Back to Languages

Shona - Chapter 51 - Adh-Dhariyat

Translation by Abdullah J. M. Adini And Students — Permalink

Verse 1 — Surah Adh-Dhariyat 51:1

(Ndinopika) nemhepo inopfumbura huruva

Verse 2 — Surah Adh-Dhariyat 51:2

Uye (nemakore) anotakura mvura inorema

Verse 3 — Surah Adh-Dhariyat 51:3

Uye neizvo zvinofamba pamusoro pemvura (ngarava) zviri nyore uye zvakadzikama

Verse 4 — Surah Adh-Dhariyat 51:4

Uye neizvo (ngirozi) zvinopa (chikafu, mvura, nemamwe makomborero) nokuda kwaAllah

Verse 5 — Surah Adh-Dhariyat 51:5

Zvirokwazvo, izvo zvamunovimbiswa (kumutswa kubva kuvafi) ichokwadi

Verse 6 — Surah Adh-Dhariyat 51:6

Uye zvirokwazvo kupa mubairo kuchaiitika

Verse 7 — Surah Adh-Dhariyat 51:7

Ndinopika nedenga iro rakazara nenzira

Verse 8 — Surah Adh-Dhariyat 51:8

Zvirokwazvo, mune maonero akasiyana (maererano naMuhammad (SAW) neQur’aan

Verse 9 — Surah Adh-Dhariyat 51:9

Akapfuratira kubva kwariri (Qur’aan) ndeuyo anopfuratidzwa (neurongwa waAllah)

Verse 10 — Surah Adh-Dhariyat 51:10

Kushorwa ngakuve kune vanonyepa

Verse 11 — Surah Adh-Dhariyat 51:11

Avo vasina hanya nezvezuva rokutongwa

Verse 12 — Surah Adh-Dhariyat 51:12

Vanobvunza: “Zuva rekutongwa ririko rinhi?”

Verse 13 — Surah Adh-Dhariyat 51:13

(Richava) zuva ravacharangwa nemoto

Verse 14 — Surah Adh-Dhariyat 51:14

“Ravirai murango wenyu (kutswa nemoto)! Izvi ndizvo zvamaikumbira kuti zvikurumidze kuitwa!”

Verse 15 — Surah Adh-Dhariyat 51:15

Zvirokwazvo, vanotya (Allah) vachange vari mumapindu uye nezvitubu (muParadhiso)

Verse 16 — Surah Adh-Dhariyat 51:16

Vachinakirwa nezvinhu zvavanenge vapiwa naTenzi vavo. Zvirokwazvo, vakanga vari vaiti vemabasa akanaka mushure

Verse 17 — Surah Adh-Dhariyat 51:17

Vairara nguva shoma usiku (vachinamata)

Verse 18 — Surah Adh-Dhariyat 51:18

Uye vaikumbira ruregerero mangwanani kusati kwachena

Verse 19 — Surah Adh-Dhariyat 51:19

Uye paupfumi hwavo pakanga paine kodzero dzeavo vanokumbira neavo vanotambura asi vasingakumbiri

Verse 20 — Surah Adh-Dhariyat 51:20

Uye panyika kune zviratidzo kune avo vanotenda uye vari pachokwadi

Verse 21 — Surah Adh-Dhariyat 51:21

Uye mukati menyu. Hamuoni here

Verse 22 — Surah Adh-Dhariyat 51:22

Uye kumatenga ndiko kune raramo yenyu, uye izvo zvamakavimbiswa

Verse 23 — Surah Adh-Dhariyat 51:23

Naizvozvo ndinopika naTenzi vematenga nenyika, zvirokwazvo ichokwadi (zvamakavimbiswa) sokunge huchokwadi wekuti munotaura

Verse 24 — Surah Adh-Dhariyat 51:24

Ko haina here kusvika kwamuri nyaya yevaenzi vaAbrahamu vanoremekedzeka (Gabriel nedzimwe ngirozi mbiri)

Verse 25 — Surah Adh-Dhariyat 51:25

Apo vakapinda kwaari vakati: “Rugare!” Iye akati: “Rugare!” Akati: “Muri vanhu vandisingazivi.”

Verse 26 — Surah Adh-Dhariyat 51:26

Naizvozvo akaenda kumhuri yake, uye ndokubva auya nekamhuru kakakangiwa (hupfumi waAbrahamu wakawanda wange uri wemombe)

Verse 27 — Surah Adh-Dhariyat 51:27

Akabva akaisa pamberi pavo (achiti): “Hamungadyi here?”

Verse 28 — Surah Adh-Dhariyat 51:28

Naizvozvo akataridza kuvatya (apo pavasina kudya). Vakati: “Usatya.” Ndokubva vamupa mashoko akanaka emwanakomana ane ruzivo (rweIslaam)

Verse 29 — Surah Adh-Dhariyat 51:29

Zvino mukadzi wake akauya padyo neizwi riri pamusoro, akazvirova kumeso kwake ndokubva ati: “Mukadzi mukuru asingabereki!”

Verse 30 — Surah Adh-Dhariyat 51:30

Ivo ndokuti: “Ndizvo zvataurwa naTenzi vako. Zvirokwazvo, vane hungwaru hwese, vanoziva zvese.”

Verse 31 — Surah Adh-Dhariyat 51:31

(Abrahamu) akati: “Saka mavingei nhai vatumwa?”

