Back to LanguagesPrevious ChapterNext Chapter
Shona - Chapter 71 - Nuh
Translation by Abdullah J. M. Adini And Students — Permalink
Verse 1 — Surah Nuh 71:1
Zvirokwazvo, takatumira Nuh (Nowa) kuvanhu vake (tichiti): “Yambira vanhu vako mutongo unorwadza usati wauya kwavari.”
Verse 2 — Surah Nuh 71:2
(Nuh) akati: “Imi vanhu vangu! Zvirokwazvo, ndiri muyambiri ari pachena kwamuri.”
Verse 3 — Surah Nuh 71:3
“Munofanira kunamata Allah (vega), uye nekuvatya, uyezve mova munonditeerera.”
Verse 4 — Surah Nuh 71:4
“(Allah) vachakuregererai zvitadzo zvenyu uye vokusiyai kusvika panguva yakatarwa. Zvirokwazvo, kana nguva yaAllah yasvika, haigoni kunonotswa dai maiziva.”
Verse 5 — Surah Nuh 71:5
Nuh akati: “Tenzi vangu! Zvirokwazvo, inini ndasheedza vanhu vangu usiku nesikati.”
Verse 6 — Surah Nuh 71:6
“Asi kusheedza kwangu hakuna kuvawedzera (kuvabatsira) kunze kwekutiza (chokwadi).”
Verse 7 — Surah Nuh 71:7
“Uye zvirokwazvo, pese pandinovasheedza kuti muve munovaregerera, vanoisa minwe yavo munzeve dzavo, vozvifukidza nenguwo dzavo, uye vosimbirira (nekuramba kwavo), uye vozvitutumadza zvakanyanya.”
Verse 8 — Surah Nuh 71:8
“Uye zvirokwazvo, inini ndaivasheedza pachena (nezwi riri pamusoro).”
Verse 9 — Surah Nuh 71:9
“Uye zvirokwazvo, ndaivaparidzira pachena, uye ndaivakumbira pakahwanda.”
Verse 10 — Surah Nuh 71:10
“Naizvozvo ndikati (kwavari): ‘Kumbirai ruregerero kuna Tenzi venyu. Zvirokwazvo, vazere neruregerero.’
Verse 11 — Surah Nuh 71:11
‘Vachatumira mvura zhinji kwamuri.’
Verse 12 — Surah Nuh 71:12
‘Uye vanokuwedzerai hupfumi uye nevana, uye vanokupai minda uye vanokupai nzizi.’”
Verse 13 — Surah Nuh 71:13
Dambudziko renyu nderei? Hamushuviri mubairo kubva kuna Allah
Verse 14 — Surah Nuh 71:14
Uye zvirokwazvo, vakakusikai nezvidanho (Nutfah, Alaqah, uye Mudghah – Qur’aan)
Verse 15 — Surah Nuh 71:15
Hamuoni here kuti Allah vakasika sei matenga manomwe rimwe pamusoro perimwe
Verse 16 — Surah Nuh 71:16
Uye vakasika mwedzi sechiedza pakati pawo (matenga), uye vakasika zuva serambi
Verse 17 — Surah Nuh 71:17
Uyezve Allah vakakusikai kubva kuivhu
Verse 18 — Surah Nuh 71:18
Naizvozvo vachakudzorerai ikoko (kuivhu), uye vozokumutsai zvakare (pazuva rekutongwa)
Verse 19 — Surah Nuh 71:19
Uye Allah vakakusikirai nyika yakafara
Verse 20 — Surah Nuh 71:20
Kuti mufambe mairi munzira dzakafara
Verse 21 — Surah Nuh 71:21
Nuh (Nowa) akati: “Tenzi vangu! (Vanhu ava) vakaramba kunditeerera, uye vakatevera uyo hupfumi nevana vake hazvina zvazvinomuwedzera kunze kwekurasikirwa.”
Verse 22 — Surah Nuh 71:22
“Uyezve vakaronga kuronga kukuru.”
Verse 23 — Surah Nuh 71:23
“Uyezve vakati (kune vamwe vavo): ‘Hamufanirwi kusiya vanamwari venyu, kana kuti musiye Wadd, kana kuti Suwaa, kana kuti Yaghooth, kana kuti Yauooq, kana kuti Nasr (Aya mazita ezviumbwa zvavainamata).’”
Verse 24 — Surah Nuh 71:24
“Uye zvirokwazvo vakatsaudza vakawanda, uye (Allah): ‘Musawedzere avo vanoita zvakaipa kunze kwekurasika.’”
Verse 25 — Surah Nuh 71:25
Nekuda kwezvitadzo zvavo vakanyudzwa (mumvura), vakaitwa kuti vapinde mumoto. Uyezve havana kuwana mubatsiri kunze kwaAllah
Verse 26 — Surah Nuh 71:26
Uye Nuh (Nowa) akati: “Tenzi vangu! Musava munosiya kana mumwechete wevasingatendi panyika (Paradzai vese)!”
Verse 27 — Surah Nuh 71:27
“Kana mukavasiya, vachatsaudza varanda venyu, uye havazombobereki (vana) asi vasingatendi.”
Verse 28 — Surah Nuh 71:28
“Tenzi vangu! Ndiregererei inini, uye nevabereki vangu, uye neuyo anopinda mumba mangu ari mutendi, uye nevatendi vose varume nevakadzi. Uye kune avo vasingatendi (vaiiti vezvakaipa), musava munovawedzera asi mukuparadzwa.”