Back to Languages
Shona - Chapter 20
Translation by Abdullah J. M. Adini And Students
Verse 1
Twaa – Haa. (Aya mavara ndemamwe ezvishamiso zveQur’aan, uye hakuna kana ani zvake anoziva zvaanoreva kunze kwaAllah)
Verse 2
Hatina kuburutsa Qur’aan (iri) kwauri (Muhammad (SAW)) kuti tikupe matambudziko (tikushungurudze)
Verse 3
Asi kuti seyeuchidzo kune avo vanotya (Allah)
Verse 4
Iburutso kubva kune vakasika nyika nematenga kumusoro-soro
Verse 5
(Allah) vane Ngoni vakakwira pamusoro peArsh (Chigaro Choumambo chinoenderana noukuru hwavo usingaperi, uye vakakwira nenzira inoenderana neumambo wavo)
Verse 6
Zvose zviri mumatenga nemunyika, nezviri pakati pazvo nezviri pasi pevhu ndezvavo (Allah)
Verse 7
Uye (iwe Muhammad (SAW)) ukave unotaura zvinonzwika, zvirokwazvo, (Allah) vanoziva zvakavanda nezvakanyanya kuvanda
Verse 8
Allah! Laa ilaaha illaa Huwa (Hakuna umwe anofanirwa kunamatwa kunze kwavo (Allah))! Mazita ose akanaka ndeavo (Allah)
Verse 9
Uye nyaya yaMusa yati yambouya here kwauri
Verse 10
Apo paakaona moto ndokuti kune mhuri yake: “Mirai! Zvirokwazvo, ndaona moto, dzimweni dzenguva ndingangokuvigirai rasha (rine moto) kubva kwauri (moto iwowo), kana kuti ndowana nhungamiririro kune moto (iwowo).”
Verse 11
Uye paakasvika kwauri (moto uya) akave anoshevedzwa (nezita kuti): “Iwe Musa!”
Verse 12
“Zvirokwazvo, ndini Tenzi vako (Allah)! Naizvozvo kurura shangu dzako, zvirokwazvo, uri mumupata unoyera weTuwa.”
Verse 13
“Uye ndave ndinokusarudza. Naizvozvo chinzwa zvichaburutswa (kwauri).”
Verse 14
“Zvirokwazvo, ndini Allah! Laa ilaaha illaa Ana (Hakuna mumwe mwari anofanirwa kunamatwa kunze kwangu), naizvozvo iva unondinamata, uye uve unoita Swalaah (Munamato) senzira yekundiyeuka.”
Verse 15
“Zvirokwazvo, Nguva (Zuva rekutongwa) irikuuya, uye ndiri pedo pedo nekuiviga, nokuda kwekuti munhu wese ave anotuswa (anopuhwa mubairo wake) mune izvo zvaakashingirira kuita.”
Verse 16
“Naizvozvo uyo asingatendi mairi (Nguva) asi achitevedzera zvido zvemoyo wake, ngaasave anokutadzisa (kutenda mairi nguva iyi) kuda ungangoparara.”
Verse 17
“Uyezve chiicho chiri muruoko rwako rwerudyi, nhai Musa?”
Verse 18
(Musa) akati: “Iyi itsvimbo yangu, ndinoizendamira, uye ndinoikoshomoresa mashizha anozodyiwa nehwai dzangu, uye ndinowanawo zvimwe zvishando mairi.”
Verse 19
(Allah) ndokuti: “Naizvozvo ikande pasi, iwe Musa!”
Verse 20
Naizvozvo akaikanda pasi, chiriporipotyo yakanga yava nyoka, yaizvonyongoka nekukurumidza
Verse 21
(Allah) ndokuti: “Itore hako uyezve usatye, tichave tinoidzosera kuchimiro chayo chokutanga.”
Verse 22
“Uyezve dzvanyidzira ruoko rwako (rworudyi) murutivi rwako (rweruboshwe), rwuchabuda rwuchipenya rwusina kana chirwere sechimwe chiratidzo.”
