Back to Languages

Shona - Chapter 88 - Al-Ghashiyah

Translation by Abdullah J. M. Adini And Students — Permalink

Verse 1 — Surah Al-Ghashiyah 88:1

Ko mashoko ezuva remukomberedzo (rekutongwa) akasvika kwauri here

Verse 2 — Surah Al-Ghashiyah 88:2

Zvimwe zviso pazuva iroro zvichadupukiswa (mumoto, zviso zvevasingatendi)

Verse 3 — Surah Al-Ghashiyah 88:3

Kusevenza (zvakanyanya muhupenyu hwepano pasi nekunamata zvimwe kunze kwaAllah), kunetseka (muhupenyu hwamangwa nekushorwa)

Verse 4 — Surah Al-Ghashiyah 88:4

Vachapinda mumoto unopisa

Verse 5 — Surah Al-Ghashiyah 88:5

Vachapihwa kunwa kubva muchitubu chinokwata (fashaira)

Verse 6 — Surah Al-Ghashiyah 88:6

Vachange vasina chekudya kusara kwemuti weminzwa une muchetura

Verse 7 — Surah Al-Ghashiyah 88:7

Usingavagutsi kana kuvadzivirira kubva kunzara

Verse 8 — Surah Al-Ghashiyah 88:8

(Zvimwe) zviso pazuva iroro zvichange zvichifara

Verse 9 — Surah Al-Ghashiyah 88:9

Vachifadzwa nemabasa avo (akanaka nekutenda kwavo muIslaam)

Verse 10 — Surah Al-Ghashiyah 88:10

Mubindu (Paradhiso) repamusoro

Verse 11 — Surah Al-Ghashiyah 88:11

Uko kwavasinganzwi manyepo

Verse 12 — Surah Al-Ghashiyah 88:12

Mariri (bindu) muchange muine chitubu chinoerera

Verse 13 — Surah Al-Ghashiyah 88:13

Mariri (bindu) muchange muine mibhedha yakareba (zvigaro zvakasimudzwa zviri pamusoro)

Verse 14 — Surah Al-Ghashiyah 88:14

Uye makomichi akarongedzwa

Verse 15 — Surah Al-Ghashiyah 88:15

Uye mapiro akarongwa mumitsara

Verse 16 — Surah Al-Ghashiyah 88:16

Uye makapeti epamusoro (ose) akawaridzwa

Verse 17 — Surah Al-Ghashiyah 88:17

Havatarisi here ngamera masikirwo ayakaitwa

Verse 18 — Surah Al-Ghashiyah 88:18

Uye denga masimudzirwo arakaitwa

Verse 19 — Surah Al-Ghashiyah 88:19

Uye makomo kuti akamiswa sei (zvakasimba)

Verse 20 — Surah Al-Ghashiyah 88:20

Uye pasi kuti rakatambanudzwa sei

Verse 21 — Surah Al-Ghashiyah 88:21

Naizvozvo yeuchidza (Muhammad (SAW)), zvirokwazvo uri muyeuchidzi

Verse 22 — Surah Al-Ghashiyah 88:22

Hausi muchengetedzi wavo (Hauna masimba pamusoro pavo)

Verse 23 — Surah Al-Ghashiyah 88:23

Kusara kweuyo anopikisa uye osiya kutenda

Verse 24 — Surah Al-Ghashiyah 88:24

Uye Allah vachamutonga nemutongo wakakurisisa

Verse 25 — Surah Al-Ghashiyah 88:25

Zvirokwazvo, kwatiri ndiko kune kudzokera kwavo

Verse 26 — Surah Al-Ghashiyah 88:26

Uye zvirokwazvo, kwatiri ndiko kune kutongwa kwavo