Back to LanguagesPrevious ChapterNext Chapter
Shona - Chapter 6 - Al-Anam
Translation by Abdullah J. M. Adini And Students — Permalink
Verse 1 — Surah Al-Anam 6:1
Kurumbidzwa nokutenda kwose ngakuve kuna Allah, avo vakasika matenga nenyika, uye vakasika rima nechaedza; kunyangwe zvazvo avo vasingatendi vachienzanisa Tenzi vavo nezvimwe zvisikwa
Verse 2 — Surah Al-Anam 6:2
Ndivo vakakusikai kubva muvhu, zvakare vakave vanokutarirai nguva (yekuzofa kwenyu). Zvekare kune imwe nguva yakatarwa (kuti muzomutswa mushure mekufa), asi munopokana (mune kusagutsikana) (nezuva rekumutswa)
Verse 3 — Surah Al-Anam 6:3
Uye ndiAllah (voga vanofanirwa kunamatwa) kumatenga nepano pasi. Vanoziva izvo zvamunovanza uye izvo zvamunoburitsa, uye vanoziva izvo zvamunowana (zvakanaka kana zvakaipa)
Verse 4 — Surah Al-Anam 6:4
Uye hapana kana ndima inouya kwavari kubva pandima dzaTenzi vavo, kusara kwekuti vanodzifuratira
Verse 5 — Surah Al-Anam 6:5
Zvirokwazvo, vakaramba chokwadi (Qur’aan naMuhammad (SAW)) apo pachakauya kwavari. Asi nhaurwa yemarwadzo ichauya kwavari iyo vaive vachiitsvinyira
Verse 6 — Surah Al-Anam 6:6
Havana here kuona kuti zvikwata zvingani zvatakave tinoparadza mushure mavo mushure mekunge tavagadzika panyika zvatisina kumbokugadzikai imi? Takave tinonaisa mvura kwavari kubva kudenga yakawanda, uye tikaita nzizi dziyerere kumucheto kwavo. Asi takavaparadza nekuda kwezvitadzo zvavo. Uye mushure mavo takave tinosika zvimwe zvikwata
Verse 7 — Surah Al-Anam 6:7
Uye tingadai takakutumira (iwe Muhammad (SAW)) neshoko rakanyorwa pabepa kuti vakwanise kuribata nemaoko avo, avo vasingatendi vaizoti: “Hapana nezviripo kusara kwemapipi ari pachena!”
Verse 8 — Surah Al-Anam 6:8
Uye vanoti: “Nemhaka yei ngirozi isina kutumirwa kwaari?” Tingadai takatumira ngirozi, nyaya yacho yangadai yakatotongwa kamwe chekare, uye hapana kana nguva yavaipihwa
Verse 9 — Surah Al-Anam 6:9
Uye tingadai takasarudza ngirozi, zvirokwazvo taimuita munhurume, uye zvirokwazvo taivadzungaidza neizvo zviri kuvadzungaidza nechakare (shoko raMuhammad (SAW)
Verse 10 — Surah Al-Anam 6:10
Uye zvirokwazvo vatumwa (vazhinji) mushure mako vakatsvinyirwa, asi avo vaitsvinya zvakavatenderedza izvo zvavaitsvinyira
Verse 11 — Surah Al-Anam 6:11
Iti (Muhammad (SAW)): “Fambai nenyika muone kuti magumo eavo vakaramba chokwadi akanga akaita sei.”
Verse 12 — Surah Al-Anam 6:12
Iti (Muhammad (SAW)): “Ndezvaani zvose zviri mumatenga nepasi?” Iti: “Ndezva Allah. Vakazvinyorera tsitsi pachavo. Zvirokwazvo, vachakuunganidzai pazuva rekumutswa, iro pasina kupokana mariri. Avo vakazvirasisa, havafi vakatenda (muhumwechete hwaAllah, huporofita hwaMuhammad (SAW), nezuva rekumutswa).”
Verse 13 — Surah Al-Anam 6:13
“Uye ndivo muridzi wezvose zvinorarama manheru uye masikati, uye ndivo munzwi wezvose, muzivi wezvose.”
Verse 14 — Surah Al-Anam 6:14
Iti (Muhammad (SAW)): “Kusara kwaAllah pane here wandingatore semubatsiri, musiki wematenga nenyika? Uye ndivo vanopa chokudya asi havapihwe chekudya.” Iti: “Zvirokwazvo, ndakava ndinorairwa kuti ndive wokutanga wevanozvipira kuna Allah (semaMuslim).” Uye zvirokwazvo usava (Muhammad (SAW)) pane avo vanosanganisa Allah nezvimwe zvisikwa mukuvanamata
Verse 15 — Surah Al-Anam 6:15
Iti: “Zvirokwazvo ndinotya, kana ndikasateerera Tenzi vangu, marwadzo ezuva guru.”
Verse 16 — Surah Al-Anam 6:16
Uyo anenge abviswa kwaari (marwadzo iwayo) pazuva iroro, (Allah) zvirokwazvo vanenge vamuratidza tsitsi. Uye uko ndiko kubudirira kuri pachena
Verse 17 — Surah Al-Anam 6:17
Uye kana Allah vakakubata nemarwadzo, hapana anogona kumabvisa kusara kwavo. Uye kana vakakubata nezvakanaka, saka ndivo vane simba rekuita zvose
Verse 18 — Surah Al-Anam 6:18
Uye ndivo samasimba vari pamusoro pevaranda vavo, uye ndivo vane hungwaru hwose, vane ruzivo rwezvose
Verse 19 — Surah Al-Anam 6:19
Iti: “Chii chinhu chikuru mukupa ufakazi?” Iti: “Allah ndivo mufakazi pakati pangu nemi. Uye Qur’aan iri rakava rinodzikiswa kwandiri kuti ndive ndinokurairai naro imi pamwe neavo kwarinosvika kwavari. Zvirokwazvo, munopa uchapupu here kuti pane vamwe vanamwari kunze kwaAllah?” Iti: “Handipe uchapupu (hwakadaro)!” Iti: “Muzvokwadi (Allah) ndiMwari mumwechete. Uye zvirokwazvo, ini handina chekuita nezvamunosanganisa navo mukumunamata.”
Verse 20 — Surah Al-Anam 6:20
Avo vatakapa Gwaro (maJudha nemaKristu) vanomuziva (Muhammad (SAW) semutumwa hwaAllah, uye vanoziva kuti hakuna mumwe mwari kunze kwaAllah, uye kuti Islaam chitendero chaAllah), sekuziva kwavanoita vana vavo. Avo vakarasisa mweya yavo havafi vakatenda
Verse 21 — Surah Al-Anam 6:21
Uye ndeupi mutadzi mukuru anodarika uyo anonyepera Allah kana kuramba zviratidzo zvavo? Zvirokwazvo, avo vanoita mabasa akashata havabudirire
Verse 22 — Surah Al-Anam 6:22
Uye pazuva iro ratichavaunganidza vose, uye tichati kune avo vaisanganisa (mukunamata Isu): “Varipi vamwe venyu (vamainamata) avo vamaitora (muchivasanganisa naAllah mukunamata)?”
Verse 23 — Surah Al-Anam 6:23
Uye pachange pasina zvichemo kune avo kunze kwekuti vachati: “Tinopika naAllah, Tenzi vedu, taive tisiri avo vanhu vaisanganisa Allah nezvimwe zvinhu mukunamata.”
Verse 24 — Surah Al-Anam 6:24
Tarisa! Manyepero avanozviita pachezvavo! Asi (manyepo) achanyangarika kubva kwavari
Verse 25 — Surah Al-Anam 6:25
Uye pakati pavo kune avo vanokuteerera, asi takave tinoisa renda mumoyo yavo, saka havafi vakanzwisisa, uye nekusanzwa nenzeve dzavo. Uye kunyangwe vakaona zvimwe zviratidzo, havafi vakatenda mazviri; kusvika apo pavanouya kwauri vachipokana newe, vasingatendi vanoti: “Izvi hapana zviripo kunze kwekuti ingano dzevanhu vekare.”