Verse 23
“Nokuda kwekuti tikuratidze (zvimwe) zvezviratidzo zvedu zvikuru.”
Verse 24
“Chienda kuna Fir’aun (Farawo)! Zvirokwazvo, ava anozvitutumadza (anoita mabasa asakarurama).”
Verse 25
(Musa) ndokuti: “Tenzi vangu! Ndivhurireiwo chipfuva changu (Ndipeiwo chivimbisiko – chokwadi, chekaniso nekugutsikana kuti ndichave ndinokunda).”
Verse 26
“Uyezve ivai munondirerutsira chisungo changu (basa rangu).”
Verse 27
“Uyezve sunungurai chifundo kubva parurimi rwangu (bvisai kutadza nekukanganisa kwangu mukutaura).” (Izvi zvokutadza kutaura zvakanaka – kukama kwaMusa kwakauya nokuda kwerasha raiva nemoto raakaisa mukanwa achiri mwana mudiki)
Verse 28
“Kuti vanzwisise mashoko angu.”
Verse 29
“Uyezve muve munondisarudzirawo mubatsiri wangu kubva mumhuri yangu.”
Verse 30
“Haaroon (Aroni), mukoma wangu.”
Verse 31
“Ivai munowedzera simba rangu kuburikidza naye.”
Verse 32
“Uyezve mubatanidzei neni pamushando wangu (wekusvitsa mashoko aAllah uye neuporofita).”
Verse 33
“Kuti tive tinokurumbidzai kazhinji.”
Verse 34
“Uye kuti tive tinokurangarirai kazhinji.”
Verse 35
“Zvirokwazvo, imi ndimi munenge makangotirinda.”
Verse 36
(Allah) vakati: “Wave unopihwa zvawakumbira, iwe Musa!”
Verse 37
“Uye zvirokwazvo tave tinoita mutsa kwauri zvekare.”
Verse 38
“Apo patakaburutsa kuna amai vako izvo zvatakaburutsa.”
Verse 39
“(Patakati): ‘Mugadzikei (mwana wenyu) muTaboot (Bhokisi kana kuti Mukwembe kana kuti Chityu), uye mogadzika (bhokisi racho) murwizi (rweNile), pedzezvo rwizi rwuchakanda (bhokisi iroro) kumahombekombe (kwerwizi). Muvengi wangu nemuvengi wake (Farawo) achave anomutora (kubvapo). Uyezve ndakave ndinogadzika (kanda) rudo rwangu (ini Allah) pauri, kuti ukure uri pasi peziso rangu (ndichikuchengeta).’”
Verse 40
“Apo hanzvadzi yako payaifamba ndokubva yati: ‘Ndingakutungamirirei here kune anokwanisa kumuriritira?’ Naizvozvo takakudzosera kuna amai vako, kuti maziso avo ave anotonhorerwa uye kuti (amai vako) vasashushikane. Uyezve wakauraya munhu, asi takakubatsira kubva mumatambudziko, uye zvekare tikave tinokuedza (ne)miedzo (mikuru). Naizvozvo, wakave unogara kwemakore akati kuti nevagari vekuMadyan (Midian). Pedzezvo wauya kuno nenguva yandakakutarira, iwe Musa!”
Verse 41
“Zvekare ndave ndinozvisarudzira iwe kuti uve wangu.”
Verse 42
“Chienda iwewe nemukoma wako nezviratidzo zvedu, zvekare musave munotemberenuka mukundirangarira.”
Verse 43
“Chiendai (muri vaviri) kuna Farawo, zvirokwazvo, (Farawo) ave anopfurikidza mwero.”
Verse 44
“Uye motaura naye zvinyoro-nyoro, dzimweni dzenguva achatambira yeuchidzo kana kuti achatya.”
Verse 45
Vakataura (Musa naHaaroon (Aroni)) vakati: “Tenzi vedu! Zvirokwazvo, tinotya kuti (Farawo) anganokurumidza kuti ranga kana kuti angangoita zvisakarurama kwatiri.”
