Back to LanguagesPrevious ChapterNext Chapter
Shona - Chapter 69 - Al-Haqqah
Translation by Abdullah J. M. Adini And Students — Permalink
Verse 1 — Surah Al-Haqqah 69:1
Rechokwadi (Zuva rekutongwa)
Verse 2 — Surah Al-Haqqah 69:2
Chii chacho chechokwadi
Verse 3 — Surah Al-Haqqah 69:3
Uyezve chii chingakuite kuti uzive chechokwadi chacho kuti chii
Verse 4 — Surah Al-Haqqah 69:4
MaThamood nemaAad vakaramba Al-Qaari’ah (kusvika kwezuva rekutongwa)
Verse 5 — Surah Al-Haqqah 69:5
Vari semaThamood, vakaparadzwa neruzha rwakasimba
Verse 6 — Surah Al-Haqqah 69:6
Uye vari semaAad, vakaparadzwa nemhepo yakasimba
Verse 7 — Surah Al-Haqqah 69:7
Iyo yavakatarirwa (naAllah) kwehusiku hunomwe nemazuva masere achitevedzana, zvokuti waiona varume vakarara sekunge ingwanda dzemiti yemadheti
Verse 8 — Surah Al-Haqqah 69:8
Uri kuona here zvakasara zvavo
Verse 9 — Surah Al-Haqqah 69:9
Uye Farawo, neavo vaiva mushure make, uye nemaguta (evanhu vaLoti) akatsindikirwa vaiita zvitadzo
Verse 10 — Surah Al-Haqqah 69:10
Uye havana kuteerera mutumwa waTenzi vavo, nokudaro vakavapa marwadzo akaomarara
Verse 11 — Surah Al-Haqqah 69:11
Zvirokwazo, apo mvura payakapfachukira (mvura yaNowa), takakutakurai (imi vanhu) muri pamusoro payo (mungarava yakagadzirwa naNowa)
Verse 12 — Surah Al-Haqqah 69:12
Kuti tiyiite (ngarava yaNowa) kuti ive chiyeuchidzo kwamuri, uye kuti nzeve inonzwisisa ive inonzwa
Verse 13 — Surah Al-Haqqah 69:13
Nokudaro apo pacharidzwa hwamanda zvine simba kamwechete (Kuridza kwekutanga)
Verse 14 — Surah Al-Haqqah 69:14
Uye nyika nemakomo zvichabviswa panzvimbo dzawo, uye zvoputswa kamwechete
Verse 15 — Surah Al-Haqqah 69:15
Zuva iro chiitiko chikuru chichaiitika
Verse 16 — Surah Al-Haqqah 69:16
Uye denga richatsemuka. Pazuva iri richava nyore (kutsemuka) nekudambuka
Verse 17 — Surah Al-Haqqah 69:17
Uye ngirozi dzichava mumativi arwo, uye ngirozi sere dzichange dzakatakura chigaro chehumambo hwaTenzi vako pamusoro padzo zuva iri
Verse 18 — Surah Al-Haqqah 69:18
Zuva iri muchaunzwa kuhutongi, (uye) hapana chakavanzika chenyu chichavigwa
Verse 19 — Surah Al-Haqqah 69:19
Nokudaro kune uyo achapihwa zvinyorwa zvake (bhuku) kuruoko rwerudyi achati: “Kuno! Verengai zvinyorwa zvangu!”
Verse 20 — Surah Al-Haqqah 69:20
“Zvirokwazvo ini ndaitenda kuti ndichasangana nekutongwa kwangu!”
Verse 21 — Surah Al-Haqqah 69:21
Nokudaro achava muupenyu wemufaro
Verse 22 — Surah Al-Haqqah 69:22
Mubindu rakakwiridzirwa (Paradhiso)
Verse 23 — Surah Al-Haqqah 69:23
Michero iri bumbu iri pazasi uye pedyo
Verse 24 — Surah Al-Haqqah 69:24
Idyai nekunwa makadekara izvo zvamakatungamidza mazuva apfuura
Verse 25 — Surah Al-Haqqah 69:25
Asi kune uyo achapihwa zvinyorwa zvake (bhuku) kuruoko rweruboshwe achati: “Dai hangu ndisina kupihwa chinyorwa changu!”
