Back to Languages

Shona - Chapter 5 - Al-Maidah

Translation by Abdullah J. M. Adini And Students — Permalink

Verse 1 — Surah Al-Maidah 5:1

Imi vanotenda! Zadzisai zvirevo (zvenyu). Dzakave dzinobvumidzwa kwamuri mhuka dzose dzekupfuya (sechikafu) kusara kwedzichitaurwa (pano), (uye) mhuka dzemusango hadzibvumidzwe kana mava muIhraam (maita Niyyah nekupfeka mbasha dzacho) yeHajj kana Umrah (Kushanyira imba yaAllah kuMakkah kunonamata). Zvirokwazvo, Allah vanokomekedza izvo zvavanoda

Verse 2 — Surah Al-Maidah 5:2

Imi vanotenda! Musave munokanganisa micherechedzo yaAllah, kana mwedzi unoera, kana mhuka dzemupiro, kana vanhu vane zvipika kana mhuka dzine zvipika zvichiratidza kuti ndedzemupiro, kana vanhu vanoshanya kuimba inoera (Makkah), vachitsvaga makomborero nerufaro rwaAllah. Asi kana mapedza Ihraam (yeHajj kana Umrah) munokwanisa kuvhima, uye musarege ruvengo rwevamwe vanhu nekukudzivirirai kushanyira Al-Masjid Al-Haraam (muMakkah) ruchikuitai kuti muve munopfuudzira mwero. Uye batsiranai mukuita zvakanaka nekutya Allah; asi musave munobatsirana kuita mabasa akaipa nekupfuudzira mwero. Uyezve ityai Allah. Zvirokwazvo, Allah vakaoma pamutongo

Verse 3 — Surah Al-Maidah 5:3

Zvinorambidzwa kwamuri (kudya) ndezvinoti: Mhuka dzafa dzoga, ropa, nyama yenguruve, neidzo dzakaurawa musiri muzita raAllah, (kana dzinouraiwa semipiro kuzvidhori), neidzo dzinouraiwa dzichidzipwa, kana kupondwa, kana dzinodonha kubva pakakwirira, kana kutungana kwenyanga, uye dzinenge dzadyiwa (chidimbu) nezvikara zvesango, kusara kwekuti munoiuraya (isati yafa), neidzo dzinouraiwa pazvinzvimbo zvemipiro kuzvivezwa. Uye (zvinorambidzwa) kushandisa miseve kutsvagisa rombo rakanaka kana kutsvaga mafungiro; (zvose) izvi kusateerera Allah uye chitadzo. Zuva ranhasi, avo vasingatendi vave vanosiya tarisiro muchitendero chenyu; nokudaro musave munovatya, asi ityai ini (Allah). Zuva ranhasi, ndave ndinozadzikisa chitendero chenyu kwamuri, uye ndave ndinokusarudzirai Islaam sechitendero chenyu. Asi kune uyo anenge aziya nenzara, asina chirongwa chokutadza (anokwanisa kudya nyama dzemhuka dzataurwa), zvirokwazvo, Allah vanoregerera zvikuru, vane tsitsi zhinji

Verse 4 — Surah Al-Maidah 5:4

Vanokubvunza (Muhammad (SAW)) zvinobvumidzwa kwavari (sezvekudya). Iti: “Zvinobvumidzwa kwamuri ndeizvo zvakachena (nyama yemhuka dzinouraiwa nenzira inodiwa, mukaka, mafuta, miriwo nemichero). Uye mhuka neshiri dzinodya nyama idzo dzamunodzidzisa (kuvhima) nenzira iyo yamakarairwa naAllah, saka idyai zvadzinokubatirai, asi ivai munotaura zita raAllah pairi, uye ityai Allah. Zvirokwazvo, Allah vanokurumidza mukutonga (mukubvunzurudza).”

Verse 5 — Surah Al-Maidah 5:5

Zvakare zvinobvumidzwa kwamuri muzuva ranhasi chikafu chose chakachena (nyama yemhuka dzinouraiwa nenzira inodiwa, mukaka, mafuta, miriwo nemichero). Uye chikafu (mhuka dzinouraiwa nenzira inodiwa) chevanhu veGwaro (maJudha nemaKristu) chinobvumidzwa kwamuri uye chenyu chinobvumidzwa kwavari. Uye (munobvumidzwa kuroora) vakadzi vakatsiga kubva kuvatendi uye neavo vakatsiga kubva kune vanhu vakapihwa Gwaro (maJudha nemaKristu) musati mavapo, kana mukavapa Mahr (Mari yeroora inopihwa nemurume kumukadzi kana vachiwanana), kuri kutsvaga rutsigo (muchiroorana zviri pamutemo), musingaiti chehupombwe, kana kuvatora seshamwari kadzi. Uye uyo asingatendi (muIslaam), mabasa ake anenge asina chiyamuro, uye muhupenyu huchatevera achange ari pakati peavo vakarasikirwa

Verse 6 — Surah Al-Maidah 5:6

Imi vanotenda! Kana mavakuda kuita Swalaah (Munamato), gezai zviso zvenyu, maoko enyu kusvika mumagokora, pukutai (muchifambisa maoko akanyorova) mumisoro yenyu, uye (gezai) tsoka dzenyu kusvika muzviziso. Uye kana muri muJanaabah (mushure mebonde kana kuzvirotera), zvichenesei (kugeza muviri wese). Asi kana muchirwara kana kuti muri parwendo kana kuti umwe wenyu abva kunoshanyira chimbudzi, kana kuti masangana nevakadzi (pabonde), uye moshaya mvura, itai Tayammum neivhu rakachena, mopukuta kumeso kwenyu nemaoko enyu. Allah havadi kukuitai kuti muve mumatambudziko, asi vanoda kukuchenurai, uye kuzadzisa chipo chavo kwamuri kuti muve vanhu vanotenda

Verse 7 — Surah Al-Maidah 5:7

Uye rangarirai chipo nechitsidzo zvaAllah zvavakave vanokutsidzirai nazvo imi pamakati: “Tanzwa uye tichatevedzera.” Uye Ityai Allah. Zvirokwazvo, Allah vanoziva izvo (zvakavanzika) zviri mumoyo

Verse 8 — Surah Al-Maidah 5:8

Imi vanotenda! Ivai munomira zvakadzama sezvapupu zvaAllah vari pachokwadi. Uye musave munorega ruvengo rwevamwe vanhu rukudzivirirei kuenzanisa (kuchokwadi). Ivai munoenzanisa (pachokwadi), nekuti zviri pedyo nekutya Allah; uye ivai munotya Allah. Zvirokwazvo, Allah vanoziva zvose zvamunoita

