Back to LanguagesPrevious ChapterNext Chapter
Shona - Chapter 95 - At-Tin
Translation by Abdullah J. M. Adini And Students — Permalink
Verse 1 — Surah At-Tin 95:1
(Ndinopika) nemuonde, uye nemu orivhi
Verse 2 — Surah At-Tin 95:2
Negomo reSinai
Verse 3 — Surah At-Tin 95:3
Neguta iri (Makkah) rakachengetedzeka
Verse 4 — Surah At-Tin 95:4
Zvirokwazvo, takasika munhu ane chimiro chakanaka
Verse 5 — Surah At-Tin 95:5
Ndokubva tamudzikisira kusvika pakupedzisira
Verse 6 — Surah At-Tin 95:6
Kusara kweavo vanotenda (muIslaam) uye vachiita mabasa akanaka. Vachawana mubairo usingaperi (Paradhiso)
Verse 7 — Surah At-Tin 95:7
Nokudaro chii chinoita (iwe asingatendi) kuti urambe zuva rekutongwa
Verse 8 — Surah At-Tin 95:8
Havasi here Allah mutongi vanoziva pamusoro pevatongi vose