Back to Languages

Shona - Chapter 61 - As-Saf

Translation by Abdullah J. M. Adini And Students — Permalink

Verse 1 — Surah As-Saf 61:1

Zvose zviri kumatenga nepanyika zvinorumbidza Allah. Uye ndivo mukuru, vane huchenjeri hwese

Verse 2 — Surah As-Saf 61:2

Imi vanotenda! Sei muchitaura izvo zvamusingaiti

Verse 3 — Surah As-Saf 61:3

Zvakanyanya kuvengwa pamberi paAllah ndezvekutaura izvo zvamusingaiti

Verse 4 — Surah As-Saf 61:4

Zvirokwazvo, Allah vanoda avo vanorwa munzira yavo vari pamitsara sokunge mudhuri wakasimba

Verse 5 — Surah As-Saf 61:5

Uye rangarirai apo Musa akati kuvanhu vake: “Imi vanhu vangu! Nemhaka yei imi muchindirwadzisa asi imi muchiziva muchokwadi kuti ini ndiri mutumwa waAllah kwamuri?” Saka pavakafuratira, Allah vakaita kuti moyo yavo ifuratire (nzira yakanaka). Uye Allah havatungamiri vanhu vasingateereri

Verse 6 — Surah As-Saf 61:6

Uye rangarirai apo Isa (Jesu) mwana wa Mariya akati: “Imi vana vaIzrairi! Ini ndiri mutumwa waAllah kwamuri, kuzodudzira izvo zvakauya pamberi pangu zviri muTorah, uye kupa mashoko akanaka emutumwa achauya mushure mangu, zita rake anonzi Ahmad (zita rimwe raMuhammad (SAW)).” Asi paakauya (Ahmad (SAW)) kwavari nehumboo huri pachena, vakati: “Aya masaramusi ari pachena.”

Verse 7 — Surah As-Saf 61:7

Uye ndiani anotadza zvikuru kudarika uyo anonyepera Allah, asi iye achidaidzirwa kuIslaam? Uye Allah havatungamiriri vanhu vanotadza

Verse 8 — Surah As-Saf 61:8

Vanoshuvira kudzima mwenje waAllah (Islaam) nemiromo yavo, asi Allah vachadzadzikisa mwenje wavo kunyangwe zvazvo vasingatendi vachizvivenga

Verse 9 — Surah As-Saf 61:9

Ndivo vakatuma mutumwa wavo (Muhammad (SAW)) nenungamiro uye chitendero chechokwadi (Islaam) kuti chigokunda zvitendero zvose kunyangwe zvazvo maMushrikoon (Vasingatendi nevanonamata vana mwari vakawanda) vachizvivenga

Verse 10 — Surah As-Saf 61:10

Imi vanotenda! Ndingakutungamirai here kune bhizimusi richakununurai kubva kumurango unorwadza

Verse 11 — Surah As-Saf 61:11

Kuti imi mutende kuna Allah uye mutumwa wavo (Muhammad (SAW)), uye moshinga nekurwa munzira yaAllah nehupfumi hwenyu uye nehupenyu hwenyu. Izvozvo ndizvo zvakanaka kwamuri kana muchiziva

Verse 12 — Surah As-Saf 61:12

(Allah) vachakuregererai zvitadzo zvenyu, uye vachakupinzai muParadhiso iro pasi paro panoerera nzizi, uyedzimba dzakanaka muEden, Paradhiso. Zvirokwazvo, ikoko ndiko kubudirira kukuru

Verse 13 — Surah As-Saf 61:13

Nezvimwe zvamunoda kubva kuna Allah (vachakupai), rubatsiro kubva kuna Allah nekukunda kuri pedyo. Uye ipa mashoko akanaka (Muhammad (SAW)) kune vatendi

Verse 14 — Surah As-Saf 61:14

Imi vanotenda! Ivai vabetseri vaAllah sokutaura kwakaita Isa (Jesu) mwana waMariya kuvadzidzi vake (achiti): “Ndivanaani vachandibetsera kuna Allah?” Vadzidzi vakataura kuti: “Isu tiri vabetseri vaAllah!” Naizvozvo chikwata chevana veIzrairi chakatenda uye chikwata chimwe hachina kutenda. Naizvozvo takapa simba kune avo vakatenda pamusoro pemhandu dzavo, uye vakabva vakunda