru hwese

Verse 12 — Surah An-Nisa 4:12

Uye kune izvo zvinenge zvasiiwa nemadzimai enyu, munowana chidimbu chepakati (1/2) chenhaka kana vanga vasina mwana; asi vakasiya mwana, munowana (varume) chidimbu kubva kuzvina (¼) kune izvo zvavanenge vasiya mushure mekubhadhara Wiri yavanenge vaita kana zvikwereti. Uye kune izvo zvamunenge masiya, chidimbu chavo (vakadzi venyu) chidimbu kubva kuzvina (¼) kana musina mwana; asi mukasiya mwana, vanowana chidimbu kubva kuzvisere (1/8) yeizvo zvamunenge masiya mushure mekubhadhara Wiri yamunenge maita kana zvikwereti. Uye kana murume kana mukadzi nhaka yake irikugohwa asina vabereki kana vana, asi ane mukoma kana hanzvadzi, mumwe nemumwe wavo anowana chidimbu kubva kuzvitanhatu (1/6); asi kana vachidarika vaviri vanogovana chidimbu kubva kuzvitatu (1/3) mushure mekubhadhara Wiri yaanenge aita kana zvikwereti, kuitira kuti pasave nekurasikirwa kana kusanzwisisana (pakati penyu). Uyu ndiwo murairo kubva kuna Allah, uye Allah ndivo vane ruzivo rwese, vane moyo murefu

Verse 13 — Surah An-Nisa 4:13

Iyi ndiyo mitemo yakaiswa naAllah, uye uyo achateerera Allah nemutumwa wavo (Muhammad (SAW)) vachamupinza mumapindu ane nzizi dzinoerera pasi pawo (Paradhiso), umo vachagara zvachose, uye uku ndiko kubudirira kukuru

Verse 14 — Surah An-Nisa 4:14

Uye uyo acharegera kuteerera Allah nemutumwa wavo (Muhammad (SAW)), uye opfurikidza miganhu yavo, vachamupinza muGehena remoto, umo maachagara zvachose, uye achawana marwadzo anodzikisira

Verse 15 — Surah An-Nisa 4:15

Zvekare avo vanhukadzi venyu vanoita hupombwe, ivai munotora pamusoro pavo humboo kubva kuzvapupuri zvina (4) kubva kwamuri; uye vakave vanopa uchapupu, vatorei (vakadzi) vagare (vavharirei) mudzimba dzavo kusvikira rufu rwavashanyira kana kuti Allah vavavhurira (imwe) nzira

Verse 16 — Surah An-Nisa 4:16

Uye vanhu vaviri (mukadzi nemurume) pakati penyu vanoita hupombwe, varwadzisei vose. Asi vakave vanokumbira ruregerero (vakavimbisa Allah kuti havafi vakadzokorora hupombwe nezvimwe zvitadzo), uye zvakare vova vanoita mabasa akanaka, vasiyei. Zvirokwazvo, Allah vanoregerera zvose (ndivo muregereri uye ndivo vanotambira ruregerero), zvakare ndivo vane nyasha zvikuru

Verse 17 — Surah An-Nisa 4:17

Zvirokwazvo, Allah vanotambira rugerero rweavo vanoita zvakaipa vasingazivi uye vasina njere, uye vokumbira ruregerero nekukurumidza. Ndivo vanhu vanoregererwa naAllah zvakare, uye Allah ndivo vane ruzivo rwese, vane hungwaru hwose

Verse 18 — Surah An-Nisa 4:18

Zvakare hakuna ruregerero kune avo vanoita mabasa akaipa kana rufu ruchinge rwashanyira mumwe wavo pakati pavo ndipo anoti: “Ikozvino ndinoreurura;” zvimwechete neavo vanofa vasingatendi. Ava takavagadzirira marwadzo makuru

Verse 19 — Surah An-Nisa 4:19

Imi vanhu vanotenda! Hamubvumirwi kugara nhaka vanhukadzi kana zvichipokana nezvido zvavo; uye musave munovaitira hukasha kuti mugotora chidimbu cheMahr (Chipo chinobviswa nemurume achipa mudzimai wake pavanochata) yamakavapa kunze kwekuti vaita chitadzo chiri pachena (hupombwe kana kusateerera varume vavo); uye garai navo mune zvakanaka. Kana musinga vade, munogona kusada chinhu uye Allah voisa machiri zvakanaka zvakawanda

Verse 20 — Surah An-Nisa 4:20

Asi kana mada kutora umwe mukadzi pachinzvimbo chemumwe mukadzi, uye makapa umwe wavo (mukadzi wekutanga) Qintaar (goridhe rakawanda sechipo cheroora - Mahr), musava munovatorera (vakadzi vamasiya) chingave chidimbu cheroora (yamakavapa). Mungatore here (mari yeroora kubva kuvakadzi vamaramba) musina mvumo uye muine chitadzo chiri pachena

Verse 21 — Surah An-Nisa 4:21

Uye mungavatorera sei (mari yamakavapa) imi makamborara navo (makaita bonde navo), uye vakava vanotora kubva kwamuri chitsidzo chakasimba

Verse 22 — Surah An-Nisa 4:22

Uye musava munoroora vakadzi avo vakamboroorwa nemadzibaba enyu kusara kwezvakaitika kare. Zvirokwazvo, zvinonyadzisa uye zvinovengwa (hazviite), uye inzira yakaipa

Verse 23 — Surah An-Nisa 4:23

Munorambidzwa kuroora: vanaamai venyu, vanasikana venyu, hanzvadzi dzenyu, madzitete enyu, vanin’ina nemadzikoma vanaamai venyu, vanasikana emadzikoma enyu, vanasikana vehanzvadzi dzenyu, madzimai vakakuyamwisai vasiri vanaamai venyu (vakakuchengetai), hanzvadzi dzenyu dzakayamwa kubva kumadzimai vakakuyamwisai, vanaamai vevakadzi venyu, vanasikana vevakadzi venyu avo vamuri kuchengeta kubva kumadzimai avo makaita bonde navo, asi hamuna chitadzo (kana mukaroora vanasikana ava) kana musina kumboita bonde navo (vanaamai vavo), madzimai evanakomana venyu avo vamakabereka kubva mumbeu dzenyu, uye kuroora mukoma nemunin’ina panguva imwe chete kusara kwezvakaitika kare (zvisati zvarambidzwa). Zvirokwazvo, Allah vanoregerera zvikuru, vane tsitsi zhinji

Verse 24 — Surah An-Nisa 4:24

Uye zvakare (zvinorambidzwa kwamuri kuroora) vakadzi vakaroorwa, kusara kweavo varanda vari mumaoko enyu erudyi (vamunochengeta). Izvi Allah vakakutarirai (pasi). Vamwe vose vanobvumidzwa kwamuri (kuti muroore) hunge mavapa Mahr (Mari inopiwa mukadzi nemurume wake panguva yaanoroorwa) kubva kuupfumi hwenyu, muine chishuwo chekuita navo hunhu (kuzvichenesa kubva kumabasa erima), musingaite choupombwe. Saka avo pakati pavo vamunogarisana navo (vamunoita bonde navo), vapei mari yavo (Mahr) yakatarwa; asi kana Mahr yatarwa, mobvumirana pachenyu (kuwedzera), hamuna chitadzo (mukadaro). Zvirokwazvo, Allah vane ruzivo rwose, vane hungwaru hwose

Verse 25 — Surah An-Nisa 4:25

Uye uyo asingakwanise kuroora pakati penyu (uyo asina nzira dzekuroora nadzo dzakafaranuka) vakadzi vanotenda (vasiri varanda), anokwanisa kuroora vasikana vanotenda kubva kune avo vari mumaoko enyu erudyi (varanda vamunochengeta), uye Allah vanoziva zvikuru kutenda kwenyu (mavari); muri vamwe chete (vanhu vamwe chete). Saka varoorei muine mvumo yevabereki vavo (vachengeti vavo) uye movapa Mahr yavo munezvakanaka (yakafanira, inoshanda uye inotenga kana kushandisika zvinogutsa); varandasikana vanofanirwa kuva nehunhu, vasingaite cheupombwe, uye vasina vakomana vavanodanana navo. Uye kana vachinge varoorwa, vakaita cheupombwe, murango wavo chidimbu chemurango weavo vasina kuroorwa (vasiri varanda). Izvi ndezve uyo pakati penyu anotya kukuvadzwa muchitendero chake kana pamuviri wake; asi zvakakunakirai kana mukatsungirira, uye Allah vanoregerera zvikuru, vane tsitsi dzese

