Back to LanguagesPrevious ChapterNext Chapter
Shona - Chapter 8 - Al-Anfal
Translation by Abdullah J. M. Adini And Students — Permalink
Verse 1 — Surah Al-Anfal 8:1
Vanokubvunza (Muhammad (SAW)) maererano nemhimbiri. Iti: “Mhimbiri ndeyaAllah nemutumwa wavo (SAW).” Naizvozvo ityai Allah uye mugadzirise musiyano pakati penyu, uye ivai munoteerera Allah nemutumwa wavo (Muhammad (SAW)), kana muri vatendi vechokwadi
Verse 2 — Surah Al-Anfal 8:2
Zvirokwazvo, vatendi ndeavo vanoti vakanzwa zita raAllah richitaurwa, moyo yavo inozadzwa nokutya, uye kana ndima dzavo dzikaverengwa kwavari dzinovawedzera mukutenda kwavo, uye vanovimba naTenzi vavo
Verse 3 — Surah Al-Anfal 8:3
Avo vanoita Swalaah (Munamato) uye vanopa kubva mune izvo zvatakavapa
Verse 4 — Surah Al-Anfal 8:4
Ava ndivo vanotenda muchokwadi. Vachawana zvidanho zveukuru kubva kuna Tenzi vavo, uye ruregerero uye raramo yakanaka (Paradhiso)
Verse 5 — Surah Al-Anfal 8:5
Sokuita kwakaita Tenzi vako (Muhammad (SAW)) kuti uve unobuda mumba mako muchokwadi; kunyangwe zvazvo chidimbu cheavo vanotenda chisina kuzvifarira
Verse 6 — Surah Al-Anfal 8:6
Vanopokana newe maererano nechokwadi mushure mekunge chabuda pachena, sokunge varikuendeswa kunofa vachizviona
Verse 7 — Surah Al-Anfal 8:7
Uye (rangarirai) apo Allah vakakuvimbisai chimwechete chezviviri pamapoka maviri (emhandu dzenyu, mauto kana ngoro yezvitengeswa, kukunda kana kuwana mhimbiri) kuti zvive zvenyu; uye makashuvira kuti boka risina simba (ngoro yezvitengeswa) rive renyu, asi Allah vakada kuburitsa chokwadi pachena nemashoko avo uye kugura midzi yevasingatendi (paHondo yeBadr)
Verse 8 — Surah Al-Anfal 8:8
Kuti ivo vaburitse chokwadi uye kuti manyepo ashaye basa, kunyangwe zvazvo vasingatendi vakazvivenga
Verse 9 — Surah Al-Anfal 8:9
(Rangarirai) apo pamakakumbira rubatsiro kuna Tenzi venyu, uye vakakupindurai vachiti: “Ndichakubatsirai nechiuru chengirozi dzichiteverana.”
Verse 10 — Surah Al-Anfal 8:10
Allah vakaita kuti rive rombo rakanaka, uye kuti moyo yenyu ive inozorora naro. Uye hakuna kukunda kunze kwekuti kuchibva kuna Allah. Zvirokwazvo, Allah ndivo samasimba, vane hungwaru hwese
Verse 11 — Surah Al-Anfal 8:11
(Rangarirai) apo vakaita kuti murare (kubatwa nehope) sechengetedzo kubva kwavari, uye vakakutumirai mvura kubva kudenga kuti ikuchenurei, uye igobvisa hutsvina hwaDhiyabhorosi mukati menyu, uye kusimbisa moyo yenyu, uye kusimbisa makumbo enyu
Verse 12 — Surah Al-Anfal 8:12
(Rangarira) apo Tenzi vako vakaudza ngirozi (kuti): “Zvirokwazvo ndinemi, nokudaro simbisai vatendi. Ndichaisa kutya mumoyo yevasingatendi, nokudaro damburai huro pamwe nezvigunwe zvavo.”
