Back to Languages

Shona - Chapter 53 - An-Najm

Translation by Abdullah J. M. Adini And Students — Permalink

Verse 1 — Surah An-Najm 53:1

Ndinopika nenyeredzi apo inoenda pasi

Verse 2 — Surah An-Najm 53:2

Umwe wenyu (Muhammad (SAW)) haana kurasika kana kukanganisa

Verse 3 — Surah An-Najm 53:3

Uye haangotauri zvaanoda pachake

Verse 4 — Surah An-Najm 53:4

Anongori mashoko anodzikiswa kubva kudenga

Verse 5 — Surah An-Najm 53:5

Akadzidziswa (Qur’aan) neuyo ane masimba makuru (Gabriel)

Verse 6 — Surah An-Najm 53:6

Uyo asina hurema pamuviri nepapfungwa dzake, uye akakwidza (Gabriel) akadzikama

Verse 7 — Surah An-Najm 53:7

Apo iye (Gabriel) paakanga ari pamusoro-soro pekupedzisira

Verse 8 — Surah An-Najm 53:8

Ndokubva iye (Gabriel) aswedera ndokuuya padyo

Verse 9 — Surah An-Najm 53:9

Uye akanga ari padyo seuta miviri kana kuti padyo

Verse 10 — Surah An-Najm 53:10

Ndokubva (Allah) vadzikisa kumuranda wavo (Muhammad (SAW) kuburikidza naGabriel) zvavaida kudzikisa

Verse 11 — Surah An-Najm 53:11

Moyo hauna kunyepa pane zvaakaona (Muhammad (SAW)

Verse 12 — Surah An-Najm 53:12

Munomupikisa here (Muhammad (SAW)) pane izvo zvaakaona (parwendo rwake rwekudenga, Mi’raaj)

Verse 13 — Surah An-Najm 53:13

Uye zvirokwazvo (Muhammad (SAW)) akamuona (Gabriel) kechipiri

Verse 14 — Surah An-Najm 53:14

Padyo neSidratul Muntaha (muti weLoti uri pamuganhu redenga rekupedzisira uyo usina mupfuuri)

Verse 15 — Surah An-Najm 53:15

Padyo nawo pane nzvimbo yekugara yeParadhiso

Verse 16 — Surah An-Najm 53:16

Apo muti weLoti wakavharwa nezvakauvhara (Chiedza chaAllah uye nengirozi uye nemavara akasiyana siyana)

Verse 17 — Surah An-Najm 53:17

Maziso ake (Muhammad (SAW)) haana kutarisa mativi kana kukanganisa

Verse 18 — Surah An-Najm 53:18

Zvirokwazvo, (Muhammad (SAW)) akaona zviratidzo zvaTenzi vake zvihombe

Verse 19 — Surah An-Najm 53:19

Murikuona here Laat naUzza (zvidhori zviviri zvemaArabhu zvavainamata)

Verse 20 — Surah An-Najm 53:20

Uye naManaat (chimwe chidhori chemaArabhu chavainamata) wechitatu

Verse 21 — Surah An-Najm 53:21

Ndizvo here kuti imi mune varume ivo (Allah) vane vakadzi

Verse 22 — Surah An-Najm 53:22

Zvirokwazvo, ikoko ndiko kugovanisa kwakaipa

Verse 23 — Surah An-Najm 53:23

Anongori mazita chete amakatumidza imi nemadzibaba enyu, izvo Allah havana kudzikisa mvumo yazvo. Vanongotevedzera kufungidzira chete neizvo zvinoda moyo yavo, asi zvirokwazvo nungamiro yauya kwavari kubva kuna Tenzi vavo

Verse 24 — Surah An-Najm 53:24

Kana kuti munhu achawana zvaanoda

Verse 25 — Surah An-Najm 53:25

Asi Allah ndivo muridzi wenyika yekupedzisira (hupenyu hwemangwana) uye wenyika yekutanga (pasi rino)

Verse 26 — Surah An-Najm 53:26

Uye ngirozi ngani dziri kumatenga idzo kureverera kwadzo hakuzombobetseri kana chimwechete, kunze kwekuti mushure mokunge Allah vabvumidza uyo wavanenge vada uye kufadzwa naye

Verse 27 — Surah An-Najm 53:27

Zvirokwazvo, avo vasingatendi muzuva rekupedzisira vanotumidza ngirozi nemazita echikadzi

Verse 28 — Surah An-Najm 53:28

Asi havana ruzivo nazvo. Asi vanongotevera kufungidzira. Uye zvirokwazvo kufungidzira hakungatori nzvimbo yechokwadi

Verse 29 — Surah An-Najm 53:29

Naizvozvo siyana (Muhammad (SAW)) neuyo anofuratira yeuchidzo yedu (Qur’aan) uye hapana chaanoda kunze hwehupenyu hwepanyika

