Back to Languages

Shona - Chapter 40 - Ghafir

Translation by Abdullah J. M. Adini And Students — Permalink

Verse 1 — Surah Ghafir 40:1

Haa – Meem. (Mashoko aya ndemamwe ezvishamiso zviri muQur’aan, uye hapana anoziva zvaanoreva kunze kwaAllah)

Verse 2 — Surah Ghafir 40:2

Mashoko akadzikiswa eGwaro (Qur’aan) anobva kuna Allah, Samasimba, Vazere neruzivo

Verse 3 — Surah Ghafir 40:3

Muregereri wezvitadzo, Mutambiri weruregerero, Vakaomesesa mumutongo, Mupi (wemakomborero). La ilaaha illaa Huwa (Hapana umwe ane kodzero yekunamatwa kunze kwavo), kwavari ndiko kune magumo

Verse 4 — Surah Ghafir 40:4

Hapana anopikisa muzviratidzo zvaAllah kunze kweavo vasingatendi. Saka (Muhammad (SAW)) usava unonyengedzwa nemafambiro avo panyika (nekuti magumo avo iGehena)

Verse 5 — Surah Ghafir 40:5

Vanhu vaNowa vakaramba (vatumwa vavo) mushure mavo uye nezvikwata mushure mavo; uye marudzi ose (aisatenda) akarongera mutumwa wavo kuti vamuparadze, uye vaipikisa vachishandisa manyepo kuti vavhiringidze (vakanganise) chokwadi nawo. Naizvozvo ndakavaparadza (nemutongo). Uye wakaoma sei mutongo wangu

Verse 6 — Surah Ghafir 40:6

Naizvozvo, shoko raTenzi vako rine kodzero kune vasingatendi kuti vachave vagari vekumoto

Verse 7 — Surah Ghafir 40:7

Idzo (ngirozi) dzinotakura Chigaro (chaAllah) neidzo dzakachikomberedza dzinorumbidza rukudzo rwaTenzi wadzo, uye dzichitenda mavari, uye dzinokumbirira ruregerero avo vanotenda (muumwechete waAllah) dzichiti: “Tenzi wedu! Munokomberedza zvinhu zvose mutsitsi neruzivo, naizvozvo regererai avo vanokumbira ruregerero uye vachitevera nzira yenyu, uye vanunurei kubva kumutongo wemoto!”

Verse 8 — Surah Ghafir 40:8

“Tenzi wedu! Movaita kuti vapinde mapindu eEden (Paradhiso) awo amakavavimbisa, uye kune vanoita mabasa akanaka kubva kune madzibaba avo, vakadzi vavo, uye vana vavo! Zvirokwazvo, ndimi Samasimba, Vane hungwaru hwose.”

Verse 9 — Surah Ghafir 40:9

“Uye vanunurei kubva ku (mutongo wezvavaiita kubva ku) zvitadzo, uye ani nani wamunenge manunura kubva kuzvitadzo musi uyu, zvirokwazvo, munenge mamuratidza tsitsi.” Uye uku ndiko kubudirira kwepamusoro

Verse 10 — Surah Ghafir 40:10

Avo vasingatendi vachataurirwa (Panguva yekupinda mumoto): “Ruvengo rwaAllah rwanga rwakanyanya kwamuri (Panyika pamairamba kutenda) kudarika ruvengo rwenyu pachenyu (mumoto), pamaidaidzwa kuzotenda asi muchiramba.”

Verse 11 — Surah Ghafir 40:11

Vachati: “Tenzi wedu! Makatiita kuti tife kaviri (takange takafa kumisana yavanababa vedu uye mushure meupenyu hwedu panyika), uye makatipa upenyu kaviri (upenyu patakazvarwa uye upenyu mushure mekunge tafa)! Uye tave tinopupura zvivi zvedu. Saka pane here nzira yokubuda nayo (mumoto)?”

Verse 12 — Surah Ghafir 40:12

(Vachaudzwa): “Nokuda kwekuti Allah chete pavaidaidzwa (mukunamata) maisatenda (mairamba), asi vamwe pavaisanganiswa navo, maitenda! Naizvozvo mutongo ndewa Allah, Vepamusoro-soro, Vakuru!”

