Back to LanguagesPrevious ChapterNext Chapter
Shona - Chapter 2 - Al-Baqarah
Translation by Abdullah J. M. Adini And Students — Permalink
Verse 1 — Surah Al-Baqarah 2:1
Alif – Laam – Meem. (Mazwi aya ndemamwe ezvishamiso zviri muQur’aan, uye hapana anoziva zvaanoreva kunze kwa Allah)
Verse 2 — Surah Al-Baqarah 2:2
Iri ndiro Gwaro (Qur’aan) risina kupokana mariri, nhungamiro yeavo vanotya Allah (Vatendi vechokwadi muIslaam, avo vanoita mabasa akanaka uye vasingaiti mabasa akaipa, nezvitadzo neizvo zvese zvakarambidzwa)
Verse 3 — Surah Al-Baqarah 2:3
Avo vanotenda mune zvakavanzika, uye vachiita munamato (Swalaah) uye vachipawo kubva pane zvatakavapa (Sadaqah) (Kushandisa pachavo nekupa vabereki, vana vavo, vakadzi vavo nekupawo varombo neavo vari munzira yaAllah)
Verse 4 — Surah Al-Baqarah 2:4
Avo vanotenda mune zvawakatumirwa (Qur’aan neSunnah) iwe (mutumwa Muhammad (SAW)) nemune izvo zvatakatumira iwe usati wavapo (Torah, Injeel (Vhangeri), etc.), uye vanotenda muzvokwadi muhupenyu hwamangwana (Kumutswa kwevafi, mubairo wemabasa akanaka ne akaipa, Paradhiso neGehena)
Verse 5 — Surah Al-Baqarah 2:5
Ndeavo, varimugwara rechokwadi raTenzi vavo, uye ndivo vakabudirira
Verse 6 — Surah Al-Baqarah 2:6
Zvirokwazvo, avo vasingatendi, zvimwe chete kwavari (iwe Muhammad (SAW)) kuvayambira kana kusavayambira, havafi vakatenda
Verse 7 — Surah Al-Baqarah 2:7
Allah vakavhara moyo yavo nenzeve dzavo (havatambiri gwara raAllah), uye maziso avo akafukidzwa (mukuona chokwadi); uyezve vachawana mutongo wakaomarara
Verse 8 — Surah Al-Baqarah 2:8
Muvanhu mune vamwe (vanyengedzi) vanoti: “Tinotenda muna Allah nezuva rekupedzisira,” asi muchokwadi havatendi
Verse 9 — Surah Al-Baqarah 2:9
Vanofunga kuti vanonyengedza Allah nevanotenda, asi zvirokwazvo vanozvinyengedza pachavo, uye havazvioni
Verse 10 — Surah Al-Baqarah 2:10
Mumoyo yavo mune chirwere (kusagutsikana nehunyengedzi) uye Allah vanowedzera chirwere chavo; uye vachava nemutongo unorwadza nokuti vaigaro nyepa
Verse 11 — Surah Al-Baqarah 2:11
Uye vakaudzwa kuti: “Musava munoita zvisakarurama munyika,” vanoti: “Zvirokwazvo, tiri vachengetedzi verunyararo (tiri vanhu vanoita mabasa akarurama).”
Verse 12 — Surah Al-Baqarah 2:12
Zvirokwazvo, ndivo vaiti vezvisakarurama, asi havazvioni
Verse 13 — Surah Al-Baqarah 2:13
Uye zvikanzi kwavari: “Tendai sekutenda kwakaitwa nevanhu (vateveri vaMuhammad (SAW)),” vanoti: “Tingatenda here sekutenda kwakaita vanhu vasina njere (vakapusa)?” Zvirokwazvo, ndivo vasina njere, asi havazvizivi
Verse 14 — Surah Al-Baqarah 2:14
Uye pavanosangana nevatendi, vanoti: “Tiri vatendi,” asi kana vave voga nevanyengedzi vavo, vanoti: “Zvirokwazvo, tinemi; zvirokwazvo, tanga tichingovatsvinyira.”
Verse 15 — Surah Al-Baqarah 2:15
Allah vanovatsvinyira uyezve vanovawedzera mabasa avo akaipa kuti vave vanotekaira vasingaoni
Verse 16 — Surah Al-Baqarah 2:16
Ndeavo (vanoshandura) vanotsvaga kurasika vachisiya gwara nekudaro hapana chavakawana pakutsvaga kwavo; uye havana kutungamirirwa
Verse 17 — Surah Al-Baqarah 2:17
Mufananidzo wavo wakafanana neuyo munhu anobatidza moto, kana wapa chiedza nzvimbo yaari, Allah vobva vatora chiedza chavo vovasiya murima rakavakomberedza vasingaoni
Verse 18 — Surah Al-Baqarah 2:18
Ndeavo vasinganzwi, vasingatauri, vasingaoni, nokudaro havadzokere munzira yakatwasuka
Verse 19 — Surah Al-Baqarah 2:19
Kana kuti vakafanana nemhepo ine mvura inobva kudenga, mairi mune rima, mabhanan’ana, nemheni. Vanopinza minwe yavo munzeve dzavo kuti vasave vanonzwa ruzha rwemabhanan’ana nekutya rufu. Asi Allah (Mwari Mumwechete) vanovaziva (vachavaunganidza) vese vasingatendi
Verse 20 — Surah Al-Baqarah 2:20
Mheni inopotsa kuvatorera onero yavo, pose paino vhenekera vanofamba, uye kana rima ravakomberedza vanomira. Uye dai Allah vachida, vaivatorera kunzwa kwavo nekuona kwavo. Zvirokwazvo, Allah vane simba pazvinhu zvose
Verse 21 — Surah Al-Baqarah 2:21
Imi vanhu! Namatai Tenzi venyu, avo vakakusikai imimi neavo vaivapo imi musati mavapo kuti muve vatsvene
Verse 22 — Surah Al-Baqarah 2:22
Avo vakakusikirai nyika ino senzvimbo yenyu yekuzororera, nedenga sechivharo, uye vakava vanonayisa mvura kubva kudenga, uye kubva mairi (mvura)) vakaita kuti michero ibereke sekudya kwenyu. Nokudaro musava munosanganisa Allah nevamwe vanamwari mukunamata imi muchiziva (kuti ivo voga ndivo vakakodzera kunamatwa)
Verse 23 — Surah Al-Baqarah 2:23
Uye kana imi (maArabhu, maJudha kana maKristu) muine kusagutsikana maererano nezvatakatumira kumuranda wedu (Muhammad (SAW)), nekudaro huyai nechenyu Chitsauko (Surah) chakafanana nezviripo, uye danai vapupuri venyu kunze kwaAllah, kana muri pachokwadi
Verse 24 — Surah Al-Baqarah 2:24
Asi kana mazvitadza, uye hamufi makazvigona, nokudaro ivai munotya moto (Gehena) uyo (moto) vanhu nematombo vachava huni dzawo, wakagadzirirwa avo vasingatendi
Verse 25 — Surah Al-Baqarah 2:25
Uye ipai nhaurwa yakanaka kune avo vanotenda uye vachiita mabasa akanaka, kuti vachawana mapindu (muParadhiso) anoerera nzizi pasi pawo. Nguva dzose dzavanenge vachipihwa muchero yemo kuti vadye, vachati: “Izvi ndizvo zvataipihwa kare,” asi vanenge vachipihwa zvinhu zvakada kufanana (zvakafanana rudzi nemazita nezve pano pasi asi zvakasiyana manakiro), uye vachawana imomo vakadzi vakachenurwa uye vachagaramo nekusingaperi
Verse 26 — Surah Al-Baqarah 2:26
Zvirokwazvo, Allah havave vanonyara kupa muenzaniso kunyangwe weumhutu, nyangwe chikuru kupfuura iwo. Uye avo vanotenda, vanoziva kuti ichokwadi kubva kuna Tenzi vavo (Allah), asi kune avo vasingatendi vanoti: “Chiiko chirikuedza kurehwa naAllah pamuenzaniso uhwu?” Naiwo muenzaniso vanorasisa vazhinji, uye vazhinji vanowana gwara pakarepo. Uye Allah havarasisi nemuenzaniso uyu kunze kweavo vakapanduka (vanotyora mitemo yaAllah)
Verse 27 — Surah Al-Baqarah 2:27
Avo vanotyora chirangano (chitsidzo) chaAllah mushure yewirirano yacho, uye vanotyora izvo zvavakakomekedzwa naAllah kuti vabatanidze (Chitendero chaAllah, nokutevedzera mitemo yacho pano pasi uye kuchengetedza hukama), uye nokuita zvisakarurama panyika. Vanhu vanodaro ndivo vakarasikirwa
Verse 28 — Surah Al-Baqarah 2:28
Munoramba kutenda sei muna Allah imi muchiona kuti maive vafi mukapihwa hupenyu? Uye vachakupai rufu uye zvakare vachakumutsai kubva kuvafi (Zuva rekumutswa), uye kwavari muchadzoserwa
Verse 29 — Surah Al-Baqarah 2:29
Ndivo vakasikira imi zvose zviri panyika, uye vakava vanokwira kumusoro (Istawa) kudenga, uye vakava vanomaita matenga manomwe. Uye ndivo vane ruzivo rwose rwezvinhu zvose
Verse 30 — Surah Al-Baqarah 2:30
Uye (rangarira) apo Tenzi vako (Allah) pavakati kungirozi dzavo: “Zvirokwazvo, ndichava ndinoisa mumiriri panyika.” Dzikati: “Munoda kuisa panyika mumiriri uyo achaita zvisakarurama mairi uye kudeura ropa, isu tichikurumbidzai nekukuremekedzai?” Ivo Allah vakati: “Zvirokwazvo, ndinoziva izvo zvamusingazivi.”
Verse 31 — Surah Al-Baqarah 2:31
Uyezve (Allah) vakadzidzisa Adam mazita ezvinhu zvose, uye vakazviratidza kungirozi vakati: “Ndiudzei mazita eizvi kana muripachokwadi.”
Verse 32 — Surah Al-Baqarah 2:32
Ngirozi dzakati: “Rumbidzo dzose kwamuri, hatina rumwe ruzivo kunze kweurwo rwamakatipa (rwamakatidzidzisa). Zvirokwazvo, ndimi muzivi wazvose, muridzi wehungwaru hwose.”
Verse 33 — Surah Al-Baqarah 2:33
(Allah) Vakabva vati: “Iwe Adam! Vaudze mazita azvo.” Uye pavakaudzwa mazita azvo, Allah vakati: “Handina kukuudzai here kuti ini ndinoziva zvakavanzika zviri kumatenga nepasi, uyezve ndinoziva zvamunobuditsa neizvo zvamunoviga?”
Verse 34 — Surah Al-Baqarah 2:34
Uye (rangarirai) apo patakati kungirozi: “Ivai munopfugamira Adam.” Dzikava dzinopfugama kunze kwaDhiyabhorosi, akaramba uye akazvitutumadza, uye akabva ave mumwe wevasingatendi (vasingateereri mirairo yaAllah)
Verse 35 — Surah Al-Baqarah 2:35
Uye tikati: “Iwe Adam! Iva unogara nemukadzi wako muParadhiso, uye mova munodya mose (michero) makasununguka muine mufaro imomo, zvose zvemo nemadiro enyu, asi musava munosvika pedyo nemuti uyu, uye mukadaro muchava vatadzi (Dhaalimoon)
Verse 36 — Surah Al-Baqarah 2:36
Uye Dhiyabhorosi akaita kuti vatsauke mugwara vari imomo (muParadhiso), akakonzera kubuda kwavo kubva mavakanga vari. Tikava tinoti: “Dzikai pasi, mose, muneruvengo pakati penyu. Nyika ichava nzvimbo yenyu yekugara uye yokufara kwekanguvana.”
Verse 37 — Surah Al-Baqarah 2:37
Nokudaro Adam akagamuchira mashoko kubva kuna Tenzi vake. Uye Tenzi vake vakamuregerera (Vakatambira kureurura kwake). Zvirokwazvo, ndivo vega (Allah) vane ruregerero rukuru, vane tsitsi dzose (nenyasha zhinji)
Verse 38 — Surah Al-Baqarah 2:38
Takati: “Dzikai pasi mose kubva munzvimbo ino (Paradhiso), nokudaro pose panouya gwara rokutevera kubva kwandiri, ani nani achatevera gwara rangu, haazombotyi kana kusuruvara.”
Verse 39 — Surah Al-Baqarah 2:39
“Asi kune avo vasingatendi, uye vanoramba micherechedzo yedu, avo ndivo vachava vagari vekumoto. Vachagara imomo (MuGehena) nokusingaperi.”