Verse 13 — Surah Al-Anfal 8:13
Izvi ndizvo nokuda kwekuti vaipikisa Allah nemutumwa wavo (SAW). Uye uyo anopikisa Allah nemutumwa wavo (SAW), zvirokwazvo, Allah vane mutongo unorwadza
Verse 14 — Surah Al-Anfal 8:14
Uyu ndiwo (mutongo), nokudaro uravirei; uye nekuti zvirokwazvo vasingatendi vachawana mutongo weGehena
Verse 15 — Surah Al-Anfal 8:15
Imi vatendi! Pamunosangana neavo vasingatendi, muhondo, musafuratire (kutiza)
Verse 16 — Surah Al-Anfal 8:16
Uye uyo anofuratira kubva kwavari muzuva iri, kunze kwekuti uri hurongwa hwehondo, kana kudzoka kune vamwe vake (mauto), zvirokwazvo anenge azviunzira kutsamwa kwaAllah. Uye musha wake iGehena, uye zvirokwazvo ndiwo magumo akaipa
Verse 17 — Surah Al-Anfal 8:17
Hamuna kuvauraya, asi Allah ndivo vakavauraya. Uye (iwe Muhammad (SAW)) hauna kukanda paya pawakakanda, asi Allah ndivo vakakanda, kuitira kuti vagoedza vatendi nemuedzo wakafanira kubva kwavari (Allah). Zvirokwazvo, Allah ndivo vanonzwa zvese, ndivo vanoziva zvose
Verse 18 — Surah Al-Anfal 8:18
Ichi (ndicho chokwadi), uye zvirokwazvo, Allah vano gombedza chizengezano chevasingatendi
Verse 19 — Surah Al-Anfal 8:19
(Imi vasingatendi) kana mukakumbira mutongo, zvirokwazvo zvino mutongo wazouya kwamuri; naizvozvo kana mukasiya (zvakaipa), zvakanaka kwamuri, asi kana mukadzokera (kunorwa), saka isu tichadzoka, uye mauto enyu haambokudzivirirai, zvisinei nehuhwandu hwavo; uye zvirokwazvo, Allah vane vatendi
Verse 20 — Surah Al-Anfal 8:20
Imi vanotenda! Teererai Allah nemutumwa wavo (SAW), uye musamufuratira (Muhammad (SAW) asi imi muchinzwa
Verse 21 — Surah Al-Anfal 8:21
Uye musafanane neavo vanoti: “Tanzwa,” asi ivo vasinganzwi
Verse 22 — Surah Al-Anfal 8:22
Zvirokwazvo, dinhidza (rakaipa) pazvisikwa zvinorarama kuna Allah ndeavo vasinganzwi nevasingataure, avo vasinganzwisise (zvireva, vasingatendi)
Verse 23 — Surah Al-Anfal 8:23
Dai Allah vakaziva (chero) chakanaka mavari, zvirokwazvo, vangadai vakavaita kuti vateerere; uye kunyangwe dai vakavaita kuti vateerere vaizongofuratira vachipokana (nechokwadi)
Verse 24 — Surah Al-Anfal 8:24
Imi vanotenda! Pindurai Allah (kuburikidza nekuvateerera) uye nemutumwa (SAW) kana akakudaidzai kune izvo zvinokupai hupenyu, uye moziva kuti Allah vanouya pakati pemunhu nemoyo wake (vanodzivisa munhu akaipa mukuita zvaanoda). Uye zvirokwazvo, kwavari ndiko kwamuchaunganidzwa mose
Verse 25 — Surah Al-Anfal 8:25
Uye ityai muedzo usingazobati avo vanotadza chete (asi unokwanisa kubata vese vakanaka nevakaipa), uye zivai kuti Allah vanotonga zvinorwadza
Verse 26 — Surah Al-Anfal 8:26
Uye rangarirai apo pamakange muri vashoma uye makagomberedzwa panyika, uye muchitya kuti pamwe vanhu vangakutapai, asi (Allah) vakakugadzirirai nzvimbo yakachengetedzeka, vakakusimbisai nerubetsero rwavo, uye vakakupai zvinhu zvakanaka kuitira kuti pamwe mungatenda
Verse 27 — Surah Al-Anfal 8:27
Imi vanotenda! Musanyengedza Allah nemutumwa wavo, uye musanyengedze zvivimbo zvenyu (Zvinhu zvese zvamunochengetedzwa, uye mabasa ese Allah vakakukomekedzai)
Verse 28 — Surah Al-Anfal 8:28
Uye zivai kuti hupfumi hwenyu nevana venyu zvingori asi miedzo, uye muzvokwadi kuti kuna Allah kune mubairo mukuru
Verse 29 — Surah Al-Anfal 8:29
Imi vanotenda! Kana mukateerera uye kutya Allah, vachakupai chiedza (kuona chakanaka nechakaipa), uye vachakukunganwirai zvitadzo zvenyu, uye vachakuregererai; uye Allah ndivo muridzi wemubairo mukuru
Verse 30 — Surah Al-Anfal 8:30
Uye (rangarirai) apo vasingatendi vakakuitira hurongwa (Muhammad (SAW)) kuti vakusunge, kana kukuuraya, kana kukudzinga (pamba pako – Makkah); vaikurongera uye Allah vaivarongerawo. Uye Allah ndivo nyanzvi yeavo vanoronga
Verse 31 — Surah Al-Anfal 8:31
Uye kana ndima dzedu (dzemuQur’aan) dzikaverengwa kwavari, vanoti: “Tazvinzwa; kana tichida tinogona kutaura zvakangofanana naizvozvo. Hapana zviripo apa asi inyaya dzekare.”
