Back to Languages

Shona - Chapter 87 - Al-Ala

Translation by Abdullah J. M. Adini And Students — Permalink

Verse 1 — Surah Al-Ala 87:1

Kudza Zita raTenzi vako, vepamusoro-soro

Verse 2 — Surah Al-Ala 87:2

Avo vakasika (zvinhu zvose) vakazvishongedza

Verse 3 — Surah Al-Ala 87:3

Uye avo vakaronga (mafambiro ezvinhu zvese), uye vakatungamira (vakaratidza vanhu nzira yakanaka kubva kune yakaipa, uye vakaratidza mhuka mafuro adzo)

Verse 4 — Surah Al-Ala 87:4

Uye avo vanobuditsa mafuro

Verse 5 — Surah Al-Ala 87:5

Uye vomaita (mafuro) kuti aome, oita ruvara rwakasvibira

Verse 6 — Surah Al-Ala 87:6

Tichakuita kuti uverenge (Qur’aan), saka (Muhammad (SAW)) hauzombokanganwi

Verse 7 — Surah Al-Ala 87:7

Kunze kweizvo Allah zvavanoda. Zvirokwazvo, (Allah) vanoziva zviri pachena nezvakavanzika

Verse 8 — Surah Al-Ala 87:8

Uye tichakurerutsira nzira iri nyore (kuita mabasa akanaka)

Verse 9 — Surah Al-Ala 87:9

Naizvozvo yeuchidza (vanhu) kana yeuchidzo ichibatsira

Verse 10 — Surah Al-Ala 87:10

Rangaridzo ichatambirwa neuyo anotya (Allah)

Verse 11 — Surah Al-Ala 87:11

Asi icharambwa nemuipi

Verse 12 — Surah Al-Ala 87:12

Uyo achapinda moto mukuru

Verse 13 — Surah Al-Ala 87:13

Zvakare imomo haazombofi (kuti azorore) kana kurarama (hupenyu hwakanaka)

Verse 14 — Surah Al-Ala 87:14

Zvirokwazvo uyo anozvichenesa (kubva mukusatenda uye otambira Islaam) achava anobudirira

Verse 15 — Surah Al-Ala 87:15

Uye achirangarira zita raTenzi vake, uye achinamata (kashanu pazuva uye achiita minamato isina kukomekedzwa)

Verse 16 — Surah Al-Ala 87:16

Asi munoshuvira upenyu wepano pasi

Verse 17 — Surah Al-Ala 87:17

Kunyangwe upenyu uchatevera uri nani uye haugumi

Verse 18 — Surah Al-Ala 87:18

Zvirokwazvo, izvi zviri muMagwaro ekutanga

Verse 19 — Surah Al-Ala 87:19

Magwaro aAbrahamu naMusa