Back to Languages

    Shona - Chapter 98

    Translation by Abdullah J. M. Adini And Students

    Verse 1

    Avo vasingatendi kubva kuvanhu veBhuku (maJudha nemaKristu) nemaMushrikoon (avo vanonamata zvidori, kana kuti Allah vachivasanganisa nezvimwe zvinhu), vakanga vasingazosiyi (kusatenda) kusvikira humboo huri pachena hwauya kwavari

    Verse 2

    Mutumwa (Muhammad (SAW)) kubva kuna Allah, achiverenga bhuku rakachenurwa (Qur’aan rakachenurwa kubva kumanyepo)

    Verse 3

    Mariri mune mitemo yakatwasuka (kubva kuna Allah)

    Verse 4

    Uye vanhu veBhuku (maJudha nemaKristu) havana kusiyana asi mushure mokunge humboo hwakajeka hwauya kwavari

    Verse 5

    Uye havana kukomekedzwa asi kunamata Allah, uye kunamata Allah chete voga, uye kuita Swalaah (Munamato), uye kupa Zvipo (Zakaah), uye ichi ndicho chitendero chakatwasuka

    Verse 6

    Zvirokwazvo, avo vasingatendi kubva muvanhu veBhuku (maJudha nemaKristu) nemaMushrikoon (avo vanonamata zvidori, kana kuti Allah vachivasanganisa nezvimwe zvinhu) vachange vari mumoto weGehena vachigara imomo. Vanhu vakadaro ndivo zvisikwa zvakashata

    Verse 7

    Zvirokwazvo, avo vanotenda (muIslaam), uye vachiita mabasa akanaka, vanhu vakadaro ndivo zvisikwa zvakanaka

    Verse 8

    Mubairo wavo unaTenzi vavo, Paradhiso rine nzizi dzinoerera pasi paro.Vachagara imomo zvachose. Allah vachafadzwa navo uye ivo vachafadzwa navo (Allah). Izvi ndezve uyo anotya Tenzi vake