Verse 9 — Surah Al-Maidah 5:9

Allah vakave vanopa chitsidzo kune avo vanotenda (muhumwechete hwavo) uye vanoita mabasa akanaka, kuti vachave vanoregererwa uye vachapiwa mubairo mukuru (Paradhiso)

Verse 10 — Surah Al-Maidah 5:10

Uye avo vasingatendi uye vachiramba micherechedzo yedu ndeavo vachave vagari vekumoto (Gehena)

Verse 11 — Surah Al-Maidah 5:11

Imi vanotenda! Rangarirai chipo chaAllah kwamuri apo vamwe vanhu vaishuvira (vakaronga) kutambanudza maoko avo vachida kukurwisai, asi (Allah) vakave vanovadzora maoko avo kubva kwamuri. Saka ityai Allah. Uye muna Allah regai vatendi vaise chivimbo chavo

Verse 12 — Surah Al-Maidah 5:12

Zvirokwazvo, Allah vakatora chibvumirano kubva kuvana veIzirairi (maJudha), tikave tinosarudza vatungamiriri gumi nevaviri kubva mavari. Uye Allah vakati: “Zvirokwazvo, ndinemi kana muchiita Swalaah (Munamato), kupa zvipo (Zakaah), uye kutenda muvatumwa vangu; kuvakudza uye kuvabatsira. Uye ipai chikwereti chakanaka kuna Allah, zvirokwazvo, ndichave ndinopfuudza zvitadzo zvenyu uye ndichakuisai mumapindu ane nzizi dzinoerera (Paradhiso). Asi kune uyo pakati penyu anoramba kutenda mushure meizvozvo, zvirokwazvo, anenge arasika kubva munzira yakatwasuka.”

Verse 13 — Surah Al-Maidah 5:13

Nokuda kwekuputsa kwavo chibvumirano chavo, takave tinovarengera uye tikave tinoomesa moyo yavo. Vanosandura mazwi kubva munzvimbo dzawo uye vakave vanosiya chidimbu chemashoko akanaka vakanga varangaridzwa nawo. Uye hauzorore kuona nhema (hunyengedzi) kubva kwavari kusara kwevashoma vavo. Asi varegerere nekuvakanganwira (zvivi zvavo). Zvirokwazvo, Allah vanoda vanhu vanoita mabasa akanaka

Verse 14 — Surah Al-Maidah 5:14

Uye kubva mune avo vanozviti maKristu, takave tinotora chibvumirano chavo, asi vakasiya chidimbu chemashoko chakatumirwa kwavari. Saka takave tinodyara ruvengo pakati pavo kusvikira pazuva rokumutswa. Uye Allah vachave vanovaudza zvose zvavaiita

Verse 15 — Surah Al-Maidah 5:15

Imi vanhu veGwaro (maJudha nemaKristu)! Ikozvino mutumwa wedu (Muhammad (SAW)) auya kwamuri achikutsanangurirai zvizhinji kubva kune zvamaiviga kubva muGwaro, uye achisiya zvizhinji (zvisina tsanangudzo). Zvirokwazvo, kwamuri kwakauya mwenje kubva kuna Allah uye neGwaro riri pachena (Qur’aan iri)

Verse 16 — Surah Al-Maidah 5:16

Naro Allah vanotungamira avo vanotsvaga rufaro rwavo kunzira dzerunyararo, uye (Allah) vanovabvisa murima nekuda kwavo vovaisa muchaedza, uye vanovatungamirira kugwara rakatwasuka (Islaam)

Verse 17 — Surah Al-Maidah 5:17

Zvirokwazvo, mukusatenda mune avo vanoti: “Zvirokwazvo, Allah ndivo Messiah mwana waMariya.” Iti (Muhammad (SAW)): “Pane here ane simba shoma kukunda Allah, kana (Allah) vakaparadza Messiah mwana waMariya, amai vake, neavo vose vari pano pasi?” Uye Allah ndivo vane humambo hwematenga nepano pasi, uye nezviri pakati pawo. Ivo vanosika zvavanoda. Uye Allah vanokwanisa kuita zvinhu zvose

Verse 18 — Surah Al-Maidah 5:18

Uye (vose) maJudha nemaKristu vanoti: “Isu tiri vana vaAllah uye ndisu vadiwa vavo.” Iti: “Sei (Allah) vachikurangarai nezvitadzo zvenyu?” Asi muri vanhu kubva muzvisikwa zvavakasika. Vanoregerera wavanoda uye vanoranga wavanoda. Uye Allah ndivo vane humambo hwematenga nepasi rino, uye nezviri pakati pawo. Uye kwavari ndiko kuchadzokerwa (nezvese)

Verse 19 — Surah Al-Maidah 5:19

Imi vanhu veGwaro (maJudha nemaKristu)! Ikozvino mutumwa wedu (Muhammad (SAW)) auya kwamuri achikuisirai zvinhu pachena, mushure mezororo rekuuya kwevatumwa, pamwe maigona kuzoti: “Hakuna kuuya kwatiri nhumwa yezvinhu zvakanaka kana muyambiri.” Asi iyezvino auya kwamuri muunzi wenhaurwa dzakanaka uye muyambiri. Uye Allah vanokwanisa kuita zvose

Verse 20 — Surah Al-Maidah 5:20

Uye (rangarirai) apo Musa akati kuvanhu vake: “Imi vanhu vangu! Rangarirai chipo chaAllah chakauya kwamuri pavakave vanoita vamwe venyu maporofita, vakakuitai madzimambo, uye vakave vanokupai izvo zvavasina kupa vamwe vanhu pasi pano (vanhu nemaJinn venguva yakapfuura).”

Verse 21 — Surah Al-Maidah 5:21

“Imi vanhu vangu! Pindai munzvimbo inoera (Palestine) iyo Allah vakupayi, uye musave munodzokera shure (muchitiza); saka munozodzoserwa sevanhu vakarasikirwa.”

Verse 22 — Surah Al-Maidah 5:22

Vakati: “Iwe Musa! Imomo (munyika inoera) mune vanhu vane simba chaizvo, uye hatifi takapindamo kusvika vabudamo; saka kana vakabuda, ndipo zvirokwazvo patichapinda.”

Verse 23 — Surah Al-Maidah 5:23

Varume vaviri (Joshuwa naKalab) kubva kune avo vaitya (Allah uye) avo Allah vakavaropafadza netsitsi dzavo vakati: “Vapindirei nepamusuwo (gedhi), uye kana mapinda, kukunda kunobva kwava kwenyu. Uye ivai munovimba naAllah kana muri vatendi vechokwadi.”

