Back to Languages

Shona - Chapter 97 - Al-Qadr

Translation by Abdullah J. M. Adini And Students — Permalink

Verse 1 — Surah Al-Qadr 97:1

Zvirokwazvo, takaridzikisa (Qur’an iri) muusiku hwechisungo

Verse 2 — Surah Al-Qadr 97:2

Uye chii chichaita kuti uzive kuti usiku hwechisungo chii

Verse 3 — Surah Al-Qadr 97:3

Usiku hwechisungo huri nani kukunda churu chemwedzi (kunamata Allah mauri kuri nani kupfuura kunamata churu chemwedzi (makore makumi masere nematatu, nemwedzi mina)

Verse 4 — Surah Al-Qadr 97:4

Mauri munodzika ngirozi nemweya mutsvene (Gabriel) nemvumo yaTenzi vavo nezvisungo zvose

Verse 5 — Surah Al-Qadr 97:5

(Usiku hwese) Pane runyararo (uye zvakanaka kubva kuna Allah zvichienda kuvaranda vavo vanotenda) kusvikira nguva yemambakwedza