Verse 32 — Surah Al-Anfal 8:32
Uye (rangarirai) apo vakati: “Imi Allah! Kana iri (Qur’aan) riri chokwadi kubva kwamuri, tumirai matombo pasi kwatiri kubva kudenga kana kuti tiunzirei mutongo unorwadza.”
Verse 33 — Surah Al-Anfal 8:33
Uye Allah havavarangi kana iwe (Muhammad (SAW)) uri mukati mavo, kana kuvaranga ivo vachikumbira ruregerero (rwaAllah)
Verse 34 — Surah Al-Anfal 8:34
Uye zvingagona sei kuti Allah vasavarange ivo vachirambidza (vanhu) kuAl-Masjid Al-Haraam, uye havazi vachengeti vayo? Hakuna anokwanisa kuve muchengeti wayo kunze kweavo vanotya (Allah), asi vazhinji vavo havazvizivi
Verse 35 — Surah Al-Anfal 8:35
Uye munamato wavo (Swalaah) muimba (yaAllah, Ka’bah) pakanga pasina zviripo asi mheterwa nekuombera maoko. Naizvozvo ravirai murango nokuda kwekuti makanga musingatendi
Verse 36 — Surah Al-Anfal 8:36
Zvirokwazvo, avo vasingatendi vanoshandisa hupfumi hwavo kudzivirira (vanhu) kufamba munzira yaAllah, uye vacharamba vachiushandisa, asi mhedzisiro yacho huchava musengwa kwavari. Uye vachakurirwa, uye avo vasingatendi kuGehena ndiko kwavachaunganidzwa
Verse 37 — Surah Al-Anfal 8:37
Kuitira kuti Allah vagosiyanisa vakaipa (vasingatendi uye vanoita zvakaipa) kubva mune vakanaka (vanotenda muIslaam uye vanoita zvakanaka), uye vagoisa vaipi, umwe pamusoro peumwe, vovaunganidza pamwechete, uye vovakanda muGehena. Ivavo, ndivo vanhu vakarasikirwa
Verse 38 — Surah Al-Anfal 8:38
Iti kune avo vasingatendi: “Kana vakasiya (Kusatenda), zvitadzo zvavo zvekare zvinoregererwa. Asi kana vakadzokera (muKusatenda) zvino muenzaniso weavo (vakarangwa) mushure mavo wakatodarika (seyambiro).”