Verse 46
(Allah) vakabva vati: “Musave munotya. Zvirokwazvo, ndinenge ndinemi (muruzivo rwangu) ndichinzwa nekuona (zvese).”
Verse 47
“Saka chiendai kwaari muri vaviri mobva mati: ‘Zvirokwazvo, tiri vatumwa vaTenzi vako (iwewe Farawo). Saka titume (tiende) nevana veIzirairi uyezve usave unovaranga. Zvirokwazvo, tauya nehumboo kubva kuna Tenzi vako (Allah). Uye runyararo ruchave pane uyo achatevedzera gwara rakaswatuka (kutenda muna Allah)!’”
Verse 48
“Zvirokwazvo zvave zvinoburutswa kwatiri kuti chokwadi mutongo uchave pane uyo acharamba (kutenda muhumwechete hwaAllah nemuvatumwa vake), uye (uchave uri pane uyo) achashozhonoka (achafutarita chokwadi).”
Verse 49
(Farawo) ndokuti: “Saka ndianiko Tenzi venyu muri vaviri, nhai iwe Musa?”
Verse 50
(Musa akapindura) akati: “Tenzi vedu ndeavo vakapa chinhu chose chimiro chachona, pedzezvo ndokuchitungamira.”
Verse 51
(Farawo) ndokuti: “Naizvozvo munotiiko nezvezvizvarwa zvokutanga (zvakare)?”
Verse 52
(Musa) ndokupindura achiti: “Ruzivo (irworwo) pamusoro pavo rwuna Tenzi vangu mubhuku. Tenzi vangu havakanganise kana kukanganwa.”
Verse 53
(Tenzi vangu) ndeavo vakaita kuti nyika kwamuri ive semubhedha (wakangowaridzwa), zvekare (ndiTenzi vangu) vakakuvhurirai nzira mairi, uye vakaburutsa mvura kubva kumatenga. Uye (isu Allah) takaburitsa mhando dzakasiyana siyana (ndudzi) dzezvirimwa kuburikidza nayo (mvura)
Verse 54
Idyai uye muve munofudza zvipfuyo zvenyu! Zvirokwazvo, imomo mune maAayaat (zviratidzo) kune vanhu vanonzwisisa
Verse 55
Kubva mairi (nyika) takakusikai, uyezve imomo (mudumbu menyika/ivhu) tichakudzoserai, uye zvekare kubvamo (mudumbu menyika/muvhu) tichakuburitsai neimwe nguva
Verse 56
Zvirokwazvo, (Farawo) takamuratidza maAayaat edu (zviratidzo zvedu), asi akaramba uye akapokana nazvo
Verse 57
(Iye Farawo) akati: “Asi wauya kuzotiburitsa munyika medu (kuti pamba) kuburikidza nehuroyi hwako (mapipi ako), nhai iwe Musa?”
Verse 58
“Uye zvirokwazvo tinokwanisa kukuvigira mapipi akafanana neaya. Naizvozvo gadzira chibvumirano (chokusangana) pakati pedu newe, icho hatizombochityori isu kana iwe zvekare, panzvimbo iri pachena iyo yatichakwanisa kuita zvakaenzana (uye vaoni vachinyatsoona makwikwi nekupupura).”
Verse 59
(Musa) ndokuti: “Nguva yekusangana pachibvumirano chenyu izuva remabiko, uye vanhu ngavaunganidzwe mangwanani (zuva rabuda).”
Verse 60
Naizvozvo (Farawo) akashozhonoka (akatendeuka), ndokuunganidza zvipandwa zvake (mapangano ake), pedzezvo ndokuuya (ndokudzoka)
Verse 61
Musa akati kwavari: “Marwadzo kwamuri (Chenjerai)! Musave munovambira Allah manyepo, vangangokuparadzai nemurango. Uye muvambi wemanyepo (pamusoro paAllah), achave anokundikana zvikuru.”
