Back to Languages

Shona - Chapter 86 - At-Tariq

Translation by Abdullah J. M. Adini And Students — Permalink

Verse 1 — Surah At-Tariq 86:1

(Ndinopika) nedenga, neAt-Twaariq (nyenyedzi inouya usiku)

Verse 2 — Surah At-Tariq 86:2

Uye chii chichakuita kuti uzive kuti At-Twaariq chii

Verse 3 — Surah At-Tariq 86:3

Inyenyedzi inopenya zvikuru

Verse 4 — Surah At-Tariq 86:4

Munhu wose ane muchengetedzi pamusoro pake (ngirozi dzinoona kumuchengetedza, kunyora mabasa ake akanaka neakaipa). nezvemunhu wose

Verse 5 — Surah At-Tariq 86:5

Naizvozvo munhu ngaatarise kuti akasikwa kubva pai

Verse 6 — Surah At-Tariq 86:6

Akasikwa kubva mumvura inobuda nesimba

Verse 7 — Surah At-Tariq 86:7

Inobva pakati pemuzongoza nembabvu

Verse 8 — Surah At-Tariq 86:8

Zvirokwazvo, (Allah) vane simba rekumudzora (kuhupenyu)

Verse 9 — Surah At-Tariq 86:9

Zuva zvakavanzika (mabasa, minamato, kutsanya, nezvimwewo) zvichaongororwa (zvichaburitswa)

Verse 10 — Surah At-Tariq 86:10

Naizvozvo achange asina simba kana mubatsiri

Verse 11 — Surah At-Tariq 86:11

(Ndinopika) nedenga (rine makore emvura) rinopa mvura, nguva nenguva

Verse 12 — Surah At-Tariq 86:12

Uye nepasi rinotsemuka (nekukura kwemiti nezvirimwa)

Verse 13 — Surah At-Tariq 86:13

Zvirokwazvo, (Qur’aan) iri ishoko rinopatsanura (chokwadi kubva kumanyepo)

Verse 14 — Surah At-Tariq 86:14

Uye harisi chinhu chedambe

Verse 15 — Surah At-Tariq 86:15

Zvirokwazvo, vari kuronga hurongwa (hwekukuvhiringidza Muhammad (SAW)

Verse 16 — Surah At-Tariq 86:16

Uye ini (wo) ndiri kuronga hurongwa

Verse 17 — Surah At-Tariq 86:17

Naizvozvo chimbononotsa vasingatendi, wovasiya kwekanguva