Verse 26 — Surah An-Nisa 4:26

Allah vane chishuwo chekukuburitsirai pachena (zvinodiwa nezvinorambidzwa), nekukuratidzai nzira dzeavo vaivepo musati mavapo, uye kuti vave vanotambira ruregerero rwenyu, uye Allah vanoziva zvese, vane hungwaru hwose

Verse 27 — Surah An-Nisa 4:27

Allah vane chishuwo chekukuregererai (kutambira ruregerero rwenyu), asi avo vanotevera zvinoda miviri yavo, vane chishuwo chekukubvisai zvikuru munzira yakatwasuka

Verse 28 — Surah An-Nisa 4:28

Allah vane chishuwo chekukurerutsirai zvinhu, uye munhu akasikwa asina simba (asingakwanisi kutsungirira kubva kubonde nemukadzi)

Verse 29 — Surah An-Nisa 4:29

Imi vanotenda! Musave vanhu vanodya upfumi hwenyu pakati penyu neudzvanyiriri, kusara kwekuti muri kutenga nekutengeserana pakati penyu muchibvumirana pachenyu. Uye musave munozviuraya (kana kuurayana). Zvirokwazvo, Allah vane tsitsi zhinji kwamuri

Verse 30 — Surah An-Nisa 4:30

Asi uyo anozviita (kudya upfumi hwevamwe neudzvanyiriri, kuzviuraya uye kuuraya vamwe) nekuda kwechitadzo uye kudzvanyirira, tichamukanda mumoto, uye izvo zviri nyore kuna Allah

Verse 31 — Surah An-Nisa 4:31

Mukave munosiya zvitadzo zvikuru zvamunorambidzwa kuti muite, tichakuregererai zvitadzo zvenyu (zvidiki), uye tokupinzai nenzira yakanaka (kuParadhiso)

Verse 32 — Surah An-Nisa 4:32

Uye musave munoshuwira zvinhu Allah vakaita nazvo vamwe venyu vave pamusoro pevamwe. Varume vane mubairo pane izvo zvavanowana, uye (zvimwechetewo) vakadzi vane mubairo pane izvo zvavanowana, uye kumbirai Allah makomborero avo. Zvirokwazvo, Allah ndivo muzivi wezvose

Verse 33 — Surah An-Nisa 4:33

Uye kune vose, takave tinosarudza vagari venhaka yakasiiwa nevabereki uye nehama. Uye kune avo vamakapikira (hukama), vapei chidimbu chavo (nekuda kweWiri). Chokwadi, Allah ndivo chapupu chezvose

Verse 34 — Surah An-Nisa 4:34

Varume ndivo vachengetedzi nevashongedzi vemadzimai nekuti Allah vakaita kuti umwe ave pamusoro peumwe, nechikonzero chekuti vanopa kubva muhupfumi hwavo. Naizvozvo vakadzi vakanaka vanoteerera (Allah uye nevarume vavo), vanochengetedza kana varume vavo vasipo izvo Allah vakavakomekedza kuti vazvichengetedze (hunhu hwavo, nemidziyo yevarume vavo). Uye avo vakadzi vasingateereri (vanozvibata zvakaipa), vayambirei (pokutanga), uye (mushure mezvo) moramba kurara navo pamibhedha, uye (kwekupedzisira) varovei (zvishoma kana muchifunga kuti zvinogona kubatsira); asi vakave vanokuteererai musave munovatsvagira nzira (yekupokana navo). Zvirokwazvo, Allah ndivo vari pamusoro-soro, ndivo mukuru

Verse 35 — Surah An-Nisa 4:35

Uye kana muchitya kuparadzana (kusawirirana) pakati pavo vaviri (murume nemukadzi), tsvagai vanoyananisa, umwe anobva kumhuri yemurume uye umwe anobva kumhuri yemukadzi. Kana vose vakave vanoshuwira runyararo, Allah vanoita kuti wirirano ivepo. Zvirokwazvo, Allah ndivo muzivi mukuru wezvose

Verse 36 — Surah An-Nisa 4:36

Uye namatai Allah uye musave munovasanganisa nevamwe vanamwari (mukunamata), uye mova munoita zvakanaka kuvabereki, vehukama, nherera, vanotambura, muvakidzani ane hukama, muvakidzani wekure (asina hukama), shamwari yepedyo, mupfuuri wenzira, uye neidzo (nhapwa) dziri mumaoko enyu erudyi (dzamunochengeta). Zvirokwazvo, Allah havadi vanodada nekuzvitutumadza

Verse 37 — Surah An-Nisa 4:37

Avo vanoomera uye vanokomekedza vamwe vanhu kuti vave vanoomera uye vanovanza izvo zvakanaka zvavakapihwa naAllah kubva mumakomborero avo. Uye takave tinovagadzirira vanhu vasingatende marwadzo anodzikisira

Verse 38 — Surah An-Nisa 4:38

Uye avo vanopa hupfumi hwavo nekuda kuonererwa nevanhu, uye havatende muna Allah nezuva rekupedzisira (ishamwari dzaSatani). Uye uyo anotora Satani semufambidzani wake, saka ane mufambidzani akaipa

Verse 39 — Surah An-Nisa 4:39

Uye vanoshaiwei vakave vanotenda munaAllah nezuva rekupedzisira, uye vopa kubva kune izvo zvavakapiwa naAllah? Uye Allah vanovaziva zvikuru

Verse 40 — Surah An-Nisa 4:40

Zvirokwazvo, Allah havaiti chakaipa nyangwe chine huremu hwekanhu kadiki diki (kana hwekasvosve kadiki diki), asi kana paine chinhu chakanaka (chaitwa), vanochipeta kaviri (Allah), uye vanopa kubva kwavari mubairo mukuru

Verse 41 — Surah An-Nisa 4:41

Saka zvichange zvakadini, patichaunza chapupu kubva kuboka revanhu rega rega, uye tounza iwe (Muhammad (SAW)) sechapupu pamusoro pevanhu ava

Verse 42 — Surah An-Nisa 4:42

Musi iwoyo vanhu vange vasingatendi uye vasingateere mutumwa (Muhammad (SAW)), vachashuwira kuti dai varamba vakavigwa pasi penyika, asi havazombokwanisi kuvanza kana shoko rimwe chete kubva kuna Allah

Verse 43 — Surah An-Nisa 4:43

Imi vanotenda! Musave munouya kumunamato (Swalaah) makadhakwa kusvikira mavakuziva zvamuri kutaura, uye kana musina kuchena (muine Janaabah – kuita bonde nemadzimai enyu), kunze kwekuti muri parwendo (muchipfuura nemuMasjid), kusvikira mageza muviri wose (Ghusl). Zvekare kana muchirwara, kana kuti muri parwendo, kana kuti mumwe wenyu arikubva kunoshandisa chimbuzi (Ghaait), kana kuti marara nemadzimai enyu (maita bonde navo), uye mobva mashaiwa mvura, itai Tayammum nevhu rakachena mopukuta zviso zvenyu nemaoko enyu neivhu. Zvirokwazvo, Allah ndivo vanokanganwira, muregereri mukuru

Verse 44 — Surah An-Nisa 4:44

Hauna kuona here avo vakapihwa chidimbu cheGwaro (maJudha) vakatenga nzira yakarasika, uye vanoshuwira kuti murasike nzira yakatwasuka

Verse 45 — Surah An-Nisa 4:45

Uye Allah vane ruzivo rwose rwevavengi venyu, uye Allah ndivo vanokwana semuchengetedzi, uye Allah ndivo vanokwana semubatsiri

Verse 46 — Surah An-Nisa 4:46

Mukati memaJudha, mune avo vanosandurudza mazwi kubva munzvimbo dzavo (mazwi) uye vanoti: “Tinonzwa mashoko ako (Muhammad (SAW)) asi hatitevedzeri.” Uye “Inzwa, asi iwe (Muhammad SAW)) usanzwe chinhu.” Uye “Raaina (izwi rekutuka muchiJudha)” vachishandura ndimi dzavo uye vachishora chitendero (cheIslaam). Asi dai vakangoti: “Tinonzwa nekuteerera, asi usave unoita kuti tinzwisise,” zvaiva nani kwavari uye zvakanakisisa; asi Allah vakavarengera nekusatenda kwavo, saka havatendi kunze kwevashoma

Verse 47 — Surah An-Nisa 4:47

Imi makapihwa Gwaro (maJudha nemaKristu)! Tendai mune izvo zvatakatumira (Muhammad (SAW)) zvinotsinhira izvo zvamunazvo, tisati tasandura zviso zvenyu (zvofanana nehuro dzenyu dzisina maziso nemiromo) uye tozvidzosera kumashure, kana kuti tovarengera sekurengera kwatakaita vanhu vakatyora Sabata. Uye murairo hwaAllah unoitwa

