Back to Languages

Shona - Chapter 48 - Al-Fath

Translation by Abdullah J. M. Adini And Students — Permalink

Verse 1 — Surah Al-Fath 48:1

Zvirokwazvo, takakuita (Muhammad (SAW)) kuti ukunde zviri pachena

Verse 2 — Surah Al-Fath 48:2

Kuitira kuti Allah vagokuregerera zvitadzo zvako zvekare uye zvemberi, uye kuti vagozadzisa makomborero avo kwauri, uye kukutungamirira kunzira yakatwasuka

Verse 3 — Surah Al-Fath 48:3

Uyezve kuti Allah vagokubetsera nerubetsero rwakasimba

Verse 4 — Surah Al-Fath 48:4

Ndivo vakatumidzira runyararo mumoyo yevatendi kuti vagowedzera kutenda pamwe nokutenda kwavainako. Uye Allah ndivo vane hukuru hwekudenga nepasi, uye Allah vanoziva zvose, vane hungwaru hwese

Verse 5 — Surah Al-Fath 48:5

Kuitira kuti vazopinza vatendi vechirume nevatendi vechikadzi kuParadhiso iro rinoerera nzizi pasi paro kuti vagare imomo zvachose, uye vagovaregerera zvitadzo zvavo; uye ikoko ndiko kubudirira kuhombe pamberi paAllah

Verse 6 — Surah Al-Fath 48:6

Uye kuti vagoranga vanyengedzi vechirume nevanyengedzi vechikadzi, uye maMushrikoon (vanonamata zvimwe zvinhu kunze kwaAllah kana kuti vachimusanganisa nezvimwe zvinhu) varume nevakadzi; avo vanofunga zvakaipa pamusoro paAllah. Kwavari kuchave nekurangwa kunonyadzisa. Uye Allah vakavatsamwira, uye kuvarengera, uye kuvagadzirira Gehena. Ndiyo mhedzisiro yakashata

Verse 7 — Surah Al-Fath 48:7

Uye Allah ndivo muridzi hwemawuto ekumatenga nepanyika. Uye Allah ndivo mukuru, vane hungwaru hwese

Verse 8 — Surah Al-Fath 48:8

Zvirokwazvo, takakutumirai (Muhammad (SAW)) semupupuri, uye mupi wemashoko akanaka, uye semuyambiri

Verse 9 — Surah Al-Fath 48:9

Kuitira imi (vanhu) mugotenda kuna Allah nemutumwa wavo (SAW), uye kuti mumubetsere nekumuremekedza (SAW), uye kuti imi mugorumbidza (Allah) mangwanani nemasikati

Verse 10 — Surah Al-Fath 48:10

Zvirokwazvo, avo vanopa Bay’ah (Chitsidzo) kwauri (Muhammad (SAW)), chokwadi, vari kupa Bay’ah kuna Allah. Ruoko rwaAllah rwuri pamusoro pemaoko avo. Zvino uyo anoputsa chitsidzo chake anenge azviputsira iye pachake, uye uyo anozadzisa chitsidzo chaakatsidzira kuna Allah, ivo vachamupa mubairo mukuru

Verse 11 — Surah Al-Fath 48:11

Vamwe vevagari vemugwenga avo vakasara vachati kwauri: “Midziyo yedu nemhuri dzedu ndizvo zvakaita kuti tive mubishi, nokudaro tikumbirire ruregerero.” Vanotaura nerurimi rwavo izvo zvisiri mumoyo yavo. Iti: “Ndiani achakwanisa kukumirirai pachinhu chipi zvacho pamberi paAllah, kana vachida kukurwadzisai kana kuti vachida kukuitirai zvakanaka? Asi Allah vanoziva chaizvo zvamunoita.”

Verse 12 — Surah Al-Fath 48:12

“Asi maifunga kuti mutumwa (Muhammad (SAW)) nevatendi havaizodzokera kumhuri dzavo zvachose, uye izvi ndizvo zvakashongedzwa mumoyo yenyu, uye maifunga zvakaipa, uye muchave vanhu vachaparara.”

Verse 13 — Surah Al-Fath 48:13

Uye uyo asingatendi kuna Allah uye mutumwa wavo (Muhammad (SAW)), zvirokwazvo, takavagadzirira moto unopisa avo vasingatendi

Verse 14 — Surah Al-Fath 48:14

Uye Allah ndivo vane humambo hwekudenga nepanyika. Vanoregerera wavanoda, uye vanotonga wavanoda. Uye Allah ndivo vanoregerera zvikuru, vane tsitsi zhinji

Verse 15 — Surah Al-Fath 48:15

Avo vakasara shure vachati, apo pamuchati mubude kunotora mhimbiri: “Tibvumirei kuti tikuteverei.” Vane chido chokusandura mashoko aAllah. Iti: “Kunyangwe zvikaita sei hamufi matitevera; ndizvo zvakataurwa naAllah kare.” Asi vachati: “Asi mune godo nesu imi.” Asi zvishoma ndizvo zvavanonzwisisa

Verse 16 — Surah Al-Fath 48:16

Iti (Muhammad (SAW)) kuvagari vemugwenga avo vakasara: “Muchava munokokwa kuti murwe nevanhu vane simba rakawanda, mucharwa navo kana kuti vachizvipira (kana zvadaro movatorera). Kana mukateerera, Allah vachakupai mubairo wakanaka. Asi kana mukafuratira sekufuratira kwamakamboita mushure, vachakutongai nemutongo wakaomarara.”