Verse 30 — Surah An-Najm 53:30

Ndipo pavanosvika neruzivo rwavo. Zvirokwazvo, Tenzi vako ndivo vanoziva uyo anorasika kubva munzira yavo, uye vanoziva uyo ane kutungamirirwa

Verse 31 — Surah An-Najm 53:31

Uye kuna Allah ndiko kune zviri kumatenga nepanyika, kuti vagopa mugove kune avo vanoita zvakashata neizvo zvavakaita, uye kupa mugove wakanaka kune avo vanoita zvakanaka

Verse 32 — Surah An-Najm 53:32

Avo vanosiya zvitadzo zvihombe neFawaahish (zvitadzo nebonde risiri pamutemo) kusara kwezvidiki, zvirokwazvo, Tenzi vako vane kuregerera kukuru. Vanokuzivai chaizvo apo vakakusikai kubva muivhu, uye pamakanga muri mudumbu mavanaamai venyu. Naizvozvo musazvichenure. Vanoziva chaizvo uyo anotya (Allah)

Verse 33 — Surah An-Najm 53:33

Wakamuona here (Muhammad (SAW)) uyo anofuratira (Islaam)

Verse 34 — Surah An-Najm 53:34

Uye akapa zvishoma ndokubva arega (kupa)

Verse 35 — Surah An-Najm 53:35

Ane ruzivo here rwezvisingaonekwi kuti anoona

Verse 36 — Surah An-Najm 53:36

Kana kuti haana kuziviswa nezviri mubhuku raMusa

Verse 37 — Surah An-Najm 53:37

Uye neraAbrahamu uyo akazadzikisa zvose (zvaakatumwa)

Verse 38 — Surah An-Najm 53:38

Kuti hakuna munhu ane musengwa wake (zvitadzo) achatakura musengwa wemumwe munhu

Verse 39 — Surah An-Najm 53:39

Uyezve kuti munhu hapana chaachawana kunze kwezvaanoita

Verse 40 — Surah An-Najm 53:40

Uye kuti mabasa ake achaonekwa

Verse 41 — Surah An-Najm 53:41

Uyezve kuti achapiwa mubairo wakafanira wakakwana

Verse 42 — Surah An-Najm 53:42

Uye kuti kuna Tenzi vako ndiko kune magumo

Verse 43 — Surah An-Najm 53:43

Uye ndivo vanoita kuti (munhu) aseke uye kuchema

Verse 44 — Surah An-Najm 53:44

Uye kuti ndivo vanokonzera rufu uye neupenyu

Verse 45 — Surah An-Najm 53:45

Uye kuti vanosika mapoka maviri, varume nevakadzi

Verse 46 — Surah An-Najm 53:46

Kubva muNutfah (mbeu yemukadzi nemurume) painobuditswa

Verse 47 — Surah An-Najm 53:47

Uye kuti Allah ndivo vachamutsa zvakare (vafi)

Verse 48 — Surah An-Najm 53:48

Uye kuti ndivo vanopa hupfumi hwakawanda uye nehushoma

Verse 49 — Surah An-Najm 53:49

Uye kuti Allah ndivo muridzi weAsh-shi’raa (nyenyedzi yainamatwa nemaArabhu)

Verse 50 — Surah An-Najm 53:50

Uye kuti ndivo (Allah) vakaparadza vanhu vekutanga vemhuri yaAad

Verse 51 — Surah An-Najm 53:51

Uye maThamood, havana kusiya kana umwechete wavo

Verse 52 — Surah An-Najm 53:52

Uye nevanhu vaNowa mushure. Zvirokwazvo, vakanga vari vatadzi zvakanyanya vasinganzwi

Verse 53 — Surah An-Najm 53:53

Uye (Allah) vakaparadza maguta akarasirwa (eSodom uko kwakatumwa Loti)

Verse 54 — Surah An-Najm 53:54

Naizvozvo vakavharwa neizvo zvakavavhara (chirango nematombo)

Verse 55 — Surah An-Najm 53:55

Zvino ndeapi makomborero aTenzi venyu (imi vanhu) amusingagutsikani nawo

Verse 56 — Surah An-Najm 53:56

Uyu (Muhammad (SAW)) muyambiri wevayambiri venguva yekutanga (kare)

Verse 57 — Surah An-Najm 53:57

Zuva rekutongwa raswedera padyo

Verse 58 — Surah An-Najm 53:58

Hakuna mumwe kunze kwaAllah anogona kuridzosa (shure kana mberi)

Verse 59 — Surah An-Najm 53:59

Murikushamiswa here nemashoko aya (Qur’aan)

Verse 60 — Surah An-Najm 53:60

Uye muchiwaseka musingachemi

Verse 61 — Surah An-Najm 53:61

Apo muchitambisa nguva yenyu (nemafaro)

Verse 62 — Surah An-Najm 53:62

Naizvozvo pfugamirai Allah uye munamatei (ari ega)