Back to Languages

    Shona - Chapter 90

    Translation by Abdullah J. M. Adini And Students

    Verse 1

    Ndinopika neguta iri (Makkah)

    Verse 2

    Uyezve hauna mhosva neguta iri (Wakasununguka muGuta iri)

    Verse 3

    Uyezve nemubereki (Adam (AS)) nezvaakabereka (vana vake)

    Verse 4

    Zvirokwazvo, tave tinosika munhu mumatambudziko

    Verse 5

    Anofunga here kuti hapana anomukurira

    Verse 6

    Anoti (mukuzvikudza): “Ndave ndinorasa hupfumi hwakawanda!”

    Verse 7

    Anofunga here kuti hapana anomuona

    Verse 8

    Hatina here kumugadzirira maziso maviri

    Verse 9

    Uye rurimi nemiromo (wezasi newepamusoro)

    Verse 10

    Uye tikamuratidza nzira mbiri (yakanaka neyakaipa)

    Verse 11

    Asi haana kumboedza kupfuura nenzira yakatevenuka (yakareruka)

    Verse 12

    Uye chii chichakuita kuti uzive kuti nzira yakatevenuka chii

    Verse 13

    Kusunungura muranda (musungwa)

    Verse 14

    Kana kupa chikafu muzuva renzara

    Verse 15

    Kunherera yepedyo

    Verse 16

    Kana kune murombo akarara muvhu (nokuda kweurombo)

    Verse 17

    Uye akazove umwe weavo vanotenda (muIslaam), uye vakakomekedzana kutsungirira, uye vakakomekedzana kunzwira tsitsi

    Verse 18

    Ndivo avo veruoko rwerudyi (vanhu veParadhiso)

    Verse 19

    Asi avo vasina kutenda muzviratidzo zvedu, ndeavo veruoko rweruboshwe (vanhu vekumoto)

    Verse 20

    Vachave vanovharirwa nemoto (Moto uchavakomberedza kubva kumativi ese)