Verse 26 — Surah Al-Haqqah 69:26
“Uyezve ndisingazive kuti mutongo wangu wakamira sei!”
Verse 27 — Surah Al-Haqqah 69:27
“Dai (rufu) rwakaita magumo angu!”
Verse 28 — Surah Al-Haqqah 69:28
“Hupfumi hwangu hauna kundidzivirira!”
Verse 29 — Surah Al-Haqqah 69:29
“Simba rangu (hutongi) hwabva pandiri!”
Verse 30 — Surah Al-Haqqah 69:30
(Zvichanzi): “Mubatei momusunga!”
Verse 31 — Surah Al-Haqqah 69:31
“Mobva mamukanda murimi remoto!”
Verse 32 — Surah Al-Haqqah 69:32
“Mobva mamusunga nengetani kureba kwadzo makumi manomwe ehonokono!”
Verse 33 — Surah Al-Haqqah 69:33
Zvirokwazvo, anga asingatendi muna Allah mukuru wezvose
Verse 34 — Surah Al-Haqqah 69:34
Uye aive asingakurudziri kuti varombo vapihwe chekudya
Verse 35 — Surah Al-Haqqah 69:35
Nokudaro haana shamwari yaanayo pano zuva ranhasi
Verse 36 — Surah Al-Haqqah 69:36
Kana chokudya kunze kwemvura dzezvironda (nemakwati)
Verse 37 — Surah Al-Haqqah 69:37
Hakuna anoadya kunze kwevatadzi (nevasingatendi)
Verse 38 — Surah Al-Haqqah 69:38
Uye ndinopika neizvo zvose zvamunoona
Verse 39 — Surah Al-Haqqah 69:39
Uyezve neizvo zvose zvamusingaoni
Verse 40 — Surah Al-Haqqah 69:40
Kuti zvirokwazvo, ishoko remutumwa anoremekedzwa (Gabriel kana kuti Muhammad(SAW) raaunza kubva kuna Allah
Verse 41 — Surah Al-Haqqah 69:41
Haasi mashoko anyanduri. Zvishoma ndizvo zvamunotenda
Verse 42 — Surah Al-Haqqah 69:42
Kana kuti mashoko emufemberi. Zvishoma ndizvo zvamunorangarira
Verse 43 — Surah Al-Haqqah 69:43
(Aya mashoko) akadzikiswa kubva kuna Tenzi vezvinhu zvese
Verse 44 — Surah Al-Haqqah 69:44
Dai (Muhammad (SAW)) aitaura mashoko enhema maererano nesu (Allah)
Verse 45 — Surah Al-Haqqah 69:45
Zvirokwazvo taimubata neruoko rwake rwerudyi
Verse 46 — Surah Al-Haqqah 69:46
Uye tomudambura tsinga dzake dzeupenyu
Verse 47 — Surah Al-Haqqah 69:47
Uye hapana mumwechete wenyu aikwanisa kutitadzisa kumuranga
Verse 48 — Surah Al-Haqqah 69:48
Uye zvirokwazvo, iri (Qur’aan) murangaridzo wevatsvene (Qur’aan)
Verse 49 — Surah Al-Haqqah 69:49
Uye zvirokwazvo, tinoziva kuti pakati penyu pane vamwe vanoriramba
Verse 50 — Surah Al-Haqqah 69:50
Uye zvirokwazvo, iri (Qur’aan) richava chirwadzo kune avo vasingatendi (Pazuva rekutongwa)
Verse 51 — Surah Al-Haqqah 69:51
Uye zvirokwazvo, iri (Qur’aan) ichokwadi chiri pachena
Verse 52 — Surah Al-Haqqah 69:52
Nokudaro rumbidza zita raTenzi vako, mukuru mukuru wezvose