Back to Languages

Shona - Chapter 104 - Al-Humazah

Translation by Abdullah J. M. Adini And Students — Permalink

Verse 1 — Surah Al-Humazah 104:1

Matambudziko kune wese anonyepera vamwe uye anonyeya

Verse 2 — Surah Al-Humazah 104:2

Uyo akaunganidza hupfumi uye akahuverenga

Verse 3 — Surah Al-Humazah 104:3

Anofunga kuti hupfumi hwake huchamuita kuti agare nokusingaperi

Verse 4 — Surah Al-Humazah 104:4

Kwete! Achakandwa mumoto unoparadza

Verse 5 — Surah Al-Humazah 104:5

Uye chii chichaita kuti uzive kuiti moto unoparadza chii

Verse 6 — Surah Al-Humazah 104:6

Moto waAllah wakatungidzwa

Verse 7 — Surah Al-Humazah 104:7

Uyo unopisa pamusoro pemoyo

Verse 8 — Surah Al-Humazah 104:8

Zvirokwazvo, uchavharwa pamusoro pavo

Verse 9 — Surah Al-Humazah 104:9

Mumitsigo yakatambanudzwa (kuti vacharangwa mumoto une mitsigo)