Verse 48 — Surah An-Nisa 4:48

Zvirokwazvo, Allah havaregerere kusanganiswa nezvimwe zvinhu mukuvanamata, asi vanoregerera zvimwe zvose kune uyo wavanoda; uye uyo achasanganisa Allah nezvimwe zvinhu (mukuvanamata), zvirokwazvo anenge avamba chitadzo chikuru

Verse 49 — Surah An-Nisa 4:49

Hauna kuona avo (maJudha nemaKristu) vanozviita vanhu vanokosha? Asi Allah vanokoshesa uyo munhu wavanoda, uye havazombo dzvanyirirwe nepadiki pose, sehudiki hwemhodzi yetsanga

Verse 50 — Surah An-Nisa 4:50

Tarisa, kugadzira kwavanoita manyepo pamusoro paAllah, uye chakakwana icho sechitadzo chiri pachena

Verse 51 — Surah An-Nisa 4:51

Hauna kuona here avo (vanhu) vakapihwa chidimbu cheGwaro? Vanotenda mu Jibt uye Taaghut (zvivanamwari zvisiri Allah zvinosanganisira zvidhori, matombo, ngirozi, zuva, nemoto), uye vanoudza avo vasingatendi kuti vakatungamirirwa kudarika avo vanotenda (maMuslim)

Verse 52 — Surah An-Nisa 4:52

Avo vanhu vakatukwa naAllah, uye uyo munhu anotukwa naAllah, haumbomuwaniri mubatsiri

Verse 53 — Surah An-Nisa 4:53

Kana kuti vane chidimbu here cheumambo? Saka, havambopi vanhu chingave chii zvacho kana moyo wemhodzi ye tsombori

Verse 54 — Surah An-Nisa 4:54

Kana kuti vanoitira vanhu godo here (Muhammad (SAW) nevateveri vake) pane izvo Allah vakavapa kubva kumakomborero avo? Saka zvirokwazvo takava tinopa mhuri yaAbrahamu, Gwaro uye hungwaru, uye tikavapa humambo hukuru

Verse 55 — Surah An-Nisa 4:55

Pakati pavo pane vanotenda maari (Muhammad (SAW)), uye pakati pavo pane vanozvidzivirira (kumupira makotsi nekusatenda maari) kubva kwaari (Muhammad (SAW)); uye moto unokwana kuvapisa (vose)

Verse 56 — Surah An-Nisa 4:56

Zvirokwazvo! Avo vasingatendi mune humboo wedu (magwaro atakatumira), tichavapisa mumoto (weGehena). Kana matehwe (makanda) avo achinge atsva ese, tichavapa mamwe matehwe kuti vave vanoravira marwadzo (emoto). Zvirokwazvo, Allah vane simba rose, vane hungwaru hwose

Verse 57 — Surah An-Nisa 4:57

Asi avo vanotenda (muhumwechete hwaAllah) uye vachiita mabasa akanaka, tichava tinovaisa mumapindu umo muine nzizi dzinoerera pasi pawo, umo vachagara nekusingaperi. Varimo, vachawana vakadzi vakachenurwa (nevarume vakachenurwa), uye tichavaisa mumvuri hombe usingaperi (unotonhorera)

Verse 58 — Surah An-Nisa 4:58

Zvirokwazvo, Allah vanokukomekedzai kuti muve munopa (munodzorera) kodzero kune avo vakakodzera (varidzi); uye kuti kana muchitonga pakati pevanhu mova munotonga zvine ruenzaniso. Zvirokwazvo, izvo Allah vanokudzidzisai zvakanaka! Zvirokwazvo, Allah vanonzwa zvese, vanoona zvese

Verse 59 — Surah An-Nisa 4:59

Imi vanotenda! Teererai Allah uye teererai mutumwa (Muhammad (SAW)), uye avo vemutemo pakati penyu. Uye kana mapikisana (Pane zvimwe zvinhu) pakati penyu, ivai munozvidzorera kuna Allah nemutumwa wavo (Muhammad (SAW). Ivai munotsvaga mutongo kubva muQur’aan neSunnah) kana muchitenda muna Allah uye muzuva rekupedzisira. Izvi zviri nani uye zvakakodzera pakupa mutongo wekupedzisira

Verse 60 — Surah An-Nisa 4:60

Hauna kuona here avo (maMunaafiq (hwenyakwese)) vanoti vanotenda mune izvo zvakatumirwa kwauri (Qur’aan), uye izvo zvakatumirwa usati wavepo? Vane chishuwo chekutsvaga hutongi (mukunetsana kwavo) muzvinamwari zvavo, asi vakakomekedzwa kusatenda mazviri. Asi Satani anoshuwira kuti vave vanorasika zvikuru

Verse 61 — Surah An-Nisa 4:61

Uye kana zvanzi kwavari: “Huyai kune izvo zvakatumirwa naAllah uye kune mutumwa wavo (Muhammad (SAW)),” unoona vanhu (vanonyepera) hwenyakwese vachikufuratira vasingadi

Verse 62 — Surah An-Nisa 4:62

Saka sei kana matambudziko avawana nokuda kwezvavakaita nemaoko avo vachiuya kwauri vachipika naAllah: “Hatidi zvimwe zvinhu kunze kwezvakanaka newirirano!”

Verse 63 — Surah An-Nisa 4:63

Ndivo (hwenyakwese) vanhu avo Allah vanoziva zviri mumoyo yavo; saka vasiye (usave unovarwadzisa) asi vayambire, uye vovaudza mashoko ane hudzamu (kutenda muna Allah, kuvanamata, kuvateerera (Allah), uye kuvatya) kusvikira mukati memoyo yavo

Verse 64 — Surah An-Nisa 4:64

Hatina kutumira mutumwa, asi kuti ateererwe nekuda kwaAllah. Asi dai vakave (vanonyepera), apo pavakazvidzvinyirira pachezvavo, vanouya kwauri (Muhammad (SAW)) vachikumbira ruregerero kubva kuna Allah, uyezve mutumwa akavakumbirira ruregerero, zvirokwazvo dai vakawana Allah vari vanoregerera zvikuru, vane tsitsi zhinji

Verse 65 — Surah An-Nisa 4:65

Asi kwete, naTenzi vako, havambotendi kusvikira vakuita mutongi (Muhammad (SAW)) mune izvo zvavanopokana pakati pavo, uye voshaiwa dambudziko mumoyo yavo nezvaunenge waronga, uye vozvitambira nekuzvipira kwakazara

Verse 66 — Surah An-Nisa 4:66

Asi dai takavakomekedza (tichiti): “Zviurayei pachezvenyu (vasina mhosva vauraye vane mhosva) kana kuti mosiya dzimba dzenyu,” vashoma pakati pavo ndivo vaizviita; asi dai vakaita zvavakaudzwa, zvaiva nani kwavari, uye zvaisimbisa kutenda kwavo

Verse 67 — Surah An-Nisa 4:67

Uye zvirokwazvo dai takavapa makomborero makuru kubva kwatiri

Verse 68 — Surah An-Nisa 4:68

Uye zvirokwazvo dai takavachengetedza munzira yakatwasuka

Verse 69 — Surah An-Nisa 4:69

Uye uyo anoteerera Allah nemutumwa wavo (Muhammad (SAW)), nekudaro vanenge vari muboka reavo vakapiwa tsitsi naAllah, maporofita, vatevedzeri vemaporofita (avo vakatanga- tanga kutenda mavari, vakaita saHazrat Abu Bakr (RA)), vakafira muhondo, neavo vanoita mabasa akanaka. Uye ava vakanaka sei kuva pamwechete navo

Verse 70 — Surah An-Nisa 4:70

Aya ndiwo mamwe makomborero kubva kuna Allah, uye Allah ndivo vega vakakwana semuzivi wezvose

Verse 71 — Surah An-Nisa 4:71

Imi vanotenda! Zvidzivirirei, uye moenda mberi (pahondo) muri mapato, kana kuti moenda pamwechete

Verse 72 — Surah An-Nisa 4:72

Uye zvirokwazvo pakati penyu pane uyo anosara kumashure (mukurwa munzira yaAllah). Kana zvakaipa zvakuwanai anoti: “Zvirokwazvo, Allah vave vanondikomborera nekuti ndanga ndisiri pakati pavo.”

