Back to Languages

Shona - Chapter 9 - At-Tawbah

Translation by Abdullah J. M. Adini And Students — Permalink

Verse 1 — Surah At-Tawbah 9:1

Rusununguko kubva kuna Allah nemutumwa wavo kune avo maMushrikoon (vasingatendi muhumwe hwaAllah) vamakaita chibvumirano navo

Verse 2 — Surah At-Tawbah 9:2

Naizvozvo fambai makasununguka (maMushrikoon) kwemwedzi mina munyika, asi zivai kuti hamugoni kutiza (murango wa) Allah; uye Allah vachanyadzisa vasingatendi

Verse 3 — Surah At-Tawbah 9:3

Uye chiziviso kubva kuna Allah nemutumwa wavo kuvanhu nezvezuva guru (10th Dhul-Hijjah) kuti Allah vakasununguka kubva kumaMushrikoon (vasingatendi muhumwe hwaAllah) zvimwechetewo nemutumwa wavo. Nokudaro kana mukakumbira ruregerero zvakakunakirai, asi kana mukafuratira, zvino chizivai kuti hamukwanisi kutiza (murango wa) Allah. Uye zivisa (iwe Muhammad (SAW)) nezvemurango unorwadza kune avo vasingatendi

Verse 4 — Surah At-Tawbah 9:4

Kunze kweavo maMushrikoon vamuine chibvumirano navo, uye havana kukurasisai muchimwe chinhu, kana kumbobetsera chero munhu kukurwisai. Naizvozvo zadzikisai chibvumirano kwavari kusvika kumagumo kwenguva yavo. Zvirokwazvo, Allah vanoda Al-Muttaqoon (avo vatsvene)

Verse 5 — Surah At-Tawbah 9:5

Zvino kana mwedzi inoera (1st, 7th, 11th uye mwedzi wechi 12) yapfuura, zvino chiurayai maMushrikoon (avo vasingatendi muhumwe hwaAllah) kupi zvako kwamunovawana, uye vatapei uye movakomberedza, uye movarindirira panzira dzose. Asi kana vakakumbira ruregerero uye voita Swalaah, uye vopa zvipo (Zakaah), zvino chisiyai nzira yavo yakafaranuka. Chokwadi, Allah vanoregerera zvikuru, uye vane tsitsi zhinji

Verse 6 — Surah At-Tawbah 9:6

Uye kana mumwe wemaMushrikoon akatsvaga kuchengetedzwa nemi, zvino chimuchengetedzai kuti pamwe anganzwa shoko raAllah (Qur’aan), uye mushure mezvo muendesei kwanogara zvakanaka. Izvi nokuda kwekuti vanhu vasingazivi

Verse 7 — Surah At-Tawbah 9:7

Ko pangava nechitsidzirano sei naAllah nemutumwa wavo (SAW) kuma Mushrikoon (avo vasingatendi muhumwe hwaAllah), kunze kweavo vamakaita chitsidzirano navo padyo neAl- Masjid al-Haraam (kuMakkah)? Kana vari pachokwadi kwamuri, chivaiwo pachokwadi kwavari. Zvirokwazvo, Allah vanoda Al-Muttaqoon (avo vanovatya, vatsvene)

Verse 8 — Surah At-Tawbah 9:8

Ko (pangave nechitsidzirano sei navo) kuti kana imi makurirwa navo, havakoshesi zvisungo zvingava zveukama kana chibvumirano chamakaita navo? Ne (mashoko akanaka avanotaura) vanokufadzai, asi moyo yavo iri kure nemi, uye vazhinji vavo vapanduki (vatadzi)

Verse 9 — Surah At-Tawbah 9:9

Vakatenga nehumboo hwaAllah porofiti shoma, uye vanorambidza (vanhu) kunzira yaAllah; zvirokwazvo chitadzo ndeizvo zvavaiita

Verse 10 — Surah At-Tawbah 9:10

Maererano nemutendi, havaremekedzi zvisungo, kunyange zveukama kana chitsidzirano! Ndivo vanopfurikidza mwero (vatadzi)

Verse 11 — Surah At-Tawbah 9:11

Asi kana vakakumbira ruregerero, voita Swalaah, uye vopa zvipo (Zakaah), zvino madzikoma enyu muchitendero. (Nenzira iyi) tinotsanangura humboo zvizere kune vanhu vanoziva

Verse 12 — Surah At-Tawbah 9:12

Asi kana vakatyora kupika kwavo mushure mechitsidzo chavo, uye vorwisa chitendero chenyu nekushoropodza nekutsvinyira, zvino chirwisai vatungamiriri vekusatenda (vekuMakkah), nokuti chokwadi kupika kwavo hakuna zviripo kwavari, kuitira kuti vagosiya (zvakaipa)

Verse 13 — Surah At-Tawbah 9:13

Mungaregere here kurwisa vanhu vakatyora kupika kwavo (vekuMakkah), uye vaida kudzinga mutumwa (SAW) apo vakakurwisai pakutanga? Munovatya here? Allah ndivo vane kodzero dzakanyanya kuti muvatye kana muri vatendi

Verse 14 — Surah At-Tawbah 9:14

Varwisei kuitira kuti Allah vagovaranga kuburikidza nemaoko enyu, uye kuvanyadzisa, uye kukukundisai kwavari, uye kurapa moyo yevanhu vanotenda

Verse 15 — Surah At-Tawbah 9:15

Uye kubvisa ruvengo pamoyo yavo (vatendi). Allah vanotambira kukumbira ruregerero kweuyo wavanoda. Allah vanoziva zvose, vane huchenjeri hwose

Verse 16 — Surah At-Tawbah 9:16

Munofunga kuti muchasiiwa makadaro Allah vasina kuedza avo vakashanda nesimba uye kurwa pakati penyu, uye vakaregera kutora vabetseri kunze kwaAlla, nemutumwa wavo (SAW), uye nevatendi. Allah ndivo vanonyatsoziva zvamunoita

Verse 17 — Surah At-Tawbah 9:17

Hazvina kukodzera kune vasingatendi kuti vagare mumaMasjid aAllah (kunamata maari, kuwachenesa pamwe nekuvaka), ivo vachipa huchapupu hwekusatenda munaAllah pachavo. Mabasa avo haambovabetseri uye vachagara kumoto zvachose

Verse 18 — Surah At-Tawbah 9:18

Zvirokwazvo, maMasjid aAllah anofanirwa kugadzirwa neavo vanotenda muna Allah uye muzuva rekupedzisira; vanoita Swalaah (Munamato), vanopa Zakaah (Zvipo kuvarombo), uye vanotya Allah chete. Ava ndivo vari mugwara rechokwadi