Verse 13 — Surah Ghafir 40:13

Ndivo vanokuratidzai zviratidzo zvavo uye vanotumira raramo kwamuri kubva kudenga (mvura inokudza zvirimwa). Uye hapana anoyeuka kusara kweavo vanokumbira ruregerero (kuna Allah)

Verse 14 — Surah Ghafir 40:14

Naizvozvo, danai (iwe Muhammad (SAW) neavo vanotenda) Allah muchiita minamato yavo chete (nemabasa ese echitendero), kunyange vasingatendi vakazvivenga

Verse 15 — Surah Ghafir 40:15

(Ndivo Allah) Muridzi wezvinzvimbo zvepamusoro-soro, Muridzi weChigaro (chehumambo). Vanotumira mashoko nekuda kwavo kune uyo wavanoda kubva kuvaranda vavo, kuti ave anoyambira (vanhu) maererano nezvezuva rekusangana (Zuva rekutongwa)

Verse 16 — Surah Ghafir 40:16

Zuva iro ravachabuda vose, (uye) hapana chavo chichavanzwa kubva kuna Allah. Umambo ndewani muzuva ranhasi? (Allah vachazvipindura): Ndewa Allah, Vamwechete, Samasimba

Verse 17 — Surah Ghafir 40:17

Munhu wese achapihwa zvaakawana nhasi. Nhasi hapana ari kuzodzvanyirirwa. Zvirokwazvo, Allah vanokurumidza pakutonga

Verse 18 — Surah Ghafir 40:18

Uye vayeuchidze (Muhammad (SAW)) nezve zuva iri riri kuswedera pedyo, apo moyo ichange iri pahuro, uye havasi kuzokwanisa kuidzosera (moyo) muzvipfuva kana kuibuditsa panze. Vaiita mabasa akaipa havasi kuzova neshamwari, kana vamiririri, vari kuzoteererwa

Verse 19 — Surah Ghafir 40:19

Allah vanoziva kunyepa kwemaziso, uye nezvose zvinovigwa nezvipfuva

Verse 20 — Surah Ghafir 40:20

Uye Allah vanotonga muchokwadi, asi avo vavanonamata kunze kwavo, hapana chavanokwanisa kutonga. Zvirokwazvo, Allah vanonzwa zvese, vanoona zvese

Verse 21 — Surah Ghafir 40:21

Havana here kufamba munyika vakaona magumo eavo vaivapo mushure mavo? Vaive pamusoro pavo pasimba uye matsimba (avakasiya) ari panyika. Asi Allah vakavaparadza nemurango nekuda kwezvitadzo zvavo, uye havana akavachengetedza kubva kuna Allah

Verse 22 — Surah Ghafir 40:22

Izvi zvaiva, nokuti kwakauya kwavari vatumwa vavo nezviratidzo zviri pachena asi havana kutenda. Naizvozvo Allah vakavaparadza (nemutongo). Zvirokwazvo, ndivo vane simba rose, vane mutongo wakaomarara

Verse 23 — Surah Ghafir 40:23

Uye zvirokwazvo takava tinotumira Musa nezviratidzo zvedu, uye nemutemo uri pachena (wakajekeswa)

Verse 24 — Surah Ghafir 40:24

Kuna Farawo, Haamaan uye Qaaroon (Korah), asi vakamuti: “Muiti wemapipi, munyepi!”

Verse 25 — Surah Ghafir 40:25

Nokudaro paakavaunzira chokwadi kubva kwatiri, vakati: “Urayai vanakomana veavo vanotenda pamwechete naye mova munosiya vanhukadzi vavo kuti vararame.” Asi urongwa hwevasingatendi hauna budiriro asi kurasikirwa

Verse 26 — Surah Ghafir 40:26

Farawo akati: “Ndisiyei ndiuraye Musa, uye musiyei adane Tenzi vake (kuti vandidzivise kuti ndisamuuraye)! Ndinotya kuti angasandure chitendero chenyu, kana kukonzeresa kuti panyika pave nenyonga-nyonga (Mhirizhonga)!”

Verse 27 — Surah Ghafir 40:27

Musa akati: “Zvirokwazvo, ndinokumbira chengetedzo kubva kuna Tenzi vangu uye Tenzi venyu kubva kune wese anozvitutumadza asingatendi nezvezuva rekutongwa!”

