Back to Languages

    Shona - Chapter 92

    Translation by Abdullah J. M. Adini And Students

    Verse 1

    (Ndinopika) neusiku apo paunosvika

    Verse 2

    Nemasikati apo paanobwinya

    Verse 3

    Neavo vakasika chirume nechikadzi

    Verse 4

    Zvirokwazvo, simba nemabasa enyu akasiyana siyana

    Verse 5

    Kune uyo anopa (zvipo) uye achitya Allah

    Verse 6

    Uye achitenda mune zvakanaka (Laa ilaaha illallaah – Hakuna ane kodzero yokunamatwa kunze kwaAllah; kana kuti mubairo kubva kuna Allah)

    Verse 7

    Tichava tinomurerutsira nzira yakanaka

    Verse 8

    Asi uyo asingapi (anonyima), uye achifunga kuti mupfumi (haana chaanoda kubva kune umwe munhu)

    Verse 9

    Uye achiramba Al-Husna (zvakanaka: Laa ilaaha illallaah, kana kuti mubairo kubva kunaAllah)

    Verse 10

    Tichava tinomurerutsira nzira yakaipa

    Verse 11

    Uye hupfumi hwake huchamubatsira chii paachawira pasi (mumatambudziko)

    Verse 12

    Zvirokwazvo, kwatiri ndiko kune nhungamiro

    Verse 13

    Uye zvirokwazvo kwatiri ndiko kune magumo nemavambo (upenyu hwepano pasi neuchatevera)

    Verse 14

    Naizvozvo ndinokuyambirai nezvemoto unopisa (Gehena)

    Verse 15

    Hapana achaupinda kunze kweavo vachange vasina mufaro

    Verse 16

    Avo vanoramba vofuratira

    Verse 17

    Uye Al-Muttaqoon (vatsvene, vanhu vanotya Allah) vachaiswa kure nawo (moto weGehena)

    Verse 18

    Uye anopa hupfumi hwake kuti azvichenese

    Verse 19

    Uye uyo asiri kuripa chakanaka chaakaitirwa naani zvake

    Verse 20

    Kunze kwekuti achitsvaga chiso (kufadza) chaTenzi vake vepamusoro-soro

    Verse 21

    Uye zvirokwazvo mushure maizvozvo, achava anofara (paachapinda Paradhiso)