Verse 24 — Surah Al-Maidah 5:24

Vakati: “Iwe Musa! Hatisi kuzopinda kana ivo varimo. Saka enda iwe naTenzi vako, uye morwisa muri vaviri. Zvirokwazvo, isu tiri kugara ipo pano.”

Verse 25 — Surah Al-Maidah 5:25

Iye (Musa) akati: “Tenzi vangu! Ndinongove nesimba kwandiri nemunin’ina wangu. Saka tibvisei kubva muvanhu vasingateereri (vanopokana nemitemo yaAllah).”

Verse 26 — Surah Al-Maidah 5:26

(Allah) vakati: “Naizvozvo nyika inoera yave inorambidzwa kwavari kwemakore makumi mana vachitekaira nenyika. Saka usave unoshungurudzikana nevanhu vasingateereri (vanopokana nemitemo yaAllah).”

Verse 27 — Surah Al-Maidah 5:27

Zvekare (Muhammad (SAW)) vaverengere (maJudha) nyaya yevana vaviri vaAdam (Haabeel naQaabeel – Abel naCain) muzvokwadi. Apo mumwe nemumwe akapira mupiro wake (kuna Allah), asi wakatambirwa kubva kune mumwe kwete kune mumwe. Wechipiri akati kune wekutanga: “Ndichakuuraya.” Wekutanga akati: “Zvirokwazvo Allah vanotambira chete kubva kune avo vatsvene (vanoita mabasa akanaka).”

Verse 28 — Surah Al-Maidah 5:28

“Zvirokwazvo, kana ukatambanudza ruoko rwako kwandiri uchida kundiuraya, ini handisi kuzotambanudza rwangu (ruoko) kwauri kuti ndikuraye. Chokwadi, ndinotya Allah, Tenzi vepasi rino (vanhu, maJinn nezvisikwa zvose).”

Verse 29 — Surah Al-Maidah 5:29

“Zvirokwazvo, ndinoda kuti utore chitadzo changu pamwe nechako, uye wozove mumwe wevagari vekumoto. Uye uyu ndiwo mubairo wevatadzi.”

Verse 30 — Surah Al-Maidah 5:30

Nokudaro mweya wemunhu (wechipiri) wakamukurudzira kuuraya mukoma wake. Akamuuraya, uye akava mumwe wevakarasikirwa

Verse 31 — Surah Al-Maidah 5:31

Naizvozvo Allah vakave vanotumira gunguwo rikachera (richikodobora) pasi kuti rimuratidze mavigiro emutumbi wemukoma wake. Iye (muurayi) akati: “Matambudziko kwandiri! Ndatadza here kuita segunguwo iri kuviga mutumbi wemukoma wangu?” Naizvozvo akave mumwe weavo vakademba

Verse 32 — Surah Al-Maidah 5:32

Nokuda kwaizvozvo, takave tinotsindikidzira vana vaIzirairi kuti kana pane anenge auraya munhu kunze kwokuti murango wehumhondi, kana kukonzeresa zvakaipa munyika, zvinoita sokunge auraya vanhu vese, uye kana pane abatsira munhu (apa hupenyu), zvinoita sokunge abatsira (apa hupenyu) vanhu vose. Uye zvirokwazvo kwakakuya vatumwa vedu kwavari nemicherechedzo yakajeka. Asi zvirokwazvo vazhinji vavo mushure mezvo vakaenderera mberi nekupfuudzira mwero munyika

Verse 33 — Surah Al-Maidah 5:33

Zvirokwazvo, mubairo weavo vanoronga hondo kupokana naAllah nemutumwa wavo (Muhammad (SAW)) nekuita zvakaipa munyika ndewekuti vauraiwe, kana kukomererwa pamichinjikwa, kana kuti maoko avo netsoka dzavo zvigurwe kubva kumativi akasiyana, kana kuti vadzingwe munyika. Ndiko kunyadziswa kwavo munyika ino, uye marwadzo makuru achange ari avo muhupenyu hwemangwana

Verse 34 — Surah Al-Maidah 5:34

Kusara kweavo vanodzoka (sevatendi) vachikumbira ruregerero vasati vave pasi pemasimba enyu (musati mavabata); pakadaro, zivai kuti Allah ndivo muregereri, vane tsitsi zhinji

Verse 35 — Surah Al-Maidah 5:35

Imi vanotenda! Ityai Allah, uye motsvaga nzira yekusvika kwavari, ivai munoshanda nesimba munzira yavo, kuti muve makabudirira

Verse 36 — Surah Al-Maidah 5:36

Zvirokwazo avo vasingatendi, kudai vainge vane zvose zviri panyika, uye nezvakawanda zvakafanana nazvo kuti vave vanozvinunura nazvo kubva kumarwadzo ezuva rekutongwa, hazvifi zvakagamuchirwa kubva kwavari, uye kwavari kuchave nemurango unorwadza

Verse 37 — Surah Al-Maidah 5:37

Vachave vanoshuvira kubuda mumoto, asi havafe vakabudamo, uye marwadzo avo achange asingaperi

Verse 38 — Surah Al-Maidah 5:38

Uye mbavharume nembavhakadzi, vagurei maoko avo (ekurudyi kubvira muzvanza) setsivo (semubairo) yezvavanenge vaita, mutongo semuenzaniso kubva kuna Allah. Uye Allah vane masimba ose, vane hungwaru hwose

Verse 39 — Surah Al-Maidah 5:39

Asi uyo anokumbira ruregerero mushure mechitadzo chake, uye oita mabasa akanaka, zvirokwazvo Allah vanomuregerera. Zvirokwazvo, Allah vanoregerera zvikuru, vane tsitsi zhinji

Verse 40 — Surah Al-Maidah 5:40

Asi hauzivi here kuti Allah ndivo muridzi wematenga nepasi rose! Vanoranga wavanoda uye vanoregerera wavanoda. Uye Allah vanokwanisa kuita zvose zvavanoda

Verse 41 — Surah Al-Maidah 5:41

Iwe mutumwa (Muhammad (SAW))! Usashushikane neavo vanomhanyira kusatenda, kubva kune avo vanoti: “Tinotenda” nemiromo yavo asi moyo yavo isingatendi. Uye pakati pemaJudha kune avo vanoteerera zvakanyanya manyepo, vanoteerera zvikuru avo vanhu vasati vauya kwauri. Vanosandura mavara kubva munzvimbo dzawo; vachiti: “Kana mapihwa izvi zvitorei, asi kana musina kupihwa izvi chenjerai!” Uye uyo Allah wavanenge vada kumuedza, hapana chaunokwanisa kumuitira uchipokana naAllah. Avo ndivo vane moyo iyo Allah yavasingadi kuchenura (kubva mukusatenda nehunyengedzi); kwavari kuchava nekunyadziswa pasi pano, uye muhupenyu hunotevera vachange vari mumarwadzo makuru