Verse 28 — Surah Ghafir 40:28

Uye murume aitenda kubva mumhuri yaFarawo akaviga kutenda kwake akati: “Munouraya murume here nekuti ati: Tenzi vangu ndi Allah, uye zvirokwazvo auya kwamuri nezviratidzo zviri pachena kubva kuna Tenzi venyu? Uye kana ari munyepi, kwaari anenge aine chitadzo chekunyepa kwake; asi kana achitaura chokwadi mamwe matambudziko ari kukuvimbisai achava anokuwirai.” Zvirokwazvo, Allah havatungamiriri muMusrif (mudzvinyiriri, mhondi, mutadzi), munyepi

Verse 29 — Surah Ghafir 40:29

“Vanhu vangu! Hutongi ndewenyu nhasi, ndimi vepamusoro munyika. Asi ndiani achatinunura kubva mumarwadzo aAllah kana achinge auya kwatiri?” Farawo akati: “Ndinokuratidzai zvandinoona (zvakanaka), uye ndinokutungamirirai kunzira yakatwasuka!”

Verse 30 — Surah Ghafir 40:30

Uye uyo aitenda akati: “Vanhu vangu! Zvirokwazvo, ndinokutyirai (kuparadzwa) kwakafanana nekwezvikata (zvenguva yekare)!”

Verse 31 — Surah Ghafir 40:31

“Kunge kuparadzwa kwevanhu vaNowa, maAad nemaThamood neavo vakauya mushure mavo. Uye Allah havadi udzvanyiriri kuvaranda vavo.”

Verse 32 — Surah Ghafir 40:32

“Uye, vanhu vangu! Zvirokwazvo, ndinokutyirai zuva rekushevedzana (kudaidzana) (Pakati pevanhu vekumoto nevekuParadhiso).”

Verse 33 — Surah Ghafir 40:33

“Zuva ramuchatendeuka muchitiza musina mubetseri kubva kuna Allah. Uye uyo Allah wavanenge varasisa, hapana angamutungamirire.”

Verse 34 — Surah Ghafir 40:34

“Uye zvirokwazvo Yusuf (Josefa) akauya kwamuri munguva yakapfuura aine zviratido zviri pachena, asi hamuna kusiya kugunun’una mune zvaakakuunzirai, kusvika afa, mukati: ‘Hapana mutumwa achatumwa naAllah mushure make.’ Kudaro Allah vanosiya achirasika muMusrif (mudzvanyiriri, mutadzi) neMurtaab (uyo anogunun’una yambiro yaAllah).”

Verse 35 — Surah Ghafir 40:35

“Avo vanopikisana muzviratidzo zvaAllah pasina mvumo yauya kwavari, (zvavanoita) zvakavengwa zvikuru naAllah neavo vanotenda. Ndivo mavharirwo anoitwa naAllah moyo yewese anozvitutumadza, mudzvinyiriri.”

Verse 36 — Surah Ghafir 40:36

Uye Farawo akati: “Iwe Haamaan! Ndivakire mudhuri kuti ndive ndinosvika nzira.”

Verse 37 — Surah Ghafir 40:37

“Nzira dzematenga, uye kuti ndive ndinoona Mwari waMusa. Asi zvirokwazvo, ndinofunga kuti munyepi.” Naizvozvo, zvakaitwa kuti zvive zvinooneka sezvakanaka mumaziso aFarawo, huipi hwemabasa ake, uye akadziviswa kubva panzira yakatwasuka; uye kuronga kwaFarawo hakuna zvakwakamutungamira kusara kwekurasikirwa nekuparadzwa (kwake)

Verse 38 — Surah Ghafir 40:38

Uye murume aitenda akati: “Imi vanhu vangu! Teverai ini, ndichakutungamirirai kunzira yakatwasuka (Islaam).”

Verse 39 — Surah Ghafir 40:39

“Imi vanhu vangu! Chokwadi, hupenyu hwepano pasi hapana zvauri kusara kwemafaro, uye zvirokwazvo, hupenyu huchatevera inzvimbo yamuchagara nekusingaperi.”

Verse 40 — Surah Ghafir 40:40

“Uyo anenge aita basa rakaipa, haave anopihwa mubairo kusara kwezvakafanana nezvaanenge aita; uye uyo anenge aita basa rakanaka, angave murume kana mukadzi uye ari mutendi wechokwadi, ivavo vachapinda Paradhiso mavachapihwa raramo isina magumo.”

Verse 41 — Surah Ghafir 40:41

“Uye, imi vanhu vangu! Nemhaka yei ndinokudaidzirai kununuro asi imi munondidaidzira kumoto!”