Verse 39 — Surah Al-Anfal 8:39
Uye varwisei kusvikira pasisina Fitnah (Kusatenda) uye chitendero chava chaAllah chete (pasi rese). Asi kana vakasiya (Kusatenda), zvino, muzvokwadi Allah ndivo vanoona zvizere zvavanoita
Verse 40 — Surah Al-Anfal 8:40
Uye kana vakafuratira, zvino chiziva kuti Allah ndivo muchengeti wako. Muchengeti akanaka uye mubetseri ane hunyanzvi
Verse 41 — Surah Al-Anfal 8:41
Uye zivai kuti chingava chii chamunowana pahondo (mhimbiri), zvirokwazvo, chidimbu chimwe kubva kuzvishanu (1/5) zvacho ndecha Allah, uye mutumwa (Muhammad (SAW)), uye kune hama dzepedyo (dzaMuhammad (SAW)), uye nherera, uye vanotambura, uye vari parwendo, kana muchitenda muna Allah uye neizvo zvatakatumira kune muranda wedu (Muhammad (SAW)) pazuva rekusiyanisa (zvakaipa nezvakanaka), zuva iro zvikwata zviviri (zvemauto) zvakasangana (muhondo yeBadr); uye Allah vanokwanisa kuita zvose
Verse 42 — Surah Al-Anfal 8:42
(Rangarirai) apo imi (mauto evatendi) pamakanga muri parutivi rwepedyo rwebani, uye ivo vari mechokurutivi rwokure, uye ngorovhani yakanga iri pasi penyu. Kunyangwe dai makaita chitsividzo chokusangana, mungadai makakundikana muchitsividzo, asi (makasangana) kuitira kuti Allah vagopedzisa hurongwa hwakanga hwatotarwa (muruzivo rwavo), kuitira kuti avo vaida kuparadzwa (nekuramba kutenda kwavo) voparadzwa mushure mehumboo huri pachena, uye avo vaizorarama (vatendi) vorarama mushure mehumboo huri pachena. Uye zvirokwazvo, Allah vanonzwa zvose, vanoziva zvose
Verse 43 — Surah Al-Anfal 8:43
(Rangarira) apo Allah vakakuratidza (Muhammad (SAW)) kuhope dzako vari vashoma; uye dai vakakuratidza vakawanda, zvirokwazvo mungadai makashaya shungu, uye mungadai makapikisana pakuronga. Asi Allah vakakudzivirirai. Zvirokwazvo, ndivo vanoziva zvose zviri mumoyo
Verse 44 — Surah Al-Anfal 8:44
Uye (rangarirai) apo pamakasangana (muhondo yeBadr) Allah vakavaratidza kwamuri vari vashoma mumaziso enyu, uye vakaita kuti imi muite sevashomawo mumaziso avo, kuitira kuti Allah vagopedzisa chirongwa chakanga chatotarwa (muruzivo rwavo), uye kuna Allah ndiko kunodzokera zvirongwa zvese
Verse 45 — Surah Al-Anfal 8:45
Imi vanotenda! Mukasangana nemauto (mhandu), mirai uye morwisa zvakasimba uye rangarirai zita raAllah zvakanyanya (nerurimi uye nemoyo), kuitira kuti mugobudirira
Verse 46 — Surah Al-Anfal 8:46
Uye teererai Allah nemutumwa wavo (Muhammad (SAW)), uye musapikisane (pachenyu) mungazoshaya shungu uye simba renyu roenda, uye ivai munotsungirira. Chokwadi, Allah vane avo vanotsungirira
Verse 47 — Surah Al-Anfal 8:47
Uye musaite seavo vanobuda mudzimba dzavo vachizvitutumadza uye kuti vaonekwe nevanhu, uye vachidzivirira vanhu kunzira yaAllah. Uye Allah vanoziva zvizere zvose zvavanoita
Verse 48 — Surah Al-Anfal 8:48
Uye (rangarirai) apo Dhiyabhorosi akaita kuti zvakaipa zvavo zviite sezvakanaka, achiti: “Hakuna munhu anokwanisa kukukundai zuva ranhasi (rehondo yeBadr) uye chokwadi ndini muvakidzani wenyu (parubetsero).” Asi mauto maviri pavakaonana, akatiza ndokuti: “Zvirokwazvo, handina chokuita nemi. Chokwadi ndinoona zvamusingaoni. Chokwadi, ndinotya Allah nokuti Allah vanorwadzisa pakuranga.”
Verse 49 — Surah Al-Anfal 8:49
Apo vanyengedzi neavo vane chirwere (chekusatenda) mumoyo yavo vakati: “Vanhu ava (maMuslim) chitendero chavo chavanyengedza.” Asi uyo anovimba naAllah, zvirokwazo, Allah ndivo vakuru, vane hungwaru hwese
Verse 50 — Surah Al-Anfal 8:50
Uye dai maiona apo ngirozi padzinotora mweya yeavo vasingatendi (pakufa); dzinorova zviso zvavo nemisana (dzichiti): “Ravirai murango werimi remoto.”