Verse 26 — Surah Al-Anam 6:26
Uye vanorambidza vamwe vanhu kuenda kwaari (kumutevera Muhammad (SAW)), uye ivo pachezvavo vanoenda kure naye. Uye nekudaro hapana chavari kuparadza kunze kwekuzviparadza, asi havazvione
Verse 27 — Surah Al-Anam 6:27
Kana ukakwanisa kuona apo pavachamiswa pamberi pemoto, vachati: “Dai tikadzoserwa (panyika)! Naizvozvo hatizorambi zviratidzo zvaTenzi vedu, uye tinove vevamwe vanotenda!”
Verse 28 — Surah Al-Anam 6:28
Asi zvavapachena kwavari izvo vaiviga mumashure. Asi kana vakadzoserwa (kunyika), muzvokwadi, vanodzokera kune izvo zvavakarambidzwa. Uye zvirokwazvo vanyepi
Verse 29 — Surah Al-Anam 6:29
Uye vakati: “Hakuna (umwe hupenyu) asi (watiinawo) hupenyu hwepano pasi, uye hatizofi takamutswa (pazuva rekumutswa).”
Verse 30 — Surah Al-Anam 6:30
Dai waiona apo pavachaunzwa nekumiswa pamberi paTenzi vavo! Vachati (Allah): “Harisi here (zuva rekumutswa nekupihwa mibairo) chokwadi?” Vachati: “Zvokwadi, tinopika naTenzi vedu!” Vachati: “Saka ravidzai marwadzo nokuti maiva musingatendi.”
Verse 31 — Surah Al-Anam 6:31
Zvirokwazvo, ndivo vakarasikirwa avo vakaramba kusangana kwavo naAllah, kusvika vasingafungiri awa (yerufu) yava pavari, uye voti: “Marwadzo kwatiri! Taive tisingafungi nezvazvo”, apo vanenge vakatakura mabasa avo kumisana yavo; uye mabasa avo akaipa ndiwo avanenge vakatakura
Verse 32 — Surah Al-Anam 6:32
Uye upenyu hwepano pasi hapana chiripo kunze kwedambe nekuzvifadza. Asi chakanyanya kunaka imba yehupenyu huchatevera kune avo vaiita zvakanaka. Asi munonzwisisa here
Verse 33 — Surah Al-Anam 6:33
Zvirokwazvo, tinozviziva kuti chokwadi mazwi avanotaura anokusuwisa (Muhammad (SAW)). Zvirokwazvo, havarambi iwewe, asi mirairo yaAllah avo vanoita mabasa akaipa yavanoramba
Verse 34 — Surah Al-Anam 6:34
Zvirokwazvo, vatumwa (vakawanda) vakarambwa mushure mako (Muhammad (SAW)), asi nekutsungirira vakagamuchira kurambwa, uye vakave vanokuvadzwa kusvika rubatsiro rwedu rwakavasvikira, uye hapana anopfuudza mashoko aAllah. Uye zvirokwazvo nyaya dzevatumwa (mushure mako) dzauya kwauri
Verse 35 — Surah Al-Anam 6:35
Kana kufuratira kwavo (kwauri Muhammad (SAW)) kwakakuomera (uye haukwanisi kutsungirira), saka kana uchikwanisa kutsvaga gomba rokupinda pano pasi kana manera ekuenda kudenga, kuti uve unovaunzira mucherechedzo (tsvaga, asi hauzvikwanisi, saka iva unotsungirira). Uye Allah dai vaida, vaivaunganidzira vose kunhungamiro, saka usave wevamwe vasingazivi
Verse 36 — Surah Al-Anam 6:36
Zvirokwazvo, ndeavo chete vanoteerera (nhaurwa yamutumwa Muhammad (SAW)) vachapindura (vachabatsirikana kubva kwadziri), asi kune avo vakafa (vasingatendi), Allah vachave vanovamutsa, uye kwavari vachave vanodzoserwa (kunopihwa mibairo yavo)
Verse 37 — Surah Al-Anam 6:37
Uye vakati: “Sei mucherechedzo usina kudzikiswa kwaari kubva kuna Tenzi vake?” Iti: “Zvirokwazvo, Allah vanokwanisa kutumira mucherechedzo, asi vakawanda vavo havazive.”
Verse 38 — Surah Al-Anam 6:38
Hapana chisikwa chinofamba (kurarama) pasi, kana shiri inobhururuka nemapapiro ayo maviri, asi mapoka akangofanana nemi. Hapana chatakasiya muGwaro, uye kuna Tenzi vavo vachave vanounganidzwa (vose)
Verse 39 — Surah Al-Anam 6:39
Avo vanoramba micherechedzo yedu havanzwe uye zvimumumu murima. Allah vanoita wavanoda kuti arasike, uye vanotungamira uyo wavanoda kunzira yakatwasuka
Verse 40 — Surah Al-Anam 6:40
Iti (Muhammad (SAW)): “Ndiudzei kuti kana marwadzo aAllah auya kwamuri, kana awa ikauya kwamuri, muchadana mumwe here kunze kwaAllah? (Pindurai) kana muri pachokwadi!”
Verse 41 — Surah Al-Anam 6:41
Asi kwavari vega munodaidzira, uye kana vachida vanobvisa izvo (matambudziko) zvamunodaidzira kwavari, uye panguva imweyo munobva makanganwa zvose zvamunovasanganisa nazvo (pakuvanamata)
Verse 42 — Surah Al-Anam 6:42
Zvirokwazo, takave tinotumira (vatumwa) kuzvikwata zvakawanda mushure mako (Muhammad (SAW)). Uye takave tinovarwadzisa nenzara (kana kushomeka kwehupfumi) uye kushaikwa kwehutano (nemarwadzo), kuti pamwe vangave vanozvininipisa
Verse 43 — Surah Al-Anam 6:43
Marwadzo edu paakauya kwavari, nemhaka yeyi vasina kuzvininipisa (votenda)? Asi moyo yavo yakave inoomarara, uye satani akabva anatsurudza izvo vaiita
Verse 44 — Surah Al-Anam 6:44
Saka pavakakanganwa (yambiro) yavakanga vayambirwa nayo, takave tinovavhurira mikova yezvose (zvinofadza), kusvikira vari pakati pemafaro avakapihwa anosuruvadza, vasingafungiri, takavatora (nemurango), uye vakabva vakandwa mumatambudziko vachidemba nekuchema chema
Verse 45 — Surah Al-Anam 6:45
Saka midzi yeavo vaiita mabasa akaipa yakave inodimburwa. Uye kutendwa nekurumbidzwa ngakuve kwaAllah, Tenzi venyika dzose (vanhu, maJinn uye nezvisikwa zvose)
Verse 46 — Surah Al-Anam 6:46
Iti (kune avo vasingatendi): “Ndiudzei, kana Allah vakatora nzeve dzenyu nemeso enyu, uye zvekare vakaputira moyo yenyu, ndiani mumwe mwari kusara kwaAllah achave anozvidzorera kwamuri?” Chiona tsananguriro yatinoita zviratidzo, asi vanozvitendeukira
Verse 47 — Surah Al-Anam 6:47
Iti: “Ndiudzei, kana murango hwaAllah ukave unouya kwamuri musingafungiri (husiku), kana zviri pachena (masikati), pane here vachaparadzwa kusara kweavo vanoita mabasa akaipa?”
