Back to Languages
Shona - Chapter 17
Translation by Abdullah J. M. Adini And Students
Verse 1
Kurumbidzwa ngakuve kuna Allah avo vakafamba nemuranda wavo (Muhammad (SAW)) neusiku kubva kuAl-Masjid Al-Haraam (kuMakkah) kuenda kuAl-Masjid Al-Aqsa (kuJerusarema), iyo yatakakomborera nzvimbo yayo, kuti tive tinomuratidza kubva muzviratidzo zvedu. Zvirokwazvo, ndivo vanonzwa zvese, vanoona zvikuru
Verse 2
Uye takava tinopa Musa, Gwaro uye tikariita nhungamiro kuvana vaIzirairi (maJudha) (tichiti): “Musava munotora kunze kwangu muchengeti.”
Verse 3
“Imi vana veavo vatakatakura (mungarava) naNowa! Zvirokwazvo, akanga ari muranda aitenda.”
Verse 4
Uye takadzikisa kuvana vaIzirairi muGwaro: Zvirokwazvo, muchava munoita hunhubu panyika kaviri uye muchava vadzvanyiriri vakuru
Verse 5
Naizvozvo, payakauya vimbiso yekutanga kubva kuvimbiso mbiri, takakutumidzirai varanda vedu vanogona kurwa zvinotyisa. Vakapinda mukati-kati medzimba dzenyu. Uye yakava vimbiso yakazadziswa
Verse 6
Uye takakupai kukunda pamusoro pavo. Uye takakubatsirai nehupfumi nevana uye takakuitai kuti muve makawanda muhuwandu
Verse 7
(Uye takati): “Kana mukaita zvakanaka, munoita zvakanaka pachezvenyu; uye kana mukaita zvakashata, ndezvenyu.” Uye vimbiso yepiri payakauya, (takapa mvumo vavengi venyu) kuti vadzikisire zviso zvenyu uye kupinda muMasjid (yeJerusarema) sekupinda kwavakamboita mushure, uye kuti vaparadze zvese zvinowira mumaoko avo
Verse 8
(Uye takataura muTorah): “Zvimwe Tenzi venyu vangakuratidzei tsitsi, asi mukadzokera (kuzvitadzo), tinodzoka (nemutongo wedu). Uye takagadzira Gehena sejere reavo vasingatendi.”
Verse 9
Zvirokwazvo, Qur’aan iri rinotungamira kune zvakatwasuka uye rinopa mashoko akanaka kune vanotenda (muIslaam), avo vanoita mabasa akanaka, kuti vachawana mubairo mukuru (Paradhiso)
Verse 10
Uye kuti avo vasingatendi muzuva remangwana, takavagadzirira marwadzo akaomarara (Gehena)
Verse 11
Uye munhu anokumbira (Allah) zvakaipa sekukumbira kwaanoita (Allah) zvakanaka, uye munhu ane dzungu (anokurumidza, kana akatsamwa, anoti: “Imi Allah! Rengerai nhingi,” asi kutsungirira ndiko kwakamunakira)
Verse 12
Uye takagadzira siku nesikati sezviratidzo zviviri. Uye takava tinobvisa chiratidzo cheusiku, uye takagadzira chiratidzo chesikati sechiwoneso (chiedza), kuti muve munotsvaga makomborero kubva kuna Tenzi venyu, uye kuti muve munoziva huwandu wemakore uye nekutongwa. Uye takava tinotsanangura zvese mune zvakazara
Verse 13
Uye takava tinosunga mabasa emunhu wese pahuro yake, uye pazuva rekumutswa, tichava tinoburitsa kwaari gwaro raachaona rakavhurwa
Verse 14
(Zvichanzi kwaari): “Verenga gwaro rako. Pachezvako wakakwana pakuzvibvunzurudza zuva ranhasi.”