Verse 19 — Surah At-Tawbah 9:19

Nemhaka yei muchitora kupa mvura kuavo vanouya kuHajj neavo vanogadzira paAl-Masjid Al- Haraam (kuMakkah) sevakafanana neuyo anotenda kuna Allah uye muzuva rokupedzisira, uye anoshanda nesimba nekurwa munzira yaAllah? Havana kufanana pamberi paAllah. Uye Allah havaratidzi gwara avo vanotadza

Verse 20 — Surah At-Tawbah 9:20

Avo vakatenda (muhumwe hwaAllah), uye vakasiya misha yavo, uye vakashanda nesimba nekurwa munzira yaAllah nehupfumi hwavo nehupenyu hwavo, vane chigaro chepamusoro kuna Allah. Ava ndivo vakabudirira

Verse 21 — Surah At-Tawbah 9:21

Tenzi vavo vanovapa mashoko akanaka etsitsi kubva kwavari, uye kufara kwavo (navo), uye Paradhiso umo vachawana mafaro asina magumo

Verse 22 — Surah At-Tawbah 9:22

Vachagaramo nokusingaperi. Zvirokwazvo, kuna Allah kune mubairo mukuru

Verse 23 — Surah At-Tawbah 9:23

Imi vanotenda! Musatora madzibaba enyu nemadzikoma enyu sevabetseri kana vasarudza kusatenda pamusoro pekutenda (kuna Allah). Uye uyo anodaro pakati penyu, nokudaro ndeumwe weavo vanotadza

Verse 24 — Surah At-Tawbah 9:24

Taura kuti: Kana madzibaba enyu, vana venyu, madzikoma enyu, vakadzi venyu, hama dzenyu, hupfumi hwamakawana, mabhizimusi amunotyira kuti angangodzikira, uye dzimba dzamunofarira, kana muchinyanya kuzvida kupfuura Allah nemutumwa wavo (SAW), uye kushanda nesimba pamwe nekurwa munzira yaAllah, zvino chimirirai kusvikira Allah vaunza mutongo wavo. Uye Allah havatungamiriri avo vasingateereri

Verse 25 — Surah At-Tawbah 9:25

Zvirokwazvo, Allah vakakupai budiriro muhondo zhinji, uye pazuva reHunain (Hondo) apo kuwanda kwenyu kwakaita kuti muzvitutumadze, asi hazvina kukubatsirai uye nyika nekukura kwayo yakaita idiki kwamuri, naizvozvo makadzokera shure makundikana (muchitiza)

Verse 26 — Surah At-Tawbah 9:26

Nokudaro Allah vakadzikisa runyararo (kugadzikana) kune mutumwa wavo (Muhammad (SAW)), uye nekuvatendi, uye vakatumira pasi mauto (ngirozi) amusina kuona, uye vakaranga vasingatendi. Uye uhu ndiwo mugove wevasingatendi

Verse 27 — Surah At-Tawbah 9:27

Zvino mushure mezvo Allah vachatambira kukumbira ruregerero kweuyo wavanoda. Uye Allah ndivo vanoregerera zvikuru, vane tsitsi zhinji

Verse 28 — Surah At-Tawbah 9:28

Imi vanotenda (vanotenda muhumwe hwaAllah)! Zvirokwazvo, maMushrikoon (avo vasingatendi muhumwe hwaAllah) vakasviba. Naizvozvo vasauya padyo neAl-Masjid Al-Haraam (kuMakkah) kana gore iri rapera; uye kana muchitya urombo, Allah vachakuitai vapfumi kana vachida, kuburikidza nehupfumi hwavo. Zvirokwazvo, Allah vanoziva zvose, vane huchenjeri hwese

Verse 29 — Surah At-Tawbah 9:29

Rwisai avo vasingatendi kuna Allah nezuva rekupedzisira, uye vasingarambidzi izvo zvakarambidzwa naAllah nemutumwa wavo (Muhammad (SAW)), neavo vasingatambiri chitendero chechokwadi (Islaam) pakati peavo vakapihwa Gwaro (maJudha nemaKristu) kusvikira vabhadhara Jizyah (mari inobviswa nemaJudha nemaKristu ari pasi pechengetedzo yehurumende yemaMuslim) vachida nemwoyo yavo, uye vachizvininipisa pachavo

Verse 30 — Surah At-Tawbah 9:30

Uye maJudha vanoti: “Ezira mwanakomana waAllah,” uye maKristu vanoti: “Jesu mwanakomana waAllah.” Uku ndiko kutaura kwavo nemiromo yavo, vachitevedzera kutaura kweavo vakanga vasingatendi mushure. Kushorwa naAllah ngakuve kwavari, (nokuda) kwekurasika kwavanoita nzira yakanaka

Verse 31 — Surah At-Tawbah 9:31

Vanotora (maJudha nemaKristu) vafundisi uye vadzidzi (vanogara muchechi vachinamata) vavo sevanamwari vachisiya Allah (kuburikidza nekuvateerera pavanobvumidza kana kurambidza zvinhu zvichienderana nezvido zvavo vasina mvumo kubva kuna Allah), uye (vanotora samwari wavo) Jesu Kristu, mwanakomana waMariya, asi ivo (maJudha nemaKristu) vakange vakomekedzwa (muTorah neVhangeri) kunamata Mwari mumwechete (Allah), Laa ilaaha illaa Huwa (Hakuna anekodzero yokunamatwa kunze kwavo). (Allah) Ngavakudzwe pamusoro peizvo zvavanovasanganisa nazvo

Verse 32 — Surah At-Tawbah 9:32

Vanoda (vasingatendi) kudzimura mwenje waAllah (Islaam) nemiromo yavo, asi Allah havambozvitenderi kunze kwekuti mwenje wavo unatsurudzwe kunyangwe vasingatendi (maKuffaar) vachizvivenga

Verse 33 — Surah At-Tawbah 9:33

(Allah) ndivo vakatuma mutumwa wavo (Muhammad (SAW)) negwara kwaro uye chitendero chechokwadi (Islaam), kuti chive chepamusoro pezvitendero zvose kunyangwe zvazvo maMushrikoon (vasingatendi muhumwe hwaAllah) vachizvivenga

Verse 34 — Surah At-Tawbah 9:34

Imi vanotenda! Zvirokwazvo, pane vadzidzi vazhinji vechi Judha nevechi Kristu vanodya hupfumi hwevanhu nemanyepo, uye vanovadzivirira kupinda munzira yaAllah (Islaam). Uye avo vanounganidza goridhe nesirivha vobva vaishandisa munzira isiri yaAllah, vazivise nezvemurango unorwadza

Verse 35 — Surah At-Tawbah 9:35

Pazuva iro (goridhe nesirivha) pazvichapiswa mumoto weGehena vagopiswa misoro yavo nazvo, uye mativi avo uye kumashure kwavo. (Zvichanzi kwavari): “Uhwu ndihwo hupfumi hwamakazviunganidzira imi. Zvino chiravirai zvamakaunganidza.”