Verse 40 — Surah Al-Baqarah 2:40
Imi vana vaIzirairi! Rangarirai zvipo zvangu zvandakakupai, uye zadzisai chibvumirano changu (nemi) kuti ndive ndinozadzisa (chibvumirano) changu (nemi), uye musatya zvimwe zvinhu kunze kwangu ndoga
Verse 41 — Surah Al-Baqarah 2:41
Uyezve tendai mune izvo zvandatumira (Qur’aan iri) iro rinosimbisa izvo zvamagara munazvo (Torah uye Injeel (Vhangeri)), uye musave vokutanga kusatenda mariri, uye musava munotengesa zviratidzo zvangu (Torah ne Injeel (Vhangeri)) nemutengo mudukuduku (Kuwana mubairo mudiki nokutengesa zviratidzo zvangu), uye ivai munotya ini ndoga
Verse 42 — Surah Al-Baqarah 2:42
Uye musava munosanganisa chokwadi nemanyepo, kana kuviga chokwadi (kuti Muhammad (SAW) mutumwa waAllah uye zviratidzo zvake zvakanyorwa mumagwaro enyu, Torah ne Injeel (Vhangeri)), imi muchiziva chokwadi
Verse 43 — Surah Al-Baqarah 2:43
Itai munamato (Swalaah), uye ipai Zakaah (Chipo chinopihwa varombo), uye mova munopfugama neavo vanopfugama (senzira yoruremekedzo kuna Allah)
Verse 44 — Surah Al-Baqarah 2:44
Sei muchikurudzira vanhu kuita mabasa akanaka (Al-Birr) uye muchizvikanganwa imi pachenyu (kuita mabasa akanaka), asi imi muchiverenga magwaro (Torah ne Injeel (Vhangeri))? Hamuna pfungwa here
Verse 45 — Surah Al-Baqarah 2:45
Uye tsvagai rubetsero kuburikidza mukutsungirira nekunamata (Swalaah), uye zvirokwazvo, inorema kunze kune avo vanozvininipisa nokuzvipira munaAllah (Al-Khaashi’uoon), (vanoremekedza Allah nemoyo wose nekutya chirango chavo)
Verse 46 — Surah Al-Baqarah 2:46
Avo vanotenda kuti vachanosangana naTenzi vavo (Allah), uyezve kuti vachadzokera kwavari (Allah)
Verse 47 — Surah Al-Baqarah 2:47
Imi vana vaIzirairi! Rangarirai zvipo zvangu zvandakupai uyezve kuti ndave ndinokusarudzai pamusoro pevanhu vose (munguva yakapfuura)
Verse 48 — Surah Al-Baqarah 2:48
Uye ityayi zuva iro (rokutongwa) iro apo munhu achange asingakwanise kubhadhara mumwe munhu chero nechii zvacho, kana kumiririrwa hakutambirwi kubva kwaari, uye hapana muripo uchatorwa kubva kwaari, uyezve havazombobatsirwi
Verse 49 — Surah Al-Baqarah 2:49
Uye (rangarirai) apo takakununurai kubva kuna Farawo nevanhu vake, avo vaikutambudzai nemarwadzo anotyisa, kuuraya vanakomana venyu, nekusiya vanasikana venyu vari vapenyu, uyezve imomo makanga mune miedzo mikuru kubva kuna Tenzi venyu (Allah)
Verse 50 — Surah Al-Baqarah 2:50
Uyezve rangarirai apo (Allah) patakakupatsanurirai gungwa uye tikakununurai imi, uyezve tikanyudza Farawo nevanhu vake makatarisa
Verse 51 — Surah Al-Baqarah 2:51
Uye rangarirai patakasarudzira Musa husiku makumi mana, uye paakanga asipo mukatora mhuru sechinamatwa, uyezve muchitadza
Verse 52 — Surah Al-Baqarah 2:52
Pedzezvo takakuregererai zvimwe mungave vanhu vanotenda (vanopa Shukr)
Verse 53 — Surah Al-Baqarah 2:53
Uye (rangarirai) apo patakapa Musa Gwaro (Torah) ne chipatsanuri (chezvakaipa nezvakanaka) zvimwe mungawana gwara rakatwasuka
Verse 54 — Surah Al-Baqarah 2:54
Uye (rangarirai) apo Musa akati kuvanhu vake: “Imi vanhu vangu! Zvirokwazvo, makazvitadzira pachenyu moga nokutora kwenyu chiumbwa chemhuru (sechinamatwa). Naizvozvo kumbirai ruregerero kuMusiki wenyu, mozviuraya pachenyu (vasina mhosva vachiuraya vane mhosva pakati penyu), kudaro kwakakunakirai imi pamberi peMusiki wenyu (Allah)” Saka vakava vanotambira ruregero rwenyu. Zvechokwadi, ndivo voga vanogamuchira zvikumbiro zvenyu, avo vane tsitsi zhinji
Verse 55 — Surah Al-Baqarah 2:55
Uye rangarirai apo makati: “Iwe Musa! Hatifi takatenda mauri kusvika taona Mwari (Allah) pachena.” Asi mheni ikakurovai makatarisa
Verse 56 — Surah Al-Baqarah 2:56
Uyezve takakumutsai mushure merufu rwenyu, kuti zvimwe mungava vanhu vanotenda
Verse 57 — Surah Al-Baqarah 2:57
Uye takava tinokufukidzai nemakore, tikava tinodzikisa kwamuri Manna (Chikafu chinotapira) neZvihuta (Shiri) sekudya kwenyu, tikati: “Idyai zvinhu zvakachena zvatakupai,” (asi vakazopanduka). Uye hamuna kutadzira isu, asi makazvitadzira pachenyu
Verse 58 — Surah Al-Baqarah 2:58
Uye (rangarirai) apo takati: “Pindai muguta iri (Jerusarema) mova munodya zviri mariri nemufaro nekusununguka pamadiro enyu, uye pindai pamukova makapfugama (kana kutsikitsira kune kuzvininipisa) uye moti: ‘Tiregerereiwo,’ uye tichakuregererai zvitadzo zvenyu uye tichawedzera (mubairo) kune vanoita mabasa akanaka.”
Verse 59 — Surah Al-Baqarah 2:59
Asi pane avo vaiita mabasa akaipa vakashandura shoko kubva kuneiro ravakanga vaudzwa, nokudaro takava tinotumira kune vaiti vezvakaipa mutongo (Rijz) kubva kudenga nechikonzero chokutyora kwavo mirairo yaAllah
Verse 60 — Surah Al-Baqarah 2:60
Uye (rangarirai) apo Musa paakakumbirira vanhu vake mvura yekunwa, tikati: “Rova dombo netsvimbo yako” pakabva pabuda zvisipiti gumi nezviviri mariri. Boka roga roga revanhu rikaziva nzvimbo yaro yekunwira mvura. “Idyai nekunwa kubva kune chokudya chinobva kuna Allah, uye zvirokwazvo, musava munoita zvisakarurama panyika.”
Verse 61 — Surah Al-Baqarah 2:61
Uye (rangarirai) apo makati: “Iwe Musa! Hatingarambi takatsungirira tichidya chokudya chimwe chete. Saka tikumbirirewo kuna Tenzi vako (Allah) vatiunzirewo zvimwe zvezvirimwa zvepanyika, miriwo, magaka ayo, gorosi (kana gariki) nehanyanisi.” Iye akati: “Munoda kushandura here kubva kune izvo zvakanaka muchienda kune zvepasi-pasi (zvakashata)? Pindai imi muneripi guta, zvirokwazvo muchawana zvamuri kukumbira!” Uye vakava vanokufukidzwa nekudzikisirwa neurombo, uye vakava vanozvikwezvera hasha dzaAllah; nechikonzero chokuti vakaramba zviratidzo zvaAllah uye nekuuraya maporofita pasina mhaka. Izvo zvakaitika nekusateerera kwavo uye kupfuurira mirairo (kuita mhosva nezvitadzo)
Verse 62 — Surah Al-Baqarah 2:62
Zvirokwazvo, avo vanotenda, maJudha, maKristu nemaSabian, avo vanotenda muna Allah nezuva rokupedzisira uye vachiita mabasa akanaka, vachawana mugove wavo kubva kuna Tenzi vavo (Allah). Kwavari hakuzombove nekutya, kana kusuruvara
Verse 63 — Surah Al-Baqarah 2:63
Uye (Imi vana vaIzirairi, rangarirai) apo takatora chibvumirano chenyu uye tikasimudza gomo pamusoro penyu (tikati): “Batisisai kune izvo zvatakupai nesimba, uye rangarirai izvo zviri mazviri kuti muve vatsvene (Al-Muttaqoon).”
Verse 64 — Surah Al-Baqarah 2:64
Mushure mezvo mukadzokera kumashure. Dai dzakange dzisiri tsitsi nenyasha dzavo (Allah), dai muri vanhu vakarasikirwa
Verse 65 — Surah Al-Baqarah 2:65
Uye zvirokwazvo munoziva avo vakapfurikidza mwero maererano nemugovera (Sabata), tikati kwavari: “Ivai tsoko muchidzikisirwa nekurambwa.”
Verse 66 — Surah Al-Baqarah 2:66
Nokudaro takava tinoita kuti chirango ichi chive chidzidzo pakati pavo, uye nekumadzinza achatevera mumashure, uye kuti chive chidzidzo kune avo vatsvene (Al-Muttaqoon)
Verse 67 — Surah Al-Baqarah 2:67
Uyezve (rangarirai) apo Musa paakati kuvanhu vake: “Zvirokwazvo, Allah vanokukomekedzai kuti muuraye mombe.” Ivo vakati: “Unoda kuita dambe nesu here?” Iye akati: “Ndinotsvaga potero munaAllah kuti ndisave mumwe wevasingazivi.”
Verse 68 — Surah Al-Baqarah 2:68
Vakati: “Dana Tenzi vako (Allah) kuti vave vanotijekesera kuti yakaita sei.” Iye akati: “(Allah) vati: ‘Zvirokwazvo, imombe isina kuchembera zvakanyanya kana duku, asi iri pakati nepakati’, nokudaro itai zvamakomekedzwa.”
Verse 69 — Surah Al-Baqarah 2:69
Vakati: “Tidanirewo Tenzi vako (Allah) kuti vatijekesere ruvara rwayo.” Akati: “(Allah) vati: ‘Zvirokwazvo, imombe ine ruvara rwendarama, inobwinya muruvara rwayo, ichievedza vanoiona.’”
Verse 70 — Surah Al-Baqarah 2:70
Vakati: “Tidanirewo Tenzi vako (Allah) vatijekesere kuti yakaita sei? Zvirokwazvo, kwatiri mombe dzakafanana, uye zvechokwadi, kana Allah vachida, tichawana gwara.”
Verse 71 — Surah Al-Baqarah 2:71
Iye Musa akati: “Zvirokwazvo, (Allah) vati: ‘Imombe isina kumbopingudzwa, isingarimi kana kudiridza mapindu, yakakwana ine hutano hwakanaka isina rimwe rudzi (kunze kwe rwendarama inobwinya).’” Vakati: “Zvino wauya nechokwadi.” Nekudaro vakabva vaiuraya kunyangwe zvazvo vakange vave pedyo nokusazviita
Verse 72 — Surah Al-Baqarah 2:72
Uyezve (rangarirai) apo pamakauraya murume, uye mukava nekusawirirana pakati penyu maererano nemhosva iyi. Asi Allah vakabuditsa pachena izvo zvamanga makaviga
Verse 73 — Surah Al-Baqarah 2:73
Takava tinoti: “Murovei (mufi) nechidimbu chayo (mombe).” Ndiwo mamutsiro anoita Allah vafi uye kukuratidzai micherechedzo yavo (humbowo, dzidziso) kuti zvimwe mungave vanhu vanonzwisisa
Verse 74 — Surah Al-Baqarah 2:74
Mushure mezvo, moyo yenyu yakaoma ikava sematombo kana kutopfuura (matombo) mukuomarara. Uye zvirokwazvo, kune matombo anobuda nzizi dzemvura kubva maari; uye zvirokwazvo, kune mamwe (matombo) anotsemuka mvura yobuda maari ichierera; uye zvirokwazvo, kune mamwe anodonha pasi nokutya Allah. Uye Allah havarivari zvamunoita
Verse 75 — Surah Al-Baqarah 2:75
Munotarisira kuti vachatenda muchitendero chenyu nokuti zvirokwazvo vamwe vavo (maJudha) vaigara vachinzwa mashoko aAllah (Torah), ivo vobva vomashandura vachiziva mushure mekumanzwisisa ivo vachiziva
Verse 76 — Surah Al-Baqarah 2:76
Uye pavanosangana (maJudha) neavo vanotenda (maMuslim) vanoti: “Tinotenda”, asi pavanosangana pachavo voga muchihwande vanoti: “Mungavaudza here (maJudha) ma (Muslim) izvo zvamakazarurirwa naAllah (imi maJudha maererano netsanangudzo nehunhu hwaMuhammad (SAW) izvo zvakanyorwa muTorah) kuitira kuti (maMuslim) vozoita nharo nemi (maJudha) maererano nazvo pamberi paTenzi venyu. Hamunawo here nzwisiso?”
Verse 77 — Surah Al-Baqarah 2:77
Havazivi here kuti zvirokwazvo Allah vanoziva zvese zvavanoviga nezvese zvavanobuditsa
Verse 78 — Surah Al-Baqarah 2:78
Uye pakati pavo (maJudha) pane vanhu vasina kudzidza vasingazivi gwaro, asi vanovimba nezvido zvemanyepo uyezve vanofungidzira
Verse 79 — Surah Al-Baqarah 2:79
Marwadzo kune avo vanonyora Gwaro nemaoko avo, uye voti: “Izvi zviri kubva kunaAllah,” vozvitengesa nemutengo muduku! Uyezve vachawana marwadzo nezvakanyorwa nemaoko avo, uyezve matambudziko nezvavanowana
Verse 80 — Surah Al-Baqarah 2:80
Uye (maJudha) vanoti: “Moto (Moto weGehena nezuva rekumutswa kwevafi) haumbotibati kunze kwemazuva mashoma anoverengeka.” Iti (Iwe Muhammad (SAW) kwavari): “Makatora chibvumirano here naAllah, zvokuti Allah havazoputsi chibvumirano chavo? Kana kuti munotaura pamusoro paAllah zvamusingazivi?”
Verse 81 — Surah Al-Baqarah 2:81
Hongu! Uyo anoita chakaipa uye zvitadzo zvake zvomukomberedza, vanhu vakadaro vachave vekumoto (weGehena), uye vachagara mauri zvachose
Verse 82 — Surah Al-Baqarah 2:82
Uye avo vanotenda (muhumwechete hwaAllah) uye nokuita mabasa akanaka, ndivo vagari vekuParadhiso, vachagara mairi zvachose
Verse 83 — Surah Al-Baqarah 2:83
Uye (rangarirai) patakatora chibvumirano kubva kuvana vaIzirairi (tichiti): Musava munonamata chimwe chinhu kunze kwaAllah (vari voga), uyezve moitira vabereki zvakanaka, hama, nherera uye vanoshaya (Al-Masaakeen), uye motaura zvakanaka kuvanhu (Movakurudzira mabasa akanaka nokuvarambidza akaipa nokutaura chokwadi pamusoro paMuhammad (SAW)), uye itai munamato (Swalaah) mova munopa Zakaah (Chipo chinopihwa varombo). Mushure mezvo makabva madzoka mumashure, kunze kwevashoma venyu. Imi mukava vanhu vanodzokera kumashure
Verse 84 — Surah Al-Baqarah 2:84
Uye (rangarirai) apo takatora chibvumirano chenyu (tichiti): Musadeura ropa renyu kana kudzinga vamwe venyu mudzimba dzavo. Nokudaro makabvuma muchipupura
Verse 85 — Surah Al-Baqarah 2:85
Mushure mazvo, ndimi murikuurayana pachenyu uye kubuditsa chidimbu chenyu kubva mudzimba dzavo, muchibatsirana (nevavengi) mukupokana navo muchitadza nekuita ruvengo. Uye kana vakauya kwamuri varinhapwa, munovabvisira chidzikinuro, kunyangwe kuvadzinga kwavo makange makarambidzwa. Nokudaro munotenda here muchidimbu cheGwaro moramba chimwe? Saka ndeupi mubairo wevanoita zvakadaro pakati penyu, kunze kwenyadzi muupenyu hwepano pasi, uyezve neZuva rokumutswa vachava vanopihwa mutongo wakaomarara. Uye Allah havarivari zvamunoita
Verse 86 — Surah Al-Baqarah 2:86
Avo ndivo vanotengesa (vanochinja) hupenyu hwamangwana vachitora hupenyu hwepano pasi. Uyezve havambofa vakarerutsirwa murango wavo, kana kuwana rubatsiro
Verse 87 — Surah Al-Baqarah 2:87
Uye zvirokwazvo, takapa Musa, Gwaro tikava tinotevedza mushure make nevatumwa. Uye takapa Isa (Jesu) mwana waMariya zviratidzo zviri pachena uye tikamusimbaradza nemweya mutsvene (Jibreel (Gabriel)). Ndizvo here kuti pose panouya mutumwa kwamuri nezvisingafarirwi nemoyo yenyu munozvitutumadza? Vamwe hamutendi mavari uye vamwe munouraya
Verse 88 — Surah Al-Baqarah 2:88
Uye vanoti: “Moyo yedu yakavharwa (havanzwe shoko raAllah).” Asi Allah vakavarengera nokusatenda kwavo, nokudaro zvishoma ndizvo zvavanotenda
Verse 89 — Surah Al-Baqarah 2:89
Uye pakauya kwavari (maJudha), Gwaro (Qur’aan) kubva kuna Allah richipupura izvo zvavanazvo (Torah ne Injeel (Vhangeri)), kunyangwe mumashure vaikumbira Allah (kuuya kwaMuhammad (SAW)) kuti vawane kukunda avo vasingatendi. Nokudaro pakauya kwavari izvo zvavaiziva, havana kutenda mazviri. Nokudaro kurengera (kutuka) kwaAllah ngakuve kune avo vasingatendi
Verse 90 — Surah Al-Baqarah 2:90
Zvakaipa zvikuru zvavakazvitengesa nazvo pachavo, kuti vanofanira kusatenda kune zvakatumirwa naAllah (Qur’aan), riri godo rokudzikisa kwaAllah tsitsi dzavo kune wavanoda kuvaranda vavo. Nokudaro vakazvikokera hasha (dzaAllah) pamusoro pehasha. Uye vasingatendi vachawana chirango chinonyadzisa
Verse 91 — Surah Al-Baqarah 2:91
Uyezve pazvinotaurwa kwavari (maJudha): ‘’Tendai mune izvo zvakatumirwa naAllah pano pasi,” vanoti: “Tinotenda mune izvo zvakatumirwa kwatiri.” Uye havatendi mune izvo zvakatumirwa mumashure (meTorah neInjeel (Vhangeri)) chiri chokwadi chichipupura zvavanazvo. Iti (iwe Muhammad (SAW) kwavari): “Nokudaro neyi makauraya maporofita aAllah kare, kana muzvirokwazvo muri vatendi?”