Verse 42 — Surah Al-Maidah 5:42

(Vanofarira) kuteerera zvikuru manyepo, kudya zvakarambidzwa. Kana vauya kwauri (Muhammad (SAW)) unokwanisa kuvatonga pakati avo, kana kuvafuratira. Kana ukavafuratira hapana chero chinhu chavanokwanisa kukuita. Uye kana wotonga, tonga zvakafanira pakati pavo. Zvirokwazvo, Allah vanoda avo vanoita zvakanaka

Verse 43 — Surah Al-Maidah 5:43

Asi vanouya sei kwauri kunotonga ivo vane Torah, umo muri imo mune mitemo yaAllah, asi mushure maizvozvo vanopira makotsi. Naizvozvo havasi vatendi

Verse 44 — Surah Al-Maidah 5:44

Zvirokwazvo, takave tinodzikisa Torah (kuna Musa (AS)) iro mariri mune gwara nechaedza, izvo maporofita vakazvipira kuna Allah vaitonga nazvo maJudha. Uye vadzidzi vechiJudha nevadzidzi veBhaibheri (vaitongazwe maJudha) neizvo zvavakange vachengetedzwa kubva muGwaro raAllah (Torah), uye vaive vapupuri kwariri. Naizvozvo musatye vanhu, asi ityai ini (maJudha), uye musave munotengesa micherechedzo yangu nemubairo unosiririsa. Uye uyo asingatongi nezvakadzikiswa naAllah, vakadaro ndivo vasingatendi

Verse 45 — Surah Al-Maidah 5:45

Takave tinodzikinura mariri kwavari: “Hupenyu kuhupenyu, ziso kuziso, mhuno kumhuno, nzeve kunzeve, zino kuzino, uye zvironda zvakafanirana.” Asi uyo anoregerera semupiro, zvichave kwaari ruregerero rwezvitadzo zvake. Uye uyo asingatongi kuburikidza nezvakadzikinurwa naAllah, vakadaro ndivo vanhu vanoita mabasa akaipa

Verse 46 — Surah Al-Maidah 5:46

Uye mutsoka dzavo, takave tinotuma Jesu mwanakomana waMariya, achizadzikisa Torah iro rakauya mushure make, uye tikave tinomupa Vhangeri, umo maiva negwara nechaedza, uye richizadzikisa Torah iro rakauya mushure maro, gwara uye nerairo kune avo vatsvene

Verse 47 — Surah Al-Maidah 5:47

Regai avo vanhu veVhangeri vatonge neizvo Allah vakadzikisa mariri. Uye uyo asingatongi kuburikidza nezvakadzikinurwa naAllah, vakadaro ndivo (vanhu) vasingateereri

Verse 48 — Surah Al-Maidah 5:48

Uye takave tinodzikisa kwauri (Muhammad (SAW)) Gwaro (Qur’aan iri) muhuchokwadi, richipfindikidza magwaro akauya mushure maro, uye sehuchapupu pamusoro pawo (magwaro ekare). Saka tonga pakati pavo kuburikidza nezvakadzikiswa naAllah, uye usatevedzere zvido zvavo uchisiya chokwadi chakauya kwauri. Kune umwe nemumwe wenyu takave tinomunyorera mutemo uye nenzira yakanaka. Dai Allah vaida, vaikuitai vanhu vamwe, asi kuti vakuedzei mune izvo zvavakakupai. Saka mhanyidzanai mumabasa akanaka. Kuna Allah ndiko kwamuchadzokera mose; uye vachave vanokuudzai izvo pamusoro pazvo maipokana

Verse 49 — Surah Al-Maidah 5:49

Uye tonga (Muhammad (SAW)) pakati pavo neizvo Allah vakave vanodzikisa, uye usatevedzere zvido zvavo, asi vachenjerere nekuti vangakuita kuti urasike zvakanyanya (Muhammad (SAW)) kubva kune zvezvimwe zvakadzikiswa kwauri naAllah. Uye vakangorasika, ziva kuti Allah vanoda kuvapa marwadzo akakomba nekuda kwezvimwe zvezvitadzo zvavo. Uye zvirokwazvo, vanhu vakawanda havateereri (mirairo yaAllah)

Verse 50 — Surah Al-Maidah 5:50

Saka vanotsvaga here hutongi hwe (mazuva e) nguva yevanhu vainge vakarasika? Uye ndeupi ari nani muhutongi kunze kwaAllah kuvanhu vanotenda muzvokwadi

Verse 51 — Surah Al-Maidah 5:51

Imi vanotenda! Musave munotora maJudha nemaKristu sevabatsiri, asi vabatsirani pachavo. Uye uyo anovatora sevabatsiri pakati penyu, zvirokwazvo anenge ari mumwe wavo. Zvirokwazvo, Allah havatungamiriri vanhu vanoita zvakaipa

Verse 52 — Surah Al-Maidah 5:52

Uye unoona avo mumwoyo yavo mune chirwere (chehunyengeri), vanomhanyidzana kuhushamwari hwavo vachiti: “Tinotya kuti zvimwe tingawirwe nematambudziko.” Kuda zvimwe Allah vangaunze kukunda kana hurongwa zvichienderana nekuda kwavo. Vopedzisira vave kudemba mune izvo zvavaichengeta mavari

Verse 53 — Surah Al-Maidah 5:53

Uye vatendi vachataura vachiti: “Ava ndivo here vanhu (vanyengedzi) vaipika naAllah kuti vainge vanemi (maMuslim)?” Zvose zvavaiita hazvibatsiri (nekuda kwehunyengeri hwavo), uye vave vanhu vakarasikirwa

Verse 54 — Surah Al-Maidah 5:54

Imi vanotenda! Uyo kubva kwamuri achadzokera (achabuda) kubva kuchitendero chake (Islaam), Allah vachave vanounza vanhu vavanoda uye vachivadawo; vanozvininipisa kuvatendi, vanoomesa kune avo vasingatendi, vanorwa munzira yaAllah, uye vasingatyi kunenedzerwa nevanenedzeri. Ichi ndicho chipo chaAllah icho chavanopa kune uyo wavanoda. Uye Allah vanogutsa zvisikwa zvavo, muzivi wezvose

Verse 55 — Surah Al-Maidah 5:55

Zvirokwazvo, hakuna mumwe mubatsiri wenyu kunze kwaAllah, mutumwa wavo (Muhammad (SAW)) nevatendi, avo vanoita Swalaah (Munamato), uye vanopa Zakaah (Zvipiro), uye ndeavo vanozvipira kuna Allah mukunamata