Verse 48 — Surah Al-Anam 6:48
Uye hatitumiri vatumwa kusara kwekuti vave vapi venhaurwa tsvene uye veyambiro. Saka uyo anotenda nekuita mabasa akanaka, pavanhu vakadaro pachange pasina kutya kana dambudziko
Verse 49 — Surah Al-Anam 6:49
Asi avo vanoramba zviratidzo zvedu, marwadzo achavawana nekuda kwekusatenda kwavo
Verse 50 — Surah Al-Anam 6:50
Iti (Muhammad (SAW)): “Handikutaurirei kuti ini ndine hupfumi hwaAllah, kana kuti ndinoziva zvakavanzika, kana kukuudzai kuti ndiri ngirozi. Asi ndinotevedzera izvo zvakave zvinodzikiswa kwandiri.” Iti: “Vakafanana here uyo anoona neuyo asingaooni? Ko hamufungi here?”
Verse 51 — Surah Al-Anam 6:51
Uye yambira naro (Qur’aan) avo vanotya kuti vachave vanounganidzwa pamberi paTenzi vavo, apo pachange pasina mubatsiri kana mumiriri wavo kusara kwavo, kuti pamwe vangave vanotya Allah uye vozadzisa zvirevo zvavo (kusiya zvitadzo uye kuita mabasa akanaka)
Verse 52 — Surah Al-Anam 6:52
Uye usave unodzinga avo vanodaidza Tenzi vavo, mangwanani nemasikati vachitsvaga huso hwavo. Hapana chaunotongerwa pamusoro pavo, uye hapana chavanotongerwa pamusoro pako, kuti iwe uvadzinge, uye vobva wava umwe weavo vanoita mabasa akaipa
Verse 53 — Surah Al-Anam 6:53
Naizvozvo, takave tinoedza vamwe vavo nevamwe, kuti zvimwe vangataure kuti: “Ava ndivo (varombo vanotenda) here Allah vavakomborera kubva matiri?” Asi Allah havazivi zvakanaka here avo vanotenda
Verse 54 — Surah Al-Anam 6:54
Uye kana avo vanotenda muzviratidzo zvedu vauya kwauri, iti: “Salaamun Alaykum (Runyararo ngaruve kwamuri)”; Tenzi venyu vakazvinyorera tsitsi pachavo, kuti uyo pakati penyu anoita mabasa akaipa asingazivi, uye obva akumbira ruregerero nekuita mabasa akanaka (kuteerera mirairo yaAllah), uye zvirokwazvo, ndivo vanoregerera zvikuru, vane tsitsi dzakanyanya
Verse 55 — Surah Al-Anam 6:55
Naizvozvo takave tinotsanangura zviratidzo zvizere, kuti nzira yeavo vanoita mabasa akaipa ive inobuda pachena
Verse 56 — Surah Al-Anam 6:56
Iti (Muhammad (SAW)): “Zvirokwazvo, ndakave ndinorambidzwa kunamata izvo zvamunodaidza (mukunamata) kusara kwaAllah.” Iti: “Handisi kuzotevedzera zvido zvenyu. Ndikave ndinotevedzera, ndinorasika, uye handizombova pane avo vakatungamirirwa.”
Verse 57 — Surah Al-Anam 6:57
Iti (Muhammad (SAW)): “Zvirokwazvo, ndine humboo uri pachena kubva kuna Tenzi vangu, asi muri kuuramba. Ini handina izvo zvamunomhanyira. Hurongwa hwese ndewaAllah, vanoburitsa chokwadi, uye ndivo vakanakisisa pavatongi vose.”
Verse 58 — Surah Al-Anam 6:58
Iti: “Ingadai ndaive neizvo zvamunomhanyira, muzvokwadi nyaya dzose dai dzakave dzinogadziriswa pakati pangu nemi, asi Allah ndivo vanoziva zvakanaka avo vanoita mabasa akaipa.”
Verse 59 — Surah Al-Anam 6:59
Uye kwavari ndiko kune svumbunuro dzezvose zvakavandika. Hapana kana ani anoziva nezvadzo kusara kwavo. Uye vanoziva zviri panyika uye nezviri mumvura. Uye hapana kana shizha rinodonha kusara kwekuti vanenge vachizviziva. Uye hapana kana mhodzi inenge iri murima rwenyika kana zvimwe zvidyarwa zvinyoro kana zvakaoma, asi kusara kwekuti zvakanyorwa mubhuku riri pachena
Verse 60 — Surah Al-Anam 6:60
Uye ndivo chete vanotora mweya yenyu usiku (makarara), uye vanoziva izvo zvamunenge maita panguva dzemasikati, uye vanokumutsai zvekare kuti muzadzise nguva yenyu (yekurarama) yamakatarirwa, uye (mhedzisiro yacho) kwavari ndiko kwamuchadzokera. Uye vachave vanokuudzai izvo zvamaiita
Verse 61 — Surah Al-Anam 6:61
Ndivo samasimba vari pamusoro pevaranda vavo, uye vanotumira vachengetedzi (ngirozi dzinochengetedza nekunyora mabasa emunhu akanaka neakaipa) kwamuri, kusvikira rufu rwasvika pane umwe wenyu, nhumwa dzedu (ngirozi yerufu nevabetseri vayo) dzinotora mweya wake, uye hadzirambe kuita basa radzo
Verse 62 — Surah Al-Anam 6:62
Vanobva vadzoserwa kuna Allah, Tenzi vavo vechokwadi (kuti vavape mubairo). Zvirokwazvo, hutongi ndewavo, uye ndivo muchimbidzi pakutonga
Verse 63 — Surah Al-Anam 6:63
Iti (Muhammad (SAW)): “Ndiani anokununurai kubva murima rwepanyika uye nemumakungwa, apo pamunoshevedzera kwavari (pachena) muchizvininipisa uye muchivande (muchiti): “Zvirokwazvo, vakave vanotinunura kubva pane matambudziko aya, zvirokwazvo, tichange tiri pane avo vanopa kutenda.”
Verse 64 — Surah Al-Anam 6:64
Iti (Muhammad (SAW)): “Allah vanokununurai kubva kuizvi uye kubva mune matambudziko ose, asi imi munovasanganisa nezvimwe (zvinamatwa) pakuvanamata.”
Verse 65 — Surah Al-Anam 6:65
Iti (Muhammad (SAW)): “Vane masimba ekukutumirai marwadzo kubva pamusoro penyu, kana pasi pemakumbo enyu, kana kukuitai kuti muparadzane muve zvikwata-zvikwata, uye voita kuti vamwe venyu varavire marwadzo kubva kune vamwe.” Tarisa matsananguriro atinoita zviratidzo, kuti pamwe vangave vanonzwisisa
Verse 66 — Surah Al-Anam 6:66
Asi vanhu vako (Muhammad (SAW)) vanoriramba (Qur’aan), asi iro riri chokwadi. Iti: “Handisi muchengetedzi wenyu.”