Verse 36 — Surah At-Tawbah 9:36

Zvirokwazvo, kuverengwa kwemwedzi kuna Allah igumi nemiviri (paGore), ndizvo zvakatarwa naAllah pazuva ravakasika matenga nenyika; kubva mairi mina inoera (1st, 7th, 11th, nemwedzi wechi 12). Ichi ndicho chitendero chakatwasuka, naizvozvo musazvitadzire mairi (mwedzi mina), uye rwisai mese maMushrikoon (avo vasingatendi muhumwe hwaAllah) sekukurwisai kwavanoita vose. Asi zivai kuti Allah vane Al-Muttaqoon (avo vanovatya, vatsvene)

Verse 37 — Surah At-Tawbah 9:37

Zvirokwazvo, kunonotsa (mwedzi unoera) kupamhidzira mukusatenda; mukudaro vasigatendi vanotungamirwa mukurasika, nokuti vanoubvumidza rimwe gore vobva vourambidza rimwe gore kuitira kuti vawedzere mwedzi yakarambidzwa naAllah, uye vobvumidza izvo zvakarambidzwa naAllah. Kushata kwezviito zvavo kunoitwa sokunge kwakanaka kwavari. Uye Allah havatungamiriri vanhu vasingatendi

Verse 38 — Surah At-Tawbah 9:38

Imi vanotenda! Chii chinonetsa kwamuri, kuti kana mukanzi fambai munzira yaAllah (Jihaad) munoramba mogadzikika munyika? Munofadzwa here nehupenyu hwenyika ino kupfuura hupenyu hwemangwana? Asi kunakirwa kwehupenyu hwenyika ino inguva diki kufananidza nehupenyu hwamangwana

Verse 39 — Surah At-Tawbah 9:39

Kana mukasafamba (munzira yaAllah), vachakurangai nemutongo unorwadza uye vachakutsivai nevamwe vanhu; uye hamukwanisi kuvarwadzisa zvachose, uye Allah vanokwanisa kuita zvose

Verse 40 — Surah At-Tawbah 9:40

Kana (Muhammad (SAW)) mukasamubetsera (hazvina mhaka), nokuti zvirokwazvo Allah vakamubetsera apo vasingatendi vakamutandanisa, ari umwe wevaviri; apo paive vose (Muhammad (SAW) na Abu Bakr (RA)) mubako, akati kune umwe wake (Abu Bakr (RA)): “Usatye! Zvirokwazvo, Allah vanesu.” Zvino Allah vakatumira runyararo (kugadzikana) kwaari, uye vakamusimbisa nemauto (ngirozi) vamusina kuvaona, uye vakabva vadzikisira mashoko evasingatendi, apo shoko raAllah rakave pamusoro; uye Allah ndivo mukuru-kuru, vane hungwaru hwose

Verse 41 — Surah At-Tawbah 9:41

Fambai (munzira yaAllah), mungave musingaremi (mune hutano, vechidiki, uye vapfumi) kana muchirema (kuchembera kana kutambura), uye shingirirai zvakasimba neupfumi hwenyu neupenyu hwenyu munzira yaAllah. Izvi zvakanaka kwamuri kana muchiziva

Verse 42 — Surah At-Tawbah 9:42

Dai yaiva mhimbiri iri padyo nerwendo rwepedyo, vangadai vakakutevera, asi mufambo (weku Tabook) wakanga uri murefu kwavari; uye vachapika naAllah vachiti: “Dai taikwanisa, taifamba nemi.” Vanozviparadza pachavo, uye Allah vanoziva zvirokwazvo kuti vanonyepa

Verse 43 — Surah At-Tawbah 9:43

Allah ngavakuregerere (iwe Muhammad (SAW)). Sei wakavapa mvumo (yekuti vasare; wairamba uchivakurudzira kuenda kuJihaad), kusvikira avo vaireva chokwadi vaonekwa newe pachena, uye ukabva waziva vanyepi

Verse 44 — Surah At-Tawbah 9:44

Avo vanotenda kuna Allah nezuva rokupedzisira havakumbiri mvumo yako kuti vasiiwe kunorwa nehupfumi hwavo nehupenyu hwavo; uye Allah vanoziva zvikuru Al-Muttaqoon (vose vanovatya, vatsvene)

Verse 45 — Surah At-Tawbah 9:45

Vanokumbira mvumo yako ndeavo chete vasingatendi kuna Allah uye nezuva rekupedzisira, uye vane moyo isina chokwadi. Naizvozvo mukusagutsikana kwavo vanoenderera mberi

Verse 46 — Surah At-Tawbah 9:46

Uye dai vakada kufamba, chokwadi vangadai vakaita gadziriro yacho; asi Allah havana kufarira kutumirwa kwavo, naizvozvo vakavaita kuti vasare, uye zvikanzi (kwavari): “Garai imi neavo vanogara (mudzimba).”