Verse 42 — Surah Ghafir 40:42

“Munondidaidza kuti ndisatende muna Allah (muumwechete wavo), uye kuvasanganisa nezvimwe zvinhu mukunamata zvandisina ruzivo nazvo; uye ini ndinokukokai kumukuru wezvose, muregereri!”

Verse 43 — Surah Ghafir 40:43

“Pasina kugunun’una munondidaidza kuti (ndinamate) uyo asingandipi zvandinokumbira pano pasi kana muhupenyu huchatevera. Uye kudzokera kwedu kuchange kuri kuna Allah, uye Al- Musrifoon (vatadzi, vanopfurikidza mirairo yaAllah) vachava vagari vekumoto!”

Verse 44 — Surah Ghafir 40:44

“Uye muchave munorangarira zvandirikukuudzai, uye nyaya dzangu ndinodzisiya kuna Allah. Zvirokwazvo, Allah vanoona varanda vavo.”

Verse 45 — Surah Ghafir 40:45

Uye Allah vakamununura kubva kune zvakaipa zvavakanga varonga, asi murango wakaipa wakakomberedza vanhu vaFarawo

Verse 46 — Surah Ghafir 40:46

Moto, vanoburitswa pachena kwauri, mangwanani nemasikati. Uye pazuva iro nguva ichasvika (zvichava zvinonzi kungirozi): “Itai kuti vanhu vaFarawo vapinde marwadzo akaomarara!”

Verse 47 — Surah Ghafir 40:47

Uye, pavachava vanopikisana vari mumoto, vasina simba vachava vanoti kune avo vaizvitutumadza: “Zvirokwazvo, takakuteverai, munokwanisa here kubvisa kubva kwatiri chidimbu chemoto?”

Verse 48 — Surah Ghafir 40:48

Avo vaizvitutumadza vachava vanoti: “Tiri tose mumoto! Zvirokwazvo, Allah vatonga pakati pevaranda (vavo)!”

Verse 49 — Surah Ghafir 40:49

Uye avo vachange vari mumoto vachave vanoti kuvachengeti (ngirozi) veGehena: “Shevedzai Tenzi venyu kuti vave vanotirerutsira marwadzo kwezuva (rimwechete)!”

Verse 50 — Surah Ghafir 40:50

Vachati: “Vatumwa venyu havana kuuya kwamuri here nezviratidzo zviri pachena here?” Vachati: “Hongu.” Vachava vanopindura: “Shevedzai sekuda kwenyu! Uye chikumbiro chevasingatendi hachina basa (chakarasika) (nekuti Allah havachitambiri)!”

Verse 51 — Surah Ghafir 40:51

Zvirokwazvo, tichava tinoita kuti vatumwa vedu neavo vanotenda (muhumwechete waAllah) vave vakabudirira muhupenyu hwepano pasi uye muzuva iro vapupuri vachava vanomira (vachipupura pazuva rekutongwa)

Verse 52 — Surah Ghafir 40:52

Zuva iro vanoita mabasa akaipa zvichemo zvavo zvichange zvisingabatsiri. Kurengera (kutukwa) kuchange kuri kwavari, uye nzvimbo yakaipa ichange iri yavo

Verse 53 — Surah Ghafir 40:53

Uye zvirokwazvo takave tinopa Musa nungamiri uye takave tinogadza Gwaro (Torah) senhaka kuvana vaIzrairi

Verse 54 — Surah Ghafir 40:54

Nungamiri uye yeuchidzo kuvanhu vanonzwisisa

Verse 55 — Surah Ghafir 40:55

Naizvozvo iva unotsungirira (Muhammad (SAW)). Zvirokwazvo, vimbiso yaAllah ndeye chokwadi, uye kumbira ruregerero kubva kuzvitadzo zvako, wova unorumbidza rukudzo rwaTenzi vako munguva dzemasikati (kusvikira zuva radoka) uye munguva dzemangwanani (Hanzi zvichireva minamato mishanu pazuva kana kuti Asr neFajr)

Verse 56 — Surah Ghafir 40:56

Zvirokwazvo, avo vanopikisa pamusoro pezviratidzo zvaAllah vasina mvumo yauya kwavari, havana chimwe chinhu kusara kwekuzvitutumadza mumoyo yavo. Havasi kuzochiwana (chiporofita chawapihwa naAllah). Naizvozvo kumbira chengetedzo kuna Allah. Muzvirokwazvo, ndivo munzwi wezvose, muoni wezvose