Verse 67 — Surah Al-Anam 6:67
Munhaurwa dzose mune nguva yakatarwa. Naizvozvo muchazviziva
Verse 68 — Surah Al-Anam 6:68
Uye ukaona (Muhammad (SAW)) avo vanotaura zvekunyeperana pamusoro pezviratidzo zvedu (zvemu Qur’aan) vachizvitsvinyira, ibva padyo navo kusvikira vasandura nyaya. Asi kana satani akaita kuti ukanganwe, saka mushure mekurangarira usave unogara neavo vanhu vanoita mabasa akaipa
Verse 69 — Surah Al-Anam 6:69
Avo vanotya Allah, vachiita mabasa akanaka uye vachisiya akaipa, havana chinhu chekuita navo (vasingatendi), asi chavo kuvarangaridza, kuti pamwe vangatya Allah (uye vosiya kutsvinyira Qur’aan). (Murairo hwendima iyi hwakabviswa nendima)
Verse 70 — Surah Al-Anam 6:70
Uye siyana neavo vanotora chitendero chavo sedambe kana kunakidzwa, uye neavo vanonyengedzwa nehupenyu hwepasi pano. Asi vayeuchidze naro (Qur’aan), kuti munhu ave anoparadzwa nekuda kwezvakawana, apo achange asina kana muchengeti kana mumiriri kusara kwaAllah. Kunyangwe akaedza kupa chero mubairo (kuti asapinzwe kuGehena), haumbotambirwi kubva kwaari. Ava ndivo vachaparadzwa nekuda kwezvavaiita. Vachave vanopihwa sezvinwiwa mvura inopisa zvakanyanya uye nemutongo unorwadza nekuda kwekuti vaisatenda
Verse 71 — Surah Al-Anam 6:71
Iti (Muhammad (SAW)): “Todaidza here zvimwe zvisiri Allah, izvo zvingatibatsire kana kuti kuvadza, kana kuti todzokera kumashure mushure mekunge Allah vatitungamirira here? Seuyo vanaDhiyabhorosi vakave vanomutungamira kunzira yakaipa munyika ari muchidzimaidzwa. Shamwari dzake dzichimudaidzira kunhungamiro (vachiti): ‘Huya kwatiri.’” Iti: “Zvirokwazvo, nhungamiro yaAllah ndiyo nhungamiro yega, uye takave tinokomekedzwa kuzvipira kuna Tenzi venyika dzese (vanhu, maJinn nezvisikwa zvese);”
Verse 72 — Surah Al-Anam 6:72
“Uye kuita Swalaah (Munamato), kuteerera Allah uye nekuvatya. Uye kwavari ndiko kwamuchaunganidzwa.”
Verse 73 — Surah Al-Anam 6:73
Muzvokwadi ndivo vakasika matenga nepasi, uye pazuva iro (rekumutswa kubva mukufa) vachati: “Ivapo!”, uye robva ravapo! Shoko ravo ndere chokwadi. Ndivo muridzi wezuva iro richaridzwa hwamanda. Muzivi wazvose zvakavandika nezviri pachena. Uye vane hungwaru hwose, vanoziva zvose
Verse 74 — Surah Al-Anam 6:74
Uye (rangarirai) apo Abrahamu akati kuna baba vake Aazar: “Muri kutora here zvidhori sevanamwari? Zvirokwazvo, ndiri kuona imi nevanhu venyu makarasika zviri pachena.”
Verse 75 — Surah Al-Anam 6:75
Saizvozvo takave tinoratidza Abrahamu humambo wematenga nepasi rino kuti azove pakati peavo vanotenda zvikuru
Verse 76 — Surah Al-Anam 6:76
Paakafukidzwa nerima reusiku akaona nyeredzi, akabva ati: “Uyu ndiye Tenzi wangu.” Asi payakanyura akabva ati: “Handidi izvo zvinonyura.”
Verse 77 — Surah Al-Anam 6:77
Paakazoona mwedzi wobuda akabva ati: “Uyu ndiye Tenzi wangu.” Asi pawakanyura akabva ati: “Kusara kwekuti Tenzi vangu vanditungamira, zvirokwazvo ndichave pakati peavo vanhu vakarasika.”
Verse 78 — Surah Al-Anam 6:78
Paakazoona zuva robuda akabva ati: “Uyu ndiye Tenzi wangu. Uyu mukurusa.” Asi parakanyura akabva ati: “Imi vanhu vangu! Zvirokwazvo, ndakasununguka kubva pane zvose zvamunosanganisa (naAllah pakumunamata).”
Verse 79 — Surah Al-Anam 6:79
“Zvirokwazvo, ndave ndinotendeudza huso hwangu kwavari, avo vakasika matenga uye nepasi, ndichivanamata vari voga, uye handisi pakati peavo vanovasanganisa nezvimwe zvinhu (pakuvanamata).”
Verse 80 — Surah Al-Anam 6:80
Uye vanhu vake vakapokana naye, ndokubva ati: “Mungapokane neni maererano naAllah avo vave vanonditungamira, uye hapana kana chandinotya pane izvo zvamunovasanganisa nazvo (Allah pakunamata), kusara kwekuti kana Tenzi vangu vachida chimwe chinhu. Tenzi vangu ndivo vane ruzivo rwezvose. Ko hamurangarire here?”
Verse 81 — Surah Al-Anam 6:81
“Ko ndingave ndinotya sei izvo zvamunosanganisa naAllah pakuvanamata (kunyange zvisingabatsiri kana kukuvadza), asi imi hamuchityi kuti muri kusanganisa naAllah pakuvanamata izvo zvavasina kutumira bvumo kwamuri. Saka nderipi bato pamapato maviri rine kodzero yechengetedzo kana muchiziva?”
Verse 82 — Surah Al-Anam 6:82
Avo vanotenda (muhumwechete hwaAllah), uye vasingakanganisi kutendeseka kwavo nemabasa akaipa (kunamata zvimwe zvisiri Allah), kwavari (chete) kuchave nekuchengetedzwa uye ndivo vakatungamirirwa
Verse 83 — Surah Al-Anam 6:83
Uye uhwo ndiwo wakange uri humboo wedu watakapa Abrahamu kuvanhu vake. Tinosimudzira uyo watinoda muzvinhando. Zvirokwazvo, Tenzi vako ndivo vane hungwaru hwose, vanoziva zvose
Verse 84 — Surah Al-Anam 6:84
Uye takave tinomupa Isaka naJakobho, umwe neumwe wavo tikave tinomutungamira; uye mushure make Nowa takamutungamirira; uye kubva pavana vake Dhavhidha, Soromoni, Jobho, Josefa, Musa uye naAroni (takavatungamirira). Uye saizvozvo tinopa mubairo kune avo vanoita mabasa akanaka
Verse 85 — Surah Al-Anam 6:85
Uye Zakariya (Zakero), Yahya (Johwani), Jesu uye Eriya, umwe neumwe wavo ainge weavo vakanaka
Verse 86 — Surah Al-Anam 6:86
Uye Ismail (Ishumaeri), Al-Yasa (Elaisha), Yunus (Johwana), uye Loti, umwe neumwe wavo takave tinomusarudza pamusoro pezvinhu zvose (vanhu nemaJinn enguva yavo)
Verse 87 — Surah Al-Anam 6:87
Uye nevamwe vevanababa vavo uye vana vavo uye nemadzikoma avo (hama dzavo), takavasarudza, uye tikavatungamira kunzira yakatwasuka
Verse 88 — Surah Al-Anam 6:88
Iyi ndiyo nhungamiro yaAllah iyo yavanotungamira nayo uyo wavanoda kubva kuvaranda vavo. Asi kana vakasanganisa vamwe mukunamata Allah, zvose zvavaiita hazvaive nebatsiro kwavari
Verse 89 — Surah Al-Anam 6:89
Ndeavo vatakapa Bhuku, njere (kuti vanzwisise mitemo yechitendero), uye huporofita. Asi kana ava (vasingatendi) vorega kutenda mazviri (Bhuku, Njere, neHuporofita), saka, zvirokwazvo takave tinozvipa kune vanhu (sevabatsiri vamuporofita Muhammad (SAW)) avo vasiri vanhu vasingatendi mazviri
Verse 90 — Surah Al-Anam 6:90
Ndeavo vanhu Allah vavakatungamira. Saka tevedzerai gwara ravo. Iti: “Hapana mubairo wandinokukumbirai pamusoro paro (Qur’aan). Rinongove chete yeuchidzo kuvanhu nemaJinn.”