Verse 51 — Surah Al-Anfal 8:51
“Izvi nokuda kwezvakatungamidzwa nemaoko enyu. Uye chokwadi, Allah havadzvinyiriri varanda vavo.”
Verse 52 — Surah Al-Anfal 8:52
Kufanana nehunhu hwevanhu vaFarawo, uye hweavo mushure mavo. Vakaramba humboo hwaAllah. Naizvozvo Allah vakavaranga nokuda kwezvitadzo zvavo. Zvirokwazvo, Allah vakasimbisa, uye vanoranga zvinorwadza
Verse 53 — Surah Al-Anfal 8:53
Nokuda kwekuti Allah havashanduri chipo chavakapa vanhu kusvikira vashandura zviri mavari. Uye zvirokwazvo, Allah vanonzwa zvose, vanoziva zvose
Verse 54 — Surah Al-Anfal 8:54
Kufanana nehunhu hwevanhu vaFarawo, uye hweavo mushure mavo. Vakaramba humboo hwaTenzi vavo. Naizvozvo takavaparadza nokuda kwezvitadzo zvavo. Uye takanyudza vanhu vaFarawo nokuti vose vaive vatadzi
Verse 55 — Surah Al-Anfal 8:55
Zvirokwazvo, zvisikwa (zvinorarama) zvakashata pamberi paAllah ndeavo vasingatendi; nokudaro havazombotendi
Verse 56 — Surah Al-Anfal 8:56
Ndeavo vawakapana chitsidzirano navo, asi vanoputsa chitsidzirano nguva nenguva, uye havatyi Allah
Verse 57 — Surah Al-Anfal 8:57
Naizvozvo kana mavakurira muhondo, vapei mutongo wakaoma kuti mudzinganise avo vanovatevera, (uye) kuti vatore chidzidzo
Verse 58 — Surah Al-Anfal 8:58
Kana uchitya (Muhammad (SAW)) kubiridzirwa (kunyengedzwa) kubva kune vanhu vapi zvavo, vadzosere (chitsidzo chavo) pane kuenzana pakati penyu (kuti pasave nechimwe chitsidzo pakati pako navo). Zvirokwazvo, Allah havadi avo vanobiridzira (vanonyengedza)
Verse 59 — Surah Al-Anfal 8:59
Uye zvirokwazvo, avo vasingatendi vasafunge kuti vanokwanisa kutiza (mutongo hwaAllah). Chokwadi, havambokwanisi kuzvidzivirira (kubva kumutongo hwaAllah)
Verse 60 — Surah Al-Anfal 8:60
Uye vagadzirirei hondo yakasimba kusanganisira mabhiza ehondo (zvombo zvehondo, pfuti, ndege, motokari nezvimwe zvakadaro) kuti mutyise nazvo vavengi vaAllah uye nemi, uye neavo vamusingazivi vasiri pakati pavo, asi vachizivikanwa naAllah. Uye chingava chipi chamunoshandisa munzira yaAllah chichabhadharwa kwamuri, uye hamuzombodzvanyirirwi
Verse 61 — Surah Al-Anfal 8:61
Asi kana vachida runyararo munofanirwa kuita saizvozvo, uye movimba naAllah. Zvirokwazvo, (Allah) ndivo vanonzwa zvese, uye vanoziva zvese
Verse 62 — Surah Al-Anfal 8:62
Uye kana vakada kukubiridzirai (kukunyengedzai), Allah ndivo vakakukwanirai. Ndivo vakakubatsira nerubetsero rwavo uye nevatendi
Verse 63 — Surah Al-Anfal 8:63
Uye vakabatanidza moyo yavo (vatendi). Kunyangwe dai hwakashandisa zvose zviri munyika, ungadai usina kuvabatanidza moyo yavo, asi Allah vakavabatanidza. Zvirokwazvo, (Allah) ndivo samasimba, uye muchenjeri mukuru
Verse 64 — Surah Al-Anfal 8:64
Iwe Muporofita (Muhammad (SAW))! Allah ndivo vakafanira (vakakwana) kwauri uye nekuvatendi avo vanokutevera
Verse 65 — Surah Al-Anfal 8:65
Iwe Muporofita (Muhammad (SAW))! Kurudzira vatendi kuti varwise (vavengi). Kana paine vanhu makumi maviri vakashinga pakati penyu, vachakurira mazana maviri, uye kana paine zana revanhu vakashinga pakati penyu, vachakurira churu cheavo vasingatendi, nokuti vari (vasingatendi) vanhu vasinganzwisisi