Verse 73 — Surah An-Nisa 4:73

Asi kana makomborero (makunda kana mhimbiri) auya kwamuri kubva kuna Allah, zvirokwazvo anotaura achiti, sezvinonzi hapana hukama pakati pako (Muhammad (SAW)) naiye: “Ini zvangu! Ndinoshuvira kuti dai ndange ndirinawo, dai ndabudirira zvikuru (kubva mumhimbiri yemuhondo).”

Verse 74 — Surah An-Nisa 4:74

Siyai avo (vanotenda) vanotengesa hupenyu wepasi rino kuti vagowana hupenyu hwemangwana varwe munzira yaAllah, uye uyo acharwa munzira yaAllah, uye ofira munzira iyoyo kana kuti owana kukunda, tichamupa mubairo mukuru

Verse 75 — Surah An-Nisa 4:75

Uye dambudziko renyu nderei rinokutadzisai kurwa munzira yaAllah, uye avo vasina simba, vanobatwa nekuseri kweruoko neavo vanodzvanyirirwa pakati pevarume, vakadzi, nevana, vanochema vachiti: “Imi Tenzi vedu! Ivai munotinunura kubva munzvimbo yevanhu vanodzvanyirira, uye mova munotitumidzirawo kubva kwamuri (Allah) uyo anotichengetedza (kubva muhudzvanyiriri), uye mova munotitumirawo kubva kwamuri (Allah) mubatsiri.”

Verse 76 — Surah An-Nisa 4:76

Avo vanotenda, vanorwa munzira yaAllah, uye avo vasingatendi vanorwa munzira yaTaaghoot (Dhiyabhorosi (Satani)). Saka imi rwisai shamwari dzaSatani. Zvirokwazvo, hurongwa waSatani hwagara hauna simba

Verse 77 — Surah An-Nisa 4:77

Hauna here kuona vanhu avo vakaudzwa kuti musave munotambanudza maoko enyu (kuva munorwa hondo), asi itai Swalaah, nekuva munopa Zakaah (Zvipo kuvarombo); asi hondo payakava inokomekedzwa kwavari, tarisai! chimwe chikwata pakati pavo chinotya vamwe varume sekutya kwavanoita Allah kana kutya kwakakura. Vanoti: “Tenzi vedu! Seiko mave munotikomekedza kurwa hondo? Madini mambotipawo kanguva kadiki-diki?” Iti: “Mafaro epasi pano madiki. Hupenyu hwemangwana huri nani kune uyo anotya Allah, uye hamuzombo dzvanyirirwe kana napadiki pose pakafanana netambo yemhodzi yemadheti.”

Verse 78 — Surah An-Nisa 4:78

“Kose kwamuri, rufu rwunokuwanai kunyangwe mukave mudzimba kana midhuri mirefu yakasimba!” Uye kana chakanaka chikavasvikira vanoti: “Izvi zvabva kuna Allah,” asi zvakashata zvikavawira vanoti: “Izvi zvabva kunewe (Muhammad (SAW)).” Iti: “Zvinhu zvose zvinobva kuna Allah,” saka dambudziko revanhu ava nderei rekuti vanotadza kunzwisisa shoko rimwe chete

Verse 79 — Surah An-Nisa 4:79

Chinhu chakanaka chinouya kwauri chinobva kuna Allah, asi chose chakaipa chinoitika kwauri, chinobva kwauri pachezvako. Uye takave tinokutumira (Muhammad (SAW)) semutumwa kuvanhu vose, uye Allah vakakwana semupupuri

Verse 80 — Surah An-Nisa 4:80

Uyo anoteerera mutumwa (Muhammad (SAW)), zvirokwazvo anenge ateerera Allah. Asi uyo anofuratira kure, hatina kukutumira iwe (Muhammad (SAW)) semuchengetedzi wavo

Verse 81 — Surah An-Nisa 4:81

Vanotaura (kuti): “Tinoteerera,” asi kana vachinge vakusiya (maparadzana) (Muhammad (SAW)), chikwata chevamwe pakati pavo vanopedza husiku hwese (vachifunga) vachironga izvo zvausina kutaura. Asi Allah vanonyora hurongwa hwavo hweusiku. Saka (usavapa marwadzo) siyana navo (Muhammad (SAW)), uye woisa vimbo muna Allah. Uye Allah ndivo vakakwana zvikuru pakufambisa nyaya dzese

Verse 82 — Surah An-Nisa 4:82

Havafungi here (zvakadzama) zvakanaka pamusoro peQur’aan? Dai rakanga (Qur’aan) risiri raAllah, zvirokwazvo vaiwana mukati maro pikiso yakawandisa (rine ndima dzinopikisana)

Verse 83 — Surah An-Nisa 4:83

Uye kana kukauya nyaya dzesununguko kana dzinotyisa kwavari, vanoita kuti dzizivikamwe nevanhu. Asi dai vakaipira kuna mutumwa (Muhammad (SAW)) kana kune avo vakapihwa simba rehutongi (vanhu vemutemo) pakati pavo, vanhu vanotsvaga (vanoongorora) nyaya dai vakainzwisisa kubva kwavari. Dai dzisiri tsitsi nengoni dzaAllah pamuri imi, zvirokwazvo dai makatevera Shaytaan (Satani), kusara kwevashoma pakati penyu

Verse 84 — Surah An-Nisa 4:84

Saka irwa (Muhammad (SAW)) munzira yaAllah, hautongerwi (mhosva dzevamwe) kusara kwezvako, uye iva unokurudzira vatendi (kurwa pamwechete newe) pamwe Allah vanobvisa zvakaipa zveavo vasingatendi. Uye Allah vane simba rekutonga uye simba rekupa marwadzo

Verse 85 — Surah An-Nisa 4:85

Uyo anomirira (munhu) mune zvakanaka anowana makomborero, asi uyo anomirira (munhu) mune zvakaipa anowana chidimbu chemarwadzo acho (miririro yakaipa). Uye Allah vane simba rekuita zvose (kana kupupura zvese)

Verse 86 — Surah An-Nisa 4:86

uye kana mukakwaziswa nekwaziso, ivai munopindura nekwaziso yakadarika iyoyo (yavakwazisa) kana yakafanana (neiyoyo yamapihwa). Zvirokwazvo, Allah ndivo vanonyora zvinhu zvese (vachabvunza pamusoro pezvinhu zvese)

Verse 87 — Surah An-Nisa 4:87

Allah! Laa ilaaha illaa Huwa (Hakuna umwe mwari anekodzero yekunamatwa kunze kwavo). Zvirokwazvo, vachakuunganidzai (mese) pazuva rekumutswa iro risina pokano (kuti richaveko here). Uye ndiani ane shoko rechokwadi kudarika Allah

Verse 88 — Surah An-Nisa 4:88

Nemhaka yei makapatsanurana mumapato maviri maererano nemaMunaafiq (Vanyengedzi)? Allah vakavadzosera shure (kuenda mukusatenda zvakare) neizvo zvavakawana. Munoda (here) kutungamira uyo abviswa pagwara naAllah? Zvirokwazvo, uyo Allah vanomubvisa pagwara haukwanisi kumuwanira imwe nzira (yakatwasuka)

Verse 89 — Surah An-Nisa 4:89

Vanoda kuti murambe Imaan (kutenda muna Allah) sekamurambiro kavakaita Imaan, kuti muenzane (muzviito). Saka musashamwaridzane navo kusvika vatama munzira yaAllah (kuenda kunaMuhammad (SAW)). Asi kana vakapanduka kubva (kuIslaam), vabatei uye movauraya kwese kwamunenge mavawana. Uye musatora seshamwari ani nani pakati pavo kana kutsvaga mubatsiri (pakati pavo)

Verse 90 — Surah An-Nisa 4:90

Kunze kweavo vanobatana nebato rine pakati penyu naivo chibvumirano cherunyararo, kana avo vanouya nemoyo yavo isingadi kurwisana nemi uye kuda kurwisana nevanhu vavo. Uye dai Allah vaida, zvirokwazvo vaivapa simba pamusoro penyu, uye vaikurwisai. Asi kana vakasiyana nemi, vorega kukurwisai, uye vokupai runyararo (sununguko), zvino Allah havana kukuvhurirai nzira pamusoro pavo

Verse 91 — Surah An-Nisa 4:91

Muchawana vamwe vanoshuwira kuwana kuchengetedzwa kubva kwamuri, uye kuchengetedzwa kubva kuvanhu vavo. Nguva dzose vanotumirwa kumiedzo vanowira mairi. Saka kana vasina kukusiyai, kana kukupai runyararo, kana kudzora maoko avo, vatorei uye vaurayei pamunenge mavaona. Uye vakadaro, tave tinokupai pamusoro pavo masimba ari pachena

