Back to Languages

Shona - Chapter 54 - Al-Qamar

Translation by Abdullah J. M. Adini And Students — Permalink

Verse 1 — Surah Al-Qamar 54:1

Nguva yaswedera, uye mwedzi wapatsanurwa (Vanhu vakakumbira chiratidzo kunaMuhammad (SAW), uye akavaratidza kupatsanurwa kwemwedzi

Verse 2 — Surah Al-Qamar 54:2

Uye kana vakaona humboo vanofuratira, vachiti: “Aya ndivo mapipi asingaperi.”

Verse 3 — Surah Al-Qamar 54:3

Uye vakaramba (Qur’aan) ndokutevera zvido zvavo. Uye zvinhu zvose zvichagadziriswa (zvichifambirana nemabasa, vaiti vemabasa akanaka vachaenda kuParadhiso, uye vaiti vemabasa akaipa vachaenda kuGehena)

Verse 4 — Surah Al-Qamar 54:4

Uye zvirokwazvo nhau dzakauya kwavari (muQur’aan) mune yambiro (inovarambidza zvakaipa)

Verse 5 — Surah Al-Qamar 54:5

Huchenjeri hwakakwana (iri Qur’aan), asi kuparidza kwevayambiri hakuvabatsiri

Verse 6 — Surah Al-Qamar 54:6

Naizvozvo iwe (Muhammad (SAW)) vasiye. Zuva iro mudaidzi achavadaidzira kune chinhu chinotyisa chaizvo

Verse 7 — Surah Al-Qamar 54:7

Vachabuda mumakuva avo maziso aine kuzvininipisa sokunge vari hwiza idzo dzakapararira

Verse 8 — Surah Al-Qamar 54:8

Vachimhanyira kune mudaidzi. Vasingatendi vachati: “Iri izuva rakaoma.”

Verse 9 — Surah Al-Qamar 54:9

Vanhu vaNowa mushure mavo vakaramba. Vakaramba muranda wedu, uye ndokuti: “Munhu anopenga!” Uye akatyityidzirwa

Verse 10 — Surah Al-Qamar 54:10

Zvino akadaidza Tenzi vake (achiti): “Ndakurirwa, naizvozvo ndibetserei!”

Verse 11 — Surah Al-Qamar 54:11

Naizvozvo takavhura mikova yekudenga nemvura yainaya chaizvo

Verse 12 — Surah Al-Qamar 54:12

Uye takaita kuti zvitubu zviyerere panyika. Naizvozvo mvura (yekudenga nepasi pano) yakasangana sekukomekedzwa kwakanga kwarongwa

Verse 13 — Surah Al-Qamar 54:13

Uye takamutakura mungarava yakagadzirwa nemapuranga nezvipikiri

Verse 14 — Surah Al-Qamar 54:14

Ichiyangarara iri pamusoro pemvura mumaziso edu (tichiona). Semubairo kune uyo akarambwa

Verse 15 — Surah Al-Qamar 54:15

Uye zvirokwazvo takaisiya sechiratidzo. Saka pane here angarangarira

Verse 16 — Surah Al-Qamar 54:16

Naizvozvo murango wangu nerangaridzo dzangu dzakanga dzakadii

Verse 17 — Surah Al-Qamar 54:17

Uye zvirokwazvo takaita kuti Qur’aan rive nyore kunzwisisa uye kurangarira. Pane here angarangarira

Verse 18 — Surah Al-Qamar 54:18

(Vanhu va) Aad vakaramba (mutumwa wavo Hud), zvino mutongo wangu nerangaridzo yangu yakanga yakadii

Verse 19 — Surah Al-Qamar 54:19

Zvirokwazvo, takatumira mhepo kwavari ine simba pazuva rakashata uye nematambudziko asingaperi

Verse 20 — Surah Al-Qamar 54:20

Ichiburitsa vanhu panze sokunge midzi yemadheti yakadzurwa

Verse 21 — Surah Al-Qamar 54:21

Zvino mutongo wangu nerangaridzo yangu yakanga iri sei

Verse 22 — Surah Al-Qamar 54:22

Uye zvirokwazvo Qur’aan takariita kuti rive nyore kunzwisisa uye kurangarira. Zvino pane here angarangarira

Verse 23 — Surah Al-Qamar 54:23

MaThamood (zvakare) vakaramba yambiro

Verse 24 — Surah Al-Qamar 54:24

Vakati: “Tingatevera murume mumwechete pakati pedu? Chokwadi, tinenge tatorasika kana kukanganisika (kana kupenga)!”

Verse 25 — Surah Al-Qamar 54:25

“Ndizvo here kuti yeuchidzo yakatumirwa kwaari iye chete (Swaalih (AS)) mukati medu? Asi iye munyepi akaipa!”