Verse 92 — Surah Al-Baqarah 2:92
Uye zvirokwazvo Musa akauya kwamuri nehumboo huri pachena, asi makatora mhuru (chiumbwa sechinamatwa) mushure make (aenda kugomo reSinai) muchitadza
Verse 93 — Surah Al-Baqarah 2:93
Uye (rangarirai) patakatora chitsidzo chenyu uye tikasimudza gomo pamusoro penyu (tichiti): “Batisisai izvo zvatakakupai nesimba uye nokunzwa (izwi redu)”, ivo vakati: “Tanzwa asi hatiteereri”. Uye moyo yavo yakatorwa nokunamata chiumbwa chemhuru nokuda kokusatenda kwavo. Iti: “Zvirokwazvo, zvakanyanya kushata kutenda kwenyu zvakunokukurudzirai kana zvirokwazvo muri vatendi.”
Verse 94 — Surah Al-Baqarah 2:94
Iti (kwavari): “Kana imba yehupenyu hwamangwana yaAllah zvirokwazvo iri yenyu pachenyu kunze kwevamwe vanhu, saka shuvirai rufu kana muri pachokwadi.”
Verse 95 — Surah Al-Baqarah 2:95
Asi havambofi vakashuvira (rufu) nokuda kweizvo zvakatungamidzwa nemaoko avo (mabasa avaiita). Uye Allah ndivo vane ruzivo rwose rwevatadzi
Verse 96 — Surah Al-Baqarah 2:96
Uye zvirokwazvo, muchavawana (maJudha) vari vanhu vanodisisa hupenyu (kupfuura vamwe), uye vachidarika avo vanosanganisa Allah nezvimwe zvinhu pakunamata (uye vasingatendi muzuva rokumutswa – Majoos, neavo vanonamata zviumbwa). Umwe neumwe wavo anoshuvira kuti dai apihwa hupenyu hwechiuru chamakore, asi kurarama kwakadaro hakumbofi kwakamudzivirira kubva kuchirango. Uye Allah ndivo muoni wezvose zvamunoita
Verse 97 — Surah Al-Baqarah 2:97
Iti (iwe Muhammad (SAW)): “Ani nani anovenga Jibreel (Gabriel) (ngaave anofa muhasha dzake), nokuti zvirokwazvo akaridzikisira (Qur’aan) mumoyo mako kuburikidza nekuda kwaAllah, richipupura izvo zvakauya mushure maro (Torah neInjeel (Vhangeri)) uye riri gwara nevimbiso yakanaka kuvatendi.”
Verse 98 — Surah Al-Baqarah 2:98
“Ani nani anova muvengi waAllah, nengirozi dzavo, nevatumwa vavo, Jibreel (Gabriel) na Mika’eel (Michael), nokudaro zvirokwazvo, Allah muvengi wevasingatendi.”
Verse 99 — Surah Al-Baqarah 2:99
Uye zvirokwazvo takakutumira ndima dziri pachena (ndima dzemuQur’aan dzinotsanangudza nemazvo nyaya yemaJudha uye nezvinangwa zvavo zvakavanzika), uye hakuna asingatendi madziri kunze kwe Al-Faasiqoon (avo vanotyora (vanopfurikidza) mitemo yaAllah
Verse 100 — Surah Al-Baqarah 2:100
Haisi (nyaya) yokuti nguva dzose dzavanosunga wirirano, rimwe boka pakati pavo rinochitsveta padivi? Asi (chokwadi ndechokuti) vakawanda vavo havatendi
Verse 101 — Surah Al-Baqarah 2:101
Uye apo pakauya mutumwa (Muhammad (SAW)) kwavari kubva kuna Allah achipupura zvavakanga vanazvo, boka rimwe reavo vakapihwa Gwaro vakarikandira Gwaro raAllah mumashure mavo sokunge vakanga vasingazivi
Verse 102 — Surah Al-Baqarah 2:102
Uye vakatevera izvo zvaiverengwa naDhiyabhorosi (Masaramusi) munguva yeutongi hwaSulaimaan (Soromoni). Uye Sulaimaan haana kusatenda, asi vanadhiyabhorosi ndivo vakaramba kutenda, vachidzidzisa vanhu mapipi uye zvakaburutsirwa kuBabylon kungirozi mbiri, Haaroot naMaaroot, asi hadzina kudzidzisa (ngirozi mbiri) ani nani zvake, kusvikira dzati: “Zvirokwazvo, isu tiri muedzo, nokudaro musava vanhu vasingatendi (nekudzidza mapipi kubva kwatiri).” Uye kubva (kungirozi mbiri) vakadzidza izvo zvavaiita kuti vapatsanure pakati pemurume nemukadzi wake, asi havana kukanganisa nazvo ani nani kunze nekuda kwaAllah. Uyezve vakadzidza izvo zvaivakuvadza uye zvisingavabatsiri. Uye zvirokwazvo vaiziva kuti mutengi wawo (mapipi) haana chidimbu pahupenyu hwemangwana. Uye zvirokwazvo zvakaipa izvo zvavakatengesa nazvo moyo yavo, dai havo vaiziva
Verse 103 — Surah Al-Baqarah 2:103
Uye dai vakatenda uye kuzvidzivirira kubva kune zvakaipa uye nokuita basa raAllah, zvirokwazvo mubairo unobva kuna Allah (Mwari) wakanaka zvachose, dai havo vaiziva
Verse 104 — Surah Al-Baqarah 2:104
Imi vanotenda! Musati (kumutumwa): “Chenjera”, asi itii: “Titarise nekunzwa.” Uye avo vasingatendi vachawana chirango chinorwadza
Verse 105 — Surah Al-Baqarah 2:105
Kunyangwe avo vasingatendi pakati pevanhu vakapihwa Mabhuku (maJudha nemaKristu) kana Al-Mushrikoon (Vanonamata zviumbwa ne avo vasingatendi muhumwechete hwaAllah), havadi kuti zvakanaka zvitumirwe kwamuri kubva kuna Tenzi venyu (Allah). Asi Allah vanosarudza kupa tsitsi dzavo kune avo vavanoda. Allah ndivo muridzi wemakomborero makuru
Verse 106 — Surah Al-Baqarah 2:106
Hapana ndima yatinobvisa kana yatinokonzera kuti ikanganikwe, asi tinounza iri nani kwairi kana yakafanana naiyoyo. Hauzivi here kuti zvirokwazvo Allah vane masimba pamusoro pezvinhu zvose
Verse 107 — Surah Al-Baqarah 2:107
Hauzivi here kuti Allah ndivo muridzi hweumambo hwepasi nekudenga? Uye pasina Allah hamuna umwe Wali (Mudziviriri kana muchengeti) kana mubatsiri
Verse 108 — Surah Al-Baqarah 2:108
Kana kuti munoda kubvunza mutumwa wenyu (Muhammad (SAW)) sekubvunzwa kwakaitwa Musa kare (sokuti tiratidze Tenzi vako pachena)? Uye uyo anochinjanisa kutenda achitora kusatenda, zvirokwazvo, anenge abuda munzira yakatwasuka
Verse 109 — Surah Al-Baqarah 2:109
Vazhinji veavo vanhu vakapihwa Gwaro (maJudha nemaKristu) vanoshuvira kuti dai vakusandurai kuti muve seavo vasingatendi mushure mokutenda kwenyu, zvichibva mugodo rinobva pakati pemoyo yavo, kunyangwe mushure mekunge chokwadi (chokuti Muhammad (SAW) mutumwa waAllah) chabuda pachena kwavari. Asi regererai uye kanganwirai kusvika Allah vaunza murairo wavo. Zvirokwazvo, Allah vane masimba pamusoro pezvinhu zvose
Verse 110 — Surah Al-Baqarah 2:110
Uye itai munamato (Swalaah) uye ipai zvipo kuvarombo (Zakaah), uye chose chakanaka kubva mumabasa anodiwa naAllah chamunozvitungamidzira mberi pachenyu, muchachiwana kuna Allah. Zvirokwazvo, Allah vanoona zvikuru zvese zvamunoita
Verse 111 — Surah Al-Baqarah 2:111
Uye vanoti: “Hapana anopinda Paradhiso kunze kwema Judha kana maKristu.” Idzi ndidzo shuviro dzavo. Iti (iwe Muhammad (SAW)): “Buditsai humboo hwenyu kana zvirokwazvo muri pachokwadi.”
Verse 112 — Surah Al-Baqarah 2:112
Hongu, asi ani nani azvipira huso hwake (iye pachake) kuna Allah (kutevera chitendero chaAllah, Islaam), uye ari uyo anoita mabasa akanaka, nokudaro achava nemugove wake kuna Allah, uye kwavari hakuzombove nokutya kana kushungurudzika
Verse 113 — Surah Al-Baqarah 2:113
MaJudha vanoti maKristu vanotevera zvenhando (havasi pachitendero chechokwadi); uye maKristu anoti maJudha vanotevera zvenhando (havasi pachitendero chechokwadi), kunyangwe zvazvo vose vachiverenga Gwaro. Avo vasingazivi (vanonamata zvidhori kana avo vane vanamwari vakawanda) vanotaura shoko rakafanana neravo. Allah vachatonga pakati pavo muzuva rekumutswa, maererano nepavaisiyana
Verse 114 — Surah Al-Baqarah 2:114
Uye ndiani anodzvinyirira zvakanyanya kudarika uyo anorambidza kuti zita raAllah rirumbidzwe nokutaurwa zvakanyanya (mumunamato nezvikumbiro) mumaMasjid (dzimba dzokunamatira dza Allah), uye anoshingirira mukuparadzwa kwadzo? Zvakanga zvisina kukodzera kuti vave vanopinda maari (maMasjid aAllah) kunze kwekunge vachitya. Kwavari inyadzi pano pasi uye vachave nechirango chikuru muhupenyu hunotevera
Verse 115 — Surah Al-Baqarah 2:115
Uye Allah ndivo muridzi wemabvazuva nemadokero, saka kwese kwamunotarisa kune Chiso chaAllah (uye vari kumusoro kudenga, pachigaro chehumambo hwavo). Zvirokwazvo, Allah vane zvose zvinogutsa nezvinodiwa nezvisikwa zvavo, muzivi wezvose
Verse 116 — Surah Al-Baqarah 2:116
Uye vanoti (maJudha, maKristu nevanamati vezvidhori): “Allah vakazvara mwana.” Rumbidzo dzose kwavari (Mukuru ndivo vari pamusoro pezvose zvavanovasanganisa nazvo). Asi ndivo muridzi wezvose zviri mumatenga nepanyika, uye zvose zvakazvipira kuzvininipisa kwavari
Verse 117 — Surah Al-Baqarah 2:117
Musiki wematenga nepasi, kana vachinge vatara chiitiko, zvirokwazvo vanoti kwachiri: “Ngachiitike!” – chobva chaitika
Verse 118 — Surah Al-Baqarah 2:118
Uye avo vasina ruzivo vanoti: “Sei Allah vasingatauri nesu (takatarisana navo) kana kuti chiratidzo chiuyewo kwatiri?” Nokudaro avo vaive mumashure mavo vakataura mashoko akafanana neiwaya. Moyo yavo yakafanana. Zvirokwazvo, takaita kuti zviratidzo zvive pachena kuvanhu vanotenda muchokwadi
Verse 119 — Surah Al-Baqarah 2:119
Zvirokwazvo, takatumira iwe (Muhammad (SAW)) nechokwadi (Islaam) semuunzi wemashoko akanaka (kune avo vanotenda kune zvawakaunza, kuti vachaenda kuParadhiso), uye muchenjedzi (kune avo vasingatendi, kuti vachaenda kumoto (Gehena)). Uye hauzombobvunzwi maererano nezvevagari vekumoto
Verse 120 — Surah Al-Baqarah 2:120
MaJudha nemaKristu havafi vakafadzwa newe (Muhammad (SAW)) kusvika watevera chitendero chavo. Iti: “Zvirokwazvo, gwara raAllah (Islaam) ndiro gwara (roga).” Uye iwe (Muhammad (SAW)) zvirokwazvo ukatevera zvinodiwa nemaJudha kana maKristu mushure mekunge ruzivo (Qu’aan) rwasvika kwauri, hauzowani mudziviriri kubva kuna Allah kana mubatsiri
Verse 121 — Surah Al-Baqarah 2:121
Avo vatakapa Gwaro (Torah) vakariverenga maverengerwo aro chaiwo, avo ndivo vanotenda mariri (Qur’aan). Asi kune avo vasingatendi mariri (Qur’aan), avo ndivo vakarasikirwa
Verse 122 — Surah Al-Baqarah 2:122
Imi vana vaIzirairi! Rangarirai makomborero angu ayo andakakupai, uye zvirokwazvo nokuti ndakakusarudzai imi pakati peAalameen (vanhu vose nemaJinn enguva yenyu)
Verse 123 — Surah Al-Baqarah 2:123
Uye ityai zuva (rokutongwa) iro rokuti hapana munhu achakwanisa kupa mubairo umwe munhu, kana kugamuchirwa kwemubhadharo kubva kwaari, kana kumiririrwa hakumbofi kwakamubatsira, uyezve havambofi vabatsirwa
Verse 124 — Surah Al-Baqarah 2:124
Uye (rangarirai) apo Tenzi vake Ibrahim (Abrahamu) pavakamuedza (neimwe) yemirairo, iyo yaakazadzikisa. (Allah) vakati (kwaari): “Zvirokwazvo, ndichakuita mutungamiri wevanhu (kuti vave vanokutevera).” (Ibrahim (Abrahamu)) akati: “Uye nekuvana vangu (kuti vave vatungamiri).” (Allah) vakati: “Chitsidzo (chohuporofita) changu hachiendi kuvatadzi.”
Verse 125 — Surah Al-Baqarah 2:125
Uye (rangarirai) apo takaita imba (Ka’bah) senzvimbo yokuzororera yevanhu vose, uye nzvimbo yorunyararo. Uyezve itai (maMuslim) kuti Maqaam (nzvimbo) yaIbrahim (kana kuti dombo iro raimira Ibrahim paaivaka Ka’bah) senzvimbo yokunamatira (imwe yeminamato yenyu semuenzaniso maRaka’aat maviri mushure meTawaaf yeKa’bah kuMakkah). Uye ndakava ndinokomekedza Ibrahim (Abrahamu) naIsmael (Ishumaeri) ndikati munofanira kuchenura imba yangu (Ka’bah kuMakkah) kuitira avo vanoitenderera kana kugaramo (I’itikaf), kana kukotamisa huso kana kupfugama (mairi vachinamata)
Verse 126 — Surah Al-Baqarah 2:126
Uye (rangarirai) apo Ibrahim akati: “Tenzi vangu, itai guta iri (Makkah) nzvimbo yerunyararo uye ipai vagari vemo michero, avo vanotenda muna Allah nezuva rokupedzisira.” Ivo (Allah) vakati: “Asi uyo asingatendi, ndichamusiya ari mukugutsikana kwenguva pfupi, uye ndozomukanda mumarwadzo emoto, uye zvirokwazvo iyi ndiyo nzvimbo yakaipisisa kusvika!”