Verse 62
Naizvozvo vakave vanoita mapisha-pisha (mapokano) pachisungo chavo pakati pavo, zvekare vakachengetedza chivere-vere (chavo)
Verse 63
Vakati: “Zvirokwazvo, vaviri ava ndivo varoyi. Varikuda kukuburitsai (kukupambai) kubva munyika yenyu kuburikidza nemashiripiti avo, pamwe nokuenda nenzira yenyu yepamusoro-soro (kukutorerai vokanda kure nzira yenyu).”
Verse 64
“Naizvozvo unganidzai zvipandwa zvenyu (mapangano enyu), pedzezvo mouya moita mutsetse. Zvekare uyo achakunda muzuva ranhasi achabudirira.”
Verse 65
Vakati: “Iwe Musa! (Zviri paviri) wotanga kukanda kana kuti isu tova vokutanga kukanda?”
Verse 66
(Musa) ndokuti: “Asi kandai zvenyu (kwekutanga)!” Chiriporipotyo, tambo dzavo netsvimbo dzavo nemapipi avo dzakasutsa kwaari sokunge dzaizvongonyoka nekukurumidza
Verse 67
Saka Musa akave nekutya muhana make
Verse 68
Isu (Allah) takabva tati: “Usave unotya! Zvirokwazvo, iwewe uchave pamusoro (uchakunda).”
Verse 69
“Uye kanda pasi chiri muruoko rwako rwekurudyi! Chichamedza (zvose) zvavagadzira. Zvirokwazvo, vagadzira pangano (chipandwa) rehuroyi, zvekare munhu wemashiripiti haabudirire kose kwaanouya nako (nehunyanzvi wake).”
Verse 70
Naizvozvo vaiti vemapipi vose vakadonhera pasi vakagwadaira ndokuti: “Tinotenda munaTenzi vaHaaroon (Aroni) naMusa.”
Verse 71
(Farawo) ndokuti: “Matenda maari ndisati ndakubvumidzai? Zvirokwazvo, mukuru wenyu akakudzidzisai mashiripiti (kuita mapipi). Naizvozvo, ndichacheka-cheka maoko enyu zvekare nemakumbo enyu kubva kumativi akapesana (gumbo rerudyi neruoko rwekuruboshwe kana kuti mamwe mativi), zvekare ndichakukomererai pamahunde emadheti (Nakheel – michero yakada kungofanana neshumha asi kuti ihuru uye inotapira zvikuru), uye muchanyatsoziva kuti ndiani pakati pedu akaoma pamurango uye aneraramo isingaperi (pakati pangu ini Farawo naTenzi vaMusa - Allah).”
Verse 72
Vakabva vati: “Hatimbokude kupinda (pane) zvauya kwatiri kubva muzviratidzo (zviri pachena) uyezve naAllah avo vakatisika. Naizvozvo, ipa chisungo chaunoda. Zvirokwazvo, iwewe unotonga zvehupenyu uno hwepanyika.”
Verse 73
“Zvirokwazvo, tave tinotenda muna Tenzi vedu nekuda kokuti vatiregerere zvitadzo zvedu, zvekare (vatiregerere) kubva mune mashiripiti hwakatimanikidzira isu. Uyezve Allah vakanaka (kupinda Farawo mumibairo) uye vane raramo isingaperi.”
Verse 74
Zvirokwazvo, uyo anouya kuna Tenzi vake ari Mujrim (mutadzi, asingatendi muhumwechete hwaAllah achiita mabasa erima), naizvozvo zvirokwazvo, Gehena ndorake umo maasingambofi kana kurarama
Verse 75
Asi uyo anouya kwavari (Tenzi vake) ari mutendi (muhumwechete hwaAllah) apo anenge akaita mabasa akasvonaka, naizvozvo ndivavo vanenge vaine ukuru hwekumusoro-soro
Verse 76
Mapindu eAdn (Paradhiso), umo nzizi dzinoerera pasi pawo (mapindu), uye vachagaramo zvamuchose. Uye uyu ndiwo mubairo weuyo anozvichenesa (anosiya kuita zvose zvakarambwa naAllah uye oita zvavakabvumidza)
Verse 77
Zvirokwazvo, takaburutsa kuna Musa (kuti): “Famba rwendo nevaranda vangu usiku, uyezve ovarovera nzira yakaoma mugungwa, usingatombotye kukurirwa (naFarawo) kana kutya (kunyura mugungwa).”