Verse 91 — Surah Al-Anam 6:91
Ivo (maJudha nemaQuraish vasingatendi vanamati vezvidhori) havana kuedza Allah nemuedzo wesimba raAllah (Havana kupa Allah chinzvimbo chavo chechokwadi) apo vakati: “Hapana chinhu chakatumirwa naAllah kumunhu (nenhaurwa).” Iti (Muhammad (SAW)): “Saka ndiani akatumira Bhuku iro Musa akaunza, sechiedza nenhungamiro kuvanhu iro imi (maJudha) makapatsanura kuisa pamapepa, muchiburitsa (mamwe acho) uye muchivanza akawanda? Uye imi (vatendi muna Allah uye nemutumwa wavo) makadzidziswa (kuburikidza neQur’aan) izvo imi maisaziva kana vanababa venyu.” Iti: “Allah (ndivo vakaritumira).” Saka vasiye vatambe mukutaura kwavo
Verse 92 — Surah Al-Anam 6:92
Uye iri (Qur’aan) iBhuku rakaropafadzwa iro ratakadzikisa, richitsinhira (nhaurwa) dzakauya mushure maro, kuti muve munopa yambiro kuna Mai vemaguta (Makkah) uye neavo vakarikomberedza. Avo vanotenda muhupenyu hwemangwana, vanotenda mariri (Qur’aan), uye vanochengetedza minamato (Swalaah) yavo
Verse 93 — Surah Al-Anam 6:93
Uye ndiani anodzvinyirira kudarika uyo anogadzirira Allah manyepo, kana kuti anoti: “Nhaurwa yauya kwandiri”, apo pasina kana chinhu chauya kwaari; kana uyo anoti: “Ndichave ndinodzikisa nhaurwa yakafanana neyakadzikiswa naAllah.” Asi dai waikwanisa kuona avo vanoita mabasa akashata vari mumatambudziko emarwadzo erufu, uye ngirozi dzakatambanudza maoko adzo (dzichiti): “Hunzai mweya yenyu! Zuva ranhasi muchave munopihwa murango wekudzikisirwa nekuda kwezvamaitaura zvakaipa pamusoro paAllah kusiya chokwadi. Uye mairamba mirairo yaAllah zvisina rukudzo.”
Verse 94 — Surah Al-Anam 6:94
Uye zvirokwazvo mauya kwatiri muri moga (musina hupfumi, vaperekedzi kana chimwe chinhu) semasikiro atakakuitai pakutanga. Uye masiya zvose zvataive takupai. Uye hatisi kukuonai nevamiriri venyu avo vamaiti ndevamwe vaAllah. Zvirokwazvo, izvozvi hukama huri pakati penyu navo hwagurwa, uye zvose zvamaitaura zvanyangarika kubva kwamuri
Verse 95 — Surah Al-Anam 6:95
Zvirokwazvo, ndiAllah vanoita kuti mhonzi yezvirimwa neyemichero ivhurike nekukura. Vanounza vapenyu kubva kuvafi, uye ndivo vanounza vafi kubva kuvapenyu. Ava ndivo Allah, saka sei muchibva kuchokwadi
Verse 96 — Surah Al-Anam 6:96
(Ndivo) Muunzi wemangwanani. Uye vakave vanoita kuti husiku huve wekuzorora, uye zuva nemwedzi sezvekuverengera (mazuva, miedzi, nemakore). Uku ndiko kuera kwaSamasimba, muzivi wezvose
Verse 97 — Surah Al-Anam 6:97
Uye ndivo vakakugadzikirai nyeredzi, kuti muve munozvitungamira nadzo murima repasi nemumvura. Zvirokwazvo, takave ndinotsanangura micherechedzo yedu kune vanhu vanoziva
Verse 98 — Surah Al-Anam 6:98
Uye ndivo vakasika imimi kubva kune munhu mumwe (Adam), uye vakakupai nzvimbo yekugara (pasi pano kana mudumbu maamai) uye nzvimbo yekuchengeterwa (muvhu (mumakuva enyu) kana kumisana yanababa venyu). Zvirokwazvo, tave tinotsanangura zvizere mirairo yedu (Qur’aan iri) kune vanhu vanonzwisisa
Verse 99 — Surah Al-Anam 6:99
Ndivo vanotumira mvura kubva kudenga, uye nayo tinounza zvirimwa zvendudzi dzose, uye kubva mazviri tinounza huswa hwakasvibira nekuunza zvirimwa zvakasvika zvakabatana. Uye kubva kumiti yemaDheti kumapazi ayo panobuda michero yemaDheti yakaungana yakabatira pazasi uye pedyo, uye nemapindu emagirepisi, maOrivhi nechibage chechirungu, chimwe chakafanana (mundudzi) asi zvakasiyana (muhukuru uye mukutapira). Tarisai michero yacho kana yokura uye nekuibva kwayo. Zvirokwazvo, muzvinhu izvi ndimo mune micherechedzo kune avo vanhu vanotenda
Verse 100 — Surah Al-Anam 6:100
Asi vanobatanidza maJinn sevabatsiri mukunamata Allah, asi ivo vakaasika (maJinn), uye vanotumidza mukuburikidza manyepo vasina ruzivo vanakomana nevanasikana kwavari. Rukudzo kwavari uye ndivo mukuru pane izvo (zvakaipa) zvavanomutumidza
Verse 101 — Surah Al-Anam 6:101
Ndivo musiki wematenga uye nenyika. Saka vangave nevana chirudzii ivo vasina mukadzi? Vakasika zvinhu zvose uye ndivo muzivi wezvose
Verse 102 — Surah Al-Anam 6:102
Ava ndivo Allah, Tenzi venyu! Laa ilaaha illaa Huwa (Hakuna mumwe anekodzero yekunamatwa kunze kwavo), Musiki wezvose. Saka vanamatei (ivo chete), uye ndivo muchengeti wezvose
Verse 103 — Surah Al-Anam 6:103
Maziso hakwanisi kuvaona, asi ivo vanoona zvose. Ndivo vane ruremekedzo rwose, vanoziva zvose
Verse 104 — Surah Al-Anam 6:104
Zvirokwazvo, humboo hwauya kwamuri kubva kuna Tenzi venyu, saka kune uyo anenge aona achaita izvozvo (zvakanakira) iye pachezvake, uye uyo anove anozvipofomadza, achazvikuvadza pachezvake, uye inini (Muhammad (SAW)) handisi muchengeti wenyu
Verse 105 — Surah Al-Anam 6:105
Saizvozvo tinotsanangura ndima kuti ivo (vasingatendi) vazoti: “Wakave unodzidza (maGwaro evanhu veGwaro uye ukaunza Qur’aan kubva maari)”, uye kuti tive tinoita nyaya yacho ive pachena kune vanhu vane ruzivo
Verse 106 — Surah Al-Anam 6:106
Tevedzera izvo zvadzikiswa kwauri (Muhammad (SAW)) kubva kuna Tenzi vako. Laa ilaaha illaa Huwa (Hakuna ane kodzero yekunamwatwa kunze kwavo), uye ibva kune vanamati vezviumbwa
Verse 107 — Surah Al-Anam 6:107
Uye dai Allah vaida, havaitora vamwe kunze kwavo mukunamata. Uye hatina kuti uve mutarisi wavo kana muchengeti wavo
Verse 108 — Surah Al-Anam 6:108
Uye usave unotsvinyira izvo zvavanonamata (vasingatendi) kunze kwaAllah, nekuti vanogona kutsvinyira Allah mune zvakaipa vasina ruzivo. Saizvozvo takave tinonatsurudzira rwudzi rwega- rwega izvo zvavanoita; uye mushure kuna Tenzi vavo vachadzokera, uye vachave vanovaudza zvose zvavaiita
Verse 109 — Surah Al-Anam 6:109
Uye vanopika muzvirokwazvo naAllah, kuti dai mucherechedzo ukauya kwavari, muzvokwadi vanotenda mauri. Iti: “Zvirokwazvo micherechedzo ina Allah, uye chii chinokuitai imi (maMuslim) muve nechivimbo (kunyangwe) kana (mucherechedzo) wauya, havatendi?”