Verse 47 — Surah At-Tawbah 9:47

Dai vakafamba newe, vangadai vasina kana chavakawedzera kwauri kunze kwekusarongeka, uye vangadai vakamhanyira pakati penyu (vachikonzera nyonganyonga) uye miedzo kwamuri, uye pane vamwe mukati menyu vaizovateerera. Uye Allah vanoziva zvikuru vose vatadzi

Verse 48 — Surah At-Tawbah 9:48

Zvirokwazvo, vakamboronga miedzo (nyonganyonga) kare, uye vakanga vatokanganisa hurongwa hwako, kusvikira chokwadi chauya uye hurongwa hwaAllah (Islaam) hwazadzikiswa kunyangwe vaizvivenga

Verse 49 — Surah At-Tawbah 9:49

Uye mukati mavo mune uyo anoti: “Ndipewo mvumo (kuti ndisaende kunorwa) uye usandipinza pamuedzo.” Chokwadi, vatowira mumiedzo. Uye chokwadi, Gehena rakakomboredza vasingatendi

Verse 50 — Surah At-Tawbah 9:50

Kana zvakanaka zvikakuwira (iwe Muhammad (SAW)) zvinovarwadza, asi kana matambudziko akauya kwauri, vanoti: “Takaita zvido zvedu kare (takazvichengetedza kare),” uye vanofuratira vachifara

Verse 51 — Surah At-Tawbah 9:51

Iti: “Hapana chichaitika kwatiri kunze kweizvo zvakanzi naAllah zvichaitika kwatiri. Ndivo muchengetedzi wedu.” Uye vatendi ngavaise vimbo yavo kuna Allah

Verse 52 — Surah At-Tawbah 9:52

Iti: “Munotarisira here kwatiri (chimwe chinhu) kunze kwechimwe chezviviri zvakanaka (kufa kana kukunda)? Isu tichimirira kuti pamwe Allah vangakurangai nemurango kubva kwavari, kana kuburikidza nemaoko edu. Naizvovo mirirai, isuwo takamirirawo pamwe nemi.”

Verse 53 — Surah At-Tawbah 9:53

Iti: “Ipai (munzira yaAllah) muchida kana musingadi, hazvimbotambirwi kubva kwamuri. Chokwadi, muri vanhu vasingateereri (Allah).”

Verse 54 — Surah At-Tawbah 9:54

Hapana chinokonzera kuti zvipo zvavo zvisatambirwe kunze kwekuti havana kutenda muna Allah uye nemutumwa wavo (Muhammad (SAW)), uye nekuti havauyi kuSwalaah (Munamato) kunze kwekuti vaine usimbe, uye vanopa rubetsero vasingadi

Verse 55 — Surah At-Tawbah 9:55

Naizvozvo hupfumi hwavo husakushamisa (Muhammad (SAW)) kana vana vavo. Muzvikwazvo, hurongwa hwaAllah kuvaranga neizvi muhupenyu hwepanyika ino, uye kuti mweya yavo iyende (kufa) ivo vasiri vatendi

Verse 56 — Surah At-Tawbah 9:56

Vanopika naAllah kuti vanewe muchokwadi asi ivo vasiri newe, asi vanhu (vanyengedzi) vanotya (kuti ungavauraya)

Verse 57 — Surah At-Tawbah 9:57

Kana dai vaikwanisa kuwana kwekutizira, kana mapako, kana nzvimbo yekupinda zvayo (yekuwanda), vaizopindamo vachimhanya (nekukasika)

Verse 58 — Surah At-Tawbah 9:58

Uye pakati pavo pane vamwe vanokupomera (iwe Muhammad (SAW)) maererano nezvipo (Swadaqah). Kana vakapiwa chidimbu kubva mazviri, ivo vanofadzwa, asi kana vakasapiwa kubva mazviri vanotsamwa

Verse 59 — Surah At-Tawbah 9:59

Dai vakagutsikana nezvavakapiwa naAllah nemutumwa wavo (SAW) uye voti: “Allah vanotikwanira, Allah vachatipa makomborero avo, uye mutumwa wavo (SAW) zvakare (kubva muZvipo (Swadaqah)). Zvirokwazvo, tinokumbira Allah kuti vatipfumise.”

Verse 60 — Surah At-Tawbah 9:60

“As-Swadaqaat (Zakaah - Zvipo) nde evanotambura, uye vanoshaya, uye avo vakapiwa basa rokuunganidza (Zakaah), uye kukwezva moyo yeavo varikuswedera padyo (neIslaam), uye kusunungura nhapwa, uye neavo vane zvikwereti, uye nemunzira yaAllah, uye neuyo ari parwendo (anorasikirwa nemari kana kubirwa kana kupera), ibasa rakatarwa naAllah. Uye Allah vanoziva zvose, vane hungwaru hwose

Verse 61 — Surah At-Tawbah 9:61

Uye pakati pavo pane avo vanotsvinyira muporofita (Muhammad (SAW)) uye vachiti: “Arikuteya nzeve dzake kuti anzwe zvose.” Iti: “Anoteerera chete izvo zvakanaka kwamuri; anotenda muna Allah; anovimba nevatendi; uye inyasha kune vamwe venyu vanotenda. Asi avo vanotsvinyira mutumwa waAllah (Muhammad (SAW)), vachawana murango unorwadza

Verse 62 — Surah At-Tawbah 9:62

Vanopika naAllah kwamuri (maMuslim) vachida kukufadzai, asi zvakafanira kuti vafadze Allah nemutumwa wavo (Muhammad (SAW)) kana vari vatendi

Verse 63 — Surah At-Tawbah 9:63

Havazivi here kuti uyo anopokana pamwe nekuratidza ruvengo kuna Allah nemutumwa wavo (SAW), zvirokwazvo kwaari kuchave nemoto weGehena, maachagara nokusingaperi. Uku ndiko kudzikisirwa kwepamusoro

Verse 64 — Surah At-Tawbah 9:64

Vanyengedzi vanotya kuti pamwe chitsauko (cheQur’aan) chingadzikiswa maererano nezvavo, chichivaratidza zviri mumoyo yavo. Iti: “Endai mberi nekutsvinyira! Asi chokwadi Allah vachaburitsa pachena zvose zvamunotya.”

Verse 65 — Surah At-Tawbah 9:65

Kana ukavabvunza (pamusoro peizvi), vanoti: “Takanga tichingotaura tichitamba.” Iti: “Mange muchitsvinyira here Allah, nehumboo hwavo uye nemutumwa wavo (SAW)?”