Verse 15
Wese anozvitungamirira, zvirokwazvo anozvitungamirira kuti abatsirikane pachezvake. Uye wese anorasika, zvirokwazvo anorasika orasikirwa pachezvake. Hapana achatakura mutoro weumwe. Uye hatitongi kudzamara tatumira mutumwa
Verse 16
Uye kana tichida kuparadza musha, tinokomekedza vapfumi vemumusha imomo (kuti vateere Allah nekuita mabasa akanaka), ivo vobva vatadza. Saizvozvo shoko rinova chokwadi pamusoro pavo. Naizvozvo (musha iwowo) tinouparadza zvachose
Verse 17
Uye zvizvarwa zvingani zvatakaparadza mushure maNowa! Uye Tenzi vako vakazvikwanira pakuziva, uye nekuona zvitadzo zvevaranda vavo
Verse 18
Uyo anoshuvira kukurumidza kwezvinhu (mufaro wepanyika), tinomupa nekukurumidza zvatinoda uyo watinoda. Uye takamugadzirira Gehena raachaenda, achidzikisirwa pamwe nekurambwa (ari kure netsitsi dzaAllah)
Verse 19
Uye uyo anoshuvira hupenyu hwemangwana ohushandira nesimba, nesimba rinoenderana naizvozvo ari mutendi (muIslaam), vakadaro ndivo vanhu kushanda kwavo kuchatendwa
Verse 20
Vese, ava neavo, tinovapa kubva mumakomborero aTenzi vako. Uye makomborero aTenzi vako haarambidzwi
Verse 21
Tarisa kuti tinosarudza sei vamwe pamusoro pevamwe (pasi rino), uye zvirokwazvo, hupenyu hwemangwana uchange une zvigaro zvepamusoro uye nemakomborero makuru
Verse 22
Usasanganise Allah nevamwe vanamwari (iwe munhu), kana kuti uchagara pasi wakadzikisirwa pamwe nekurambwa (mumoto)
Verse 23
Uye Tenzi vako vakakomekedza kuti musanamate umwe mwari kunze kwavo. Uye moitira vabereki venyu zvakanaka. Kana mumwe chete wavo, kana kuti vose vachembera iwe uri mupenyu, usava unovataurira mashoko akaipa kana kuvatuka, asi iva unotaura navo mashoko ane ruremekedzo
Verse 24
Ova unovadzikisira bapiro rekuzvipira uye nekuzvininipisa uchivaitira tsitsi, uye wotaura kuti: “Tenzi vangu! Vanzwirei tsitsi nekundirera kwavakaita ndiri kasvava (mudiki).”
Verse 25
Tenzi venyu vanoziva zvakanaka zviri muhana dzenyu. Kana muri vanhu vanoita zvakanaka, naizvozvo zvirokwazvo (Allah) vanoregerera zvikuru avo vanovakumbira ruregerero
Verse 26
Uye ipa vehukama kodzero dzavo, uye anotambura uye mufambi wenzira. Asi usava unotambisa upfumi hwako (kana kuhupa munzira isiri yaAllah)
Verse 27
Zvirokwazvo avo vanotambisa hupfumi (nekuhushandisa munzira isiri yaAllah) madzikoma anaSatani (Shayaatween), uye Shaitwaan haatendi Tenzi wake
Verse 28
Kana ukavafuratira (iwe Muhammad (SAW) avo vatati vape kodzero dzavo nekuda kokushaya mari) uchimirira tsitsi kubva kuna Tenzi vako dzaurikutarisira, iva unovataurira mashoko manyoro ane ruwadzano
Verse 29
Uye usava unoita kuti ruoko rwako rwusungirirwe pahuro pako (semunhu akaomera), kana kurutambanudza kusvika kwarinogumira (kushandisa hupfumi nenzira inopfurikidza), kuti ugozoshorwa pamwe nekuva nehurombo
Verse 30
Zvirokwazvo, Tenzi vako vanowedzera raramo kune uyo wavanoda kana kudzikisa (kune uyo wavanoda). Zvirokwazvo, vanoziva zvikuru, uye vanoona varanda vavo
Verse 31