Verse 32 — Surah Adh-Dhariyat 51:32

Vakati: “Zvirokwazvo, tiri vatumwa kune avo vanhu vanotadza.”

Verse 33 — Surah Adh-Dhariyat 51:33

“Kuti titumire kwavari matombo evhu rakatsva.”

Verse 34 — Surah Adh-Dhariyat 51:34

“Akatarwa naTenzi vako kune avo vatadzi.”

Verse 35 — Surah Adh-Dhariyat 51:35

Naizvozvo takaburitsa vatendi mairi

Verse 36 — Surah Adh-Dhariyat 51:36

Nokudaro hatina kuwana imba yemutendi (Muslim) imomo kunze kweimwechete (Loti nevanasikana vake vaviri)

Verse 37 — Surah Adh-Dhariyat 51:37

Uye takasiya chiratidzo imomo (Dead Sea ku Palestine) kune avo vanotya murango unorwadza

Verse 38 — Surah Adh-Dhariyat 51:38

Uye muna Musa zvakare (mune chiratidzo), apo takamutuma kuna Farawo nehumboo uri pachena

Verse 39 — Surah Adh-Dhariyat 51:39

Asi (Farawo) pamwe nevatsigiri vake vakafuratira, uye akati: “Munhu anoita masaramusi kana kuti anopenga.”

Verse 40 — Surah Adh-Dhariyat 51:40

Naizvozvo takamutora iye nemauto ake, uye tikavanyudza mugungwa, nokuda kwekuti ndiye akanga aine mhosva

Verse 41 — Surah Adh-Dhariyat 51:41

Uye kumaAad (kune chiratidzo), apo takatumira kwavari mhepo inoparadza

Verse 42 — Surah Adh-Dhariyat 51:42

Haina kusiya kana chii zvacho chayakasvikira, asi kuti yakasiya yaita marara

Verse 43 — Surah Adh-Dhariyat 51:43

Uye kuma Thamood (kune chiratidzo), apo zvakanzi kwavari: “Nakirwai kwekanguvana!”

Verse 44 — Surah Adh-Dhariyat 51:44

Asi havana kuteerera mirairo yaTenzi vavo vakazvikudza, ndokubva varohwa nemheni apo vakatarisa

Verse 45 — Surah Adh-Dhariyat 51:45

Zvino vakanga vasingachakwanisi kusimuka, kana kukwanisa kuzvibetsera

Verse 46 — Surah Adh-Dhariyat 51:46

Uye vanhu vaNowa mushure. Zvirokwazvo, vaive vanhu vasinganzwisisi (vasingateereri Allah)

Verse 47 — Surah Adh-Dhariyat 51:47

Uye matenga takaagadzira nesimba. Uye zvirokwazvo tinokwanisa kuwawedzera

Verse 48 — Surah Adh-Dhariyat 51:48

Uye nyika takaiparadzira, (uye) tiri nyanzvi dzakadii pakuparadzira zvakanaka

Verse 49 — Surah Adh-Dhariyat 51:49

Uye pazvinhu zvose takasika zviviri zviviri kuitira kuti mugorangarira (makomborero aAllah)

Verse 50 — Surah Adh-Dhariyat 51:50

Naizvozvo chimhanyirai kuna Allah (Islaam). Zvirokwazvo, ini (Muhammad (SAW)) ndiri muyambiri ari pachena kwamuri kubva kwavari

Verse 51 — Surah Adh-Dhariyat 51:51

Uye musatora chimwe chinamatwa pamwechete naAllah. Zvirokwazvo, ini (Muhammad (SAW)) ndiri muyambiri ari pachena kwamuri kubva kwavari

Verse 52 — Surah Adh-Dhariyat 51:52

Saizvozvo, hakuna mutumwa akauya kune avo mushure mavo kunze kwekuti vakati: “In’anga kana kuti anopenga!”

Verse 53 — Surah Adh-Dhariyat 51:53

(Vanhu vekare) Vakavasiira here mashoko aya (maQuraish)? Kana kuti ivo vanhu vanotsaudzira mirairo

Verse 54 — Surah Adh-Dhariyat 51:54

Zvino enda (Muhammad (SAW)) kure navo (vasingatendi), naizvozvo iwe hauna mhaka (nokuti wasvitsa shoko raAllah)

Verse 55 — Surah Adh-Dhariyat 51:55

Uye chiyeuchidza (Muhammad (SAW)), nokuti zvirokwazvo yeuchidzo inobetsera vanotenda

Verse 56 — Surah Adh-Dhariyat 51:56

Uye handina (ini Allah) kusika maJinn nevanhu asi kuti vandinamate

Verse 57 — Surah Adh-Dhariyat 51:57

Handidi raramo kubva kwavari, uye handidi kana kuti vandipe chikafu

Verse 58 — Surah Adh-Dhariyat 51:58

Zvirokwazvo, Allah ndivo muridzi wechengeto, muridzi wemasimba, vakasimba chaizvo

Verse 59 — Surah Adh-Dhariyat 51:59

Naizvozvo, zvirokwazvo kune avo vatadzi pane chidimbu chemurango wakafanana newevamwe vavo (mushure). Zvino ngavarege kundimhanyira mberi

Verse 60 — Surah Adh-Dhariyat 51:60

Naizvozvo, matambudziko kune avo vasingatendi (muhumwechete hwaAllah) kubva pazuva ravo ravakavimbiswa