Verse 66 — Surah At-Tawbah 9:66

Musape boterere; hamuna kutenda mushure mokunge mambotenda. Kana tikaregerera vamwe venyu, ticharanga vamwe venyu nokuti vakanga vasiri vatendi

Verse 67 — Surah At-Tawbah 9:67

Vanyengedzi, vakadzi nevarume, vanhu vamwe chete; vanokurudzira (vanhu) zvakaipa, uye vanorambidza (vanhu) kuita zvakanaka, uye vanovhara maoko avo (vasingadi kupa Zvipo (Zakaah)). Vakanganwa Allah, nokudaro (Allah) vavakanganwawo. Zvirokwazvo, vanyengedzi vatadzi

Verse 68 — Surah At-Tawbah 9:68

Allah vakavimbisa vanyengedzi, varume nevakadzi, uye nevasingatendi, moto weGehena, umo vachagara. (Gehena) richavakwanira. Allah vakavashora uye kwavari kune murango usingaperi

Verse 69 — Surah At-Tawbah 9:69

Seavo vakange varipo musati mavepo. Vakanga vaine simba rakakunda renyu, uye vakanga vaine hupfumi hwakawanda pamwe nevana. Vakanakidzwa nechidimbu chavo, naizvozvo nakidzwai nechidimbu chenyu sokunakidzwa kwakaitwa avo vakange varipo imi musati mavepo nechidimbu chavo; uye makatamba nekuvaraidza nguva (muchinyepa pamusoro paAllah uye nemutumwa wavo Muhammad (SAW)) sokutamba kwavakaita nokuvaraidza nguva. Vanhu vakadaro ndivo mabasa avo asina basa panyika nokudenga. Uye ava ndivo vanhu vakarasikirwa

Verse 70 — Surah At-Tawbah 9:70

Ko nyaya yeavo vakange varipo ivo vasati vavepo haina kuvasvikira here? Vanhu vaNowa, maAad, uye maThamood, uye vanhu vaAbrahamu, uye vagari vekuMadyan (Midian), uye nemaguta akaparadzwa (vanhu vaLoti); kwavari kwakauya vatumwa nehumboo huri pachena. Naizvozvo havasi Allah vakavatadzira, asi kuti vakazvitadzira pachavo

Verse 71 — Surah At-Tawbah 9:71

Uye vatendi, varume nevakadzi, vanobetserana; vanokurudzira (vanhu) kuita mabasa akanaka, uye vanorambidza (vanhu) kuita mabasa akashata; vanoita Swalaah (Munamato), uye vanopa Zakaah (Zvipo), uye vanoteerera Allah nemutumwa wavo. Allah vachavaitira nyasha. Zvirokwazvo, Allah ndivo samasimba, vane huchenjeri hwese

Verse 72 — Surah At-Tawbah 9:72

Allah vakavimbisa vatendi, varume nevakadzi, Paradhiso rine nzizi dzinoerera kuti vachagara imomo nokusingaperi, uye mudzimba dzakanaka mumapindu eEden (Paradhiso). Asi makomborero makuru kufadzwa kwakanaka kwaAllah. Ndiko kubudirira kwemhando yepamusoro

Verse 73 — Surah At-Tawbah 9:73

Iwe Muporofita (Muhammad (SAW))! Shingirira zvakasimba kurwa nevasingatendi uye vanyengedzi, uye uite ukasha kwavari, uye nzvimbo yavo yokugara iGehena, uye zvirokwazvo magumo akadaro ndiwo akashata (anorwadza)

Verse 74 — Surah At-Tawbah 9:74

Vanopika naAllah kuti hapana chavakataura (chakashata), asi muzvokwadzi vakataura mashoko ekusatenda, uye havana kutenda mushure mokunge vatambira Islaam, uye vakaramba vaine hurongwa (wekuuraya Muhammad (SAW)), uhwo vasina kukwanisa kuuita, uye havana kukwanisa kuwana chikonzero chekuzviita kunze kwekuti Allah nemutumwa wavo (SAW) vakanga vavaita vapfumi nemakomborero avo. Asi kana vakakumbira ruregerero, zvakanaka kwavari; asi kana vakafuratira, Allah vachavaranga nemurango unorwadza muhupenyu hwepanyika uye hwemangwana (kudenga). Uye hakuna umwe kwavari somuchengeti kana mubetseri pano panyika

Verse 75 — Surah At-Tawbah 9:75

Uye pakati pavo pane vamwe vakaita chitsidzirano naAllah vachiti: “Kana vakatipa kubva muhupfumi hwavo, zvirokwazvo tichapa Swadaqah (Zakaah nezvimwe zvipo zvisingamanikidzirwi munzira yaAllah), uye chokwadi tinozove pamwechete neavo vakanaka.”

Verse 76 — Surah At-Tawbah 9:76

Zvino pavakavapa kubva muhupfumi hwavo, vakaomera uye vakabva vafuratira vasingadi

Verse 77 — Surah At-Tawbah 9:77

Naizvozvo vakavaranga kuburikidza nehunyengedzi mumoyo yavo kusvikira zuva iro vachasangana navo (Allah), nokuti vakaputsa chirangano icho vakange vavimbisa kwavari uye nokuti vaigaro taura manyepo

Verse 78 — Surah At-Tawbah 9:78

Havazivi here kuti Allah vanoziva zvakavanzika zvavo, uye nemisangano yavo yakavanzika, uye kuti Allah ndivo vanoziva zvose zvisingaoneki

Verse 79 — Surah At-Tawbah 9:79

Avo vanotaura zvakaipa pamusoro pevatendi avo vanopa zvipo vachida (munzira yaAllah), uye avo vasingakwanise kuwana nzira yokupa zvipo (munzira yaAllah) kusara kwezvavainazvo, nokudaro vanovatsvinyira (vatendi); Allah vachavadzosera kutsvinya kwavo kwavari, uye vachave vanowana mutongo unorwadza

Verse 80 — Surah At-Tawbah 9:80

Kunyangwe iwe (Muhammad (SAW)) ukavakumbirira ruregerero kana kusavakumbirira ruregerero, uye kunyangwe ukavakumbirira ruregerero kanokwana kuita makumi manomwe, Allah havambovaregereri nokuda kwekuti havana kutenda kuna Allah uye mutumwa wavo (SAW). Uye Allah havatungamiriri vanhu vanokanganisa

Verse 81 — Surah At-Tawbah 9:81

Avo vakasara (pahondo yeTabook), vakafara nekusara kwavo mumashure memutumwa (SAW); uye vakavenga kushanda pamwe nekurwa nehupfumi hwavo nehupenyu hwavo munzira yaAllah, uye vakati: “Regai kufamba (kuenda) kuchipisa.” Iti: “Moto weGehena unonyanya kupisa,” kana vachinzwisisa

Verse 82 — Surah At-Tawbah 9:82

Nokudaro vasiye vaseke zvishoma uye vachachema zvakanyanya semubairo wezvavaiwana (mukutadza)

Verse 83 — Surah At-Tawbah 9:83

Kana Allah vakakudzorera shure kune vamwe vavo (vanyengedzi), uye vakakumbira mvumo yako kuti vaende (kunorwa), iti: “Hamuchafi makaenda neni kana kurwisa muvengi neni. Zvirokwazvo, makafadzwa nekugara pachiitiko chokutanga, naizvozvo garai neavo vanosara.”