Verse 110 — Surah Al-Anam 6:110
Uye tichave tinofuratirisa moyo nemeso avo (kubva kugwara) nemhaka yekuramba kutenda mavari (Allah) pakutanga, uye tichavasiya vachiraudzira kuti vave vanodzungaira muhubofu
Verse 111 — Surah Al-Anam 6:111
Uye kunyangwe dai takavatumira ngirozi, kana kuti vakafa vakataura navo, uye tikaunganidza (zvatakasika) zvose pamberi pavo, havaizotenda kunze kwekuti Allah vada, asi vazhinji vavo havazivi
Verse 112 — Surah Al-Anam 6:112
Uye saizvozvo takava tinoisa kumutumwa wese vavengi, mweya yakaipa kubva muvanhu nemumaJinn, vachikurudzirana nemashoko akashongedzwa senzira yokunyengedzana. Dai Tenzi vako vakada, dai vasina kuzviita. Naizvozvo vasiye vakadaro nemanyepo avo
Verse 113 — Surah Al-Anam 6:113
Uye kuitira kuti moyo yeavo vasingatendi muhupenyu hunotevera irerekere kwaari (manyepo), uye kuti igutsikane navo, uye kuti varambe vachiita zvavarikuita (mabasa ose akaipa)
Verse 114 — Surah Al-Anam 6:114
Iti Muhammad (SAW)): “Pane mumwe mutongi here wandingatsvage kunze kwaAllah, asi vari ivo vakatumira kwamuri Gwaro (Qur’aan) rakatsanangurwa zvizere?” Uye avo vatakapa Gwaro (Torah neVhangeri) vanoziva kuti rakava rinodzikiswa muchokwadi kubva kuna Tenzi vako. Naizvozvo usave muboka reavo vanogunun’una
Verse 115 — Surah Al-Anam 6:115
Uye shoko raTenzi vako rakava rinodzikiswa muchokwadi nekuenzaniswa. Hapana angakwanise kushandura mashoko avo. Uye ndivo munzwi nemuzivi wezvose
Verse 116 — Surah Al-Anam 6:116
Uye ukava unotevedzera vazhinji veavo vari panyika, vanokubvisa munzira yaAllah. Hapana chavanotevedzera kunze kwefungidziro, uye hapana chimwe chavanoita kunze kwekunyepa
Verse 117 — Surah Al-Anam 6:117
Zvirokwazvo, Tenzi vako ndivo vanozivisisa uyo akarasika kubva munzira yavo, uye ndivo vanozivisisa avo vakatungamiririrwa (mugwara rakatwasuka)
Verse 118 — Surah Al-Anam 6:118
Saka idyai (nyama) iyo zita raAllah rakataurwa pamusoro payo (pakuuraiwa), kana muri vatendi muzviratidzo zvavo
Verse 119 — Surah Al-Anam 6:119
Uye chii chinokutadzisai kudya (nyama) iyo zita raAllah rakataurwa pamusoro payo (pakuuraiwa), asi vari ivo vakakutsanangurirai zvizere zvavakakurambidzai, kusara kwekunge vamanikidzirwa kwazviri (nemamiriro ezvinhu)? Uye zvirokwazvo vazhinji vanorasisa (vanhu) nezvido zvavo vasina ruzivo. Zvirokwazvo, Tenzi vako ndivo vanozivisisa avo vanoita zvivi
Verse 120 — Surah Al-Anam 6:120
Uye (vanhu) siyai zvivi, zviri pachena kana zvakavandika. Zvirokwazvo, avo vanoita zvivi, vachawana mugove unoenderana nezvavaiita
Verse 121 — Surah Al-Anam 6:121
Uye musadye (imi vanotenda) (nyama) isina kutaurwa zita raAllah pamusoro payo (pakuuraiwa), uye zvirokwazvo chitadzo chikuru. Uye zvirokwazvo vanadhiyabhorosi (vana Satani) vanokurudzira shamwari dzavo (kubva muvanhu) kuti vapokane nemi, uye mukave munovateerera (nekudya nyama isina kuuraiwa muzita raAllah), munozova maMushrikoon (Vanonamata Allah nezvimwe zvisikwa. Sezvo kuteerera vanaDhiyabhorosi neshamwari dzavo kuvanamata)
Verse 122 — Surah Al-Anam 6:122
Uye uyo akanga akafa (asina kutenda maari), uye tikava tinomupa hupenyu (ruzivo nekutenda), uye tikava tinomugadzirira chiedza kuti akwanise kufamba pakati pevanhu, akafanana here neuyo ari murima (rekusatenda) maasingazofa akabuda? Saizvozvo avo vasingatendi vanonatsurudzirwa izvo zvavaiita
Verse 123 — Surah Al-Anam 6:123
Zvakadaro takava tinoisa mudhorobha rimwe nerimwe vaipi vakuru kuti vave vanoronga (zvakaipa) mariri. Asi hapana chavanoronga (chakaipa), kusara kwezvavanozvirongera pachavo, asi havazvicherechedze
Verse 124 — Surah Al-Anam 6:124
Uye panouya chiratidzo kwavari (kubva kuna Allah) vanoti: “Hatisi kuzotenda kusvika tagamuchira zvakafanana neizvo zvakagamuchirwa nevatumwa vaAllah.” Allah vanozivisisa akakodzera kutakura shoko ravo. Kudzikisirwa nekushorwa kubva kuna Allah pamwechete nemutongo wakaomesesa zvichave zvinowira vatadzi nekuda kweizvo zvavaironga (zvakaipa)
Verse 125 — Surah Al-Anam 6:125
Uye uyo Allah wavada kutungamirira, vanozarurira moyo wake kuIslaam; uye uyo wavada kuti arasike vanovhara nekutinya moyo wake, sekunge ari kukwira achienda kudenga. Saizvozvo Allah vanoisa kutsamwa kune avo vasingatendi
Verse 126 — Surah Al-Anam 6:126
Uye iyi ndiyo nzira yaTenzi vako (Islaam) yakatwasuka. Zvirokwazvo, tava tinotsanangudza zvizere zviratidzo zvedu kune avo vane hanya (vanorangarira)
Verse 127 — Surah Al-Anam 6:127
Vachazove neimba yerunyararo (Paradhiso) kuna Tenzi vavo. Uye vachazova Wali vavo (muchengetedzi uye mubatsiri) nokuda kwezvavaiita
Verse 128 — Surah Al-Anam 6:128
Uye pazuva iro ravachavaunganidza vese (vachati): “Imi gungano remaJinn! Zvirokwazvo, vakawanda vamakabvisa kubva mugwara (rakatwasuka) kubva muvanhu.” Vabatsiri neshamwari dzavo kubva muvanhu vachati: “Tenzi vedu! Vamwe vedu vakave vanobatsirikana kubva kuvamwe, asi iyezvino tasvika panguva iyo yamakatitarira.” Vachati (Allah): “Moto ndiyo nzvimbo yenyu yekugara, muchagara imomo zvachose, kunze kwekuti Allah vada. Zvirokwazvo, Tenzi vako ndivo vane hungwaru neruzivo rwese.”
