Back to LanguagesPrevious ChapterNext Chapter
Shona - Chapter 73 - Al-Muzzammil
Translation by Abdullah J. M. Adini And Students — Permalink
Verse 1 — Surah Al-Muzzammil 73:1
Iwe wakaputirwa mumachira (Mutumwa Muhammad (SAW)
Verse 2 — Surah Al-Muzzammil 73:2
Muka (mira) unamate usiku hwose kusiya kwekachidimbu (kehusiku) Tahajjud
Verse 3 — Surah Al-Muzzammil 73:3
Chidimbu chepakati nepakati kana chishoma pane izvozvo
Verse 4 — Surah Al-Muzzammil 73:4
Kana kuti owedzera zvishoma (kubva pakati nepakati). Uyezve verenga Qur’aan (uchisheedzesa) zvinyoro-nyoro, (nezwi rinoyevedza) uchinyatsokukwenenzvera
Verse 5 — Surah Al-Muzzammil 73:5
Muzvirokwazvo, tichaburutsa kwauri mashoko ane hudzamu (huremu) (mitemo, zvinhu zvakakomekedzwa)
Verse 6 — Surah Al-Muzzammil 73:6
Zvirokwazvo, kumuka pakati pehusiku (uchinamata/uchimukira munamato weTahajjud) chinhu chakaoma chinonetsa, uye chinobatsira zvikuru (chiguro), uye chakanaka pakuzvichengetedza, uye ndicho chinonyatsoita kuti munhu anyatsonzwisisa shoko (raAllah)
Verse 7 — Surah Al-Muzzammil 73:7
Zvirokwazvo, muswero wezuva unenge uine mabasa (akasiyana siyana akawanda) emazuva ose
Verse 8 — Surah Al-Muzzammil 73:8
Uyezve rangarira zita raTenzi vako (Allah) wova unozvipira kwavari nemoyo wese (wakaperera)
Verse 9 — Surah Al-Muzzammil 73:9
(Ndivo woga) Tenzi vemabvazuva nemadokero (nemavirira); Laa ilaaha illaa Huwa (Hakuna mumwe anofanirwa kunamatwa kunze kwavo – Allah). Naizvozvo, tora ivo voga semuriritiri (vanokwanisa kumiririra mumabasa ako Muhammad (SAW)
Verse 10 — Surah Al-Muzzammil 73:10
Uye, iwe chitsungirira (Muhammad (SAW)) mune zvose zvavanotaura (maKuffaar), uye wogara kure navo mune zvakanaka (usinganetsane navo)
Verse 11 — Surah Al-Muzzammil 73:11
Uyezve chindisiya (ini Allah) ndega ndipedzerane neavo maKuffaar (avo vanoramba zviratidzo zvangu), avo vane zvakanyatsonaka zveupenyu (hupfumi). Zvekare (iwe Muhammad (SAW)) chimbovasiya kwechinguvana
Verse 12 — Surah Al-Muzzammil 73:12
Muzvirokwazvo, tine ngetani (dzekuvasungisa), uyezve nemoto (unopisa samare)
Verse 13 — Surah Al-Muzzammil 73:13
Uyezve (tine) chikafu chinokachidza, zvekare nemutongo unorwadza
Verse 14 — Surah Al-Muzzammil 73:14
Pazuva iro pachandengendeka nyika nemakomo (zvine ukasha mukati), zvekare makomo achave dutu rejecha rakamwararidzwa
Verse 15 — Surah Al-Muzzammil 73:15
Zvirokwazvo, tave tinokutumirai Mutumwa (Muhammad (SAW)) semupupuri kwamuri, sekutumira mutumwa (Musa kwatakaita) kuna Farawo
Verse 16 — Surah Al-Muzzammil 73:16
Naizvozvo Farawo haana kuteerera Mutumwa (Musa (AS)); naizvozvo takamuranga (takamutora) nemurango (mukuru) wakaoma
Verse 17 — Surah Al-Muzzammil 73:17
Ko mungadzivirira sei murango kana imi musingatende, pazuva iro (zuva rokutongwa) richaita kuti vana vadiki vamere imvi (kuva nebvudzi rebvumu)
Verse 18 — Surah Al-Muzzammil 73:18
(Zuva iro) denga parichatsemuka. Muzvokwadi chivimbiso chavo (Allah) chichazadzikiswa
Verse 19 — Surah Al-Muzzammil 73:19
Muzvirokwazvo, iyi iyeuchidzo; naizvozvo uyo anenge ada musiyei atore nzira yekuna Tenzi vake
Verse 20 — Surah Al-Muzzammil 73:20
Zvirokwazvo, Tenzi vako (Allah) vanozviziva kuti unomira (uchinamata usiku) neboka revatevedzeri vako zvishomanana pane zvidimbu zviviri kubva muzvitatu (2/3) dzeusiku, kana kuti chidimbu kubva muzviviri (1/2) dzeusiku, kana kuti chidimbu chimwe kubva muzvitatu (1/3) dzeusiku. Uyezve Allah vanoyera (vanopima) husiku nemasikati. (Allah) vanozviziva kuti haukwanise kunamata husiku hwose, naizvozvo vave vanokuregerera (netsitsi). Naizvozvo chiverenga Qur’aan (zvaunoona) zviri nyore kwauri. (Allah) vanozviziva kuti pakati penyu pane varwere, uyezve vamwe ndivo vanofamba munyika vachitsvaga (makomborero) aAllah, vamwewo ndivo vanorwa munzira yaAllah. Saka naizvozvo verengai kubva mariri (Qur’aan) zvamunokwanisa, zvekare ivai munoita Swalaah (Munamato), mopa Zakaah (Zvipo), mokweretesa Allah kwereteso yakanaka (Moita mabasa akanaka vachakupai mibairo). Uyezve, chingave chii zvacho chamunoita chanaka (Nawaafil Swalaah, Saum, Zakaat, Hajj, Umrah nezvakadarowo), muzvirokwazvo muchazviwana zvina Allah zvitori nani kana kutodarika ipapo pamubairo. Zvekare ivai munokumbira ruregerero kubva kuna Allah. Zvirokwazvo, Allah ndivo muregereri, vane ngoni zhinji