Verse 84 — Surah At-Tawbah 9:84

Uye (iwe Muhammad (SAW)) usafa wakanamata (munamato wenyariro) kune umwechete wavo zvake kana afa, kana kumira paguva rake. Zvirokwazvo, havana kutenda kuna Allah nemutumwa wavo (SAW), uye vakafa vari vatadzi

Verse 85 — Surah At-Tawbah 9:85

Uye usashamiswa nehupfumi hwavo nevana vavo. Zvirokwazvo, hurongwa hwaAllah ndehwe kuvaranga nezvinhu izvozvi panyika, uye kuti mweya yavo iyende (ife) ivo vasiri vatendi

Verse 86 — Surah At-Tawbah 9:86

Uye kana Chitsauko (cheQur’aan) chikadzikiswa, chichivakurudzira kutenda kuna Allah nekushinga zvakasimba uye kurwa pamwechete nemutumwa wavo (SAW), vapfumi mukati mavo vanokukumbira mvumo yako (kuti iwe uvasiye pakunorwa), uye vanoti: “Tisiye (tisare), tichange tiine avo vanogara (mudzimba).”

Verse 87 — Surah At-Tawbah 9:87

Vanonzwa zvakanaka kuve neavo (vakadzi) vanosara (mudzimba). Moyo yavo yakavharwa (kubva mune zvakanaka), naizvozvo havanzwisisi

Verse 88 — Surah At-Tawbah 9:88

Asi mutumwa (Muhammad (SAW)) uye neavo vanotenda pamwechete naye (muchitendero cheIslaam) vakashinga zvakasimba uye vakarwa nehupfumi hwavo nehupenyu hwavo (munzira yaAllah). Vanhu vakadaro ndivo vachawana zvakanaka, uye ndivo vanhu vachange vakabudirira

Verse 89 — Surah At-Tawbah 9:89

Kwavari (vanhu ava) Allah vakavagadzirira mapindu (Paradhiso) ane nzizi dzinoerera pasi pawo, kuti vagare imomo zvachose. Uku ndiko kubudirira kwepamusoro

Verse 90 — Surah At-Tawbah 9:90

Uye avo vanogara kumaruwa vakauya vachipa zvikonzero (kwauri, Muhammad (SAW)) vachikumbira mvumo yako kuti uvasiye (kuhondo), uye avo vakanga vanyepa kuna Allah nemutumwa wavo (SAW) vakagara pamba (zvisina mvumo); murango unorwadza uchavaparadza avo pakati pavo vasingatendi

Verse 91 — Surah At-Tawbah 9:91

Hapana mhosva kune avo vasina simba uye vanorwara kana vasingakwanisi kuwana zvekushandisa (muhondo), kana vakavimbika uye muchokwadi kuna Allah nemutumwa wavo. Hapana kuchema-chema maererano neavo vanoita zvakanaka. Allah vanoregerera zvikuru, uye vane tsitsi zhinji

Verse 92 — Surah At-Tawbah 9:92

Kana kuti (hapana mhosva) kune avo vakauya kwauri kuti uvape zvekufambisa, apo iwe pawakati: “Handikwanisi kukuwanirai zvekufambisa zvenyu.” Vakadzokera apo maziso avo achierera misodzi nekuda kweshungu kuti havasi kukwanisa kuwana kana chii zvacho chokuti vashandise (muhondo/Jihaad)

Verse 93 — Surah At-Tawbah 9:93

Zvirokwazvo, mhosva ingori kune avo vapfumi, asi vanokumbira kusiiwa. Vanonzwa zvakanaka kuve ne (vakadzi) vanosara mushure (mudzimba), uye Allah vakavhara moyo yavo (kubva kune zvose zvakanaka nekutungamirwa kwakanaka) kuitira kuti vasazive (zvavari kurasikirwa nazvo)

Verse 94 — Surah At-Tawbah 9:94

(Vanyengedzi) vachave vanokukumbirai ruregerero (imi maMuslim) apo pamunenge madzokera kwavari. (Iwe Muhammad (SAW)) vataurire (kuti): “Musakumbire (henyu) ruregerero (isu maMuslim), hatimbozofi takatenda mamuri. Zvirokwazvo, Allah vakatotiudza kare maererano nenyaya dzenyu. Allah nemutumwa wavo (SAW) vachave vanotarisa mabasa enyu. Pedzezvo muchave munodzoserwa kune muzivi wezvose zvisingaoneki nezvinooneka, uye (Allah) vachave vanokuzivisai izvo zvamaiita.”

Verse 95 — Surah At-Tawbah 9:95

Vachapika naAllah kwamuri imi (maMuslim) kana muchinge madzokera kwavari, nechinangwa chekuti muvaregerere. Naizvozvo ivai munovafuratira. Muzvirokwazvo, (vanhu) vakasviba (nekuda kwemabasa avo asina kururama), uye Gehena (Moto) ndiyo nzvimbo yavo yavachagara, uri mubairo wezvavaiwana

Verse 96 — Surah At-Tawbah 9:96

(Vanyengedzi) Vanopika kwamuri (maMuslim) nechinangwa chekuti muve munofadzwa navo, naizvozvo kana mafadzwa navo, muzvirokwazvo Allah havafadzwi nevanhu vanoita mabasa akaipa

Verse 97 — Surah At-Tawbah 9:97

MaA’raab (maArabhu aigara kumamisha, vachirarama nekuchengeta zvipfuyo munyika yeSaudi Arabia) ndivo vakanyanya kusatenda (muna Allah) nehunyengedzi, uye varipedo nekusaziva miganhu (mitemo yaAllah yose) iyo Allah vakave vanotumira mutumwa wavo (Muhammad (SAW). Uye Allah muzivi wezvose, vane hungwaru hwose

Verse 98 — Surah At-Tawbah 9:98

Uye pakati pemaA’raab (maArabhu ekumamisha) pane vamwe vanoona zvavanoburitsa vachipa (munzira yaAllah) semuripo uye vanotomirira (kuona) nhamo (ichikuvinga). Nhamo ngaive kwavari. Uye Allah ndivo munzwi wezvose, muzivi wezvose

Verse 99 — Surah At-Tawbah 9:99

Uye pakati pemaA’raab (vagari vekumaruwa) pane vamwe vanotenda muna Allah uye muzuva rokutongwa, uye vanotarisa izvo zvavanoshandisa munzira yaAllah senzira yokuve pedyo-pedyo naAllah, uye senzira yokuwana minamato yamutumwa. Zvirokwazvo, izvi (zvavanopa munzira yaAllah) inzira yokuve pedyo-pedyo kwavari. Allah vachavapinza mutsitsi dzavo. Zvirokwazvo, Allah ndivo vane ruregerero rwose, vane tsitsi dzakanyanya

