Back to LanguagesPrevious ChapterNext Chapter
Shona - Chapter 80 - Abasa
Translation by Abdullah J. M. Adini And Students — Permalink
Verse 1 — Surah Abasa 80:1
Akafinyama (Muhammad (SAW)) uye akafuratira
Verse 2 — Surah Abasa 80:2
Apo bofu (Abdullah Ibn Umm Maktoom) rakanga rauya kwaari (Muhammad (SAW) achiparidzira mukuru kana vakuru vemaQuraish
Verse 3 — Surah Abasa 80:3
Uye unoziva sei pamwe anogona kuzvichenura (kubva kuzvitadzo)
Verse 4 — Surah Abasa 80:4
Kana kuti anogona kuyeuka, uyezve yeuchidzo yobva yamubatsira
Verse 5 — Surah Abasa 80:5
Asi kune uyo akapfuma
Verse 6 — Surah Abasa 80:6
Kwaari unoenda
Verse 7 — Surah Abasa 80:7
Hapana mhosva kwauri kana iye asina kuzvichenura (kubva mukusatenda)
Verse 8 — Surah Abasa 80:8
Asi kune uyo anouya kwauri achimhanya (nechido)
Verse 9 — Surah Abasa 80:9
Uye achitya (Allah)
Verse 10 — Surah Abasa 80:10
Kwaari ndiko kwausingaendi (kwausingaratidzi hanya)
Verse 11 — Surah Abasa 80:11
Kwete! Zvirokwazvo, iri Qur’aan irangaridzo
Verse 12 — Surah Abasa 80:12
Naizvozvo uyo anoda, ngaarangarire
Verse 13 — Surah Abasa 80:13
(Zviri) muMagwaro anoremekedzwa (Al-Lauh Al-Mahfoodh)
Verse 14 — Surah Abasa 80:14
Akasimudzirwa, akachenurwa
Verse 15 — Surah Abasa 80:15
Mumaoko evanyori (ngirozi)
Verse 16 — Surah Abasa 80:16
Vanoremekedzeka uye vanoteerera
Verse 17 — Surah Abasa 80:17
Ngaashorwe munhu (asingatendi)! Nekusatenda kwake uku
Verse 18 — Surah Abasa 80:18
Kubva pai (munhu) vakamusika
Verse 19 — Surah Abasa 80:19
Kubva kuNutfah (Mvura yemurume nemukadzi) vakamusika uye vakanyatsomugadzira zvakanaka
Verse 20 — Surah Abasa 80:20
Uye vanomuitira kuti nzira imuitire nyore
Verse 21 — Surah Abasa 80:21
Uye vanomuita kuti afe uye vomuisa muguva
Verse 22 — Surah Abasa 80:22
Uye nekuda kwavo, vachamumutsa (zvekare)
Verse 23 — Surah Abasa 80:23
Kwete! Asi (munhu) haana kuita zvaakaudzwa (zvaakakomekedzwa)
Verse 24 — Surah Abasa 80:24
Naizvozvo rega munhu atarise chikafu chake
Verse 25 — Surah Abasa 80:25
Tinonaisa mvura yakawanda
Verse 26 — Surah Abasa 80:26
Uye zvirokwazvo tinopatsanura ivhu
Verse 27 — Surah Abasa 80:27
Uye tinoita kuti zvirimwa zvikure imomo
Verse 28 — Surah Abasa 80:28
Nemagirepi uye nechikafu chemombe
Verse 29 — Surah Abasa 80:29
Nema Orivhi uye miti yemadheti
Verse 30 — Surah Abasa 80:30
Nemapindu akasvibira akazara nemiti
Verse 31 — Surah Abasa 80:31
Uye michero nehuswa
Verse 32 — Surah Abasa 80:32
(Kuti zvive) rubatsiro (chikafu) kwamuri nezvipfuyo zvenyu
Verse 33 — Surah Abasa 80:33
Uye apo zuva rekutongwa parichauya (Hwamanda paicharidzwa kechipiri)
Verse 34 — Surah Abasa 80:34
Zuva iri murume achatiza mukoma wake
Verse 35 — Surah Abasa 80:35
Uye amai nababa vake
Verse 36 — Surah Abasa 80:36
Uye mukadzi nevana vake
Verse 37 — Surah Abasa 80:37
Munhu wese zuva iri achange anezvinomukwanira zvichamuita kuti ashaye hanya nevamwe
Verse 38 — Surah Abasa 80:38
Zvimwe zviso zuva iroro zvichave zvakajeka (vatendi vechokwadi muIslaam)
Verse 39 — Surah Abasa 80:39
Zvichiseka, zvichifara nemhaka yenhaurwa yakanaka (yeParadhiso)
Verse 40 — Surah Abasa 80:40
Uye zvimwe zviso zuva iroro zvichange zvakasuwa
Verse 41 — Surah Abasa 80:41
Rima richava kwidibira
Verse 42 — Surah Abasa 80:42
Ava vanhu vange vasingatendi (kunaAllah) uye vachiita mabasa akaipa