Back to Languages

Shona - Chapter 100 - Al-Adiyat

Translation by Abdullah J. M. Adini And Students — Permalink

Verse 1 — Surah Al-Adiyat 100:1

Ndinopika nemabhiza anomhanya achifemereka

Verse 2 — Surah Al-Adiyat 100:2

Achiburitsa zvimvari zvemoto (nemakumbo awo)

Verse 3 — Surah Al-Adiyat 100:3

Uye achimhanyira kunorwa mambakwedza

Verse 4 — Surah Al-Adiyat 100:4

Uye achipfumbura huruva nawo

Verse 5 — Surah Al-Adiyat 100:5

Uye achipinda nawo mukati (memuvengi)

Verse 6 — Surah Al-Adiyat 100:6

Zvirokwazvo, munhu haatendi Tenzi vake

Verse 7 — Surah Al-Adiyat 100:7

Uye zvirokwazvo iye ichapupu kune izvozvo (nemabasa ake)

Verse 8 — Surah Al-Adiyat 100:8

Uye zvirokwazvo anosimbirira mukuda zvakanaka (hupfumi)

Verse 9 — Surah Al-Adiyat 100:9

Haazivi here kuti apo zviri mumakuva zvichaburitswa

Verse 10 — Surah Al-Adiyat 100:10

Uye izvo zviri muzvipfuva pazvichaitwa kuti zvizivikanwe

Verse 11 — Surah Al-Adiyat 100:11

Zvirokwazvo, nezuva iroro Tenzi vavo vachange vachinyatsoziva nezvavo (mabasa avo uye vovapa mubairo wavo)