Uye musava munouraya vana venyu muchitya nzara. Tichavapa raramo pamwe chete nemi. Zvirokwazvo, kuvauraya chitadzo chihombe
Verse 32
Uye usava unoswedera pedyo necheupombwe. Zvirokwazvo, iFaahishah (chitadzo chihombe), uye inzira yakaipa
Verse 33
Uye usava unouraya moyo wakaitwa Haraam (wakarambidzwa) naAllah, kunze kwekuti pane chikonzero chechokwadi. Uye wese anourayiwa zvisina kodzero, tinopa mugari wenhaka wake simba (rekuti muurayi ngaauraiwe, kana kuregererwa, kana kupihwa muripo). Asi ngaasava anopfurikidza pakuuraya (ngaauraye muurayi chete kwete mumwe munhu kana vamwe vanhu). Zvirokwazvo, anobatsirwa (nemutemo weIslaam)
Verse 34
Uye musava munoswedera pedyo nehupfumi hwenherera, kunze kwekuuchengetedza mune zvakanaka kusvika abva zera. Uye zadzisai zvibvumirano. Zvirokwazvo, chibvumirano chichava chinobvunzwa
Verse 35
Uye ipai muero wakazara pamunenge muchiera, uye pimai nemuero wakatwasuka. Zvinhu zvakanaka uye zviri nani kumagumo
Verse 36
Uye usava unotevera izvo zvausina ruzivo nazvo. Zvirokwazvo, nzeve, maziso nemoyo, zvese zvichava zvinobvunzwa (naAllah)
Verse 37
Uye usava unofamba panyika uchizvikudza. Zvirokwazvo, haukwanisi kupinda munyika, kana kugadzira muturu unenge makomo
Verse 38
Zvese izvi zvakaipa zvakavengwa naTenzi vako
Verse 39
Uwu ndiwo hungwaru (tsika dzakanaka) hwakadzikiswa naTenzi vako kwauri (Muhammad (SAW)). Uye usava unosanganisa Allah nevamwe vanamwari, zvimwe ungangokandwe kumoto, uchishorwa nekurambwa
Verse 40
Tenzi venyu (imi vanamati vezvidhori vekuMakkah) vakakusarudzirai here vanakomana, uye vakatora pachezvavo kubva kune ngirozi vanasikana? Zvirokwazvo, munotaura shoko rakaipa
Verse 41
Uye zvirokwazvo, takatsanangura (vimbiso neyeuchidzo nezviratidzo zvedu) muQur’aan iri kuti vangarangarire, asi hazvivawedzeri kusara kwekuramba
Verse 42
Iti (Muhammad (SAW)): “Dai panga pane vamwe vanamwari pamwe naivo (Allah) sezvavanotaura, vangadai vakatsvaga nzira kuna Tenzi vechigaro (vachida kufarirwa nekuva pedyo navo).”
Verse 43
Kurumbidzwa kwese ndekwavo! Uye vari pamusoro-soro pezvakaipa zvavanotaura! (Kuti kune vamwe vanamwari pamwechete naAllah)
Verse 44
Matenga manomwe nepasi nezvese zviri imomo zvinovarumbidza, uye hapana chinhu asi chinorumbidza kukudzwa kwavo. Asi hamunzwi kurumbidza kwazvo. Zvirokwazvo, vane tsitsi zhinji, vanoregerera zvikuru
Verse 45
Uye paunoverenga Qur’aan (Muhammad (SAW)), tinoisa pakati pako nepakati peavo vasingatendi muzuva rekupedzisira, chidziviso chakavanzika (kuti vasanzwe kana kurinzwisisa)
Verse 46
Uye takava tinoputira moyo yavo kuti vasarinzwisise (Qur’aan), uye munzeve dzavo havanzwi. Uye kana ukataura Tenzi vako vega muQur’aan, vanofuratira kumashure kwavo nekusada
Verse 47
Tinoziva zvakanyanya zvavanoteerera pavakunoteerera. Uye pavanotaurirana muchivande, vanoita zvakaipa vanoti: “Munotevera murume akaroiwa.”
Verse 48
Tarisa mienzaniso yavanopa pamusoro pako. Naizvozvo vakarasika, uye havawani nzira
Verse 49
Uye vanoti: “Kana tava mapfupa uye taparadzwa, tichava tinomutswa here sezvisikwa zvitsva?”