Verse 56 — Surah Al-Maidah 5:56

Uye uyo anotora Allah, mutumwa wavo (Muhammad (SAW)), uye neavo vanotenda sevabatsiri, zvirokwazvo bato raAllah richava rinokunda

Verse 57 — Surah Al-Maidah 5:57

Imi vanotenda! Musava munotora sevabatsiri avo vanhu vanotora chitendero chenyu sechekutsvinyira nekutamba nacho kubva kune avo vakapihwa Gwaro (maJudha nemaKristu) mushure menyu, kana avo vasingatendi; uye ityai Allah kana muri vatendi vechokwadi

Verse 58 — Surah Al-Maidah 5:58

Uye pamunoshevedzera kuSwalaah (Munamato), vanoitora setsvinyo nedambe nemhaka yekuti vanhu vasinganzwisise

Verse 59 — Surah Al-Maidah 5:59

Iti: “Imi vanhu veGwaro (maJudha nemaKristu)! Munopokana nesu here pasina chikonzero kunze kwekuti tinotenda muna Allah, uye mune izvo zvakatumirwa kwatiri uye zvakatumirwa mumashure (medu), uye kuti vakawanda venyu havateereri (Allah)?”

Verse 60 — Surah Al-Maidah 5:60

Iti (Muhammad (SAW) kuvanhu veGwaro): “Ndingakuudzei here pamusoro pechimwe chinhu chakaipa kudarika ichochi pamubairo kubva kuna Allah? Avo (maJudha) vakave vanorengerwa naAllah uye nekutsamwirwa, uye neavo (vamwe) vakasandurwa kuita tsoko nenguruve, uye neavo vainamata Twaaghoot (zvidhori kana kuti vanamwari venhema); vakadaro vachave munzvimbo yakashata (pazuva rekumutswa mumoto), uye vakanyanyorasika kubva munzira tsvene (muhupenyu hwepano pasi).”

Verse 61 — Surah Al-Maidah 5:61

Uye kana vauya kwamuri vanoti: “Tinotenda.” Asi vanove vanopinda (nechinangwa che) kusatenda uye vanobuda vakadaro. Uye Allah vanoziva izvo zvavaivanza

Verse 62 — Surah Al-Maidah 5:62

Uye unoona vazhinji vavo (maJudha) vachimhanyira mukuita chitadzo uye nekuraudzira, vachidya zvinhu zvisiri pamutemo. Zvirokwazvo, zvakaipa izvo zvavanoita

Verse 63 — Surah Al-Maidah 5:63

Sei vadzidzi neavo vakadzidza chitendero vasingavarambidze kutaura mashoko akaipa uye kudya zvinhu zvisiri pamutemo? Zvirokwazvo, zvakaipa izvo zvavanoita

Verse 64 — Surah Al-Maidah 5:64

Uye maJudha vanoti: “Ruoko rwaAllah rwakasungwa (Allah havape).” Maoko avo ndiwo akasungwa uye ngavave vanorengerwa mune izvo zvavanotaura. Asi maoko avo maviri (Allah) akatambanudzwa. Vanopa sekuda kwavo. Zvirokwazvo, mashoko akadzikiswa kwauri kubva kuna Tenzi vako anowedzera kurasika nekusatenda mune vakawanda kubva mavari. Takave tinogadzika kusawirirana uye ruvengo pakati pavo kusvika zuva rekumutswa. Pose pavanoda kuronga hondo, Allah vanorongonora pfungwa idzi; uye vanoramba vachida kuva honzeri munyika. Uye Allah havadi honzeri

Verse 65 — Surah Al-Maidah 5:65

Uye dai vanhu veGwaro (maJudha nemaKristu) vakatenda (muna Muhammad (SAW)), uye vakasiya kuita zvakaipa uye vakaita vanhu vatsvene, zvirokwazvo taivaregerera zvitadzo zvavo uye tovapinza mumapindu erugare (muParadhiso)

Verse 66 — Surah Al-Maidah 5:66

Uye dai vakatevedzera zvinoenderana neTorah (Taurah), Injeel (Vhangeri), neizvo zvave zvinotumirwa kwavari kubva kuna Tenzi vavo (Qur’aan), zvirokwazvo vaiwana kudya kubva kumusoro kwavo uye nepasi pemakumbo avo. Kubva mavari mune vamwe vanhu vari munzira yechokwadi (vanotevedzera zvakadzikiswa uye vanotenda muna Muhammad (SAW) sa Abdullah ibn Salaam), asi vazhinji vavo vanoita mabasa akashata

Verse 67 — Surah Al-Maidah 5:67

Iwe mutumwa (Muhammad (SAW))! Svitsa shoko ratumirwa kwauri kubva kuna Tenzi vako. Uye kana ukasadaro, unenge usina kusvitsa shoko ravo (Allah). Uye Allah vachakuchengetedza kubva kuvanhu vese. Zvirokwazvo, Allah havatungamiri vanhu vasingatendi

Verse 68 — Surah Al-Maidah 5:68

Iti (Muhammad (SAW)): “Imi vanhu veGwaro (maJudha nemaKristu)! Hapana chamuinacho (pakutungamirwa mugwara) kusvika matevedzera zviri muTorah neInjeel (Vhangeri), neizvo zvave zvinodzikiswa pasi kwamuri kubva kuna Tenzi venyu (Qur’aan).” Zvirokwazvo, izvo zvave zvinodzikiswa kwauri (Muhammad (SAW)) kubva kuna Tenzi vako zvinowedzera mavari kupanduka nekusatenda. Saka usave unonzwira tsitsi vanhu vasingatendi

Verse 69 — Surah Al-Maidah 5:69

Zvirokwazvo, avo vanotenda (muhumwechete hwaAllah, mumutumwa wavo Muhammad (SAW) nezvose zvakave zvinodzikiswa kwaari kubva kuna Allah), neavo maJudha, maSabian nemaKristu, uyo anotenda muna Allah nezuva rekupedzisira, uye oshanda muhuchokwadi, kwavari kuchave kusina kutya kana kusuwa

Verse 70 — Surah Al-Maidah 5:70

Zvirokwazvo, takatora chibvumirano chevana vaIzirairi uye tikatumira vatumwa kwavari. Pose paiuya mutumwa kwavari neizvo vaisada, chikwata kubva kwavari chaivashevedza kuti vanyepi, uye vamwe vaiuraya

Verse 71 — Surah Al-Maidah 5:71

Uye vaifunga kuti kuchave kusina muedzo, saka vakabva vaita mapofu nematsi; mushure mezvo Allah vakavaregerera; asi zvekare vazhinji vavo vakava mapofu uye matsi. Uye Allah vanoona zvose zvavanoita