Verse 78
Naizvozvo Farawo akavatevedza (akavasona) nemauto ake, ndokubva vafugidzwa (nemvura yemugungwa) ndokunyatsofugidzwa
Verse 79
Uye Farawo akarasisa vanhu vake, uye haana kuvatungamirira (kunzira yakatwasuka)
Verse 80
Imi vana vaIzirairi! Takave tinokubatsirai kubva kumhandu yenyu (Farawo), uyezve tikaita chitsidzo nemi padivi pekurudyi kwegomo, zvekare tikaburutsirai Al-Manna (chikafu chinozipa) neAs-Salwaa (Zvihuta)
Verse 81
(Tikati): “Idyai mune At-Tayyibaat (zvakanaka) zvatakupai, uye musaita zvisakarurama nazvo (At-Tayyibaat). Hasha dzangu dzingangokuwirai (kukumharai). Uye uyo anenge awirwa (amharwa) nehasha dzangu, anenge aparadzwa.”
Verse 82
Uye zvirokwazvo, ini ndiri muregereri kune uyo anokumbira ruregerero, uye anotenda (muhumwechete hwangu, asingandisanganise nezvimwe zvinhu mukundinamata), uye achiita mabasa akasvonaka, pedzezvo anoramba ari munzira yakatwasuka (kusvikira afuga rake oga – ashaya)
Verse 83
“Uye chii chakukurumidzisa kubva kuvanhu vako, nhai Musa?”
Verse 84
(Musa) ndokuti: “Vari pedyo panhanho (panhano) dzangu, uye ndakurumidza kuuya kwamuri, Tenzi vangu (Allah), kuti muve munofara.”
Verse 85
(Allah) ndokubva vati: “Naizvozvo zvirokwazvo, tave tinoedza vanhu vako mushure mako (usipo), uye As-Saamiriyy (Saamiri) ave anovarasisa (kuvabuditsa mugwara rakaswatuka).”
Verse 86
Naizvozvo Musa akadzokera kuvanhu vake aine hasha nekusuruvara ndokuti: “Imi vanhu vangu! Tenzi venyu havana kukuvimbisai chivimbiso chakanaka here? Asi chivimbiso (ichi) chave nenguva yakareba here kwamuri? Kana kuti maida kuti hasha kubva kuna Tenzi venyu dzidzike pamuri nekutyora mhiko dzenyu kwandiri (nekusatenda muna Allah nekunamata kamhuru)?”
Verse 87
Vakati: “Hatina kutyora chitsidzo chako kwauri nekuda kwedu, asi kuti takatakuriswa mitoro kubva muzvinemo zvevanhu (vaFarawo), naizvozvo, takazvikanda (mumoto), izvo ndizvo zvakaitwa naSaamiri.”
Verse 88
Ndokubva (Samiri) avaburitsira (kubva mumoto) (chipamaso) chemhuru (chakanga) chine muviri waiburitsa murikitira wokukuma. Ndokubva vati: “Ichi ndicho (ilaah) mwari wenyu pamwe na (ilaah) mwari waMusa, asi kungoti (Musa) akanganwa (mwari wake).”
Verse 89
Havana kuona kuti (mhuru iya) yakanga isingadzoseri (kana) nezwi kwavari, uye yakanga isina simba rokuvakuvadza kana kuvaitira zvakanaka
Verse 90
Zvirokwazvo, Haaroon (Aroni) ange ataura kwavari kubva kare (akati): “Imi vanhu vangu! Zvirokwazvo, murikutoedzwa kuburikidza nayo (mhuru), uye zvirokwazvo, Tenzi venyu (ndeavo) vane nyasha zhinji, naizvozvo, nditeverei moteerera murau wangu.”
Verse 91
Vakati: “Hatizi kuzombomira kuinamata (mhuru iyi) kusvikira Musa adzoka kwatiri.”