Verse 127 — Surah Al-Baqarah 2:127
Uye (rangarirai) apo Ibrahim (Abrahamu) nemwanakomana wake Ismael (Ishumaeri) pavaisimudza midhuri yemba (Ka’bah kuMakkah) (vachiti): “Tenzi vedu (Allah)! Gamuchirai (basa iri) kubva kwatiri. Zvirokwazvo, ndimi munzwi wezvose, uye muzivi wezvose.”
Verse 128 — Surah Al-Baqarah 2:128
“Tenzi vedu (Allah)! Uye tiitei tiri vaviri avo vanozvipira kwamuri uyezve vamwe vevana vedu vave rudzi runozvipira kwamuri; uye tiratidzei Manaasik edu (Mhemberero dzose dzokushanya (Hajj neUmrah)), uye ivai munotiregerera. Zvirokwazvo, ndimi munoregerera zvikuru, uye mune tsitsi dzakanyanyisa.”
Verse 129 — Surah Al-Baqarah 2:129
“Tenzi vedu (Allah)! Uye tumirai pakati pavo mutumwa werudzi rwavo (uye zvirokwazvo Allah vakapindura chikumbiro chavo nekutumira Muhammad (SAW)), uyo achava verengera zviratidzo zvenyu nemitemo iri muGwaro (Qur’aan), uyezve vovadzidzisa Gwaro (Qur’aan) uye Al-Hikmah (Ruzivo rwe mitemo yeIslaam uye huchenjeri neSunnah yamutumwa – nzira yakabvumidzwa), uyezve achavachenura. Zvirokwazvo, ndimi vekumusoro-soro, vane huchenjeri hwese.”
Verse 130 — Surah Al-Baqarah 2:130
Uye ndiani anoramba chitendero chaIbrahim (Abrahamu) (chitendero chinonamata Allah (Mwari Mumwechete) kunze kweuyo anozvinyengedza pachake. Zvirokwazvo, takamusarudza Ibrahim (Abrahamu) pano pasi, uye zvirokwazvo, mune ramangwana achange ari pakati pevatsvene
Verse 131 — Surah Al-Baqarah 2:131
(Rangarirai) Apo Tenzi vake pavakati kwaari: “Zvipire (nekuva muMuslim).” Iye akati: “Ndazvipira (semuMuslim) kuna Tenzi veAalameen (vanhu vose nezvinorarama zvose).”
Verse 132 — Surah Al-Baqarah 2:132
Uye Abrahamu akakomekedza izvi kuvana vake pamwe naYa’qoob (Jakobho) (vachiti): “Imi vana vangu! Zvirokwazvo, Allah vakusarudzirai imi chitendero (chechokwadi), nokudaro, zvirokwazvo musava munofa kunze kwekuti muri pachitendero cheIslaam (semaMuslim).”
Verse 133 — Surah Al-Baqarah 2:133
Kana kuti maive vapupuri here apo rufu rwakasvikira Ya’qoob (Jakobho)? Apo akati kuvana vake: “Chii chamuchanamata mushure mangu?” Vakati: “Tichanamata Mwari wenyu (Allah), Mwari wemadzibaba enyu Ibrahim (Abrahamu), Ismail (Ishumaeri), Ishaaq (Isaka), Mwari mumwechete, uyezve kwavari tinozvipira (muIslaam).”
Verse 134 — Surah Al-Baqarah 2:134
Urwu rudzi rwakapfuura. Vachawana mubairo unoburikidza zvavakaita, uye imiwo muchawana mubairo wezvamakaita. Uye hamufi makabvunzwa maererano nezvavaiita
Verse 135 — Surah Al-Baqarah 2:135
Uye vanoti: “Ivai maJudha kana maKristu muchava makatungamirirwa.” Iti (kwavari iwe Muhammad (SAW)): “Kwete, asi tichatevedzera chitendero chaIbrahim (Abrahamu), uyo anga ari mugwara (Islaam, kunamata Mwari mumwechete (Allah)), uye akanga asiri mumwe wemaMushrikoon (avo vanosanganisa Allah nezvimwe zvinhu mukunamata).”
Verse 136 — Surah Al-Baqarah 2:136
Taurai kuti (Imi maMuslim): “Tinotenda muna Allah neizvo zvakatumirwa kwatiri nezvakatumirwa kuna Ibrahim (Abrahamu), Ismail (Ishumaeri), Ishaaq (Isaka), Ya’qoob (Jakobho), uye kuAl-Asbaat (vana vevana gumi nevaviri vaYa’qoob (Jakobho)), uye izvo zvakapihwa Musa na Isa (Jesu), uye neizvo zvakapihwa kumaporofita kubva kuna Tenzi vavo. Hatisiyanise pakati pavo, uye kwavari (Allah) tinozvipira (muIslaam).”
Verse 137 — Surah Al-Baqarah 2:137
Uye kana vakatenda mune zvakafanana nezvamumotenda, zvirokwazvo vari pagwara rechokwadi; asi vakava vanofuratira, zvirokwazvo vanenge vari avo vanopikisa. Nokudaro, Allah vachava vanokubatsirai pamusoro pavo. Uye ndivo vanonzwa zvese, muzivi wezvose
Verse 138 — Surah Al-Baqarah 2:138
[Ichi] chitendero chaAllah (Islaam), uye ndiani ane chitendero chiri nani kupinda chaAllah? Uye tirivanamati vavo (Allah)
Verse 139 — Surah Al-Baqarah 2:139
Iti (iwe Muhammad (SAW)) kumaJudha nemaKristu: “Munopikisana nesu here nezvaAllah, ivo vari Tenzi vedu uye Tenzi venyu? Uye tichava tinoripwa nekuda kwemabasa edu uye imi nemabasa enyu. Uye isu tinozvipira kwavari (mukuvanamata nekuvaremekedza).”
Verse 140 — Surah Al-Baqarah 2:140
Kana kuti imi munoti, zvirokwazvo Ibrahim (Abrahamu), Ismail (Ishumaeri), Ishaaq (Isaka), Ya’qoob (Jakobho) uye Al-Asbaat (vana vevana gumi nevaviri vaYa’qoob (Jakobho)) vakange vari maJudha kana maKristu? Iti: “Munoziva zvakanyanya here kana kuti Allah ndivo vanoziva (kuti vaive maMuslim)? Uye ndiani mudzvinyiriri kudarika uyo anoviga huchapupu hwaanawo kubva kuna Allah (kutenda muna muporofita Muhammad (SAW) kana vauya sokunyorwa kwazvakaitwa muMabhuku avo)? Uye Allah havarivari zvamunoita.”
Verse 141 — Surah Al-Baqarah 2:141
Urwu rudzi rwakapfuura. Vachawana mubairo kuburikidza nezvavakaita, uye imiwo muchawana mubairo wezvamakaita. Uye hamufi makabvunzwa maererano nezvavaiita
Verse 142 — Surah Al-Baqarah 2:142
Avo vanhu vakapusa (vanonamata zviumbwa nemidzimu, maJudha nevanyengedzi) vachati: “Chii chaita kuti maMuslim vatendeuke kubva kuQiblah yavo (uko kwainamata maMuslim akatarisa kuJerusarema), iyo yavaigaro tarira vachiita munamato.” Iti (iwe Muhammad (SAW)): “Allah ndivo muridzi wekumabvazuva nekumadokero. Vanotungamirira mugwara rakatwasuka ani nani wavanoda.”
Verse 143 — Surah Al-Baqarah 2:143
Naizvozvo takakuitai (vatendi vechokwadi (maMuslim) avo vanotevera mutumwa Muhammad (SAW) neSunnah (nzira yakanaka) muchokwadi) rudzi rwakanaka, kuti muve vapupuri pamusoro pevanhu, uye mutumwa (Muhammad (SAW)) ave mupupuri kwamuri. Uyezve hatina kuita Qiblah (kwavaigara vachitarisa vachiita munamato (Jerusarema)) kwamaigara muchitarisa, kunze kwekuti tizive uyo anotevera mutumwa (Muhammad (SAW)) kubva kune uyo anodzokera kumashure. Zvirokwazvo, zvaive zvakaoma kunze kweavo vakatungamirirwa naAllah. Uye Allah havamboiti kuti chitendero chenyu chirasike (minamato yamaiita makatarisa kuJerusarema). Zvirokwazvo, Allah ndivo vane nyasha netsitsi dzose kuvanhu vavo
Verse 144 — Surah Al-Baqarah 2:144
Zvirokwazvo, tinomboona kutendeuka kwechiso chako (Muhammad (SAW)) wakatarisa kudenga. Zvirokwazvo, tichakutendeudza kuQiblah (kwaunotarisa uchinamata) divi richakufadza, nokudaro tendeutsa chiso chako kudivi re Al-Masjid Al-Haraam (nzvimbo tsvene iri kuMakkah). Uye pose pamuri imi vanhu tendeutsai zviso zvenyu (pakunamata) motarisa ikoko. Zvirokwazvo, vanhu vakapiwa Gwaro (maJudha nemaKristu) vanoziva kuti (kutendeuka muchitarisa kuKa’bah kuMakkah pakunamata) ichokwadi kubva kuna Tenzi vavo. Uye Allah havarivari zvose zvavanoita
Verse 145 — Surah Al-Baqarah 2:145
Uye kunyangwe ukaunzira vanhu vakapihwa Gwaro (maJudha nemaKristu) humboo upi zvawo, havafi vakatevera Qiblah yako (kwamunotarisa muchinamata), kana iwe kutevera Qiblah yavo. Uyezve vamwe vavo havateveri Qiblah yevamwe. Zvirokwazvo, kana ukatevedzera zvido zvavo mushure mokunge ruzivo rwauya kwauri (kubva kuna Allah), zvirokwazvo unova umwe wemaDhaalimoon (vakarasika, vaiti vezvakaipa)
Verse 146 — Surah Al-Baqarah 2:146
Avo vatakapa Gwaro (maJudha neKristu) vanomuziva (Muhammad (SAW) kana kuti Ka’bah iri kuMakkah) semaziviro avanoita vana vavo. Asi zvirokwazvo, rimwe boka pakati pavo vanoviga chokwadi ivo vachiziva (mamiriro aMuhammad (SAW) izvo zvakanyorwa muTorah neInjeel (Vhangeri)
Verse 147 — Surah Al-Baqarah 2:147
(Ichi) ichokwadi kubva kuna Tenzi vako. Nokudaro zvirokwazvo usave umwe weavo vanogunun’una (vane kukahadzika)
Verse 148 — Surah Al-Baqarah 2:148
Uyezve rudzi rwoga-rwoga rwune divi rarwunotarisa (rwuchinamata), nokudaro mhanyidzanai pakuita mabasa akanaka. Kwese kwamuri Allah vachakuunganidzai pamwechete (pazuva rokumutswa). Zvirokwazvo, Allah vane masimba pamusoro pezvinhu zvose
Verse 149 — Surah Al-Baqarah 2:149
Uye pose paunobuda uchifamba (pakunamata), tendeudza huso hwako utarise kudivi re Al- Masjid Al-Haraam (iri kuMakkah), zvirokwazvo ichi ichokwadi kubva kuna Tenzi vako. Uye Allah havarivari zvose zvamunoita
Verse 150 — Surah Al-Baqarah 2:150
Uye pose paunobuda (pakunamata), tendeudza huso hwako kudivi re Al-Masjid Al-Haraam (iri kuMakkah), uyezve kwese kwamunenge muri (pakunamata), tendeudzai zviso zvenyu kudivi rayo kuitira kuti vanhu vasave nokupikisana pamusoro penyu kunze kweavo vaiti vezvakaipa pakati pavo, nokudaro musavatye asi ityai inini! Uyezve kuti ndive ndinozadzikisa makomborero angu kwamuri uyezve kuti muve vanhu vari pagwara
Verse 151 — Surah Al-Baqarah 2:151
Saizvozvo, takutumirai mutumwa anobva kwamuri (Muhammad (SAW)), achikuverengerai ndima dzedu (Qur’aan), nekukuchenurai, nekukudzidzisai Bhuku (Qur’aan) uye neHikmah (Sunnah, hungwaru, mitemo yeIslaam neFiqh), uyezve kukudzidzisai zvamakanga musingazivi
Verse 152 — Surah Al-Baqarah 2:152
Nokudaro, ndirangarirei (nekundinamata nerumbidzo), ndichakurangarirai, uyezve ivai munonditenda (nemakomborero asingaverengeki andakakupai), uyezve musave vanhu vasinganditendi
Verse 153 — Surah Al-Baqarah 2:153
Imi vanhu vanotenda! Tsvagai rubetsero nemoyo murefu (kutsungirira) neSwalaah (munamato). Zvirokwazvo, Allah vane avo vane moyo murefu (vanotsungirira)
Verse 154 — Surah Al-Baqarah 2:154
Uye musati kune avo vanouraiwa munzira yaAllah: “Vakafa.” Vapenyu, asi imi hamuzvizivi
Verse 155 — Surah Al-Baqarah 2:155
Uye zvirokwazvo, tichakuedzai nezvimwe zvinotyisa, nzara, kushomeka kwehupfumi nevanhu, uye kupera kwemichero, asi ipa shoko rakanaka kune As-Swaabiroon (avo vane moyo murefu – vanotsungirira)
Verse 156 — Surah Al-Baqarah 2:156
Avo kana vawirwa nedambudziko vanoti: “Zvirokwazvo! Kuna Allah ndokwatakabva, uye zvirokwazvo kwavari ndiko kwatichadzokera.”