Verse 26 — Surah Al-Qamar 54:26

Mangwana vachaziva kuti ndiani anonyepa, akaipa

Verse 27 — Surah Al-Qamar 54:27

Zvirokwazvo, tirikutumira ngamera hadzi semuedzo kwavari. Saka vatarise (Swaalih (AS)), uye iva netariro

Verse 28 — Surah Al-Qamar 54:28

Uye vazivise kuti mvura inogovaniswa pakati pavo, kodzero dzeumwe neumwe dzichizadzikiswa

Verse 29 — Surah Al-Qamar 54:29

Asi vakadaidza umwe wavo akatora banga (bakatwa) ndokubva aiuraya (ngamera)

Verse 30 — Surah Al-Qamar 54:30

Saka mutongo wangu nerangaridzo yangu yakanga iri sei

Verse 31 — Surah Al-Qamar 54:31

Zvirokwazvo, takatumira kwavari Saihah imwe chete (murango weruzha rwakanyanya), uye vakabva vaita sokunge mashanga emafuro akaoma

Verse 32 — Surah Al-Qamar 54:32

Uye zvirokwazvo takaita kuti Qur’aan rive nyore kunzwisisa uye kurangarira, zvino pane here angakwanisa kurangarira

Verse 33 — Surah Al-Qamar 54:33

Vanhu vaLoti vakaramba yambiro

Verse 34 — Surah Al-Qamar 54:34

Zvirokwazvo, takavatumira mhepo yematombo (yakavaparadza vese) kusara kwemhuri yaLoti. Takavabetsera munguva yokupedzisira yemanheru

Verse 35 — Surah Al-Qamar 54:35

Sechipo kubva kwatiri. Ndiwo mapiro atinoita mubairo kune uyo anopa kutenda

Verse 36 — Surah Al-Qamar 54:36

Uye zvirokwazvo iye (Loti) akavayambira maererano nemutongo wedu, asi vakataridza kusagutsikana neyambiro

Verse 37 — Surah Al-Qamar 54:37

Uye zvirokwazvo vaida kunyadzisa vaenzi vake (nekuita hungochani navo). Naizvozvo takavhara maziso avo (tichiti): “Ravirai murango wangu neyambiro yangu.”

Verse 38 — Surah Al-Qamar 54:38

Uye zvirokwazvo murango wakafanira wakavasvikira rungwanani

Verse 39 — Surah Al-Qamar 54:39

“Naizvozvo ravirai mutongo wangu neyambiro yangu.”

Verse 40 — Surah Al-Qamar 54:40

Uye zvirokwazvo takaita kuti Qur’aan rive nyore kunzwisisa nekurangarira; zvino pane here umwe angarangarira

Verse 41 — Surah Al-Qamar 54:41

Uye zvirokwazvo yambiro yakauya kune vanhu vaFarawo (kuburikidza naMusa naAroni)

Verse 42 — Surah Al-Qamar 54:42

Vakaramba humboo hwedu hwese, naizvozvo takavaparadza kuparadza kwemukuru anemasimba, uye anokwanisa kuita zvose

Verse 43 — Surah Al-Qamar 54:43

Vari nani here avo venyu vasingatendi (imi maQuraish) pane avo (vari mushure mavo, vanhu vaNowa, Loti, Swaalih, naFarawo avo vakaparadzwa)? Kana kuti imi mune rusununguko rwakanyorwa (kuti hamuzowani chirango) mumabhuku

Verse 44 — Surah Al-Qamar 54:44

Kana kuti vanoti: “Tiri vakundi vakawanda?”

Verse 45 — Surah Al-Qamar 54:45

Kuwanda kwavo kuchakurirwa uye vachafuratira vachitiza

Verse 46 — Surah Al-Qamar 54:46

Asi (Kumutswa) inguva yakatarwa kwavari, uye inguva ichange ichityisa zvikuru uye ichirwadza

Verse 47 — Surah Al-Qamar 54:47

Zvirokwazvo, vatadzi vakarasika uye vachatsva (mumoto weGehena)

Verse 48 — Surah Al-Qamar 54:48

Zuva iro vachadhonzerwa mumoto nezviso zvavo, (zvichanzi kwavari): “Ravirai imi kutsva nemoto!”

Verse 49 — Surah Al-Qamar 54:49

Zvirokwazvo, takasika zvinhu zvose neQadar (nemarongero edu nekuda kwedu)

Verse 50 — Surah Al-Qamar 54:50

Uye kukomekedza kwedu kunongove kumwe chete sekubwaira kweziso

Verse 51 — Surah Al-Qamar 54:51

Uye zvirokwazvo, takaparadza vakafanana nemi, saka hapana here umwe angayeuka

Verse 52 — Surah Al-Qamar 54:52

Uye zvose zvavakaita zvakatonyorwa mumabhuku (emabasa)

Verse 53 — Surah Al-Qamar 54:53

Uye chinhu chose, chiduku kana chihombe chakanyorwa pasi (mu Al-Lauh Al-Mahfoodh chisati chaitika kana kuitwa)

Verse 54 — Surah Al-Qamar 54:54

Zvirokwazvo, avo vanotya (Allah), vachange vari mumapindu nenzizi (muParadhiso)

Verse 55 — Surah Al-Qamar 54:55

Vachave muchigaro chechokwadi (Paradhiso), padyo naMambo (mukuru) ane simba rekuita zvose