Verse 92
(Musa) ndokuti: “Iwe Haaroon (Aroni)! Chii chakakutadzisa apo pawakavaona vachirasika
Verse 93
Kunditevera? Asi wakaramba kuteerera murairo wangu?”
Verse 94
Iye Haaroon (Aroni)) ndokuti: “Iwe mwana waamai vangu! Usave unondidhonza nendebvu dzangu kana nemusoro wangu? Zvirokwazvo, ndakatya kuti uchazoti: ‘Wakaparadzanisa pakati pevana vaIzrairi, uye hauna kuremekedza (izwi) shoko rangu.’”
Verse 95
(Musa) ndokuti: “Ko chiiko chakunetsa, nhai iwe Samiri (wakazviitirei zvawakaita)?”
Verse 96
(Samiri) ndokuti: “Ndakaona zvavasina kuona, naizvozvo ndakanokora ruoko rumwe (rwevhu) kubva pajakanya yemutumwa (pakanga patsika bhiza remutumwa Gabriel hwanda dzaro), ndokubva ndaakanda (mumoto umo makaiswa zvinokosha zvevanhu vaFarawo). Uye saizvozvo, ndizvo zvakarongwa nemoyo (nemuviri) wangu.”
Verse 97
(Musa) ndokuti: “Naizvozvo chienda (ibva pano)! Uye zvirokwazvo, muhupenyu hwako, (mutongo wako) ndewekuti unenge uchiti (kune vanhu): ‘Musandibate (uchagara wega uye hapana anenge achida kuva newe); uye zvirokwazvo, (muhupenyu hwako) uchava nechitsidzo chisingatyorwi. Uye chitarisa kuna Ilaah (mwari) wako uyo wawanga uchinamata (pose apa). Zvirokwazvo, tichachipisa, pedzezvo tichachimwararira mugungwa zviri zvimadota-dota tsengwerengwe semhande.’”
Verse 98
Zvirokwazvo, Mwari vako ndiAllah, avo Laa ilaaha illa Huwa (Hakuna chimwe chinhu chinofanirwa kunamatwa kunze kwavo (Allah)). Ruzivo (rwaAllah) rwakatambanuka pazvose (Allah vanoziva zvose)
Verse 99
Saizvozvo, tinokurondedzera (iwe Muhammad (SAW)) nyaya dzakaitika usati wavepo. Uye zvirokwazvo, tave tinokupa yeuchidzo (Qur’aan irori) kubva kwatiri mbune
Verse 100
Uyo achave anoshozhonoka kubva kwariri (Qur’aan irori) – (uyo achave anoramba kutevedzera zvarinotaura), zvirokwazvo, achasenga mutoro unorema) wezvitadzo pazuva rekumutswa kwevafi
Verse 101
Vachagara (vacharamba) vakadaro. Kwavari kushata ndekweizvo zvavanenge vakasenga pazuva rokumutswa
Verse 102
Zuva (iro) hwamanda paicharidzwa (kechipiri), pazuva iroro tichaunganidza maMujrimoon (vabati vemabasa akaipa) vakapofomara nenyota
Verse 103
Vachazevezerana nezwi riri pasi (vachiti): “Hamuna kurarama (kugara) kunze kwemazuva gumi.”
Verse 104
Isu tinonyatsozivisisa izvo zvavachataura, apo uyo anoziva kudarika vose (uye ane hungwaru kudarika vose) (achati): “Hamuna kurarama kunze kwezuva (rimwechete)!”
Verse 105
Uye vanokubvunza maererano nemakomo. Naizvozvo iti: “Tenzi vangu vachave vanowaparadza paradzo yechokwadi kusara angova huruva.”
Verse 106
“Pedzezvo, (Allah) vachamasiya (makomo) akati chechetere (ware-ware) akanyatsodzauka (akasandarika).”
Verse 107
“Hamumboonemo kutsveyama kana kuminama.”