Verse 157 — Surah Al-Baqarah 2:157
Avo ndivo vachawana makomborero kubva kuna Tenzi vavo, uyezve tsitsi dzavo, uyezve ndivo vari pagwara (rechokwadi)
Verse 158 — Surah Al-Baqarah 2:158
Zvirokwazvo, As-Safa neMarwah (makomo maviri ari kuMakkah) ndezvimwe zvezviratidzo zvaAllah. Nokudaro hachisi chitadzo kune uyo anoshanyira imba (yaAllah) kunoita Hajj kana Umrah, kunotenderera pakati pawo (As-Safa neMarwah). Uye ani-nani anozvipira nekuda kwake kuita chakanaka, zvirokwazvo Allah ndivo vanotenda, muzivi wezvose
Verse 159 — Surah Al-Baqarah 2:159
Zvirokwazvo, avo vanoviga humboo huri pachena negwara ratakaburutsa pasi, mushure mokuribuditsa pachena kuvanhu muBhuku, ndivo vamwe veavo vakarengerwa naAllah uye vakarengerwa nevarengeri
Verse 160 — Surah Al-Baqarah 2:160
Kunze kweavo vanokumbira ruregerero uye voita mabasa akanaka, uyezve vobuditsa pachena (chokwadi chavakaviga), ava ndichatambira kukumbira kwavo ruregerero. Uye ndini ndinogamuchira ruregerero (kureurura) zvikuru, ane tsitsi zhinji
Verse 161 — Surah Al-Baqarah 2:161
Zvirokwazvo, avo vasingatendi uye vofa vari mukusatenda, ndivo vari pakurengerwa naAllah uye nengirozi uyezve nevanhu vese pamwechete, vakabatanidzwa
Verse 162 — Surah Al-Baqarah 2:162
Vachagara imomo zvachose (vari mumoto), mutongo wavo hauzomborerutswi, uye havambofi vawana zororo
Verse 163 — Surah Al-Baqarah 2:163
Uye Mwari wenyu ndiMwari mumwechete, hakuna mumwe anekodzero yokunamatwa kunze kwavo (Allah), vane tsitsi zhinji, vane ngoni dzakanyanya
Verse 164 — Surah Al-Baqarah 2:164
Zvirokwazvo, pakusikwa kwematenga nenyika, uye mukuchinjana kwehusiku nesikati, uye nengarava dzinofamba munyanza nezvinobatsira vanhu, uye nemvura inotumirwa naAllah kubva kudenga pano pasi, uye vomutsa nayo nyika mushure mokufa kwayo, uye zvipuka zvinofamba zvakasiyana-siyana izvo zvavakaparadziramo, uye kufamba kwemhepo nemakore akabatwa pakati pedenga nenyika, zvirokwazvo, maAayaat (Humboo, zviratidzo) kune avo vanhu vanonzwisisa
Verse 165 — Surah Al-Baqarah 2:165
Uye kubva muvanhu, mune vamwe vanotora (mukunamata) zvimwe zvinhu kunze kwaAllah saanamwari. Vanozvida sokuda kwavanoita Allah. Asi avo vanotenda, vanoda Allah (kudarika zvinhu zvose). Dai chete avo vanoita mabasa akaipa vaiona, pavaiona marwadzo, (vaiziva) kuti zvirokwazvo masimba ose ndeaAllah, uye mutongo waAllah wakaomarara
Verse 166 — Surah Al-Baqarah 2:166
(Rangarirai) apo vaiteverwa vachageza maoko (kuzviita vasina mhosva) kune avo vakavatevera, uye apo pavachaona marwadzo, nekudaro ukama hwavo huchagurwa pakati pavo
Verse 167 — Surah Al-Baqarah 2:167
Uye avo vaitevera vachati: “Dai tine kanguva (kekudzokera kuhupenyu hwepanyika), tageza maoko kubva kwavari sekugeza maoko kubva kwatiri kwavaiita (kuzviita vasina mhosva). Nokudaro Allah vachavaratidza mabasa avo sokurasikirwa kwavari. Uye havafi vakabuda mumoto
Verse 168 — Surah Al-Baqarah 2:168
Imi vanhu! Idyai izvo zvakabvumidzwa uye zvakanaka zviri munyika, uye musava munotevera tsoka dzaShaitwaan (Satani). Zvirokwazvo, muvengi wenyu ari pachena
Verse 169 — Surah Al-Baqarah 2:169
Iye Shaitwaan (Satani) anokomekedza imi zvakaipa uye Fahshaa (zvitadzo), uye kuti muve munotaura pamusoro paAllah izvo zvamusingazive
Verse 170 — Surah Al-Baqarah 2:170
Uye kana zvikanzi kwavari: “Teverai izvo zvakadzikiswa naAllah pasi.” Vanoti: “Asi! Tinotevera izvo zvatakawana madzibaba edu achitevera.” (Vachaita here izvozvo) kunyangwe madzibaba avo pasina chavakanzwisisa uyezve vaive vasina kutungamirirwa
Verse 171 — Surah Al-Baqarah 2:171
Uye muenzaniso weavo vasingatendi wakafanana newe uyo anodaidzira (kuhwai dzakawanda) idzo dzisinganzwe chero chinhu kunze kwekudaidza kana kuchema. (Ivo) havanzwe, havataure uye havaoni. Nokudaro havanzwisisi
Verse 172 — Surah Al-Baqarah 2:172
Imi vanotenda (muhumwechete hwaAllah)! Idyai zvimwe zvezvakabvumidzwa, zvakanaka, zvatakupai imi, uye mova munotenda Allah, kana vari ivo muzvirokwazvo vamunonamata
Verse 173 — Surah Al-Baqarah 2:173
Zvirokwazvo, (Allah) vakakurambidzai chete imi Al-Maitah (mhuka dzakafa dzega), uye ropa (musiya), uye nyama yenguruve, uye zvakaurawa sezvipiro kuvamwe vanamwari (zvakaurairwa sezvipiro kuzviumbwa, kana kuti pasina zita raAllah rinodaidzwa pakuurawa kwadzo). Asi kana munhu amanikidzwa nekuomerwa pasina kutadza maune kana kudarika muganhu, hapana chivi kwaari. Zvirokwazvo, Allah ndivo vanoregerera zvikuru, vane tsitsi dzose
Verse 174 — Surah Al-Baqarah 2:174
Zvirokwazvo, avo vanoviga izvo zvakatumirwa naAllah pasi zvemuBhuku, uye vozvitengesa nemari shomanana, havana chavanodya mumatumbu avo kunze kwemoto. Allah havasi kuzotaura navo pazuva rokumutswa, kana kuvachenura, uyezve vachawana chirango chinorwadza zvikuru
Verse 175 — Surah Al-Baqarah 2:175
Ava ndeavo vakatengesa (vanochinja) gwara rakarurama vachitora kurasika, uye vachipa ruregerero vachitora marwadzo. Nokudaro kushinga rudzii kwavo kusarudza moto
Verse 176 — Surah Al-Baqarah 2:176
Chikonzero ndechokuti Allah vakadzikisa pasi Bhuku (Qur’aan) muchokwadi. Uye zvirokwazvo, avo vanopikisa pamusoro peBhuku (Qur’aan), zvirokwazvo, vari kure-kure panyaya dzokupikisana
Verse 177 — Surah Al-Baqarah 2:177
Hakuzi Al-Birr (kunatsa kana kururama) kuti munotendeudza zviso zvenyu motarisa kumabvazuva kana kumadokero (pakunamata), asi chinonzi Al-Birr (ruvara rwe) uyo anotenda muna Allah, zuva rekupedzisira, mungirozi, mabhuku, maporofita, uye anopa hupfumi zvisinei nemadiro hwanouita, kuhama dzepedyo, kunherera, uye kune Al-Masaakeen (varombo), uye kuvafambi venzira, uye kune avo vanokumbira rubatsiro, uyezve kusunungura nhapwa, uye kuita Swalaah (munamato), uye achipa Zakaah (chipo kuvarombo), uye avo vanozadzikisa chibvumirano mushure mokuchironga, uye avo vane moyo murefu munguva yematambudziko, uye mumarwadzo uye munguva yehondo. Ava ndivo vanhu vari pachokwadi uye vari Al- Muttaqoon (vatsvene)
Verse 178 — Surah Al-Baqarah 2:178
Imi vanotenda! Al-Qiswaas (mutemo wekuenzanisa mutongo) wakamanikidzirwa kwamuri maererano nemhosva yokuuraya: Akasungunuka ne akasungunuka, muranda nemuranda, uye mukadzi nemukadzi. Asi kana muurayi akaregererwa chipi zvacho chinhu namukoma (kana chero hama) yemufi maererano nemari yeropa (muripo), saka shandai naye mune zvakanaka, uye mubhadharo wemuripo weropa kune vasara ngauitwe mune zvakanaka. Uku ndiko kurerutsirwa netsitsi kubva kuna Tenzi venyu (Allah). Mushure meizvi ani-nani achapfuurira miganhu yaAllah (nokuuraya muurai mushure mokubvisa muripo wemari yeropa), achawana mutongo unorwadza zvikuru
Verse 179 — Surah Al-Baqarah 2:179
Uyezve mune kuchengetedzwa kweupenyu mu Al-Qiswaas (mumutemo wekuenzanisa mutongo), imi vanhu veuchenjeri, kuti muve Al-Muttaqoon (vatsvene)
Verse 180 — Surah Al-Baqarah 2:180
Zvakamanikidzirwa kwamuri, kuti kana rufu rwasvikira ani-nani wenyu, kana asiya hupfumi kuti ave anoraira nhaka kune vabereki uye nehama dzepedyo mune zvakanaka. (Iri ndiro) basa rinomanikidzirwa Al-Muttaqoon (vatsvene)
Verse 181 — Surah Al-Baqarah 2:181
Nokudaro ani-nani anochinja nhaka mushure mokuinzwa, zvirokwazvo chitadzo chacho chichave kune avo vanoichinja. Zvirokwazvo, Allah ndivo munzwi wezvose, muzivi wezvose
Verse 182 — Surah Al-Baqarah 2:182
Asi uyo anotyira murairi wenhaka kuti achabatirira vamwe (kurerekera divi) kana kuita zvakaipa, uyezve anobva aisa runyararo pakati pezvikwata izvi, hapana chitadzo kwaari. Zvirokwazvo, Allah ndivo vaneruregerero rwose, netsitsi dzose
Verse 183 — Surah Al-Baqarah 2:183
Imi vanotenda! Kutsanya kwakamanikidzirwa kwamuri sekumanikidzirwa kwakanga kwakaitwa kune vaivapo imi musati mavepo, kuti zvimwe mungatye Allah
Verse 184 — Surah Al-Baqarah 2:184
Kutsanya kwemazuva akatarwa, asi kana umwe wenyu achirwara, kana kuti ari parwendo (anofanira kutsiva mazuva aya) kubva kune mamwe mazuva. Uye kune avo vanoomerwa nekutsanya (vachembera nevanorwara) vane (sarudzo) yokutsanya kana kupa zvekudya kumurombo (zvezuva roga-roga risina kutsanywa). Asi ani-nani anozviitira chakanaka, zvakanakira iye. Uye kutsanya kwakakunakirai imi dai henyu maiziva
Verse 185 — Surah Al-Baqarah 2:185
Mwedzi weRamadhaan ndiwo mwedzi wakadzikiswa Qur’aan segwara revanhu, uye humboo huri pachena hwegwara, uye musiyaniso (wepakati pezvakanaka nezvakaipa). Nokudaro ani-nani wenyu anoona mwedzi uchigara (husiku hokutanga) wemwedzi (weRamadhaan), anofanira kutsanya mwedzi iwowo, uye ani-nani arikurwara kana ari parwendo, mazuva akafana (neayo aasina kutsanya anofanira kutsiviwa) nemamwe mazuva. Allah vanokushuvirai zviri nyore, uye havadi kuti zvinhu zvikuomerei imi. (Vanoda kuti imi) mupedzise (mazuva) akafanana, uye kuti muve munorumbidza Allah nekukuratidzai gwara zvimwe mungapa kutenda kwavari
Verse 186 — Surah Al-Baqarah 2:186
Uye kana varanda vangu vakakubvunza (Iwe Muhammad (SAW)) maererano neni, (vapindure uchiti), Zvirokwazvo ndiri pedyo (kwavari neruzivo rwangu). Ndinopindura chikumbiro chouyo anondidana kana achinge andidana (pasina mumiririri). Nokudaro ngavave vanonditeerera, nokutenda mandiri, kuti vave vanotungamirirwa munzira kwayo
Verse 187 — Surah Al-Baqarah 2:187
Zvinobvumidzwa kwamuri kusangana nevakadzi venyu (pabonde) husiku wemazuva ekutsanya. Vanova Libas yenyu (nguwo dzenyu uye munofadzwa nekugara navo) uye nemiwo kwavari. Allah vanoziva zvamunoviga mumoyo yenyu, nokudaro vanogamuchira (Allah) rupinduko rwenyu, uye vokuregererai. Nokudaro ivai munosangana navo pabonde uye motsvaga zvamakakomekedzwa naAllah (vana), uye idyai nekunwa kusvika shinda chena yemambakwedza yakuoneka kubva kushinda nhema (rima rousiku), uye mova munopedzisa Swaum (kutsanya) kusvika panotangira husiku. Uye musava munosangana navo pabonde (vakadzi venyu) kana muri paI’itikaaf (kuzvibvisa munyika wogara mumba yokunamatira uchiita munamato, nekukumbira kuna Allah). Iyi miganhu yakaiswa naAllah, nokudaro musava munoswedera padyo nayo. Aya matsananguriro anoitwa naAllah mitemo yavo kuvanhu zvimwe vangave Al-Muttaqoon (vatsvene)
Verse 188 — Surah Al-Baqarah 2:188
Uye musava munodya hupfumi hwevamwe venyu zvine udzvanyiriri (kuba, kupamba, kutsotsa), kana kupa chioko muhomwe kuvatongi (kuvatongi vasati vabuditsa nyaya yako) kuti muve munodya chidimbu cheupfumi hwevamwe muchitadza imi muchizviziva
Verse 189 — Surah Al-Baqarah 2:189
Vanokubvunza iwe (Muhammad (SAW)) nezve mwedzi mutsva. Iti: “Zviratidzo zvinotara chidimbu chenguva yakatarwa yevanhu uye yeHajj.” Uyezve haisiyo Al-Birr (hutsvene) kuti muve munopinda mudzimba nekumashure kwadzo, asi Al-Birr (hunhu hweuyo) anotya Allah. Nokudaro pindai mudzimba nepamikova yadzo, uye ityai Allah kuti muve munobudirira
Verse 190 — Surah Al-Baqarah 2:190
Uye rwisai munzira yaAllah avo vanokurwisai, asi musave munopfuurira miganhu. Zvirokwazvo, Allah havadi avo vanopfuurira miganhu (vanotadza). (Ndima iyi ndoyokutanga kuburutswa maererano nenyaya dzekurwa, asi yakazopedziswa neimwe (pa)
Verse 191 — Surah Al-Baqarah 2:191
Uye vaurayei pose pamunovawana, uyezve vadzingei uko kwavakudzingai, uye Al-Fitnah (Miedzo) yakanyanya kuipa kudarika kuuraya. Uye musava munorwa navo muAl-Masjid Al- Haraam (Nzvimbo tsvene iri kuMakkah), kunze kwekuti ivo vatanga kukurwisai mairi. Asi kana vakurwisai, nokudaro vaurayei. Uyu ndiwo mugove wevasingatendi
Verse 192 — Surah Al-Baqarah 2:192
Asi kana vamisa (kurwa), nokudaro zvirokwazvo Allah ndivo vane ruregerero rwakanyanya, vane tsitsi zhinji
Verse 193 — Surah Al-Baqarah 2:193
Uye varwisei kusvika pasisina Fitnah (kusatenda uye kunamata vamwe vachisanganiswa naAllah) uye [dzose mhando] dzokunamata dzova dzaAllah. Asi kana vamisa (kurwa), ngapasave nokurwa (kuvengana), kunze kwekune maDhaalimoon (vaiti vezvakaipa neavo vanonamata vanamwari vakawanda)
Verse 194 — Surah Al-Baqarah 2:194
Mwedzi unoyera nemwedzi unoyera, uye kuzvinhu zvakarambidzwa kune mitemo yeQiswaas (mutemo wekuenzanisa mutongo). Nokudaro ani nani anopfuurira nokuita zvakarambidzwa kwamuri, ivai munoitawo zvakaenzana nezvakadaro kwaari zvaakuitirai. Uye mova munotya Allah, uye zivai kuti Allah vane Al-Muttaqoon (vatsvene)
Verse 195 — Surah Al-Baqarah 2:195
Uyezve ipai (nekubvisa upfumi) munzira yaAllah (Jihad nemhando dzayo dzose), uye musava munozvipinza mumatambudziko nemaoko enyu (nokusazvipira mukubvisa hupfumi munzira yaAllah), uye itai zvakanaka. Zvirokwazvo, Allah vanoda Al-Muhsinoon (vaiti vezvakanaka)
Verse 196 — Surah Al-Baqarah 2:196
Uye itai zvakanaka [zviito zveHajj neUmrah semaitiro aiitwa namutumwa Muhammad (SAW)) Hajj neUmrah (kushanya kuMakkah) muchizviitira Allah. Asi kana marambidzwa (kupedzisa mabasa eHajj nokudaro), urayai sechipiro (mhuka: ngamera, mombe kana hwai) yamunokwanisa. Uye masave munogera misoro yenyu kusvika mhuka yasvika panzvimbo yokupira. Uye ani nani wenyu arikurwara kana ane maronda mumusoro make (anoda kuti agere musoro wake), anofanira kubhadhara Fidyah (muripo) wekutsanya (mazuva matatu), kana kupa Sadaqah (chipo) [kupa chokudya kuvanhu vatanhatu], kana kupira nokuuraya (hwai imwe chete). Asi kana mave pakachengetedzeka uye ani nani anoita Umrah mumwedzi weHajj asati aita Hajj (Hajj-al- Tamattu’ ne Al-Qiraan), anofanira kupira Hady (mhuka) iyo yaanokwanisa, asi kana asingakwanisi, anofanira kutsanya mazuva matatu munguva yeHajj nemazuva manomwe kana adzokera (kumba kwake), kuita mazuva gumi ose. Izvi ndezveuyo ane mhuri yake isiri munharaunda ye Al-Masjid Al-Haraam (asiri mugari muMakkah). Uye ityai Allah zvikuru, uye zivai kuti Allah vane mutongo wakaomarara
Verse 197 — Surah Al-Baqarah 2:197
Hajj (kushanya) kuri mumwedzi inonyatsozivikanwa (mwedzi wechi 10 newechi 11 nemazuva gumi ekutanga mumwedzi wechi 12 tichishandisa karenda yeIslaam) (mwedzi miviri nemazuva gumi). Nokudaro ani nani anotanga kuita Hajj mumwedzi iyoyo (akaita Niyyah nokupfeka Ihraam), haafanire kuita bonde (nemukadzi wake), kana kuita chitadzo, kana kukakavadzana zvisina maturo munguva yeHajj. Uye chakanaka chose chamunoita, (zivai kuti) Allah vanochiziva. Uye fambai nembuva yeparwendo, asi mbuva yakanaka i Taqwa (kuzvininipisa, hutsvene). Nokudaro ityai ini, imi vane nzwisiso (njere)
Verse 198 — Surah Al-Baqarah 2:198
Hapana chitadzo kwamuri kana mukatsvaga makomborero kubva kuna Tenzi venyu (munguva yeHajj nekutengesa). Kana mabva kuArafaat, rangarirai Allah (nekuvarumbidza, nemunamato nekuvakumbira) muri panzvimbo ye Al-Mash’ar il-Haraam (Nzvimbo yeMuzdalifah apo panomirwa nevanhu kuHajj husiku wemusi wa 10 vachirumbidza Allah). Uye varangarirei (nekuvakumbira Allah zvese zvakanaka) sekukupai kwavakaita gwara, uye zvirokwazvo, mumashure maive vamwe veavo vakarasika
Verse 199 — Surah Al-Baqarah 2:199
Uyezve mobva panzvimbo dzose dzirikubva vamwe vanhu uye mokumbira ruregerero rwaAllah. Zvirokwazvo, Allah ndivo vane ruregerero rwose, uye tsitsi dzose
Verse 200 — Surah Al-Baqarah 2:200
Saka kana mapedza maManaasik (mabasa enyu eHajj), rangarirai Allah semarangario amunoita madzibaba enyu kana kudarika ipapo. Asi pakati pevanhu pane uyo anoti: “Tenzi vedu! Tipeiwo (makomborero enyu) pano pasi!” uye munhu akadaro hawani mugove mune ramangwana
Verse 201 — Surah Al-Baqarah 2:201
Uye pakati pavo kune vamwe vanoti: “Tenzi vedu! Tipeiwo zvakanaka pano pasi nezvakanaka mune ramangwana, uye mova munotidzivirira kumarwadzo emoto!”