Verse 129 — Surah Al-Anam 6:129
Uye saizvozvo tinoita vamwe veavo vanoita zvakaipa vabatsiri vevamwe (vanoita zvakaipa) nokuda kweizvo zvavaiwana
Verse 130 — Surah Al-Anam 6:130
“Imi gungano remaJinn nevanhu! Hakuna kuuya vatumwa here kubva mamuri, vachikuverengerai ndima dzangu uye nekukuyambirai maererano nezvezuva rekuungana kwenyu iri (Qiyaamah)?” Vachati: “Tinopa huchapupu takazvinanga pachedu (nezvataiita).” Uye hwakanga huri hupenyu hwepano pasi hwakavanyengedza. Uye vachapa huchapupu vakazvinanga pachezvavo kuti vakanga vasingatendi
Verse 131 — Surah Al-Anam 6:131
Nokuti Tenzi vako havaizoparadza madhorobha nokuda kwezvivi zvavo (kusanganisa Allah nezvimwe zvisikwa mukunamata) vanhu vacho vasingazvizivi (saka vatumwa vakatumirwa)
Verse 132 — Surah Al-Anam 6:132
Uye vose vachava nezvidanho zvinoenderana nezvavaiita. Uye Tenzi vako vanoziva zvavanoita
Verse 133 — Surah Al-Anam 6:133
Uye Tenzi vako mupfumi (vane zvose), vane nyasha zhinji. Kana vachida vanokwanisa kukuparadzai, uye voisa wavanoda pachinzvimbo chenyu sevatevedzeri venyu, sekukusikai kwavakaita kubva mumbeu yevamwe vanhu
Verse 134 — Surah Al-Anam 6:134
Zvirokwazvo, zvamurikuvimbiswa zvichava zvinoitika, uye hamumbokwanisi kupunyuka (kubva kumutongo hwaAllah)
Verse 135 — Surah Al-Anam 6:135
Iti (Muhammad (SAW)): “Imi vanhu vangu! Shandai zvinoenderana nenzvimbo dzenyu, zvirokwazvo ini ndirikushanda (zvinoenderana nechinzvimbo changu), uye nenguva isipi muchaziva achava nemagumo (akanaka) muhupenyu huchatevera. Zvirokwazvo, vatadzi havazombofa vakabudirira.”
Verse 136 — Surah Al-Anam 6:136
Uye vanogovera Allah chidimbu chezvavanowana kubva muminda nemombe idzo dzavakasika, uye vanoti: “Izvi ndezva Allah zvichienderana nemafungiro avo, uye izvi ndezve shamwari dzedu (zvisikwa zvavanosanganisa naAllah). Asi chidimbu cheshamwari dzavo hachimbosviki kuna Allah; asi chidimbu chaAllah, chinosvika kune shamwari dzavo (vanamwari vavo)!” Nzira yavanotonga nayo ndiyo yakaipa
Verse 137 — Surah Al-Anam 6:137
Uye saizvozvo, shamwari dzavo (zvisikwa zvavanonamata) dzinovanatsurudzira vazhinji vemaMushrikoon (avo vanosanganisa Allah nezvimwe zvisikwa mukunamata) kuuraya vana vavo, dzichivaita kuti vave vanozviparadza pachavo uye kuvadzungaidza muchitendero chavo. Uye dai Allah vaida, havaikwanisa kuzviita. Naizvozvo, vasiyei vakadaro nemanyepo avo
Verse 138 — Surah Al-Anam 6:138
Uye zvichienderana nemaonero avo, vanoti: “Mhuka idzi nezvirimwa izvi hazvibvumirwi, uye hakuna anodya kubva kwazviri kunze kweavo vatinobvumira.” Uye (vanoti) pane mombe dzisingatenderwi kushandiswa, uye nemombe dzavasingatauri zita raAllah pamusoro padzo (pakudziuraya), vachinyepera Allah. Vachavapa mubairo wavo nokuda kweizvo zvavainyepa
Verse 139 — Surah Al-Anam 6:139
Uye vanoti: “Izvo zviri mumatumbu emombe dzakati nedzakati (mukaka nechimhuru) ndezvevarume chete, uye zvinorambidzwa kune vakadzi, asi chikazvarwa chakafa, vose vane kodzero machiri.” Vachava vanovaranga nekuda kweunyengedzi hwavo (manyepo avanoitira Allah). Zvirokwazvo, ndivo vane hungwaru hwose, muzivi wazvose
Verse 140 — Surah Al-Anam 6:140
Zvirokwazvo, vakarasika avo vakauraya vana vavo nekusafunga kwavo zvakanaka nekushaya ruzivo, uye vakarambidza zvavakapihwa naAllah vachinenedzera manyepo kuna Allah. Zvirokwazvo, vakava vanorasika uye vakanga vasina kutungamiririrwa
Verse 141 — Surah Al-Anam 6:141
Uye ndivo vanogadzira mapindu akarereka kana asina, uye nemiti yemadheti, nezvirimwa zvakasiyana zvimiro nemanakiro, nemaOrivhi, nechibage chechirungu, zvakafanana zvimiro uye zvakasiyana manakiro. Idyai michero yayo (miti) kana ichinge yaibva, asi bvisai chipo (Zakaah zvichienderana nemitemo yaAllah, chikamu chimwe kubva muzvikamu gumi (1/10) kana chikamu chimwe kubva muzvikamu makumi maviri (1/20)) pazuva rekukohwa kwayo, uye musave munoshandisa zvakapfurikidza (kutambisa). Zvirokwazvo, (Allah) havadi avo vanoshandisa zvakapfurikidza
Verse 142 — Surah Al-Anam 6:142
Uye kubva kune zvipfuyo (kune izvo) zvinoshandiswa kutakura mutoro (sengamera) uye neizvo zvidiki (zvisingakwanise kutakura zvakaita sembudzi nehwai zvinoshandiswa sechikafu). Idyai kubva mune izvo zvamakapihwa naAllah, uye musave munotevera matsimba aDhiyabhorosi (Satani). Zvirokwazvo, muvengi ari pachena kwamuri
Verse 143 — Surah Al-Anam 6:143
Mapeya masere; ehwai mbiri (hono nehadzi), neembudzi mbiri (hono nehadzi). Iti: “Vakava vanorambidza hono mbiri here kana hadzi mbiri, kana kuti zvinotakurwa nehadzi mbiri (vana)? Ndizivisei neruzivo kana muri pachokwadi.”
Verse 144 — Surah Al-Anam 6:144
Uye kubva kungamera mbiri (hono nehadzi), uye kubva kumombe mbiri (hono nehadzi). Iti: “Vakarambidza here (Allah) hono mbiri kana kuti hadzi mbiri, kana izvo zvakavharirwa mumatumbu ehadzi mbiri? Kana kuti maivepo here Allah pavakukomekedzai izvi? Saka ndeupi anokanganisa kudarika uyo anogadzira manyepo akananga Allah, kuti ave anobuditsa vanhu munzira yaAllah asina ruzivo? Zvirokwazvo, Allah havatungamire vanhu vanotadza.”
Verse 145 — Surah Al-Anam 6:145
Iti (Muhammad (SAW)): “Handioni chakarambidzwa kudya kune uyo anoda kudya, kune izvo zvakadzikiswa kwandiri, kusara kwemhuka yafa yoga, kana musiya (ropa rakadeutswa), kana nyama yenguruve, zvirokwazvo zvakasviba uye haibvumidzwi nyama inouraiwa semupiro kune vamwe kusara kwaAllah (kana yaurairwa zvidhori kana kuti zita raAllah harina kutaurwa pakuuraiwa kwayo). Asi uyo anomanikidzwa nemamiriro ezvinhu asina chishuvo chekusateerera, kana kutyora mutemo (wakatarwa), (kwaari) zvirokwazvo Tenzi vako ndivo vanoregerera zvikuru, vane nyasha zhinji.”
Verse 146 — Surah Al-Anam 6:146
Uye kune maJudha takava tinovarambidza mhuka yose ine mahwanda asina kuparadzana, uye takavarambidza mafuta emombe neehwai kusara kwemafuta anenge ari pamisana kana matumbu adzo, kana anenge akasangana nemapfupa. Izvo takavapa semugove wavo nekuda kwemabasa avo (sekuuraya maporofita nekudya mari yechimbadzo). Uye zvirokwazvo tiri pachokwadi
Verse 147 — Surah Al-Anam 6:147
Kana (MaJudha) vakakuramba (Muhammad (SAW)) iti: “Tenzi venyu ndivo muridzi wenyasha zhinji, uye tsamwa dzavo hadzizombobviswi kubva kune vanhu vanotadza.”
