Back to Languages

Shona - Chapter 99 - Az-Zalzalah

Translation by Abdullah J. M. Adini And Students — Permalink

Verse 1 — Surah Az-Zalzalah 99:1

Kana nyika yodengenyetswa nekudengenyeka kwayo

Verse 2 — Surah Az-Zalzalah 99:2

Uye kana nyika yoburitsa misengwa yayo (zvayakaviga)

Verse 3 — Surah Az-Zalzalah 99:3

Uye munhu achati: “Chii chiri kunetsa pairi?”

Verse 4 — Surah Az-Zalzalah 99:4

Nezuva iroro ichataura mashoko ayo (zvaiitika pamusoro payo zvakanaka nezvakaipa)

Verse 5 — Surah Az-Zalzalah 99:5

Nokuda kwekuti Tenzi vako vanenge vaiudza izvozvo

Verse 6 — Surah Az-Zalzalah 99:6

Nezuva iroro vanhu vachaenda muzvikwata kuitira kuti vagotaridzwa mabasa avo

Verse 7 — Surah Az-Zalzalah 99:7

Naizvozvo uyo anenge aita chakanaka chakafanana nehuremu hwekasvosve kamwechete achachiona

Verse 8 — Surah Az-Zalzalah 99:8

Uye uyo anenge aita chakaipa chakafanana nehuremu hwekasvosve kamwechete achachiona