Verse 72 — Surah Al-Maidah 5:72

Zvirokwazvo, havatendi avo vanoti: “Allah ndiMessiah (Jesu) mwana waMariya.” Asi Messiah (Jesu) akati: “Imi vana vaIzirairi! Namatai Allah, Tenzi vangu uye Tenzi venyu.” Zvirokwazvo, uyo anobatanidza Allah nezvimwe zvinhu mukuvanamata, zvirokwazvo Allah vanomurambidza Paradhiso, uye moto uchave nzvimbo yake yokugara. Uye vanoita zvakaipa vachave vasina vabatsiri

Verse 73 — Surah Al-Maidah 5:73

Zvirokwazvo, avo vasingatendi ndeavo vanoti: “Allah ndeumwe wevatatu (mwari baba, mwari mwanakomana, uye mwari mweya mutsvene).” Asi hakuna mumwe mwari (anekodzero yokunamatwa) kunze kwaMwari mumwechete (Allah). Uye vakasasiya izvo zvavanotaura, zvirokwazvo, marwadzo makuru achavawana avo vasingatendi mukati mavo

Verse 74 — Surah Al-Maidah 5:74

Hazvigoni here kuti vatendeuke kuna Allah vachikumbira ruregerero rwavo? Uye Allah vanoregerera zvikuru, vane tsitsi zhinji

Verse 75 — Surah Al-Maidah 5:75

Messiah (Jesu) mwana waMariya, akange asiri chimwe chinhu kunze kwemutumwa; uye vatumwa vazhinji vakadarika mushure make. Mai vake (Mariya) vainge vari munhu hwechokwadi (vaitenda mumashoko aAllah nemumaGwaro avo). Vose vaidya chikafu (semadyiro anoita vamwe vanhu, asi Allah havadyi chikafu). Tarisai nzira yatinovatsanangurira nayo mirairo yedu; asi tarisai kuti vanorasika sei kubva muchokwadi

Verse 76 — Surah Al-Maidah 5:76

Iti (Muhammad (SAW) kuvanhu): “Munonamata sei izvo zvisiri Allah izvo zvisina simba rekukuvadzai kana kukubetserai? Asi Allah ndivo munzwi wezvose, muzivi wezvose.”

Verse 77 — Surah Al-Maidah 5:77

Iti (Muhammad (SAW)): “Imi vanhu veGwaro (maJudha nemaKristu)! Musave munoraudzira mwero yechitendero chenyu (muchitenda mune zvimwe) kunze kwechokwadi, uye musave munotevedzera zvido zveavo vakarasika mushure, uye vakaita kuti vakawanda vave vanorasika, uye vakarasika (pachavo) kubva munzira yakanaka.”

Verse 78 — Surah Al-Maidah 5:78

Avo kubva muvana vaIzirairi vakanga vasingatendi, vakave vanorengerwa kuburikidza nerurimi rwaDawood (Dhavhidha) pamwe naJesu mwana waMariya. Nekuda kwekuti vakaramba kuteerera (Allah nevatumwa) uye vaive vachipfuurikidza mwero

Verse 79 — Surah Al-Maidah 5:79

Vakanga vasingarambidzani zvakaipa zvavaiita. Zvirokwazvo, zvavaiita zvakaipa

Verse 80 — Surah Al-Maidah 5:80

Unoona vakawanda vavo vachitora vasingatendi sevabatsiri. Zvirokwazvo, uipi ndihwo hwavakatumidza pachavo kumberi kwavo; naizvozvo kutsamwa kwaAllah kwakavawira, uye mumarwadzo vachagara

Verse 81 — Surah Al-Maidah 5:81

Uye vangadai vakatenda muna Allah nemuporofita (Muhammad (SAW)) uye nezvakadzikiswa kwaari, vakanga vasingambotori vanhu vasingatendi sevabatsiri; asi vazhinji vavo havateereri

Verse 82 — Surah Al-Maidah 5:82

Zvirokwazvo, muchawana vanhu vanovenga vanotenda (maMuslim) zvakasimba vari maJudha neavo vanosanganisa zvimwe zvinamatwa naAllah; uye zvirokwazvo muchawana vanhu vari pedyo muushamwari nevanotenda (maMuslim) vari avo vanoti: “Tiri maKristu.” Nekuda kwekuti pakati pavo pane vafundisi nevadzidzi, uye havazvitutumadzi

Verse 83 — Surah Al-Maidah 5:83

Uye pavanoteerera (avo vanozviti maKristu) izvo zvatumirwa kumutumwa (Muhammad (SAW)), unoona maziso avo azere misodzi ichiyerera nemhaka yechokwadi chavanenge vaziva. Vanoti: “Tenzi vedu! Tinotenda; saka tinyorei pane avo vanopupura.”

Verse 84 — Surah Al-Maidah 5:84

“Ko nemhaka yei tisingatendi muna Allah uye neizvo zvauya kwatiri kubva muzvokwadi (chitendero cheIslaam)? Uye tinoshuvira kuti Tenzi vedu kuti vave vanotiendesawo (kuParadhiso pazuva rekumutswa) pamwe neavo vanoita mabasa akanaka (muporofita Muhammad (SAW) nevatevedzeri vake).”

Verse 85 — Surah Al-Maidah 5:85

Saka nekuda kwezvavakataura, Allah vakave vanovapa mubairo wemapindu (muParadhiso) ane nzizi dzinoyerera pasi pawo. Vachave vanogara imomo zvachose. Uye uhwu ndiwo mubairo weavo vanoita mabasa akanaka

Verse 86 — Surah Al-Maidah 5:86

Asi avo vasingatendi uye vakaramba zviratidzo zvedu, vachazove vagari vemumoto weGehena (Jahannam)

Verse 87 — Surah Al-Maidah 5:87

Imi vatendi! Musarambidze izvo zvakachena zvose izvo Allah vakave vanobvumidza kwamuri, uye musapfuurikidze mwero. Zvirokwazvo, Allah havafarire avo vanopfuudzira mwero

Verse 88 — Surah Al-Maidah 5:88

Uye idyai kubva pane izvo zvamapiwa naAllah, zvinobvumirwa uye zvakanaka. Uye ityai Allah avo vamunotenda mavari

Verse 89 — Surah Al-Maidah 5:89

Allah havave vanokupai mutongo pane zvamusina kuronga mukupika kwenyu, asi vachakupai mutongo pakupika maune kwenyu. Muripo wacho (kupika maune) kupa zvokudya kuvarombo gumi, zviri pakati nepakati nezvinoenderana nezvinodyiwa mumhuri dzenyu, kana kuvapa zvipfeko kana kusunungura muranda. Asi uyo asingakwanise (izvozvo) ngaatsanye kwemazuva matatu. Uyo ndiwo muripo wekupika kwenyu kana mapika. Chengetedzai kupika kwenyu (musapike zvakanyanya). Naizvozvo Allah vanojekesa kwamuri zviratidzo zvavo kuti zvimwe mungatende