Verse 50
Iti (Muhammad (SAW)): “Ivai matombo kana simbi.”
Verse 51
“Kana chimwe chisikwa chakakura mumoyo yenyu (muchamutswa).” Naizvozvo vachati: “Ndiani achatidzorera (hupenyu)?” Iti: “Avo vakakusikai pakutanga!” Naizvozvo vachadzungudza misoro yavo kwauri vachiti: “Zvichaitika rinhi?” Iti: “Zvimwe manje manje!”
Verse 52
Pazuva iro ravachakusheedzai, uye muchadavira nekurumbidzwa kwavo, uye muchafunga kuti makagara (pano panyika) kwenguva diki
Verse 53
Uye taura kune varanda vangu kuti vanofanirwa kutaura mashoko akanaka. Zvirokwazvo, Satani anoita kuti vapokane pakati pavo. Zvirokwazvo, Satani muvengi ari pachena wevanhu
Verse 54
Tenzi venyu vanokuzivai zvakanaka; kana vada, vachakunzwirai tsitsi; uye kana vada, vachakutongai. Uyezve hatina kukutumira (Muhammad (SAW)) semuchengetedzi wavo
Verse 55
Uye Tenzi vako vanoziva zvakanyanya vese vari mumatenga nepasi. Uye zvirokwazvo, takasarudza mamwe maporofita pane mamwe, uye takapa Davhida maPisarema (Zaboor)
Verse 56
Iti (Muhammad (SAW)): “Sheedzai avo vamunotora saanamwari kunze kwavo (Allah). Havana simba rekubvisa nhamo pamuri kuiisa pane umwe.”
Verse 57
Avo vavanosheedza (saJesu mwana waMariya, Ezira, Ngirozi) vachitsvaga nzira yekuna Tenzi vavo, kuti ndiani pakati pavo angave pedyo; uye (Jesu, Ezira, Ngirozi nevamwe) vanoshuvira tsitsi dzavo (Allah) uye vanotya mutongo wavo. Zvirokwazvo, mutongo waTenzi vako unotyisa (unofanira kutyiwa)
Verse 58
Uye hapana guta asi tichariparadza zuva rekumutswa risati rasvika, kana kuritonga nemutongo wakaomarara. Izvi zvakanyorwa muGwaro (remirau yedu)
Verse 59
Uye hapana chinotimisa kutumira zviratidzo, asi kuti vanhu vekare vakaramba (zviratidzo). Uye takatumira ngamera hadzi kumaThamood sechiratidzo chiri pachena, asi vakaitadzira (vakaiuraya). Uye hatina kutumira zviratidzo kunze kwekurangaridza, nekuvachichidzira (kuti vachaparadzwa)
Verse 60
Uye (rangarira) apo patakakuudza: “Zvirokwazvo, Tenzi vako vakakomberedza vanhu (vari mumaoko avo).” Uye hatina kuita chiratidzo chatakakuratidza (Muhammad (SAW), Mi’raaj (Rwendo rwekudenga)) asi semuedzo kune vanhu, uye nemuti (weZaqqoom) wakashorwa muQur’aan. Uye tinovatsiura uye tovaita kuti vatye, asi zvinovawedzera kusatenda kukuru nekusateerera Allah
Verse 61
Uye (rangarira) apo patakati kune ngirozi: “Pfugamirai pachenyu Adam.” Dzakapfugama kusara kwaIblees (Satani). Akati: “Ndingapfugamire uyo wamakasika kubva mudhaka?”
Verse 62
(Satani) akati: “Tarisa uyu wamakudza kudarika ini, kana mukandipa nguva kusvika zuva rekumutswa, ndicharasisa vana vake kusara kwevashoma!”
Verse 63
(Allah) vakati: “Enda, uye wese achakutevera pakati pavo, zvirokwazvo, Gehena richave mubairo wenyu (mese), mubairo wakazara.”