Verse 100 — Surah At-Tawbah 9:100

Uye vakatanga kupinda muchitendero cheIslaam kubva mumaMuhajiroon (avo vakatama kubva kuMakkah vachienda kuMadinah) uye nemaAnsaar (vagari vemuMadinah avo vakabetsera maMuhajiroon) uye avo vakavatevera muzvokwadi (mukutenda), Allah vakava vanofadzwa navo sekufadzwa kwavanoita navo. Vakavagadzirira mapindu ane pasi panoerera nzizi (Paradhiso), kuti vagare imomo zvachose. Iyi ndiyo budiriro hombe

Verse 101 — Surah At-Tawbah 9:101

Uye pakati pemaA’raab (vagari vekumaruwa) vakakukomberedzai, vamwe vanyengedzi, uye ndizvo zvakaita vamwe vevanhu vemuMadinah vanoshingirira muhunyengedzi. Iwe (Muhammad (SAW)) hauvazivi, isu tinovaziva. Tichavaranga kaviri, uye mushure mezvo vachadzoswa kumarwadzo makuru

Verse 102 — Surah At-Tawbah 9:102

Uye kune vamwe vanobvuma zvitadzo zvavo, vanosanganisa basa raive rakanaka nerimwe raive rakaipa. Nedzimwe nguva Allah vachavaregerera. Zvirokwazvo, Allah ndivo vane ruregerero rwose, vane tsitsi dzakanyanya

Verse 103 — Surah At-Tawbah 9:103

Torai Swadaqah (Zvipo) kubva muhupfumi hwavo kuti uvachenese uye kuti uvaite vatsvene nawo, uye vaitire munamato kuna Allah. Zvirokwazvo, munamato wako inzira yokuchengetedzwa kwavo; uye Allah ndivo munzwi wezvose, muzivi wezvose

Verse 104 — Surah At-Tawbah 9:104

Havazivi kuti Allah vanotambira rushanduko kubva kuvaranda vavo uye kutora Swadaqah (Zvipo), uye kuti Allah vega ndivo vanoregerera uye vanotambira rushanduko, vane tsitsi dzose

Verse 105 — Surah At-Tawbah 9:105

Uye iti (Muhammad (SAW)): “Itai mabasa! Allah vanoona mabasa enyu uye mutumwa wavo (SAW) uye nevatendi. Uye muchazodzoserwa kuna muzivi wezvose zvakavanzika nezviri pachena. Nokudaro muchava munoudzwa zvamaigara muchiita.”

Verse 106 — Surah At-Tawbah 9:106

Uye vamwe vakaitwa kuti vamirire marongero aAllah, pamwe vachavaranga kana kuvaregerera. Uye Allah ndivo vane ruzivo rwese, vane huchenjeri hwose

Verse 107 — Surah At-Tawbah 9:107

Uye avo vakavaka Masjid (imba yokunamatira) nenzira yakaipa uye kusatenda uye kupatsanura vatendi uye senzvimbo yeavo vairwisa Allah nemutumwa wavo (Muhammad (SAW)) kubva munguva yadarika, zvirokwazvo vachava vanopika kuti zvinangwa zvavo ndezvokuita mabasa akanaka. Allah vanopa huchapupu kuti zvirokwazvo vanonyepa

Verse 108 — Surah At-Tawbah 9:108

Usava unomira (uchinamata) imomo zvachose. Zvirokwazvo, Masjid (nzvimbo yekunamatira) iyo mudhuri wayo wakavakwa kubva musi wekutanga pahutsvene zvakanyanya kukosha kuti umire imomo (uchinamata). Mukati mayo mune varume vanoda kuzvichenesa pachezvavo. Uye Allah vanoda avo vanozvichenesa (avo vanochenura nhengo dzavo dzakavanzika nevhu nemvura kubva kuweti netsvina hombe)

Verse 109 — Surah At-Tawbah 9:109

Ndizvo here kuti uyo anosimudza mudhuri wemba yake pahutsvene kuna Allah uye nemufaro wavo ari nani here, kana kuti uyo anosimudza mudhuri wemba yake pamatetu ari padyo nekuputsikira pasi, kuti ive inoputsika-putsika naye mumoto weGehena? Uye Allah havatungamiriri maZaalimoon (vanhu vanoita mabasa akaipa)

Verse 110 — Surah At-Tawbah 9:110

Mudhuri wavakavaka haumbofi wakamira kuve nzira younyengedzi uye kusagutsikana mumoyo yavo kunze kwekuti moyo yavo ikadamburwa-damburwa (kusvikira vafa). Uye Allah ndivo muzivi wezvose, vane huchenjeri hwese

Verse 111 — Surah At-Tawbah 9:111

Zvirokwazvo, Allah vakatenga kubva kuvatendi hupenyu hwavo uye midziyo yavo kuti chavo chichave Paradhiso. Vanorwa munzira yaAllah, nokudaro vanouraya (vamwe) uye vanourawa. Chivimbiso chechokwadi chakakomekedzwa kwavari (Allah) muTorah uye muInjeel (Vhangeri) uye muQur’aan. Uye ndiani ari pachokwadi pawirirano yake kudarika Allah? Nokudaro farai mukutengesa kwenyu kwamakapedza. Iyi ndiyo budiriro hombe

Verse 112 — Surah At-Tawbah 9:112

Avo vanokumbira ruregerero kuna Allah (kubva muhunyengedzi nekunamata vanamwari vakawanda), vanovanamata (Allah), vachivarumbidza, vachitsanya (kana kuti vanobuda) munzira yaAllah, vanokotamisa huso hwavo (vachinamata), vanopfugama, vanokurudzira (vanhu) mabasa akanaka uye vachirambidza akaipa, uye vachichengetedza mitemo yaAllah. Uye ipa shuviro yakanaka kuvatendi

Verse 113 — Surah At-Tawbah 9:113

Hazvina kunaka kuna mutumwa uye neavo vanotenda kuti vakumbire Allah ruregerero rwemaMushrikoon (avo vasingatendi muna Mwari mumwechete) kunyange dziri hama dzavo, mushure mokunge zvave pachena kwavari kuti vagari vekumoto (nekuti vakafa vasiri vatendi)