Verse 17 — Surah Al-Fath 48:17

Hazvina mhaka kune uyo asingaoni, kana mhaka kune akaremara, kana mhaka kune uyo anorwara (kana vasina kuenda kunorwa). Uye achateerera Allah nemutumwa wavo (Muhammad (SAW)), vachamupinza muParadhiso rine nzizi dzinoerera pasi paro. Asi uyo achafuratira vachamutonga nemutongo unorwadza

Verse 18 — Surah Al-Fath 48:18

Zvirokwazvo, Allah vakafadzwa nevatendi apo ivo vakapika kwauri (Muhammad (SAW) kuti vacharwa) pavakanga vari pasi pemuti. Uye vaiziva zvaive mumoyo yavo, naizvozvo vakadzikisa runyararo nemufaro kwavari, uye vakavaripa nekukunda kwaiva padyo

Verse 19 — Surah Al-Fath 48:19

Uye nemhimbiri yakawanda yavachatora. Uye Allah ndivo mukuru, vane hungwaru hwese

Verse 20 — Surah Al-Fath 48:20

Allah vakakuvimbisai mhimbiri zhinji iyo yamuchatora, uye vatungamidza izvi kwamuri, uye vakabata (vakadzivisa) maoko evamwe vanhu kubva kwamuri, kuti chive chiratidzo kuvatendi, uye kuti vakutungamirirei mugwara rakatwasuka

Verse 21 — Surah Al-Fath 48:21

Uye nezvimwe (hondo nemhimbiri vanokuvimbisai) zvamusati makwanisa kuva nazvo; zvirokwazvo Allah vanozviziva. Uye Allah vanokwanisa kuita zvose

Verse 22 — Surah Al-Fath 48:22

Uye kana avo vasingatendi vakarwa nemi, ivo zvirokwazvo vachafuratira. Zvadaro vachashaya muchengeti uye mubatsiri

Verse 23 — Surah Al-Fath 48:23

Uku ndiko kuita kwaAllah kwavakaita avo vakafa kare. Uye hapana shanduko yamungawana mukuita kwaAllah

Verse 24 — Surah Al-Fath 48:24

Uye ndivo vakadzivirira maoko avo kwamuri uye ndokudzivirira maoko enyu kwavari mukati meMakkah mushure mokunge mavakunda. Uye Allah vanoona zvose zvamunoita

Verse 25 — Surah Al-Fath 48:25

Ndivo vasina kutenda (muIslaam) uye vakakudzivirirai kubva ku Al-Masjid Al-Haraam (kuMakkah), apo zvipiro zvakatadziswa kusvika panzvimbo yazvo yekuurairwa. Uye dai pakanga pasina varume nevakadzi vanotenda avo makange musingazivi, maivauraya, nokudaro maiita chitadzo musingazvizivi, kuti Allah vapinze mutsitsi dzavo uyo wavanoda. Dai (vatendi ne vasingatendi) vaiva kure nakure, tingadai takatonga avo vasina kutenda kubva pakati pavo nemutongo unorwadza

Verse 26 — Surah Al-Fath 48:26

Apo vasingatendi vakaisa mumoyo yavo kuzvitutumadza nekuramba, kuzvitutumadza nekuramba kwemazuva ekusaziva, asi Allah vakadzikisa runyararo kumutumwa wavo (Muhammad (SAW)) nevatendi avo vakaita kuti vachengetedze izwi reTaqwa (Kuti hapana chimwe chinhu chinofanirwa kunamatwa kunze kwaAllah), uye rakange rakavakodzera uye ndivo varidzi varwo. Uye Allah ndivo vanoziva zvose

Verse 27 — Surah Al-Fath 48:27

Zvirokwazvo, Allah vakaratidza mutumwa wavo (Muhammad (SAW)) chiroto chechokwadi: Kuti zvirokwazvo muchave munopinda muAl-Masjid Al-Haraam kana Allah vachida, makachengetedzeka, vamwe vaine misoro yakaveurwa vamwe vaine vhudzi rakadimburirwa, uye musingatyi. Allah vaiziva zvakange musingazivi. Nokudaro vakakupai pamberi kukunda kuri padyo

Verse 28 — Surah Al-Fath 48:28

Ndivo vakatuma mutumwa wavo (Muhammad (SAW)) nechengetedzo uye chitendero chechokwadi (Islaam), kuti chogova pamusoro pezvitendero zvose. Uye Allah ndivo chete vakakwana kuva chapupu

Verse 29 — Surah Al-Fath 48:29

Muhammad (SAW) mutumwa waAllah. Uye avo vanaye vakasimba moyo vakanangana nevasingatendi, uye ivo vane tsitsi pachavo. Unovaona vachipfugama (vachinamata) vachizvininipisa, vachikumbira nyasha nemufaro waAllah. Zviratidzo zvavo (zvekutenda) zviri pazviso zvavo nokuda kwekupfugama (vachinamata). Ndiyo tsananguro yavo muTorah. Asi tsananguro yavo muInjeel (Vhangeri) iri sekumera kunoita mbesa yobva yareba yobva yatwasuka yakasimba padzinde ichinakidza vadyari, kuti vatyise maKuffaar (vasingatendi) navo. Allah vakavimbisa avo vanotenda mukati mavo uye vachiita mabasa akanaka, ruregerero nemubairo mukuru (Paradhiso)