Back to Languages
Shona - Chapter 50
Translation by Abdullah J. M. Adini And Students
Verse 1
Qaaf (Mashoko aya ndemamwe ezvishamiso zviri muQur’aan, uye hapana anoziva zvaanoreva kunze kwaAllah). (Ndinopika) neQur’aan dzvene
Verse 2
Vanoshamiswa kuti kwakauya muyambiri kwavari (Muhammad (SAW)) kubva mukati mavo. Naizvozvo avo vasingatendi vanoti: “Ichi ndicho chishamiso!”
Verse 3
“Kana tichinge tafa tave huruva (tichave tinomutswa here)? Ndiko kudzoka kuri kure.”
Verse 4
Tinoziva izvo zvinotorwa nevhu kubva kwavari (vafi), uye tine gwaro rakachengetedzwa (gwaro remirairo)
Verse 5
Asi vakaramba chokwadi (Qur’aan) apo chakange chauya kwavari, nokudaro vakave vanokanganisika (havakwanisi kuona chakaipa nechakanaka)
Verse 6
Havana here kutarisa matenga ari pamusoro pavo, magadziriro atakaaiita uye kushongedza kwatakaaiita, uye haana kutsemuka
Verse 7
Uye pasi rino takariparadzira, uye tikadzika mariri makomo akamira zvakasimba, uye tikaburitsa mariri zvirimwa zvose zvakanaka
Verse 8
Simba rekuona uye yeuchidzo kune muranda wose uyo anocheuka kuna Allah achikumbira ruregerero
Verse 9
Uye tinodzikisa mvura yakakomborerwa kubva kudenga, zvadaro toburitsa mapindu uye zvirimwa zvikohwewa
Verse 10
Uye miti yemadheti yakareba, ine bumburudzi dzakarongedzwa, dzimwe pamusoro pedzimwe
Verse 11
Raramo yevaranda (vaAllah). Uye tinopa raramo nayo kunyika yakanga yaparara. Kudaro kuchave kumutswa (kuchaiitwa vakafa)
Verse 12
Vaivepo ivo vasati vavepo (vasingatendi vekuMakkah) vakaramba, vanhu vaNowa, uye vagari vemuRassi, uye maThamood
Verse 13
Uye Aad, uye Farawo, uye madzikoma aLoti
Verse 14
Uye vagari vemusango, uye vanhu vekuTubba’. Vose vakaramba vatumwa (vavo), nokudaro vakapiwa chirango changu
Verse 15
Takaneta here nezvisikwa zvokutanga? Asi vari mukusagutsikana maererano nezvisikwa zvitsva (Kumutswa kubva kuvafi)
Verse 16
Uye zvirokwazvo takasika munhu, uye tinoziva zvaanozevezera. Uye tiri padyo naye kukunda tsinga dzake dzepahuro (neruzivo rwedu)
Verse 17
(Rangarirai) kuti avo vagashiri vaviri (ngirozi dzinonyora) vanogashira (munhu wese), imwe yakagara kurudyi imwe kuruboshwe (dzichinyora mabasa ese emunhu)
Verse 18
Hapana izwi raanotaura asi kuti pane mutariri akamirira (kunyora pasi)
Verse 19
Uye kudhaka kwerufu kuchauya muchokwadi. Zvichanzi: “Izvi ndizvo zvawaidzivirira!”
Verse 20
Uye hwamanda icharidzwa, ndiro richava zuva rakayambirwa (zuva rekumutswa)
Verse 21
Uye munhu wose achauya mberi pamwechete (nengirozi) ichimutinha uye (nengirozi) kuti igopa uchapupu
Verse 22
(Zvichanzi kumutadzi): “Zvirokwazvo, waive usingazvizivi izvi. Zvino takubvisa zvakanga zvakakupfukidza, uye meso ako ajeka nhasi!”
Verse 23
Uye shamwari yake yepedyo (ngirozi) ichati: “Izvi ndizvo zvatakanyora zvatinazvo!”
