Back to LanguagesPrevious ChapterNext Chapter
Shona - Chapter 75 - Al-Qiyamah
Translation by Abdullah J. M. Adini And Students — Permalink
Verse 1 — Surah Al-Qiyamah 75:1
Ndinopika nezuva rokumutswa
Verse 2 — Surah Al-Qiyamah 75:2
Zvekare ndinopika nemoyo unozvipomera mhaka (mutendi)
Verse 3 — Surah Al-Qiyamah 75:3
Asi munhu (asingatendi) anofunga kuti hatizounganidza mapfupa ake
Verse 4 — Surah Al-Qiyamah 75:4
Hongu. Tinokwanisa kuunganidza minwe yake zvakarongeka
Verse 5 — Surah Al-Qiyamah 75:5
Asi munhu (anoramba chiito chokumutswa kubva kuvafi nekutongwa saka naizvozvo) anoshuwira kuramba achiita zvitadzo
Verse 6 — Surah Al-Qiyamah 75:6
Anobvunza: “Zuva iri rokumutswa richave rinhiko?”
Verse 7 — Surah Al-Qiyamah 75:7
Saka naizvozvo apo maziso paachabatwa nechipapadzungu (paachavhiringidzwa)
Verse 8 — Surah Al-Qiyamah 75:8
Zvekare mwedzi pauchadzikatidza (uchaora)
Verse 9 — Surah Al-Qiyamah 75:9
Uye apo pachabatanidzwa zuva nemwedzi (pazvichapindana)
Verse 10 — Surah Al-Qiyamah 75:10
Pazuva iroro munhu achati: “Ko ndekupiko kwekutizira?”
Verse 11 — Surah Al-Qiyamah 75:11
Kwete! Hakuna kwekuhwanda
Verse 12 — Surah Al-Qiyamah 75:12
Kuna Tenzi vako pazuva iroro ndiko kuchange kune nzvimbo yekuzororera
Verse 13 — Surah Al-Qiyamah 75:13
Pazuva iroro munhu acharondedzerwa (achaudzwa) maererano nezvaakaita zvaakatungamidza (zvakanaka nezvakaipa), zvekare nezvaakasiya (zvakanaka nezvakaipa)
Verse 14 — Surah Al-Qiyamah 75:14
Asi munhu achazvipupurira (sezvo nhengo dzomuviri wake (maoko, makumbo, ganda nezvimwewo) zvichitaura maererano nemabasa ake
Verse 15 — Surah Al-Qiyamah 75:15
Nyangwe zvazvo anenge achipa maboterero (mirangariro)
Verse 16 — Surah Al-Qiyamah 75:16
Usatombofambisa rurimi rwako hako nayo (Qur’aan iwe Muhammad (SAW)) kuti rikurumidze kuuya kwauri
Verse 17 — Surah Al-Qiyamah 75:17
Zvirokwazvo, zviri kwatiri isusu zvekuriunganidza uyezve nekukupa (iwe Muhammad (SAW)) masimba ekuriverenga (Qur’aan)
Verse 18 — Surah Al-Qiyamah 75:18
Naizvozvo kana tichinge takuverengera (Qur’aan iwe Muhammad (SAW)) kuburikidza naJibreel (Gabriel (AS)) saka tevedzera maverengero aro (Qur’aan)
Verse 19 — Surah Al-Qiyamah 75:19
Pedzezvo, zvirokwazvo zviri kwatiri isu kuti tinyatsoritsetsenura (tiri jekese) kwauri
Verse 20 — Surah Al-Qiyamah 75:20
Kwete! (Semafungiro enyu, kuti imi (vanhu) hamuzomutswe kubva kuvafi uyezve nekutongwa pamwe nekupihwa mibairo yemabasa enyu), asi kuti munoda hupenyu hwepasi pano
Verse 21 — Surah Al-Qiyamah 75:21
Zvekare, munokanganwa hupenyu hwekuAakhirah (hwamangwana)
Verse 22 — Surah Al-Qiyamah 75:22
Zvimwe zviso pazuva iroro zvichange zviri Naadirah (Zvichipenyerera)
Verse 23 — Surah Al-Qiyamah 75:23
Zvakatarisa kuna Tenzi vazvo (zviso izvozvo)
Verse 24 — Surah Al-Qiyamah 75:24
Zvekare zvimwe zviso pazuva iroro zvichange zviri Baasirah (zvakafinyama, zvakatsamwa kwete zvokutamba zviya, zvakasvibirira)
Verse 25 — Surah Al-Qiyamah 75:25
(Zviso izvi) zvichange zvichifunga kuti nhamo yavakuda kuzviwira
Verse 26 — Surah Al-Qiyamah 75:26
Kwete! Kana (mweya womunhu) uchinge wasvika pabondo (mapfupa ari pedyo nehuro)
Verse 27 — Surah Al-Qiyamah 75:27
Zvekare zvichanzi: “Ndiani angamurape (uyezve nekumubatsira kubva kurufu)?”
Verse 28 — Surah Al-Qiyamah 75:28
Uyezve iye (uyo avakuda kufa) achatenda kuti yave nguva yekusiyana (rufu)
Verse 29 — Surah Al-Qiyamah 75:29
Zvekare rimwe gumbo richabatanidzwa nerimwe (aputirwa mumicheka yeKAFAN)
Verse 30 — Surah Al-Qiyamah 75:30
Pazuva iroro svudzo (kutinhirwa kwevanhu vese vakananga kuna Allah) inenge iri, kuna Tenzi vako (Allah)
Verse 31 — Surah Al-Qiyamah 75:31
Saka naizvozvo, (uyo asingatendi) haana kutenda (muQur’aan neshoko raMuhammad (SAW)) kana kunamata
Verse 32 — Surah Al-Qiyamah 75:32
Asi akaramba (Qur’aan neshoko raMuhammad (SAW)) pamwe nekufuratira
Verse 33 — Surah Al-Qiyamah 75:33
Pedzezvo ndokuenda kune mhuri yake achizvikudza (achizvida chose)
Verse 34 — Surah Al-Qiyamah 75:34
Yambiro kwauri (iwe usingatendi)! Uyezve (zvekare) yambiro kwauri
Verse 35 — Surah Al-Qiyamah 75:35
Pedzezvo yambiro kwauri (iwe usingatendi)! Uyezve (zvekare) yambiro kwauri
Verse 36 — Surah Al-Qiyamah 75:36
Asi munhu anofunga here kuti achangosiiwa (asina kutongeswa kana kuti asina kurangwa pamwe nekupihwa mibairo yake yezvaaiita naTenzi vake Allah)
Verse 37 — Surah Al-Qiyamah 75:37
Akanga asiri Nutfah (urete hwababa naamai) here hwehurete hwakaburitswa
Verse 38 — Surah Al-Qiyamah 75:38
Pedzezvo akava Alaqah (kagovo – karopa kakagwamba). Naizvozvo (Allah) ndokuzomuumba nekumunatsurudza zvakaenzana
Verse 39 — Surah Al-Qiyamah 75:39
Naizvozvo kubva maari (Allah) vakagadzira zvisikwa zviviri (mhando mbiri), chirume nechikadzi
Verse 40 — Surah Al-Qiyamah 75:40
Havasirivo here (Allah avo) vane simba rokupa hupenyu kuvafi? (Hongu! Allah vane masimba ekuita zvose)