Verse 202 — Surah Al-Baqarah 2:202
Ivavo vachapihwa chidimbu chezvavakaita. Uye Allah vanokurumidza kutonga kwavo
Verse 203 — Surah Al-Baqarah 2:203
Uye rangarirai Allah pamazuva akatarwa. Asi uyo anokurumidza kuenda mumazuva maviri (musi wa 11 na 12), hapana chitadzo kwaari; uyezve uyo anononoka kuenda, hapana chitadzo kwaari, kana chinangwa chake chiri chokuita zvakanaka uye kuremekedza Allah, uye zivai kuti zvirokwazvo muchaunganidzwa kwavari
Verse 204 — Surah Al-Baqarah 2:204
Uye muvanhu mune uyo mashoko ake anokufadza iwe (Muhammad (SAW)) muhupenyu hwepanyika, uye anoda Allah kuti vave mupupuri weizvo zviri mumoyo make, asi ariiye mupikisi zvakanyanya (umwe wemhandu)
Verse 205 — Surah Al-Baqarah 2:205
Asi kana abva (pauri Muhammad (SAW)), anofamba munyika achiita zvisakarurama mairi, uye achiparadza zvirimwa nezvipfuwo, uye Allah havadi zvisakarurama
Verse 206 — Surah Al-Baqarah 2:206
Uye kana zvikanzi kwaari: “Itya Allah”, anobatwa nekuzvitutumadza owedzera zvivi. Nokudaro Gehena ndiyo ichava nzvimbo yake yakamukwanira, uye zvirokwazvo ndiyo nzvimbo yakaipisisa yokuzorora
Verse 207 — Surah Al-Baqarah 2:207
Uye muvanhu kune avo vanozvitengesa vachitsvaga mufaro waAllah. Uye Allah ndivo vane ngoni dzose kuvaranda vavo
Verse 208 — Surah Al-Baqarah 2:208
Imi vatendi! Pindai muIslaam zvakazara (nekuchengetedza mitemo yose yechitendero cheIslaam), uye musava munotevera tsoka dzaShaitwaan (Satani). Zvirokwazvo, muvengi ari pachena kwamuri
Verse 209 — Surah Al-Baqarah 2:209
Nokudaro mukatsaudzira mushure mehumboo huri pachena (mutumwa Muhammad (SAW) uye neQur’aan ne Islaam) hwauya kwamuri, nokudaro zivai kuti Allah ndivo samasimba ose, vane huchenjeri hwese
Verse 210 — Surah Al-Baqarah 2:210
Saka vakamirira here chimwe chinhu here kunze kwekuti Allah vanofanira kuuya kwavari vari mumumvuri wemakore nengirozi? (Nokudaro) dai nyaya yakatotongwa kare. Uye kuna Allah ndokunodzokera nyaya dzose
Verse 211 — Surah Al-Baqarah 2:211
Bvunza vana vaIzirairi kuti zvingani zvidzidzo zviri pachena zvatakavapa. Uye ani nani anosandura makomborero aAllah mushure mokuuya kwaari (kuramba chitendero cheIslaam), nokudaro zvirokwazvo, mutongo waAllah wakaomarara
Verse 212 — Surah Al-Baqarah 2:212
Hwakanatswa hupenyu hwepano pasi kune avo vasingatendi, uye vanotsvinyira avo vanotenda. Asi avo vanoremekedza mitemo yaAllah uye vachigara kure neizvo zvavakarambidza, vachange vari pamusoro pavo muzuva rokumutswa. Uye Allah vanopa [makomborero neruremekedzo rwezuva rokumutswa] kuna ani nani wavanoda, makomborero asingaverengeki
Verse 213 — Surah Al-Baqarah 2:213
Vanhu vose vakange vari boka rimwechete uye Allah vakatumira maporofita nemashoko akanaka nechenjedzo, uye kuburikidza mavari vakatumira pano pasi Magwaro echokwadi kuti ave anotonga pakati pevanhu muzvinhu zvavanosiyana. Uye hapana vakasiyana kunze kweavo vakaripihwa (Gwaro) mushure mehumboo huri pachena hwauya kwavari zvichikonzerwa noruvengo pakati pavo. Nokudaro Allah vakatungamira avo vanotenda muchokwadi chevaipesana. Uye Allah nekuda kwavo vanotungamira ani nani wavanoda munzira yakatwasuka
Verse 214 — Surah Al-Baqarah 2:214
Kana kuti munofunga here kuti muchapinda Paradhiso pasina miedzo yauya kwamuri, seiyo yakauya kune avo vakaenda musati mavepo? Vakava vanowirwa nenzara yakaomarara uye marwadzo uye vakava vanozunzwa zvokuti mutumwa uye neavo vaitenda pamwechete naye vakati: “Ndirinhi (pachauya) rubetsero rwaAllah?” Ndizvo! Zvirokwazvo, rubetsero rwaAllah rwuri pedyo
Verse 215 — Surah Al-Baqarah 2:215
Vanokubvunza iwe (Muhammad (SAW)) kuti ndezvipi zvavanofanira kupa sechipo. Iti: Zvose zvakanaka zvamunopa zvinofanira kupihwa vabereki, hama dzepedyo uye nherera uye Al- Masaakeen (vanoshaya), uye mufambi wenzira, uye chose chamunoita chakanaka, zvirokwazvo, Allah vanonyatsochiziva
Verse 216 — Surah Al-Baqarah 2:216
Kurwa munzira yaAllah kwakakomekedzwa kwamuri (maMuslim) kunyangwe musingakudi; uye munokwanisa kuve musingadi chinhu, icho chakakunakirai; kana kuti munoda chinhu, icho chakakuipirai. Uye Allah vanoziva, asi imi hamuzivi
Verse 217 — Surah Al-Baqarah 2:217
Vanokubvunza maererano nekurwa mumwedzi inoyera (1st, 7th, 11th uye 12th yepa karenda yeIslaam). Iti: “Kurwa mairi (kutadza) kukuru, asi (chitadzo) chikuru kuna Allah ndechokutadzisa vanhu kutevera nzira yaAllah, kusatenda mavari (Allah), kudzivirira kuenda ku Al-Masjid Al-Haraam (kuMakkah), uye kuburitsa vagari vemo. Uyezve Fitnah (miedzo) yakanyanya kuipa kukunda kuuraya. Uye havafi vakamira kurwa nemi kusvika vakubvisai pachitendero chenyu (Islaam) kana vachikwanisa. Uye ani nani wenyu achabva pachitendero chake obva afa ari mukusatenda, nokudaro ava mabasa avo achashaya basa pano panyika nemuhupenyu hwamangwana. Uye ava vachave vari vanhu vekumoto. Vachagara ikoko zvachose.”
Verse 218 — Surah Al-Baqarah 2:218
Zvirokwazvo, avo vakatenda, uye avo vakatama (nechinangwa chechitendero chaAllah), uye vakashanda nesimba munzira yaAllah, ava vane shuviro yetsitsi dzaAllah. Uye Allah ndivo vanoregerera zvikuru, vane tsitsi dzose
Verse 219 — Surah Al-Baqarah 2:219
Vachakubvunza (Muhammad (SAW)) maererano nezvinwiwa zvinodhaka nemakasi. Iti: “Mazviri mune chitadzo chihombe, uye (zvimwe) zvakanakira vanhu, asi chitadzo chazvo chihombe kudarika kunaka kwazvo.” Uye vanokubvunza nezvavanofanira kupa. Iti: “Izvo zviri pamusoro pezvakakukwanirai.” Saizvozvo Allah vanobuditsa pachena micherechedzo yavo kuti zvimwe mungava munofunga
Verse 220 — Surah Al-Baqarah 2:220
Maererano nehupenyu wepano pasi nemuhupenyu hwemangwana. Uye varikukubvunza maererano nenherera. Iti: “Kuvaitira zvakanaka, kwakanaka; asi kana mukagarisana nadzo (muchishandisa hupfumi hwenyu nehwadzo pamwechete), nekudaro madzikoma enyu. Uye Allah vanoziva uyo ari kudziitira zvisakarurama (kudya hupfumi hwadzo) kubva kune uyo ari kudziitira zvakanaka (kuchengetedza hupfumi hwadzo). Uye dai Allah vaida, zvirokwazvo vaikuisai mumatambudziko. Uye zvirokwazvo, Allah ndivo mukuru wezvose, vane huchenjeri hwese.”
