Back to LanguagesPrevious ChapterNext Chapter
Shona - Chapter 77 - Al-Mursalat
Translation by Abdullah J. M. Adini And Students — Permalink
Verse 1 — Surah Al-Mursalat 77:1
(Ndinopika) Ne (mhepo kana ngirozi, kana nhumwa dzaAllah) dzakatumwa imwe mushure meimwe
Verse 2 — Surah Al-Mursalat 77:2
Uye nemhepo dzinovhuvhuta zvine simba
Verse 3 — Surah Al-Mursalat 77:3
Uye nemhepo inopararidza makore nemvura
Verse 4 — Surah Al-Mursalat 77:4
Uye ne (ndima dzemuQur’aan) dzinosiyanisa (zvakanaka nezvakaipa)
Verse 5 — Surah Al-Mursalat 77:5
Uye ne (ngirozi) dzinounza zvidzikiswa (kunhumwa)
Verse 6 — Surah Al-Mursalat 77:6
Kunobvisa zvose zvimhingamupini kana kuyambira
Verse 7 — Surah Al-Mursalat 77:7
Zvirokwazvo, zvawakavimbiswa zvichadarika
Verse 8 — Surah Al-Mursalat 77:8
Apo nyenyedzi dzichadzima chiedza chadzo
Verse 9 — Surah Al-Mursalat 77:9
Uye denga richatsemuka
Verse 10 — Surah Al-Mursalat 77:10
Uye nemakomo paachafuridzwa kure
Verse 11 — Surah Al-Mursalat 77:11
Uye nenhumwa padzichaunganidzwa panguva yakatarwa
Verse 12 — Surah Al-Mursalat 77:12
Zuva ripi (zviratidzo izvi) zvirikunonotserwa
Verse 13 — Surah Al-Mursalat 77:13
Zuva resarudzo (avo veParadhiso kubva kune avo vekuGehena)
Verse 14 — Surah Al-Mursalat 77:14
Uye uchaziva sei kuti zuva resarudzo chii
Verse 15 — Surah Al-Mursalat 77:15
Matambudziko pazuva iri kune avo vanoramba (Zuva Rekutongwa)
Verse 16 — Surah Al-Mursalat 77:16
Hatina here kuparadza avo vange vari kumberi kwenyu
Verse 17 — Surah Al-Mursalat 77:17
Uye tichaita vari mumashure mavo vave vanovatevera
Verse 18 — Surah Al-Mursalat 77:18
Nenzira iyi tinoshanda nevapari vemhosva (vasingatendi nevatadzi)
Verse 19 — Surah Al-Mursalat 77:19
Matambudziko kune avo vanoramba (Zuva Rekutongwa)
Verse 20 — Surah Al-Mursalat 77:20
Hatina kukusikai kubva kumvura inoshorwa
Verse 21 — Surah Al-Mursalat 77:21
Uye tikaigadzika munzvimbo yakachengetedzeka (munhumbu)
Verse 22 — Surah Al-Mursalat 77:22
Kwenguva inozivikanwa (yemwana kuti aberekwe)
Verse 23 — Surah Al-Mursalat 77:23
Saka takaera, uye tisu nyanzvi dzekuera (zvinhu)
Verse 24 — Surah Al-Mursalat 77:24
Matambudziko kune avo vanoramba (Zuva Rekutongwa)
Verse 25 — Surah Al-Mursalat 77:25
Hatina here kugadzira pasi senzvimbo yokugara
Verse 26 — Surah Al-Mursalat 77:26
Kune vapenyu nevakafa
Verse 27 — Surah Al-Mursalat 77:27
Uye tikagadzika imomo makomo akasimba nekureba, uye tikakupai mvura yekunwa inonaka
Verse 28 — Surah Al-Mursalat 77:28
Matambudziko kune avo vanoramba (Zuva Rekutongwa)
Verse 29 — Surah Al-Mursalat 77:29
(Zvichanzi kune vasingatendi): “Gundumukai kubva kune izvo zvamairamba!”
Verse 30 — Surah Al-Mursalat 77:30
“Gundumukai kumumvuri (wemoto weGehena hutsi huchikwidza) muzvikwata zvitatu.”
Verse 31 — Surah Al-Mursalat 77:31
“Pasina mumvuri, kana kubatsira chimwe chinhu kubva murimi remoto.”
Verse 32 — Surah Al-Mursalat 77:32
Zvirokwazvo, iro (Gehena) richakanda zvingaimi seAl-Qasr (zidanda rechitsiga)
Verse 33 — Surah Al-Mursalat 77:33
Sekunge ingamera dzeruvara rwegoride kana tsapo retambo
Verse 34 — Surah Al-Mursalat 77:34
Matambudziko kune avo vanoramba (Zuva Rekutongwa)
Verse 35 — Surah Al-Mursalat 77:35
Iri ndiro zuva ravasingatauri (padzimwe nguva dzaro)
Verse 36 — Surah Al-Mursalat 77:36
Uye havabvumidzwe kupa zvikonzero
Verse 37 — Surah Al-Mursalat 77:37
Matambudziko kune avo vanoramba (Zuva Rekutongwa)
Verse 38 — Surah Al-Mursalat 77:38
Iri izuva resarudzo (remutongo). Takuunzai imi nevanhu vekutanga pamwechete
Verse 39 — Surah Al-Mursalat 77:39
Saka kana pane zvamakaronga, shandisirai ini (Allah)
Verse 40 — Surah Al-Mursalat 77:40
Matambudziko kune avo vanoramba (Zuva Rekutongwa)
Verse 41 — Surah Al-Mursalat 77:41
Zvirokwazvo, vanotya Allah vachave pakati pemimvuri nezvitubu
Verse 42 — Surah Al-Mursalat 77:42
Uye nemichero iyo vachada
Verse 43 — Surah Al-Mursalat 77:43
“Idyai nekunwa makasununguka nekuda kwezvamaiita.”
Verse 44 — Surah Al-Mursalat 77:44
Zvirokwazvo, kudaro tinopa mubairo kuvanhu vezvakanaka
Verse 45 — Surah Al-Mursalat 77:45
Matambudziko kune avo vanoramba (Zuva Rekutongwa)
Verse 46 — Surah Al-Mursalat 77:46
(Imi vasingatendi)! Idyai nekufara (muhupenyu hwepano pasi) kwechinguva chidiki. Zvirokwazvo, muri vaiti vezvakaipa
Verse 47 — Surah Al-Mursalat 77:47
Matambudziko kune avo vanoramba (Zuva Rekutongwa)
Verse 48 — Surah Al-Mursalat 77:48
Kana zvikanzi kwavari: “Kotamai (mumunamato)! Havakotami (havaite minamato yavo)
Verse 49 — Surah Al-Mursalat 77:49
Matambudziko kune avo vanoramba (Zuva Rekutongwa)
Verse 50 — Surah Al-Mursalat 77:50
Saka munhaurwa ipi mushure meiri (Qur’aan) vachatenda