Verse 92 — Surah An-Nisa 4:92

Uye hazvikodzeri kuti mutendi ave anouraya mumwe mutendi kunze kwekukanganisa. Uye uyo anouraya mutendi nokuda kwekukanganisa, panomanikidzirwa kuti pave panonunurwa nhapwa inotenda uye nekuripa mari (Diyah) inopihwa hama dzemufi kunze kwekuti varegerera. Asi kana mufi achibva kuvavengi venyu uye ari mutendi panofanirwa kununurwa nhapwa inotenda (kunomanikidzirwa). Asi kana achibva kuvanhu vamune chibvumirano navo chemushandira pamwe, panoripwa mari (Diyah) inofanirwa kupihwa mhuri yake, uye mutendi ari nhapwa anofanirwa kununurwa. Uye uyo asingakwanise kuwana (mari nenhapwa), anofanirwa kutsanya kwemwedzi miviri yakatevedzerena achitsvaga ruregerero kubva kuna Allah. Uye Allah ndivo muzivi wezvose, vane hungwaru hwose

Verse 93 — Surah An-Nisa 4:93

Uye uyo anouraya mutendi nokuda, mubairo wake iGehena, umo maachagara zvachose, uye hasha nekurengerwa naAllah zvichamuwana, uye marwadzo makuru takamugadzirira

Verse 94 — Surah An-Nisa 4:94

Imi vanotenda! Mukaenda (kunorwa) munzira yaAllah, ivai munotarisisa, musave munotaura ani zvake uyo anokumhoresai (nokutambira Islaam): “Hausi mutendi;” muchitsvaga zvinhu zvinopfuura zvehupenyu hwenyika. Asi Allah ndivo vane mibairo nenhimbiri zhinji. Mange makadaro mushure sezvaari ikozvino, Allah vakakumborerai (i.e. vakakuratidzai gwara reIslaam), naizvozvo, ivai munongwarira marwadzo. Zvirokwazvo, Allah vanoziva zvose zvamunoita

Verse 95 — Surah An-Nisa 4:95

Havana kuenzana avo vanotenda vanogara (mudzimba) kusiya kweavo vasingakwanisi vakakuvara (mapofu nevakaremara), neavo vanhu vanotsungirira nekurwa munzira yaAllah nehupfumi hwavo nehupenyu hwavo. Allah vakave vanosimudzira muzvidanho avo vanhu vanotsungirira kurwa nehupfumi hwavo nehupenyu hwavo kune avo vanhu vanogara (kumba). Pane umwe, Allah vakamuvimbisa zvakanaka (Paradhiso), asi Allah vakasarudza avo vanotsungirira nekurwa kune avo vanogara (kumba) nemubairo mukuru

Verse 96 — Surah An-Nisa 4:96

Zvidanho zviri pamusoro kubva kwavari, nekuregererwa netsitsi. Uye Allah ndivo vanoregerera zvikuru, vane tsitsi zhinji

Verse 97 — Surah An-Nisa 4:97

Zvirokwazvo, avo ngirozi dzinotora moyo yavo vari pakati pekutadza pachezvavo (sekugara kwavanoita nevasingatendi nyangwe zvazvo kutama kwakave kunomanikidzirwa kwavari), (Ngirozi) dzinoti (kwavari): “Maive muri pachidanho chipi?” Vanopindura vachiti: “Tangatiri vanhu vakaneta uye taidzvanyirirwa panyika.” (Ngirozi) dzinoti: “Nyika yaAllah yange isina kufara here kwamuri kuti muve munotama mairi?” Vanhu vakadaro vachagara kuGehena. Uye inzvimbo yakashata kugara

Verse 98 — Surah An-Nisa 4:98

Kusiya kwevanhu vasina simba pakati pavo, varume, vakadzi nevana vasingakwanise kuronga, uye vasingakwanise kutsvaga imwe nzira

Verse 99 — Surah An-Nisa 4:99

Ava ndivo vanhu vacharegererwa naAllah, uye Allah ndivo vanokanganwira zvikuru, vanoregerera zvikuru

Verse 100 — Surah An-Nisa 4:100

Uye uyo anotama (kubva kumba kwake) munzira yaAllah, achawana nzvimbo dzakawanda dzekugara neraramo. Uye uyo anosiya imba yake achitama achienda kuna Allah nemutumwa wavo (Muhammad (SAW)), uye rufu romuwana, mubairo wake una Allah. Uye Allah ndivo vanoregerera zvikuru, vane tsitsi zhinji

Verse 101 — Surah An-Nisa 4:101

Uye pamunenge muri parwendo (maMuslim) munyika, hamuna chitadzo mukave munodimbura Swalaah (Munamato) kana muchitya kuti vanhu vasingatendi vangangokuisai pamiedzo (kukurwisai kana kukuitai zvimwe zvakaipa). Zvirokwazvo, vanhu vasingatendi imhandu dzenyu dziri pachena

Verse 102 — Surah An-Nisa 4:102

Uye kana iwe (Muhammad (SAW)) uripo pakati pavo, vatungamire Swalaah (Munamato). Iva unoita kuti chimwe chikwata chive chinomira newe (mumunamato) vaine zvombo zvavo; uye vakapedza kugwadama, ngavaende kunzvimbo dzavo vomira kumashure kuti chimwe chikwata chisati chaita Swalaah (Munamato) chiuye vanamate newe, asi vangwarire uye vatakure zvombo zvavo. Avo vasingatendi vanoshuwira, kuti dai mangoshaya hanya nezvombo zvenyu nezvose zvinokubatsira mukurwa, kuti vagokurwisai makarivara nekukuvhumburai. Asi hamuna chitadzo mukava munosiya zvombo zvenyu nekuda kwezvuzvunga remvura kana kuti muri kurwara. Asi ivai munoedza nepamunogona kuzvichengetedza zvakanyanya. Zvirokwazvo, Allah vakagadzirira kunyadzisa avo vasingatendi nemarwadzo makuru

Verse 103 — Surah An-Nisa 4:103

Kana mapedza minamato yenyu (Swalaah makawanda), rangarirai Allah makamira, makagara, uye makarara nemativi enyu. Asi kana muchinge mabuda mumatambudziko, itai Swalaah (Munamato). Zvirokwazvo, Swalaah (Munamato) yakave inotarirwa vatendi nenguva dzayo

Verse 104 — Surah An-Nisa 4:104

Uye musave munoita nungo mukurwisa muvengi. Kana muchinge mawirwa nematambudziko, zvirokwazvo, naivo zvakare varikuonawo (nhamo) matambudziko, asi imi mune tarisiro kubva kuna Allah (yemubairo weParadhiso) izvo zvavasingambotarisire; uye Allah ndivo muzivi wezvose, vane hungwaru hwose

Verse 105 — Surah An-Nisa 4:105

Zvirokwazvo, takave tinodzikisa kwauri (Muhammad (SAW)) Gwaro rechokwadi (Qur’aan) kuti uve unoyananisa pakati pevanhu neizvo zvawakaratidzwa naAllah. Uye usave pakati peavo vanonyengedzwa kana mupikisi (mumiririri)

Verse 106 — Surah An-Nisa 4:106

Uye kumbirai ruregerero rwaAllah. Zvirokwazvo, Allah ndivo muregereri mukuru, vane tsitsi zhinji

Verse 107 — Surah An-Nisa 4:107

Uye usave unoita nharo uchimiririra avo vanozvinyengedza pechezvavo. Zvirokwazvo, Allah havadi uyo ane tsika yekunyengedza nekuita zvakaipa

Verse 108 — Surah An-Nisa 4:108

Vanoviga (zvakashata zvavanoita nezvinangwa zvavo) kune kuvanhu, asi havakwanise kuvigira Allah; nekuti Allah vanavo (neruzivo rwavo) pavanopedza husiku hwese mune izvo zvavasingatambiri (Allah) kune zvavanotaura. Uye Allah vanokomberedza (vanoziva) zvose zvavanoita

Verse 109 — Surah An-Nisa 4:109

Tarisai! Ndimi munoita nharo muchivamirira muhupenyu hwepasi, asi ndiani achavaitira nharo kuna Allah pazuva rekumutswa, kana kuti ndiani achavamirira (achavachengetedza)

Verse 110 — Surah An-Nisa 4:110

Uye uyo anoita chitadzo kana kuzvidzvanyirira pachake uye obva akumbira ruregerero kuna Allah, achawana Allah vari muregereri mukuru, vane tsitsi zhinji

Verse 111 — Surah An-Nisa 4:111

Uye uyo anoita chitadzo, anozviitira pachezvake. Uye Allah vanoziva zvese, vane hungwaru hwese

