Back to LanguagesPrevious ChapterNext Chapter
Shona - Chapter 89 - Al-Fajr
Translation by Abdullah J. M. Adini And Students — Permalink
Verse 1 — Surah Al-Fajr 89:1
(Ndinopika) nemambakwedza
Verse 2 — Surah Al-Fajr 89:2
Neusiku gumi (mazuva gumi ekutanga kwemwedzi weDhul-Hijjah)
Verse 3 — Surah Al-Fajr 89:3
Uye nezvinhu zvinofambidzana muuviri uye zvakapfunda
Verse 4 — Surah Al-Fajr 89:4
Neusiku apo paunopfuura
Verse 5 — Surah Al-Fajr 89:5
Zvirokwazvo mazviri mune humboo kuvanhu vanonzwisisa
Verse 6 — Surah Al-Fajr 89:6
Hauoni here (Iwe Muhammad (SAW)) kuti Tenzi vako vakaita sei nemaAad
Verse 7 — Surah Al-Fajr 89:7
VeIram (vaive vakareba) kunge mapango
Verse 8 — Surah Al-Fajr 89:8
Vasina vamwe vakasikwa saivo panyika
Verse 9 — Surah Al-Fajr 89:9
Uye maThamood, avo vaiveza matombo mumupata (vachigadzira dzimba)
Verse 10 — Surah Al-Fajr 89:10
Uye (na)Farawo muridzi wehoko (dzaaishandisa kurwadzisa vanhu)
Verse 11 — Surah Al-Fajr 89:11
Avo vaipfurikidza mwero panyika
Verse 12 — Surah Al-Fajr 89:12
Uye vachikonzera nyonga nyonga zvakanyanya mairi (nyika)
Verse 13 — Surah Al-Fajr 89:13
Naizvozvo Tenzi vako vakaisa pavari (vanhu) mitongo yakasiyana siyana yakaoma
Verse 14 — Surah Al-Fajr 89:14
Zvirokwazvo, Tenzi vako vanoona
Verse 15 — Surah Al-Fajr 89:15
Kana munhu, Tenzi vake kana vachinge vamuedza nekumupa chiremera nemakomborero, ipapo anobva ati: “Tenzi vangu vandipa chiremera!”
Verse 16 — Surah Al-Fajr 89:16
Asi kana (Allah) vakamuedza nekushomesa (kutambura) raramo yake anoti: “Tenzi vangu vandidzikisira!”
Verse 17 — Surah Al-Fajr 89:17
Kwete! Asi hamubati nherera zvakanaka (uye hamudzipi nhaka yadzo yakakwana)
Verse 18 — Surah Al-Fajr 89:18
Uye hamukurudzirani kupa chikafu kuAl-Miskeen (anoshaya)
Verse 19 — Surah Al-Fajr 89:19
Uye munodya nhaka nemakaro
Verse 20 — Surah Al-Fajr 89:20
Uye munoda hupfumi nerudo rwakanyanya
Verse 21 — Surah Al-Fajr 89:21
Kwete! Apo nyika paichakuiwa kuita huruva
Verse 22 — Surah Al-Fajr 89:22
Uye Tenzi vako vouya nengirozi dziri mumitsara
Verse 23 — Surah Al-Fajr 89:23
Uye Gehena richaunzwa pedyo musi uyu. Pazuva iroro munhu acharangarira, asi kurangarira (kwake) kuchamubatsirei
Verse 24 — Surah Al-Fajr 89:24
Achati: “Matambudziko kwandiri! Dai ndakatungamidza (mabasa akanaka) paupenyu hwangu!”
Verse 25 — Surah Al-Fajr 89:25
Saka pazuva iri hapana achatonga sematongero avachaita (Allah)
Verse 26 — Surah Al-Fajr 89:26
Uye hapana achasunga (vasingatendi nevaiti vemabasa akashata) semasungiro avo (Allah)
Verse 27 — Surah Al-Fajr 89:27
(Zvichanzi kuvatsvene): “Iwe mweya uri pazororo
Verse 28 — Surah Al-Fajr 89:28
Dzoka kunaTenzi vako, uchifadzwa (navo) uye vachifadzwa newe
Verse 29 — Surah Al-Fajr 89:29
Naizvozvo, pinda pakati pevaranda vangu (vanoremekedzeka)
Verse 30 — Surah Al-Fajr 89:30
Uye pinda muParadhiso rangu!”