Verse 66 — Surah Al-Anfal 8:66
Iyezvino Allah varerutsa mutoro wenyu, uye vanoziva kuti mune hurema mukati menyu. Nokudaro kana paine zana revanhu vakashinga pakati penyu, vachakurira mazana maviri, uye kana paine churu pakati penyu, vachakurira zviuri zviviri nemvumo yaAllah. Uye Allah vane avo vanotsungirira
Verse 67 — Surah Al-Anfal 8:67
Hazvigoni kuti muporofita (waAllah) atore vatapwa muhondo (uye ovasunungura nemuripo) kusvikira arwa navo ovakurira panyika. Munoda zvenyika ino (mari yemuripo), asi Allah vanokushuvirai Paradhiso. Uye Allah ndivo samasimba, vane huchenjeri hwese
Verse 68 — Surah Al-Anfal 8:68
Dai chisiri chitsidzo chakauya kare kubva kuna Allah, mutongo wakaomarara ungadai wakakubatai nokuda kweizvo zvamakatora
Verse 69 — Surah Al-Anfal 8:69
Nokudaro idyai zvamakatora semhimbiri zviri pamutemo uye zvakanaka, uye ityai Allah. Zvirokwazvo, Allah ndivo vanoregerera zvikuru, vane tsitsi dzakanyanya
Verse 70 — Surah Al-Anfal 8:70
Iwe Muporofita (Muhammad (SAW))! Taura kune vatapwa avo vari mumaoko enyu kuti: “Kana Allah vachiziva zvakanaka zviri mumoyo yenyu, vachakupai zvimwe zvakanaka kupinda zvamatorerwa, uye vachakuregererai, uye Allah ndivo vanoregerera zvikuru, vane tsitsi dzakanyanya.”
Verse 71 — Surah Al-Anfal 8:71
Asi kana vachida kukubiridzira (kukunyengedza Muhammad (SAW)), zvirokwazvo, vakatobiridzira Allah nechekare. Naizvozvo vakakupai simba pamusoro pavo. Uye Allah ndivo vanoziva zvikuru, vane huchenjeri hwese
Verse 72 — Surah Al-Anfal 8:72
Zvirokwazvo, avo vakatenda, uye vakatama (Hijrah), uye vakashinga zvakasimba uye vakarwa nehupfumi hwavo uye nehupenyu hwavo munzira yaAllah kusanganisira neavo vakavapa pokugara nerubetsero, ava vose ishamwari pakati pavo. Uye kune avo vakatenda asi vasina kusiya misha yavo (Hijrah) (vachiuya kwauri Muhammad (SAW)), hakuna basa kwamuri rokuvachengeta kusvikira vasiya misha yavo. Asi kana vakatsvaga rubetsero rwenyu muchitendero, mofanira kuvabetsera kunze kune avo (vasingatendi) vamune chibvumirano chekushanda mose; uye Allah vanoona zvose zvamunoita
Verse 73 — Surah Al-Anfal 8:73
Uye avo vasingatendi ishamwari dzeavo vasingatendi, (uye) kana imi (vatendi) mukasadaro pachenyu (kubatana muri pasi pehutongi hwemutungamiri mumwechete), pachava nemiedzo (hondo nekusatenda) uye neudzvanyiriri panyika, uye humambara hukuru pamwe nehuori
Verse 74 — Surah Al-Anfal 8:74
Uye avo vakatenda, uye vakatama uye vakarwa zvakaoma munzira yaAllah, pamwechete neavo vakavapa pokugara nerubetsero, ava ndivo vatendi muchokwadi, kwavari kuchave nokuregererwa uye vachawana raramo yakanaka (Paradhiso)
Verse 75 — Surah Al-Anfal 8:75
Uye avo vakazotenda mushure, uye vakasiya misha yavo uye vakashingirira zvakaoma pamwe chete nemi (munzira yaAllah), ava ndevamwe venyu. Asi avo vane hukama hweropa ndivo vari padyo nepedyo kunyanya (Panhaka) mune izvo zvakatarwa naAllah. Zvirokwazvo, Allah vanoziva zvose