Verse 112 — Surah An-Nisa 4:112

Uye uyo anokanganisa kana anoita chitadzo, uye obva apomera umwe munhu asina mhosva, zvirokwazvo arikuzviremedza mutoro pachezvake nokuda kwemanyepo uye nechitadzo chiri pachena

Verse 113 — Surah An-Nisa 4:113

Dai nyasha dzaAllah netsitsi dzavo dzisina kuva pauri (Muhammad (SAW)), zvirokwazvo chikamu pakati pavo dai vakaronga kuti vave vanokurasisa, asi havave vanokurasisa kunze kwekuti pachezvavo, uye hapana chakaipa chavanokwanisa kuita kwauri nyangwe chidiki. Uye Allah vakave vanokutumira Gwaro (Qur’aan), nehungwaru (mitemo yeIslaam), uye vakave vanokudzidzisa izvo zvaukange usingazivi. Uye nyasha dzaAllah kwauri (Muhammad (SAW)) dzakakura

Verse 114 — Surah An-Nisa 4:114

Hapana zvakanaka mune izvo zvakawanda zvavanotaura muchihwande kusara kweuyo anokurudzira Swadaqah (Zvipo munzira yaAllah), kana zvakanaka (mabasa ese akanaka akakomekedzwa naAllah), kana kuyanana pakati pevanhu; uye uyo anoita izvi achitsvaga mufaro hwaAllah, tichave tinomupa mubairo mukuru

Verse 115 — Surah An-Nisa 4:115

Uye uyo anoramba uye anopokana namutumwa (Muhammad (SAW)) mushure mekunge aratidzwa pachena nzira yakanaka, uye oteverawo nzira isiri yevatendi, tichave tinomuchengetedza munzira yaasarudza, uye tichava tinomupisa kumoto weGehena. Uye inova nzvimbo yakashata kugara

Verse 116 — Surah An-Nisa 4:116

Zvirokwazvo, Allah havaregerere Shirk (chitadzo chekuvasanganisa nevamwe vanamwari pakuvanamata), asi vanoregerera uyo wavanoda zvitadzo zvimwe zvisiri ichi (cheShirk). Uye uyo anosanganisa vamwe vanamwari pakunamata naAllah, zvirokwazvo anenge arasika zvachose

Verse 117 — Surah An-Nisa 4:117

Kune avo vose (vanonamata zvimwe zvinhu zvisiri Allah) hakuna chimwe chavanokumbira (chavanosheedza) kunze kwevanamwarikadzi vachisiya ivo (Allah), uye hakuna chavanokumbira (chavanosheedza) kunze kwaSatani, mupanduki mukuru

Verse 118 — Surah An-Nisa 4:118

Allah vakamutuka, uye (Satani) akati: “Ndichatora chikamu chakatarwa chevaranda venyu.”

Verse 119 — Surah An-Nisa 4:119

“Uye zvirokwazvo, ndichaita kuti varasike, uye ndichasimudza zvido zvemanyepo pakati pavo, uye ndichavakomekedza kuti vacheke (vaboore) nzeve dzemombe, uye zvirokwazvo ndichavaita kuti vashandure izvo zvakasikwa naAllah.” Uye uyo anotora Satani semubatsiri wake kunze kwaAllah, zvirokwazvo anenge akarasikirwa kurasikirwa kuri pachena

Verse 120 — Surah An-Nisa 4:120

Iye (Satani) anovavimbisa, uye achivasimudzira zvido zvenhema, uye Satani hapana chaanovimbisa kunze kwemanyepo (nyengedzo)

Verse 121 — Surah An-Nisa 4:121

Vanhu ava vachanogara kuGehena, uye havambowani nzira yokutiza nayo kubva kwariri

Verse 122 — Surah An-Nisa 4:122

Asi avo vanotenda (muhumwechete hwaAllah) uye vachiita mabasa akanaka, tichavapinza mumapindu ane nzizi dzinoerera pasi pawo (Paradhiso), umo vachagara nekusingaperi. Vimbiso yaAllah ndeye chokwadi. Uye ndiani angaita mashoko echokwadi kudarika aAllah? (Zvirokwazvo, hapana)

Verse 123 — Surah An-Nisa 4:123

Hakusi kuda kwenyu (maMuslim) kana kweavo vanhu veGwaro (maJudha nemaKristu). Uyo anoita mabasa akaipa, achawana mubairo wavo (mabasa akaipa), uye haambowani achamudzivirira (kubva kumoto) kana mubatsiri kunze kwaAllah

Verse 124 — Surah An-Nisa 4:124

Uye uyo anoita mabasa akanaka, angava murume kana mukadzi, uye achitenda zvechokwadi (muhumwechete hwaAllah), vanhu vakadai (vanotenda) vachapinda Paradhiso uye havambodzvinyirirwe kunyangwe nepadiki pose pakafanana nezera rekanhu kadiki kari pamhodzi yemadheti

Verse 125 — Surah An-Nisa 4:125

Uye ndiani ane chitendero chakanaka kudarika uyo anozvipira chiso chake (hupenyu hwake) kuna Allah (anotevera chitendero chaAllah), uye anoita mabasa akanaka. Uye anotevera chitendero chaAbrahamu, Haneef (cheIslaam, kunamata Allah vega). Uye Allah vakaita Abrahamu shamwari yavo yepedyo

Verse 126 — Surah An-Nisa 4:126

Uye Allah ndivo muridzi wezvose zviri mumatenga nepanyika. Uye Allah ndivo vane ruzivo rwezvose

Verse 127 — Surah An-Nisa 4:127

Uye vanokubvunza izvo zvinobvumidzwa pavakadzi. Taura kuti: “Allah vanokurairai maererano navo, uye maererano neizvo zvamunoverengerwa muGwaro maererano nenherera sikana avo vamusingapi chidimbu chakatarwa (cheMahr, Chipo chinobviswa nemurume achipa mudzimai wake pakuroorana, nenhaka) asi muchida kuvaroora, uye maererano nevana vadiki vasina simba rekuzvidzivirira uye vanodzvinyirirwa, uye kuti muve nesimba kuva munoenzanisa kunherera. Uye chose chakanaka chamunoita, Allah vanochiziva

Verse 128 — Surah An-Nisa 4:128

Uye kana mukadzi achitya hutsinye kana kutizwa kubva kudivi remurume wake, havana chitadzo kana vakada kuwirirana pakati pavo; uye kuwirirana kuri nani. Uye moyo yevanhu yakazadzwa nekukara. Asi kana mukaita mabasa akanaka uye mogara kure nezvakaipa, zvirokwazvo, Allah vanoziva zvose zvamunoita

Verse 129 — Surah An-Nisa 4:129

Uye hamumbofi makagona kuenzanisa pakati pevakadzi kunyangwe chiri chishuwo chenyu. Saka musava munoda mumwe wavo (vakadzi venyu kana muine barika) muchisiya mumwe (vevakadzi) asingazivi paari (kuti akarooorwa here kana kuti akarambwa). Uye kana mukaenzanisa, uye moita mabasa akanaka, uye motya Allah nekugara kure neizvo zvakaipa, zvirokwazvo, Allah vanoregerera zvikuru, vane tsitsi zhinji

Verse 130 — Surah An-Nisa 4:130

Asi kana vakasiyana (nekurambana), Allah vachapa makomborero avo kune wese pakati pavo kubva kumakomborero avo. Uye Allah vanokwanisa kutora chichemo chezvishuwo zvezvisikwa zvavo zvese, vane hungwaru hwose

Verse 131 — Surah An-Nisa 4:131

Uye Allah ndivo muridzi wezvose kudenga nezvose zviri pasi rino. Uye zvirokwazvo takave tinoraira avo vatakapa Gwaro iwe usati wavapo nemi (maMuslim) kuti (mese) ityai Allah. Asi kana mukasatenda, Allah ndivo muridzi wezvose zviri kudenga nezvose zviri pasi rose. Uye Allah vakapfuma zvikuru (hapana chavanoda), murumbidzwi pazvose

Verse 132 — Surah An-Nisa 4:132

Uye Allah ndivo muridzi wezvose zviri mumatenga nezvose zviri pasi rino. Uye Allah ndivo vakakwana pakufambisa zvinhu zvose

Verse 133 — Surah An-Nisa 4:133

Kana (Allah) vakada, vanogona kungokuparadzai mose, imi vanhu munzvimbo dzenyu, uye vounza vamwe. Uye Allah vane simba rezvose pamusoro peizvozvo