Verse 57 — Surah Ghafir 40:57

Zvirokwazvo, kusikwa kwedenga nenyika kukuru kukunda kusikwa kwevanhu, asi vanhu vazhinji havazvizive

Verse 58 — Surah Ghafir 40:58

Uye havana kufanana avo vanoona neavo vasingaoni, kana avo vanotenda (muhumwechete hwaAllah) vachiita mabasa akanaka, neavo vanoita mabasa akaipa. Zvishoma ndizvo zvamunoyeuka

Verse 59 — Surah Ghafir 40:59

Zvirokwazvo, nguva iri kusvika (Zuva rekutongwa), hapana fungidziro nezvayo, asi vanhu vazhinji havatendi

Verse 60 — Surah Ghafir 40:60

Uye Tenzi venyu vakati: “Ndidanei, ndichava ndinokudavirai (zvichemo zvenyu). Zvirokwazvo, avo vanosiya kundinamata vachizvitutumadza vachapinda muGehena vakadzikisirwa!”

Verse 61 — Surah Ghafir 40:61

NdiAllah, avo vakagadzira usiku kuti muve munozorora mahuri, nemasikati kuti muve munoona. Muchokwadi, Allah vane makomborero akawanda kuvanhu, asi vanhu vazhinji havatendi

Verse 62 — Surah Ghafir 40:62

NdiAllah, Tenzi venyu, Musiki wezvose, hakuna mumwe ane mvumo yekunamatwa kunze kwavo (Laa ilaaha illaa Huwa). Naizvozvo sei muchifuratira (kubva kuna Allah nokunamata zvimwe zvisikwa kunze kwavo)

Verse 63 — Surah Ghafir 40:63

Naizvozvo vakarasiswa avo vairamba zviratidzo zvaAllah

Verse 64 — Surah Ghafir 40:64

NdiAllah, avo vakakugadzirirai nyika senzvimbo yekugara nedenga sechivhariso, uye vakakupai zvimiro vakave vanonakisa zvimiro zvenyu, uye vakakupai zvinhu zvakanaka. Ndivo Allah, Tenzi venyu, naizvozvo vakakomborerwa ndiAllah, Tenzi vezvinhu zvose

Verse 65 — Surah Ghafir 40:65

Ndivo vane kurarama kusingaperi, uye hakuna mumwe ane kodzero yokunamatwa kunze kwavo (Laa ilaaha illaa Huwa). Naizvozvo vadanei muchiita minamato yenyu yavo vega. Kurumbidzwa kwese ngakuve kuna Allah, Tenzi vezvinhu zvose (vanhu, maJinn nezvose zviripo)

Verse 66 — Surah Ghafir 40:66

Iti (Muhammad (SAW)): “Ndakave ndinorambidzwa kunamata zvose zvamunonamata muchisiya Allah, sezvo humboo hwakauya kwandiri kubva kuna Tenzi vangu; uye ndakave ndinokomekedzwa kuzvipira (kuIslaam) kuna Tenzi vezvinhu zvose.”

Verse 67 — Surah Ghafir 40:67

“Ndivo (Allah) vakakusikai kubva muvhu, pedzezvo kubva muNutfah (mbeu yababa naamai dzakasanganiswa), pedzezvo kubva pakagodo keropa, pedzezvo vakakuunzai (Panyika) sevana, pedzezvo vanokuitai kuti musvike zera rine simba rakakwana, uye mushure maizvozvo kukwegura (kuchembera), kunyange vamwe venyu vachifa mumashure, uye kuti mova munosvika nguva yakatarwa kuti muve munonzwisisa.”

Verse 68 — Surah Ghafir 40:68

Ndivo (Allah) vanopa upenyu uye vanokonzera rufu. Uye kana vachinge varonga chinhu vanongoti kwachiri: ‘Ivapo!’ chobva chavapo.”