Verse 64
“Uye vafurire avo vaunokwanisa pakati pavo neizwi rako (mimhanzi nezvimwe zvakadaro), uye varwise nemauto ako epamabhiza neetsoka, uye govana navo hupfumi nevana (nekuvanyengedza kuti vawane mari nenzira dzisina kunaka, kana kuita hupombwe), uye vavimbise.” Asi Satani haavavimbisi kusara kwekuvanyengedza
Verse 65
“Zvirokwazvo, varanda vangu (vatendi vechokwadi), hauna simba kwavari. Uye vakakwana Tenzi vako semuchengetedzi.”
Verse 66
Tenzi venyu ndivo vanofambisa ngarava mugungwa, kuti muve munotsvaga makomborero avo. Zvirokwazvo, ndivo vane tsitsi zhinji kwamuri
Verse 67
Uye kana zvinokuvadza zvakubatai mugungwa, avo vamunosheedza vanotsakatika kusara kwaivo (Allah). Asi kana vakuburitsai kuuya panyika zvakanaka, munofuratira. Uye munhu haatendi
Verse 68
Munonzwa kuchengetedzeka here kuti havazokonzeri divi renyika kukumedzai, kana kuti kutumira kwamuri dutu rejecha? Naizvozvo, muchashaiwa mubetseri
Verse 69
Kana kuti munonzwa kuchengetedzeka kuti havazokudzorerari kechipipiri mugungwa uye vokutumirai mhepo yakaomarara uye yokunyudzai nekuda kwekusatenda kwenyu? Naizvozvo, muchashaiwa mubetseri mariri pamusoro pedu
Verse 70
Uye zvirokwazvo takaremekedza vana vaAdam, uye tinovatakura panyika nemugungwa, uye tinovapa At-Tayyibaat (zvinhu zvakanaka zvinobvumirwa), uye takavasarudza zvikuru pane vazhinji veavo vatakasika
Verse 71
(Uye rangarira) zuva ratichasheedza vanhu vese nevatungamiriri vavo (maporofita avo, kana magwaro ezviito zvavo, kana Mabhuku avo seQur’aan, Torah neVhangeri, kana kuti vatungamiriri vavo panyika vavaitevera). Saka uyo achapihwa gwaro rake kuruoko rwake rwerudyi, vakadaro vachavarenga magwaro avo, uye havazombodzvanyirirwi
Verse 72
Uye wese asingaoni pano pasi (zviratidzo zvaAllah nekusatenda mavari), achange asingaoni muhupenyu hwemangwana, uye akarasika zvikuru kubva mugwara
Verse 73
Zvirokwazvo, vakanga vave pedyo kukuedza kubva kune zvatakadzikisa kwauri (Muhammad (SAW)), kuti uve unogadzira uchipokana nesu zvimwe zvakasiyana nazvo, uye naizvozvo vangadai zvirokwazvo vakakutora seshamwari
Verse 74
Uye dai tisina kukumisa zvakadzama, ungadai wakarerekera kwavari zvishoma
Verse 75
Naizvozvo tingadai zvirokwazvo takakuravidza mugove wakapetwa (wemurango) muhupenyu uno uye mugove wakapetwa (wemurango) kumberi kwerufu. Uye waishaiwa mubetseri pakupokana nesu
Verse 76
Uye zvirokwazvo, vakanga vave pedyo kukutyisa zvakanyanya kuti vakuburitse panyika. Naizvozvo vaisagara mushure mako kusara kwenguva shoma
Verse 77
Nzira (Sunnah) yeavo vatakatumira usati wavepo (Muhammad (SAW)) kubva kuvatumwa vedu, uye hauzowani kusiyana mune Sunnah (Nzira) yedu
Verse 78
Ita Swalaah (minamato) kubva masikatikati kusvika parima reusiku (minamato yeDhuhr, Asr, Maghrib neIsha), uye verenga Qur’aan mangwanani-ngwanani (munamato wemangwanani, Fajr). Zvirokwazvo, kuverenga Qur’aan mangwanani zvinopupurwa (nengirozi dzemasikati nedzeusiku dzinotarisa vanhu)
Verse 79
Uye kubva muusiku, ita munamato naro (verenga Qur’aan mumunamato) sekupamhidza munamato (Tahajjud) wako (Muhammad (SAW)). Zvimwe Tenzi vako vangakusimudzire paMaqaam Mahmood (nzvimbo yerukudzo nerumbidzo, yekumiririra vanhu pazuva rekumutswa)
Verse 80
Uye iti (Muhammad (SAW)): “Tenzi vangu! Ndipinzei mune zvakanaka (muguta reAl-Madinah), uye ndibuditsei mune zvakanaka (muguta reMakkah). Uye ndipeiwo simba kubva kwamuri rinondibetsera (kana kuti chiratidzo).”