Verse 134 — Surah An-Nisa 4:134

Uyo anoda makomborero ehupenyu hwepano pasi, Allah vane makomborero epasi pano nemakomborero ehupenyu hwemangwana. Uye Allah ndivo munzwi, muoni wezvose

Verse 135 — Surah An-Nisa 4:135

Imi vatendi! Ivai munomira makatsungirira mukuenzanisa, sezvapupu zvaAllah, kunyangwe pamusoro penyu (zvakakuipirai), kana vabereki venyu, kana hama dzenyu. Kana angave mupfumi kana murombo, Allah varinani pakuvachengetedza (kupfuura imi). Saka musave munotevera zvamunoda, pamwe mungatadze kuenzanisa. Uye kana mukachinja (huchapupu hwenyu) kana kuramba nahwo, zvirokwazvo, Allah vanoziva zvose zvamunoita

Verse 136 — Surah An-Nisa 4:136

Imi vatendi! Tendai muna Allah nemutumwa wavo (Muhammad (SAW)), uye neGwaro (Qur’aan) ravakatumira kune mutumwa wavo, uye maGwaro avakatumira mushure pakutanga. Uye uyo asingatendi muna Allah, ngirozi dzavo, mabhuku avo, vatumwa vavo, uye nezuva rekupedzisira, zvirokwazvo ari munhu akarasika nekure

Verse 137 — Surah An-Nisa 4:137

Zvirokwazvo, avo vanotenda, uye vosiya kutenda; uyezve votenda, uye vosiya kutenda zvakare; uye voramba vachiwedzera mukusatenda, Allah havazombovaregerera, kana kuvaratidza nzira tsvene

Verse 138 — Surah An-Nisa 4:138

Ipa mashoko aya kune avo vanyengedzi kuti vane marwadzo makuru

Verse 139 — Surah An-Nisa 4:139

Avo vanotora vanhu vasingatendi seshamwari dzavo kunze kwevatendi, vanoda ruremekedzo here kubva mavari (kuburikidza nesimba ravo)? Asi zvirokwazvo, ruremekedzo rwese nderwa Allah

Verse 140 — Surah An-Nisa 4:140

Zvirokwazvo, zvakave zvinodzikiswa kwauri muGwaro (rako raunaro, Qur’aan) kuti kana mukanzwa ndima dzaAllah (dzichiverengwa) dzichirambwa kana kushoropodzwa, musave munogara navo kusvikira vashandura nyaya dzavo; (asi mukagara navo) zvirokwazvo naizvozvo munenge makafanana navo. Zvirokwazvo, Allah vachavaunganidza vanyengedzi vose neavo vasingatendi muGehena

Verse 141 — Surah An-Nisa 4:141

Avo (vanonyengedza) vanomirira uye vachitarisa nezvako; ukava unopiwa kukunda kubva kuna Allah, vanoti: “Tanga tisiri pamwechete nemi here?” Asi vanhu vasingatendi vakava vanobudirira vanoti (kwavari): “Hatina here kuva tinowana masimba pamusoro penyu uye hatina here kuva tinokuchengetedzai kubva kuvatendi?” Allah vachatonga pakati penyu (mese) musi wekumutswa. Uye Allah havapi vanhu vasingatendi nzira (yekukunda) pamusoro pevatendi

Verse 142 — Surah An-Nisa 4:142

Zvirokwazvo, vanhu vanonyengedza vanotsvaga kunzvenga Allah, asi ivo Allah ndivo vanovanyengedza. Uye apo pavanomira paminamato yavo (Swalaah), vanomira nehunyope uye nekuda kuonererwa nevanhu, asi havamborangarire Allah asi zvishoma

Verse 143 — Surah An-Nisa 4:143

(Ndeavo) vanotenderera pakati peizvi neizvo, vasiri pakati peava kana avo; uye uyo Allah vanoita kuti arasike, haumbomuwaniri nzira (yechokwadi, Islaam)

Verse 144 — Surah An-Nisa 4:144

Imi vanhu vanotenda! Musave munotora sema Auliya (vachengetedzi kana shamwari kana vabatsiri) vanhu vasingatendi kunze kwevatendi. Munoshuwira here kupa Allah humboo huri pachena pamusoro penyu

Verse 145 — Surah An-Nisa 4:145

Zvirokwazvo, vanyengedzi vanenge vari pasi pasi pemoto; uye haumbofi wakavawanira mubatsiri

Verse 146 — Surah An-Nisa 4:146

Kunze kweavo vanotendeuka (kubva muhunyengedzi), uye voita mabasa akanaka, uye votsungirira pana Allah, uye vochenesa chitendero chavo nekuda kufadza Allah (uye vanoita zvakanaka nechinangwa chekufadza Allah, vasingadi kuonekwa), nekudaro vanenge vari pakati pevatendi. Uye Allah vachapa mubairo mukuru kune avo vanotenda

Verse 147 — Surah An-Nisa 4:147

Ko! Allah vanokurwadzisai sei imi muchiemura uye muchitenda mavari (Allah). Uye Allah muyemuri (wezvose zvakanaka), muzivi wezvose

Verse 148 — Surah An-Nisa 4:148

Allah havadi kuti zvinhu zvakashata zvive zvinotaurwa pachena kunze kweuyo anenge atadzirwa. Uye Allah ndivo munzwi wezvese, muzivi wezvose

Verse 149 — Surah An-Nisa 4:149

Mukave munoburitsa pachena zvakanaka (nemashoko akanaka ari ekutenda zvaitwa kwamuri nemumwe semakomborero) kana kuviga, kana kuregerera chitadzo; zvirokwazvo, Allah ndivo vanoregerera zvikuru, vane simba rose

Verse 150 — Surah An-Nisa 4:150

Zvirokwazvo, avo vasingatendi muna Allah uye muvatumwa vavo uye vachishuwira kusiyanisa pakati paAllah nevatumwa vavo (kuburikidza nekutenda muna Allah nekusatenda mune vatumwa vavo) vachiti: “Tinotenda mune vamwe uye tinoramba vamwe,” uye vachishuwira kuwana nzira pakati pazvo

Verse 151 — Surah An-Nisa 4:151

Ndivo vari muchokwadi vanhu vasingatendi. Uye takava tinogadzirira vanhu vasingatendi marwadzo anodzikisira

Verse 152 — Surah An-Nisa 4:152

Uye avo vanotenda muna Allah uye nevatumwa vavo uye havasiyanisi umwe neumwe pakati pavo (vatumwa), tichava tinovapa mibairo yavo; uye Allah ndivo vanoregerera zvikuru, vane tsitsi zhinji

Verse 153 — Surah An-Nisa 4:153

Vanhu (maJudha) vakapihwa Gwaro vanokukumbira kuti uite gwaro riuye kubva kudenga. Zvirokwazvo, vakabvunza Musa zvakapfuura izvozvo, apo pavakati: “Iva unotiratidza Allah pachena,” asi vakava vanorohwa nemabhanan’ana uye nemheni nekuda kwezvivi zvavo. Uye vakava vanonamata mhuru (yakagadzirwa nendarama uye zvuma) kunyange humboo nezviratidzo zviri pachena zvakauya kwavari. Asi takavaregerera. Uye takapa Musa humboo uri pachena wehutongi

Verse 154 — Surah An-Nisa 4:154

Uye pavakadambura chitsidzo, takava tinosimudza gomo pamusoro pavo uye (imwe nguva) takati kwavari: “Ivai munopinda gonhi makapfugama uye muchizvininipisa;” uye takavakomekedza kuti: “Musatyore zuva reSabata (musashande).” Uye takava tinotora kubva kwavari chitsidzo chakasimba

Verse 155 — Surah An-Nisa 4:155

Nokuti vakatyora chitsidzo, uye vakaramba humboo hwaAllah, uye kuuraya kwavaiita vatumwa vasina mvumo, uye nemashoko avo (ekuti): “Moyo yedu yakaputirwa (hatinzwisisi mashoko evatumwa).” Kwete, Allah vakaisa chivharo pamoyo yavo nekuda kwekusatenda kwavo, saka havatendi kusara kwekadimbu

Verse 156 — Surah An-Nisa 4:156

Uye nokuda kwekusatenda kwavo (maJudha) uye nokutaura mashoko akaipa pamusoro paMariya, vachimupomera mhosva hombe yenhema (yekuti akaita choupombwe)

Verse 157 — Surah An-Nisa 4:157

Uye nokuda kwekutaura kwavo (kwekuzvitutumadza) kuti: “Takauraya Messiah, Jesu mwanakomana waMariya, mutumwa waAllah.” Asi havana kumuuraya kana kumurovera (pamuchinjikwa), asi zvakaita sokudaro kwavari (chiso chaJesu chakaiswa pane umwe murume uye vakauraya murume iyeye), uye avo vanopikisa mazviri havagutsikani zvikuru. Havana ruzivo, kusara kwekungotevera fungidziro. Zvirokwazvo, havana kumuuraya (Jesu (AS)