Verse 114 — Surah At-Tawbah 9:114

Uye Abrahamu kuda kukumbirira baba vake ruregerero rwaAllah kwakange kuri nokuda kwevimbiso yaAbrahamu yaakange aita kwavari (baba vake). Asi pazvakave pachena kwaari (Abrahamu) kuti (baba vake) vakanga vari muvengi waAllah, akabva azvibvisa kwavari. Zvirokwazvo, Abrahamu aiva Awwaah (uyo anokumbira Allah achizvininipisa, achivarumbidza nekuvarangarira zvikuru) uye akanga ane moyo murefu

Verse 115 — Surah At-Tawbah 9:115

Uye Allah havatungamiriri vanhu kugwara rakaipa mushure mokuvapa gwara kudzamara vabuditsa pachena kwavari izvo zvavanofanira kudzivirira. Zvirokwazvo, Allah ndivo muzivi wezvose

Verse 116 — Surah At-Tawbah 9:116

Zvirokwazvo Allah! Kwavari ndiko kune humambo wekumatenga uye nepanyika. Ndivo vanopa hupenyu uye ndivo vanokonzera rufu. Uye kusara kwaAllah hamuna umwe Wali (mudziviriri kana muchengeti) kana mubatsiri

Verse 117 — Surah At-Tawbah 9:117

Zvirokwazvo, Allah vakaregerera Muporofita (SAW), maMuhaajiroon (maMuslim vakatama vachibva kuMakkah vachienda kuMadinah), uye maAnsaar (maMuslim emuMadinah), vakamutevera (Muhammad (SAW)) munguva dzakaoma (kuhondo yeTabook) mushure mokunge moyo yevamwe vavo yakange iri pedyo nokurasika (kubva pagwara rakanaka), asi vakabvuma shanduko yavo. Zvirokwazvo, Allah vane ngoni zhinji, netsitsi dzakanyanya

Verse 118 — Surah At-Tawbah 9:118

Uyezve (vakaregerera) vatatu vasina kubatana nevamwe (pahondo yeku Tabook) kusvika nyika nemakuriro ayo yakava diki uye vakava vanobatikana pachavo, uye vakava nechokwadi kuti hakuna kutiza kuna Allah, uye kwekuhwanda asi kwavari (Allah). Nokudaro vakavaregerera kuti vave vanokumbira (rushanduko kwavari). Zvirokwazvo, Allah ndivo vega vanoregerera, uye kugamuchira rushanduko, vane tsitsi dzakanyanya

Verse 119 — Surah At-Tawbah 9:119

Imi vanotenda! Ityai Allah, uye ivai neavo vari pachokwadi (mumashoko nemabasa)

Verse 120 — Surah At-Tawbah 9:120

Zvakanga zvisina kunaka kuti vanhu vemuMadinah uye maA’raab (vagari vekumaruwa) vemunharaunda kuti vasare kumashure kwamutumwa waAllah (Muhammad (SAW) pakurwa munzira yaAllah), uye kushuvira hupenyu hwavo kuhupenyu hwake. Nokuti havana kushupika nenyota kana kuneta kana nzara munzira yaAllah, kana kutora chinhanho chokusumudza hasha dzevasingatendi, kana kuisa marwadzo kuvavengi asi zvaitonyorwa kwavari sebasa rakanaka. Zvirokwazvo, Allah havatambisi mibairo yevatsvene

Verse 121 — Surah At-Tawbah 9:121

Uye hapana chavanopa chingava chii zvacho (munzira yaAllah), chidiki kana chihombe, kana kuyambuka mupata, asi zvinonyorwa pamabasa avo, kuti Allah vanovaripa nemabasa avo akanaka avaigaro ita

Verse 122 — Surah At-Tawbah 9:122

Uye hazviiti kuvatendi kuti vabude vaende kunorwa vose pamwechete (Jihaad). Asi chikwata chega-chega chavo, chidimbu ndicho chinofanira kuenda, kuitira kuti (avo vanosara mumashure) vagowana mirairo yechitendero (cheIslaam), uye kuti vozopa chenjedzo kuvanhu vavo kana vadzoka kwavari, kuitira kuti vangwarire (zvakaipa)

Verse 123 — Surah At-Tawbah 9:123

Imi vanotenda! Rwisai avo vasingatendi vari pedyo nemi, uye itai kuti vawane hasha mamuri, uye zivai kuti Allah vane avo vari vatsvene

Verse 124 — Surah At-Tawbah 9:124

Uye pose panodzikiswa Chitsauko cheQur’aan (Surah), vamwe vavo (vanyengedzi) vanoti: “Ndiani wenyu awedzerwa kutenda nacho?” Asi kune avo vanotenda, chinovawedzera kutenda kwavo, uye vofara

Verse 125 — Surah At-Tawbah 9:125

Asi kune avo vane chirwere mumoyo yavo (chokusagutsikana, kusatenda nohunyengedzi), chinowedzera fungidziro uye kusagutsikana nefungidziro dzavo, kusatenda uye kusagutsikana; uye vanofa vari mukusatenda

Verse 126 — Surah At-Tawbah 9:126

Havazvioni kuti vanopinzwa mumiedzo kamwechete kana kaviri gore roga-roga (yemhando dzakasiyana dzematambudziko, zvirwere, nzara)? Asi havatendeuki kurushanduko, kana kudzidza chidzidzo (kubva mazviri)

Verse 127 — Surah At-Tawbah 9:127

Uye pose panodzikiswa Chitsauko (cheQur’aan) vanotarisana (vachiti): “Kune ari kukuonai here?” Vanobva vatendeuka. Allah vakatendeudza moyo yavo (kubva kuchiedza) nokuti vanhu vasinganzwisisi

Verse 128 — Surah At-Tawbah 9:128

Zvirokwazvo, mutumwa (Muhammad (SAW)) auya kwamuri kubva pakati penyu (wamunoziva zvakanaka). Zvinomurwadza kuwana kwenyu marwadzo kana matambudziko. Iye (Muhammad (SAW)) ane shungu nemi (kuti mutungamirirwe kugwara rakanaka kuti munopinda Paradhiso); kuvatendi ane (SAW) tsitsi, ngoni, uye moyo munyoro

Verse 129 — Surah At-Tawbah 9:129

Asi kana vakatendeuka (vakafuratira), iti (Muhammad (SAW)): “Allah vakandikwanira. Laa Ilaaha Illaa Huwa (Hakuna anekodzero dzokunamatwa asi ivo). Mavari ndinoisa vimbo yangu, uye ndivo Tenzi veChigaro cheHumambo Chikuru.”