Verse 148 — Surah Al-Anam 6:148
Avo vanosanganisa Allah nezvisikwa (mukunamata) vachati: “Dai Allah vaida, tingadai tisina kuvasanganisa nezvimwe zvisikwa (mukuvanamata), kunyangwe madzibaba edu, uye hapana chatingadai takarambidza.” Saizvozvo vakanga varipo ivo vasati vavepo vakaramba, kusvika varavira mutongo wedu. Iti: “Mune ruzivo here (humboo) rwamungakwanise kubuditsa pamberi pedu? Zvirokwazvo, hapana chamunotevedzera kusara kwefungidziro, uye hapana chamunoita kusara kwemanyepo.”
Verse 149 — Surah Al-Anam 6:149
Iti: “Allah ndivo vane humboo hwose hwakazara (humwechete hwaAllah, kutumirwa kwevatumwa vavo nemagwaro matsvene kuvanhu). Dai (Allah) vaida, zvirokwazvo vangadai vakakutungamirai mose.”
Verse 150 — Surah Al-Anam 6:150
Iti: “Ndipei vapupuri venyu, vangapupure kuti Allah vakava vanorambidza izvi.” Kana vachinge vapupura, usava unopupura (Muhammad (SAW)) pamwechete navo. Uye usava unotevedzera zvido zvemoyo yeavo vanoramba zviratidzo zvedu, neavo vasingatendi muhupenyu huchatevera, uye vanoenzanisa Tenzi vavo nezvimwe zvisikwa mukunamata
Verse 151 — Surah Al-Anam 6:151
Iti (Muhammad (SAW)): “Huyai, ndichakuverengai zvamakarambidzwa naTenzi venyu; kuti musava munovasanganisa nechimwe chinhu mukunamata; mova munoitira vabereki venyu zvakanaka; musave munouraya vana venyu nekuda kwehurombo, Tisu tinokupai raramo imi pamwechete navo (vana); musave munoswedera pedyo neAl-Fawaahish (zvinonyadzisa, zvitadzo zvikuru kana cheupombwe) kunyangwe zvichiitwa pachena kana pakavanzika; uye musave munouraya uyo akarambidzwa naAllah kusara kwekunge pane chikonzero (chinoenderana nemutemo hweIslaam). Izvi vakakukomekedzai (Allah) kuti zvimwe munganzwisise.”
Verse 152 — Surah Al-Anam 6:152
“Uye musave munoswedera pedyo nehupfumi hwenherera, kusara kwekuti muchida kuhuwedzera mune zvakanaka, kusvika abva zera; uye zadzikisai chikero mova munoera mune zvakanaka. Hatipi munhu mutoro kusara kwewaanokwanisa kutakura. Uye kana muchitaura muchiyananisa, taurai chokwadi kunyangwe iri hama yepedyo; uye zadzikisai chibvumirano chaAllah. Izvi (Allah) vanokukomekedzai kuti zvimwe mungarangarire.”
Verse 153 — Surah Al-Anam 6:153
“Uye zvirokwazvo, iyi ndiyo nzira yangu yakatwasuka (yataurwa mundima 151 ne 152), naizvozvo iteverei, uye musave munotevera dzimwe nzira, nokuti dzichakubvisai kubva munzira yavo (Allah). Izvi (Allah) vakakukomekedzai kuti zvimwe mungave munotya.”
Verse 154 — Surah Al-Anam 6:154
Zvakare, takava tinopa Musa, Gwaro (Torah) kuti rive rinozadzikisa (zvipo zvedu) pane avo vachaita zvakanaka, uye richitsanangura zvinhu zvose zvizere, uye segwara nenyasha kuti zvimwe vangava vanotenda mukusangana naTenzi vavo
Verse 155 — Surah Al-Anam 6:155
Uye iri ndiro Gwaro Dzvene (Qur’aan) ratakadzikisa, naizvozvo ritevedzerei uye ityai Allah (musave munotyora mitemo yavo), kuti zvimwe mungagamuchire nyasha (kununurwa kubva kumarwadzo eGehena)
Verse 156 — Surah Al-Anam 6:156
Pamwe mungati (maArabhu akanga asingatendi muchitendero): “Bhuku rakave rinotumirwa chete kumapato maviri (MaJudha nemaKristu) mushure medu, uye hatina zvataiziva maererano nezvavaifunda.”
Verse 157 — Surah Al-Anam 6:157
Kana pamwe mungati (maArabhu akanga asingatendi muchitendero): “Dai Bhuku rakatumirwa kwatiri, zvirokwazvo dai takatungamirirwa kudarika ivo (maJudha nemaKristu).” Saka zvakadaro, chiratidzo chiri pachena (Qur’aan) chave chinouya kwamuri kubva kuna Tenzi venyu, pamwe nekutungamirirwa netsitsi. Saka ndeupi anotadza kupfuura uyo anoramba zviratidzo zvaAllah obva azvifuratira? Tichave tinobhadhara avo vanofuratira zviratidzo zvedu nemutongo wakaomarara, nokuda kwekufuratira kwavo (zviratidzo zvedu)
Verse 158 — Surah Al-Anam 6:158
Vane here chavangamirire kusara kwekuti ngirozi dziuye kwavari, kana kuti Tenzi vako vauye, kana kuti zvimwe zvezviratidzo zvaTenzi vako zviuye? Zuva iro zvimwe zvezviratidzo zvaTenzi vako zvichauya, hapana zvakanaka zvazvichaita kuti munhu atende ipapo, kana asina kutenda kumashure, kana kuita zvakanaka nokuda kwekutenda kwake. Iti: “Mirirai, zvirokwazvo isu takamirirawo.”
Verse 159 — Surah Al-Anam 6:159
Zvirokwazvo, avo vanopatsanura chitendero chavo voita mapoka akasiyana, hauna (Muhammad (SAW)) chero chinhu chekuita navo. Zvirokwazvo, hwurongwa hwavo hwuna Allah, avo vachavaudza maererano neizvo zvavaiita
Verse 160 — Surah Al-Anam 6:160
Uyo anouya nebasa rimwe chete rakanaka, achava negumi akafanana naro (basa rimwe chete rakanaka), uye kune uyo anouya nebasa rimwe chete rakaipa, haapihwi mubairo kunze kwewakafanana naro (basa rakaipa), uye havasi kuzodzvanyirirwa
Verse 161 — Surah Al-Anam 6:161
Iti (Muhammad (SAW)): “Zvirokwazvo, Tenzi vangu vakanditungamirira mugwara rakatwasuka, muchitendero chechokwadi, chitendero chaAbrahamu chakatwasuka (kutenda muhumwechete hwaAllah nekuvanamata vari voga), uye akanga asiri umwe wemaMushrikoon (avo vanosanganisa Allah nezvimwe zvinhu pakuvanamata).”
Verse 162 — Surah Al-Anam 6:162
Iti (Muhammad (SAW)): “Zvirokwazvo, munamato wangu, kupira kwangu, kurarama kwangu, uye nekufa kwangu ndezvaAllah, Tenzi vepasi rose.”
Verse 163 — Surah Al-Anam 6:163
“(Allah) havana mufambidzani. Uye kudaro ndakakomekedzwa, uye ndini wokutanga kune avo vakazvipira (maMuslim).”
Verse 164 — Surah Al-Anam 6:164
Iti: “Pane here wandingatsvage saTenzi kunze kwaAllah, vari ivo Tenzi wezvose? Hapana munhu anowana (chivi) kusara kwekuti chakanangana naiye. Uye hapana mutakuri wemutoro achatakura mutoro wemumwe. Zvakare kuna Tenzi venyu ndiko kwamuchadzokera, uye vokuudzai izvo zvamaipikisana.”
Verse 165 — Surah Al-Anam 6:165
Uye ndivo (Allah) vakakuitai vatevedzeri panyika (vamwe vachitsiva vamwe), uye vakakwidziridza vamwe venyu pazvidanho, vamwe pamusoro pevamwe, kuti vave vanokuedzai pane izvo zvavakakupai. Zvirokwazvo, Tenzi vako vanoranga nekuchimbidza, uye zvirokwazvo ndivo vanoregerera zvikuru, vane tsitsi zhinji