Verse 221 — Surah Al-Baqarah 2:221
Uyezve musava munoroora Al-Mushrikaat (vakadzi vanonamata zvidhori nezvimwe zvinhu) kusvika vatenda (muna Allah vega). Uye zvirokwazvo, murandakadzi anotenda ari nani pane muMushrikah (mukadzi anonamata zvimwe zvinhu) akasununguka kunyangwe achikufadzai. Uye musava munopa (vanhukadzi venyu) muroora kuma Mushrikoon (varume vanonamata zvidhori nezvimwe zvinhu) kusvika vatenda (kuna Allah vega). Uye zvirokwazvo, muranda-rume anotenda ari nani pane muMushrik (munamati wezvidhori nezvimwe zvinhu) akasununguka, kunyangwe achikufadzai. Avo ma (Al-Mushrikoon) vanokwezvera kumoto, asi Allah vanokwezvera kuParadhiso uye ruregerero nekuda kwavo, uye vanoita kuti zvidzidziso zvavo zvive pachena kuvanhu zvimwe vangangorangarira
Verse 222 — Surah Al-Baqarah 2:222
Vanokubvunza maererano nekutevera (Haidh). Vaudze kuti chinhu chinokuvadza (kuti murume asangane nemudzimai ari kumwedzi pabonde). Naizvozvo ivai munozvidzivirira kusangana nemadzimai enyu pabonde munguva dzavo dzekutevera kudzamara vachena (vapedza mazuva ekutevera uye vashambidzika). Kana vachinge vazvishambidza, ivai munosangana navo pabonde sezvamakakomekedzwa naAllah (ivai munoita navo bonde neipi nzira zvayo kunyange pari pasika rudzi). Zvirokwazvo, Allah vanoda avo vanhu vanovakumbira ruregerero uye vanoda avo vanhu vanozvishambidza
Verse 223 — Surah Al-Baqarah 2:223
Madzimai enyu iminda yenyu, naizvozvo pindai muminda yenyu, nenguva uye nenzira yamunoda, uyezve mova munozvitumidzira mabasa akanaka (kuna Allah). Uye ityai Allah, uye moziva kuti muchasangana naAllah (muhupenyu hunotevera), uye ipa vimbiso yakanaka kuvatendi vese (iwe Muhammad (SAW)
Verse 224 — Surah Al-Baqarah 2:224
Uye musava munotora zita raAllah seboterero pamhiko dzenyu mukusaita kwenyu mabasa akanaka nekusatya Allah, uye nekuunza runyararo pakati pevanhu. Uye Allah vanonzwa zvese, vanoziva zvikuru
Verse 225 — Surah Al-Baqarah 2:225
Allah havakutongei pane izvo zviri mumhiko dzenyu dzamunoita musingadi, asi vachakutongai pane izvo moyo yenyu inoita ichida. Uye Allah vanoregerera zvikuru, vane tsitsi zhinji
Verse 226 — Surah Al-Baqarah 2:226
Kune avo vanotora mhiko yekusaita bonde nemadzimai avo, vanofanirwa kumira kwemwedzi mina (4), asi kana vazosandura pfungwa (pakati pemwedzi mina iyi), zvirokwazvo, Allah vazere neruregerero, uye vane tsitsi zhinji
Verse 227 — Surah Al-Baqarah 2:227
Uye kana vasarudza zvechokwadi kuramba (madzimai avo), zvirokwazvo, Allah vanonzwa zvese, vanoziva zvakanyanya
Verse 228 — Surah Al-Baqarah 2:228
Uye kune avo vakadzi vanenge varambwa vanofanirwa kumira pachezvavo kusvikira vatevera katatu, uye hazvitenderwi kwavari kuti vave vanoviga izvo zvavakasikirwa naAllah muzvibereko zvavo, kana vachitenda muna Allah uye muzuva rekupedzisira. Uye varume vavo vane kodzero yekuvatora zvekare panguva iyoyo kana vashuvira kugarisana zvakare. Uye madzimai ane kodzero (yekuchengetedzwa nevarume vavo) dzakafanana nedzevarume vavo kwavari (madzimai, kuteerera varume vavo nekuvaremekedza) mune zvakanaka, asi varume vane chidanho pamusoro pavo (madzimai chekuvachengetedza). Uye Allah ndivo vane simba rose, vane hungwaru hwese
Verse 229 — Surah Al-Baqarah 2:229
Kugura muchato (Talaaq) kaviri, uye mushure maizvozvo unokwanisa kumutorazve (mudzimai) mune zvakanaka kana kumusiya mune zvakanaka. Uye hazvitenderwi kwamuri (varume) kuti mutore zvimwe zvezvinhu zvamakavapa (seMahr: Chipo chinobviswa nemurume achipa mudzimai wake pavanoroorana) kunze kwekuti vose (mukadzi nemurume) vachitya kuti havazokwanisi kutevedzera miganhu yaAllah. Uye kana muchitya kuti havazokwanisi kuchengetedza miganhu yaAllah, naizvozvo hapana chitadzo kwavari nezvaanodzorera (mudzimai, ingave Mahr yese kana chidimbu kuti vagure muchato (Khul’)). Iyi ndiyo miganhu yaAllah, naizvozvo musaipfurikidze. Uye uyo munhu achapfurikidza miganhu yaAllah, zvirokwazvo, vanhu vakadaro ndivo vatadzi
Verse 230 — Surah Al-Baqarah 2:230
Uye kana akamuramba kechitatu, naizvozvo haachabvumidzwi kwaari mushure mezvo (mudzimai) kudzamara awanikwa neumwe murume. Kana akarambwa nemurume wechipiri, hapana chitadzo kwavari kuti vadzokerane zvakare kana vachifunga kuti vachakwanisa kutevedzera miganhu yaAllah. Iyi ndiyo miganhu yaAllah yavarikutsanangura kuvanhu avo vane ruzivo
Verse 231 — Surah Al-Baqarah 2:231
Uye kana maramba madzimai uye vave pedyo kuzadzikisa nguva yavo (kutevera katatu), vatorei mune zvakanaka kana vasiyei mune zvakanaka. Asi musave munovatora kuti muve munovatambudza, muchipfurikidza murairo; uye wese anodaro, zvirokwazvo anenge azvitadzira pachake. Uye musava munotora mitemo yaAllah sedambe, asi rangarirai makomborero aAllah kwamuri, uye neGwaro nehungwaru (Sunnah) zvavakakutumidzirai vachikuyambirai nazvo. Uye ityai Allah, uye moziva kuti Allah vanoziva zvinhu zvose zvakanyanya
Verse 232 — Surah Al-Baqarah 2:232
Uye kana muchinge magura muchato nemadzimai uye vazadzikisa nguva yavo yakatarwa, musava munovadzivirira mukuwanikwa nevarume vavo (vokutanga), kana vatenderana vari mukunzwisisana. Iyi ikurudziro kune uyo pakati penyu anotenda muna Allah uye nezuva rekupedzisira. Izvi zvakanaka pamwe nekuchena kwamuri. Uye Allah vanoziva uye imi hamuzivi
Verse 233 — Surah Al-Baqarah 2:233
Uye madzimai vachayamwisa vana vavo kwemakore maviri, kune avo vanonzwa kuda kuzadzisa nguva yekuyamwisa, asi baba vemwana vachabuditsa muripo wechikafu chavo uye mbatya mune zvakanaka. Hakuna munhu achapihwa mutoro waasingakwanisi kutakura. Hapana mudzimai achabatwa zvisina kufanira pamusoro pemwana wake, kana baba pamusoro pemwana wavo. Uye kune mugari wenhaka yababa anofanira kuita zvakafanana naizvozvo (kuchengeta mwana). Kana vachida kurumura mushure mekuwirirana nekutaurirana kwavo, hapana chitadzo pavari. Uye kana muchida vekuyamwisa vana venyu (vasiri vanaamai vavo), hapana chitadzo kwamuri, kana mukavapa mubhadharo wamunovapa mune zvakanaka. Uye ityai Allah, uye zivai kuti Allah vanoona izvo zvamunoita
Verse 234 — Surah Al-Baqarah 2:234
Uye avo vanofa pakati penyu vachisiya vakadzi, (vakadzi) vanomirira pachezvavo kwemwedzi mina nemazuva gumi. Kana vachinge vazadzikisa nguva yavo (mwedzi mina nemazuva gumi), hapana chitadzo pamuri kune zvavanozviitira pachavo mune zvakanaka (Vanokwanisa kuroorwa). Uye Allah vanoziva izvo zvamunoita
Verse 235 — Surah Al-Baqarah 2:235
Uye hapana chitadzo pamuri nezvamunoratidza muchipfimba madzimai (vafirwa nevarume) neizvo zvamunoviga mamuri. Allah vanoziva kuti muchavarangarira, asi musavimbisane navo muchihwande (muchipfimbana) kunze kwekutaura shoko rakanaka. Uye musaite hurongwa hwekuvaroora kudzamara nguva yakwana. Uye zivai kuti Allah vanoziva izvo zvirimupfungwa dzenyu, saka vachenjerei. Uye zivai kuti Allah vazere neruregerero, vane tsitsi zhinji
Verse 236 — Surah Al-Baqarah 2:236
Hapana chitadzo kwamuri kana mukaramba madzimai musati mavabata (kusangana pabonde), kana kutara Mahr yavo (Chipo chinobviswa nemurume achipa mudzimai wake pavanoroorana). Asi vapei (chipo chakafanira), mupfumi zvichienderana nezvaari uye murombo zvichienderana nezvaari, chipo chakanaka chinopuhwa nevanoita mabasa akanaka
Verse 237 — Surah Al-Baqarah 2:237
Uye kana mukavaramba musati masangana navo (pabonde) mushure mekutara Mahr, chivai munovapa chidimbu chepakati chayo (Mahr) chamakatara, kunze kwekuti kana (vakadzi) varegerera (Mahr), kana kuti (murume) uyo akabata muchato aregerera (uye omupa Mahr yese). Uye kuregerera kuri pedyo nekutya Allah. Uyezve musava munokanganwa mutsa pakati penyu. Zvirokwazvo, Allah vanoona izvo zvamunoita
Verse 238 — Surah Al-Baqarah 2:238
Chengetedzai zvakanyanya As-Swalawaat (minamato mishanu yepazuva) kunyanya munamato wepakati (wakakosha, Swalaah yeAsr). Uyezve ivai munomira pamberi paAllah makazvininipisa nemoyo wese
Verse 239 — Surah Al-Baqarah 2:239
Uye kana muchitya (muvengi), itai Swalaah (munamato) muchifamba kana makatasva (ringava bhiza kana ngamera). Uye kana muri pakachengetedzeka, rangarirai Allah sekukudzidzisai kwavakakuitai izvo zvamaisaziva
Verse 240 — Surah Al-Baqarah 2:240
Uye avo vanofa pakati penyu uye vosiya vakadzi, vanofanira kusiya muWiri raramiso yevakadzi vavo kwegore uye pekugara vasina kubuditswa, asi kana (vakadzi) vakabuda vega, hapana chitadzo pamuri pane izvo zvakanaka zvavanoita pachezvavo, asi zviri zvakanaka (sekunoroorwa zviri pamutemo). Uye Allah mukuru wezvose, vane hungwaru hwese
Verse 241 — Surah Al-Baqarah 2:241
Uye vakadzi vanenge varambwa, vanofanirwa kuwana raramiso yakanaka (nguva yeIddah). Iri ibasa kune avo vanotya Allah nekuita zvakanaka
Verse 242 — Surah Al-Baqarah 2:242
Naizvozvo Allah vanobuditsa pachena mirairo yavo kwamuri, kuti muve munonzwisisa
Verse 243 — Surah Al-Baqarah 2:243
Hauna kuona here (Muhammad (SAW)) avo vakabva mudzimba dzavo vari zviuru vachitya rufu? Allah vakati kwavari: “Ifai.” Uye mushure mezvo ndokuvamutsa. Zvirokwazvo, Allah vakazara nemakomborero kuvanhu, asi vanhu vazhinji havatendi
Verse 244 — Surah Al-Baqarah 2:244
Uye irwai munzira yaAllah uye zivai kuti Allah vanonzwa zvikuru, vanoziva zvese
Verse 245 — Surah Al-Baqarah 2:245
Ndiani uyo achakweretesa Allah chikwereti chakanaka kuti (Allah) vozochiwedzerera iye kakawanda (uye chozodzorerwa kwaari chawanda)? Uye ndiAllah vanoderedza kana kuwedzera (chikafu chenyu), uyezve kwavari muchava munodzoserwa
Verse 246 — Surah Al-Baqarah 2:246
Hauna kuona here chikwata chevana vaIzirairi mushure maMusa? Apo vakati kune muporofita wavo: “Titsvagirewo mambo uye ticharwa munzira yaAllah.” Akati: “Ko kana kurwa kwakomekedzwa kwamuri, hamuzoregedzi here kurwa?” Vakati: “Tinoregereiko kurwa munzira yaAllah isu tadzingwa mudzimba dzedu pamwe nevana vedu?” Asi apo kurwa pakwakakomekedzwa kwavari, vakave vanofuratira (vakaramba kurwa) kusara kwevashoma vavo. Uye Allah vanoziva zvikuru vatadzi vese
Verse 247 — Surah Al-Baqarah 2:247
Uye muporofita wavo (Sameri) akati kwavari: “Zvirokwazvo, Allah vagadzika (Sauro) samambo wenyu.” Vakati: “Sei azova mambo kwatiri isu takakodzera humambo kumudarika, uyezve haana kupihwa hupfumi hwakakwana?” Akati: “Zvirokwazvo, Allah vamusarudza kudarika imi uye vakamuwedzera ruzivo rwuzhinji uyezve nekugwinya. Uye Allah vanopa humambo hwavo kune uyo wavada. Uye Allah vanopa zvinogutsa kuzvisikwa zvavo, muzivi wezvose.”
Verse 248 — Surah Al-Baqarah 2:248
Uye muporofita wavo (Sameri) akati kwavari: “Zvirokwazvo, chiratidzo chehumambo hwake ndechokuti pachauya kwamuri At-Taboot (bhokisi remapuranga), umo mune Sakeenah (runyararo) kubva kuna Tenzi venyu uyezve nemhedzeredzwa yakasiiwa nemhuri yaMusa uye nemhuri yaHaaroon (Aroni) dzakatakurwa nengirozi. Zvirokwazvo, mune izvi mune chiratidzo kwamuri kana muri vatendi
Verse 249 — Surah Al-Baqarah 2:249
Apo Taaloot (Sauro) paakaenda nemauto, akati: “Zvirokwazvo, Allah vachakuedzai nerwizi. Saka uyo achanwa mariri, haasi wangu; uye uyo asingariraviri, ndiye wangu, kusara kweuyo anochera neruoko rwake.” Asi vakanwa mariri vese, kusara kwevashoma vavo. Asi paakariyambuka (rwizi), iye nevamwe vake vatendi, vakati: “Hatina simba zuva ranhasi kubva kunaJaaloot (Goriyati) nemauto ake.” Asi avo vaiziva chokwadi kuti vachave vanosangana naAllah vakati: “Kangani boka revashoma richikurira boka revazhinji nekuda kwaAllah?” Uye Allah vane avo vanotsungirira
Verse 250 — Surah Al-Baqarah 2:250
Uye pavakaenda kunosangana naJaaloot (Goriyati) nemauto ake, vakati: “Tenzi vedu! Dzikisai matiri kutsungirira, uyezve simbisai tsoka dzedu, uye mova munotiita tinokunda vanhu vasingatendi.”
Verse 251 — Surah Al-Baqarah 2:251
Naizvozvo vakave vanovakunda nekuda kwaAllah, uye Dawood (Dhavhidha) akauraya Jaaloot (Goriyati), uye Allah vakamupa humambo (mushure mekufa kwaTaaloot (Sauro)) nehungwaru (huporofita), uye vakamudzidzisa zvavaida. Uye dai Allah vasina kuisa boka revanhu pamusoro perimwe, zvirokwazvo, nyika ingadai yakazara nezvisakarurama. Asi Allah vazere nemakomborero kuzvinhu zvese zvinorarama
Verse 252 — Surah Al-Baqarah 2:252
Idzi ndidzo ndima dzaAllah, tirikudziverengera iwe (Muhammad (SAW)) muchokwadi, uye zvechokwadi, uri umwe wevatumwa (vaAllah)
Verse 253 — Surah Al-Baqarah 2:253
Vatumwa avo! Takasimudzira vamwe vavo kudarika vamwe; vamwe vavo Allah vakataura navo; uye vamwe vakavasimudzira pazvigaro (zverukudzo); uye Isa (Jesu) mwanakomana waMariya, takamupa zviratidzo nehumboo, uye tikamutsigira neRooh-ul-Qudus (Mweya Mutsvene, Gabriel). Dai Allah vakada, madzinza eshure vasina kurwisana pachavo, mushure mekunge ndima dzaAllah dziri pachena dzauya kwavari, asi vakave vanosiyana, vamwe vavo vakatenda uye vamwe vavo havana kutenda. Dai Allah vakada, vangadai vasina kurwisana pachavo, asi Allah vanoita izvo zvavanoda
Verse 254 — Surah Al-Baqarah 2:254
Imi vanotenda! Shandisai izvo zvatakakupai, zuva risati rasvika apo panenge pasina kutengeserana, kana hushamwari, kana kumirirana. Uye avo vasingatendi ndivo vatadzi
Verse 255 — Surah Al-Baqarah 2:255
Allah! Laa ilaaha illaa Huwa (Hapana ane kodzero yekunamatwa kunze kwavo), Al-Hayyul Qayyoom (Vane raramo isingagumi uye muchengetedzi wezvese), Kutsumwaira kana kurara hazvimbovabate. Ivo ndivo muridzi wezvese zviri mumatenga uye nezvese zviri pasi. Ndiani uyo anga miririre kuna ivo kunze nekuda kwavo? Vanoziva zviri kuitika kwavari (zvisikwa zvavo) pano pasi, uye zvichaitika kwavari mune ramangwana. Uye havakwanisi kuziva (kuunganidza) chipi zvacho kubva muruzivo rwavo kunze kweizvo zvavada. Chigaro chavo chakakura kudarika matenga uye nepasi rose, uye kuzvichengetedza hazvivaremeri. Uye ndivo vepamusoro-soro, vahombe zvikuru. (Ndima iyi ndiyo inonzi Aayatul-Kursi)
Verse 256 — Surah Al-Baqarah 2:256
Hakuna kumanikidza muchitendero. Zvirokwazvo, nzira yechokwadi yave inobuda pachena kubva kune nzira yemanyepo. Wese asingatendi muTaaghoot (mifananidzo) uye anotenda muna Allah, anenge abatirira mubato unovimbika wakasimba usingadambuki zvachose. Uye Allah vanonzwa zvikuru, vanoziva zvakanyanya
Verse 257 — Surah Al-Baqarah 2:257
Allah ndivo muchengeti weavo vanotenda. Vanovabuditsa murima vachivapinza muchiedza. Asi kune avo vasingatendi, vachengeti vavo ndivana mwari vemanyepo, vanovabuditsa muchiedza vachivapinza murima (mhando dzakasiyana-siyana dzekusatenda). Avo ndivo vagari vekumoto, umo vachave vanogara nokusingaperi
Verse 258 — Surah Al-Baqarah 2:258
Hauna kuona here uyo akakakavadzana naAbrahamu nezvaTenzi vake, nekuda kwekuti Allah vakanga vamupa humambo? Apo Abrahamu akati: “Tenzi vangu (Allah) ndivo vanopa hupenyu uye vanokonzera rufu.” Akati (Mambo): “Ndinopa hupenyu uyezve ndinokonzera rufu.” Abrahamu akati: “Zvirokwazvo, Allah vanounza zuva kubva kumabvazuva, iwe chiriunza nekumadokero.” Nokudaro uyo asingatendi akava nokukurirwa. Uye Allah havatungamiriri avo vanhu vanoita mabasa akaipa
Verse 259 — Surah Al-Baqarah 2:259
Kana semufananidzo weuyo munhu akadarika nepaguta rakanga rakaparara matenga aro adonhera mukati akati: “Aaa! Allah vacharidzorera sei hupenyu mushure mekunge raparara?” Nokudaro Allah vakaita kuti afe kwemakore zana, uye mushure maizvozvo vakave vanomumutsa. Vakati (Allah): “Wagara nguva yakareba zvakadii (wakafa)?” Akati: “Ndagara zuva rimwechete kana chidimbu chezuva.” Vakati (Allah): “Kwete! Wagara kwemakore zana (wakafa), uye tarisa chikafu chako nezvinwiwa zvako, hazvina kusanduka; uye tarisa mbongoro yako! Naizvozvo tava tinokuita chiratidzo kuvanhu. Uye tarisa mapfupa, kuti tinomabatanidza sei mushure mazvo tomapfekedza nyama.” Mushure mekunge izvi zvaratidzwa pachena kwaari, akati: “Ndinoziva (iyezvino) kuti zvirokwazvo Allah vane masimba pamusoro pezvese.”