Verse 108
Zuva iroro (vanhu) vachanyatsotevedzera (izwi) romushauri mushevedzeri (waAllah) nerumano (zvisina kutamba mukati) zvisina kutsveyama (mukati). Mazwi (ose) achazvininipisa kune vane ngoni zhinji (Allah), naizvozvo haumbonzwe (kana chii zvacho) kunze kwemitsindo yavo
Verse 109
Pazuva iroro reverero haizobatsira, kunze kwe uyo anenge abvumidzwa neavo vane ngoni zhinji (Allah) uye wavanenge vafadzwa neshoko rake
Verse 110
(Allah) vanoziva izvo zvinoitika kwavari (zvisikwa zvavo Allah) panyika pano, uye zvichazoitika kwavari (muhupenyu hwamangwana), asi ivo havatombokwanisa kutenderedza (kana chii zvacho) cheruzivo rwavo (Allah)
Verse 111
Uyezve zviso (zvose) zvichazvininipisa pamberi (paAllah) Al-Hayyul Qayyoom (Vane hupenyu husingaperi, avo vanopa raramo kuzvisikwa uyezve vanodzivirira). Uye uyo akasenga mabasa akaipa ehudzvanyiriri, achave anokundikana zvirokwazvo (pazuva iroro)
Verse 112
Zvekare uyo anoita mabasa akanaka, apo ari mutendi (muMuslim anonamata Allah mumwe chete), naizvozvo, haazombotya hudzvanyiriri kana kumiswa (kwemubairo wake)
Verse 113
Uye saizvozvo, takariburutsa Qur’aan muchiArabhu, zvekare tikatsananguramo yambiro muhurefu kuti dzimweni dzenguva vangatye (Allah), kana kuti (Qur’aan rino rive) rinovaita kuti vayeuke
Verse 114
Naizvozvo, pamusoro-soro pezvose pana Allah, Mambo vechokwadi. Uye usave unokurumidza neQur’aan (iwe Muhammad (SAW)) burutso yaro isati yapedzwa kwauri, zvekare iva unoti: “Tenzi vangu (Allah)! Ndiwedzereiwo ruzivo.”
Verse 115
Uye zvirokwazvo takave tinotsiidzirana naAdam makare, asi akakanganwa, zvekare hatina kuwana simba rokuda maari
Verse 116
Zvekare (rangarira) apo patakati kungirozi: “Gwadamirai Adam!” Naizvozvo (ngirozi) dzakagwadama (dzese) kunze kwaIblees (Satani) akaramba
Verse 117
Naizvozvo takati: “Iwe Adam! Zvirokwazvo, uyu (Satani) muvengi wako uyezve kumudzimai wako. Naizvozvo ngaasave anokubuditsai muri vaviri (Adam naHawwa (Evha)) kubva muParadhiso, kuti uve unoshushikana.”
Verse 118
“Zvirokwazvo, (chitsiidzo chaTenzi venyu Allah kuti) hamuziye nenzara imomo (muParadhiso) kana kuve muhwi.”
Verse 119
“Zvekare hamumbonzwa nyota imomo (muParadhiso) kana (kutambudzika kubva) mukupisa kwezuva.”
Verse 120
Pedzezvo Shaytaan (Satani) akazevezera kwaari achiti: “Iwe Adam! Ndingakutungamira here kune muti unopa raramo isingaperi uye kune humambo husingaperi?”
Verse 121
Pedzezvo vakadya vari vaviri (Adam naHawwa (Evha)) kubvamo (mumuti), naizvozvo nhengo dzavo (dzemuviri) dzakatanga kuoneka kwavari, uye (vaviri ava) vakatanga kuzvifugidza nemashizha emuParadhiso. Saizvozvo Adam haana kuteerera Tenzi vake (Allah), ndokurasika
Verse 122
Pedzezvo Tenzi vake (Allah) vakamusarudza, uye vakatambira (chikumbiro) (che) ruregerero, ndokumutungamira
Verse 123
(Allah) vakati: “Burukai (zvenyu) muri vaviri (kubva muParadhiso muchienda panyika) mose, vamwe venyu vari mhandu kune vamwe. Naizvozvo kana nhungamiriro yauya kwamuri kubva kwandiri, nokudaro uyo achatevera nhungamiriro yangu haarasike kana kushushikana.”