Verse 90 — Surah Al-Maidah 5:90

Imi vanotenda! Zvinodhaka, kubheja, Al-Ansaab uye Al-Azlaam (kukanda hakata mukutsvaga rombo rakanaka kana kugadzira hurongwa) mabasa aSatani. Saka zvidzivirirei (zvisiyei) kuti muve makabudirira

Verse 91 — Surah Al-Maidah 5:91

Zvirokwazvo, Satani anoda kuisa umhandu nedaka pakati penyu kuburikidza nezvinodhaka nekubheja, uye kukudzorai mumashure kubva pakurangarira Allah uye As-Swalaah (munamato). Saka mucharega here nekuda kwenyu

Verse 92 — Surah Al-Maidah 5:92

Zvekare teererai Allah nemutumwa (Muhammad (SAW)), uye chenjerai (zvinodhaka, kubheja neAnsaab neAzlaaam) uye mova nekutya Allah. Asi mukadzokera kumashure, zivai zvirokwazvo kuti basa remutumwa wedu kuparidza nenzira yakajeka

Verse 93 — Surah Al-Maidah 5:93

Avo vanotenda nekuita mabasa akanaka, hapana chitadzo kwavari pane zvavakadya (zvakapfuura kumashure) kana vachitya Allah, uye vachitenda uye kuita mabasa akanaka nemazvo. Uye Allah vanoda avo vanoita mabasa akanaka

Verse 94 — Surah Al-Maidah 5:94

Imi vanotenda! Zvirokwazvo, Allah vachakuedzai nechimwe chinhu kubva kumhuka idzo dzamunobata kana kuuraya nemaoko enyu nemapfumo enyu, kuti Allah vaedze kuti ndiani anovatya vasingaoneki. Zvadaro uyo anenge apfurikidza mwero pamberi pezvo, achawana murango unorwadza

Verse 95 — Surah Al-Maidah 5:95

Imi vanotenda! Musava munouraya mhuka dzemusango muri muIhraam (yeHajj kana Umrah); uye uyo anenge aiuraya pakati penyu nemaune, muripo wacho mupiro unounzwa kuKa’bah uri wemhuka yakaenzana neya anenge auraya, semutongo unenge wapiwa nevarume vaviri vanovimbika pakati penyu; kana kuti semuripo, anofanirwa kupa chikafu kuvanhu varombo; kana muenzaniso wacho mukutsanya, kuitira kuti aravire hurume hwebasa rake. Allah varegerera zvakapfuura, asi uyo anozviitazve Allah vachatsiva kubva kwaari. Uye Allah ndivo mukuru-kuru, vanogona zvikuru kutsiva

Verse 96 — Surah Al-Maidah 5:96

Zvinobvumirwa kwamuri zvipuka zvemumvura uye kuzvishandisa sechikafu, sebatsiro kwamuri nekune avo vanofamba. Asi mhuka dzemusango dzinorambidzwa kwamuri kana muri muIhraaam (yeHajj kana Umrah). Uye ityai Allah avo kwavari muchaunganidzwa

Verse 97 — Surah Al-Maidah 5:97

Allah vakaita kuti Ka’bah, imba inoera, ive nzvimbo yerunyararo nebatsiro kuvanhu, uye vakaeresa mwedzi unoyera uye mhuka dzemipiro uye dzakaiswa michungiro (kana vanhu vakaisa michungiro pahuro dzavo kuti vazivikane senzira yekuzvichengetedza nayo), kuti muzive kuti Allah vane ruzivo rwezvose zviri kudenga nepasi. Uye kuti Allah ndivo muzivi wezvose

Verse 98 — Surah Al-Maidah 5:98

Zivai kuti Allah vakakasharara mushamhu yavo uye kuti Allah vanokasika kuregerera, vane tsitsi dzakanyanya

Verse 99 — Surah Al-Maidah 5:99

Basa remutumwa (Muhammad (SAW)) harisi chimwe chinhu asi kuparidza (mashoko edu). Uye Allah vanoziva zvese zvamunoburitsa nezvamunoviga

Verse 100 — Surah Al-Maidah 5:100

Iti (Muhammad (SAW)): “Hazvina kufanana zvakaipa nezvakachena chero zvazvo zvakaipa zvakawanda zvikakufadza.” Saka ityai Allah, imi vanhu vanonzwisisa kuti mugove munobudirira

Verse 101 — Surah Al-Maidah 5:101

Imi vanotenda! Musave munobvunza maererano nezvinhu zvokuti zvikave zvinojekeswa kwamuri, zvinova zvinokukanganisai. Asi mukabvunza nezvazvo Qur’aan richidzikiswa, zvichave zvinojekeswa kwamuri. Allah vakazviregerera, uye Allah vanokasika kuregerera, vane ngoni zhinji

Verse 102 — Surah Al-Maidah 5:102

Mumashure menyu, vamwe vanhu vakabvunza mibvunzo iyi, asi mune izvozvo vakapedzisira vasingatendi

Verse 103 — Surah Al-Maidah 5:103

Allah havana kusika Baheerah, kana Saaibah, kana Waseelah, kana Haam (mhuka dzaive dzapirwa kuzvidhori zvaiitwa nemaArabhu munguva yekurasika). Asi avo vasingatendi vanounza manyepo pamusoro paAllah, uye vakawanda vacho havana kunzwisisa

Verse 104 — Surah Al-Maidah 5:104

Uye pazvinonzi kwavari: “Huyai kune izvo Allah vakadzikisa uye kuna mutumwa (Muhammad (SAW) kuti vakupei mutemo hwezvamunorambidza).” Vanoti: “Zvakatikwanira isu izvo zvatakawana madzitateguru edu achitevedzera,” chero zvazvo madzitateguru avo aiva asina ruzivo uye gwara

Verse 105 — Surah Al-Maidah 5:105

Imi vanotenda! Ivai munozvichengetedza. Mukatevedzera gwara (rakanaka), hapana chakaipa chinouya kwamuri kubva kune avo vakarasika. Kudzokera kwose kwenyu kuri kuna Allah, uye vachakuudzai maererano nezvose zvamaiita

Verse 106 — Surah Al-Maidah 5:106

Imi vanotenda! Kana rufu rwasvikira mumwe wenyu, uye achinyora Wiri, (Saka) ngaatore umboo wevarume vaviri vanovimbika kubva kwamuri kana vaviri vekunze, kana muchifamba munyika uye rufu rova runokusvikirai. Movabata (uye movasimudza) vose mushure memunamato (Swalaah), (uye) kana mune rupokano (muchokwadi chavo), itai kuti vose vapike naAllah (vachiti): “Hatishuviri mubairo wepano panyika mune izvi, chero zvazvo iye (mubatsirikani) angave hama yedu. Hativigi huchapupu hwaAllah, nekuti tikadaro zvirokwazvo tinenge tiri vatadzi.”