Verse 260 — Surah Al-Baqarah 2:260
Uye (rangarira) apo Abrahamu akati: “Tenzi vangu! Ndiratidzei kuti munopa sei hupenyu kune avo vakafa.” Vakati (Allah): “Asi hautendi?” Akati (Abrahamu): “Hongu, ndinotenda, asi kuti moyo wangu uve unogutsikana mukutenda.” Vakati (Allah): “Tora shiri ina wodziita kuti dzikujairire (wova unodzicheka zvibande zvibande), uye wova unotsveta chibande chadzo pagomo rimwe nerimwe, uye wova unodzidaidza, dzichauya kwauri nokukasika. Uye ziva kuti zvirokwazvo Allah ndivo mukuru-mukuru, vane hungwaru hwakanyanya.”
Verse 261 — Surah Al-Baqarah 2:261
Muenzaniso weavo vanoshandisa hupfumi hwavo munzira yaAllah, wakafanana nemuenzaniso wetsanga (yechibage); inobereka miguri minomwe, uye pamuguri wega wega pane tsanga zana. Uye Allah vanowedzera kune uyo wavanoda. Uye Allah vanogutsa zvisikwa zvavo, vanoziva zvose
Verse 262 — Surah Al-Baqarah 2:262
Avo vanoshandisa hupfumi hwavo munzira yaAllah, uye vasingateveri zvavanenge vapa nekurangaridza mune zvakanaka zvavo kana negumo, mubairo wavo una Tenzi vavo. Uye kwavari hakuna kutya kana kusuruvara
Verse 263 — Surah Al-Baqarah 2:263
Mashoko akanaka uye kuregerera zviri nani pane Swadaqah (Chipo) inoteverwa negumo. Uye Allah mupfumi (havana chavanoda) uye vanotsungirira
Verse 264 — Surah Al-Baqarah 2:264
Imi vatendi! Musave munoparadza makomborero emaSwadaqaat (zvipo) zvenyu nerangaridzo yezvakanaka zvenyu kana negumo, seuyo anoshandisa hupfumi hwake kuti aonekwe nevanhu, uye haatendi muna Allah kana muzuva rekupedzisira. Mufananidzo wake wakafanana nedombo rinotsvedza rine huruva (shoma), nekudaro ronaiwa nemvura zhinji yorisiya riri gwenga. Havakwanisi kuita chimwe chinhu neizvo zvavanenge vawana. Uye Allah havatungamiriri vanhu vasingatendi
Verse 265 — Surah Al-Baqarah 2:265
Uye mufananidzo weavo vanoshandisa hupfumi hwavo vachitsvaga mufaro waAllah nekuzvitsigira pachavo uye vachiziva kuti Allah vachavapa mubairo, mufananidzo wemunda uri panzvimbo yakakwirira ine ivhu rakakora, wonaiwa nemvura yakawanda, nokudaro wopa goho rakapetwa kaviri. Uyezve kana usina kuwana mvura zhinji, mvura shoma unoukwanira. Uye Allah vanoona zvese zvamunoita
Verse 266 — Surah Al-Baqarah 2:266
Pane umwe wenyu here anoshuvira kuva nebindu rine miti yemadheti nemagirepi, rine nzizi dzinoerera pasi paro, uye nemichero yose yake yakasiyana-siyana imomo, nekudaro ova anochembera ane vana vasingakwanisi kuzviriritira, nokudaro chamupupuri chine moto chopinda mariri robva ratsva? Saizvozvo Allah vanokutsanangurirai zviratidzo zvavo kuti zvimwe mungave munofunga
Verse 267 — Surah Al-Baqarah 2:267
Imi vatendi! Ipai zvimwe zveizvo zvakanaka zvamunowana neizvo zvatinokubuditsirai kubva muvhu, uye musave munovavarira pane izvo zvakaipa zvazvo muchipa, asi musingakwanisi kutora asi kunze kwekuti makatsinzina. Uye zivai kuti Allah vakapfuma (hapana chavanoda), vane kodzero yekurumbidzwa
Verse 268 — Surah Al-Baqarah 2:268
Satani anokutyisidzirai nehurombo uye anokutumai kuita mabasa akaipa (cheupombwe nezvimwe zvitadzo); asi Allah vanokuvimbisai ruregerero kubva kwavari uye nemakomborero, uye Allah vanokwanisa kuchengetedza zvisikwa zvavo zvose, uye vanoziva zvakanyanya
Verse 269 — Surah Al-Baqarah 2:269
Vanopa hungwaru kune uyo wavanoda, uye uyo anenge apihwa hungwaru, zvirokwazvo anenge apihwa makomborero mazhinji. Asi hapana anorangarira kunze kweavo vanonzwisisa
Verse 270 — Surah Al-Baqarah 2:270
Uye zvese zvamunenge mapa sezvipo kana mhiko dzese dzamunoita, zvirokwazvo, Allah vanozviziva zvese. Uye kune vanoita zvakaipa hakuna vabatsiri
Verse 271 — Surah Al-Baqarah 2:271
Kana mukave munobuditsa zvipo zvenyu zviri pachena, zvakanaka; asi kana mukazvivanza mopa kune varombo, zvinhu zvirinani kwamuri. (Allah) vanokuregererai zvimwe zvezvitadzo zvenyu. Uye Allah vanoziva zvikuru izvo zvamunoita
Verse 272 — Surah Al-Baqarah 2:272
Kutungamirwa kwavo hakubvi kwauri (Muhammad (SAW)), asi Allah vanotungamira uyo wavanoda. Uye chipi zvacho chamunoita chakanaka ndechenyu, uye hamupi kunze kwekuti muchitsvaga mufaro hwaAllah (kuonana navo). Uye chipi zvacho chamunopa chakanaka, muchapuhwa muripo zvizere musina kudzvanyirirwa
Verse 273 — Surah Al-Baqarah 2:273
(Zvipo) kuvarombo, avo vasingakwanisi kufamba munzira yaAllah, uye vasingakwanisi kufamba nenyika (vachishava nekushanda). Uyo munhu asingavazive, anofungidzira kuti vapfumi nekuda kwekuzvibata. Unokwanisa kuvaziva nezviratidzo zvavo, havakumbiri vanhu zvachose. Uye chipi zvacho chamunoita mune zvakanaka, zvirokwazvo, Allah vanochiziva zvikuru
Verse 274 — Surah Al-Baqarah 2:274
Avo vanoshandisa hupfumi hwavo (munzira yaAllah) usiku nesikati, muchivande nepachena, vachawana mubairo wavo unaTenzi vavo. Vanenge vasina kutya kana kusuruvara
Verse 275 — Surah Al-Baqarah 2:275
Avo vanodya Riba (chimbadzo) havazombomira (zuva rekumutswa) kunze kwekumira sokunge uyo Satani anoita kuti afambe zvisina kutwasuka nekupenga; nechikonzero chekuti vanoti: “Zvirokwazvo kutengeserana kwakafanana nechimbadzo,” asi Allah vakatendera kutengeserana uye vakarambidza chimbadzo. Saka uyo anowana mashoko eyambiro kubva kuna Tenzi vake uye wobva arega kudya chimbadzo, zvakaitika kumashure ndezvake (haatongwi nekuda kwezvinhu zvekumashure); nyaya yake iri mumaoko aAllah; asi uyo anodzokera (kuchimbadzo), vakadaro ndivo vagari vekumoto, umo vachagara nekusingaperi
Verse 276 — Surah Al-Baqarah 2:276
Allah vachaparadza Chimbadzo uye vachawedzera hupfumi nezvipo. Uye Allah havadi vasingatendi, vatadzi
Verse 277 — Surah Al-Baqarah 2:277
Zvirokwazvo, avo vanotenda, uye voita mabasa akanaka, uye vonamata (kashanu pazuva), uye vopa Zakaah (Zvipo kuvarombo), vachawana mubairo wavo kuna Tenzi vavo. Uye vachange vasina kutya, kana kusuruwara
Verse 278 — Surah Al-Baqarah 2:278
Imi vanotenda! Ivai munotya Allah uye muve munosiya zvinenge zvasara kubva muchimbadzo (kubva iyezvino zvichienda mberi), kana muri vatendi (vechokwadi)
Verse 279 — Surah Al-Baqarah 2:279
Uye mukasava munozviita, chitorai mucherechedzo wehondo kubva kuna Allah nemutumwa wavo (Muhammad (SAW)), asi mukakumbira ruregerero, muchava munotora mari yenyu yamunenge makweretesa musingadzvanyiriri (nekutora mari inopfuura yamakakweretesa), kana kudzvanyirirwa (nekuwana mari iri pasi peiyo yamakakweretesa)
Verse 280 — Surah Al-Baqarah 2:280
Uye kana mukwereti ari panguva yakaoma (asina mari), mupei mukana kusvika zvava nyore kwaari kuti aripe, asi kana mukaregerera senzira yechipo, zvakanakira imimi kana muchiziva
Verse 281 — Surah Al-Baqarah 2:281
Uye ivai munotya iro zuva ramuchadzoserwa kuna Allah. Munhu wese acharipwa zvichienderana nezvaakaiita, uye havazombodzvinyirirwi
Verse 282 — Surah Al-Baqarah 2:282
Imi vanotenda! Kana muchinge mabvumirana chikwereti kusvika nguva yakatarwa, ivai munochinyora pasi. Regai munyori anyore pasi zvine ruenzaniso pakati penyu. Munyori ngaasarambe kunyora sezvaakadzidziswa naAllah, nekudaro regai anyore. Uye uyo anechikwereti anofanirwa kutaura zvekunyora, uye anofanirwa kutya Allah, Tenzi vake, uye haafanirwi kusiya chipi zvacho (maererano nacho). Asi kana mukwereti anekunzwisisa kushoma, kana asingakwanisi kuzviriritira, kana asingakwanisi kutaura zvekunyora pachake, nekudaro muchengeti wake anofanirwa kutaura zvekunyora zvine ruenzaniso. Uye torai zvapupu zviviri kubva kuvarume pakati penyu. Uye kana pasina varume vaviri, tsvagai murume nevakadzi vaviri, avo vamunogutsikana navo sevapupuri, kuitira umwe wevakadzi akakanganisa, umwe wavo anomuyeuchidza. Uye vapupuri havafanirwi kuramba kana vachinge vadaidzwa (kunopa humboo). Uye musave nenungo pakuchinyora (chibvumirano chenyu), kunyangwe chiri chidiki kana chihombe nenguva yacho yakatarwa. Izvi zvinhu zvakaenzana kuna Allah, uye zvakanyanya kusimba sehumboo, uye zvinonyanya kudzivirira kugunun’una pakati penyu, kunze kwekuti kuri kutengeserana kwepanguva iyoyo kwamunoita panzvimbo pakati penyu, nokudaro hapana chitadzo pamuri kana mukasanyora pasi. Asi torai vapupuri pose pamunoita chibvumirano chekutengeserana. Uyo munyori kana mupupuri asave anoitirwa gumo (anokanganiswa), asi kana mukaita izvi (kumukanganisa), zvirokwazvo chinova chitadzo chikuru mamuri. Saka ityai Allah; uye Allah vanokudzidzisai. Uye Allah vanoziva zvese
Verse 283 — Surah Al-Baqarah 2:283
Uye kana muri parwendo uye musingakwanisi kuwana munyori, ngapave panotorwa batiso; kana umwe wenyu achivimba neumwe wake, uye akavimbwa naye ngaape chivimbiso chake, uye ngaatye Allah, Tenzi vake. Uye musavanze humboo, uye uyo anouvanza, zvirokwazvo moyo wake unenge uchitadza. Uye Allah vanoziva zvikuru zvamunoita
Verse 284 — Surah Al-Baqarah 2:284
Allah ndivo muridzi wezvose zviri mumatenga uye nezvose zviri pasi, uye kunyangwe mukava munozviratidza zviri mamuri kana kuzvivanza, Allah vachave vanokubvunzai pamusoro pazvo. Uye vanoregerera wavada uye vanopa mutongo wavada. Uye Allah vanokwanisa kuita zvese
Verse 285 — Surah Al-Baqarah 2:285
Mutumwa (Muhammad (SAW)) anotenda kune izvo zvakadzikiswa kwaari kubva kuna Tenzi vake, uye nevatendi. Mumwe neumwe wavo anotenda munaAllah, ngirozi dzavo, magwaro avo, uye nevatumwa vavo. (Vanoti): “Hatisarudzi pakati peumwe neumwe wevatumwa vavo,” uyezve vanoti: “Tinonzwa uye tinotevedzera. (Tinokumbira) ruregerero rwenyu, Tenzi vedu, uye kwamuri ndiko kune kudzokera (kwedu tese).”
Verse 286 — Surah Al-Baqarah 2:286
Allah havaremedzi munhu pane izvo zvaasingakwanisi kuita. Anowana mubairo pane zvakanaka zvaakaita, uye anotongwa pane zvakaipa zvaakaita. “Tenzi vedu! Musava munotitonga kana takanganwa uye kana kukanganisa. Tenzi wedu! Musava munotitakudza mutoro semutoro wamakatakudza avo vaivepo tisati tavapo (maJudha nemaKristu). Tenzi wedu! Musava munotitakudza mutoro watisingakwanisi kutakura. Tiregererei uye motipawo ruregerero. Ivai munotiitirawo nyasha. Ndimi muchengeti wedu, uye mova munotipawo kundiso pamusoro peavo vanhu vasingatendi.”