Verse 24
(Allah vachati kune ngirozi): “Imi muri vaviri, kandai mumoto, wese aive nemukonyo asingatendi (muhumwechete waAllah nemuvatumwa vavo).”
Verse 25
“Muwomesi wezvakanaka, mupfurikidzi, uyo asingagutsikani.”
Verse 26
“Aisanganisa vamwe vanamwari naAllah. Nokudaro mukandei muri vaviri mumutongo wakaomarara.”
Verse 27
Wepedyo pake (Satani) achati: “Tenzi vedu! Handina kumumanikidza kuti atadze, asi ndiye akanga akarasika zvakanyanya.”
Verse 28
Allah vachati: “Musava munopikisana pamberi pangu, ndakatokutumidzirai yambiro kare.”
Verse 29
“Mashoko abva kwandiri haashanduki uye handidzvanyiriri varanda.”
Verse 30
Iro zuva ratichati kuGehena: “Wazara here?” Richati: “Pane vamwe here (vari kuuya)?”
Verse 31
Uye Paradhiso richaunzwa padyo nevatendi vanotya Allah kwete kure navo
Verse 32
(Zvichanzi): “Izvi ndizvo zvamakanga mavimbiswa, kune avo vanokumbira ruregerero kuna Allah, uye vanochengetedza chitsidzo chavo kuna Allah (kuti vachatevera chitendero chaAllah, Islaam).”
Verse 33
“Uyo aitya avo vane tsitsi dzakawanda (Allah) mune izvo zvisingaoneki uye ouya nemoyo wekukumbira ruregerero (kubva kuzvitadzo zvese).”
Verse 34
“Pinda mariri nerunyararo uye chengetedzo. Iri ndiro zuva rehupenyu husina magumo!”
Verse 35
Imomo vachawana zvido zvemoyo yavo uye tine zvizhinji (kwavari, sekuona Allah)
Verse 36
Uye madzinza mangani atakaparadza mushure mavo ange anemasimba kuvakunda. Uye (apo mutongo wedu wakauya) vakamhanya vachitsvaga rubatsiro kune dzimwe nzvimbo! Vakawana nzvimbo yekuhwanda here (kubva mukuparadzwa)
Verse 37
Zvirokwazvo, mune izvozvo mune yambiro kune uyo ane moyo kana anopa nzeve dzake achiteerera
Verse 38
Uye zvirokwazvo takasika matenga nenyika uye zviri pakati pawo nemazuva matanhatu, uye hatina kuneta nazvo
Verse 39
Nokudaro tsungirira (Muhammad (SAW)) mune zvose zvavanotaura, uye rumbidza kurumbidzwa kwaTenzi vako zuva risati rabuda uye risati ranyura (nekuita minamato yeFajr, Dhuhr ne Asr)
Verse 40
Uye muchidimbu cheusiku varumbidze (nekuita minamato yeMaghrib neIsha), uyezve mushure meminamato (nekuita minamato isingamanikidzirwi maSunnah nekurumbidza uchiti Subhaanallaah, Alhamdulillaah, Allaahu Akbar)
Verse 41
Uye teererai iro zuva apo mudaidzi achadaidzira munzvimbo iri padyo
Verse 42
Iro zuva ravachanzwa kusheedzera kwechokwadi. Iri ndiro richava zuva rekubuda (kubva kumakuva)
Verse 43
Zvirokwazvo, tisu tinopa upenyu uye tinokonzera rufu, uye kwatiri ndiko kwamuchadzokera
Verse 44
Pazuva iro nyika ichatsemuka, vobuda vachimhanya. Uku ndiko kuchava kuunganidza kwatiri kuri nyore
Verse 45
Tinoziva zvakanyanya izvo zvavanotaura. Uye (iwe Muhammad (SAW)) hausi iwe unovamanikidza (kutenda). Asi yambira neQur’aan uyo anotya tyisidziro yangu (yemurango)