Verse 158 — Surah An-Nisa 4:158

Asi Allah vakamusimudza (Jesu nemweya nemuviri wake) kwavari (kumatenga). Uye Allah vane simba rose, vane hungwaru hwose

Verse 159 — Surah An-Nisa 4:159

Hapana munhu pavanhu vakapihwa Gwaro (maJudha nemaKristu), asi kuti vachatenda maari (Jesu) asati afa (Jesu, kana kuti muJudha wega-wega, kana muKristu wega-wega panguva inouya ngirozi yerufu). Uye pazuva rekumutswa, (Jesu) achava mupupuri achipikisana navo

Verse 160 — Surah An-Nisa 4:160

Nokuda kwekutadza kwemaJudha, takava tinovarambidza zvimwe zvezvikafu zvakanaka izvo zvaiva zvakabvumidzwa kwavari, uye nokuda kwekudzivirira kwavo vakawanda kubva munzira yaAllah

Verse 161 — Surah An-Nisa 4:161

Uye nekutora kwavanoita chimbadzo (Riba) apo vakave vanorambidzwa kuchitora (chimbadzo), uye kudya kwavanoita hupfumi hwevanhu nenzira yakashata (nehutsotsi). Uye takave tinogadzirira avo vasingatendi marwadzo makuru

Verse 162 — Surah An-Nisa 4:162

Asi pakati pavo vanamazvikokota veruzivo nevatendi, vanotenda mune izvo zvakave zvinotumirwa (zvinodzikiswa) kwauri (Muhammad (SAW)) uye mune izvo zvakadzikiswa usati wavepo; uye avo vanoita Swalaah (Iqaamat-as-Swalaah), uye vanopa Zakaah (Zvipo zvinomanikidzirwa) uye vanotenda muna Allah, nemuzuva rekupedzisira, ndivo vanhu vatichapa mubairo mukuru

Verse 163 — Surah An-Nisa 4:163

Zvirokwazvo, takave tinodzikisa mashoko kwauri (Muhammad (SAW)) sekudzikisa kwatakaita mashoko kuna Nowa nevamwe vatumwa mushure make; uye takave (zvakare) tinodzikisa mashoko kuna Abrahamu, Ismail (Ishumaeri), Ishaaq (Isaka), Ya’qub (Jakobho), uye Al-Asbaat (mhuri dzevanakomana vaYa’qub (Jakobho)), Isa (Jesu), Ayyub (Jobho), Yunus (Jonah), Haaroon (Aroni), naSulaiman (Soromoni); uye Dawood (Dhavhidha) takamupa Zaboor (Mapisarema)

Verse 164 — Surah An-Nisa 4:164

Uye vatumwa vatakuudza mushure, uye vatumwa vatisina kukuudza, uye zvirokwazvo Allah vakataura naMusa

Verse 165 — Surah An-Nisa 4:165

Vatumwa ndivo vatakuri vemashoko akanaka uye vayambiri kuvanhu kuti vasava nemashoko ekupokana naAllah mushure mekuuya kwevatumwa. Uye Allah ndivo vane simba rose, nehuchenjeri hwese

Verse 166 — Surah An-Nisa 4:166

Asi Allah ndivo vane huchapupu pane izvo zvavakatumira kwauri (Muhammad (SAW)), vakazvitumira kuburikidza neruzivo rwavo (Allah), uye ngirozi dzinopupura. Uye Allah vakakwana semupupuri

Verse 167 — Surah An-Nisa 4:167

Zvirokwazvo, avo vasingatendi (nekuviga chokwadi pamusoro pamutumwa Muhammad (SAW) nemashoko ake echokwadi echitendero cheIslaam sezvakanyorwa muTorah (Taurah) uye muInjeel (Vhangeri)) uye vakadzivirira vanhu kubva munzira yaAllah (Islaam); nokudaro zvirokwazvo vanhu vakarasika zvikuru

Verse 168 — Surah An-Nisa 4:168

Zvirokwazvo, avo vasingatendi uye vachiita zvakaipa (nekuviga chokwadi pamusoro peIslaam), Allah havambo varegerera, kana kuvachengetedza munzira yakatwasuka

Verse 169 — Surah An-Nisa 4:169

Kunze kwenzira yekumoto, uko vachagara zvachose; uye izvi zvirinyore kuna Allah

Verse 170 — Surah An-Nisa 4:170

Imi vanhu! Zvirokwazvo, kwauya kwamuri mutumwa (Muhammad (SAW)) nechokwadi kubva kuna Tenzi venyu. Saka tendai maari, zviri nani kwamuri. Asi mukasatenda, zvirokwazvo zvese zviri mumatenga nepasi ndezva Allah. Uye Allah vanoziva zvose, vane hungwaru hwese

Verse 171 — Surah An-Nisa 4:171

Imi vanhu vakapihwa Gwaro (maKristu)! Musava munopfurikidza mwero muchitendero chenyu, uye musava munotaura pamusoro paAllah kunze kwechokwadi. Zvirokwazvo, Messiah Isa (Jesu), mwanakomana waMariya (Maryam) aive mutumwa waAllah uye shoko ravo (Allah pavakati: “Ivapo!” uye akabva avapo) iro ravakadzikisa kuna Mariya uye mweya mutsvene (Rooh) wakasikwa naivo Allah. Saka tendai muna Allah nevatumwa vavo. Musava munotaura kuti: “Vatatu (Kureva kuti kuna vanamwari vatatu kuti: Zita rababa nemwanakomana neremweya mutsvene)!” Ivai munosiya izvi, (nekuti) zviri nani kwamuri. Nekuti zvirokwazvo Allah Mwari mumwechete, rumbidzo yose ndeyavo uye havana mwana. Ndivo varidzi vezvose zviri mumatenga nezvose zviri pasi. Uye Allah vakakwana semumiriri wezvose

Verse 172 — Surah An-Nisa 4:172

Messiah Isa (Jesu) haambodadi uye haarambi kuti muranda waAllah, kana ngirozi idzo dziri pedyo (naAllah). Uye uyo anoramba kunamata (Allah) uye odada, nekudaro (Allah) vachavaunganidza vose kwavari

Verse 173 — Surah An-Nisa 4:173

Naizvozvo avo vaitenda (muhumwechete hwaAllah) uye vachiita mabasa akanaka, (Allah) vachavapa mibairo yavo uye vovawedzera zvakanaka kubva kumakomborero avo. Asi avo vakaramba kuvanamata uye vachizvitutumadza, (Allah) vachavaranga nemarwadzo akaipisisa. Uye havazombowani mumwe kunze kwaAllah angavachengetedze kana kuvabatsira

Verse 174 — Surah An-Nisa 4:174

Imi vanhu! Zvirokwazvo, humboo huri pachena hwauya kwamuri (mutumwa Muhammad (SAW)) kubva kuna Tenzi venyu; uye tave tinokudzikisirai mwenje wakazara (Qur’aan iri)

Verse 175 — Surah An-Nisa 4:175

Saka avo vakatenda muna Allah uye vakava vanobatirira nesimba mavari (Allah), vachavapinza (Allah) mutsitsi uye nyasha dzavo (Paradhiso), uye vachavatungamirira kwavari (Allah) nenzira yakatwasuka

Verse 176 — Surah An-Nisa 4:176

Vanokubvunza pamusoro pepfukwa yakabvumirwa (yenhaka). Taura (Muhammad (SAW)) kuti: “Allah vanotsanangudza (vanotungamira) maererano neAl-Kalaalah (avo vanofa vasina vagari venhaka, vana kana vabereki). Kana ari murume afa asina mwana, asi ane hanzvadzi (musikana kana mukadzi), (hanzvadzi iyi) inowana chidimbu chepakati (1/2) senhaka. Uye kana (mufi) ari mukadzi, asina mwana waasiya, hanzvadzi yake (mukomana kana murume) inotora nhaka yake. Kana pane hanzvadzi mbiri (vanasisi vaviri), vanowana zvidimbu zviviri kubva muzvitatu (2/3) senhaka. Asi kana pane hanzvadzi nehanzvadzi (vanasisi nanabhudhi), munhurume anowana chidimbu chinopinda kaviri kune chemukadzi. Saizvozvo, Allah vanokubuditsirai pachena mutemo wavo kuti musave munorasika. Uye Allah ndivo vanoziva zvinhu zvose.”