Verse 124
“Uyezve uyo anenge ashozhonoko (afuratira) yeuchidzo yangu (acharamba kutenda kana kutevedzera Qur’aan), zvirokwazvo, achave neraramo yakaoma, uye tichamumutsa (kubva kuvafi) pazuva rokumutswa ari bofu.”
Verse 125
Achati: “Tenzi vangu (Allah)! Nemhaka yei mandimutsa (kubva kuvafi) ndiri bofu, apo ndaiwona (ndiri panyika)?”
Verse 126
(Allah) vachati: “Saizvozvo, ndima (zviratidzo zvedu) dzedu dzakauya kwauri, asi ukadzikanganwa, uye saizvozvo zvirokwazvo muzuva ranhasi uchave unokanganwikwawo.”
Verse 127
Uye saizvozvo tinotusa (tinopa mubairo) uyo anopfurikidza (miganhu, mirau yaAllah), zvekare (uyo) asingatendi mumaAayaat (zviratidzo, zvidzidziso, ndima, umboo) aTenzi vake, uye murango wekuAakhirah (hupenyu hwamangwana) hwakaoma uyezve hwurefu
Verse 128
Aisi tungamiriro (yakatwasuka) kwavari here kukwanisa kuziva kuti zvizvarwa zvingani zvatakaparadza ivo vasati vavepo, izvo mudzimba dzazvo varikufamba? Zvirokwazvo, mune maAayaat (zviratidzo, zvidzidzo, uchapupu, umboo) kune vanhu vanonzwisisa
Verse 129
Uyezve ingadai risiri izwi rakatanga kubva kuna Tenzi vako (Allah) nenguva yakatarwa, (murango wavo) ungadai wakatouya (kuzovaranga panyika pano)
Verse 130
Naizvozvo iva unotsungirira (Iwe Muhammad (SAW)) pane zvose zvavanotaura, uyezve iva unorumbidza rumbidzo yaTenzi vako zuva risati rabuda uyezve risati ranyura, uyezve kubva munguva dzeusiku rumbidza, uyezve panoperera zuva (zvichireva minamato mishanu pazuva), dzimweni dzenguva ungangofadzwa (nemubairo waTenzi vako, Allah)
Verse 131
Uyezve usave unonetsekana nekuvhurisa maziso ako nekuda kuti uone izvo zvinonakidza zvatakapa mapoka akasiyana, maruva enyika, kuti tigovayedza kuburikidza nazvo. Uye raramo yaTenzi vako (mubairo wakanaka muhupenyu hwemangwana) yakanakisisa uye haipere
Verse 132
Uyezve iva unokomekedza Swalaah (Munamato) kumhuri yako, uye wova unotsungirira pairi. Hatikukumbire Rizq (Raramo), asi isu tisu tinotokupa (Rizq). Uye magumo akanaka ndeeavo vanotya Allah
Verse 133
Uye vanoti: “Ko nemhaka yei asingatiunzire Aayah (Umboo, Chiratidzo) kubva kuna Tenzi vake?” Hauna kuuya here kwavari humboo uyo uri mumashizha ekutanga (Mabhuku eTorah neInjeel (Vhangeri), maererano nekuuya kwaMuhammad (SAW)
Verse 134
Uye ingadai takavaparadza makare uyu haasati auya (Muhammad (SAW)) nemurango, zvirokwazvo vaizoti: “Tenzi vedu (Allah)! Ingadai makatitumira mutumwa, chokwadi tingadai takatevedzera maAayaat (ndima, zvidzidzo, umboo) enyu (Allah) kubva kare kare tisati tadzikisirwa nekunyadziswa.”
Verse 135
Iti (iwe Muhammad (SAW)): “(Mutendi neasingatendi) mumwe nemumwe akamirira, naizvozvo miriraiwo, uye muchazoziva henyu kuti ndivanaani vari munzira yakaswatuka (Islaam) uye ndivanaani vakatungamirwa (kunzira yakatwasuka yeIslaam).”