Verse 69 — Surah Ghafir 40:69

Hauoni here avo vanopokana nezviratidzo zvaAllah? Vanofuratira sei (kubva kuchokwadi, Islaam)

Verse 70 — Surah Ghafir 40:70

Avo vanoramba Gwaro (Qur’aan) neizvo zvatakatumira nevatumwa vedu (kunamata Allah vamwechete) vachava vanoziva (pavachakandwa mumoto)

Verse 71 — Surah Ghafir 40:71

(Rangarirai) apo changadzo (ngetani) dzesimbi dzichange dzakamoneredzwa pamitsipa yavo, uye ngetani, vachave vanodhonzwa

Verse 72 — Surah Ghafir 40:72

Mumvura inopisa, uyezve vachava vanopiswa mumoto

Verse 73 — Surah Ghafir 40:73

Uyezve zvichanzi kwavari: “Varikupi avo (vose) vamaisanganisa (naAllah) mukunamata

Verse 74 — Surah Ghafir 40:74

Kunze kwaAllah?” Vachati: “Vanyangarika kwatiri. Asi, hatina kudana (kunamata) chimwe chinhu mumashure.” Saizvozvo Allah vanoita kuti vasingatendi varasike

Verse 75 — Surah Ghafir 40:75

Izvi nokuda kwekuti maifara panyika zvisina mvumo (kodzero), uye maifara zvakapfuurikidza

Verse 76 — Surah Ghafir 40:76

Pindai misuwo yeGehena kuti mugaremo. Uye (Zvirokwazvo) inzvimbo yakaipa sei kugara kune vanozvitutumadza

Verse 77 — Surah Ghafir 40:77

Saka tsungirira (Muhammad (SAW)); zvirokwazvo, vimbiso yaAllah ndeye chokwadi. Uye kunyange tikakuratidza (Muhammad (SAW)) zvimwe zvezvatakavavimbisa, kana kuti tikakuita kuti ufe naizvozvo kwatiri vachava vanodzorerwa

Verse 78 — Surah Ghafir 40:78

Uye zvirokwazvo takatumira vatumwa mushure mako (Muhammad (SAW)), vamwe vavo takave tinokuudza nhaurwa (nyaya) dzavo. Uye vamwe vavo hatina kuva tinokuudza nhaurwa (nyaya) dzavo, uye hazvina kuva zvinopihwa mutumwa upi zvake kuti ave anoburitsa chiratidzo kunze kwekuda kwaAllah. Asi kana murairo (mutongo) waAllah wauya, nyaya ichatongwa muchokwadi, uye vateveri vemanyepo vachava vanorasikirwa (nezvinhu zvose)

Verse 79 — Surah Ghafir 40:79

Allah ndivo vakakusikirai zvipfuwo, kuti muve munotaswa zvimwe zvazvo, uye zvimwe muve munodya

Verse 80 — Surah Ghafir 40:80

Uye mune (zvakawanda) zvekubatsirikana nazvo kubva mazviri (zvipfuwo). Uye kuti muve munowana nazvo zvido zvenyu zviri mumoyo yenyu, uye pazviri uye nengarava munotakurwa

Verse 81 — Surah Ghafir 40:81

Uye vanokuratidzai zviratidzo zvavo (zvehumwechete hwavo muzvinhu zvese zvataurwa pamusoro). Saka ndezvipi zvezviratidzo zvaAllah zvamuchava munoramba

Verse 82 — Surah Ghafir 40:82

Havana kufamba nenyika here vakaona kuti aiva sei magumo eavo vaivepo mumashure mavo? Vakange vakawanda muuwandu kuvapfuura uye vakakomba pasimba, uye mumatsimba panyika (avakasiya), asi havana kunge vanobatsirwa nezvavaiwana

Verse 83 — Surah Ghafir 40:83

Asi vatumwa vavo pavakauya nezviratidzo zviri pachena vakafadzwa nezvavakange vainazvo kubva kuruzivo (rwezvepanyika). Uye izvo zvavaitsvinya zvakavakomberedza (mutongo)

Verse 84 — Surah Ghafir 40:84

Asi pavakaona mutongo wedu, vakati: “Tinotenda muna Allah vamwechete uye tave tinoramba (zvose) zvataisanganisa navo (pakunamata)

Verse 85 — Surah Ghafir 40:85

Naizvozvo kutenda kwavo (muchi Islaam) hakuna kuvabatsira pavakaona mutongo wedu. (Sekunge) Iyi ndiyo yanga iri nzira yaAllah yekutonga nayo varanda vavo. Uye ipapo avo vasingatendi vakarasikirwa zvachose (apo mutongo wedu wakavakomberedza)