Verse 107 — Surah Al-Maidah 5:107

Kana zvikazivikanwa kuti vaviri ava vainyepa, rega pave nevamwe vaviri vanopinda panzvimbo yavo, hama iri pedyo kubva kune avo vane kodzero. Ngavave vanopika naAllah (vachiti): “Tinotsinhira kuti huchapupu hwedu uzere kudarika vamwe vaviri ava, uye hatina kupfuurikidza (chokwadi). Zvirokwazvo kana tikadaro tinenge tiri vamwe vevatadzi.”

Verse 108 — Surah Al-Maidah 5:108

Izvo zvinounza pedyo kuti huchapupu hwavo huve muhuchokwadi, kana kuti vachatya kuti humboo hwavo hwaizotambirwa mushure mehwavo. Uye ityai Allah uye moteerera (mukutenda muna Allah). Uye Allah havatungamiri vanhu vasingateereri

Verse 109 — Surah Al-Maidah 5:109

Pazuva iro Allah vachaunganidza vatumwa vose pamwe chete voti kwavari: “Ko mhinduro yamakawana (kubva kuvanhu) ndeipi?” Ivo vachataura kuti: “Isu hatina ruzivo, zvirokwazvo imi chete ndimi munoziva zvakavandika.”

Verse 110 — Surah Al-Maidah 5:110

(Rangarirai) Apo Allah vachave vanoti (Pazuva rekumutswa): “Iwe Jesu, mwana waMariya! Rangarira chipo changu kwauri zvekare nekuna amai vako apo ndakave ndinokubatsira nemweya mutsvene (Jibreel – Gabriel (AS)) kuti uve unotaura nevanhu muhudiki wako uye muhukuru wako; uye apo takakudzidzisa kunyora, hungwaru (simba rekuti unzwisise), Torah neInjeel (Vhangeri); uye apo pawaigadzira kubva muvhu chisikwa chakafanana neshiri nekuda kwangu, uye ukave unochifuridzira mweya machiri, chikave shiri nekuda kwangu, uye ukarapa avo vakanga vasingaone, neavo vaiva nemaperembudzi nekuda kwangu, uye ukave unomutsa vafi nekuda kwangu; uye ndikave ndinokudzivirira kubva kuvana vaIzirairi apo vaida kukuuraya nekuda kwekuti wakanga wavaunzira umboo huri pachena, uye vasingatendi kubva mazviri vakati: “Hapana nezviripo kusara kwemapipi ari pachena.”

Verse 111 — Surah Al-Maidah 5:111

Uye apo ndakadzikinura (ini Allah) kuvadzidzi (vaJesu) kutenda mandiri uye nemutumwa wangu, vakati: “Tinotenda. Uye iva chapupu kuti tiri maMuslim (Vanozipira kuteerera Allah).”

Verse 112 — Surah Al-Maidah 5:112

(Rangarira) apo vadzidzi vakati: “Iwe Jesu mwana waMariya! Tenzi vako vanokwanisa here kutidzikisira tafura izere nechikafu kubva kumatenga?” (Jesu) akapindura akati: “Ityai Allah, kana zvirokwazvo muri vatendi vechokwadi.”

Verse 113 — Surah Al-Maidah 5:113

Vakati: “Tinoshuvira kudya kubva kwairi zvekare nekugutsa moyo yedu (kuti ive yakasimba pakutenda). Uye tibve taziva kuti watiudza chokwadi, uye tinobva tave pamusoro pavo vapupuri pachedu.”

Verse 114 — Surah Al-Maidah 5:114

Jesu, mwana waMariya akabva ati: “Imi Allah, Tenzi vedu! Tumirai kubva kumatenga tafura izere nechikafu, kuti ive memberero kune wekutanga newekupedzisira kwatiri uye mucherechedzo kubva kwamuri. Uye tipeiwo zvekudya, uye ndimi mupi (wezvekudya) mukuru.”

Verse 115 — Surah Al-Maidah 5:115

Allah vakati: “Ndichave ndinoitumira (tafura) kwamuri, asi kune uyo acharamba kutenda mushure mezvo, ndichave ndinomuranga nemutongo uyo usina kana ani zvake wandakambotongera kubva kuvanhu namaJinn.”

Verse 116 — Surah Al-Maidah 5:116

Uye (rangarirai) apo Allah vachati (pazuva rekumutswa): “Iwe Jesu, mwana waMariya! Ndiwe here wakati kuvanhu: “Namatai ini naamai vangu savana mwari vaviri kusiya Allah?” Achave anopindura achiti: “Rukudzo rwose ngaruve kwamuri! Handina kutaura izvo zvandisina kodzero (yekuzvitaura). Dai ndakataura zvakadaro, zvechokwadi mungadai makazviziva. Munoziva zviri mandiri kunyangwe ndisingazivi zviri mamuri. Muzvokwadi, ndimi chete munoziva zvose zvakavandika.”

Verse 117 — Surah Al-Maidah 5:117

“Handina kuve ndinovaudza kusara kweizvo imi (Allah) makave munondikomekedza kuti ndive ndiovaudza kuti: ‘Namatai Allah, Tenzi vangu uye Tenzi venyu.’ Uye ndakanga ndiri mupupuri kwavari apo pandange ndiri mavari. Asi pamakandisumudza, ndimi chete maiona zvose kubva mavari. Uye munoona zvose (muri mupupuri wezvose).” (Iyi iyambiro huru kumaKristu ese epasi rose)

Verse 118 — Surah Al-Maidah 5:118

“Kana mukavatongera marwadzo, zvirokwazvo varanda venyu; uye mukavaregerera, zvirokwazvo, ndimi chete mune masimba ose uye nehungwaru hwose.”

Verse 119 — Surah Al-Maidah 5:119

Allah vachati: “Iri ndiro zuva rekuti vari muchokwadi vachave nekubatsirikana kubva muchokwadi chavo. Uye vachawana mapindu ane nzizi dzinoerera pasi pawo (Paradhiso). Vachave vanopindamo zvachose. Allah vachifadzwa navo, uye ivo vachifadzwa navo (Allah). Uku ndiko kubudirira kukuru (Paradhiso)

Verse 120 — Surah Al-Maidah 5:120

Allah ndivo muridzi hwematenga uye pasi rino, uye zvese zviri pakati pawo, uye vanokwanisa kuita zvinhu zvose