Verse 81
Uye iti: “Chokwadi (Islaam) chauya uye manyepo (kusanganisa Allah nezvimwe zvinhu) aparara. Zvirokwazvo, manyepo anova anoparara.”
Verse 82
Uye tinodzikisa muQur’aan izvo zvinorapa uye tsitsi kuvatendi (muIslaam), uye hazviwedzeri vanoita zvakaipa kunze kwekurasikirwa
Verse 83
Uye apo patinodzikisa nyasha dzedu kumunhu (asingatendi), anofuratira wozvikudza. Uye kana zvakaipa zvamubata, anodemba zvakanyanya
Verse 84
Iti (Muhammd (SAW) kune vanhu): “Mumwe nemumwe anoita nekuda kwake (Shaakilatihi), uye Tenzi venyu vanoziva zvakanyanya uyo nzira yake yakatwasuka.”
Verse 85
Uye vanokubvunza (Muhammad (SAW)) maereano neRooh (Mweya). Iti: “Rooh (Mweya) chimwe chezvinhu, ruzivo rwayo rwuna Tenzi vangu. Uye hamuna kupihwa ruzivo kusara kwerwushoma.”
Verse 86
Uye dai takada, zvirokwazvo, dai takatora izvo zvatakadzikisa kwauri (Qur’aan). Naizvozvo waishaiwa muchengeti nazvo kubva kwatiri
Verse 87
Kunze kwetsitsi kubva kuna Tenzi vako. Zvirokwazvo, nyasha dzavo kwauri (Muhammad (SAW)) izhinji
Verse 88
Iti: “Kunyangwe vanhu nemaJinn vakaungana kugadzira zvakafanana neQur’aan iri, havagadziri zvakafanana naro, kunyangwe vamwe vavo vakabetsera vamwe.”
Verse 89
Uye zvirokwazvo, takatsanangurira vanhu muQur’aan iri mienzaniso yese, asi vanhu vazhinji vanoramba (Chokwadi) kusara kwekusatenda
Verse 90
Uye vanoti: “Hatitendi mauri (Muhammad (SAW)) kusvika watiburitsira chitubu panyika.”
Verse 91
“Kana kuti une bindu remadheti nemagirepu, uye unoita nzizi dziyerere pakati paro.”
Verse 92
“Kana kudonhedza denga muzvidimbu sekutiudza (sekunyengedza) kwawakatiita, kana kuunza Allah nengirozi kwatiri.”
Verse 93
“Kana kuti ova neimba yeZukhruf (Sirivha negoridhe), kana kuti okwira kudenga, uye hatimbotendi mukukwira kwako kusvika wadzikisa kwatiri gwaro kuti tiverenge.” Iti (Muhammad (SAW)): “Kurumbidzwa ngakuve kuna Tenzi vangu! Ndingave chimwe chinhu here asi munhu akatumirwa semutumwa?”
Verse 94
Uye hapana chakamisa vanhu kutenda kana gwara rauya kwavari, kunze kwekuti vanoti: “Allah vakatumira munhu semutumwa here?”
Verse 95
Iti: “Dai panyika pane ngirozi dzichifamba murunyararo, zvirokwazvo tingadai takadzikisa kwavari kubva kudenga ngirozi semutumwa.”
Verse 96
Iti: “Allah vanokwana semupupuri pakati pangu nemi. Zvirokwazvo, ndivo vanoziva zvakanyanya, vanoona varanda vavo.”
