Back to Languages

Shona - Chapter 72 - Al-Jinn

Translation by Abdullah J. M. Adini And Students — Permalink

Verse 1 — Surah Al-Jinn 72:1

Iti (Muhammad (SAW)): “Zvadzikiswa kwandiri kuti chikwata chemaJinn (Zvisikwa zvakasikwa nemoto) chaiteerera (Qur’aan iri). Vakati: ‘Zvirokwazvo, tanzwa maverengero akanaka anoshamisa (Qur’aan)!’

Verse 2 — Surah Al-Jinn 72:2

‘Rinotungamirira mugwara rakanaka, uye tinotenda mariri, uye hatimbosanganise (pakunamata) chipi zvacho naTenzi vedu (Allah).’

Verse 3 — Surah Al-Jinn 72:3

‘Uye uMambo waTenzi vedu ndewe pamusoro, havana kutora mukadzi kana mwanakomana.’

Verse 4 — Surah Al-Jinn 72:4

‘Uye vasina kukwana pakati pedu vaitaura pamusoro paAllah manyepo makuru.’

Verse 5 — Surah Al-Jinn 72:5

‘Uye zvirokwazvo taifunga kuti vanhu nemaJinn (Zvisikwa zvakasikwa nemoto) havatauri manyepo pamusoro paAllah.’

Verse 6 — Surah Al-Jinn 72:6

‘Uye zvirokwazvo, mukati mevanhu maive nevarume vaitsvaga rudziviriro kubva kuvarume pakati pemaJinn, asi vakavawedzera mukutadza nekupfurikidza mwero.’

Verse 7 — Surah Al-Jinn 72:7

‘Uye vaifunga semafungiro enyu kuti Allah havazombotumire mutumwa (kuvanhu nemaJinn).’

Verse 8 — Surah Al-Jinn 72:8

‘Uye takati tisvike kudenga asi tikawana kwakazara nevachengetedzi vakasimba uye nemoto unobvira.’

Verse 9 — Surah Al-Jinn 72:9

‘Uye zvirokwazvo, taiwanzogara ikoko muzvikwata, kuti tinzwe, asi upi zvake anoteerera izvezvi anowana moto uchibvira wakamugaririra.’

Verse 10 — Surah Al-Jinn 72:10

‘Uye hatizivi kana chakaipa chashuvirwa kune avo vari panyika, kana kuti Tenzi wavo vanovashuvira nzira yakanaka.’

Verse 11 — Surah Al-Jinn 72:11

‘Pakati pedu pane vamwe vanoita zvakanaka, uye vamwe vanopikisa. Tiri mapoka ane nzira dzakasiyana.’

Verse 12 — Surah Al-Jinn 72:12

‘Uye tinofunga kuti hatipukunyiki (mumarwadzo) kubva kuna Allah panyika, kana kupukunyuka kwavari nekutiza.’

Verse 13 — Surah Al-Jinn 72:13

‘Uye zvirokwazvo, patakanzwa nhungamiro (Qur’aan) takatenda mairi, uye ani nani anotenda kuna Tenzi vake haazombotyi, kana kudzikisirwa mugove wemabasa ake akanaka, kana kuwedzerwa mutongo wezvitadzo zvake.’

Verse 14 — Surah Al-Jinn 72:14

Uye pakati pedu vamwe maMuslim (mushure mekunzwa Qur’aan), uye pakati pedu vamwe havasi vatendi. Uye ani nani anopinda muchitendero cheIslaam, vakadaro ndivo vatsvaga nzira yakanaka.”

Verse 15 — Surah Al-Jinn 72:15

Uye kune avo vasingatendi, vachange vari huni dzemoto wekuGehena

Verse 16 — Surah Al-Jinn 72:16

Dai (vasingatendi) vakatenda muna Allah, uye vakafamba munzira yakanaka (Islaam), chokwadi tingadai takavadzikisira mvura muhuwandu

Verse 17 — Surah Al-Jinn 72:17

Kuti tive tinovaedza naizvozvo. Uye ani nani anobva muyeuchidzo yaTenzi vake (Qur’aan iri), vachamupinza mumarwadzo makuru (Gehena)

Verse 18 — Surah Al-Jinn 72:18

Uye nzvimbo dzekunamatira (maMasjid) ndedzaAllah, saka musava munonamata ani nani naAllah

Verse 19 — Surah Al-Jinn 72:19

Uye muranda waAllah (Muhammad (SAW)) paakamira achivanamata (Allah) mumunamato, (MaJinn) vakamuunganira sekunge vanga vakanamatirana (kuti vanzwe)

Verse 20 — Surah Al-Jinn 72:20

Iti (Muhammad (SAW)): “Ndinonamata Tenzi vangu chete, uye handisanganisi vamwe vanhu naivo.”

Verse 21 — Surah Al-Jinn 72:21

Iti (Muhammad (SAW)): “Harisi simba rangu kukonzera marwadzo kwamuri, kana kukuunzai kunzira yakanaka.”

Verse 22 — Surah Al-Jinn 72:22

Iti (Muhammad (SAW)): “Hakuna anondidzivirira kubva mumarwadzo aAllah (kana ndikasavateerera), kana kuwana pekuhwanda kunze kwavari.”

Verse 23 — Surah Al-Jinn 72:23

“(Changu chete) asi kuparidza chokwadi kubva kunaAllah nemashoko avo. Uye ani nani asingatendi muna Allah uye nemutumwa wavo, zvirokwazvo, kwaari kune moto wekuGehena achagara imomo zvachose.”

Verse 24 — Surah Al-Jinn 72:24

Kusvikira, vaona izvo zvavakavimbiswa, vachaziva kuti ndeupi akarenda mumubatsiri uye muhushoma muuhwandu

Verse 25 — Surah Al-Jinn 72:25

Iti (Muhammad (SAW)): “Handizivi kuti chamakavimbiswa chiri pedyo kana kuti Tenzi vangu achachiita kure.”

Verse 26 — Surah Al-Jinn 72:26

“(Ivo pachavo) vazivi veizvo zvisingaonekwi, uye havazaruriri (havatumiri) ani zvake zvisingaonekwi.”

Verse 27 — Surah Al-Jinn 72:27

“Kunze kune uyo vakamusarudza kuva mutumwa, uye zvirokwazvo, vanogadzira chikwata chevatarisi (ngirozi) kuti dzifore mushure uye nemberi kwake.”

Verse 28 — Surah Al-Jinn 72:28

“Kusvikira vaona kuti vaparidzira mashoko aTenzi wavo (Allah). Uye ivo (Allah) vanoziva zvose zvavanazvo, uye ivo (Allah) vanoziva huwandu wezvinhu zvese.”