Back to LanguagesPrevious ChapterNext Chapter
Shona - Chapter 67 - Al-Mulk
Translation by Abdullah J. M. Adini And Students — Permalink
Verse 1 — Surah Al-Mulk 67:1
Vakakomborerwa ndeavo mumaoko avo mune humambo wese. Uye vanokwanisa kuita zvinhu zvose (Vane masimba pamusoro pezvinhu zvose)
Verse 2 — Surah Al-Mulk 67:2
Avo vakasika rufu neupenyu kuti vave vanokuedzai kuti ndiani pakati penyu anemabasa akanaka. Uyezve ndivo samasimba ose, vane ruregerero rwese
Verse 3 — Surah Al-Mulk 67:3
Avo vakasika matenga manomwe rimwe pamusoro perimwe. Uye haukwanisi kuona chakakanganiswa pazvisikwa zvaane tsitsi dzose. Dzokororazve kutarisa! “Uri kuona here kutsemuka?”
Verse 4 — Surah Al-Mulk 67:4
Nokudaro dzokorora zvakare kutarisa! Asi maziso ako anodzoka kwauri anenyadzi uyezve aneta
Verse 5 — Surah Al-Mulk 67:5
Uye zvirokwazvo, takashongedza denga repadyo nenyika nemarambi, uye takaaita marambi iwayo sezvombo kumaDhiyabhorosi, uye takavagadzirira marwadzo emoto unobvira
Verse 6 — Surah Al-Mulk 67:6
Uye kune avo vasingatendi muna Tenzi vavo kune marwadzo eGehena, uye inzvimbo yokugara yakaipisisa
Verse 7 — Surah Al-Mulk 67:7
Apo pavachakandwa imomo mariri vachanzwa kukweva mariri (kwakasimba) apo parinenge richifema apo richibvira
Verse 8 — Surah Al-Mulk 67:8
Richasvika pakuda kuputsika nehasha. Nguva dzose chikwata pachinokandwa mariri, vachengetedzi varo vachabvunza: “Muyambiri haana kuuya kwamuri here?”
Verse 9 — Surah Al-Mulk 67:9
Vachati: “Hongu, zvirokwazvo muyambiri akauya kwatiri, asi takamuramba tikati: ‘Allah havana kutumira pano pasi chimwe chinhu (mashoko), asi makarasika zvakanyanya.’”
Verse 10 — Surah Al-Mulk 67:10
Uye vachati: “Dai takateerera kana kushandisa huchenjeri hwedu, taisazowanikwa muvanhu vekumoto!”
Verse 11 — Surah Al-Mulk 67:11
Vachapupura zvitadzo zvavo. Nokudaro, ngavave kure vanhu vekumoto unobvira
Verse 12 — Surah Al-Mulk 67:12
Zvirokwazvo, avo vanotya Tenzi vavo vakavanzika, vachawana ruregerero uye mubairo mukuru
Verse 13 — Surah Al-Mulk 67:13
Uye taurai mashoko enyu muchizevezeve kana kuwaburitsa pachena, zvirokwazvo (Allah) vanoziva zvakanyanya izvo zviri muzvipfuva (zvevanhu)
Verse 14 — Surah Al-Mulk 67:14
Havangazivi here ivo vari ivo vakasika? Uye ndivo vane tsitsi dzose, muzivi wezvose
Verse 15 — Surah Al-Mulk 67:15
Ndivo vakaita kuti nyika ive inozvipira kwamuri (muchifamba nokugara pamusoro payo uye nekuirima), nokudaro fambai munzira dzayo uye idyai zvokudya zvayo. Uye kwavari ndiko kune kumutswa kwenyu
Verse 16 — Surah Al-Mulk 67:16
Munogadzikana here kuti avo vari pamusoro pematenga (Allah) havaiiti nyika kuti inyure nemi, apo paino dengenyeka
Verse 17 — Surah Al-Mulk 67:17
Kana kuti munogadzikana here kuti avo vari pamusoro pematenga havakwanisi kukutumirai kwamuri mhepo yakasimba? Nokudaro muchaziva kuti yambiro yangu yakaita sei
Verse 18 — Surah Al-Mulk 67:18
Uye zvirokwazvo avo vaiva kumashure kwenyu vakaramba, nokudaro kwakaipa sei kuvaramba kwangu (chirango changu)
Verse 19 — Surah Al-Mulk 67:19
Havaoni here shiri pamusoro pavo dzichitambanudza mapapiro adzo, nekumadzosa mukati? Hapana anodzitakura kunze kwamuzvina tsitsi dzose. Zvirokwazvo, ndivo muoni wezvose
Verse 20 — Surah Al-Mulk 67:20
Ndiani kunze kune vane tsitsi dzose (Allah) vanokwanisa kuva masoja kwamuri kuti akubetserei? Vasingatendi hapana mavari kunze kwemumanyepo (munyengedzo)
Verse 21 — Surah Al-Mulk 67:21
Ndiani angakupai imi (zvokushandisa, kudya) kana vakabata zvokudya (vakasakupai) zvavo? Asi vanoenderera mberi nekuzvitutumadza, uye nekutiza (kubva pachokwadi)
Verse 22 — Surah Al-Mulk 67:22
Ndizvo here kuti uyo anofamba nechiso chake asingaoni, akatungamirirwa zvakanyanya kudarika uyo anofamba akatwasuka munzira yakatwasuka (Islaam)
Verse 23 — Surah Al-Mulk 67:23
Iti: “Ndivo vakakusikai, uye vakakupai nzeve uye maziso uye nemoyo. Asi munotenda zvishoma.”
Verse 24 — Surah Al-Mulk 67:24
Iti: “Ndivo vakakusikai munyika, uye kwavari muchaunganidzwa (muhupenyu hwamangwana).”
Verse 25 — Surah Al-Mulk 67:25
Vanoti: “Ndiriniko pachauya vimbiso iyi (zuva rekutongwa) kana muchitaura chokwadi?”
Verse 26 — Surah Al-Mulk 67:26
Iti (Muhammad (SAW)): “Zvirokwazvo, ruzivo rwuna Allah voga, uye zvirokwazvo ndiri muyambiri ari pachena.”
Verse 27 — Surah Al-Mulk 67:27
Asi pavachaona (marwadzo eZuva Rokutongwa) achiuya, zviso zveavo vasingatendi zvichachinja zvoita zvitema uye zvichanzi: “Iyi ndiyo (vimbiso) yamaidana!”
Verse 28 — Surah Al-Mulk 67:28
Iti (Muhammad (SAW)): “Ndiudzei! Kana Allah vakandiparadza neavo vandinavo, kana kuti votiitira tsitsi, ndiani achabatsira vasingatendi kubva kumarwadzo akaoma?”
Verse 29 — Surah Al-Mulk 67:29
Iti (Muhammad (SAW)): “Ndivo vane tsitsi dzose (Allah), kwavari tinotenda, uye tinovimba navo. Nokudaro muchaziva kuti ndiani akarasika zviri pachena.”
Verse 30 — Surah Al-Mulk 67:30
Iti (Muhammad (SAW)): “Ndiudzei! Kana mvura yenyu yose ikanyura, ndiani achakupai mvura inoyerera?”