Verse 97
Uye uyo anotungamirwa naAllah, ndiye akatungamirwa; asi uyo wavanorasisa, hauzombovawaniri vabetseri kunze kwavo, uye tichavaunganidza pazuva rekumutswa nezviso zvavo, vasingaoni, vasingatauri uye vasinganzwi. Gehena ichange iri nzvimbo yavo yokugara. Pese parinonyarara, tinovawedzerera ukasha hwemoto
Verse 98
Uyu ndiwo mubairo wavo, nekuti vairamba zviratidzo zvedu uye vachiti: “Kana tava mapfupa uye taparadzwa, tichamutswa here sezvisikwa zvitsva?”
Verse 99
Havaoni here kuti Allah vakasika matenga nenyika, vanokwanisa kusika zvakafanana nazvo. Uye vakavapa nguva yakatarwa iyo isina kupokana. Asi vanoita zvakaipa vakaramba kunze kwekusatenda
Verse 100
Iti (kune vasingatendi): “Dai makawana hupfumi hwetsitsi dzaTenzi vangu, naizvozvo zvirokwazvo, maisauburitsa muchitya kuperevedza, uye munhu anoomera!”
Verse 101
Uye zvirokwazvo, takapa Musa zviratidzo pfumbamwe (9) zviri pachena. Naizvozvo bvunza vana vaIzirairi. Apo paakauya kwavari, Farawo akati kwaari: “Iwe Musa! Zvirokwazvo, ndinofunga kuti wakaroiwa.”
Verse 102
(Musa) akati: “Zvirokwazvo, unoziva kuti zviratidzo izvi hazvina kudzikiswa naani kunze kwaTenzi vematenga nenyika. Uye zvirokwazvo, ndinofunga kuti uchaparadzwa, iwe Farawo!”
Verse 103
Naizvozvo akada kuvaburitsa kubva munyika (yeEgypt), asi takamunyudza uye nevese vakanga vainaye
Verse 104
Uye takati kuvana vaIzirairi mumashure make: “Garai panyika, asi kana vimbiso yekupedzisira yauya pedyo (Zuva rekumutsva kana kudzoka kwaJesu panyika), tichakuunzai pamwe chete seboka rakasanganiswa (madzinza akasiyana-siyana akaunganidzwa)
Verse 105
Uye muchokwadi takaridzikisa (Qur’aan), uye nechokwadi rakadzika. Uye hatina kukutumira (Muhammad (SAW)) saani kunze kwemupi wemashoko akanaka (eParadhiso kune vanoita mabasa akanaka), uye semuyambiri (kubva kuGehena kune vanoramba Islaam)
Verse 106
Uye iQur’aan ratakapatsanura kuti uve unoriverenga kune vanhu muzvinhambwe. Uye takaridzikisa muzvidimbu (kwemakore makumi maviri nematatu)
Verse 107
Iti (Muhammad (SAW)) kwavari: “Tendai mariri (Qur’aan) kana kusatenda. Zvirokwazvo, avo vakapihwa ruzivo mushure maro (MaJudha nemaKristu saAbdullah bin Salaam naSalman Al- Farisi), kana richiverengwa kwavari, vanopfugama pasi nezviso zvavo vachizvininipisa.”
Verse 108
Uye vanoti: “Kurumbidzwa ngakuve kuna Tenzi vedu! Zvirokwazvo, vimbiso yaTenzi vedu inofanirwa kuzadziswa.”
Verse 109
Uye vanopfugama pasi nezviso zvavo vachichema uye zvinowedzera unyoro hwavo
Verse 110
Iti (Muhammad (SAW)): “Sheedzai Allah kana sheedza vane tsitsi zhinji (Allah), nezita ripi zvaro ramunovasheedza, ndivo vane mazita akanaka. Uye usaita munamato wako nezwi repamusoro kana repasi, asi tevera nzira iri pakati.”
Verse 111
Uye iti: “Kurumbidzwa nekutenda kwese ndekwa Allah, avo vasina kutora mwana, uye havana umwe pamasimba (avo), uye havasi vepasi kuti vangave nemubetseri. Uye vakudze nemukudzo mukuru, (Allaahu Akbar (Allah ndivo vakuru pamusoro pezvese)).”